Wednesday, 14 January 2015

Planning with God


Scripture reading: Psalms 127:1

Gore ratanga iri and many people varikunyora maResolutions pasi kuti I want to do this and that, I don’t want to do icho neicho, vamwe they are just carrying forward list rake ra2014 ndiro raari kuda kuita ra2015 because akatadza kurizadzisa. Vamwe vanoti hatiite zvemaResolutions, tinongorarama each day as it comes but chokwadi ndechekuti we all make plans, one way or the other, whether written or verbal, vanhu tagara tinoita maPlans, whether long term or ishort term, maPlans unawo. Iko kuto Setter alarm ya6 o’clock ikoko it’s a plan nekuti mangwana unoda kumuka na6 kuti uite something, iko kuto ayina hembe ikoko it’s a plan nekuti you know kuti after the holiday ndinofanira kuenda kubasa. Its good to plan but ngatinzwei kuti Bible rinoti kudi nenyaya yekurongera ramangwana rako.

Chimwe chaita kuti maPlans edu arege kubudirira inyaya yekuti we ignore what the Bible says, tinoda kutsvaga tumaBook tumwe twakawanada wanda  neMagazine articles ne Internet kuti zvitiudze how to plan but we  ignore Book rinokosha rinonzi Bible kuti ritipe guidance. We look for motivational speakers to guide us in our resolutions but we ignore guidance iri muBook raMwari rinova Bible yet it is the only book rine shoko rinozadziswa because muridzi waro anova Mwari is the Almighty. He makes sure kuti zvarataura zvazadziswa. He watches over His word to perform it (Jeremiah 1:12).

So before you plan to do anything, you need to consult GOD kubudikidza nekuverenga Bible and also via prayer so that maPlans ako abudirire. Proverbs 16:3 inoti Commit your activities to the LORD, and your plans will be achieved. maPlans anotofanira kuiswa mumaoko aMwari kuti abudirire, ukada kuthemba nesimba rako or kungwara kwako, chances are high that you will fail.

Main verse yandinoda kufamba nayo its Psalms 127:1 inoti Kana Jehovah asingavaki imba vavaki vayo vanoshandira pasina, kana Jehovah asingachengeti guta varindi vanomira vakarinda pasina. Except the LORD build the house, they labour in vain that build it: except the LORD keep the city, the watchman waketh but in vain.


Verse ndaifarira iyi hanzi Kana Jehovah asingavaki imba vavaki vayo vanoshandira pasina, kureva iko kuti kana muchida kuvaka haizi nyaya yeCement nezvidhinha chete, aiwa but panotoda Mwari,. Kana mukangovaka imba yenyu with your resources but izvo zvisina Mwari, ziva kuti murikuvakira pasina,. You are working in vain, ndizvo zvataura Bible. Kuchengeta guta haizi nyaya yePfuti nemaMboma, but zvinotoda kuti Mwari vange varipo, otherwise murikuchengeta pasina, its vain.

Let me come closer home.

Kana mukachata Jehovah pasina, murikuchatira pasina. Haizi nyaya yemaCake, kutamba maSteps kana venue yakanaka, but as long as Mwari vasipo, that marriage will not work. Iko kutsvaga basa zvisina Mwari mukati shuwa munorishaya makatemba, unogona kuzadza CV nemaQualifications kubva certificate rekuCreche kuSvika kuPHD but as long as kutsvaga kwako basa kusina Mwari mukati, you  applications are in vain. Munogona kutanga business renyu but as long Mwari vasipo murikushandira pasina, hazvina mhosva kuti mashandisa maTactics api neapi, but as long zvisina Mwari, you are working in vain. Kuverenga munogona henyu kuverenga sisi but as long as your education does not involve GOD, munofoira iwo maTextbooks and every resource muinazvo. Kuparidza munogona henyu kuparidza but kana mukaparidza in the absence of GOD, murikuparidzira pasina.

