Tuesday, 31 December 2013

Title: Let them go. Scripture reading: Judges 7:1-8

Gideon akadaidzwa naMwari on aMission to lead a war againt maMidianites, achibva aunganidza Army yaiva iine vanhu 32 000. But Mwari haana kuvabvumidza kuti vaende kunorwa vakawanda kudaro, He reduced the army from 32 000 to 300 people, just imagine, vamwe 31 700 vanhu vese havana kubvumidzwa naMwari kuti vapinde muArmy yaGideon. So there can be times dzekuti Mwari vanogona kudzikisa number yevanhu vanokutsigira, vanoku supporter, not because He wants you to lose but pane reason why Mwari vaita izvozvo. so ukaona Mwari vachiita kunge vari kubisa vanhu muLife mako, or maResources, don’t worry about it, GOD has reasons why He is doing so. Rega kuda kuStopper vanhu ivavo kuti vasaende, that’s why musoro weMharidzo uri kuti Let them go.


Panotanga chapter iyi Gideon and his army ye32 000 vainge vaka camper kuOne side and muvengi wavo maMidianites, vainge vakaCamper on the other side. Army ina Gideon iyi ndiye ega akaisarudza, havazi Mwari vakamurongera army kuti tora nhingi naNhingi but it was him who selected the army. Its very common kuti you can be surrounded by people whom you selected but ivo vasina kusarudzwa naMwari kunzi vave newe paMission yaunoda kubata. Its possible kuti unogona kuva nevamwe vanhu wavakasarudza kuti vakubatsire paBasa raMwari rawakadanhirwa but ivo vasina kusarudzwa naMwari. You are the one who selected them but havazi Mwari vakasarudza vanhu ivavo. You might have maFriends awakasarudza kuti utamabe navo, uwirirane navo, but ivo vasina kusarudzwa naMwari kunzi vatambe newe. So don’t be worried ukazoona type iyoyo yavakukusiya mune ramangwana.
 

Mwari ndokubva vataura naGideon vakamuudza kuti Army yako iyi yakakurisa, you have too many people with you. But iwewe uchizvi consider with your common sense unogona kuita nharo kuti aiwa Mwari, 2 is better than 1, kana takawanda so ndizvo zviri right because there is power in our numbers.
But ivo Mwari vachiti kwete makawandisa. The reason why Mwari varikuti army yaGideon yakurisa kuitira kuti if they win, vanozotanga kuzvipembedza vachiti takakunda maMidianites, nekuda kwekugona kwedu, we won the war because of our numbers, but iye ari Mwari akaita kuti mukunde.

 

Dai Gideon akaenda kuArmy with his 32 000 soldiers, after victory he could brag kuti chakaita kuti tikunde was because of our large army, it was in the power of our numbers, but otadza kurangarira kuti its not the power in the numbers but the power in GOD. so that’s why Mwari vakati army yenyu yakakurisa because He knew zvaizoitika after vanhu vawana victory.

So im saying ukaona Mwari vachiita kunge vari kubvisa shamwari dzako in your life, ukaona vachiita kunge vari kubvisa maResources ako awainge wakathemba nawo, ukaona kunge Mwari varikubvisa mari yawanga uchithemba kuti ndiyo ichakubatsira, don’t be worried about it. nekuti Mwari vanoda kukutaridza kuti victory haizi muNumber yevanhu, or mumari, or mumaResources ako, but the victory is in Jehovah.


If you get your victory uine vanhu ivavo, vanozotanga kufamba vachitaura kuti ndivo vakakugonesa but iye ari Mwari akakuhwinisa. They will go around vachitaura kuti ndivo vakakudzidzisa kuparidza, they are the ones who taught you to sing, they are the ones who gave you a job, a business idea, vanotanga kufamba vachitaura kuti ndivo vakaita kuti usimuke. So Mwari anoda kubvisa type iyoyo before the battle begins, kuitira kuti kana wawana victory parege kuva nemunhu anobuditsa maShoko ekuti they are the ones who made you what you are but munhu wese aone zveshuwa kuti uyu ndiMwari akasimudza munhu uyu.

