Sunday, 21 February 2016

Peace and Safety (Part 2)

Scripture reading: 1 Thessalonians 5:3; Jeremiah 14:11-16

Munguva yaJeremiah vanhu vaiporofita nhema yet vachishandisa zita raJehovah. Verse 14 yabuda pachena wani Mwari vachiti maProphets aya they prophesy lies in my name. Kunyangwe muzuva ranhasi zviriko futi, Jesu akagara ataura akati “For many shall come in my name, saying, I am Christ; and shall deceive many. (Matthew 24:5) Kureva kuti munhu anogona kutoti ndiri waJesu, I come in the name of Jesus Christ but iye achireva nhema.
Muporofita ari supposed kutumwa naMwari but apa Mwari vakabva vati I have not sent them, neither have I commanded them, kana kataura navo handina kutaura navo. manje muporofita kana asina kutumwa naMwari zvatova pachena kuti akatumwa nasatan, nekuti Jesu anoti pana Matthew 12:30 “Uyo asineni anopesana neni, nouyo asingaunganidzi neni anoparadza.

Ndipo ndadzidza panyaya iyi kuti munhu anogona kuzviti is a prophet but iye asina kutumwa naMwari, that much is very possible, kutozviti prophet, kana apostle or pastor or evangelist but iye asina kutumwa naMwari. Chimwe chandishamisa is the word rekunzi “Prophets” rashandiswa, hapana kunzi prophet (singular) but panzi prophets (plural) kureva kuti there were more than 1 prophet. Izvi zvabva zvandibuditsira pachena kuti kuwanda kwevanhu hazvireve kuti vari correct, they can actually be many prophets vachideidzira peace and safety, but kuwanda kwavo hakureve kuti they have been sent by GOD. rega kubatwa kumeso uchifunga since a certain message is very popular it means kuti zvabva kuna Mwari. chiporofita chenhema kunyangwe chikawanda vanochiita hazvireve kuti chava chechokwadi

Pauro achinyora kuna Varoma 16 vs 18 pamusoro pevashumiri venhema anoti “Nokuti vanhu vakadaro havasi kushumira Ishe wedu Kristu, asi dumbu ravo. Nokutaura kwakanaka uye nokubata kumeso, vanonyengera vanhu vane pfungwa dzisina uchenjeri”
Wainzwa here verse iyo, hanzi vanhu vakadaro they don’t serve our Lord Jesus Christ but their own bellies. Imi muchifunga kuti munhu arikushandira Jesu Christu but iye achishandira dumbu rake zvake kuti agute, chaanoda chete is to benefit kubva kumaOfferings and tithes uye nedzimwe mari dzakasiyana siyana dzavanowana through deception. Verse inoendera mberi ichiti by good words and fair speeches deceive the hearts of the simple. Type yacho yevanyengeri iyi ine mashoko akanaka kwazvo, they will tell you zvinokufadza but kunyangwe zvisiri zvechokwadi, inenge ingori receive your blessing, receive your money, receive your whatever, but kuti akuudze kuti shamwari kana ukasatendeuka denga haupinde, that they wont tell you because they are afraid of offending you. Anoita make sure kuti haakuparidzire message inokugumbura nekuti anotya kuti next week haudzoke kuChurch and kusadzoka kwako it means they have lost out on the money yawaizounza.

Vaporofita ava vaitaura mashoko akanaka kwazvo, they preached prosperity vachiudza vanhu kuti don’t worry hakuna hondo irikuuya, you shall have peace in the place, vaiparidza message yePeace but iko kusina peace.

Nguva yatiri kurarama yakaipa vana vaMwari, the devil wants you to think kuti there is peace when there is no peace. We are living in the end times, Jesu ave pedyo kudzoka and satan anoda kuti Jesu adzoke iwe usina kugadzirira, so the devil has raised false prophets to preach shoko rinoita kuti urambe uri muzvivi usatendeuke and not to pay attention to the second coming of Christ. The devil wants you to think kuti you are safe without Jesus when you are not.
Iko kuna Jeremiah 14 paVerse 14 Mwari Vanoti I have not commanded them neither spake unto them, handina kuvaraira kana kutaura navo. Ahhhhhh, ndadzidza kuti haazi munhu wese anozviti Mwari vamuti zvakati nezvakati anotaura chokwadi, vamwe they lie, anogona kukunyeperai kuti Mwari vanditi so & so but iye asina kubvira ataura naMwari. zvakudawo kuti iwewe munhu uve nePersonal relationship naMwari so that unopota uchibvunza ivo Mwari kuti nhai maporofita aya ndimi makavatuma here.

The Lord said they prophesy unto you a false vision, vanoporofita zviratidzo zvenhema, unogona kutoudzwa kunzi ndaona a vision yekuti zvakati nezvakati but ipo pasina vision yamboonekwa

To be continued

No comments:

Post a Comment