Thursday, 6 February 2014

Letter to my sisters. .


How are you doing my lovely sisters, ndinokumbirawo nguva yenyu zvishoma. I just have a few words of advice which I want to share with you concerning nyaya dzemaRelationships, marriage nehupenyu. Hongu ndiri mukomana , pane zvimwe zvandisingazive about girls but kunyangwe zvakadaro ndine imwe information inokosha kubva muBible and also a man I know something which you don’t and just give me 15 minutes of your time.

 

Sisi Delos, ndakanzwa kuti mukomana wamaida akakurambai. Don’t worry my sister if GOD wants you to be married to him, shuwa achadzoka but kana asiri iye, he wont return. Chenjerai kuti munochemera mukomana  who is not the one wamakapihwa naMwari. Don’t be like mwana mudiki anochemera mavhu but iye mubereki achida kumupa chocolate. In the eyes of a child mavhu anenge achiona kunge anonoka but mubereki knows better. You might cry for that guy but ivo Mwari vaine munhu kwaye wavari kuda kukupai. Stop crying about being dumped, kurambwa nemunhu hakuzi kurambwa naMwari. Hagar akarambwa naAbraham but hazvina kureva kuti arambwa naMwari. Pick yourself up and shake off the dust, ramba wakaisa kutenda kwako muna Mwari and “Mr Right” shall come your way.


My sister Kumar, ndakanzwa kuti wakaramba John nekuti aipfeka maT-shirt akaboka but uchida Spencer nekuti anopfeka hembe dzakanaka. But unozviziva here kuti it takes less than 10 minutes kuchinja hembe uchipfeka dzakanaka, but it can take 10 years kuchinja hunhu hwakaboka. John ane hembe dzakaboka hake but ane hunhu uye anotya Mwari, Spencer anopfeka  latest fashion but ane hunhu hwakaboka and haatye Mwari. Reconsider your decision, rega kuFocuser pane zvauri kuona nhasi but consider the future. Suit inodhura haizi love, he can wear maDesigner suits akabva kuDubai but that doesn’t mean kuti he has love. Zvirinani kurorwa nemurume anopfeka dzemubhero aine rudo than kuroorwa nemurume anoCheater but achipfeka maOriginal suit. Proverbs 17:1
​​​​​​​Better is a dry crust of bread where there is quietness ​​​​​​than a house full of feasting with strife.

 

 

Sisi Reyes, im happy for you, card remuchato ndakariona, I wish you the best in your marriage. Mari yePresent handina but I just have a few verses for you, im sure they are worth more than what money can buy.
Ephesians 5:22 Wives, submit yourselves unto your own husbands, as unto the Lord. (Vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu sezvamunoita kuna She.)
kana mava muMarriage you have to submit kuMurume wenyu, you are not doing this for your husband but you are doing it for GOD nekuti ndivo vakadaro. Submission hazvireve abuse or kudzvanyirirwa, kwete. If you truly submit yourself, chokwadi Mwari havakusiye uchishushwa or kurohwa. GOD will surely make it easy for you if you are willing to follow his word.

Chenjera vanhu vanokuudza zveGender equality, hongu Bible handisati ndapedza kuriverenga but im yet to come across verse inoti husband and wife are equal. Yes we can have gender equality kumabasa, muzvikoro, kumaSports but kana dziri nyaya dzeMarriage we have to follow Mwari nekuti ivo ndivo vakatanga neInstitution yeMarriage between Adam and Eve. One quick way to destroy your marriage is to go against what the Bible teaches, iro Bible parinoti submit to your husband, chinja ipapo and let your husband submit to you, uune hako kuti marriage yako inoparara faster sei. The choice is yours kutedzera Shoko raMwari or maStatement emaFeminists. But I advice you kutedzera Mwari. Jeremiah 10:2-3 This is what the LORD says: Do not learn the way of the heathens or be terrified by signs in the heavens, although the nations are terrified by them, for the customs of the peoples are worthless.

 

Sisi Genevie don’t worry zvenyu I know you are worried kuti muchawana here mukomana achakuroorai. Just know kuti Adam ndiye akatanga kusikwa and then Eve followed, so paSystem yaMwari, your Adam is already there, chinongodiwa chete kutsvaga Mwari & He will give you your Adam. Don’t be worried about what society says. Yes vanhu varikuti makore aenda but is GOD saying the same? Just wait upon The Lord’s time, mirirai nguva yaMwari. Ukangoona Jesu achiita kunge auya late, ziva kuti ane latest.

 

Mariben, how are you doing, handisi kufara nemaStatus updates auri kunyora paFacebook. uri Busy kuvhaira kuti mukomana wako ndiDoctor, apa vamwe vasikana vezera rako they are enrolling kuUZ uko kuti vaite maDoctor. Uri  Busy kuvhaira kuti mukomana wako akatenga Alteza, but vamwe vasikana vezera rako they are buying their own cars. usaite nungo dzekuti haudi kushanda but unoda kuzembera maAchievements eVamwe. Ko what if that guy dumps you?, wake up and start to work for yourself. The love of money is the root of all evil, Bible rinotaura wani, madiro ako emari aya chenjera kuti achakupinza mune zvakaipa.

 

Eh my sister Jojo, are you still obsessed with fashion, fake nails, fake hair, fake eye lashers, fake face colour (face powder), fake labels and are you still speaking In that fake American accent and practising a fake character? And you still want A REAL MAN? Ah rega kudaro, be true to yourself, be real and you will attract a real guy. Be fake, and attract a fake guy.

 

Pearl I know you are heart broken after Tinashe cheated on you. Zvinorwadza ndinozviziva considering how long you had dated & how much you loved him. But look at the positive side, ndiMwari vakatoita kuti uwone hunhu hwemumwe wako before wapinda muMarriage. Zvirinani kuti uzive kuti mumwe wako is a cheater when you are still dating, than kuzozviziva mava muMarriage mava nevana. Forgive him and move on, GOD can give you a faithful partner if you put your trust in him.

 

Ko nhai iwe Marissa, uchiri wakanyora status paWhatsapp yekuti “varume imbwa”. Inga ndangati remove it nhai. Hona, varume havazi imbwa, but idzo 2 boys idzodzo dzakakuita rough ndivo vakaita humbwa. Not all men are dogs, there are good men out there. Ukaona Judas achitengesa Jesu, it doesn’t mean kuti vamwe 11 maDisciples ese ndihwo hunhu hwavo. Ukaona 1 murume or even 20 varume vachiita humbwa, hazvireve kuti varume vese dzava imbwa. Usanyeperwe nemaFriends anokuudza kuti all man are the same, hakuna zvakadaro.

 

Getrude i like how you love church activites, ramba wakadaro. As you know we are in the end times and kune vaporofita venhema but hazvigumire ipapo, kune vafundisi venhema, vadzidzisi venhema, maDeacon venhema and also maChristu enhema. Havasi vese anaBrother vemuChurch vaunoonavakauya kuzotsvaga Mwari, vamwe vavo vakauya kuzotsvaga vasikana. Atori paMission yekutsvaga vasikana chete and to deflower them, so rega kuda munhu nekuti akuudza nekuti anopinda muChurch, but just as you test whether a person is a Prophet or not, by the same way, test mukomana iyeye wehther he is a true Christian or not. Pane chakanaka, satan anoda kuisa chakaipa, imo muChurch mune vakomana vakanaka but satan akauyawo kuzokanda vakomana vakaipa. Just like that parable when the enemy came kuzomwaya sora mumunda meWheat. So izvi zvekutoda kuti usimbise hukama hwako naMwari to be able to identify vakomana vari pachokwadi and those vari pamanyepo.



My sisters trust in GOD with all your heart murege kutsvaga maSolutions asingafadze Mwari. Shuwa unozora mafuta ekuti utsvuke nemapiritsi ekuti usimbe so that uwane anokuroora, that’s a sign yekuti you don’t trust GOD that He can give you murume anokuroora just like as you are. Unoita kutyira Mwari kuti ahh if I don’t dress sexy, GOD can not give me mukomana wandiri kuda. Unoita kutyira Mwari kuti mukoma wangu ndikarega kurara naye or to fornicate shuwa anondisiya.. My sisters, Vimba naJehovah, rega kuda kuita zvinhu zvinonyangadza Mwari. Even if mukomana akakuramba because you refused to sleep with him, isa trust muna Mwari, GOD will give you a better guy than iyeye uyo. Its better to offend men and please GOD than to offend GOD and please men.

zvamafunga kuroorwa, chiendai kunoTestwa ropa. Rega kuti kana waona munhu akasimba wofunga kuti haana chirwere or waona akaonda womuti anorwara, NO, we don’t test for HIV with our eyes but ndokusaka tiine new start centre nedzimwe nzvimbo were we can get tested. So ndinokukurudzira kuti iwe mumwe wako muende kunoongororwa ropa musati mapinda muMarriage.

I know peer pressure inogona kukubata, you friends are sleeping around and satan anoda kuzevezera kuti wasarira vamwe they are enjoying uko. I just have one verse for you Proverbs 23:17 inoti “Don’t let your heart envy sinners; instead, always fear the LORD”
rega havo vaite izvozvo but iwe ramba uchitya Mwari, just like Lot haana kuita hungochani nekuti guta rese ndizvo zvariri kuita but akaramba achitya Mwari, just like Noah haana kurarama muhuipi nekuti pasi rose ndizvo zvavari kuita but akaramba achitya Mwari. so no matter how many people are fornicating, iwewe sarudza Mwari and He shall reward you for that.

kunemi hanzvadzi dzangu who lost their virginity to that ex of yours who later dumped you. Very sorry about what happened, hongu pakakanganisika when you decided to sleep with him before getting married, kunyangwe zvakadaro just ask for forgiveness kubva kuna Mwari & vanoregerera. Forgive that guy who dumped you & move on. Ramba wakaisa kutendwa kwako muna Mwari & vachakupa mukomana anokuda sezvauri despite the fact yekuti hausisiri mhandara.

The days eOperation yekuDiscipliner maHwindi muHarare umu, ndakaona mumwe hwindi that I know akapfeka formal, trousers rake, shirt yake bho-bho, akasunga tie. achiLoader combi akagara paBraai stand/paKadoma/paEngine. I later realised kuti he was wearing formal kuitira kuti mapurisa atadze kuziva kuti ndiHwindi uyu because hakuna mahwindi anosunga maTie kana varipa basa. He understood kuti pane dressing ino attracter police, pozoita dressing isinga daidze mapurisa.

 

There is a type of dressing anoAttracter kurohwa, inoAttracter zvinhu zvisina kumira mushe and there is also a type of dressing inoAttracter zvinhu zvakanaka. even muBible chaimo Tamah akagona kupfeka sepfambi in order to attract Judah. (Ge 38:15). nzwisisa nyaya iyi Tamah ainge asiri chipfeve but she dressed seChipfeve and she attracted Judah. so checker dressing yako kuti what attention are you attracting. My sisters mumaStreets umu kwagara kune vanhu vanodenha but muwongororo netsvakiridzo I have realised kuti pssss psss inonyanyoitirwa vanhu vanofamba vari half naked. if you keep knocking on the devil’s door, please don’t cry foul when he answers. chenjera kudrawer attention ichakuchemedza mangwana. Vamwe vakabvarurirwa hembe.

dressing yako ngaive ine hunhu just like zvinotaura 1 timothy 2:9 kuti
Also, the women are to dress themselves in modest clothing, WITH DECENCY and good sense, not with elaborate hairstyles, gold, pearls, or expensive apparel…..iwo maPictures auno poster paFacebook showing off your cleavage, what attention are you attracting? Chenjera kuInviter mukomana anongoda body yako chete, once arara newe he dumps you. Pfekawo zvine hunhu semunhu akabva kuvanhu



above all zvandataura, I just want to urge you kutsvaga humambo hwaMwari chekutanga nekururama kwavo & zvimwe zvese zvachawedzerwa (marriage included), regai kuita desire yekuda kuroorwa inopfura desire yekuda kunamata. GOD first, zvevakomana zvinozotera. Its better to go to heaven single than to go to hell married. Rega kukanganisa spiritual life yako all because of joy yeRelationship inopera but uchirasikirwa neJoy yeEternal life. life is more than about marriage, lest we become like those people in the days of Noah. Matthew 24:38-39 ichiti For in those days before the flood they were eating and drinking, marrying and giving in marriage, until the day Noah boarded the ark.

They didn’t know until the flood came and swept them all away. So this is the way the coming of the Son of Man will be:

 

Hapana chakaipa kuroora kana kuroorwa but it becomes bad when the desire of getting married overrides the desire to follow what the Bible teaches. Nemashoko mashoma iwawa ndinoti keep on praying, isa kutenda kwako muna Mwari kuti vakutungamire.

ndino wako

 

Brother Mharidzo (sermons) paBook reMeso

(please note: the above names are fictional, ukaona zita rako or remunhu waunoziva rafana nemunhu anyorwa muTsamba akafanana, it is just a coincidence)

 

 



Title: Next Door. _____Scripture reading: Luke 10:25-37


This sermon ine musoro wekuti Next Door, zvichibva paWord rekuti Neighbour, ukaenda kunotarisa muDictionary word rekuti Neighbour rinovera a person anogara paNext door or padhuze newe. Ndiyo definition yatajaira iyi yekuti neighbour muvakadzikani wako, but ukauya muBible uchaona kuti Neighbour hazvireve next door yako chete but it also means a stranger, munhu wausingazive wausina  hukama naye. So paya panonzi love your neighbour as you love yourself, hazvireve kuti ida muvakadzani wako chete but zvinoreva kuti you must also love even vanhu vausingazive.  Jesu haana kuti love your good neighbour, aiwa, akangoti love your neighbour, zvichireva kuti whether your next door is good or bad, you must love him, whether that stranger is good or bad, you must love him, ndizvo zvinodzidzisa Jesu.

 

The sermon is based on a common parable yaThe Good Samaritan. Pane Laywer rakabvunza Jesu kuti ndoita sei kuti kuti ndiwane nhaka youpenyu husingaperi?” Jesu akapindura nemubvunzo, he answered a question with a question achiti  “Pamurayiro pakanyorweiko? Unouverenga seiko?”
Lawyer rikapindura rikati, You must love the Lord your God with all your heart, and with all your soul, and with all your strength, and with all your mind; and your neighbour as yourself”
Jesu akapindura akati, “Wapindura zvakanaka. Ita izvozvo ugorarama. Even though munhu ainge apihwa answer, nyaya haina kuperera ipapo, Lawyer rakabvunza a very crucial question yekuti “who is neighbour?” mukadziwani ndiyaniko?
Jesu ndipo paanozotaura  neNyaya yeThe Good Samaritan.

 

Uchaona kuti based on that parable, your neighbour is anyone, whether unomuziva here kana kuti haumuzive. Everyone is your neighbour and you must love him/her.
Mumwe murume aibva kuJerusalem akananga kuJericho and ari paJourney yake akasangana nematsotsi, vakamurova vakamubvisa hembe vakamusiya ave pedyo nekufa. Zvakaitika kuti mumwe muPriest akafambawo nenzira iyoyo, uye akati achiona munhu uyo, akamunyenyeredza akasiya zvakadaro. muRevhi akauyawo akaona munhu akapondwa uyu akasiya zvakadaro. Then kuchibva kwazouya mumwe muSamaria, aiva parwendo, akasvika pakanga pano munhu; uye akati achimuona, akamunzwira tsitsi. Akamutora akasunga maronda ake achiisa oil and wine, and akamusiya paDhongi rake and took him akamuendesa kuimba yavaeni, akamuchengeta. The following  day akatora mari yesirivha akaipa kumuchengeti weimba yavaeni. Akati kwaari, ‘Muchengetei uye pandinodzoka, ndichakuripirai zvose zvamunenge mawedzera pane zvandakupai.’


