Tuesday, 31 December 2013

Title: Let them go. Scripture reading: Judges 7:1-8

Gideon akadaidzwa naMwari on aMission to lead a war againt maMidianites, achibva aunganidza Army yaiva iine vanhu 32 000. But Mwari haana kuvabvumidza kuti vaende kunorwa vakawanda kudaro, He reduced the army from 32 000 to 300 people, just imagine, vamwe 31 700 vanhu vese havana kubvumidzwa naMwari kuti vapinde muArmy yaGideon. So there can be times dzekuti Mwari vanogona kudzikisa number yevanhu vanokutsigira, vanoku supporter, not because He wants you to lose but pane reason why Mwari vaita izvozvo. so ukaona Mwari vachiita kunge vari kubisa vanhu muLife mako, or maResources, don’t worry about it, GOD has reasons why He is doing so. Rega kuda kuStopper vanhu ivavo kuti vasaende, that’s why musoro weMharidzo uri kuti Let them go.


Panotanga chapter iyi Gideon and his army ye32 000 vainge vaka camper kuOne side and muvengi wavo maMidianites, vainge vakaCamper on the other side. Army ina Gideon iyi ndiye ega akaisarudza, havazi Mwari vakamurongera army kuti tora nhingi naNhingi but it was him who selected the army. Its very common kuti you can be surrounded by people whom you selected but ivo vasina kusarudzwa naMwari kunzi vave newe paMission yaunoda kubata. Its possible kuti unogona kuva nevamwe vanhu wavakasarudza kuti vakubatsire paBasa raMwari rawakadanhirwa but ivo vasina kusarudzwa naMwari. You are the one who selected them but havazi Mwari vakasarudza vanhu ivavo. You might have maFriends awakasarudza kuti utamabe navo, uwirirane navo, but ivo vasina kusarudzwa naMwari kunzi vatambe newe. So don’t be worried ukazoona type iyoyo yavakukusiya mune ramangwana.
 

Mwari ndokubva vataura naGideon vakamuudza kuti Army yako iyi yakakurisa, you have too many people with you. But iwewe uchizvi consider with your common sense unogona kuita nharo kuti aiwa Mwari, 2 is better than 1, kana takawanda so ndizvo zviri right because there is power in our numbers.
But ivo Mwari vachiti kwete makawandisa. The reason why Mwari varikuti army yaGideon yakurisa kuitira kuti if they win, vanozotanga kuzvipembedza vachiti takakunda maMidianites, nekuda kwekugona kwedu, we won the war because of our numbers, but iye ari Mwari akaita kuti mukunde.

 

Dai Gideon akaenda kuArmy with his 32 000 soldiers, after victory he could brag kuti chakaita kuti tikunde was because of our large army, it was in the power of our numbers, but otadza kurangarira kuti its not the power in the numbers but the power in GOD. so that’s why Mwari vakati army yenyu yakakurisa because He knew zvaizoitika after vanhu vawana victory.

So im saying ukaona Mwari vachiita kunge vari kubvisa shamwari dzako in your life, ukaona vachiita kunge vari kubvisa maResources ako awainge wakathemba nawo, ukaona kunge Mwari varikubvisa mari yawanga uchithemba kuti ndiyo ichakubatsira, don’t be worried about it. nekuti Mwari vanoda kukutaridza kuti victory haizi muNumber yevanhu, or mumari, or mumaResources ako, but the victory is in Jehovah.


If you get your victory uine vanhu ivavo, vanozotanga kufamba vachitaura kuti ndivo vakakugonesa but iye ari Mwari akakuhwinisa. They will go around vachitaura kuti ndivo vakakudzidzisa kuparidza, they are the ones who taught you to sing, they are the ones who gave you a job, a business idea, vanotanga kufamba vachitaura kuti ndivo vakaita kuti usimuke. So Mwari anoda kubvisa type iyoyo before the battle begins, kuitira kuti kana wawana victory parege kuva nemunhu anobuditsa maShoko ekuti they are the ones who made you what you are but munhu wese aone zveshuwa kuti uyu ndiMwari akasimudza munhu uyu.

 

 

Vanhu vawandisa ava Gideon, ndiko kutaura kwaMwari, hanzi enda unovaudza kuti whoever is fearful and afraid ngaadzokere hake kumba kwake. Wese arikutya ngaadzokere kumba. Magwara ese ngaadzokere kumba. Gideon achienda kunotaura mashoko aya kuArmy yake, vanhu 22 000 vakabva vasarudza havo kudzokera kumba. Just imagine, there were 32000 people handiti but zvanzi zvoni anyone ane fear ngaadzokere hake kumba hondo isati yatanga and 22 000 people decided to go back home.


68% yemasoja aGideon vainge vaine fear, they were afraid, magwara vaitya hondo isati yambotanga . Ndipo pane problem yekusarudza army wega, ndipo pane problem yekusarudza vanhu wega vaunoda kuti ufambe navo paMission yawakapihwa naMwari because uchasarudza nemaCowards, uchasarudza magwara, ana muvhunduka bete, mbendwe hadzo, anaKwatacraft, vanokwata zvavo. They are part of the army zvavo but mukati umo hana iri kubika manhanga, ari kutya zvisingaite and uchimuona unenge uchifunga kuti yahh army yangu ine varume vasvinu but usingazive kuti varikutya zvavo.
 

So Mwari vaizviziva kuti 68% veArmy iyi varikutya zvavo so Gideon udza munhu wese arikutya adzokera kumba. Because type yakadaro haizi yekuenda nayo kuhondo, munhu ane fear can make you be defeated. Anogona kuita mamwe maDecisions anoita kuti mukundwe, nekuda kweFear anogona kubatwa nemuvengi akaswera afumura base renyu, so its better asare zvake. Don’t be worried ukaona vanhu vachikusiya muLife mako, vamwe vacho vane fear kwazvo zvekuti ukaramba uinawo they cause a defeat kuSide kwako. Unogona kuita bhururu wekuti anotya maSatanists zvisingaite zvekuti whatever chawafunga kuti kuita paBasa raMwari, he discourages you achiti siya you will be attacked by the devil. He transfers fear yake kwauri zvekuti unogomusira newewo wakutya.

 
You can be surrounded nemunhu paBusiness rako anotya kuita loss zvekuti every idea yawafunga kuda kuita he discourages you nekuti ane fear yekuruza. Ukada kuti uchengete huku anokuudza kuti regedzai zvenyu amai munoita loss because huku dzaka flooder market, ukada kuti uite zvemaCombi anokuudza kuti siyana nazvo police irikunetsa paRoad apo, ukada kuti uite cross boarder anokuudza kuti siya because ZIMRA irikunetsa paBorder. Munhu akaLoader fear yeLoss zvekuti anokuDiscourager from zvinhu zvinokubatsira. Iyoyi type iyi ine fear ndiyo irikunzi naMwari, Gideon udza vanhu vese vanotya vadzokere kudzimba dzavo.

 
Its actually good for you ukaona Mwari vachibvisa vanhu vane fear vakakukomberedza because they can work against vision yako. They can discourage kuimba maSongs eGospel awakanzi naMwari uimbe, they can discourage kuparidza paRoad pawakanzi naMwari uparidze because vanenge vachiti inomakisa. So let them go, if they GOD wants them to go, don’t stop them. Gideon achiona 68% yeArmy yake ichirova U turn haana kuTryer kuda kuva stopper but akavasiya vachienda. Don’t try kuda kudzosa munhu abviswa naMwari paProgramme dzako, siya aende.

 22 000 vachidzokera kumba, kwakasara 10 000, but still Mwari vakaudza Gideon kuti vanhu ava vakawandisa ava.  uri iwe Gideon unogona kuvhunduka kuti shuwa Mwari 68% yaenda ndasara ne32% chete but still you are saying vakawandisa. Yah, pakaoma. Iwe unenge warwadziwa ne22 000 vaenda pekutanga but urikunzwa kuti still tinoda kutapudza number yacho. Bata chinhu ichi, magwara ese ane fear vaenda kumba handiti and kwasara vanhu vasina fear, but still Mwari arikuti vanhu vachiri vakawandisa awa.

 
Yes its possible kuti kune imwe group ine vanhu vane fear yainge yakakukomberedza yakabviswa naMwari, pakasara vasina fear but ivo Mwari vacho vari kuContinuer nekubisa imwe number. Unogona kufunga kuti uyu haasisiri Mwari but ava satan manje, how GOD keep on removing people from my side, asi havasi kuda kuti ndihwine kani. But don’t worry, let them go, Mwari ava vanoita zvisina kujairika, vanoita zvinopfura pfungwa dzevanhu. Nyika kana ichida kuenda kuHondo ingatosarudze army yakakura, but kana zviri zvaMwari vanotoda kuti army iite diki. No wonder why vakamboshanda neMurume 1 chete to fight the philistines (Samson). 1 ari ega, but naMwari wake they formed a strong army, so nyaya haizi yeNumber but iri musimba raMwari.


Mwari akaudza Gideon kuti pinza vanhu ava paTest, test yacho involved kamunwiro kanoita vanhu mvura from the river. Test ichibva yaitwa and only 300 people passed the test out of 10 000. GOD can put people who surround you through a test kuti uone kuti vanokuda chaivo ndevapi and veFake ndevapi. Unogona kurwara and vanhu wavaifunga kuti vanokuda unoona vachikusiya. Unogona kuBroker zvekuti wacho wavaifunga kuti ndiwo maTop face ako vanokusiya. Panogona kuti a test yekuti vazhinji vanofoira, just like zvakaitika pane army yaGideon iyi, 9 700 people failed the test and vachibva vanzi dzokerai paDen.

 
Lets get mathematical, funga kuti iPercentage yakakura sei yakabviswa pane army yaGideon, from 32000 to 300 people. 99.0625 % ndiyo yakabviswa paArmy and kwakasara 0.9375% chete. Pafunge 99% yeArmy yakabviswa and kukasara less than 1% chete apa hondo haisati yatombo tanga but Gideon has already lost 99% yevanhu vake. Unogona kufunga kuti ummm uyu haasiri Mwari uyu, how can GOD reduce my army to such a small size. Ahhh its possible, kune umwe munhu arikuzhamba achiti how can GOD reduce my income to such a small figure, how can GOD reduce the number of my friends to such a level. But chandinoziva hangu ndechekuti victory haizi muSize yeMari or muNumber yevanhu vanokutsigira but the victory lies in GOD.

