Sunday, 14 December 2014
Mharidzo Title: Naaman Series Sub-Title: Wrong Bag (part 1)
Scripture reading: Luke 4:27 & 2 kings 5:1-27
Makanika ane tools box rake rine maSpanner but hazviite kuti kana mota ichinge yafa oenda neBag raDoctor rinenge riine maJekeseni, mapiristi, thermometer nezvakawanda wanda achida kunogadzira mota, hazvishande. Even iye doctor kana pachinge paita murwere waanoda kurapa hazviite kuti aende neToolsbox ramakanika kunorapa munhu.
ese maBag eBasa but rimwe nerimwe rine parinoshanda. Tools box yakanaka kwazvo but ukaenda nayo kunorapa murwere watakura “wrong bag”. Nhasi mharidzo ndaipa title yekuti “wrong bag”, zvichingoreva izvo collections yema”tools” akatakurwa naNaaman achienda nawo kuIsrael achitsvaga kuporeswa. Akatakura zvinhu zvakanaka kwazvo but zvainge zvisingashande kwaari kuenda uko, very good gifts but irrelevant to the problem. Munhu anogona kutsvaga zvinhu zvakawanda wanda mukunamata, very good things but irrelevant, ipapo ndipo patiri kuti WRONG BAG..Bag rawauya naro kuna Mwari harizi riro.
Naaman after anzwa information yekuti dai uri kuSamaria kune muporofita waJehovah Elisha waipora, he quickly goes to his king obva avaudza nhau iyi. Semunhu weArmy haungoende kune imwe nyika usina kusuma vakuru vako. Handizive purpose yake yekuudza mambo wake, maybe he was seeking approval, zvimwe aida advice, zvimwe aida rubatsiro in whatever way. Ndiro rimwe wrong bag rakatakurwa nevana vevanhu muzuva ranhasi, anotora kunamata semaRituals echivanhu zvekuti anoda kutanga aSeeker authority kubva kuvakuru vemusha kuti aite zvaanoda kuita, anoda kutanga asuma vanhu.
Kana afunga kubhabhatidzwa anotanga akumbira permission kubva kuvakuru kuti I can ask for your permission, ndinoda kubhabhatidzwa, kana afunga kutsanya anotanga akumbira permission kune vakuru vaagere nawo kuti ndinokumbirawo kutsanya, and just imagine satan obva agara munhu iyeye wauri kukumbira permission, obvious unorambidzwa. Just imagine dai mambo uyu akagarwa nasatan aigona kurambidza Naaman kuti hapana kwaunoenda how can you want to go and seek help from our enemies.
Wrong bag, kutsvaga approval kubva kuvanhu concerning zvinhu zvaMwari. Of course pane pamwe pekuti munhu you might need approval and poita zvimwe zvisingade approval. Muyenzaniso mwana musikana we15 years needs her parents approval kuti aende kuAll night prayer ega, but kana zvasvika pamwe maIssues like kutendeuka, hazviite kuti akumbire permission kune mubereki, imagine paya panoitwa altar call muChurch kuti vanoda kutendeuka huyai kumberi and the girl first asks for permission kubva kune mubereki, ko mubereki akati hazvite, unopaona sei, wrong bag, kutsvaga advice and approval in wrong areas.
The king of Syria haana kuramba kuti Naaman aende but he actually gave him zvinhu zvekuenda nazvo, akamupa tsamba yekunopa the King of Israel, silver, gold nehembe. Ndiro rimwe wrong bag, akapihwa zvinhu zvakanaka kwazvo, but hazvishande kwavari kuenda uko. Chenjera kutakura wrong bag kana uchiuya kuna Mwari. Izvi zvana gold neSilver izvi zvavakutoita as if iPayment yekuti arapwe nemunhu waMwari. Arikuenda kune muporofita waMwari aine aim yekubhadhara kuti aporeswe, iro ndiro wrong bag. Ucharangarira here pana Matthew 10:8 Jesu achituma vadzidzi vake kunoparidza shoko, kunorapa vanorwara, kudzinga mademon, kumutsa vakafa, he tells them kuti freely you have received, freely you must give. Magamuchira chipo chekuporesa ichi mahara, likewise munoporesawo mahara meaning kuti munhu waMwari doesn’t charge payment for healing. Ukangoona uchibhadhariswa chete, ziva kuti iSuspect munhu iyeye. Zvavakuita as if Mwari ndewe vapfumi chete who can afford to pay for healing, ko varombo vanopora sei ivo vasina mari. Don’t be fooled, GOD is for everyone, whether rich or poor, that’s why vasina kuisa maPrices pazvipo zveMweya.
Naaman haana information iyoyi iyi yekuti kuporeswa its for free, the only price you will have to pay is faith and obedience. Let me tell you kuti the currency inoshanda muKingdom yaMwari is faith (kutenda) and not maUS dollar kana maRands. Haugone kutenga zvipo zvaMwari using money, no matter how powerful that currency can be. There is a man anonzi Simon pana Acts 8:18-20 akaona kuti kubudikidza nekuturikwa mawoko vanhu vaigamuchira Mweya Mutsvene iye ndokuenda kune maApostles and offered them money hanzi ndinoda kuitawo zvamuri kuita izvi zvekuti wese wandinoturika maoko pamusoro pake anobva agamuchira Mweya Mutsvene. Peter akamupindura akati mari yako ngaiparare newe nekuti you thought the gift of GOD could be bought with money . Simon wainge uine wrong bag, zvinoitwa kwasatan zvekutengeserana power ndizvo zvaaida kuita kwaMwari.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
shoko rine simba
ReplyDelete