After this parable Jesu akabvunza mubvunzo zvikanzi Which of these 3 do you think became a neighbour to the man who fell into the hands of the robbers?” Ndianiko pavanhu 3 ava waunofunga kuti akanga ari muvakidzani kuna iye akawira mumaoko amakororo?”
Lawyer rikapindura rikati, “Uyo akamunzwira tsitsi.” Jesu akati kwaari, “Enda undoita saizvozvo.”
That’s when you see kuti neighbour zvinongoreva anyone whether unoziva kana kuti hamuzivane. Iye Jesu achiti love your neighbour as you love yourself, meaning you must love everyone (including avo vakakuvenga) just as you love yourself.

regai ndifambe nayo mbichana mbichana, kubva  pekutanga:


Murume aibva kuJerusalem akananaga kuJericho, Bible harina kutiudza zita rake, rechirungu rati a certain man, mumwe murume, hapana a specific name yataurwa, zvichingoreva kuti it can be anyone. Neighbour wako can be a chinesse, a white man,  a black man, sinyoro, gurundoro, mbavha, chifeve, mwana mudiki, a teenager, harahwa. So love yako ngairege kuva restricted kune rimwe group revanhu but let it be for everyone, rega kuda vanopinda church yako chete but also love vasingapinde church newe and even those vasinganamate.

Road yaifamba certain man maivawo nemaRobbers and akaita rombo rakaipa rekuti he fell victim to them, vakumorova, vakamutorera hembe vakamusiya ave pedyo nekufa. King James Version inoti he was left HALF DEAD,,,hapana kunzi half alive but hanzi half dead, zvinogona kuita kunge zvinoreva 1 and the same thing, but from my understanding ukaona munhu achinzi he is half dead, it means avakudongorera rufu, he is knocking at death’s door, or death is knocking at his door. Either way anenge ari paNguva yakaoma.


mumaSociety matigere tine vanhu vari paNguva yakaoma, they are in a “half-dead-state” life yaari kurarama dzimwe nguva anotoshuwira hake kuti dai afa, it’s problem after problem, haana nguva yekufara & kazhinji kacho maSolution aari kutsvaga haazi kure stereki but anesu (The Christian Community). Umwe munhu haana mari yeFees but pakadi pedu semaChristu tinaye mumwe anogona kutomubatsira. We can have munhu ane chikwereti chema medical bills, but imo muChurch matiri, there is someone who can pay those bills. In our society tinavo vanhu vasina mabasa, but we also have vamwe vanogona kumurongera pekuti ashande.
Help yemurume apondwa uyu, haizi kuzobva kudenga kune Ngirozi but GOD trusts His  people vari pasi apo kuti vabatsire mumwe wavo. So the ball is in our court to help others or to leave it like that tichiti hameno,.

 

Uyo murume arohwa, he is left half dead. By chance kwakauyawo muPrisita, Man of GOD, zvinofadza sei kuti uri panguva yakaoma and pobva pasvika munhu waMwari anoparidza nyaya dzeLove, anoparidza nyaya dzeGiving and helping others in need. Kana uri iwe victim yapondwa unogona kutofara kuti Mwari maita henyu matumira Mufundisi wenyu kuti andibatsire but you will be surprised kuzoona muPirisita achipfurira. Priest havana help yavakapa munhu, akaita zvekamunyenyeredza kuenda nekuSide kwemunhu akapondwa, apa imagine he is a Man of GOD arikuita izvozvo.



I don’t know iwe muverengi, zvichida uri Mushumiri weShoko raMwari, hauna here vanhu vanoda help vauri kunyenyeredza, hapana here vanhu vari panguva yakaoma vauri kusiya vakadaro? Let me come to every Christian, vamwe vangazofunga kuti nyaya iyi ndeye vaparidzi chete, hanti ukaenda kuna 1 Peter 2:9 kunotaurwa nyaya yekuti you are Royal priesthood, a chosen generation, zvichireva izvo kuti kana uri muChristu then you qualify not only to be called a Priest but a Royal Priest. Ohhhh saka wakwana kwana paParable iyi, hauziriwe here muPriest akasiya munhu akapondwa ukatadza kumubatsira.


hauna here vanhu vauri kunyenyeredza uchitadza kuvabatsira, hauna here bofu raunonyenyeredza muTown uchitadza kana kumupa 4 rand yawachinjwa muCombi, hauna here line raunonyenyeredza kuRokesheni umo uchitya kuti kana ndakasangana naNhingi anozondikwereta mari,,,hauna here maFone calls auri kuIngnowa evanhu vanoda help yako, hauna here vanhu vaunoti vakauya pamba pako unoudza vana kuti itai handipo, just as a way of avoiding helping them. kana uri muPriest arikunyenyeredza vanhu vanoda rubatsiro, please chitotendeuka nhasi. Kana uchikwanisa kubatsiara munhu mubatsire, kana usingakwanise ndizvozvo, haikona kuda kunyenyeredzana vanhu.

 
Chinonyanyo ndibata iNyaya yekuti besides kunyenyeredza munhu, muPriest haana kana prayer yavakaita. A Priest anoona munhu ari paTight but hapana kana prayer yavaita yekuti munhu apore. Apa kuSynagogue vanoparidza vachiti hee Mwari vanoita minana, hee kana ukanamata there is power in prayer, but here comes a situation inoda prayer but vanosiya zvakadaro. (by the way, prayers are for free, ukangatadze hako kubatsira munhu nezvinhu zviri material but shuwa wotadza here kunamatira munhu ari panguva yakoma). Hapana here patiri kutadza kunamatira vanhu vanoda minamato, hapana here maCases ekuti tinonzwa kuti nhingi arikufacer problem yakati, arikurwara, he has no money, he is facing abc problems but tinongoti ohhh shame shame, we don’t even pray for that person.

 

Ah ipapo ngapagadziriswe, hongu $15 000 irikudiwa kuti munhu aitwe operation hauna but you can pray for that person akaporeswa naMwari zvisina op mukati. Hongu $100 yeSchool fees irikudiwa naNgana hauna but you can pray so that GOD connects that person with a sponsor. Where ever pawaona pane need, rega kusiya zvakadaro nekuti hauna mari, but offer your prayers, surely GOD will answer you.

 Priest vasiya zvakadaro and then came a Levite, muRevhi, avo vanopihwa zvegumi (tithe) haana kubatsira munhu but akangonyenyeredzawo. Nhai Priest a man of GOD vauya vakasiya zvakadaro, muRevhi another man of GOD vauya vakasiya zvakadaro, so saka munhu achabatsirwa naniko uyo. Kana isusu maChristu tichitadza kubatsira vanhu vanoda rubatsiro, who will help them. Shuwa tomirira here ma NGO’s kubva kuAmerica kuti auye vape nherera chikafu, isusu maChristu tiripo, what message are we preaching with our actions. Senge kana ari muRevhi ndiye ane nyaya, ndivo vanopihwa zvegumi, imagine wallet inege yakazara neTithe & offering but vanosvika paSituation inoda rubatsiro rwemari but he does’t help, hanzi mari yekutenga Toyota yangu haizokwane. Imi munotora zvegumi nemaOffering evanhu, hamuzi makukoshesa life yenyu here kupfura vanhu vanoda rubatsiro.

reason inogona yakaita kuti muPriest  nemuRevhi varege kubastira ndeiyi,,,,as a preacher, ndine zvimwe zvinhu zvandakaona zvinogona kukanganisa munhu kubatsira vamwe. When I was preparing to preach this message, ndakapihwa number dzeumwe munhu aida maPrayers and counselling so ndakamboda kuti she has to wait ndozotaura naye ndapedza kuparidza and that’s when GOD made me remember quickly kuti chenjera kuita mistake yakaitwa paThe parable of the good Samaritan. Mistake yekuti unomhanya kuda kuenda kunoparidza but uchisiya munhu akapondwa arikuda rubatsiro. Of course zvinoita kunge zvine kakuReasoner mukati kuti you can rush to preach but wasiya munhu anga achida rubatsiro, but you have just fallen into the same category neVanhu vaMwari avo vakatadza kubatsira munhu. So instead yekutanga ndaenda kunoparidza, I had to delay kuti nditange ndabatsira munhu.


ndirikuti there are times dzekuti unogona kuda kumhanyira kuPrayer but uine vamwe vanhu wavasiya varikuda rubatsiro. Shuwa unogona kumhanyira mugomo kunoita all night prayer uchiti Mwari ndinoda mari zhinji yekuti ndichengete nherera neshirikadzi but ipo paine bofu rawasiya muStreet umo rawatadza kupa 4 rand zvayo. You can rush to preach kuChurch kuti hee GOD loved us, so we must love each other but iwe uchitadza kubatsira next door yako irikuda help.
Ngatirege kugumira pakunamata chete or kuparidza chete but lets also be active in helping others. Hazvibatsire iwe muPirista newe muRevhi kumhanyira kunovhura Sabata but imi muine munhu wamasiya paRoad who needs your help.

 

2 vanhu vapfura and hapana help yavapa. Kana uri iwe victim you can start to lose hope kuti haaa no one will help me, shuwa kana muPirisita munhu waMwari atadza kundibatsira, kana MuRevhi munhu waMwari atadza kundibatsira, who is going to help me. Let me talk to someone wekuti he/she has been let down nevanhu vaMwari, of course vangave vakatadza hako kukubatsira, but keep on believing in GOD, ramba uchinamata, there is a good Samaritan who is on the way. Vamwe vema White collar vakatadza havo kukubatsira  but kunogona kuuya asina kana collar but achikubatsira. Avo vanofamba nemaBible vakatadza havo kukubatsira, but GOD can send a good Samaritan asina Bible to help you.

 

muSamaria achisvika achiona munhu uyu akanzwa tsitsi, he had compassion on him. Ndinoda kuti ubate something about nyaya yekunzwa tsitsi….tsitsi kana dziri dzega hadzibatsire,,,tsitsi dzako ngadzikutume into action….ndinogona kunzwira munhu anenzara tsitsi but if I don’t give him food, anoramba aine nzara. Ndinogona kunzirwa munhu asina mari yeBhazi tsitsi but If I don’t give him bus fare, tsitsi dzangu hatsibatsire. Nekudaro ngatirege kugumira pakunzwa tsitsi chete but let that compassion lead into action. Good Samaritan haana kugumira pakunzwa tsitsi but akatora mafuta newine ndokuisa pazvironda zvemumhu uyu. Tsitsi dzake dzakumutuma into first aid.


Ndiyo inonzi kuna James 2:14-17 What good is it, my brothers, if someone says he has faith but does not have works? Can his faith save him?

If a brother or sister is without clothes and lacks daily food

and one of you says to them, “Go in peace, keep warm, and eat well,” but you don’t give them what the body needs, what good is it?

In the same way faith, if it doesn’t have works, is dead by itself.

shuwa tingaudze munhu ane nzara kuti enda nerunyaro udye zvakanaka but isu tisingamupe zvekudya here???? Hazvibatsire,,,let our faith and compassion be translated into action. Tsitsi dzedu ngadzititume into action just like zvakaitwa nemurumwe uyu.

 

There is something crucial chandinoda kuti ubate paParable iyi,,,,Good Samaritan aiva neDhongi,,,murevhi anga asina dhongi,,,muPirista anga asina dhongi…so even though dai murevhi kana muPirista akada kubatsira, there was a challenge yeTransport,,,waimutakura sei munhu apondwa iwe usina dhongi….so handizive maybe maMen of GOD vaiva neshungu dzekubatsira but as long vanga vasina dhongi then zvainetsa. Ahhh Mwari ngavatibatsire neDhongi, may GOD helps us with resources to help those in need nekuti kana tikangoita shungu chete dzekubatsira but isu tisina maResources, then zvinonetsa, ndinogona kuita shungu dzekuendesa maOrphans kuUniversity but kana ndisina mari hazvibatsire, kuUniversity vanoda school fees, kwete shungu,,,,kuChipatara they need money and not school fees. Dai Mwari vatabastira nemaDhongi (resources) to help those in need.


Murume weSamaria ndokutora victim yanga yapondwa iyi and akaenda naye kuimba yekuchengetera. He didn’t just dump him there but akasiya abhadhara mari inodiwa and he promised kuzodzoka achiCover mamwe maExpenses anenge asanganikwa nawo. Kana tichibatsira munhu ngatirege kuita zveku “dumper”, like kuti waona munhu aitwa hit and run nemota, you take him to the hospital and you just leave him there and never bother to make a follow up. Aiwa hatidaro. Hauzi riwe hako wadhuma munhu but try to help him kusvika kwekupedzisira, remember good Samaritan haazi riye akaponda munhu but he took it upon himself kuti abatsire munhu kusvika kumagumo.

 

Let us practice love to anyone and everyone, love your neighbor and neighbor wako is anyone anoda rubatsiro. Don’t just help those who go to church with you, don’t just help your relatives of friends, but also help those who hate you, help also those which you don’t know.

LOVE YOUR NEIGHBOUR AS YOU LOVE YOURSELF

 

Title: I have no man. .Scripture reading: John 5:1-8


Problem ine vanhu vazhinji ndeye kuti if you ask him kuti sei zvinhu zvako zvisiri kufamba, he quickly blames vamwe vanhu, kuti ahh zvingafambe sei ivo sekuru vachindinyima mari yeStart, ndingawane sei basa ini ndisina hama dzinopinza vanhu mabasa, ndingawane stand sei ini ndisina wandinoziva anoshanda kunopihwa mastand, ndingapase sei chikoro iye lecturer wacho achirovha everyday. Ndingawane sei drivers licence ini ndisina friend kana hama inoshanda kuVID. People are quick kuti handina anondibatsira or anofanira kundibatsira wacho is not doing his task. Mwari vachinditungamira, ndinoda kubatsira umwe munhu ane kaMentality ikaka, in short ndinongoda kuti uzive kuti haizi nyaya yekutsvaga anokubatsira but its all about Jesus.


PaShoko redu kuna John 5 tinoona Jesu achisvika panzvimbo yeBethsaida paiva nedziva remvura zvekuti after a certain time mutumwa aidzika kubva kudenga and obvongodza mvura. Murwere anenge aita wekutanga kupinda mumvura after yabvongodzwa would get healed. Number 1 kupinda mumvura ndiye ega aipora. Number 2, 3, 4 or whatever number haana healing yaawana. Iyo set up iyoyi iyi represents competition. Whether you like it or not munyika matiri kurarama umu makazara competition, kutsvaga basa makwikwi ega ega, kuwana even imba yekuroja or stand makwikwi, kuwana nzvimbo yekuUniversity, primary or secondary makwikwi, mvura chaiyo yekumwa pane demand isina kumira mushe zvekuti its like a competition yekuti uiwane, business rawafunga kuita, whether kuchengeta huku or kutengesa musika, pakazara competition yega yega.

 

There was a man  akapedza 38 years akagara paBethsaida achitaimira kupinda muMvura kana ichingwe yobvongodzwa, but because of competition haana kukwanisa kuwana healing. Just imagine 38 years ari padziva achitaimira kuti mvura kana ikabvongodzwa ndinobva ndapinda. But whenever he tried to get into the water, someone else ndiye aibva atanga kupinda mudziva iri iye asati apinda.-that’s competition-survival of the fittest.

 

So mukararama kwedu we face competition day in day out. Vanhu vaitangira murume uyu kupinda mumvura haazi masatanist kana mahedheni but they were also sick people who were in need of healing just like him. Vanhu vaunogona kukwidzina navo muLife yedu yanhasi havasi masatanist but muChristu sewewo ari kutsvaga kurarama. Imimi Pastor neBusiness renyu rehuku, 100 meters away pane business raApostle rehuku futi. Interview yeBasa, apo pakagara brother John varikutsvagawo basa, apawo pakagara sister Mary varikudawo same basa iroro. Mese murikutsvaga kuramarama but there is a competition which exists.


But ndinofara nezvino taura Bible kuna Ecclesiates 9:11 kunonzi naSolomon i returned, and saw under the sun, that the race is not to the swift, nor the battle to the strong, neither yet bread to the wise, nor yet riches to men of understanding, nor yet favour to men of skill; BUT TIME AND CHANCE HAPPENS TO THEM ALL. Batisisa the last part, hanzi time and chance happens to them all. So rega kuva worried about the competition which exists in the world, but ramba uchinamata Mwari, your time and chance shall come.

