Sunday, 13 March 2016
Bogus Christian
Scripture reading: Acts 19:11-16
Kune matsotsi vanoshandisa strategy yakasiyana nemamwe matsotsi, anogona kufamba achizviti mupurisa but iye asiri mupurisa, anogona kuzviti ndiri muCID but iye asiri muCID, anogona kutopfeka uniform yePolice isiri yake, anogona kutogadzirisa ID yeFake, zvese zvinotaridza kuti mupurisa anenge ainazvo but zita rake kuRegister remapurisa hariko kana ritoriko maybe atori paWanted list yevanhu vane mhosva. Type yakadaro inopihwa zita rekunzi “bogus police” zvichingoreva izvo mupurisa weFake. They use identity isiri yavo to achieve something.
Kunyangwe pakunamata panogona kuva nemaBogus zvekare, anotopfekawo uniform yeChurch, Bible anaro, anotaura language yechiChristu neku qouter maVerse but zvese izvi its just a cover up, zita rake harimo muBook rehupenyu kuna Mwari Baba Kudenga. Bogus Christian, pretending to be Christian in order to gain something but pachokwadi haazi muChristu.
Tikaverenga muBook reMabasa avapositori (Acts) chapter 19 kubva paVerse 11; Bible rinotiudza nezvemabasa makuru akaitwa naMwari kubudikidza naPauro, to the extent yekuti maHandkerchief kana maApron zvainge zviri pamuviri waPaul zvaiendeswa kune munhu airwara and murwere aipora. But hapana patakazonzwa kuti Pauro akatanga kutengesa maHandkerchief aya, kwete hapana nekuti Jesus anoti freely you have received, freely you must give. (Matthew 10:8) Hameno kuti zvemazuva ano zvekubhadharisana healing vanhu vanozvitora kupi, anyway handiyo nyaya yangu iyoyo.
Pakaitawo chimwe chikwata chemaJudha chakaona mabasa makuru aiitwa naMwari kubudikidza naPauro, vakati hatingasarire regawo timbodana zita raJesu kudzinga mademon. Havana kudana zita raJesu kuti vaponeswe but vakadana zita raJesu for the benefit yekudzinga mademon. Hapana chakaipa pakudzinga demon, its actually very Biblical nekuti Jesu achitaura pana Mark 16:17 anoti avo vanotenda maari vachadzinga mweya yakaipa (mademon) kubudikidza nezita rake iye Jesu. but dambudziko remaJudha aya nderekuti vaida kushandisa zita raJesu kudzinga mademon but ivo vasina hukama naJesu wacho. Kuda kuEnjoyer maBenefits echipurisa but iwe usiri mupurisa ndiyo bogus mentality. Mandate yekudzinga mweya yakaipa iyi haina kungopihwa just anyone but yakapihwa avo vanotenda muna Jesu & kana uchitenda muna Jesu then it means there is a relationship iripo pakati pako naiye Jesu waunotenda maari.
Ndiyo imwe challenge iriko muzuva ranhasi, vazhinji tirikuda kuEnjoyer maBenefits ari attached kuna Jesu but tisina hukama naJesu wacho. We want to claim the promises of God yet living in disobedience to his word.
Chinotaridza kuti vanhu ava vaisava nehukama naJesu is the way they spoke hanzi “Muzita raJesu, anoparidzwa naPauro, ndinokurayira kuti ubude.”.Ahhhh hanzi Jesu anoparidzwa naPauro, havana kuti Jesu anoparidzwa nesu. Kureva kuti ivo pachezvavo they didn’t preach about Jesus nekuti dai vaiparidza nezva Jesu they were supposed to say Muzita raJesu, watinoparidza, ndinokurayira kuti ubude or Jesu watakagamuchira. Their speech shows kuti hukama naJesu vainge vasina even zvakazoitika kumberi it shows kuti they had no relationship with Christ.
