Kunyengetera (prayer) tichitaura naMwari chinhu chakanaka kwazvo but izvozvo zvega its not enough. Tinotaura kuna Mwari through prayer but hazvifanire kugumira ipapo, ivo Mwari vanofanirawo kutaura nesu vachitiudza zvavanoda kutiudza. GOD speaks to us through various ways, vanogona kutaura nesu through other people, through visions, dreams, prophets, angels & other various ways but nhasi tinoda kubata the most common way Mwari yaanotaura nayo kune vanhu & that is through zvinyorwa zvinonzi Bible.
After Mwari vasika Adam and Eve, the first man and woman on earth, Mwari aitaura nevairi ava face-to face. Asi iripo nguva apo Mwari akashanyira couple iyi mushure mekunge yaita chivi, vaviri ava vakaita sei.
“Vakanzwa inzwi raJehovha Mwari achifamba mumunda kwotonhorera madekwana, munhu nomukadzi wake NDOKUNDOHWANDA PAMBERI PAJEHOVHA MWARI pakati pemiti yomunda” - Genesis 3:8
Chivi chakakanganisa face-to-face communication pakati pemunhu naMwari. but Mwari havana kurega kutaura nevanhu, He used another way
“Zvirokwazvo, Ishe Jehovha haangaiti chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaporofita zvakavanzika zvake.-Amos 3:7. “
Mwari havana kutisiya murima pamusoro pehupenyu. Kubudikidza nevaporofita vake vaakadana, akavapa zvekutaura pamwe chete nezvekunyora kuti Vataure nesu
Mumwe anobva abvunza kuti ndiyani Akanyora Bible?
MaProphets aya vaiita shoko rekutaura nemurumo and rekunyora zvekare vachiri vapenyu and when they died, zvinyorwa zvavo zvakaramba zviripo. Zvinyorwa izvi zvakaunganidzwa pamwe chete zvikagadziriswa book iro ratinoti Bible.
" muchiziva pakutanga, kuti hakunovuporofita hworugwaro hwunongodudzirwa nomunhu; nokuti hakunovuporofita hwakatongovuya nokuda kwomunhu, asi vanhu vatswene vaMwari vakataura, vachimutswa noMweya Mutsvene.." -2 Peter 1:20-21.
Vanyori veBible havana kunyora sekuda kwavo or zvavanoda ivo asi vainyora sekutungamirwa nekufemerwa kwavaiitirwa neMweya waMwari. Zvichireva izvo kuti Bible rakanyorwa naMwari. take this example, Sean anogona kuudza Ethan kuti nyora zvakati nezvakati patsamba yangu kuna Rudo, Ethan chaari kuita is just to write zvaari kuudzwa, he is like a secretary but pfungwa dzirikunyorwa ndedza Sean. That’s how the Bible is. Vanyori avo angova maTypist but source yeMessage ndiMwari
muBible GOD tells us about Himself and Vanotiudza zvinangwa zvavo pamusoro pevanhu. Rinotiudza muonero waMwari pamusoro pezvinhu zvekare uye pamusoro pezvichaitika zvikuru sei nyaya yekuparadzwa kwezvakaipa and kuponeswa kwevanhu
Bible rese rakabva kuna Mwari here?
"Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa, nokuraira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama, kuti munhu waMwari akwane, agadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka.." -2 Timothy 3:16-17.
Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari- ALL SCRIPTURE, not some scripture but ALL kureva everything.
Kuwirirana kweBible (the unity of the Bible)
Bhaibheri iCombination yemaBook 66. 39 books kuOld Testament ayo akanyorwa kubva mugore ra 1450 B.C. kusvika around 400 B.C., 27 maBooks eku New Testament akanyorwa between A.D. 50 and A.D. 100.
Muporofita prophet Moses akatanga nekunyora the 1st 5 books of the Bible sometime before 1400 B.C. The apostle John vakanyora book rekupedzisira, Revelation, about A.D. 95. Pakati pezvinyorwa izvi pane about 1,500 years & during period iyi pakaitawo at least 38 vamwe vanyori vakafemerwa vakanyorawo part of the Bible. Vamwe vaiva maBusinessmen, others shepherds, fishermen, soldiers, doctor, preachers, kings- vanhu vakasiyana siyana kubva munzvimbo dzakasiyana vane maBackground akasiyana siyana .
but chinoshamisa ndechekuti 66 maBooks aya ne 1,189 chapters dzawo ne 31,173 verses dzacho zvikabatanidzwa zvine perfect unity , shoko racho rinowirirana rese. But problem ndeyekuti kune vamwe vanotadza kunzwisisa Bible due to various reasons & kuti vabvume kuti vatadza kunzwisisa , havabvume, they blame it on the Bible kuti rinopikisana or riri wrong but vari ivo havo vatadza kurinzwisisa. 1 Corinthians 14:33 yoti “For God is not the author of confusion, but of peace, as in all churches of the saints.”
