Sunday, 21 February 2016

Peace & Safety (Part 1)

Scripture reading: 1 Thessalonians 5:3; Jeremiah 14:11-16

Last year takadzidza kuti pane hondo irikuitika between good & evil in the sermon “Aluta Continua”, the war is still continuing, but dambudziko rinogona kuitika nderekuti imo muhondo imomo kune vamwe vanogona kuudza varwi vehondo kuti relax, hondo yakapera (but iyo isina kupera zvayo) ivo varwi vacho vagoto relaxer vachiti hondo yakapera, kusvika pakutorasa pfuti vachiti hondo yakapera and then the enemy attacks them vasingafungire. Iwe wamboudzwa kunzi there is peace but iko kusina peace, wamboudzwa kunzi there is safety but iko kusina safety. Nhasi shoko ririkuti Peace & Safety but iko kusina peace and safety yacho.

Muporofita Jeremiah pane paanonzi naMwari rega kunamatira vana veIsrael uchivakumbirira zvakanaka. kana vachizvinyima zvokudya, handinganzwi kuchema kwavo, kana vachiuya nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zveupfu, handingazvigamuchiri asi ndichavapedza nemunondo nenzara uye nehosha (Jeremiah 14:11-12). Huipi hwevanhu ava hwainge hwanyanya uye vainge vasingade kutendeuka kubva pane zvakaipa, they just wanted GOD’s help kana vawirwa nematambudziko but kutendeuka kuti vasiye zvakaipa vanga vasingade.

This is judgement yanga yabva kuna Mwari, vaisa mutongo wavo pamusoro pevanhu vaisaterera, but Jeremiah achinzwa izvi anobva ati “Haiwa Jehovah Mwari tarirai vaporofita vanoti kwavari : Hamungaoni munondo, kana kunzwa nzara asi ndichakupai rugare rwazvokwadi panzvimbo ino.

Hona zvikaita apa, Mwari varikutaura disaster ichauya, munondo/sword (representing war), nzara (famine) and hosha (pestilence). But kwaita mamwe maProphets anzi naJeremiah varikuudza vanhu kuti You shall not see hondo, kana drought but you will have peace in the place. Already patoita 2 contradicting messages, Mwari varikutaura zvavo and maporofita varikutaura the direct opposite. Kana zvadai izvi whom must we believe, toterera here maporofita nekuti vane a good message inofadza or toterera Mwari even though vaine message yatisingafarire?

The choice is yours hama yangu but chandinoziva ndechekuti Isaiah 40:8 inoti uswa unooma, ruva rinosvava asi shoko raMwari wedu richagara nekusingaperi. Isaiah 55:11 yoti iyo shoko rinobva kuna Mwari haringadzokere kwavari risina kuzadzisa zvavari tuma. Romans 3:4 yoti let God be true, but every man a liar (Mwari ngaave wechokwadi, asi vanhu vose vave venhema).

Ukaona munhu achitaura zvinopikisa zvinotaura Mwari, pakadaro ipapo zvirinani kuterera Mwari pane kuterera munhu nekuti Mwari vane ability yekuzadzisa zvavakataura nekuti kubudikidza neshoko ravo Vakasika nyika ino, saka kureva kuti shoko ravo rine simba, manje kana zviri zvemunhu, haaa hapana nyaya, a human being can speak things which he is not able to do.

Mwari arikuudza Jeremiah about the judgement to come, about the disasters to come but paita dambudziko ndepekuti kune mamwe maporofita akatomhanya kare with a different message from message yaMwari. Kune hondo irikuuya kune drought irikuuya kune hosha irikuuya but at the same time kwaita maporofita aiudza vanhu kuti don’t worry, hakuna hondo irikuuya, they are promising people peace, varikuparidza a message inofadza vanhu but ichipesana nezvinotaura Mwari.

Mwari ndipo pavanobva vaudza Jeremiah kuti these prophets prophesy lies in my name, vaporofita ava vanoporofita nhema muzita rangu, handina kuvatuma, kana kuvaraira, vanokupofiterai zvavanoti vakaona but idzo dziri nhema, nezvekuuka zvisina maturo, nekunyengera kwemoyo yavo.

Nyaya yacho haina kumira mushe, muIsrael maita vaporofita vanotodeidzwa nevanhu kuti prophet so and so, man of GOD and vachitaura maProphecies avo, but ivo Mwari voti vaporofita ivavo vanoporofita nhema muzita rangu. Even though they have a title yekunzi Prophet hazvireve kuti vatumwa vaMwari, kwete, rega kuvhunduka zita kuti kana wanzwa munhu achizviti prophet wofunga kuti akatumwa naMwari, aiwa vamwe vanozvituma, vamwe ndivo vanotumwa nasatan. A title on its own is not a guarantee yekuti munhu akatumwa naMwari

……to be continued

1 comment: