Sunday, 14 December 2014

Mharidzo Title: Naaman Series Sub-Title: Wrong Bag (part 1)



Scripture reading: Luke 4:27 & 2 kings 5:1-27

Makanika ane tools box rake rine maSpanner but hazviite kuti kana mota ichinge yafa oenda neBag raDoctor rinenge riine maJekeseni, mapiristi, thermometer nezvakawanda wanda achida kunogadzira mota, hazvishande. Even iye doctor kana pachinge paita murwere waanoda kurapa hazviite kuti aende neToolsbox ramakanika kunorapa munhu.

ese maBag eBasa but rimwe nerimwe rine parinoshanda. Tools box yakanaka kwazvo but ukaenda nayo kunorapa murwere watakura “wrong bag”. Nhasi mharidzo ndaipa title yekuti “wrong bag”, zvichingoreva izvo collections yema”tools” akatakurwa naNaaman achienda nawo kuIsrael achitsvaga kuporeswa. Akatakura zvinhu zvakanaka kwazvo but zvainge zvisingashande kwaari kuenda uko, very good gifts but irrelevant to the problem. Munhu anogona kutsvaga zvinhu zvakawanda wanda mukunamata, very good things but irrelevant, ipapo ndipo patiri kuti WRONG BAG..Bag rawauya naro kuna Mwari harizi riro.

Naaman after anzwa information yekuti dai uri kuSamaria kune muporofita waJehovah Elisha waipora, he quickly goes to his king obva avaudza nhau iyi. Semunhu weArmy haungoende kune imwe nyika usina kusuma vakuru vako. Handizive purpose yake yekuudza mambo wake, maybe he was seeking approval, zvimwe aida advice, zvimwe aida rubatsiro in whatever way. Ndiro rimwe wrong bag rakatakurwa nevana vevanhu muzuva ranhasi, anotora kunamata semaRituals echivanhu zvekuti anoda kutanga aSeeker authority kubva kuvakuru vemusha kuti aite zvaanoda kuita, anoda kutanga asuma vanhu.

Kana afunga kubhabhatidzwa anotanga akumbira permission kubva kuvakuru kuti I can ask for your permission, ndinoda kubhabhatidzwa, kana afunga kutsanya anotanga akumbira permission kune vakuru vaagere nawo kuti ndinokumbirawo kutsanya, and just imagine satan obva agara munhu iyeye wauri kukumbira permission, obvious unorambidzwa. Just imagine dai mambo uyu akagarwa nasatan aigona kurambidza Naaman kuti hapana kwaunoenda how can you want to go and seek help from our enemies.

Wrong bag, kutsvaga approval kubva kuvanhu concerning zvinhu zvaMwari. Of course pane pamwe pekuti munhu you might need approval and poita zvimwe zvisingade approval. Muyenzaniso mwana musikana we15 years needs her parents approval kuti aende kuAll night prayer ega, but kana zvasvika pamwe maIssues like kutendeuka, hazviite kuti akumbire permission kune mubereki, imagine paya panoitwa altar call muChurch kuti vanoda kutendeuka huyai kumberi and the girl first asks for permission kubva kune mubereki, ko mubereki akati hazvite, unopaona sei, wrong bag, kutsvaga advice and approval in wrong areas.

The king of Syria haana kuramba kuti Naaman aende but he actually gave him zvinhu zvekuenda nazvo, akamupa tsamba yekunopa the King of Israel, silver, gold nehembe. Ndiro rimwe wrong bag, akapihwa zvinhu zvakanaka kwazvo, but hazvishande kwavari kuenda uko. Chenjera kutakura wrong bag kana uchiuya kuna Mwari. Izvi zvana gold neSilver izvi zvavakutoita as if iPayment yekuti arapwe nemunhu waMwari. Arikuenda kune muporofita waMwari aine aim yekubhadhara kuti aporeswe, iro ndiro wrong bag. Ucharangarira here pana Matthew 10:8 Jesu achituma vadzidzi vake kunoparidza shoko, kunorapa vanorwara, kudzinga mademon, kumutsa vakafa, he tells them kuti freely you have received, freely you must give. Magamuchira chipo chekuporesa ichi mahara, likewise munoporesawo mahara meaning kuti munhu waMwari doesn’t charge payment for healing. Ukangoona uchibhadhariswa chete, ziva kuti iSuspect munhu iyeye. Zvavakuita as if Mwari ndewe vapfumi chete who can afford to pay for healing, ko varombo vanopora sei ivo vasina mari. Don’t be fooled, GOD is for everyone, whether rich or poor, that’s why vasina kuisa maPrices pazvipo zveMweya.

Naaman haana information iyoyi iyi yekuti kuporeswa its for free, the only price you will have to pay is faith and obedience. Let me tell you kuti the currency inoshanda muKingdom yaMwari is faith (kutenda) and not maUS dollar kana maRands. Haugone kutenga zvipo zvaMwari using money, no matter how powerful that currency can be. There is a man anonzi Simon pana Acts 8:18-20 akaona kuti kubudikidza nekuturikwa mawoko vanhu vaigamuchira Mweya Mutsvene iye ndokuenda kune maApostles and offered them money hanzi ndinoda kuitawo zvamuri kuita izvi zvekuti wese wandinoturika maoko pamusoro pake anobva agamuchira Mweya Mutsvene. Peter akamupindura akati mari yako ngaiparare newe nekuti you thought the gift of GOD could be bought with money . Simon wainge uine wrong bag, zvinoitwa kwasatan zvekutengeserana power ndizvo zvaaida kuita kwaMwari.

Naaman Series Sub-Title: But….No more buts



Scripture reading: Luke 4:27 & 2 kings 5:1-27

Jesu anoti iye pana Luke 4:27 there were many lepers were in Israel in the time of Elisha the prophet; and none of them was cleansed, saving Naaman the Syrian. Kwaive kuine vanhu vazhinnji kwazvo vaiva vaine maperembudzi kuIsrael mumazuva aProphet Elisha but vese ivavo havana kuporeswa kunzwe kweNaaman wekuSyria. Izvi zvinobva zvandipa mubvunzo kuti seiko Mwari vasina kuporesa vamwe vanhu vese vaiva nemaperembudzi vekuIsrael why did GOD choose to heal Naaman instead, izvi zvinotoda kuti tiende kune nyaya yacho yaNaaman so that we consider what happened. There are many lessons dzatinowana kubva pakuporeswa kwaNaaman. & muMharidzo dzinotera tinenge tichiFocuser pane iyo nyaya yaNaaman, hence title yekuti Naaman series.

Naaman anga ari commander weArmy yekuSyria, he was a great man pamberi paMambo wake nekuti kubudikidza naiye Jehovha akapa mambo weSyria kukunda. Aiva murwi ane simba noumhare, a mighty man in valour. CV raNaaman rinotanga zvakanaka kwazvo tichiudzwa nezvehukuru wake, ndiCaptain weArmy wekuti even his king considered him to be great, he had lead his army to victories hongu yatanga zvakanaka introduction yaNaaman but pane rimwe word rinoshandiswa rinobva rachinja the whole story…Bible rinoshandisa word rekuti “BUT” muchishona panoshandiswa “ASI”… ipo pana but ipapo ndipo panobva our sub-title yekuti “BUT……NO MORE BUTS”

ukaona pese panoiswa word chibva waziva kuti nyaya yava kuchinja, usually ukaona paiswa word rekuti but, rinenge riripo to oppose zvambotaurwa pekutanga, word rekuti but rinoshandiswa to draw attention to something which is very important kupfura zvambenge zvataurwa.

Ukaona sentence ratanga neGood news and rozoita “but” kumberi ziva kuti after the word but kurikuuya bad news. Muyenzaniso, ndinogona kuti….ndawana nzvimbo yekuUniversity BUT handina mari yeFees, ndatenga hupfu wekuti tibike sadza BUT hakuna magetsi, ohh fone yacho umufonere mune airtime yakawanda BUT haina battery. maBhazi ekuenda kumusha ariko BUT vakwidza busfare yacho. iri word rekuti But iri rine nyaya.

Taudzwa nezve good news dzaNamaan, BUT, kwabva kwauya word rekuti BUT and after that a sad statement,,hanzi naBible but he was a leper, asi aiva nemaperembudzi…eish..yambotanga zvakanaka nyaya yacho, but yazotaurwa zvinorwadza. Yatanga zvakanaka chapter iyi being told that Naaman was the captain of the army, he was a great man, honourable BUT he was a leper.

Zvinogona kuitika kuti munhu anokuudza nezveLife yake and inotanga yakanaka nyaya yacho, very pleasing, very good, BUT pozoiswa word rekuti BUT and the whole story changes, ndakadzidza kwazvo ndikaita degree rangu with flying colours BUT handishande, a have a good paying job, with company house, company car BUT husiku handirare ndinoshanyirwa nezvinhu zvandisinganzwisise kuhope, ndakachata white wedding, it was the best wedding ever yakabuda even nemuNewspaper, BUT marriage yacho haina mufaro,,,,,yatanga zvakanaka nyaya asi pazoiswa word rekuti BUT, the whole story changed.