Banga hariuraye munhu but rinourayiswa munhu. I like this example very much: kumba kwedu mapanga ariko anobaya but handina munhu wandakabaya nebanga but ukaenda kuJeri haushaye munhu ariko akabaya mumwe nebanga. Problem haizi paBanga but iripamunhu kuti warishandisa sei banga racho. The same applies to the Bible & how it came kuno kuAfrica, iro Bible pachezvaro harina problem, but problem iri pavanhu who misused the Bible to colonise others. Just like mazuva ano a person can abuse the Bible achirishandisa to con people out of their money. Hazvireve kuti Bible rakaipa but akaipa ndeuyo ashandisa Bible nemutowo usiriwo.
Saka rega hako kuramba Bible nechikonzero chekuti pane vanhu vakarishandisa zvisirizvo, ko inga mapanga muchiri kushandisa wani mumaKitchen menyu, handiti kuziva kuti problem haizi pabanga but iripane munhu akashandisa banga zvisirizvo.
The Bible is the world most selling book, but hazvifanire kugumira pakutenga chete asi rinofanira kuverengwa uye shoko ririmo toritenda uye kurirama ndiko kuti zvitiitire zvakanaka. Ukatenga textbook reGeography but worega kurivenga wangofanana nemunhu asina kubvira aritenga, yes the Bible might be the bestselling book in the world but if we could read it, believe it & practise it, this world would be a better world.
Pakuona maMovie munhu anoramba kuudzwa zvichaitika kumberi. Anoti ndisiye ndizvionere ndega but kana tasvika pakuverenga Bible it’s the opposite, munhu haadi kuverenga ega, anoda kuverengerwa naSomeone and oparidzirwa futi even nezviri wrong. Unonyatsoona kuti kunoiswa effort ndiko kusina kana nebasa (movies) but zvine ruponeso (bible) hazvikosheswe.
Kurevenga Bible kune maBenefits akawanda
Jesu anoti, muchaziva zvokwadi uye zvokwadi ndiyo ichakusunungurai. (John 8:32) Zvokwadi yaitaurwa naJesu iShoko raMwari nekuti John 17:17 inoti sanctify Them with the TRUTH because your word is the TRUTH. Shoko raMwari ndiro zvokwadi. many people are living in fear pamusoro pezvinhu zvakawanda wanda mukati mekurarama nekuti havana zvokwadi yaMwari , but dai vaiva nezvokwadi yaMwari they would have freedom kubva kuzvinhu zvizhinji zvinovapa fear.
shoko raMwari rinobatsira kukunda miyedzo kuti urege kupinda muChivi. The Psalmist anonyora achiti shoko renyu Mwari ndakariviga mumoyo kuti ndirege kukutadzirai (Psalms 119:11). kukunda muyedzo kunotoda kuti uve neshoko raMwari mumoyo mako and imomo mumoyo imomo haripinde rega but zvinotoda kuti uriverenge. remember when satan was tempting Jesus, iye Jesu aipindura achiQouter Bible, muyedzo yese pawaiuya Jesu aiti it is written, and he quoted scripture.
shoko raMwari makes you wise for salvation, unowana huchenjeri unoita kuti uponeswe. Many people tinoda kuponeswa, tinoda hupenyu husingaperi but do we ever take time yekuverenga Bible so that we can know exactly kuti zvinofamba sei kuti tiponeswe. Mumwe anongofunga kuti kuJoiner church is a ticket to enter into heaven, mumwe anofunga kuti kuzvarirwa in a family yemaChristu it’s a reason enough yekupinda kudenga. Do we really know kuti tinopinda sei denga? Lets study our Bibles kuti tizive
the Bible helps you in making the correct decisions in life, whether in business, social, relationships, leadership, kurera vana etc etc rinobatsira chaizvo. pane maSituations anonetsa for you to make a decision but the Bible is there to help you. There are many lessons contained in the Bible to learn from and apply in our everyday lives
Jesu aitoverenga shoko raMwari raivako mazuva iwayo which was the old testament ukaenda pana Luke 4:15 tinoona Jesu achienda kuSynagogue nemusi weSabata he was given the book of Isaiah kwakuverenga from Chapter 61 verses 1 and 2 zveBook raIsaiah . Jesus full of the Holy Spirit but shoko airevenga, manje nhasi taita vamwe vanoti hatiite zveBible, bible munya tinoita zveMweya yet combination yaJesu was both The Holy Spirit and the Bible but umwe nhasi anoramba Bible. Mweya upi urikukutuma kuramba Bible, nekuti 1 timothy 3;6 inoti all scripture is inspired by GOD, rugwaro rwese rwakafemerwa naMwari, but izvo zvakafemerwa naMwari kuti zvinyorwe ndizvo zvaunoramba.
