Friday, 29 January 2016

Knock at the door


Scripture reading: Revelation 3:20

Tichikura paisvika nguva yekuti painzi vana vadiki budai panze musiye mavhara door vakuru vanoda kumbotaura nyaya dzavo. Absence yako semwana yaisatadzisa meeting yevakuru kuti ifambe zvakanaka, they would discuss zvinhu zvavo zvichitofamba iwe usipo nekuti wainge usina chekuita nemaDisccussions iwayo. Kumabasa uko maManagers anogona kutogara meeting iwe semushandi wepo ugorega kudeidzwa, meeting inotofamba usipo. Pane vamwe vanhu vasina basa pamaMeeting enyu zvekuti its actually better kudzinga munhu iyeye than kumudeidza nekuti haana contribution yaainayo or anozovhiringa zvinhu.

But kana muchinge mafunga kuita meeting inoInvolver Mwari, kana muchinge mafunga kusangana kuti muite anything chine chekuita naMwari, whether kunamata, Bible study or any activity, the biggest mistake you can do ndeyekurega kudeidza Mwari wacho pakati penyu. Meeting iyoyo you are guaranteed kuti hapana chinofamba nekuti Psalms 127:1 inoti kana Jehovah asingavaki imba, Vavaki vayo vanobata pasina, kana Jehovah asingachengeti guta, murindi anorindira pasina. You have to involve GOD kuti zvinhu zvifambe.

A Picture is worth a thousand words, but picture yandaisa apo is a worth a sermon. Ndaigona kungoiPoster iri yega and leave it like that, yega inotoparidza yakadaro, but for the sake of those vanenge vachida kutsanangurirwa, let me explain mbichana Mweya Mutsvene achindibatsira.

PaCartoon apo tirikuona murume uyo who represents Jesus ari panze peChurch & achitaura mashoko ekuti “Ndiri pano, Ndimire pamusuo ndichigogodza ”.
Tinoona zvekare imo mukati meChurch mune vanhu varimo varikubatsirana kwete kuverenga Bible aiwa, kwete kunamata aiwa, but varikubatsirana kutsimbirira door kuti Jesu arege kupinda muChurch and varikutaura mashoko ekuti “musamubvumidze kupinda, anochinja zvinhu zvese”.
Jesus is a gentleman asiyana nasatan anoita zvekumanikidza munhu kupinda maari, but Jesu haadaro. Ukaverenga kuna Revelation (Zvakazarurwa) 3:20 unonzwa Jesu achiti “Ndiri pano! Ndimire pamusuo ndichigogodza. Kana munhu akanzwa inzwi rangu uye akazarura musuo, ndichapinda uye ndigodya naye, uye iye neni”.

Nesimba raainaro Jesu but wonzwa achiti Ndimire paDoor ndichigogodza, iye achigona hake kupaza door iroro opinda nechisimba, but womunzwa achiti ndimire paDoor ndichigogodza & haana paanopa any threat kuti ukaramba kuvhura door ndicharipaza ndopinda by ginya, aiwa, haana kudaro, in fact ati iye if you hear my voice & wovhura musuo (you open wega, haandiye anokuvhurira iwe usingade), He will come in and eat with you. oh what a gentleman, but zviri zvemweya yakaipa yekwasatan, haina izvozvo, inongopinda zvenharo pasina maNegotiations.

Picture iyi tirikuona vanhu vachibatsirana kutsigira door kuti Jesu arege kupinda mukati imomo. chinondishamisa inhau yekuti vanhu varikuita izvi havasi muNight Club, muBhawa, kuBhora, kana imwe nzvimbo but vanhu vari muChurch. maChurch members ndivo varikubatsirana kurambidza kuti Jesu asapinde muChurch yavo.