Zvinopedzisira kutaurwa zvinosuwisa more than zvatanga kutaurwa, the latter statement has more impact than the former
Naaman semukuru weArmy its obvious kuti anenge akapfeka uniform yakasiyana nemamwe masoja, anenge aine nyembe dzisina vamwe but pasi peUniform apo pane maperembudzi. Nice uniform but the sick is rotting. Pasi peUniform pane nyaya. Chakafukidza maperembudzi iUniform ine nyembe. Nice car but pasi peUniform mukati memoyo munhu haana mufaro, a nice mansion but pasi peUniform marriage yacho haina mufaro, nice university/school but pasi peUniform anzwa nekufoira. Very beautiful but pasi peUniform no marriage, very educated but pasi peUniform hapana basa…Uniform yaNaamana yakanaka hayo but underneath pane maperembudzi.

Usually unogona kuwana zvimwe zvese but poita one area inokushayisa mufaro, you can be a great man like Naaman but kana zvasvika panyaya yeLeprosy hauna mufaro. Vanokuona vari kure vanenge vachiti inga zvavo ine Naaman vanofamba nemaChariots, vane nyembe dzinotyisa, vanotungamira hondo vachihwina, vanoremekedzwa naMambo, but vanhu ivavo they do not know that this man is battling with leprosy, anetsekana nemaperembudzi.

Vanhu vanogona kuyemura hupenyu hwako from afar, but iwewe zvako deep inside wanetseka nechivi, wanetseka nezvinhu zvakasiyana siyana, to the extent that you no longer find joy in anything else because of that single thing chirikukunetsa.

but let me reassure you kuti naJesu, He can change nyaya iyoyo ikangoita a wonderful testimony from start to the end without any buts, Jesus is able to change life yako kusvika pasisina maButs anosuwisa. God healed Naaman zvekuti kana tavakuda kutaura nezvake we will have to remove word riya rekuti but and replace it with something else. Muyenzaniso, before healing yaMwari tinogona kufamba tichiti, Naamman was a captain of the army, who was very great but he was a leper, but kana Mwari vachinge vapindira, there will be no more buts, tinosandura that statement and it becomes, Naaman was a captain of the army who was very great AND God healed him from leprosy…inenge yatosanduka nyaya yacho because paita kupindira kwaMwari.

Mwari vakagona kusandura Address yeMurume uye aiva neLegion yemaDemon, ainge ava mugari wekumakuva but after deliverance akadzokera into the city. That woman had spent 12 years aine chirwere chekubuda kweropa but paakabata mupendero wenguo yaJesu, the blood stopped flowing. Razaro vainge vatomuisa muguva kare but Jesu akadanhidzira akati Lazarus come forth and akabuda kubva muguva imomo. Mukadzi uye akabatwa achipfeva, vanhu vainge vatoronga zvekumutemha nematombo kusvika afe, but after Jesu apindira, hakuna kana dombo 1 rakamutema. Kana Jesu achinge apindira, He can remove iwo maBut arikuunza nyaya inosuwisa,,,allow Him to control your life uone kuti zvinoramba zvakadaro here

From But to no more buts

Salt haichavave



Scripture reading: Matthew 5 :13 and Mark 9:50
Matthew 5:13“Imi muri munyu wenyika. Asi kana munyu usisavavi ungavaviswe nei? Hauchabatsiri chinhu, kunze kwokuti uraswe ugotsikwa zvawo navanhu

Mark 9: 50“Munyu wakanaka, asi kana warasa kuvava kwawo, mungauita kuti urungezve here? Ivai nomunyu mukati menyu, uye muve norugare pakati penyu.”

Chinoita kuti salt inzi salt inyaya yekuvava kwayo, haizi nyaya yekuva white nekuti even sugar chaiyo can also be white but inyaya yekuvava kwayo inoita kuti inzi this is salt. Kana ndikapinda muSupermarket and vonditengesera salt but ndasvika kumba ndoona kuti haizi kuvava, ndinodzoka nayo kuShop ndovataurira kuti salt yenyu iyi haizi kuvava, ndipei imwe irinani or ndidzoserei mari yangu. Salt haizi panyaya yeAppearance chete but iri paTaste also

Tikabatanidza maScriptures 2 atiri kufamba nawo nhasi Jesu anoti iye salt is good, munyu wakanaka…imimi (vatendi) you are the salt of the earth, ndimi munyu wenyika, but if the salt has lost its taste, asi kana munyu usisavave, how shall its saltiness be restored?, ungavaviswe nei, it is now good for nothing, Hauchabatsiri chinhu, but to be cast out, and to be trodden under foot of men. , kunze kwokuti uraswe ugotsikwa zvawo navanhu.

First crucial point yandinoda kuti tibate, hanzi salt is good, munyu wakanaka and for sure it is good nekuti pane maPurposes ainoServer muEveryday life yedu. Pane chimwe chikafu chekuti chikatoshaya salt hachichanake, its almost tasteless, Job 6:6 yobva yati Can that which is unsavoury be eaten without salt? (ko chisinganaki chingadyiwa chisina munyu here?)
Saka salt iripo pakuita kuti zvinhu zvive neTaste iri nani ( but rega kuiwanzwa it becomes bad for your health). Salt inoshanda as a preservative kuchengetedza chikafu kuti chirege kuora, for example kana muchida kuomesa nyama munoisa salt, like fish dziya dzinonzi bakayawa (dry fish), purpose yavanoisira salt ndechekuti irege kuora.

Hanzi naJesu muri munyu weNyika, kureva kuti tine maProperties akafanana nSalt atinawo which we must use kuti nyika iite zvakanaka. Ndataura ndikati salt inoPreserver chinhu kuti chirege kuora and likewise isusu maChristu we are supposed kuchengetedza nyika yatigere kuti irege kuora morally. We must preserve the morals of people. Tisu tiri supposed kudzora vanhu kana vavakuda kuita zvakaipa, tisu tiri supposed kuisa peace pakati pevanhu vanonetsana whether at individual level or a national level tiri supposed kushandisa maBiblical principals kuti kuve nePeace. We are supposed to kuPreserver dressing inofadza Mwari, matauriro anofadza Mwari and many other things zvinofadza Mwari because we are the salt of the earth, tisu munyu wenyika. Tiri supposed kuchengetedza hunhu hwevanhu kuti hurege kuora. But manje kana salt ichinge isisavave, kana salt yaLooser chinonzi huSalt hwacho, its now useless.

We are living in the days dzekuti salt haichavave, it’s no longer salty as it must be. Kwazara salt dzezita and appearance only, mumeso mako unonyatsoona kuti this is salt, even packaging yacho inenge yakatonyorwa kunzi salt but handei paTaste apo, its tasteless. Im not talking about salt yemuShop but im talking about salt of the earth anova maChristu. Kwazara maChristu ezita, mumeso mako unonyatsoona kuti uyu muChristu uyu zvichida by uniform yechurch yaakapfeka or Bible raakabata, but handei pakurarama shoko raMwari that’s when you see kuti salt iyi haichavave. Yangova yeDecoration. Instead yekuti tichengetedze hunhu hwenyika as we are supposed to do, tirikungosiya zvakadaro. We have become tasteless salt, kana mutendi akaona mwana wepaNext door achiita zvakaipa, they no longer care kuti amutore aende naye paSide kuti amutsiure because they say haazi mwana wangu, surely salt haisi kuita basa rayo. Christians I now scared kutsiura mumwe munhu anenge achirasika. The salt has become tasteless. Haichachengetedze hunhu as it must do.

Salt ndati inopa chikafu a better taste, likewise the salt of the earth must give people on earth a better taste of life, we must give people hope. Uri muCombi paya ukanzwa vanhu vachichema kuti zvinhu zvaoma, gore rino tinopona here, mabasa ari kunetsa, petrol yakwira, kuPolitics vazoti zvakati, ndipo pauri supposed kuudza vanhu kuti aiwa with GOD do not worry kuti mangwana uchadyei uchapfekai, ndipo pauri supposed to tell people to look forward to the second coming of Jesus uchivauidza kuti gadzirirai hama dzangu Jesu anouya kuzotitora kuti tiende kudenga kusina zvese izvi zvemaProblems atiri kuFacer nhasi, ndiro basa reSalt iroro to give life a better taste, kupa vanhu tariro, but manje if you join them mukuchema chema nekuoma kwezvinhu you are now like tasteless salt, nekuti salt isingavave haigone kusandura taste yechikafu. Inenge irimo mumaVeggie imomo but taste haina kuchinja, unenge urimo muCombi imomo mune vanhu varikuzhamba but hauna kuvachinja maonere avo ehupenyu. Salt iya haichavave.

check your life kuti uri salt inovava here or hapasisina taste,

.