Mwari anotsvaga vanomunamata muMweya nemuzvokwadi, truth and spirit (John 4:23). John 17:17 yabva yatiudza kuti shoko raMwari is th truth and we know kuti the spirit is the Holy spirit, saka kunamata Mwari mumweya nemuzvokwadi kutedzera zvinodzidziswa neBible uye kuva uine Mweya Mutsvene. but vamwe varikuramba the truth which is the Bible. Ivo Mwari vachitsvaga those who worship in truth and spirit, mumwe munhu haadi truth (bible) anongoda spirit chete, and spirit yacho yainayo is very doubtful kuti ndeya Mwari here
Hebrews 11:6 yoti pasina Faith haugone kufadza Mwari, it is impossible. Iyo faith yacho unoiwana seiko, Romans 10:17 inoti kutenda kunouya nekunzwa uye nekunzwa shoko raMwari. So kana uchida kukura mukutenda kwako, you have to feed more on the word of GOD & as your faith grows you will be able to please GOD
Bible rinotipa maPrayer points, it gives us guidance yezvinhu zvatinofanira kunamatira and manatiro acho anodiwa naMwari. Ukaona uchiti unoshaya chekunamatira one reason might be because hauzi kuverenga Bible nekuti shuwa kana uchiverenga Bible haushaye zvekunamatira, uye haupererwe nemashoko kana wavakunamata, nekuti in prayer you are able to claim maPromises awarenga kubva muBible. After Bible study you are able to realize your short comings and izvozvo zvokutuma kupinda paPrayer asking for GOD’s help. After Bible study you get to understand better rudo rwaMwari and izvozvo zvinokutuma kupinda muPrayer thanking GOD for all that He has done for you and others. So if you want to be a prayerful person, verenga Bible rako
mumwe anoseka kuti church yakati havaverenge Bible but iye pachezvake haaverenge futi Bible racho even though achienda kuChurch inoverengwa Bible but personally haaverenge.
mwana wepaPrince edward anogona kuseka vana vekwaMupiniwasvotoka Secondary school kuti havaverenge maLatest text books, but kana iye asingamaverengewo futi, he will also fail despite the fact yekuti he is attending a school which has the latest textbooks. hongu kuChurch kwenyu munoverenga Bible but iwe unoverenga here wega.
there is great danger pakumirira kuti Pastor ndivo vachaverenga Bible and he will inturn tell us zvaaverenga. mufundisi munhu just like you and me, anogona kupotsana neScripture akakudzidzisa zviri wrong, iwe uchingoti amen.
dzimwe dzakamirira kuti admin weGroup reGospel reWhatsapp ndiye achaverenga Bible and he will tell us zvaaverenga, amainini musaite zvekutamba, there are false teachers out there, even paWhatsapp and facebook varipo. haizi nyaya yekumirira kuparidzirwa but verengawo wega bible. kana uchiverenga bible wega and someone preaches a message iri wrong, you can easily tell kuti apa tirikubaiswa apa, apa scripture has been taken out of context. But kana usingaverenge Bible you can easily be deceived.
Even inini wacho kana if I don’t preach zvinhu zvinobva from the Bible, don’t listen to me.
Isaiah 8:20 yoti to the law and to the testimony, if they speak not according to this word it is because there is no light in them.
Plastic risina chinhu can easily be taken away nemhepo, but kana mukaisa dombo mukati or something chinorema hariende nemhepo. Kana munhu uri empty inside you usina shoko raMwari you can easily be taken away nedzidziso dziri wrong. Every wind of doctrine can carry you anywhere and anyhow, but kana mukati mako muine shoko raMwari, its not easy kuti upupurudzwe nedzidziso dzenhema.
Be established in the truth (the word of GOD) so that you can not be carried away be false teachings
I just want to challenge munhu wese aripano paPage pano to study shoko raMwari daily. Zuva ngarirege kupera usina kuStuder shoko raMwari, not just reading kaMemory verse but I mean deep study chaiyo yekudzidzika dzika nenyaya. And kana wapedza kuverenga live in accordance with shoko rawaverenga nekuti James 1:22 inoti regai kuva vanzwi chete veshoko asi ivai vaiti.
we must be doers of the word, but how can you do something which you don’t know about, so read and do.
No comments:
Post a Comment