 

Jesu achisvika paBethsaida anoona murume uyu akarara. Iyi ndiyo disadvantage hombe manje iyoyi yekurara iyi nekuti lets say pane mumwe murwere ane ruoko ririkurwadzwa. Mutumwa paanobva kudenga achisvika achibvongodza mvura, sekuona kwako who can be the first kupinda muMvura, is it uyu murume akarara pasi or uyo murwere weruoko? Obvious weruoko ndiye anotanga kupinda because he can run or jump straight into the pool, but uyo wekurara pamubhedha ane disadvantage hombe nekuti paanozoda kuti amuke, akambaire apinde mumvura, another person would have already jumped in. so paCompetition yacho agara ane a big disadvantage.


muCompetion dzese dzehupenyu maybe wagara une a big disadvantage. muEducation yako wagara hauna maTextbooks, mukutsvaga basa wagara maQualifications ako are not good as compared to others, business rako pariri situated pacho hapawanzo pfura nevanhu. Wagara une imwe disadvantage nechekare just like murume uyu wekuti aigara akarara because of his health. paunozoda kuti uite the 1st one to get into the pool, another competitor would overtake you. but ndinofara hangu kuti despite his disadvantage, Jesus came to his rescue. Rega hako kuchema about what you are calling a disadvantage, Jesus is there to your rescue.

 

Murume uyu akapedza 38 years ari paSituation yake yehurwere uyu, not 38 seconds, nor 38 minutes, nor 38 hours, not 38 days, not 38 weeks, not 38 months but 38 years. take some time uverenge time yawapedza uri paSituation yauri kuchema uchiti Mwari vari kunokoka. Chimboverenga tione kuti how long have you spent in that situation. Hameno kana problem yako ichisvika pa38 years. But this man spent 38 years in that situation but he did not give up, haana kudzokera kumba, he didn’t consider to kill himself, haana kufunga kuenda kune imwe area kunotsvaga solution but akaramba aripo paBethsaida panzimbo yakagadzirwa naMwari kuti iporere vanhu. He was patient for 38 years.


Learn to be patient hama, idzo 6 months idzodzi idzi dzawanamatira basa you want to give up already. Idzo 2 years dzamanyora maExam muchifoira you want to give up. 1 week iroro gumbo zvararwadza you are now thinking kuti Mwari vakurasa, ko imagine dai uri mukadzi wakupedza 12 years with an issue of blood, kuzoti dai uri iwe mudhara uyu akarova 38 years? Learn to be patient. Delay is not denial, zvingaite kunge zviri kunonoka but keep on waiting on the Lord He shall come to your rescue. This man spent 38 years paBethsaida but akaramba aripo up until zuva rakauya Jesu kuzomupa healing.

 

Jesu achiiona murume uyu He asked him akati unoda here kupora. Instead of just saying yes, akapindura akati handina munhu anondiwisira mudziva kana robvongodzwa, nemuchirungu I HAVE NO MAN to push me into the pool when the water is troubled. Ndipo pane musoro weMharidzo ipapa apa, I have no man.
hona Jesu abvunza kuti unoda here kupora, instead of saying yes or no, murwere uyu anotanga kutaura nyaya yekuti haana munhu anomuwisira mumvura, he has no man to push him into the water. Sangana nemubvunzo, unoda kupora here kana kuti kwete, rega kutenderera tenderera.

 

Jesu haasi kuda kuziva nezve vanhu vekuku pusher but He wants to know whether you want healing or not. Dai vanhu tagona kubvisa that mentality in our minds yekuti instead of telling GOD want we want, we begin to try to reason about other people who are not helping us. Umwe munhu anototya kukumbira Mwari basa nekuti muMind make anoReasoner kuti umm handina kana hama 1 ane maConnections eGraft so, i wont get a job. Mumwe munhu anotya kukumbira Mwari kuti vamuporese HIV nekuti in his mind anoReasoner kuti umm hakuna munhu anogona kurapa HIV, there is “I HAVE NO MAN” who can cure me.

 

Murume ainge akaLoader faith yake muvanhu kuti if at least ndikangowana munhu anondiwisira mumvura then zvangu zvaita. But haana waakagona kuwana who can push him into the water. 38 years he couldn’t find anyone to push him into the pool. Rega kuisa hope yako muvanhu, kuti ahh sekuru Joze ndivo vachandipa mari yeStart yeBusiness rangu. Sisi getty ndivo vane maConnections emaPassport she will help me, Pastor China ndivo vachandnamatira zvangu zvikaita, Baba Kuda ndivo vanoshanda kuVID saka ndivo vachandirongera provisional. Ngana anoshanda kuCompany yakati, so CV rinotoiswa pamusoro soro. NO. your hope is not in people but in Jesus.


38 years murume akaisa hope yake pane vanhu but hapana akagona kumubatsira, check your life kuti zvinhu zviri kuramba kuita haizi nyaya yekuti wakaisa hope yako mune vanhu here instead of GOD. The moment yaunotanga kuisa faith yako mune vanhu rather than Jesus, GOD will prove to you kuti solution haizi muvanhu but iri kwaVari. Mumwe munhu ngaabatsirike neino mharidzo, kutotanga izvezvi, regedza kufunga kuti help yako inobva kuvanhu but ziva kuti inobva kunaMwari. im not saying kuti siyana nevanhu, no, nekuti mumwe after reading this anogona kuenda kunorafura hama dzake neshamwari achiti handinyengerere, my help comes from GOD and not people. No handisi kundaro. Maintain good relations with everyone but let your faith be in Jesus. Nekuti ukadawo kuvengana nevanhu maybe munhu wauri kutuka iyeye ndiye anga achazoshandiswa naMwari to bring the answers you need.



