Wednesday, 11 September 2013

CAN GOD TRUST YOU? [MWARI VANGAVIMBE NEWE HERE]. Scripture reading Matthew 25:14-30- Parable of Talents.

Trust chinhu chikosha zvakanyanya. Pane munhu wekuti akauya kwauri achida kukwereta mari, even if uinayo unogona kuzeza kumupa kana kunyepa kuti handina nekuti you don’t trust him. Pane zvakaitika kumushaure uko zvinokonzera kuti usamukweretese mari, its either pane paasina kudzosa mari in time or haana kudzosa zvamuchose or akadzosa mari yakashota and ever since, you no longer have trust in that person. So relationship pakati pevairi ikashaya trust, zvinonetsa kuti mupote muchipanana zvinhu.

even relationship yeMunhu naMwari, the moment paunotadza kuvambika nezvinhu zvaunopihwa then maChances ako ekuti unyimwe zvimwe zvinhu they are very high. Mwari vari ready kupa vanhu zvinhu zvepaMweya nezvepaNyama but mubvunzo ndewe kuti can GOD trust you? Mwari vangavimbe newe here? Kana uri munhu akavimbika then hapana problem kuti uwane zvaunoda but kana usina kuvimbika then pane nyaya.

paParable of Talents (Matthew 25:14-30), Jesu akaparidza nezve Humambo hwaMwari achiufananidza neMurume akabuda kuti afambe rwendo, akadana varanda vake akavachengetesa pfuma yake. Murume ndinomufanidza naJesu, nekuti Jesu akaenda kuna Baba (Mwari) akatisiyira matarenda kubudikidza naMweya Mutsvene.

Muranda wekutanga akapihwa 5 maTalents, wechi2 akapiwawo 2, wechi3 akapihwa 1. Ndinofara kuti even though varanda ava vakapihwa maTalents akasiyana mumwe 5, mumwe 2 mumwe 1, but hapana akashaya chaakapihwa. Vese vakapihwa something, even today hapana muChristu asina chaakapihwa naMwari, everyone unacho chipo chawakapihwa naMwari chekushandisa muKingdom yaMwari. Hongu vamwe vane 5, iwe une 2, but you have got something that GOD gave you. so rega kuzvitarisira pasi uchiti hapana chaungabate pazvinhu zvaMwari.

maTalents aya Bible rinoti vakapihwa according to their ability,
mumwe nomumwe maererano nokugona kwake. Hapana favour yakaitwa but vakapihwa maringe nekugona kwavo. Zvakangofanana neNyaya yemaLine emaFone, Strive Masiyiwa akapihwa Econet yese but kune vamwe vakangopihwawo 1 line chete. Ehe. Tinopihwa zvinhu maringe nekugona kwedu, iye Strive akaonekwa kuti anozvigona zvekuRunner Econet, but vamwe chavaka master ndechekutumira maCall me back chete.

Muranda akapihwa 5 maTalents akapinda muBusiness akabva akwanisa kuita profit yemamwe 5 maTalents. Mumwe akapihwa 2, akaitawo business akakwanisa kuita profit yemamwe 2. Zvipo zvawakapihwa naMwari unofanaira kuzvishandisa in order to make a profit. Profit yandiri kutaura haazi yemari but ndinoreva kuunza vanhu muHumambo waMwari (soul winning)  muChristu wese uneBasa rekutendeutsa vanhu vabve kurima vachiuya muchiedza.

but hona zvakaitwa neMuranda akapihwa 1 talent, akaenda akandochera gomba muvhu ndokuviga mari yatenzi wake. Instead yekuendawo kunoita business sezvirikuitwa nevamwe, tsano ava vakafushira mari yaakapihwa. Ko nhai munhu angacherere mari muvhu, hakusi kusakwana here ikoko. Mbeu ndiyo yatinoziva kuti ikaiswa muvhu inomera, kwete mari, hakuna zvakadaro. Chenjera kucherera pasi zvimwe zvinhu zvawakapihwa naMwari, instead yekuzvishandisa to advance the Kingdom.
hobho maBible auinawo mumba and you only use 1, wadi kupawo vamwe, cant you see kuti urikucherera talent muvhu.
you are gifted neVoice rakanaka, but kuChurch haudi kuimba, unongoda kuimba uri muShower uchigeza, hauzi kuona kuti uri kuchererera talent muvhu here?
kuparidza unogona, une revelation yakasimba, but haudi kuparidza, urikucherera talent muvhu.
mari munayo hobho, but kuti ufunge kuchengetawo vanotambura, izvozvo hauzvifunge.
urikucherera talent muvhu

ndipo panondibvunza mubvunzo wekuti can GOD trust you? kana uine zvimwe zvawakapihwa zvausiri kuda kushandisa, do you think kuti Mwari vangakupe here zvimwe??
handiti ukapihwa unongoenda kunofushira just like what you did with the other talent.


