Friday, 29 April 2016

The walk with Jesus


Scripture reading :Mark 8:22-26

Jesu akasvika kuBhetisaidha, vamwe vanhu vakauya nomunhu akanga ari bofu uye vakakumbira zvikuru kuti Jesu amubate. Vanhu ava vakaziva kwekuenda nebofu, vakaziva kune solution.
Vakakomborerwa avo vanoziva the correct place yekuenda kunotsvaga rubatsiro. Senge mazuva atiri ano aya, people are just going anywhere kunotsvaga rubatsiro and pamwe pacho they end up going to vashandiri vasatan vanoPretender kunge vashandiri vaMwari looking for help.


These people were really desperate, vaidisisa kwazvo kuti bofu ravauya naro ribatsirwe, Bible rinoti they besought Him (Jesus) to touch him (the blind man), imwe version inoti they begged him rechishona roti vakakumbira zvikuru kuti Jesu amubate. No matter how desperate they were, havana kuenda to any other place vachitsvaga rubatsiro except kuna Jesu. Hapana chakaipa to be desperate uchitsvaga rubatsiro, as long as you are seeking help kubva kuna Mwari, chakaipa kuva desperate but wotsvaga rubatsiro kusiriko. The question comes to you iwe muverengi kuti kana wawirwa nedambudziko and you are desperate, unoenda kuna Mwari here or unoenda kwasatan?, ziva kwekuenda, enda kuna Mwari


Kunyangwe zvavo vanhu ava vauya kuna Jesu nemunhu aiva bofu, there is one problem yavakaita, they came with their own formula (method). Vakaudza Jesu kamuporesero kavainge vachida kuti kaitwe pane bofu iri. Hanzi neBible they begged him to touch him, vakakumbirisa kuti Jesu abate bofu iri.
Pana Mark 1:41 Jesu akabata murume ainge aine maperembudzi and the man was healed. Pana Matthew 20:34 Jesu akabata meso amapofu 2 and they started seeing, pana Mark 7:33 Jesu akabata rurimi rwemunhu akanga asingakwanise kutaura zvakanaka uye asinganzwe, munhu uyu akatanga kutaura zvakanaka. In all these cases tinoona Jesu achibata vanhu vane maProblems and vanhu ava vachipora, so vanhu ava they thought to themselves kuti kana tikaenda nemumwe wedu uyu asingaone and tikakumbira kuti Jesu amubate, he is going to receive his sight back. Vakauya neFormula yavo nechekare but havana kuziva kuti Jesu haashande nenzira 1 yekuporesa vanhu, he has many ways to heal a person.


Ndipo panonetsa pekuti munhu unoenda kuna Mwari uine formula yako kare, kuuya kuna Mwari uchitsvaga rubatsiro and at the same time uchivaudza Mwari how exactly to deal with your problem. Wafanana nemurwere anoenda kuna doctor aine prescription yake ega, urikuda maTablets but iye doctor arikuti nhasi tirikuita zvejekiseni. Mwari vobva vati pana Isaiah 55:8-9 Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu, nenzira dzenyu hadzizi nzira dzangu ndizvo zvinotaura Jehovha Nokuti denga sezvarakakwirira kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.


Formula yako inogona kurambwa kuna Mwari, yes tell Him the end result yaunoda but ziva kuti GOD has many ways to achieve that end result. Naaman akaita same problem, murume uyu aive nemaperembudzi, and akaenda kuna Prophet Elisha achitsvaga rubatsiro but aine formula yake ega, Erisha akatuma nhume kuna Naaman , akati, "Enda, undoshamba ka7 muriver Jordan, nyama yako idzokerezve kwauri, uve wakanaka."Asi Naamani wakatsamwa, akabva, akati, "Tarirai, ndanga ndichiti, zvirokwazvo uchabuda kwandiri, akamira, akadana zita raJehovha Mwari wake, nokupuruzirapo noruoko rwake, agoporesa maperembudzi. (2 Kings 5:10-11 ). He had his own formula, aitarisira something else kuti zviitwe paari than kungoudzwa kunzi enda kurwizi jorodhani kunogeza ikoko


Usarwadziwe kana formula yako yarambwa naMwari, be willing to accept nzira dzavo ivo Mwari because he knows what’s best for you. vanhu vakauya neFormula yavo kuti Jesu abate bofu iri but Jesus took a slight twist to that formula, instead yekuti abate bofu iri mumaziso, akaribata ruoko and started leading this man vachibuda muguta umu. Kubata ndiko but kamubatiro ndiko kasiyana. Ndipo pane mharidzo yedu muzuva ranhasi, “THE WALK WITH JESUS”


Jesu haana kungotanga nekusvinudza meso ebofu iri, aiwa, akatanga ambofamba naro vachibuda muguta, hapazi pese nyaya dzako padzichagadziriswa there and there, I believe in instant answers to prayers, zviya zvekuti unonamata and ipapo ipapo nyaya yako yobva yagadziriswa there and there, but pamwe pacho mhinduro inogona kuzouya later on and zvinotoda patience kugona kumirira nguva yaMwari. Ukashaya patience unogumisira waramba kunamata uchifunga kuti hazvishande, izvo nyamba mhinduro yako yanga iri munzira.

Bofu iri raigona kuComplainer kuti “murikuenda neni kupi, ko inga wani vamwe makavasvinudza ipapo ipapo, Bartimaeus inga wani akakumbira kusvinudzwa meso mukamusvinudza there and there, ko ini sei musiri kundisvinudza, were are you taking me?,

but haana kudaro. Problem ine vazhinji is that we try to compare testimony dzevamwe vaiva neSame problem nesu and we expect to receive that same testimony, but hazvishande sekudaro. Mwari vanogona kuudza Lot kuti atize moto uchanaya muSoddom (Genesis 19), but kuna Shadrach Meshach and Abednego vanovaregedza vachikandwa mumoto macho knowing kuti havatsve (Daniel 3), vese vane same problem yemoto, but vakashandisirwa different methods and they all survived. Samson anogona kupihwa simba rekuuraya shumba, (Judges 14) but Daniel haana kupihwa that power, instead Mwari vanotuma ngirozi yavo to shut the mouths of the lions (Daniel 6), same problem, (shumba), same GOD who is Jehovah, but different formulas to help his children. Saka rega kuita pressure to compare your testimony neye umwe munhu.


Heeee inga vamwe vandakadzidza navo vakazodai vakadai, heee inga vamwe vandakakura navo they are now married, heee vamwee vandinomata navo, have this and that, stop comparing yourself to other people’s testimonies. Kuita kwaMwari kunosiyana. Sometimes Jesu arikuda kutanga afamba newe before he gives you zvauri kuda, are you prepared for that walk?

Jesu ndiye chaiye but haatange nekusvinudza munhu meso, anotanga ambofamba naye. Unogona wakagamuchira Jesu chaiye but you are wondering kuti ko sei life isiri kuchinja, why im i still sick but ndakagamuchira Jesu, why is my marriage still a problem but iye Jesu ndiinaye. There are so many things zvauri kunetsekana nazvo kuti why zvichidai but ini ndina Jesu. Nhasi ndati ndikuudze kuti sometimes Jesu anoda kutanga ambofamba newe before he gives you zvauri kuda. He has his reasons dzekudaro, maybe along the way ndipo paachakudzidzisa zvakawanda, along the way you shall learn to be patient, along that way achakuudza chakakonzera kuti upinde muProblem so that kana wazobuda muProblem iyoyo usazodzokere zvekare mairi, along the way he shall teach you how to maintain your deliverance, along the way anoda kuBuilder a relationship with you, along the way anoda kukudzidzisa shoko rake, saka this walk yakakosha kwazvo and you have to take it

Chandinofarira on this walk hanzi neBible He (Jesus) led the man out of the town, akatungamira mumwe harizi bofu but ndiJesu. Mukufumba naJesu umu, allow Jesu to lead you, allow the word of GOD to lead you, rega kuda kumhanyira Mwari kumberi, but Vasiye ivo vatungamire.
Jesus led this man out of the town, akamutungamira kubuda muguta, ko nhai sei Jesu achibuditsa murume uyu muguta raamuwana ari, ko adii kumuporesera imomo and leave him there, why is he taking him out of that town?
Pana Genesis 12:1-2 Jehovha wakati kunaAbhuramu, "Ibva panyika yako, nokuhama dzako, nokuimba yababa vako, uende kunyika yandichakuratidza iyo ndichakuita rudzi rukuru, ndichakuropafadza, ndichakudza zita rako, iwe uropafadze vamwe”


why Mwari vachida kubuditsa Abram munyika yaive agere ko vakadii kumuuita rudzi rukuru arimo imomo? izvi zvandidzidzisa kuti there are some areas dzatiri supposed kubva padziri before GOD starts his work with us, kune mabhawa atiri supposed kutobuda maari, kune maSmall house atiri supposed kusiya, kuine dzimwe shamwari dzatiri supposed kusiya kune hunhu hwekare hwakaipa hwatiri supposed kusiya and follow the leading of GOD. Jesu oti pana Mark 8:34 Kana munhu achida kuvuya shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze muchinjikwa wake, anditevere.

Kufamba naJesu unoda and at the same time hausi kuda kubuda muguta rauri, zvinofamba sei? Kufamba naJesu unoda but kurova makuva unoda futi, Mweya Mutsvene unomuda kuti akuzadze but kudhakwa unoda futi. Shoko raMwari unorida but at the same time unoda futi zvinyorwa zvine dzidziso inopikisa Bible. No man can serve two masters: for either you will hate the one, and love the other; or else you will hold to the one and despise the other
Bofu iri rakafamba naJesu and remained a blind man during that walk, but iye Jesu ainaye. Its very possible kufamba naJesu but ugoramba uine problem yaiva nayo before pakufamba naJesu. Remember murume ainzi Jairus, akaenda kuna Jesu achitsvaga rubatsiro nekuti mwana wake ainge arwara, Jesu akati handei kumba kwako, on their way kwakauya mumwe munhu kubva kumba zvikanzi mwana afa, imagine this man is with Jesus, but problem yake yakatoita worse, mwana airwara and akagumisira afa, but iye munhu aina Jesu. (Luke 8)

Don’t be discouraged nevanhu vanouya kwauri vachiti hona kubva zvawakagamuchira Jesu sei life yako isiri kuchinja, just know kuti sometimes Jesu anogona kumbosiya zvinhu zvichiita worse before he solves it, anogona kumbosiya Razaro achifa so that anozomumutsa after 4 days. (John 11) And let me be quick to say also kuti pane mamwe maProblems acharamba aripo even though uchifamba naJesu till the end of the world. Pauro akakumbira kuna Mwari 3 times kuti ndibvisei munzwa uri munyama but Mwari havana kumubvisa, instead vakamuudza kuti “ Nyasha dzangu dzinokuringana; nokuti simba rangu rinozadziswa pavutera bwako. 2 Corinthians 12:9
Vabuda kunzwe kweguta, Jesu ndipo paakazoita miracle yekuti murume uyu atange kuona akapfira mate pameso ake, akaisa mavoko pamusoro pake, akamubvunza kana achivona chinhu. Iye akatarira, akati: ndinovona vanhu, ndinovavona vachifamba vakafanana nemiti. Zvino akaisa zve mavoko pamusoro pameso ake,iye akatarisisa, akaporeswa akavona zvose zvakanaka. Akamuendesa kumba kwake akati: usatongopinda mumusha kana kuvudza munhu mumusha.


Jesu arikuda kumbofamba newe before opening your eyes, Jesu arikuda kumbofamba newe uri rovha kudaro, arikuda kumbofamba newe urimurwere kudaro, arikuda kumbofamba newe marriage ichipisa kwazvo, Jesus wants to take a walk with you urimo muProblem imomo, but nyaya iripo ndeyekuti are you willing, the distance yakafambwa hatina kuudzwa, whether it was short or long hatina kuudzwa, the time which GOD shall answer your prayers hatizive, whether he will take a long time or a short time, handizive but nhau iripo ndeyekuti are you prepared kufumba naye during that period, and if you are willing then chirega kuchema along the way uchiti zvinhu zvanonoka kuita, remember its Jesus who is leading and not you, ndiye anoziva the right time and place and method yekugadzirisa nyaya dzako

2 comments:

  1. I just want to give a quick advise to any one out there that is having difficulty in his or her relationship to contact Dr.Agbazara because he is the only one that is capable to bring back broken relationship or broken marriages within time limit of 48 hours. You can contact Dr.Agbazara by calling him on his mobile +2348104102662 or write him through his email at ( agbazara@gmail.com )

    ReplyDelete
  2. Only Jesus can restore broken relationships within a second

    ReplyDelete