Sunday, 13 March 2016
Peace in Jesus
Scripture reading: John 14:27
Ukanzwa zvichinzi kunyika yakati kwatumirwa maSoldier ePeacekeeping, chibva waziva kuti nyika iyoyo haina peace but varikutoedza kutsvaga peace (runyararo). Peace keeping force haitumirwe kunyika ine runyararo but vanotumirwa kune nyonga-nyonga or kunotarisirwa kunzi kungangoita nyonga-nyonga. Iwo maPeacekeepers acho anenge akabata pfuti, kwete dzeDisplay but dzehondo chaidzo with an aim yekuunza peace by fighting against vanhu vanonzi varikukonzera kusagadzikana. That’s one of the ways the world tries to give people peace and pamwe pacho hazvishande.
Unogona kupihwa Peace order (restraining order) kubva kuPolice kana kuCourt inorambidza munhu anokushungurudza kuti arege kusvika pamba pako, or kubasa or pedyo newe kana kuCommunicator newe, but ugoshayiwa peace muLife mako. Iwe uine peace order but ugoshaya peace nekuti pane fear inoramba iri mauri pamusoro pemunhu iyeye isingabviswe nebepa rawapihwa kumapurisa. Peace order inogona kumurambidza kuti auye pamba pako but anogona kukushandisira mishonga kuti akuroye even though ari kure newe. Anogona kutuma vanhu kuti vakushungurudze, there are so many things which can happen. Unawo hako matsamba anonzi peace order but haakupe guarantee yekuti uchava nePeace. Iyi ndiyo imwe nzira nyika yainoedza kupa nayo vanhu peace but pamwe hazvishande.
Jesu anotaura pana John 14:27 kuti “ Peace I leave with you, my peace I give unto you: not as the world gives, give I unto you. Let not your heart be troubled, neither let it be afraid.”--Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu. Handikupei sokupa kwenyika. Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika uye musatya.
Mashoko aya arikutitaridza kuti Jesu ane peace yaanotipa and peace yaanotipa yakatosiyana by far with peace yaunopihwa nenyika. maSystesms enyika vanogona kuyedza kukiya-kiya kuti pave nePeace and pamwe zvigoshanda & pamwe zvoramba but kana zviri zvaJesu ane imwe mhando yake yePeace inopfuura iyo yaunopihwa nemaSystems enyika.
Rimwe zuva Jesu arimuBoat nevadzidzi vake, there arose a great storm zvekuti boat rainge ravakuda kutsemuka but chinondishamisa ndechekuti Jesu ainge arere zvake, mhepo yakatadza kumumutsa because he had peace in his heart, but that same storm yakashungurudza maDisciples zvekuti vakatozoguma vamutsa Jesu vakati “Mudzidzisi, hamuna hanya here kana tikanyura?”Akamuka, akarayira mhepo uye akati kumafungu, “Nyarara! Dzikama!, - Peace be still ” Ipapo mhepo yakapera uye kukadzikama zvikuru. (Mark 4:35-41) Verse 37 yati iyo paiva ne a great storm but verse 39 yati kwakava ne a great calm, from a great storm to a great calm and in between pana Jesu aunza peace. Imwe peace irikutsvaga nevanhu can only be found in Jesus, kana Jesu akakwanisa kuCommander nature (mhepo) kuti inyarare, can he not also command our weather muzuva ranhasi, yes he can, izvi met office haizvikwanise, ingatogone kukuudzai kuti kuri kuuya maFloods, heat wave, drought kana chimwe chinhu but kuti vazvigadzirise havazvigone, zvinotoda Mwari izvi.