Chikonzero why varikumurambidza kupinda its because varikuti anochinja zvinhu zvese, anochinja programme dzedu pano. & that is very true, Jesu pese pamamutendera kuti apinde anosiya achinja zvinhu zveipapo, Anochinja mapfekero edu, avo vanofamba vakashama or vakapfeka hembe dzisina huMwari in the name of fashion anovachinja mapfekero avo & vakasara vavekupfeka zvakadzikama, Jesu kana achinge apinda muKereke anorambidza hutsotsi hwekutengeserana zvinhu vanhu vachihwanda neBible like what he did on John 2, Jesu kana achinge apinda, anochinja maitirwo ezvinhu ekuda kuCoper hunhu wekunyika tichiisa muChurch, anochinja type yemusic yamunoterera nekuridza muChurch, anochinja matauriro edu achitirambidza matauriro akaora & teaches us kutaura zvakanaka, anochinja set up yeChurch achitaura kuti regai kupfugamira zviumbwa he changes the way we pray achitibvisa mukunamata zvinhu wrong & teaches us kunamata mumweya nemuzvokwadi.


But iyoyo nhau yekuChinja zvinhu iyoyo ndiyo yaita kuti vanhu vabatsirane kurambidza Jesu kuti apinde pakati pavo. One common way yekurambidza Jesu kuti asapinde pakati penyu is just to deny dzidziso yaiye Jesu wacho, even mukazviti munotenda muna Jesu but kana muchiramba zvinodzidziswa naJesu muBible, murikurambidza to be among you. People are resistant to change, kune vamwe vekuti even chokwadi kana chichinge chaparidzwa, haadi kuchigamuchira, anonyatsonzwa kuti this is the truth from the Bible but anoti ndicharamba hangu ndichiita zvakaipa zvangu. Shoko ramaparidza ndarinzwa but ndisiye hangu ndirasike. They choose to be saved in sin instead of being saved from sin, anosarudza kuponeswa achiita zvivi zvake than kuponeswa kubva kuchivi, zvino Bible robvunza kuti torambira muzvivi here kuti nyasha dziwande (Romans 6:1)


Mashinga here kurambidza Jesu Muponesi kuti arege kupinda paungano yenyu.
Jesu iripo imwe nguva pana Luke 4 anopinda muSynagogue, orevenga chapter 61 yaIsaiah & otanga kuparidza, vanhu havana kufara nemashoko ake, vakamubuditsa muSynagogue ndokuenda naye kunze kweguta paEdge pegomo kuti vamukandire pasi afe. Vakatoita Jesu wekudzinga nechisimba kubva muChurch, but vachizviti vanhu vanonamata Mwari, yet vachiramba ruponeswo rwavapihwa naMwari wavanomata kubudikidza naJesu. Havana kumudzinga muChurch chete but Bible rinoti they took him out of the city (Luke 4:29), vakatoenda naye kunze kweguta.


Even nhasi zvinoitika, Jesu anodzingwa muChurch and also out of the city, those very people who claim to be followers of Christ vanogona kudzinga Jesu paChurch kubudikidza nekuramba dzidziso yake or kusaitenda and vomudzinga futi from other activities dzakaita sekumabasa, kuzvikoro, weddings, parties etc, ikoko kunenge kuchiitwa zvinhu zvinopesana nezvinodzidziswa naJesu.
Kana muchinge mavharira Jesu panze mazvitengera one way ticket rekuenda kunoparadzwa kumoto. But kana muchinge manzwa kugogodza kwake and you allow him kupinda pakati penyu, you are guaranteed of peace in your life, you are guaranteed of eternal life, Jesu anodzinga mweya yetsvina inokutambudzai, anogadzirisa zvinetso zvehupenyu, he will teach you the truth and that truth will set you free kubva kune zvinhu zvizhinji. Hongu akapinda anochinja zvinhu but change yaari kuunza ichange yakanaka, removing darkness and replacing it with light, removing lies and replacing them with the truth.

Haizi nyaya yeChurch chete but ndeyako iwe semunhu, muviri wako itemberi yaShe uye Mweya Mutsvene anogara mauri. Jesu arikugogodza paDoor remoyo mako, sarudzo ndeyako whether kumuvhurira kana kumurambidza kupinda, but rega kuomesa moyo seavo vasirikuda kuti Jesu apinde. Life without Jesus is meaningless nekuti iye Jesu wacho ndiye hupenyu. Rega kuvharira Jesu panze by denying dzidziso yake yatinowana muBible, but believe in His Word and pray for the power to obey it.

Zvakazarurwa 3:20 Ndiri pano! Ndimire pamusuo ndichigogodza. Kana munhu akanzwa inzwi rangu uye akazarura musuo, ndichapinda uye ndigodya naye, uye iye neni.

No comments:

Post a Comment