Include GOD in all your plans this year uone kuti zvinoramba here

Mumwe anobva aita mubvunzo kuti nhai muparidzi ko inga wani kune vamwe who don’t include Mwari mumaPlans avo but zvavo zvinofamba sei, my answer to you is this, ko sei uchida kutedzera vanhu vasina basa naMwari, are you forgetting kuti iwewe you are different from other people in the world vasati vagamuchira Jesu, yes you are in the world but you are not part of the world, saka maPrinciples enyu akatosiyana. Some of them using evil means kuti zvavo zvifambe. Hausati waverenga here zvinotaura Psalms 73. Just read it unzwe zvinotaura munyori, achiti iye Ndakaitira shanje vanozvikudza pandakaona kubudirira kwavakaipa, havatambudzike, They are not in trouble like others; vanoseka uye vanotaura noutsinye, They set their mouths against heaven, vanowedzera pfuma yavo.

When the author tried to understand all this zvakamuremera up until azopinda munzvimbo tsvene yaMwari ipapo ndipo paakazonzwisisa magumo avo. Wakaipa akaiswa munzira inotsvedza kuti aparare, just like broiler rinochengeta panzvimbo yakanaka richipihwa good food kunzi riparare. they are destroyed in a moment, swept away utterly by  terrors!

Rega kuyemura vanhu vakamirira kuparadzwa.

Many people have failed because they failed to include GOD in their activities. Akatanga marriage nekutemba kuchenjera kwake but yakaparara, akatanga business nekuti aithemba Masters rake but it collapsed.

Proverbs 21:31 inoti The horse is prepared against the day of battle: but safety is of the LORD. Bible harina kuramba nyaya yekuPrepare horse rako aiwa, prepare your horse but remember that safety comes from GOD. prepare zvenyu maTextbook enyu muchiStuder but zivai kuti kupasa kunobva kuna Mwari. Itai accounts dzenyu neBudget dzenyu but zivai kuti profit ichabva kuna Mwari. Itai henyu maPreparations emuchato, venue, maCakes etc but ziva kuti its only GOD who can make that marriage work. Ita henyu Bible study yenyu but ziva kuti achikupai simba rekuzoparidzira vanhu vachitendeuka ndiMwari.  Prepare the horse and call upon the Lord to give you safety.

Manje umwe haadi kuPrepare bhiza but anongoda victory kubva kuna Mwari. Haadi kugeza but anoda kuti Mwari vamupe mukomana anomuroora, haadi kuverenga but  anoda kuti Mwari vamupasise, haadi kushanda nesimba paCompany paari but anoda kuti Mwari vamupe promotion, haadi kuforera basa but anoda kuti Mwari vamupe basa. Do your part which you  are able to do, and GOD will do that which you can not do on your own. Inga wani paguva raRazaro Jesu anoti bvisa dombo, yet He had the power to miraculously remove the stone but anovaudza kuti bvisai dombo, after vabvisa dombo ndipo paanozovaitira zvavasingakwanise kuita vega zvekumutsa Razaro. Zvamunokwanisa kuita itai, zvamusingakwanise, mosiira Mwari. Rega kuda kuita zvese wega or kushaya chako chaunoita.

maPlans anotonamatirwa kuti afambe, unotokumbira  Mwari kuti guide me in A, B C and D

and kutungamidza Mwari hazvingoreve kunamata  chete but it also means obedience, kuterera zvinotaura Mwari, nekuti pane zvimwe zvisingabvumidzwe neshoko raMwari and kana waramba kuterera zvinhu izvozvo then it means kuti you have excluded GOD out of your programme, manje kana wabuditsa Mwari pamaPlans ako, you are going to be successful in failure.

Iro Bible richiti usareva nhema, but iwe ndipo paunoda kuita relationship yaunenge uchinyepera mumwe wako, uchihwanda netsumo yekuti rume risinganyepi hariroore, you are  excluding GOD out of your relationship. Usashamisike ichiCollapser. Bible richirambidza hutsotsi, but iwe ndipo powoita business rine chitsotsi mukati, uchivhara maCustomer ako, and you expect GOD to bless  zvinhu zvakadaro.

Kana mafunga zvekuti Mwari vatungamire pazvinhu zvenyu then you must allow His word the Bible to govern your conduct. Murikuda kuti Mwari akupei muchato but you are busy fornicating, muchiita bonde imi musati mabatanidzwa zvinofamba sei manje.

But in every plan yaunoita ziva kuti GOD also has His plans. And usually GOD will allow our plans to fail so that He can fulfil His plans which he has for us. Saka dzimwe nguva ukaona zvawaronga zvichiramba, rega kufunga kuti hauna Mwari but it can mean kuti Mwari unavo but vane dzimwe program dzavanoda kukupinza than zvawakaronga iwewe. Hanti wakaronga kuti unoda kutenga mota, but ivo Mwari vanogona vachida kuti ufambe nemaCombi so that unowana mukana wekuparidzira vanhu mumaCombi imomo, than kuti vakupe mota how will you meet the public. Handiti une munhu wawakatarisira kuti dai Mwari vandipa mufesi uyu kana musikana uiyu, manje pamwe Mwari vane someone who is better than that person wauri kuda. Hanti une basa rawakateya kuti I want to do such and such a job,  manje pamwe Mwari vane a different job. Its very possible that GOD can have something very different to give you than what you actually want. Saka rega hako kuita pressure kana maPlans ako aFailure, as long  you are with GOD, He knows what’s best for you more than what you think is best for you.

maPlans enyu ese tungamidzai Mwari. But  remember this world will not remain for ever, haikona kubva waronga life yako zvekuti you forget kuti pano pasi hatigare zvamuchose, there is heaven to gain and a hell to shun. Above all your plans, isai nyaya yekuponeswa pamberi nekuti Jesu anoti Ko, munhu achabatsirwa nei kana akawana nyika yose, asi achirasikirwa noupenyu hwake? Matthew 16:26 For what is a man profited, if he shall gain the whole world, and lose his own soul? or what shall a man give in exchange for his soul?

The number 1 resolution you should make is to seek the Kingdom of GOD. tsvagai humambo hwaMwari chekutanga nekururama kwaho and zvimwe zvose zvichawedzerwa (Matthew 6:33). Zvepano pasi izvi zvinopfura, Hebrews 13:14 For we have no lasting city, but we seek the city that is to come. Kufumba kwenguva is just a sure sign yekuti we are drawing towards the end of this world. So don’t carried away zvekukanganwa kuti Jesu arikudzoka, planner hako life yako but live your life like Jesus is coming back today


2 comments:

  1. Zuva rakanaka ,
    Uri kutsvaga chikwereti, uchitsvaka chikwereti chekambani, iwe pachako
    chikwereti, chikwereti chemusha, chikwereti chemotokari, chikwereti chemudzidzi
    chikwereti chisina kuchengetedzwa, mari yekutengesa. Ndiwe chikwereti chebhengi kana mari
    kuramba kwechimwe kana zvikonzero zvakawanda. Iwe uri munzvimbo yakakodzera yekuwana
    chikwereti chemari! Ndiri chikwereti chemunhu oga, ndiri kukwereta kumakambani uye
    vanhu vane chikwata chekuderera chechidiki uye chikamu chakatasirwa chikwata che 2%.
    Taura nesu ne e-mail: albakerloanfirm@gmail.com

    ReplyDelete
  2. SRETNA NOVA GODINA SVIMA VANI. ZOVEM SE ALBERTINA I SRETNA SAM ŠTO SMO DOŠLI DO 2024. ŽELIM BRZO PODIJELITI SVOJE RANO SVJEDOČANSTVO O KAKO SAM OVE 2024. GODINE DOBILA ZAJAM OD 200,000.00 EURA. PRIJAVILA SAM SE ZA ZAJAM I DAVIDSON MI JE DOBIO ZAJAM KREDITNA TVRTKA ŠIROM SVIJETA. ZNAM O ČEMU GOVORIM I ZNAM KROZ ŠTO SAM PROŠAO, AKO VAM TREBA BILO KAKAV ZAJAM ZA VAŠ PROJEKT I ŽELITE INVESTIRATI DIREKTNO KOD TVRTKE, MOŽETE KONTAKTIRATI GOSP. DAVIDSON ALBERT PUTEM E-MAILA: {davidsonalbertloan@gmail.com}

    ReplyDelete