MaCompanies naMwari they operate zvakasiyana, company inotaura kuti kana uchida kuShanda pano we need maQualifications and Experience kana pasina izvozvo pano hausande but Mwari manje vanoti even usina qualification kana experience huya wakadaro and I will qualify you and give you the experience.
mashandaro aMwari nemashandiro evanhu zvakatosiyana, so don’t be worried zvako kana nyika ikakushora. Kurambwa nevanhu hakuzi kurambwa naMwari.
PaMharidzo ino ndinoda kuti Mwari vandibatsire
ndigone kubatsira mumwe munhu anozvitarisira pasi. I want to assure you kuti as
long as you are alive, Mwari vane chinangwa newe, there is a reason why you are
alive today, so rega kuzvitarisira pasi but discover kuti what is it chaunoda
kunzi uite naMwari.
Adam achisikwa there were no companies kwainge
kusina kana industry one yekuti atsvage basa, he had no experience, no
qualification, kana sekuru vaigona kumurongera basa, but Mwari vakamupa basa to
take care of the Garden of Eden. So nyaya haizi yekuti hauna anokuziva angakupe
basa but vavarira kuzivikanwa naMwari and wapinda. Yes you might not know
people in high offices but as long as you know The Most high GOD, then zvako
zvaringana. Adam aitova neGarden rake but no o’level, kana grade seven anga
asina. Kune vamwe vakadzidza kwazvo but havana mabasa and poitawo vamwe vasina
kufunda but vane mabasa epamusoro, zviri kuitika wena. Yes funda hako, but ziva
kuti answer yako iri pana Mwar and not paBepa rinonzi certificate.
Ana Peter vainge vasina kufunda, vaitova varedzi
vehove but ndiwo vanhu vakaenda kunodeidzwa naJesu kuti vaite maDisciples.
Peter haizi riye akaenda kuna Jesu achi applier kuti I want to be a disciple
but Jesu ndiye akadeidza Peter kuti I want to make you a fisher of men. Jesu
kusiya maScribes nemaPharisees vanozviita vanoziva shoko but achiuya kuzotora
fisherman kuLake. Ndizvo zvinoita Mwari, GOD can make you a powerful minister
of His word, but usina kana fundo inotarisirwa neNyika. Vazhinji vanotarisa
kuti utange waenda kuBible college and then wozoita mufundisi, but kana Mwari
vakudana you can be a Pastor zvisinei kuti hauna kuStuder theology. Jesus
personally ndiye akadzidzisa anaPeter nezvehufundisi, The Holy Spirit will
teach you personally. Zvinonakidza sei kudzidza directly from GOD.
Unozviziva here kuti Esther was an orphan, baba
namai vake vainge vakashaya and aichengetwa naMordecai (Esther 2:7). But Esther
akapedzisira ava Queen, mukadzi waMambo. Handizive kuti unogara nani or
wakakura uchichengetwa nani, maybe uri nherera, but ziva kuti Baba vako vari
kudenga (GOD) is still alive. Rega kuramba uchichema kuti wakashayikirwa
nevabereki, but focus on the future, shamwari misidzo haimutse mubereki wako,
so siya zvekuchema izvo but start to seek GOD, believe that He is able to raise
you up, even though uri nherera. Psalms 68:5 inoti GOD is A father of the
fatherless.
hongu the people have qualified you as fatherless, but Bible rataura wani kuti Baba unawo vanova Mwari.
hongu the people have qualified you as fatherless, but Bible rataura wani kuti Baba unawo vanova Mwari.
David was the youngest muMhuri mavo. Mudhara wake
Jesse aiva nevana 8 and iye david was the last born. Mwari vanotuma Samuel
kunozodza mambo imo mumba mana David macho and it happened kuti iye David wacho
aifanira kuita mambo was not there. Samuel akatomboda kuzodza Eliab, Mwari
vachibva varamba vakati aiwa, haazi riye wandasarudza iyeye. imagine Samuel a true
Prophet akapotsa azodza munhu asiriye but achisiya David the correct person (1
Samuel 16:6). Don’t be worried zvako, vazodziwa waMwari chaivo vanogona
kukuJamba vachida mumwe munhu, but Mwari havasiye zvichiitika.
GOD didn’t allow Samuel to anoint the wrong
person, kana Mwari vachiti anointing
ndeyako for sure it is yours. Madzikoma vese havana kusarudzwa kuti vaite mambo
but Mwari vakasarudza the youngest 1, David. Yes you might be young, but GOD
can choose you for His work. David was not there pamba paifanira kuzodzwa but
Samuel akataura akati endai munomudeidza, we are not going to sit down kusvika
David auya. Ohhh kana zviri zvako zveshuwa, Mwari anokonzeresa kuti vanhu
varege kugara pasi up until you come, people will become restless kusvika
vakupa zvinhu zvako.
Ruth aitera mumunda achinhonga zvakasara but iko
mukunhonga zvakasara ikoko akapedzisira anonga Boaz muridzi wemunda. Hongu
anogona kunzi wakasara kunge last year nekuti unonhonga zvakasara but Mwari
vane chekuita neLife yake. She ended up getting married kumuridzi wemunda maainhonga
imomo. Hameno maybe urikunzi wakasara, vamwe vanokuti unopfeka zvakasara, vamwe
varikurova hembe dzinosiya muviri uri panze iwe wakapfeka tsiga ndikuroore
inofamba ichitsvaira road, vamwe varikumwa mapiritsi ekuti vasimbe but iwe une
slim body yako iyoyo. But kana Mwari vafunga kuti uroorwe for sure you will get
married zvakanaka chaizvo. Ruth ainhonga hake zvakasara but akaroorwa nemuridzi
wemunda. Hongu in the eyes of people wakasara, but kuna Mwari uri kumberi
chaiko.
Elijah aiita maMiracles makuru, achinayisa moto, achikonzera drought, achiTsemura river Jordan neBachi rake. But haasi riye the greatest prophet.
Moses akaita minana, kutsemura red sea netsvimbo, iyo tsvimbo iyoyo ichishanduka kuita nyoka, kurova dombo richibuda mvura but he is not the greatest prophet.
Elisha akamutsa vakafa, akadyisa vana nemapere, akatsemura Jordan nebachi but haasi riye the greatest prophet.
But ukaverenga John 10:41 uchaona kuti John the Baptist haana kana mirale one yakaita but unonzwa Jesu achiti kuna Luke 7:28 pavanhu vose vakazvarwa nomukadzi, no one is greater than John.
ini ndaifunga kuti anaElijah ndivo vakuru, but iye Jesu anoti John the baptsist ndiye mukuru, yet haana kana 1 miracle yaakaita and akatourayiwa naHerod, avo anaElijah havana kuurayiwa but vakaenda kudenga neNgoro yeMoto.
maonero edu, nemaonero aMwari akasiyana.
tine vanhu vari great muzvinhu zvaMwari and nyika inenge ichitarisira pasi.
rega kuDepender nemaonero evanhu, you might be a great person pamberi paMwari but nyika uchionekwa seusina basa.
Sarah by medical standards she didn’t qualify to have a baby, science dzinoti at 45 years mukadzi haachabereki anenge asvika paStage inonzi menopause, but Sarah akaita mwana at 90 years. (Genesis 17:17). She was double the normal age of menopause but izvozvo hazvina kumutadzisa kuti aite mwana. Tsvaga chembere ine 90 years ufunge kuti zera iroro ringaite mwana here. Vakadzidza vanokuudza kuti kana mapfura 50 years mukaita mwana you can suffer maComplications, munogona kufa, or mwana kufa or the both of you. but zvaMbuya Sarah hatina kana record yekuti vakaita maComplications. So don’t be worried about nyaya dzeAge, don’t be worried about what the world might say.
Tine vanhu vekuti they are Mighty Man they are
Mighty women but vakahwanda kumaBenji ekumashure muChurch, akahwanda ari kumba
kwake, ivo Mwari vachida kuti munhu iyeye atungamire, pangave pakuimba,
pakuparidza, pakunamatira vanhu or any other task. But anenge akahwanda zvake,
achiti haa isu tingaitei zvedu .I hope you are not one of them, namata kuna
Mwari vakusimudze kubva muWine press mawakahwanda umu uende kunobata basa ravo.
Vanhu vachikuona they qualify you as a coward but kuna Mwari une mission
yekuita commander weHondo dzeMweya.
Jacob aida Rachel kupfura Leah, but iye wacho
asingadiwe iyeye Leah ndiye akatanga kupinda muMarriage, although process yacho
yainge iine chitsotsi chaLaban but inzwa zvinotaura Genesis 29:31 And when
the LORD saw that Leah was hated, he opened her womb: but Rachel was barren.
Mwari vakaona kuti Leah akavengwa but vakavhura chibereko chake zvekuti
akatanga kuita vana but Rachel uyu wekunaka uyu, no child. Rachel akazobereka
time time but Leah ambobereka vakati ohh.
Mumba mana Joseph they were 12, iye Joseph was the
11th child. Even though ari wechi eleven ndiye akapihwa maDreams
naMwari. Madzikoma vakamuvenga kusvika pakumutengesa, he was taken to Egypt, iko
kuEgypt ikoko kwakupihwa mhosva yaasina kupara. But he rose from being a
prisoner to become the 2nd in command in Egypt. Pameso evanhu,
hazviite kuti ex-convict ribude muJeri kunoita gorvenor, hakuna zvakadaro,
maGraduates anenge aenda kupi. But Mwari vanozvinogona izvozvo from the jail
straight to the palace.
Zakeo ranga riritsotsi, but ndiye munhu akanzi
naJesu ndinoda kuenda newe kumba kwako. Dai Jesu akabvunza nyika kuti ndiende
kumba kwaani, vanhu vaigona kumuudza kuti endai kumba kwemaPriest, maRevhi,
maScribe or vamwe vanhu veChurch, but kudzimba kwembavha musaende,
munoSearchwa. But Jesu chaakanakira haabvunze nyika, He chooses whom he wants
to choose, that’s why uchiona kuti vanhu havana kufara kuti sei Jesu achienda
kumba kwambavha.
Chirikadzi yakabvisa 2 maCoins but ndiyo yakanzi
naJesu she has given more than everyone else. Economically speaking she was the
1 akabvisa kamari kasina basa but spiritually speaking she was the best giver.
Unogona kutarisirwa pasi peChurch nekuti hauna mari zhinji yaunobvisa kuChurch,
but ivo Mwari vachitofara kuti ndiye anobvisa stereki.
MaWiseman akauya kunopa Jesu Gold, mukadzi
chipfeve akazora Jesu mafuta anodhura, chinohura chii Gold kana mafuta. Obvious
its Gold but Jesu haana kuti paridzirai nyaya yemaWisemen, He said paridzai
nyaya yemukadzi uyu.
I can go on and on, Bible rakazara nyaya dzevanhu
vaionekwa neNyika sevasina basa but ndivo vakasimuudza. What ever it is chauri
kuzhamba uchiti I disadvantage rega kuchema but find your comfort in The Holy
Spirit. Pamberi pevanhu you might be useless but kuna Mwari you are useful.
1 Vakorinde 27-29 Asi Mwari akasarudza zvinhu zvoupenzi
zvenyika ino kuti anyadzise vakachenjera; Mwari akasarudza zvisina simba
zvenyika ino kuti anyadzise vane simba. Akasarudza zvinhu zvakazvidzwa zvenyika
ino uye zvinhu zvakazvidzwa, nezvinhu zvisipo, kuti ashayise simba zvinhu
zviripo, kuti kurege kuva nomunhu angazvikudza pamberi pake.
No comments:
Post a Comment