Hama yangu ask yourself nhasi kuti une hukama here naMwari nekuti Bible rinoti vose vakagamuchira Jesu vakapihwa simba rekunzi vana VaMwari (John 1:12). Nyaya yekunamata iyi its more than about just being a church member. Unogona kuva a church member but kana usina hukama naJesu unenge uri bogus Christian, paCV rako unogona kunyora kuti Religion Christianity but kana Jesu wacho asimo mumoyo mako you are a bogus Christian. Ungave muChristu seiko but naJesu musiri mese. Romans 8:14 yoti vose vanotungirwa neMweya waMwari ndivo vana vaMwari. You have to be led by the Holy Spirit, haizi nyaya yekungova muGroup reWhatsapp panotaurwa nezvaMwari but unofanira kuzadzwa neMweya waMwari.
Pachikwata chemaJudha ichi chaiedza kudzinga mademon paiva nevana 7 veMukuru wemaPriest wemaJudha ainzi Sceva.... vanhu ava vaiva vana vaChief Priest but no they had relationship with Christ. Unogona kuva mwana waBishop but usina hukama naJesu Unogona kuva mwana wemufundisi but usina hukama naJesu. Nyaya handi yekuzvarwa nemubereki anonamata but unofanira kuberekwa patsva. John 3:6. Jesu oti chakaberekwa nenyama inyama chakaberekwa nemweya mweya. Kureva kuti a Christian cannot give birth to another Christian nekuti iko kuberekwa ikoko kwawakaitwa inyama irikubereka imwe nyama, but kuti uve muChristu zvinoda Mweya Mutsvene and not nyama yemubereki wako. Hakuna chinonzi biological Christian zviya zvekuti just because wakaberekwa nevabereki vanonamata so automatically you become a Christian, there is nothing like that, you have to be born again
Have you been born again or you are pretending to be born again, hazvina mhosva kuti baba vako is a preacher but you need to be born again. John 3:5 yoti Expect a man be born of the water and of the spirit he cannot enter into the kingdom of GOD. unotofanira kuberekwa patsva regardless of the fact that vabereki vako vanonamata here or havanamate
HuBogus hune danger nekuti chitsotsi chauri kuita, its identity theft, urikutora office isiri yako inorder to gain something, ukazivikanwa nemusungwa kuti uri bogus police nyaya inenge yatokuchinjira. Ndakamboona combi yakaunganirwa nevanhu and i asked kuti chii chaitika zvikanzi mune bogus police ravabata ravari kuendesa kumapurisa chaiwo. Iye ambosunga combi achiti ine mhosva but nyaya yazosanduka ndiye azosungwa manje nekuti zvazivikanwa kuti mupurisa wenhema, masamba achinja, the hunter becomes the hunted
Vana veSceva maBogus ndivo vanga vachida kudzinga demon but demon iri ndiro rakazovapinza panguva yakaoma, mweya wakaipa wakavapindura ukati, “Jesu ndinomuziva, uye ndinoziva nezvaPauro, asi imi ndimi vanaaniko?”Ipapo munhu akanga ane mweya wakaipa akasvetukira pavari akavakurira vose. Akavarova zvokuti vakamhanya vachibuda mumba vasina kupfeka uye vachibuda ropa.