Pane murume akanetsekana nemaDemon, he had a legion of demons, vanhu vakaedza kuunza peace pamurume uyu kubudikidza nekumusunga neChain but chain dzacho aidambura. Munhu uyu aingwe akasungwa nemweya yetsvina but vanhu vaitowedzera kumusunga nechain vachiedza kumubatsira. they were trying to solve a spiritual problem using a physical solution but hazvina kushanda, even nhasi chaiye zvirikuitika pane maWays akawanda epanyama arikuedza kushandiswa nevanhu to solve nyaya dzemweya but zvirikuramba. Mukadzi anetsa pamba, murume ayedza kumborova nezvibhakera but still there is no peace nekuti hondo yacho haizi yepanyama but zvine mweya yetsvina mukati, mwana anetsa pamba and vabereki vamboedza kumusungisa kumapurisa but each time yaari kudzoka anodzoka kuzopara futi imwe mhosva. Legion vakamusunga nechain but hazvina kushanda, Jesu pfacha ndokudzinga mweya yetsvina iyi & vanhu vakashamisika kuona murume uyu sitting at the feet of Jesus, clothed, and in his right mind (Luke 8:26-39). Daidzai Jesu kana baba vanetsa, daidzai Jesu kana mai vanetsa, daidzai Jesu kana mwana anetsa he is the only one who can solve that spiritual problem & give you peace in your lives
Ukatarisa matsamba akanyorwa naPaul ari mujeri achinyorera kereke zvaitoita kunge iye Paul ndiye ari panzi peJeri and arikunyorera vanhu vakasungwa. The way he would comfort others wainyatsoona kuti he had peace in his heart kubudikidza naJesu waaitenda maari. Musungwa arikunyorera tsamba vanhu vari panze achivasimbisa panyaya dzekunamata instead yekuti ivo vari panze vave ivo vamunyoreea matsamba ekumusimbisa, it was the other way round. Peace yaunopihwa naJesu hainei neEnviroment yaugere, you might be living in a poor country, in a bad environemt but kana iri peace yaJesu inokupa rugare in that environment because peace iyi comes from within you and not from outside.
Kunyangwe zvinhu zvisina kumira mushe, kana uina Jesu you find peace from GOD. hazvina mhosva kuti economy yakamira sei, hazvina mhosva kuti chii chirikuitika muPolitics, as long as you are with Christ you have peace in your heart.
There was a rich young ruler, this young man akaona Jesu achiropafadza vana vadiki, after apedza mukomana uyu anomhanya kuna Jesu aine mubvunzo akati ndingaitei kuti ndiwane eternal life (hupenyu husingaperi, Jesu akati “Kana uchida kupinda muupenyu, teerera mirayiro.” Murume uya akabvunza achiti, “Ipiko?” Jesu akapindura akati, “ ‘Usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema. Kudza baba vako namai vako uye ude muvakidzani wako sokuzvida kwaunozviita iwe.’”Jaya riya rakati, “Zvose ndakazvichengeta. Chii chandichiri kushayiwa?” Jesu akati, “Kana uchida kuva wakakwana, enda unotengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya wonditevera.”Jaya riya parakanzwa izvi, rakaenda rakasuwa kwazvo nokuti raiva nepfuma zhinji kwazvo. (Matthew 19:17-22)
Verse 22 yandishamisa because inoti jaya rakaenda rakasuwa kwazvo nokuti aiva nepfuma zhinji kwazvo. He went away sorrowful because he had great possessions. Nhai zvinofamba sei kuti munhu anosuwa yet iye ari mupfumi, how can you be rich & be sorrowful at the same time, ini ndaifunga kuti kana munhu uine mari yako unogara uri happy ka, ko uyu chii chakamupa kusuwa iyi aine mari? Chakamupa kusuwa inhau yekuti akaramba kuterera zvaakaudzwa naJesu, ukaramba kuterera mashoko aJesu unenge waramba Jesu wacho, and don’t expect to find peace & happiness in your life,. even ukaita mari yakawanda sei as long as pasina Jesu hapana rugare.
Jesu haana kuPromiser a life without problems, kwete. Kufamba naJesu hazvireve kuti you will not encounter maChallenges, kwete, iyoyo ipfungwa yeProsperity theories inokuudza kuti kana wawana Jesu hapana problem yaungasangana nayo and that is not true nekuti iro Bible rinototi pana 2 Timothy 3:12 “Zvirokwazvo munhu wose anoda kurarama upenyu woumwari muna Kristu Jesu achatambudzwa”.
problems will arise but chinofadza is that you have Jesus the problem solver. Kufamba naJesu muBoat renyu does not mean hamusangane nemaStorms but zvinoreva kuti mukasanga neStorm, Jesus will calm it, ipapo ndipo pane peace yacho ipapo, hongu pane mhepo inogona kusimuka but If you have Jesus he will calm the storm. Chifunga iwewe kuti ko dai boat riya risina Jesu, vaipona here maDisciples? Don’t take a risk yekufamba muhupenyu usina Jesu, troubles can arise and hauna mubatsiri.
Ukaverenga chiporofita chekuuya kwaJesu from Isaiah 9:6, Jesu anopihwa title yekunzi “The Prince of Peace” – Muchinda weRugare. And this is not just a name but ndizvo zvitoripo, ndiye muchida werugare.
Ndopedzisira ne Philippians 4:7 iyo inoti “And the peace of God, which passes all understanding, shall keep your hearts and minds through Christ Jesus.” – (Uye rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu)
yes you can find peace in Jesus Christ
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
No comments:
Post a Comment