 Pa300 vainge vasara Mwari ndipo paVakaudza Gideon kuti ndichakukundisai paHondo henyu and ndichaisa muvengi wenyu maMidianites muruoko rwenyu. Hondo haisati yatanga but Mwari vakutotaura maResults nechekare, hanzi ndichakukundisai. Ndizvo zvakanakira kuterera Mwari, nekuti dai Gideon akaramba kuReducer size yeArmy yake, he wouldn’t get this victory because anenge aramba kuterera Mwari. But iko kuterera Mwari ikoko achiudzwa kuti army yako yakurisa tarira uone, it has finally paid off. Hondo haisati yatanga but victory has been guaranteed.

 So ndinoti kune iwe muverengi weino mharidzo, mukuterera Mwari ndimo makaLoader victory yako. Kana Mwari vachinge vatanga kuRemover vamwe vanhu vakakukomberedza, don’t try to fight it but just submit to GOD and all will be well. Handisi kuti famba uchituka vanhu kuti vakusiye, or ramba mukadzi or murume wako, handisi kuti provoke people kuti vakusiye but ndiri kuti kana Mwari Vachinge Varonga kuti vanhu vakutize, chingozvitambira.

Do you know kuti kana uchinge watanga kufamba naMwari chaizvo chaizvo, you will definitely lose friends and relatives. Kana uchinge watanga kuterera zvinodiwa naMwari you will find kuti vanhu vanhu vachakutiza, kwete nekuti wavadenha but kunenge kuri kuda Mwari. Its normal kuti shamwari dzako dzawaisidhakwa nadzo, dzawaiita madhiri nadzo, vanokusiya nekuti wakagamuchira Jesu. Shamwari dzako dzawaisiita zvichipfambi newe they can leave you nekuti you are now a Christian, its normal, and don’t try to stop them, but siya vashamule.
 

Ukaverenga John chapter 6 unoona Jesu achiparidza imwe sermon yekuti akatizwa nemaDisciples. Not the 12 main disciples but mamwe maDisciples vakamutiza and Bible rinoti From that time many of his disciples went back, and walked no more with him. Havana kuzofamba naye futi (John 6:66). That’s was the end of it nekuti ane sermon yaainge aparidza yavasina kufarira. So it can come a time yekuti unogona kupihwa shoko naMwari rekuti uparidze but shoko racho iroro roita kuti vamwe vanhu varove U turn, varege kukuterera futi. Not because waizviita intentionally but wangoparidza chokwadi chabva kunaMwari and vanhu vatadza kuzvifarira and they decided to leave you just like zvakaitika kuna Jesu.

Especially munguva yatiri ivo yemazuva ekuguma kweNyika, if you preach zvokwadi chaiyo yaJesu vanhu vanokusiya. Vashoma vachada kunzwa vhangeri rekururuma nehutsvene, vazhinhji vakungoda rekuti Mwari anokupai mota, anokupai pfuma, munoita mazi mari, receive your wedding, receive your financial breakthrough. But iwewe semuChristu don’t be worried about people leaving you after you preach the truth. Mufundisi regai kutya kuti church ingasare yava nevanhu vashoma nekuda kwekuti maparidza vhangeri risingafarirwe nevanhu. Gideon akasara aine vanhu vashoma but victory akaipihwa nekuda kwekuti ainge aterera Mwari, you can reach heaven zvakanaka and you can enjoy life pano panyika even though muri vashoma but as long masarudza kuterera Mwari.

 Nyaya haizi muNumber, but iri muna Mwari. Its better to preach the truth to 10 people than to preach lies to 10 000 people, because nekuwanda kwenyu ikoko munoenda kuGehena zvakadaro.

 
Jesu akatizwa nemaDisciples akangosara ne12 chete chete, and akavabvunzwa 12 ivavo akati Do you want to go as well, munoda kuendawo here sezvaita vamwe, but Peter akapindura akati kwete, tingaende kuna ani, imimi ndimi mune mashoko ehupenyu husingapere.
the sermon yaita kuti vamwe vasarudze kusiya Jesu, is the same sermon yaonekwa naPeter kunzi ine mashoko ehupenyu husingaperi.


So ndinoti kwauri as long uchifamba naMwari pazvokwadi, hongu vanhu vangakusiye but ziva kuti kune vamwe vanhu vanoramba vakamira newe chete. Army yaGideon ingadzikire hayo but anosara aine 300 varikudiwa naMwari. Vadzidzi vangatize havo Jesu but anosara aine 12 vari serious, people can desert you but ziva kuti pane vamwe vanosara vari kuSide kwako. Nyika yose ingaipe zvayo, but Noah anosara aine vamwe 7 vaanopinda navo muArk. Kana vanhu vachikutiza, regedza vaende, let them go, nyaya yedenga haizi mumaNumbers but iri munaJesu.

Title: No Qualifications



MaCompanies naMwari they operate zvakasiyana, company inotaura kuti kana uchida kuShanda pano we need maQualifications and Experience kana pasina izvozvo pano hausande but Mwari manje vanoti even usina qualification kana experience huya wakadaro and I will qualify you and give you the experience.
mashandaro aMwari nemashandiro evanhu zvakatosiyana, so don’t be worried zvako kana nyika ikakushora. Kurambwa nevanhu hakuzi kurambwa naMwari.


PaMharidzo ino ndinoda kuti Mwari vandibatsire ndigone kubatsira mumwe munhu anozvitarisira pasi. I want to assure you kuti as long as you are alive, Mwari vane chinangwa newe, there is a reason why you are alive today, so rega kuzvitarisira pasi but discover kuti what is it chaunoda kunzi uite naMwari.


Adam achisikwa there were no companies kwainge kusina kana industry one yekuti atsvage basa, he had no experience, no qualification, kana sekuru vaigona kumurongera basa, but Mwari vakamupa basa to take care of the Garden of Eden. So nyaya haizi yekuti hauna anokuziva angakupe basa but vavarira kuzivikanwa naMwari and wapinda. Yes you might not know people in high offices but as long as you know The Most high GOD, then zvako zvaringana. Adam aitova neGarden rake but no o’level, kana grade seven anga asina. Kune vamwe vakadzidza kwazvo but havana mabasa and poitawo vamwe vasina kufunda but vane mabasa epamusoro, zviri kuitika wena. Yes funda hako, but ziva kuti answer yako iri pana Mwar and not paBepa rinonzi certificate.


Ana Peter vainge vasina kufunda, vaitova varedzi vehove but ndiwo vanhu vakaenda kunodeidzwa naJesu kuti vaite maDisciples. Peter haizi riye akaenda kuna Jesu achi applier kuti I want to be a disciple but Jesu ndiye akadeidza Peter kuti I want to make you a fisher of men. Jesu kusiya maScribes nemaPharisees vanozviita vanoziva shoko but achiuya kuzotora fisherman kuLake. Ndizvo zvinoita Mwari, GOD can make you a powerful minister of His word, but usina kana fundo inotarisirwa neNyika. Vazhinji vanotarisa kuti utange waenda kuBible college and then wozoita mufundisi, but kana Mwari vakudana you can be a Pastor zvisinei kuti hauna kuStuder theology. Jesus personally ndiye akadzidzisa anaPeter nezvehufundisi, The Holy Spirit will teach you personally. Zvinonakidza sei kudzidza directly from GOD.


Unozviziva here kuti Esther was an orphan, baba namai vake vainge vakashaya and aichengetwa naMordecai (Esther 2:7). But Esther akapedzisira ava Queen, mukadzi waMambo. Handizive kuti unogara nani or wakakura uchichengetwa nani, maybe uri nherera, but ziva kuti Baba vako vari kudenga (GOD) is still alive. Rega kuramba uchichema kuti wakashayikirwa nevabereki, but focus on the future, shamwari misidzo haimutse mubereki wako, so siya zvekuchema izvo but start to seek GOD, believe that He is able to raise you up, even though uri nherera. Psalms 68:5 inoti GOD is A father of the fatherless.
hongu the people have qualified you as fatherless, but Bible rataura wani kuti  Baba unawo vanova Mwari.
 

David was the youngest muMhuri mavo. Mudhara wake Jesse aiva nevana 8 and iye david was the last born. Mwari vanotuma Samuel kunozodza mambo imo mumba mana David macho and it happened kuti iye David wacho aifanira kuita mambo was not there. Samuel akatomboda kuzodza Eliab, Mwari vachibva varamba vakati aiwa, haazi riye wandasarudza iyeye. imagine Samuel a true Prophet akapotsa azodza munhu asiriye but achisiya David the correct person (1 Samuel 16:6). Don’t be worried zvako, vazodziwa waMwari chaivo vanogona kukuJamba vachida mumwe munhu, but Mwari havasiye zvichiitika.
 

GOD didn’t allow Samuel to anoint the wrong person,  kana Mwari vachiti anointing ndeyako for sure it is yours. Madzikoma vese havana kusarudzwa kuti vaite mambo but Mwari vakasarudza the youngest 1, David. Yes you might be young, but GOD can choose you for His work. David was not there pamba paifanira kuzodzwa but Samuel akataura akati endai munomudeidza, we are not going to sit down kusvika David auya. Ohhh kana zviri zvako zveshuwa, Mwari anokonzeresa kuti vanhu varege kugara pasi up until you come, people will become restless kusvika vakupa zvinhu zvako.


Ruth aitera mumunda achinhonga zvakasara but iko mukunhonga zvakasara ikoko akapedzisira anonga Boaz muridzi wemunda. Hongu anogona kunzi wakasara kunge last year nekuti unonhonga zvakasara but Mwari vane chekuita neLife yake. She ended up getting married kumuridzi wemunda maainhonga imomo. Hameno maybe urikunzi wakasara, vamwe vanokuti unopfeka zvakasara, vamwe varikurova hembe dzinosiya muviri uri panze iwe wakapfeka tsiga ndikuroore inofamba ichitsvaira road, vamwe varikumwa mapiritsi ekuti vasimbe but iwe une slim body yako iyoyo. But kana Mwari vafunga kuti uroorwe for sure you will get married zvakanaka chaizvo. Ruth ainhonga hake zvakasara but akaroorwa nemuridzi wemunda. Hongu in the eyes of people wakasara, but kuna Mwari uri kumberi chaiko.


Elijah aiita maMiracles makuru, achinayisa moto, achikonzera drought, achiTsemura river Jordan neBachi rake. But haasi riye the greatest prophet.
Moses akaita minana, kutsemura red sea netsvimbo, iyo tsvimbo iyoyo ichishanduka kuita nyoka, kurova dombo richibuda mvura but he is not the greatest prophet.