 

 

Vanhu vawandisa ava Gideon, ndiko kutaura kwaMwari, hanzi enda unovaudza kuti whoever is fearful and afraid ngaadzokere hake kumba kwake. Wese arikutya ngaadzokere kumba. Magwara ese ngaadzokere kumba. Gideon achienda kunotaura mashoko aya kuArmy yake, vanhu 22 000 vakabva vasarudza havo kudzokera kumba. Just imagine, there were 32000 people handiti but zvanzi zvoni anyone ane fear ngaadzokere hake kumba hondo isati yatanga and 22 000 people decided to go back home.


68% yemasoja aGideon vainge vaine fear, they were afraid, magwara vaitya hondo isati yambotanga . Ndipo pane problem yekusarudza army wega, ndipo pane problem yekusarudza vanhu wega vaunoda kuti ufambe navo paMission yawakapihwa naMwari because uchasarudza nemaCowards, uchasarudza magwara, ana muvhunduka bete, mbendwe hadzo, anaKwatacraft, vanokwata zvavo. They are part of the army zvavo but mukati umo hana iri kubika manhanga, ari kutya zvisingaite and uchimuona unenge uchifunga kuti yahh army yangu ine varume vasvinu but usingazive kuti varikutya zvavo.
 

So Mwari vaizviziva kuti 68% veArmy iyi varikutya zvavo so Gideon udza munhu wese arikutya adzokera kumba. Because type yakadaro haizi yekuenda nayo kuhondo, munhu ane fear can make you be defeated. Anogona kuita mamwe maDecisions anoita kuti mukundwe, nekuda kweFear anogona kubatwa nemuvengi akaswera afumura base renyu, so its better asare zvake. Don’t be worried ukaona vanhu vachikusiya muLife mako, vamwe vacho vane fear kwazvo zvekuti ukaramba uinawo they cause a defeat kuSide kwako. Unogona kuita bhururu wekuti anotya maSatanists zvisingaite zvekuti whatever chawafunga kuti kuita paBasa raMwari, he discourages you achiti siya you will be attacked by the devil. He transfers fear yake kwauri zvekuti unogomusira newewo wakutya.

 
You can be surrounded nemunhu paBusiness rako anotya kuita loss zvekuti every idea yawafunga kuda kuita he discourages you nekuti ane fear yekuruza. Ukada kuti uchengete huku anokuudza kuti regedzai zvenyu amai munoita loss because huku dzaka flooder market, ukada kuti uite zvemaCombi anokuudza kuti siyana nazvo police irikunetsa paRoad apo, ukada kuti uite cross boarder anokuudza kuti siya because ZIMRA irikunetsa paBorder. Munhu akaLoader fear yeLoss zvekuti anokuDiscourager from zvinhu zvinokubatsira. Iyoyi type iyi ine fear ndiyo irikunzi naMwari, Gideon udza vanhu vese vanotya vadzokere kudzimba dzavo.

 
Its actually good for you ukaona Mwari vachibvisa vanhu vane fear vakakukomberedza because they can work against vision yako. They can discourage kuimba maSongs eGospel awakanzi naMwari uimbe, they can discourage kuparidza paRoad pawakanzi naMwari uparidze because vanenge vachiti inomakisa. So let them go, if they GOD wants them to go, don’t stop them. Gideon achiona 68% yeArmy yake ichirova U turn haana kuTryer kuda kuva stopper but akavasiya vachienda. Don’t try kuda kudzosa munhu abviswa naMwari paProgramme dzako, siya aende.