satan nemweya yakaipa although dziri ngirozi dzakapandukira Mwari they know about Jesus, that’s why uchiona kuti Jesu paaidzinga mademon, those evil spirits would confess kuti tinokuzivai mwana mwanakomana waMwari wokumusoro soro, that’s why tichinzwa mweya yakaipa ichitaura paVerse 165 kuti Jesu tinomuziva, they also admitted kuti Paul tinomuziva, chaita kuti Pauro azivikanwe semunhu waMwari, haizi nyaya yekugona kwake asi inyaya yekuti Pauro ainge akagamuchira Jesu that’s why achinyora pana Vagaratiya 2:20 achiti “handichisiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri” Jesus anorarama mukati maPauro ndiye aitwa kuti azivikanwe
Jesu ndinomuziva, uye ndinoziva nezvaPauro, asi imi ndimi vanaaniko?” mweya yetsvina zviri zvaJesu haina problem inobvuma kudzingwa, zviri zvaPauro inobvuma kudzingwa nekuti Pauro mushandiri waJesu, but zviri zvevana vaSceva, inoramba kudzingwa nekuti vana ava Jesu haamo mumoyo mavo but ari pamuromo chete. Zvine njodzi zvekuita Jesu anogara pamuromo pako but iye asimo mumoyo Havasi vose vanoti , ‘Ishe, Ishe’ vachapinda muushe hwokudenga, asi uyo chete anoita kuda kwaBaba vari kudenga (Matthew 7:22)
Vana veSceva hatina kuzonzwa kuti what was their answer, whether vakapindura or havana kupindura, chatakaudzwa was the fact that munhu akanga ane mweya wakaipa akasvetukira pavari akavakurira vose. Akavarova zvokuti vakamhanya vachibuda mumba vasina kupfeka uye vachibuda ropa. They suffered defeat. Ndizvo zvakaipira kuva a bogus believer, unogona kubata vanhu kumeso but kana dzava nyaya dzepa mweya hauna chance, mweya yetsvina inokusakadza because they know you are not genuine
There is no need for you to pretend to be a Christian. Kana wafunga kuva muChristu wadii kunyatsova muChristu than to pretend. Bible rinotiudza pana 2 Timothy 2:19 kuti “….The Lord knows those who are his,” ……unogona kubata vanhu kumeso but you cannot fool God. saka rega kutambisa nguva yako uchinyepera vanhu
I want to appeal to someone who knows they have been putting up a front, unonyatsoziva wega kuti ndinopfeka hangu uniform yeChurch but mumoyo mangu Jesu haamo. Ndinoparidza hangu but zvandinoparidza handizvirarame, i go to church but zvandinoita ndabva kuChurch zvinopesana nezvinotaura Mwari. Bible ndinoverenga hangu but life yandinorarama haienderane nezvinodzidziswa neshoko.
Ndinoda kutaura neumwe munhu wekuti you know very well kuti Jesu wako aripamuro chete, but mumoyo nemabasa ako hazvina Jesu, you are good at calling the name of Jesus but deep inside you are empty because Jesu haamo. Ndinoda kutaura neumwe munhu, you know very well kuti pane chitsotsi chakasiyana siyana chaunoita trying to pretend kunge unogona kuporofita or unogona kuita maMiracles and you say ndiJesu azviita but uchinyatsoziva hako kuti hapana kuporofita kwaunogona or miracle yawaita, I want to appeal to someone anoziva kuti ane something chaanoita chinopesana nezvinotarisirwa pamuChristu naMwari.
If you are there ndati ndikuudze kuti mukana wekutendeuka ugadzirise hukama hwako naMwari ndiwo uno, your sins might be secret before men but before GOD He knows them all, saka rega hako kuramba uchihwanda, come clean before GOD, reurura zvivi zvako and ask for forgiveness, tinogona kubatana kumeso tiri pano panyika but kana Jesu achinge adzoka kuzotora vatsvene vake haasi kuzoita mistake yekutora maBogus Christian, kutorine vamwe maBogus vachati kwaari ‘Ishe, Ishe, ko, hatina kuprofita muzita renyuwo here, uye muzita renyu tikadzinga madhimoni, tikaita zvishamiso? ’Ipapo vachaudzwa pachena naJesu kuti, ‘Handina kutombokuzivai. Ibvai zvenyu pandiri, imi vaiti vezvakaipa!’ (Mateo 7:22-23)
Mwari anotsvaga avo vanomunamata muMweya neMuzvokwadi, no need to make a false pretence, ngatitendeukei hama tiponeswe, be born again of the water and of the spirit kuti uve unopinda muhumambo hwaMwari
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment