Sunday, 21 February 2016

Chidzidzo: Testing the spirits – Part 2- Kushandisa Bhaibheri



Last time takabata nyaya yekuti munhu usati waTester imwe mweya kuti ndeya satan here or ndewa Mwari you need kuva uri spiritual also, you need to have the Holy Spirit within you nekuti spiritual things are spiritually discerned, but nyaya haigumire ipapo. Chimwe chinokosha munhau yekunzvera mweya is the use of the word of GOD rinova iro Bible.

2 Timothy 3:16 inoti “Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa…” The Bible was inspired by GOD. 2 Peter 1:21 inoti “Nokuti hakuna chiprofita chakatongouya nokuda kwomunhu, asi vanhu vakataura zvaibva kuna Mwari vachisundwa noMweya Mutsvene” The same Holy Spirit Akafemera kunyorwa kweBible is the same Holy Spirit anoita kuti vanhu vaporofite, kureva kuti kana munhu achizviti muporofita waMwari ane Mweya Mutsvene, munhu iyeye ari supposed kuva aine dzidziso inoenderana nezvinodzidziswa neBible.

Kana uchida kunzvera mweya uri pane munhu kuti arikushandiswa naMwari here or nasatan, compare dzidziso yemunhu iyeye nezvinodzidziswa neBible, not just for prophets but for anyone anoparidza shoko (including me also), ukaona munhu achiparidza, kutaura or kupa advice inopikisa shoko raMwari, munhu iyeye iSuspect. Even inini ndikakuparidzira zvinopesana neBible, usatomboterere, stop listening to me because no one is above scripture, hakuna aripamusoro peBible.

The first created being watiine record yekuparidza shoko rinopesana nezvinotaura shoko raMwari is the devil. Ukaenda kuna Genesis 2:17 unonzwa Mwari vachiudza munhu kuti kana ukadya muchero uyu wekuziva zvakanaka nezvakaipa zvirokwazvo uchafa, that was the word of God, but ukaenda next chapter unonzwa satan achiparidzira Eve the opposite message hanzi zvirokwazvo haungafe. (Genesis 3:4) Satan ndiye anetsika yekuparidza shoko rinopesana neshoko raMwari, ane tsika yekupa advice which is not Biblical and he uses a medium kusvitsa message yake and in this case he used a snake, and mazuva ano arikunyanya kushanda nevaparidzi nevaporofita kuti vaparidze a message which contradicts shoko raMwari.

2 Peter 2:1 yoti Asi kwakanga kuna vaprofita venhema pakati pavanhu, sezvavachavapowo vadzidzisi venhema pakati penyu. Vachazivisa pakavanda dzidziso dzinoparadza, vachiramba kunyange naiye Ishe tenzi akavatenga, vachiuyisa pamusoro pavo kuparadzwa kunokurumidza.

maSermons emushumiri, dzidziso dzake, doctrine yake, or advice yaanopa vanhu inogona kukubatsira kuziva kuti uyu ndewa Mwari here or ndewasatan. Saka there is need yekuti uyenzanise zvinodzidziswa nemunhu against what the Bible teaches. Ukaona munhu achiparidza zvinopesana neBible then you begin to ask yourself kuti mweya upi wakagara munhu uyu unomupa kuti ataure zvinopikisa Bible, how can the Holy Spirit speak contradicting things.
sometimes it’s not easily clear kuti uone kuti munhu uyu aparidza zvinopikisa Bible, its not that simple but it can be simple for you kana iwewe ukatangawo kuva munhu anoverenga Bible uchitungamirwa neMweya Mutsvene, you need to study the Bible and kana ndichiti study handireve zvekungoverenga like urikuverenga Newspaper but you need to study prayerfully kuti unzwisise kuti shoko rauri kuverenga rinonyatsorevei chaizvo. The moment yaunotanga kunzwisisa shoko raMwari and someone comes oparidza a message inopikisa Bible, it becomes very easy kuti uone kuti munhu uyu atumwa nasatan. But kana usingaverenge Bible, you are in trouble, nekuti unogona kuudzwa maVerse which don’t exist kana kupihwa interpretation iri wrong.

Let me be quick to say kuti satan can also quote the Bible, atorine maVerse ake aanoshandisa but let me also say, even though he quotes the Bible, he misapplies it, inoshandisa maVerse paasingapinde and achipa interpretation dziri wrong. Ukaverenga Luke 4:10-11 Jesu achiyedzwa nasatan, satan quotes Psalms 91:11-12 but ukazvitarisisa uchaona kuti satan haana kuzoenderera mberi paVerse 13 nekuti verse iyoyo inoti uchatsika pamusoro peDragon & ukaenda kuna revelation 12:9 inotiudza kuti the dragon ndisatan, kureva kuti maVerse aya aitotaura against the devil but iye satan quoted them half-way nekuti akaziva kuti if he goes any further muyedzo wake unoshaya basa. Yes a false minister may quote the Bible but anorishandisa nenzira isiriyo & usually vanobata nyaya vachigumira munzira, they take verses out of their context. kuti uzvibate you need to know your Bible very well

Mubvunzo wouya kwauri iwe mutendi kuti urikuStuder here shoko raMwari or hauzi. Kana uri kuStuder that’s very good, wedzera mafuta, if you are not then how do you expect kusabatwa nehunyengeri huriko mazuva ano? We are living in dangerous times and if you don’t know your Bible you are very easy prey.
Church yepaBerea ndinoifarira kwazvo, (Acts 17:10-11) chinoita kuti ndivafarire its because vaiti kana Pauro akaparidza shoko they would go and compare zvaparidzwa naPauro kuti ndizvo here zvinotaurwa neBible, manje mazuva ano, haaa ingori amen chete chete without taking time yekumboverenga Bible kuti unzwe kuti ndizvo here zvinotaura Bible. Bible ndiro standard yatinoshandisa to compare zvataurwa nemunhu, I have come across maSermons akasiyana siyana ekuti panenge pachitaurwa maVerse which are taken out of their context, zvinoreva verse nemashandisirwo anoitwa acho in the sermon zviri very different.


Isaiah 8:20 yoti “To the law and to the testimony: if they speak not according to this word, it is because there is no light in them”- Dzokerai kumurayiro (the first 5 books of the Bible) nokuzvipupuriro! (the writtings of the prophets) Kana vasingatauri sezvinoreva shoko iri, havangavi nechiedza chamangwanani.
Shandisa Bible kunzvera, yenzanisa dzidziso yemunhu nezvinodzidziswa neBible, ukaona munhu iyeye achiparidza zvinopikisa or zvisingawirirane neBible, tiza nehupenyu hwako. It doesn’t matter paitwa miracle yakadii or munhu wacho ane mbiri yakaita sei, as long as achipesana neBible, run with your life.

(in the next post kana Mwari Vatendera tichibata another way you can use to test spirits, remember me in your prayers kuti whatever zvandichadzidzisa zvive zvinobva kuna Mwari)

No comments:

Post a Comment