Elisha akamutsa vakafa, akadyisa vana nemapere, akatsemura Jordan nebachi but haasi riye the greatest prophet.
But ukaverenga John 10:41 uchaona kuti John the Baptist haana kana mirale one yakaita but unonzwa Jesu achiti kuna Luke 7:28 pavanhu vose vakazvarwa nomukadzi, no one is greater than John.
ini ndaifunga kuti anaElijah ndivo vakuru, but iye Jesu anoti John the baptsist ndiye mukuru, yet haana kana 1 miracle yaakaita and akatourayiwa naHerod, avo anaElijah havana kuurayiwa but vakaenda kudenga neNgoro yeMoto.
maonero edu, nemaonero aMwari akasiyana.
tine vanhu vari great muzvinhu zvaMwari and nyika inenge ichitarisira pasi.
rega kuDepender nemaonero evanhu, you might be a great person pamberi paMwari but nyika uchionekwa seusina basa.


Sarah by medical standards she didn’t qualify to have a baby, science dzinoti at 45 years mukadzi haachabereki anenge asvika paStage inonzi menopause, but Sarah akaita mwana at 90 years. (Genesis 17:17). She was double the normal age of menopause but izvozvo hazvina kumutadzisa kuti aite mwana. Tsvaga chembere ine 90 years ufunge kuti zera iroro ringaite mwana here. Vakadzidza vanokuudza kuti kana mapfura 50 years mukaita mwana you can suffer maComplications, munogona kufa, or mwana kufa or the both of you. but zvaMbuya Sarah hatina kana record yekuti vakaita maComplications. So don’t be worried about nyaya dzeAge, don’t be worried about what the world might say.

 Gideon aipura wheat  ari muWinepress (chisviniro cheWine) instead yekupurira paThreshing floor chikonzero ndechekuti aida kuhwandisa wheat yake kubva kumaMidianites aiva neTsika yekutorera vana veIsrael harvest yavo.( Judges 6:11)  but iye Gideon iyeye ane tsika yeku hwanda ndiye munhu aiva neCalling yekutungamira masoja pakurova maMidianites. Gideon anotoshamisika achiMhoreswa neMutumwa kunzi the LORD is with thee, thou mighty man of valour. Jehovah vanewo murume ane simba noumhare. but uchizvitarisa zvinoita kunge zvisina sense kuti,  munhu iyeye akahwanda ndiye anonzi Mighty Man, iye munhu akahwanda iyeye ndiye anonzi the Lord is with thee.

Tine vanhu vekuti they are Mighty Man they are Mighty women but vakahwanda kumaBenji ekumashure muChurch, akahwanda ari kumba kwake, ivo Mwari vachida kuti munhu iyeye atungamire, pangave pakuimba, pakuparidza, pakunamatira vanhu or any other task. But anenge akahwanda zvake, achiti haa isu tingaitei zvedu .I hope you are not one of them, namata kuna Mwari vakusimudze kubva muWine press mawakahwanda umu uende kunobata basa ravo. Vanhu vachikuona they qualify you as a coward but kuna Mwari une mission yekuita commander weHondo dzeMweya.
Jacob aida Rachel kupfura Leah, but iye wacho asingadiwe iyeye Leah ndiye akatanga kupinda muMarriage, although process yacho yainge iine chitsotsi chaLaban but inzwa zvinotaura Genesis 29:31 And when the LORD saw that Leah was hated, he opened her womb: but Rachel was barren. Mwari vakaona kuti Leah akavengwa but vakavhura chibereko chake zvekuti akatanga kuita vana but Rachel uyu wekunaka uyu, no child. Rachel akazobereka time time but Leah ambobereka vakati ohh.
 
Mwari vaida kusimbisa relationship yaLeah naJacob kubidikidza nevana. So hazvina mhosva kuti unonzi wakanyangara or vanhu vanoita kunge vasingakude but kana Mwari vachinge vafunga nezvako, marriage yako inotosimba chete. Murume wako anosvika pakuramba small house yakanaka kwazvo achiti I now want to be faithful to my wife nekuda kwekuti Mwari vanenge vapindira.

Mumba mana Joseph they were 12, iye Joseph was the 11th child. Even though ari wechi eleven ndiye akapihwa maDreams naMwari. Madzikoma vakamuvenga kusvika pakumutengesa, he was taken to Egypt, iko kuEgypt ikoko kwakupihwa mhosva yaasina kupara. But he rose from being a prisoner to become the 2nd in command in Egypt. Pameso evanhu, hazviite kuti ex-convict ribude muJeri kunoita gorvenor, hakuna zvakadaro, maGraduates anenge aenda kupi. But Mwari vanozvinogona izvozvo from the jail straight to the palace.

Zakeo ranga riritsotsi, but ndiye munhu akanzi naJesu ndinoda kuenda newe kumba kwako. Dai Jesu akabvunza nyika kuti ndiende kumba kwaani, vanhu vaigona kumuudza kuti endai kumba kwemaPriest, maRevhi, maScribe or vamwe vanhu veChurch, but kudzimba kwembavha musaende, munoSearchwa. But Jesu chaakanakira haabvunze nyika, He chooses whom he wants to choose, that’s why uchiona kuti vanhu havana kufara kuti sei Jesu achienda kumba kwambavha.

Chirikadzi yakabvisa 2 maCoins but ndiyo yakanzi naJesu she has given more than everyone else. Economically speaking she was the 1 akabvisa kamari kasina basa but spiritually speaking she was the best giver. Unogona kutarisirwa pasi peChurch nekuti hauna mari zhinji yaunobvisa kuChurch, but ivo Mwari vachitofara kuti ndiye anobvisa stereki.

MaWiseman akauya kunopa Jesu Gold, mukadzi chipfeve akazora Jesu mafuta anodhura, chinohura chii Gold kana mafuta. Obvious its Gold but Jesu haana kuti paridzirai nyaya yemaWisemen, He said paridzai nyaya yemukadzi uyu.


I can go on and on, Bible rakazara nyaya dzevanhu vaionekwa neNyika sevasina basa but ndivo vakasimuudza. What ever it is chauri kuzhamba uchiti I disadvantage rega kuchema but find your comfort in The Holy Spirit. Pamberi pevanhu you might be useless but kuna Mwari you are useful.

1 Vakorinde 27-29 Asi Mwari akasarudza zvinhu zvoupenzi zvenyika ino kuti anyadzise vakachenjera; Mwari akasarudza zvisina simba zvenyika ino kuti anyadzise vane simba. Akasarudza zvinhu zvakazvidzwa zvenyika ino uye zvinhu zvakazvidzwa, nezvinhu zvisipo, kuti ashayise simba zvinhu zviripo, kuti kurege kuva nomunhu angazvikudza pamberi pake.

Thursday, 21 November 2013

Title: Greener pastures Scripture Reading ----- Gen 13:10-11



Greener pastures zvinoreva nzvimbo ine hupenyu hurinani, a place where
you can enjoy a better life than yaunoEnjoyer uri paugere nhasi. We
all need hupenyu huri nani, hapana asingadewo zvinhu zviri nani,
that’s why tichienda kumabasa, aim iri yekuti tikwanise to take care
of our needs and wants. But problem ndeye kuti unogona kutsvaga
maGreener pastures and satan anokupa maGreener pastures acho nekuti he
knows kuti once wawana zvinhu izvozvo, uchapedzisira waBackslider,
uchahedhuka, ucharamba Mwari, ucharara muhuipi chete and hell becomes
your final destination. Mwari vachindutungamira regai ndifambe nayo
Mharidzo iyi.

Vafudzi vemombe vaAbraham naLot vakatanga kunetsana over mafuro. Space
yava shoma, mombe dzawandisa, so there was a competition. in life
there is always competition. Vakomana vari serious vanoda zveMarriage
they are now few, so inenge iri competition yega yega. Ivo vasikana
vacho vandingati wife material, they are now few, mabasa they are now
few, pekugara iShortage yega yega, competition yega yega inokonzerwa
neShortage, so at the end of the day munhu anopedzisira ava kutsvaga
maGreener pastures, he ends up looking for some other source yeChinhu
chaari kuda.

That’s what happened between Abraham and Lot. Abram akaudza Lot kuti
hona vafudzi varikunetsana and ini newe tiri hama nehama and this is
not good, so to solve problem iyi iwewe tanga kusarudza area yaunoda
kunogara, and ini I will go kwausina kusarudza. If you go the left ini
ndichaenda kuright and if you go to the right ini ndichaenda kuLeft.
Ipapa apa ndipo pakaita nyaya. CHOICES.
inosvika nguva muLife yekuti you have to make a choice, uri iwe Lot
haugone kusarudza kuti ndinoda kugara everywhere, left right and
centre, north, east, west and south. You must make a choice. Iripo
nguva muhupenyu yekuti you have to make a choice you cant choose
zvinhu zvese. You have to choose kuti ndinoda mukadzi mutete kana
murefu, murume ane mari kana asina, you cant have both, whether to
work in Zimbabwe or diaspora. Hobho maOptions atinosangana nawo muLife
and haugone kuti utore ese ka1.



But the biggest mistake yaungaite is to choose a greener pasture,
nzvimbo iri nani pameso ako but yakaipa paMweya. Just like mistake
yakaitwa naEve, akaona kuti muchero uyu unofadza meso and wakanaka
kuti ndiudye because I will be able to know good and evil, she
considered maBenefits ekudya muchero but she didn’t consider kuti
Mwari vanofara here nezvandiri kuda kuita izvi. Ndiyo problem yekuti
you consider maBenefits echinhu but you don’t consider the spiritual
side of it. unoona musikana anoda kuroorwa mukomana ane mari rather
than kuroorwa nemukoma waanzi naMwari aroorwe naye. Ivo vakomana
vanodawo musikana ane body or face yakanaka instead yekuda musikana
waapihwa naMwari.
the greener pastures error, mistake yekusarudza something nekuti
chinogutsa nyama yako rather than kuti chigutse mweya wako.


Lot akaudzwa naAbram kuti sarudza area yaunoda kuenda, he lifted his
eyes achibva atarisa kune bani reJordan. First mistake yaLot is this
one: Bible rinoti we walk by faith and not by sight, but iye anoda
kufamba nemeso. Akashandisa maziso ake kutsvaga area yakanaka, rather
than kuti anamate kuna Mwari so that he can be shown area yekugara.
Akashandisa meso epanyama rather meso epamweya. Don’t make this
mistake yekuti unoshandisa nyama yako to make a decision rather than
kushandisa mweya wako.

Musikana wawafunga kuti uroore uyu, what is it chiri kukutuma, meso
ako here epaNyama arikukuudza kuti she is beautiful or its your
spiritual sight irikukuudza kuti she has a beautiful heart. Mukomana
wawafunga kuti udanane naye uyu, what is it chakutuma is it meso ako
epanyama anoona mota yake and the nice suits he  wears or it’s the
spiritual eyes which have shown you kuti his heart is rich of love.
Church yawafunga kupinda iyi, haazi meso ako epanyama arikukutuma
kupinda church iyoyo here because waona uniform yakanaka inopfekwa
ikoko or mota dzakanaka dzinopakwa ikoko or it’s the spiritual eyes
akuratidza kuti iyi ndiyo church yekuenda. We move by faith and not by
sight, rega kunyengedzwa nezvinooneka.


The 2nd mistake yakaitwa naLot was to make a quick decision, haana
kupedza nguva zhinji achinyatsofunga side rekutora. He just looked
around and after that achibva asarudza side rekuenda. Haana kana
kumbotora time yekuti anamate abvunze Mwari kuti ndosarudza area ipi.
maDecisions auri kumaker aya, hauzi uri kumhanya here, have you taken
time to pray about it and ask GOD. kuDiaspora kwavafunga kuenda have
you ever prayed about it uchikumbira guidance kuna Mwari kana kungoti
uri kungo mhanya mhanya kuti uende chete. Business rawafunga kuda
kuita iri, have you prayed about it, kana kungoti uri kungomhanya to
make that decision. Hona, rega kuda kuzonamata kana wamaker choice
yako, but namata before wamaker choice so that GOD guides you. usade
kuti Mwari vakwane kwane muProgram dzako but iwewe ndiwe unofanira
kukwana kwana muPrograme dzavo.


Lot achitarisa bani reJordan akaona riine mvura kwese it was well
watered, just like the garden of The Lord. He was attracted
nekusvibira kwesora and mvura yaivako. There are things, places,
people, choices which are so attractive. Uchinyatso mutarisa mukoma
wacho you see kuti uyu anoita uyu, he drives a good car, ane mari
yake, he is handsome. Uchimutarisa musikana wacho, she looks
attractive, unonyatsoona kuti iyi isimbi iyi. Uchinyatsotarisa company
yacho yaunoda kushanda unotsaoona kuti yah, apa pakarongeka apa.
Uchiitarisa church yacho unonyatsoona kuti panoyevedza panoratidza
kuti pane vanhu vane mari.

But chinzwa unzwe yes that area is attractive but ndiko kune Sodom and
Gomorrah. Ndiko kune hungochani. Yes she might be attractive but
pfungwa dzake dzakaLoader chipfambi, yes he is rich but ndezve
mishonga and hutsinye ndihwo huri mumoyo make. Yes that company is
good paying, that country has a better economy but kwakazara huipi
hwakapisisisa, dangerous danger. Yes set up yekuChurch yacho is
attractive, but havasi kunamata Mwari pazvokwadi.


Lot considered mafuro akasvibira nemvura achibva anyatsoona kuti uku
ndiko kunoita kuti mombe dzangu nemakwai zviwane good diet. iArea
yakanakira zvipfuwo zvako but its dangerous to you nekuti kunogara
vanhu vane huipi. Yes yakanaka company yaunoda kushanda, it pays
handsomely but hona manje team yaunenge uchishanda nayo, vakadzi
vanouya kubasa vari half naked vachikuisa pamiyedzo to the extent
yekuti they propose love to you. Hongu inopa maCompany cars but hona
maManagers aripo, ukaramba kurara navo they will fire you. wallet yako
inofuta neSalary but mweya wako uri paDanger, the level of satanism
ine varidzi veCompany iyi will definetily bring you down. Iwe Lot rega
kungofunga zveMombe dzako but think about your soul.



maGreen pastures auri kuda aya, have you considered maEffects acho
kuLife yako as a Christian or you just considered mari yaunowana. Do
you know kuti satan anogona kukupa basa paine imwe company yekuti he
knows kuti havakupe nguva yekunamata, 7 days a week vachikushandisa,
everyday uchipedza very late and basa rakafasa zvekuti kana nguva
yekuti uverenge Bible kana kunamata you wont get it. to the extent
yekuti vanokupa laptop yekuti uende nayo kumba so that uriko kumba
ikoko you will be working chete chete. Hongu you get a 4 figure salary
but the devil is happy nekuti you wont get time naMwari wako. Anoigona
staira iyoyo, so rega kuita maPrayers ekuti you want a good paying
job, but pray so that GOD gives you a job which affords you time to
pray.


Zvirinani kugara murenje uina Mwari than kugara in a greener pasture
but uina satan. Its better to be married to a husband who earns $400 a
month but paine true love than to be married to a husband who earns
$10 000 a month but achikuCheater, kukurova, achienda kuN’anga every
month.
zvirinani kushanda paCompany yaunowana salary shoma but uchiona nguva
yekuenda kuChurch and paine maWorkmates anonamata who also build you
up spiritually. Than to work paCompany yekuti you earn much but hauna
off, and even paLunch hour hauna nguva yekunamata nekuti basa
rakawanda and you work with vanhu vari evil zvekuti they bring you
down spiritually.
Proverbs 17:1 Better is a dry crust of bread where there is quietness
than a house full of feasting with strife.

Yes you might get the money but you can not use it to but your way to heaven.

Lot achisarudza nzimbo iyi akabva aenda kunogara ikoko. Ndinoda kuti
ubate point iyi: Lot haana kugara kuSodom, ahh ahh that’s wrong,
akagara pedyo neSoddom, read King James Version Genesis 13:12 Lot
pitched his tent TOWARD Sodom. Not in Sodom but toward Sodom, near
Sodom, pedyo neSodom. Yah zvinogona kuita kunge it’s a clever decision
yekuti waona kuti Sodom is bad so rega hangu ndisapinde ikoko but let
me pitch my tent near Sodom, handipinde hangu but ndinogara pedyo. But
ukaramba uchienda mberi panonaiswa moto unozonzwa kuchinzi Lot akatiza
kuSodom. Anga akutsvagei muSodom, zvichireva kuti its either iyo
soddom ndiyo yakaswedera kwaari or ndiye akaswedera kwayiri and he
became part of it.



maFirst days paunoAssociater neArea yakaipa or vanhu vakaipa, unogona
kuzviita wakangwara uchitambira kure nawo but ukaramba uri ikoko, its
either vachakuswedzedza pedyo or ndiwe uchaswedera kwavari. Iko
kuBhawa kwaunoenda kunotamba snooker, yes at first unogona kutambira
kure neBeer or pfambi dzeko, but one day tichikuona waCatcher pfambi
idzodzo. Team yauri kuita nayo maDhiri ava vaunonyastoziva kuti zvinhu
zvavo ndezve chitsotsi plus juju, at first unogona kutambira kure but
tichikuonai mava kuenda kuN’anga mese. Lot pitched his tents toward
soddom but later on akazoonekwa akutiza muSoddom mava kunaya moto.


Root yeNyaya yatangira pakutsvaga a greener pasture, area yakanakira
pfuma yako but iyo yakaipira mweya wako. Nhai Munhu waMwari iko
kuDiaspora kwamakaenda and mukatanga ministry ikoko, ndiMwari here
vakati muende kunoshumira ikoko or makaona kuti kune kaLife kari nani
and you can get more offerings and tithes than in Zimbabwe. Ivo Mwari
vakakuzodzai kuti muparidze muZimbabwe but makaona zvakakogedzera to
go for greener pastures abroad. Chenjerai kuzoita hwaLot, kubuda
muguta muchimhanya, mukadzi kusanduka kuita a pillar of salt, pfuma
ichisara ikoko. Be careful ucharasikirwa nezvakawanda nekuda kwekuti
you made a choice to go for greener pastures zvisina approval yaMwari.
Dzoka kumusha zvichakanaka.


John the Baptist vaiparidza murenje, musina kuvakwa, musina mumvuri,
vachidya huchi nehwizha. Vamwe vaLevi vari kuma Synagogue vachidya
chingwa newaini. But he fulfilled his Ministry murenje imomo. fulfil
your ministry pakaoma ipapo. Zvirinani kuti uparidze kuruzevha but
zvine approval yaMwari than kuenda kuLondon but zvisina approval
yaMwari. A greener pasture fattens your pocket but it suffocates your
soul.

Uri kure zvinoita kunge zvinoyevedza but when you come closer uchaona
kuipa kwazvo. Uri kure unoona mafuro manyoro and unogona kutoimba
Psalms 23 Jehovah ndiye mufudzi wangu anondivatisa pamafuro manyoro
but not knowing kuti kwauri kuenda uko kune vanhu vari evil. Jesu pana
Mark 11:13 akaona aFig tree ari kure uine mashizha but achisvika pedyo
akaona pasina kana maFruits. From afar you could see the green leaves
but when you are closer you see kuti hapana maFruits.

From afar you can see yourself muchichata, and but when you are
closer, kana mava muMarriage uchaona hapana maFruits, there is no joy.
Vazhinji vari kuchema right now nekuda kwenyaya iyoyi.
From afar you see maProfits paDeal renyu but when you are closer you
see there are no fruits, patorine hobho hobho yemaDockets avhurwa kuti
musungwe.
from afar you can see her beauty and body shape, but when closer ndipo
paunozona kuti hapana maFruits, its only the leaves, hapana love but
chipfambi chega chega.
from afar you can see how fancy the church is, how fancy the cars
which are parked outside, how fancy the people dress but kana wava
closer you then see kuti there are no fruits of the Holy spirit.
Hapana huMwari, its just a social gathering.
From afar you see a big salary, but when closer you reliase kuti
hamuna nguva yekunamata.

So whatever it is chaunoita muLife, whatever decision yaunotora, rega
kuyevedzwa nezvinhu zvinofadza meso kana nyama but tungamirwa naMwari,
tungamirwa neshoko ravo. Enda kumaGreener pastures kana Mwari vachinge
vakubvumidza, rega kuenda ikoko nekuti wafunga mari, but enda nekuti
ndiMwari vati uende.

Murenje mauri kushora umu ziva kuti Mwari vane record yekunayisa manna
for 40 years. So as long uina Mwari don’t be worried about murenje
mauri, GOD can sustain your needs, even uri mufundisi kuruzevha iko,
kwachakasara, don’t be worried, put your faith in GOD he will sustain
you. even Mwari vakakupa mukomana ane bhasikoro iwe uchida ane mota,
don’t worry, GOD will sustain your marriage. Even Mwari vakasupa
musikana mutsvuku wauri kuda, don’t worry, He is able to create
perfect love between the 2 of you.

Begin to move by faith and not by saith, if you want to go for greener
pastures, make sure kuti ndiMwari vakutungamira than kuronga kwako.