Sunday, 13 March 2016

Solve our problems (but siyai nguruve dzedu)

Scripture reading: Mark 5:1-20


Jesu anosvika kunyika yavaGeraseni uko kwaanosangana nemurume aiva aine a legion of demons, munhu uyu aiva aine mademon akawanda kwazvo. Vanhu vakamboedza kumusunga neChain but aidambura chain dzacho, that’s when I realised kuti a spiritual problem cannot be solved in a physical way. Chain yakaramba kushanda pana legion nekuti hatirwe nenyama neropa asi nemweya yakaipa iri muchadenga. (Ephesians 6:12) Murume uyu ainge asingagare kumba but aigara kumarinda, he was a living man staying in a dead area. Ukaverenga the same story of this man kuna Luke 8:27 unonzwa kuti murume uyu aigara asina kupfeka, he was naked, ndipo pandaona kuti kushama kunoita vamwe vanhu nhasi haazi fashion but zvine mweya wetsvina. Haizi staira kufamba mazamu ari panze, but zvine mweya yetsvina inozvikonzera.


Aizvecheka muviri wake nematombo, inflicting harm on his own body. kunyangwe iye zvino vamwe vanozvikuvadza miviri yavo nekutora zvinhu zvinokanganisa hutano, whether its smoking, drinking or even eating chimwe chikafu which is not good for your health. Hakuzi kuda kwaMwari kuti munhu azvikanganise body yake but it is the will of the devil because the devil knows kuti once wava nemaHealth problems zvinokuomera kuti unamate chaizvo chaizvo. Its hard to do the work of the Lord when you are in bad health.


Murume uyu anosangana naJesu and Bible rinoti pana Mark 5:6 he ran and worshiped him. Munhu ane mademon uyu but mademon iwayo haana kumutadzisa kumhanyira kuna Jesu for deliverance, kureva kuti even if une maproblems akawanda sei anokonzerwa nasatan, they cannot stop you from seeking GOD. rega kuRelaxer uri muchivi thinking kuti haukwanise kuenda kuna Jesu, yes you can, just take the first step yekuenda kunaMwari and He will do the rest for you, draw closer to God and He will draw closer to you ndizvo zvinotaura James 4:8


Mademon aiva nemurume uyu akabva atanga kutaura using this man, hanzi Munodeiko kwandiri, Jesu, Mwanakomana waMwari woWokumusoro-soro? Pikai kuna Mwari kuti hamuzonditambudzi!”
Nokuti Jesu akanga ati kwaari, “Buda mumunhu uyu, iwe mweya wakaipa!”
Mademon aitozviva kuti Jesus is the Son of the Most High GOD. but kune vamwe nhasi vekuti vanozviramba izvi. Munhu shuwa wokundwa kuzviva nedemon here?

Mweya yetsvina yakachema chema ikati musatibuditse munyika ino but allow us tipinde munguruve dziri kufura dziri pazvikomo zvaiva pedyo. Jesu anodzipa go ahead yekupinda munguruve idzi, after nguruve dzapindwa nemademon aya, dzakamhanya dzakananga kumawere dzikawira mumvura and died in there, this was about 2000 pigs.

Vafudzi venguruve vachiona izvi they ran back into the city vachibva vaudza vanhu what happened and vanhu venzvimbo iyi ndokuuya kuna Jesu and vakaona murume uyu aimbova nemademon akapfeka hembe (unlike zvaimboita zvekugara asina kupfeka), akagara and in his right mind and they were afraid vachiona izvi.

MaEyewitness akabva atanga kuudza vanhu about deliverance yaitwa murume uyu and ALSO zvaitika kunguruve. Vanhu vemuguta vachinzwa nezve nyaya yenguruve ndipo pavanobva vaita a request kuna Jesu, vakamukumbira kuti abve muArea mavo aende zvake. Ndipo pane shoko rese ipapo pakukumbira Jesu kuti abve muArea yavo and the title of the message is “solve our problems but leave our pigs. Gadzirisai matambudziko edu but siyanani nenguruve dzedu.”

Vanhu vazhinji vanoda kuti Mwari agadzirise something chirikunetsa, but vane zvimwe zvinhu zvavasingade kuti zvibatwe batwe. The people of the area they had no problem kuti Jesu adzinge mademon kubva pana Legion but vaiva neProblem neMethod yacho. Mademon dzingai zvenyu vakuru but iyi yekuti nguruve dzedu dzinozofa during deliverance ndiyo yavasingade, no wonder why they requested Jesus to leave their city.

