Sunday, 21 February 2016

Lesson: Kunzvera – Discernment



Jesu achitaura about chiporofita chekufa nekumuka kwake, tinozonzwa Peter avekuti “Hazviitiki, Ishe. Izvi hazvisi kuzoitika kwamuri!”, iye Jesu ndokupindura akati Get behind me satan, “Enda shure kwangu Satani! Uri chigumburiso kwandiri nokuti hauna zvinhu zvaMwari mupfungwa dzako asi zvavanhu.” (Matthew 16:21-23). Jesu ainge azviona kuti munhu arikutaura uyu haachisiri Peter but pana satan arikumupa mashoko ekuti ataure & Jesu akagona kushandisa discernment kuti azive kuti mashoko ataurwa aya haasi aPeter but ndeasatan. And nyaya yeDiscernment iyi (kunzvera) inokosha kwazvo zvirikuru sei munhau dzekuparidzwa kweshoko kuti ugone kuziva kuti uyu arikutaura uyu haasisiri Pastor but pana satan arikuseri.

MuBible reEnglish (KJV) ukatsvaga word rekuti “discern” uchaona kuti most of the times parinoshandiswa rinobuditsa pfungwa yekuti to discern zvinoreva kugona kusiyanisa chakanaka kubva kune chakaipa (Consider maVerses aya 2 Samuel 14:17, 2 Samuel 19:35; 1 Kings 3:9, Malachi 3:18). Muchishona vara rekuti discernment iri tinogona kuriti “kunzvera” and we want to learn a bit about it.

Topic yemaFalse prophets is a very sensitive topic zvekuti ukada kuitanga kuitaura unozonzwa mumwe munhu ava kuti “You shall not judge”, even usina kuJudger anyone kana kutaura zita remuporofita kana zita reChurch unogona kutsiurwa nemunhu kunzi usatonga, kutonga ndekwa Mwari. I can just imagine kuti dai Jesu airarama panyika in our current generation and he repeats mashoko ake epana Matthew 7:15 paanoti beware of false prophets, aigona kuudzwa nevanhu kuti “you shall not judge”. iVerse yakabatwa nevanhu mazuva ano even though sometimes it is misapplied. Ichishandiswa paisingashande.
but is it the will of GOD kuti vanhu varege kuziva nezvemaporofita enhema? I believe kuti Mwari vanoda kuti tigone kupatsanura the fake prophets from the true prophets. Bible chairo kuna 1John 4:1 rinoti Beloved, believe not every spirit, but try the spirits whether they are of God: because many false prophets are gone out into the world. (Shamwari dzinodikanwa, musatenda mweya yose yose, asi edzai mweya kuti muone kana ichibva kuna Mwari, nokuti vaprofita vazhinji venhema vakapinda munyika)

I want to share with you nzira dzatinogona kuziva nadzo whether a person is a true prophet or a false prophet. Please note kuti I don’t know everything, saka ukaona ndasiira zvimwe rega kubatikana.
I like this example very much, Do you know kuti carpenter haagone kuita auditor weBank, hazviite kuti aite auditing dzeAccounts dzeBank kuti aone kuti mari dzakafamba sei, zveAuditing izvi zvinotoda munhu akaita accounts dzacho neAuditing. Ndiri kuti inini speciality yega yega inotogonekwa nevanhu who are specialised in that area.
Hazvigone kuti iwewe usina Mweya ugone kunzwisisa zvinhu zveMweya. Verse yekuna 1 John 4:1 iyo yatipa warning about testing maProphets, ukazvitarisa this a letter yainyorerwa kuKereke yaMwari, haizi tsamba yainyorerwa vanhu vekuBhawa or kune imwe nzvimbo yenyika but it was a letter to Christian believers. Ukaverenga the previous verse ( 1 John 3:24) inobuditsa pfungwa yekuti iye John and ivo vanhu vaainyorera tsamba ava vainge vakapihwa Mweya naMwari (the Holy Spirit)


So the first step for you to be able to test spirits, unofanira kunge uine Mweya waMwari, you must be filled with the Holy Spirit. Kana usati, take the steps necessary kuti ugamuchire Mweya waMwari, believe in Jesus, get baptised, live by the word, pray and fast kuti ugamuchire Mweya Mutsvene.
Paul achinyora kuna 1Corinthians 2:14-15 anoti But the natural man does not receive the things of the Spirit of God: for they are foolishness unto him: neither can he know them, because they are spiritually discerned. But he that is spiritual judges all things, yet he himself is judged of no man. (Reshona roti Munhu asina Mweya haangagamuchiri zvinhu zvinobva kuMweya waMwari, nokuti zvinonzwisisika nomweya. Munhu ari muMweya anonzwisisa zvinhu zvose, asi iye pachake haanganzwisiswi nomunhu)
iyi yekuTester maProphets inotoda kuti uve neMweya waMwari, kana usina Mweya you are like a builder who is trying to audit maAccounts eBank, unovhiringika.

Wakambozviona here kuti tsikamutanda/n’anga vanogona kubata muroyi, why zvichidaro: because varikushandisa mweya (yakaipa). They can identify each other because vese vanoita zvemweya (although evil spirits). Kana iyo mweya yakaipa ichibatsira tsikamutanda to identify umwe munhu ane mweya wakaipa (muroyi). Imagine kuti kana uine mweya waMwari ungatadze here to identify vanhu vane mweya yakaipa kuti uyu arikushandiswa nasatan or kuona kuti uyo arikushandiswa naMwari? yes you can.


Paul pana Acts 16 akateverwa neumwe musikana aiva aine mweya yetsvina, she followed Paul naSilas achiti “Varume ava varanda vaMwari Wokumusoro-soro, vari kukuudzai nzira yoruponeso.” Akaramba achiita izvi kwamazuva mazhinji. Pakupedzisira Pauro akashushikana zvikuru zvokuti akatendeuka akati kumweya uyu, “Muzita raJesu Kristu ndinokurayira kuti ubude maari!” Nenguva yakare iyoyo mweya wakabva maari.
This girl aiparidza a good message, aiita kunge Usher arikubatsira ana Pauro but aiva aine mweya yetsvina. Kureva kuti munhu anogona kuparidza a good message but achishandiswa nemweya yetsvina. Even mademon aiti kudii paaisangana naJesu, hanzi tinokuziva imi Mwanakomana waMwari wekumusoro kudenga. Paul akazviziva kuti chiri kutuma munhu kutaura mweya yetsvina, of course she appears to be supporting the work of GOD but the devil is behind her, and Paul dzokudzinga demon iroro. Chakapa Paul kuziva kuti munhu uyu ane mweya yetsvina is because iye Paul aiva neMweya waMwari, spiritual things are spiritually discerned.

Mweya Mutsvene ane zvipo zvakasiyana siyana zvaanopa vanhu and one of those of gifts is the gift of discernment chipo chekunzvera icho chinotaurwa pana 1 Corinthians 12:10. 


Jesu oti pana John 14:26 anoti Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, uyo achatumwa naBaba muzita rangu, achakudzidzisai zvinhu zvose uye achakuyeuchidzai zvinhu zvose. When you have the Holy Spirit, He will teach you ALL THINGS, zvese anokudzidzisa including this issue yekuTester mweya.
Kana paine chinhu chinofanira kuva one of the top things paPrayer list pako is to pray for discernment, namatira kuti Mweya Mutsvene agare mauri uye akubatsire kunzvera the evil from the good

This is just one of many ways dzinokubatsira to test spirits, kana Mwari vachinge vatendera I will share another way to separate the false prophets from the true prophets in one of my next posts. 

No comments:

Post a Comment