Boys dzangu zviri kudii, ndakanyorera maSisters enyu tsamba ndichivapa advice concerning nyaya dzemaRelationships & I thought I should also do the same for you.
My brother Samson, SMS yako ndakaiona, sorry handina kupindura ndainge ndisina airtym. You said musikana wako ari kukuCheater zvawakabata wega & you don’t know what to do. Hona mwana wamai, chenjera kuita sasazita wako Samson wemuBible (Judges 16), aigara achitengeswa naDelilah kumaFiristiya but iye continued neRelationship kusvika azogerwa musoro maisvikira simba rake. Zvimwe zvakuda kuti usvinure meso, unoda kungoramba uchiDouble croswa chete kusvikira rinhi, chenjera kuzopinzwa paProblem yausingazogone kubuda just like zvakaitwa naDelilah.
The choice is yours but rega kuchema kana mava muMarriage & she continues to cheat on you. zvimwe zvinhu Mwari varikubuditsa pachena kuti uzvione so that you know character yemumwe wako. How many times has she cheated on you, 3 times & she keeps saying it’s a mistake, ah. Hameno but ndinongokusiya neProverbs 26:11 inoti As a dog returns to his vomit, so a fool returns to his folly..rega kuramba uchiwira in the same trap. You might cry over that girl but ivo Mwari vaine munhu kwaye wavari kuda kukupa, apa ndipo pawoita nharo sechikwekwe chinoda kuramba chakabatirira paDehwe remombe yafa.
Johnson kana wafunga zveMarriage, please tanga wawana basa, I know mabasa arikunetsa but keep on praying & having faith, Mwari vanokuzarurira. Haizi nyaya yekushandira company chete but you can also do a project inokupa mari. Izvi zvekuda kutanga wapinda muMarriage but usingashande hazviite. Adam chaiye the 1st man haana kutanga nekupihwa mukadzi naMwari but akatanga nekupihwa basa to take care of the garden. Shuwa unoda kutora mwana wevanhu usingashande, unomuchengeta nei, kana cent zvaro rekuti uendese kuvabereki vake hauna. Dzikama munin’ina, rega kumhanya., hurry hurry leads to worry worry.
My brother Langton ndakakuona on Sunday pandakapfura nemuHarare Gardens ndichibva kumuchato waKudzi. I saw you & your girlfriend but imi hamuna kundiona. Ndakanyara zvisingaite nezvamaiita, handaiziva kuti every Sunday paunoenda muTown ndizvo zvaunenge uchienda kunoita. Shuwa kana muchibatana batana paPublic pakadaro, what more kana mava paPrivate place pasina anokuonai. Im not judging you but as your brother ndinoda kuti unzwe zvinotaura 1 Corinthians 7:1 It is good for a man NOT to touch a woman.
iyi yekubatana batana iyi haina kunaka. Kana muchinge mafunga zvekufadza nyama then get married, urege kuFornicator nekuti 1 Corinthians 6:9 inoti fornicators can not inherit the kingdom of GOD. shuwa wopotsa eternal life in exchange for mafaro e1 hour. Regedzai kuita zvinonyangadza Mwari.
George kurisei kuCollege ndakaverenga muNewspaper kuchinzi kuCollege kwenyu kwanetsa neNyaya yemaSugar mommy who use money inorder to attract maBen 10 (vakomana vadiki vekudanana navo). I advise you kuti urege kuva part of zvinhu zvakadaro, I know the temptation can be very strong considering kuti mari haazi kuBalancer, but just think about Joseph, akakwanisa kuResister pressure yaibva kuna mai Potiphar, they were only 2 of them mumba (Joseph naMai Potiphar), everyone was not around but Josefa akasarudza hake kutiza when offered sex (Genesis 39:7). Haana kuti dzawira mutswanda rega ndiite dzekudyorera but semunhu aitya Mwari akaona zvakafanira kuti atize muyedzo uyu.
Iwewe semunhu anotyawo Mwari, tiza zvinhu zvakaita seizvozvo. Dai akarara nemukadzi waPotiphar you never know aigona kuPromotwa paBasa owodzerwa salary but to him that was nothing as compared to listening to the word of GOD. no matter how much can be offered to you kuti uite chivi, siyana nazvo. Why should you enjoy short term benefits & have long term suffering than to have short term suffering & enjoy long term benefits. Joseph fled but hona kuzosimudzwa kwaakaitwa naMwari.