 22 000 vachidzokera kumba, kwakasara 10 000, but still Mwari vakaudza Gideon kuti vanhu ava vakawandisa ava.  uri iwe Gideon unogona kuvhunduka kuti shuwa Mwari 68% yaenda ndasara ne32% chete but still you are saying vakawandisa. Yah, pakaoma. Iwe unenge warwadziwa ne22 000 vaenda pekutanga but urikunzwa kuti still tinoda kutapudza number yacho. Bata chinhu ichi, magwara ese ane fear vaenda kumba handiti and kwasara vanhu vasina fear, but still Mwari arikuti vanhu vachiri vakawandisa awa.

 
Yes its possible kuti kune imwe group ine vanhu vane fear yainge yakakukomberedza yakabviswa naMwari, pakasara vasina fear but ivo Mwari vacho vari kuContinuer nekubisa imwe number. Unogona kufunga kuti uyu haasisiri Mwari but ava satan manje, how GOD keep on removing people from my side, asi havasi kuda kuti ndihwine kani. But don’t worry, let them go, Mwari ava vanoita zvisina kujairika, vanoita zvinopfura pfungwa dzevanhu. Nyika kana ichida kuenda kuHondo ingatosarudze army yakakura, but kana zviri zvaMwari vanotoda kuti army iite diki. No wonder why vakamboshanda neMurume 1 chete to fight the philistines (Samson). 1 ari ega, but naMwari wake they formed a strong army, so nyaya haizi yeNumber but iri musimba raMwari.


Mwari akaudza Gideon kuti pinza vanhu ava paTest, test yacho involved kamunwiro kanoita vanhu mvura from the river. Test ichibva yaitwa and only 300 people passed the test out of 10 000. GOD can put people who surround you through a test kuti uone kuti vanokuda chaivo ndevapi and veFake ndevapi. Unogona kurwara and vanhu wavaifunga kuti vanokuda unoona vachikusiya. Unogona kuBroker zvekuti wacho wavaifunga kuti ndiwo maTop face ako vanokusiya. Panogona kuti a test yekuti vazhinji vanofoira, just like zvakaitika pane army yaGideon iyi, 9 700 people failed the test and vachibva vanzi dzokerai paDen.

 
Lets get mathematical, funga kuti iPercentage yakakura sei yakabviswa pane army yaGideon, from 32000 to 300 people. 99.0625 % ndiyo yakabviswa paArmy and kwakasara 0.9375% chete. Pafunge 99% yeArmy yakabviswa and kukasara less than 1% chete apa hondo haisati yatombo tanga but Gideon has already lost 99% yevanhu vake. Unogona kufunga kuti ummm uyu haasiri Mwari uyu, how can GOD reduce my army to such a small size. Ahhh its possible, kune umwe munhu arikuzhamba achiti how can GOD reduce my income to such a small figure, how can GOD reduce the number of my friends to such a level. But chandinoziva hangu ndechekuti victory haizi muSize yeMari or muNumber yevanhu vanokutsigira but the victory lies in GOD.

 Pa300 vainge vasara Mwari ndipo paVakaudza Gideon kuti ndichakukundisai paHondo henyu and ndichaisa muvengi wenyu maMidianites muruoko rwenyu. Hondo haisati yatanga but Mwari vakutotaura maResults nechekare, hanzi ndichakukundisai. Ndizvo zvakanakira kuterera Mwari, nekuti dai Gideon akaramba kuReducer size yeArmy yake, he wouldn’t get this victory because anenge aramba kuterera Mwari. But iko kuterera Mwari ikoko achiudzwa kuti army yako yakurisa tarira uone, it has finally paid off. Hondo haisati yatanga but victory has been guaranteed.

 So ndinoti kune iwe muverengi weino mharidzo, mukuterera Mwari ndimo makaLoader victory yako. Kana Mwari vachinge vatanga kuRemover vamwe vanhu vakakukomberedza, don’t try to fight it but just submit to GOD and all will be well. Handisi kuti famba uchituka vanhu kuti vakusiye, or ramba mukadzi or murume wako, handisi kuti provoke people kuti vakusiye but ndiri kuti kana Mwari Vachinge Varonga kuti vanhu vakutize, chingozvitambira.

Do you know kuti kana uchinge watanga kufamba naMwari chaizvo chaizvo, you will definitely lose friends and relatives. Kana uchinge watanga kuterera zvinodiwa naMwari you will find kuti vanhu vanhu vachakutiza, kwete nekuti wavadenha but kunenge kuri kuda Mwari. Its normal kuti shamwari dzako dzawaisidhakwa nadzo, dzawaiita madhiri nadzo, vanokusiya nekuti wakagamuchira Jesu. Shamwari dzako dzawaisiita zvichipfambi newe they can leave you nekuti you are now a Christian, its normal, and don’t try to stop them, but siya vashamule.
 

Ukaverenga John chapter 6 unoona Jesu achiparidza imwe sermon yekuti akatizwa nemaDisciples. Not the 12 main disciples but mamwe maDisciples vakamutiza and Bible rinoti From that time many of his disciples went back, and walked no more with him. Havana kuzofamba naye futi (John 6:66). That’s was the end of it nekuti ane sermon yaainge aparidza yavasina kufarira. So it can come a time yekuti unogona kupihwa shoko naMwari rekuti uparidze but shoko racho iroro roita kuti vamwe vanhu varove U turn, varege kukuterera futi. Not because waizviita intentionally but wangoparidza chokwadi chabva kunaMwari and vanhu vatadza kuzvifarira and they decided to leave you just like zvakaitika kuna Jesu.

Especially munguva yatiri ivo yemazuva ekuguma kweNyika, if you preach zvokwadi chaiyo yaJesu vanhu vanokusiya. Vashoma vachada kunzwa vhangeri rekururuma nehutsvene, vazhinhji vakungoda rekuti Mwari anokupai mota, anokupai pfuma, munoita mazi mari, receive your wedding, receive your financial breakthrough. But iwewe semuChristu don’t be worried about people leaving you after you preach the truth. Mufundisi regai kutya kuti church ingasare yava nevanhu vashoma nekuda kwekuti maparidza vhangeri risingafarirwe nevanhu. Gideon akasara aine vanhu vashoma but victory akaipihwa nekuda kwekuti ainge aterera Mwari, you can reach heaven zvakanaka and you can enjoy life pano panyika even though muri vashoma but as long masarudza kuterera Mwari.

 Nyaya haizi muNumber, but iri muna Mwari. Its better to preach the truth to 10 people than to preach lies to 10 000 people, because nekuwanda kwenyu ikoko munoenda kuGehena zvakadaro.

 
Jesu akatizwa nemaDisciples akangosara ne12 chete chete, and akavabvunzwa 12 ivavo akati Do you want to go as well, munoda kuendawo here sezvaita vamwe, but Peter akapindura akati kwete, tingaende kuna ani, imimi ndimi mune mashoko ehupenyu husingapere.
the sermon yaita kuti vamwe vasarudze kusiya Jesu, is the same sermon yaonekwa naPeter kunzi ine mashoko ehupenyu husingaperi.


So ndinoti kwauri as long uchifamba naMwari pazvokwadi, hongu vanhu vangakusiye but ziva kuti kune vamwe vanhu vanoramba vakamira newe chete. Army yaGideon ingadzikire hayo but anosara aine 300 varikudiwa naMwari. Vadzidzi vangatize havo Jesu but anosara aine 12 vari serious, people can desert you but ziva kuti pane vamwe vanosara vari kuSide kwako. Nyika yose ingaipe zvayo, but Noah anosara aine vamwe 7 vaanopinda navo muArk. Kana vanhu vachikutiza, regedza vaende, let them go, nyaya yedenga haizi mumaNumbers but iri munaJesu.

1 comment:

  1. ndakomborerwa zvikuru nemharidzo idzi. Mwari makanaka kudzwayi nekusingaperi

    ReplyDelete