I have no man to push me, handinda angandiwisire muMvura ndiyo yaiva reason yake. But consider this, 38 years munhu ari paBethsaida, aidyei? Zvitori pachena kuti there was someone aipota achimupa chikafu, but ko munhu iyeye aimuigira food aidi kumuwisira mumvura kana yobvongodzwa? Zvichireva izvo kuti kune imwe type yevanhu yekuti he gives you food and water zvekuti urambe uri paSituation yakaoma but havadi kukuwisira muMvura for you to get your healing. There are people vekuti he can give you zvimwe zvinhu zviri basic, but zvinhu zvinoita kuti life yako ichinge havadi kukupa. Anokupa fish but haadi kukupa chirauro kuti upote uchibata wega hove. So ndiri kuti your help is not in humans but GOD, munhu ane maLimitations but GOD has no limit.

 

Funga chinhu ichi, murume uyu haana kuuya ega paDziva but someone or some people brought him there, since ari paralyzed hapana paaizogona kufamba ega. But ivo vanhu vakamuunza ipapo, vakadii kumumirira kuti vazomupushe when the water is stirred, hameno, Bible harina kutiudza. But ndinongoramba ndichi emphasizer point yekuti your help is in Jesus and not people. Yes vanhu vakuunza kuBethsaida area yaunoporera but that’s the furthest they can go. Havagone kukupa healing, izvi zvakuda Jesu izvi. Yes friend yako yakuunza kuChurch but he can not solve all your problems, zvakutoda kuti ugamuchire Jesu izvi.

 

Chinonetsera nyaya yekutsvaga munhu anokuPusher ndeiyi: wamuwana anokuPusher and you get your healing hanti, ko munhu iyeye akakuti chindibhadhara for the push I gave you. wakupinda busy nekutsvaga mari yekuti umupe. Iyo nyaya yekutsvaga rubatsiro kuvanhu, they will ask for payment, ndakakurongera drivers license so chindipawo cut, ndakakurongera basa so I need mari yeDrink $100. (hameno kuti iDrink rekwani rinoita $100 iroro but ingori nyaya yekuti bribe inopihwa zita rekuti mari yeDrink kuti zviite kunge zviri right). But wadii wamirira answer yaMwari isina mubhadaro. Wadii wamirira Jesu asina kana $1 raanokubhadharisa.

Murume uyu aitsvaga push but Jesu haana kuuya nePush, akauya nemashoko ekuti Rise, take up thy bed, and walk. Simuka. Tora nhowo yako ufambe. Vanhu ndivo vanouya nePush but Jesu anouya neShoko. So far paSituation yauri how much word of GOD do you have in your heart kana kuti wakazara nemaPhone number evanhu vauri kutarisa kuti they will help you. everyday unobata fone uchifonera munhu uchimubvudza kuti ko how far order dziye, how far graft riye, how far mari iye, how far zvinhu zviye, but unoisa effort shoma pakunamata, you spend nguva shoma paBible. Urikutsvaga push stereki kupfura shoko raMwari and you wont win that battle.

 

Jesu haana kuuya kuPusher murume uyu but akauya kuzomupa Shoko rekuti simuka, utakure nhowo yako ufambe. GOD is not in the business yekukupa push, kukupa gap reCorruption, gap rekuBriber kuti zvako zvifambe but He comes with His word to raise you up from your situation.

 

Hakuna maConnections or hukama hwauchaita nevanhu hungapfure hukama naMwari. Never. There is no relationship or agreement you can have with people which can be powerful than your relationship with Jesus. Rangarira kuti Mwari ndivo vakasika denga nenyika nezvese zvirimo, but iwewe ndipo paunoda kusiya Mwari uchienda kunowirirana neShamwari yako nekuti ndiManager kuCompany ine vanhu less than 100, but uchisiya Mwari anonamatwa nemaHuman Resources manager vemaCompany makuru, Mwari anonamatwa nemaC.E.O , maBusiness men, maMen and Women of GOD. Ahh chimboitai, regai tione zvikafamba.

 

Rise, take up your bed and walk, ndiwo maShoko aJesu. Murume uyu aigara akatakurwa nemubhedha wake but after mashoko aJesu, ndiye ainge ava kutakura mubhedha wake. With Jesus, zvaisikutakura, ndiwe unenge wava kuzvitakura. Vaisikupa mari yeSchool fees ndiwe unenge wava kuvachengeta, vaisi kutsvagira mabasa ndiwe unenge wava kuvaEmployer, vaisikunamatira  ndiwe unenge wava kuvanamatira. What a turn of events, ndiwe wavakutakura mubhedha wako. Its just a revelation yekuti vanhu vaikubatsira usati wasimuka haufanire kuvarasa, take care of them.

 

Ndichingopedzisa ndichiti, what ever it is chaunoda kuita muhupenyu, ziva kuti rubatsiro rwako runobva kunaMwari and not vanhu. Yes maintain good relations with everyone but ziva kuti Mwari ndivo vane maAnswers ese auri kutsvaga. Munhu ane level yaanogumira but GOD has no limits, munhu anogona kukurasisa but Mwari havakurasise.

Psalms 118:8 It is better to trust in the LORD than to put confidence in man