Sunday, 14 December 2014
Salt haichavave
Scripture reading: Matthew 5 :13 and Mark 9:50
Matthew 5:13“Imi muri munyu wenyika. Asi kana munyu usisavavi ungavaviswe nei? Hauchabatsiri chinhu, kunze kwokuti uraswe ugotsikwa zvawo navanhu
Mark 9: 50“Munyu wakanaka, asi kana warasa kuvava kwawo, mungauita kuti urungezve here? Ivai nomunyu mukati menyu, uye muve norugare pakati penyu.”
Chinoita kuti salt inzi salt inyaya yekuvava kwayo, haizi nyaya yekuva white nekuti even sugar chaiyo can also be white but inyaya yekuvava kwayo inoita kuti inzi this is salt. Kana ndikapinda muSupermarket and vonditengesera salt but ndasvika kumba ndoona kuti haizi kuvava, ndinodzoka nayo kuShop ndovataurira kuti salt yenyu iyi haizi kuvava, ndipei imwe irinani or ndidzoserei mari yangu. Salt haizi panyaya yeAppearance chete but iri paTaste also
Tikabatanidza maScriptures 2 atiri kufamba nawo nhasi Jesu anoti iye salt is good, munyu wakanaka…imimi (vatendi) you are the salt of the earth, ndimi munyu wenyika, but if the salt has lost its taste, asi kana munyu usisavave, how shall its saltiness be restored?, ungavaviswe nei, it is now good for nothing, Hauchabatsiri chinhu, but to be cast out, and to be trodden under foot of men. , kunze kwokuti uraswe ugotsikwa zvawo navanhu.
First crucial point yandinoda kuti tibate, hanzi salt is good, munyu wakanaka and for sure it is good nekuti pane maPurposes ainoServer muEveryday life yedu. Pane chimwe chikafu chekuti chikatoshaya salt hachichanake, its almost tasteless, Job 6:6 yobva yati Can that which is unsavoury be eaten without salt? (ko chisinganaki chingadyiwa chisina munyu here?)
Saka salt iripo pakuita kuti zvinhu zvive neTaste iri nani ( but rega kuiwanzwa it becomes bad for your health). Salt inoshanda as a preservative kuchengetedza chikafu kuti chirege kuora, for example kana muchida kuomesa nyama munoisa salt, like fish dziya dzinonzi bakayawa (dry fish), purpose yavanoisira salt ndechekuti irege kuora.
Hanzi naJesu muri munyu weNyika, kureva kuti tine maProperties akafanana nSalt atinawo which we must use kuti nyika iite zvakanaka. Ndataura ndikati salt inoPreserver chinhu kuti chirege kuora and likewise isusu maChristu we are supposed kuchengetedza nyika yatigere kuti irege kuora morally. We must preserve the morals of people. Tisu tiri supposed kudzora vanhu kana vavakuda kuita zvakaipa, tisu tiri supposed kuisa peace pakati pevanhu vanonetsana whether at individual level or a national level tiri supposed kushandisa maBiblical principals kuti kuve nePeace. We are supposed to kuPreserver dressing inofadza Mwari, matauriro anofadza Mwari and many other things zvinofadza Mwari because we are the salt of the earth, tisu munyu wenyika. Tiri supposed kuchengetedza hunhu hwevanhu kuti hurege kuora. But manje kana salt ichinge isisavave, kana salt yaLooser chinonzi huSalt hwacho, its now useless.
We are living in the days dzekuti salt haichavave, it’s no longer salty as it must be. Kwazara salt dzezita and appearance only, mumeso mako unonyatsoona kuti this is salt, even packaging yacho inenge yakatonyorwa kunzi salt but handei paTaste apo, its tasteless. Im not talking about salt yemuShop but im talking about salt of the earth anova maChristu. Kwazara maChristu ezita, mumeso mako unonyatsoona kuti uyu muChristu uyu zvichida by uniform yechurch yaakapfeka or Bible raakabata, but handei pakurarama shoko raMwari that’s when you see kuti salt iyi haichavave. Yangova yeDecoration. Instead yekuti tichengetedze hunhu hwenyika as we are supposed to do, tirikungosiya zvakadaro. We have become tasteless salt, kana mutendi akaona mwana wepaNext door achiita zvakaipa, they no longer care kuti amutore aende naye paSide kuti amutsiure because they say haazi mwana wangu, surely salt haisi kuita basa rayo. Christians I now scared kutsiura mumwe munhu anenge achirasika. The salt has become tasteless. Haichachengetedze hunhu as it must do.
Salt ndati inopa chikafu a better taste, likewise the salt of the earth must give people on earth a better taste of life, we must give people hope. Uri muCombi paya ukanzwa vanhu vachichema kuti zvinhu zvaoma, gore rino tinopona here, mabasa ari kunetsa, petrol yakwira, kuPolitics vazoti zvakati, ndipo pauri supposed kuudza vanhu kuti aiwa with GOD do not worry kuti mangwana uchadyei uchapfekai, ndipo pauri supposed to tell people to look forward to the second coming of Jesus uchivauidza kuti gadzirirai hama dzangu Jesu anouya kuzotitora kuti tiende kudenga kusina zvese izvi zvemaProblems atiri kuFacer nhasi, ndiro basa reSalt iroro to give life a better taste, kupa vanhu tariro, but manje if you join them mukuchema chema nekuoma kwezvinhu you are now like tasteless salt, nekuti salt isingavave haigone kusandura taste yechikafu. Inenge irimo mumaVeggie imomo but taste haina kuchinja, unenge urimo muCombi imomo mune vanhu varikuzhamba but hauna kuvachinja maonere avo ehupenyu. Salt iya haichavave.
check your life kuti uri salt inovava here or hapasisina taste,
.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
Hhhm tinotenda Mwari ndakomborerwa nemharidzo
ReplyDeleteSo powerful thank you
ReplyDelete