Solve our problems but siyanai nenguruve dzedu. Legion ainge atinetsa takaedza kumusunga kunyangwe nechain, takaedza kumupa pekugara but he still went back kumakuva, takaedza kumupa hembe dzekupfeka but aikumura, thank you very much matibatsira panyaya dzaLegion but sei muchida kuparadza nguruve dzedu, better muende zvenyu.
Kana ndikaparidza ndikagumira pane zvakaitika muBible I wouldn’t have done justice rega ndiburuke paStage ndimbopinda muvanhu

Mwari solve my problem, but siyanai nenguruve dzangu, itai kuti ndiwane anondiroora ndingopinda white wedding but siyai nenhau yeDressing yangu. Pastor please pray for me pane mukomana akavimbisa kuti December wants to marry me but don’t give me teaching dzenyu dzinondirambidza sex before marriage, musandipe counselling on how a Christian should dress. Ah ah, DON’T JUDGE ME. Ndiwo maRequests evamwe ava, vanoda kuti nyaya dzavo dzigadziriswe but they don’t want GOD to correct zvimwe zvinhu.

Ishe ndiporesei kubva kuchirwere ichi, heal me Father but musanditaurire what to eat and what to drink. Poresai chete chikosoro chandiinacho but kana dzava nyaya dzekuti usapute fodya, handidi kuzvinzwa. Tenzi ropafadzai business rangu ndiitewo maProfits, help my business to expand but izvo zvekuti ndipe vashandi vangu off on Sabbath kuti vaende kunonamata Mwari, ah ah, I don’t want to hear about it. Mwari Baba, tava ne8 months tisina maSalaries kubasa, kudai matibatsirawo ndawana mari yekubhadhara rent, nekutenga food, but izvo zvekunzi chegumi and offering handidi kuzvinzwa. Solve our problems but leave our pigs.

We want GOD’s help, but on our terms & conditions, tisu tavakuda kusetera Mwari maConditions ekuti gadzirisai apo neapo but apo siyai zvakadaro, instead yekuti ivo Mwari vatipe zvavanoda ivo. No wonder why kwazara vhangeri rekubhabhadzirana tichiudzana zvinotofadza, but ukada kuti uudzewo vanhu zvinofadza Mwari you are labelled as an extreme person, unobva wanzi nevanhu, aiwa he is too harsh, haagone kuparidza, he is too judgemental. But ukaparidza receive your break through, receive your miracle, receive your money, eeehhhhhh vanhu vanofarira but tanga kuti siyai humbavha, regedzai hupombwe, tsvagai kururama, ahh ikoko inenge yashata manje. Vanhu havadi nenguruve dzavo, they want to hold onto their fleshly desires but still want Jesus to help them.

We are busy kuuya kuna Mwari looking for help but tiine zvimwe zvatakahwandisa kuseri which we are not willing kuti zvigadziriswe. Vanhu vakakumbira kuti Jesu abve from their area and iye Jesu wacho haana kuramba, akabvuma. By our actions and behaviour pane pamwe patinodzinga Jesu and iye Jesu wacho haagare paasingadiwe, He will simply leave, mosara muine zvipfuwo zvenyu but zivai kuti madzinga the problem solver. Mosara muri vulnerable.

Aripo here anoti ini Mwari ndine problem yekuti ndinoda kuti mugadzirise nyaya dzangu, mugadzirise zvinonetsa, but ndine tsika yekuti handidi kutsiurwa on certain areas. Ndinoda kwazvo ropafadzo yenyu but kana pakataurwa kunzi siya zvakaipa handidi kusiya, I desire so much to have happiness in my marriage but Bible parinoti vakadzi zviisei pasi pevarume venyu handidi kupatedzera, ndinoda kwazvo kuti mundipewo basa but kana shoko raparidzwa rekuti ndiregedze kunyepa paCV or paInterview izvozvo handidi kuzviterera, if there is anyone out there anonzwisisa kuti anoda kuti Mwari vamugadzirisire certain issues but haadi kuti vazobate mamwe maAreas aanofarira iye, if you are such a person then this message is for you, wana mukana wekunamata kuna Mwari uchireurura zvivi zvako uchikumbira kuti vakururegere, believe that GOD has forgiven you and vakuchenesa neropa raJesu, uye namata uchikumbira simba rekuti kana Mwari vachinge vachikupa zvaunoda you must also accept kuti vagadzirise dzimwe nyaya dzausingade kuti dzibatwe. Pray pray kwauri ikoko, talk with GOD nekuti zvinhu zvakadai haungagone kuzvisiya nesimba rako wega but zvinotoda rubatsiro rwaMwari.

Your attitude must change from, Solve my problems but leave my pigs TO solve my problems and deal with my pigs.





3 comments:

  1. Good sermon teaches the things we face in the Christian walk thank you.

    ReplyDelete
  2. Alleluia 🙋this sermon is very educative

    ReplyDelete