1 Corinthians 10:13 No temptation has overtaken you except what is common to humanity. God is faithful, & He will not allow you to be tempted beyond what you are able, but with the temptation He will also provide a way of escape so that you are able to bear it. miyedzo yese yawasangana nayo ziva kuti Mwari vakatendeka, havasiye miyedzo yakakura kukudarika kuti iuye kwauri.
Jonso naFranco, ndinoziva kuti kumaraini kwenyu kwanetsa nenyaya dzakasiyana siyana, vamwe vari kuRapper, vamwe varikusvuta manje, vamwe varikurara kumabhwa & many other things. At your age I know peer pressure inenge yakanyanya, munogona kufurirwa kuti everyone is doing this & that imi matosaririra. Ndinongoda kukupai Proverbs 1:10 inoti My child, if sinners try to entice you, do not consent!. Musabvume kufurirwa nevanoita zvakaipa. Lot stayed in Sodom muNyika ine ngochani but haana kutedzera tsika dzeimomo, no matter shamwari dzenyu dzirikuita fornication & many other sinful things, regai kutedzera. Romans 12:2 yoti do not be conformed to this world, musafananidzwa nenyika ino. Hongu majority ine zvakaipa zvirikuita but rangarirai mashoko aJesu, wide is the way which leads to destruction & many go through it, narrow is the way which leads to eternal life & only a few find it Matthew 7:13-14.
Constantine ndinozviziva kuti kuSouth kwauri vanobvimudza chingochani but my question is does GOD approve hungochani? No, He doesn’t. He created Adam & Eve & not Adam & Steve, He created Adam & Eve & not Madam & Eve. Mwari Vakabva vati be fruitful & multiply, but how can we multiply isusu tichirara neSame sex. Man & woman ndiyo pfungwa yaMwari & not man & man or woman & woman. Iyo nyaya yehungochani is 1 of the sins yakakonzera kuti Soddom ne Gomorrah zviparadzwe nemoto on Genesis 19. 1 Corinthians 6:9 inobuda pachena kuti those practicing homosexuality can not inherit The Kingdom of GOD.
Argument yako ndinoiziva you say kuti you were born like that, you were born attracted to other men but ndinoti kwauri yes you were born like that but you have to born again. Gamuchira Jesu saIshe noMuponesi, get baptised by water & Spirit & you will become a new creation & simba rekukunda chivi rinenge rava mauri.
Trymore wakati unoda kuuya kuChurch kuti uzotsvage musikana, ah. O.k. ini ndaifunga kuti tinoenda kuChurch kuti tinamate Mwari uye kudzidza but iyi yawataura iyi yekuti unoda kuuya kuzotsvaga musikana yandityisa. Unozviziva here kuti kuChurch kunogona kuita vamwe vasikana vanouyawo kuzotsvaga vakomana rather than kutsvaga Mwari, they have the same motive sewe, & GOD can connect you nemunhu iyeye mukadanana. iwe ugoenda kumba uchifara kuti ndawana musikana anonamata, iye musikana wacho agoendawo kumba achiti ndawana mukomana anonamata, izvo mese muri matsotsi masangana. maResults unozomaonera muMarriage kuti ummmm, ndaifunga kuti idzi dzinonamata but she is just same as me. Ndinokuyambira chinun’una Church haizi dating club yekuti unoenda uchitsvaga munhu wekuda kunyenga, dont come into the house of the Lord uchida kutsvaga vanhu vekunyudza, Jesus won’t allow his flock to be cheated. kuroora muChurch hakuna kuipa, I actually encourage izvozvo but rega kuuya kuChurch with a motive yekuda kutora musikana chete but usineyi nekunamata Mwari.
Lawrence how are you doing, I have been following gospel page rako paFacebook & ndinongoti dai Mwari varamba vachikuzarurira shoko rekuti uparidzire nyika ipone. Mutsvakiridzo ndakaona kuti pane zvinhu 3 zvinowanzo donhedza vashumiri vaMwari, that is money, pride & women. Ndinoda kuti uchenjerere paNyaya dzevasikana apo, not kuti vasikana vakaipa aiwa, but they can be used by the devil to bring you down. Funga nezvaSolomon, he was a great man, The Lord appeared to him twice but ukazoverenga 1 Kings chapter 11 unonyatsoona kuti nyaya dzevakadzi idzi dzakamuparadza sei especially verse 4 inoti his wives turned away his heart after other gods: & his heart was not perfect with the LORD his God.
pachenjerere ipapo, haikona kuti musikana wese akunyemwerera wobva wada kukanda shoko, ah ah, pray to GOD uchikumbira kuti vakutaridze wako chaiye because I know kuti many girls are attracted to you because of the work you are doing & the devil is also able to give you a girl who will bring you down.
Dunmore wakanditumira Message paApp uchibvunza kuti is it o.k. for muChristu to cheat on his girlfriend. To answer your question ndine one verse yandinoda kukupa Luke 6:31 Just as you want others to do for you, do the same for them. Itira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo iwe.
unoda here kuti musikana wako akuchite,,,,,,,,,, haudi,,,,,,,,,,,, so why cheat.
unoda here kuti your sister to be cheated on, haudi, so why do you want to cheat on other people’s sisters.
siyana nazvo.
to all you my brothers, ndinongoti you must date with an intention to marry, pinda muRelationship uine chinangwa cheMarriage & not any other motive. If you want to date for funny ndipo pamunogumisira mavakuita fornication just because you want to have fun. Usapedze nguva yemunhu uchidanana naye but uchiziva kuti hauzi kuda zveimba, no, that’s bad. Munhu wauri kutambisa iyeye zvichida there is someone anga achida kumuroora, apo ndipo pawakutambisa nguva yake. Pray about your relationships & regai kuFornicator (whether its sex or kubatana-batana) imi musati maroorana, , ndinoziziva kuti pane kamwe kaPressure kekuti you get worried kuti ko ndikasabata musikana wangu haazofunge kuti ndakapusa here or anozobatwa nevamwe vakomana. But ndinoti zviri nani kuti unzi wakapusa nevanhu but uri correct kuna Mwari wako than kuti unzi wakangwara pamberi pevanhu but izvo zvichikangisa hukama hwako naMwari. Remember musikana wako or vanhu havana denga ravanokupa. Even if mumwe mukomana akazouya achikutorera musikana wako, fair & fine, GOD will give you a lady who understands you & anotyawo kutadzira Mwari.
zvamafunga kuroora, chiendai kunoTestwa ropa. Rega kuti kana waona munhu akasimba wofunga kuti haana chirwere or waona akaonda womuti anorwara, NO, we don’t test for HIV with our eyes but ndokusaka tiine new start centre nedzimwe nzvimbo were we can get tested. So ndinokukurudzira kuti iwe mumwe wako muende kunoongororwa ropa musati mapinda muMarriage.
Ndakazonzwa mumwe achiti washen yamuwandira, better kuroora. Mistake yake ndeyekuti chiri kumuPusher into marriage haizi love but iNyaya yekuti arikutsvaga anomuwachira hembe.
vamwe ndevano pinda muMarriage for sexual purposes, that’s why uchiona kuti akatadza kugutsikana, he goes on kunotsvaga pfambi.
vamwe ndevanoti makore afamba better ndichitsvage chero wandawana.
usapinde muMarriage for other reasons besides love because once wangodaro chete then the probability for a divorce is very high.
above all zvandataura, I just want to urge you kutsvaga humambo hwaMwari chekutanga nekururama kwavo & zvimwe zvese zvachawedzerwa (marriage included), regai kuita desire yekuda kuroora inopfura desire yekuda kunamata. GOD first, zvevasikana zvinozotera. Its better to go to heaven single than to go to hell married. Rega kukanganisa spiritual life yako all because of joy yeRelationship inopera but uchirasikirwa neJoy yeEternal life. life is more than about marriage, lest we become like those people in the days of Noah. Matthew 24:38-39 ichiti For in those days before the flood they were eating & drinking, marrying & giving in marriage, until the day Noah boarded the ark.
They didn’t know until the flood came & swept them all away. So this is the way the coming of the Son of Man will be:
Hapana chakaipa kuroora kana kuroorwa but it becomes bad when the desire of getting married overrides the desire to follow what the Bible teaches. I know vamwe mune maIssues andisina kuAddresser in this letter, very sorry ndichanyora imwe tsamba kana Mwari vachinge vanditendera. Nemashoko mashoma iwawa ndinoti keep on praying, isa kutenda kwako muna Mwari kuti vakutungamire.
ndino wako
Brother Mharidzo (sermons)
(please note: the above names are fictional, ukaona zita rako or remunhu waunoziva rafana nemunhu anyorwa muTsamba akafanana, it is just a coincidence)