 

 

Handei nayo Parable yedu. Zvinonzi after a long time tenzi wavaranda vaya akadzoka. Rega ndingozivisana newe mudikani kuti Jesu achadzoka zvekare, and pakudzoka kwake anenge achida kuziva kuti ko maTalents andakakupai makaashandisa sei?

tenzi vakafara nemuranda wavo ainge ashandisa 5 talents to gain 5 more talents. Vakafara zvekare nemuranda ainge aGainer 2 more talents. Ndinoda kuti unyatsobatisise statement rakataurwa naShefu ava rekuti
“you have been faithful over a few things, I will make you a ruler over many things”
“Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma; ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji”
wainyatsoibata here nyaya yacho. Ukatendeka pazvinhu zvishoma, GOD will give you zvimwe zvakawanda.

chichaita kuti upihwe zvimwe zvizhinji zvaunoda iNyaya yeTrust and being faithful. Kana uine record yekuti zvishoma zvawakapihwa wakazvishandisa zvakanaka, surely you shall receive more. But kana ukatadza kutendeka pazvishoma then how can GOD trust you with more. Mwari vangavimbe newe sei kuti vakupe zvimwe zvakawanda.
Munhu anotadza kudzosa chikwereti che$100 ungamukweretese here $10 000?




But chinzwa zvinotaura muranda wekupihwa 1 talent, “Nokudaro ndakatya ndikandocherera tarenda renyu muvhu. Tarirai, pfuma yenyu iyi”
the first 2 words dzinokuudza chakatuma murume uyu kucherera tarenda muvhu “NOKUDARO NDAKATYA”--- fear ndiyo inotuma vazhinji kuhwandisa matarenda avakapihwa naMwari.

ko ndikada kuparidza, maFriends angu anozoti kudi, ex wangu haazo ndiseke here? What will my work mates say. Ahh zvinotyisa izvi.
-ahh iko kumira kumberi kuChoir ndichiimba, zvinotyisa izvi

rega kutumwa neFear kuhwandisa tarenda rako, 2 Timothy 1:7-8 For God did not give us a spirit of fear, but a spirit of power, of love and of self-discipline. So do not be ashamed to testify about our Lord, or ashamed of me his prisoner. But join with me in suffering for the gospel, by the power of God,
Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi mweya wesimba, noworudo nowokuzvidzora. Saka usanyadziswa nokupupura Ishe wedu, kana kunyadziswa neni musungwa wake



Don’t be afraid kushandira Mwari.

One surprising thing chakaitika nemuranda uyu ndeichi: haana kudya mari yaakapihwa, kwete, haana kuishandisa kudhakwa, kunokecha or kuita anything chakaipa. He just hid the talent but tenzi vake havana kufara. Talent raakapihwa akaridzorera sezvariri but tenzi vake havana kufara. Hey so mhosva yake ndeye kushaya profit. Kushaya production.
rega kushaya production muzvinhu zvaMwari. GOD called you to call others, Mwari vakakudana kuti udane vamwe. Mwari havana kukudeidza kuti uzongogara hako muChurch vamwe vachiparidza, vamwe vachiimba iwe wakagara hako.

 

Boss vamubvunza zvikanzi wadii hako wakaendesa mari yangu kumaBank uko ndawana interest pakudzoka kwangu.
Nhai zvinhu zvausiri kushandisa wadii wapa vamwe.
hembe dzausiri kupfeka wadii wapawo vasina.
Bible rausiri kushandisa wadiii wapawo vamwe vasina.


Todzekera paMubvunzo---Can GOD trust you?
Mwari vangavimbe newe here nemamwe maTalents iwe uine record yekufushira zvaunopihwa.
Mwari vangakupe pfuma here iwe uine record yekuomera, usingade kubatsira avo vanoda rubatsiro.
Mwari vangakupe here Shoko rekuti uparidze but iwo maRevelations mashoma auinawo iwawo haudi kusheya nevamwe.

this other day ndakaenda kuHarare Hospital, mukoma wangu achirwara. So takagara muWaiting area ndaingonamata nechemumoyo ndichingoti Mwari poresai vese vanorwara vari paArea ino. After some time pane murume ainge ari muWheel chair akaswedera pandiri achida kundi bvunza kuti maToilets ari kupi and ndakamupa maDirections acho. After that akatanga kuTryer kuenda kuToilet but wheel chair yacho yainge yakaponja mavhiri so yaimunetsa kufamba nayo. And it was his first days kufamba neWheel chair so wainyatsoona wega kuti havasikukwanisa kushandisa wheel chair iyi.

in my spirit ndakatanga kuzvitongesa kuti ndanga ndichinamatira kuti vanhu vapore handiti, I was praying for the gift of healing. But ko iro simba randakapihwa kare ndiri kurishandisa here? Iyo physical power yandakapihwa im I using it. Ndadi kubatsira murume uyu nekuPuhser wheel chair yake.
why ndichinamatira spiritual power yet physical power yandakapihwa handisi kuda kuishandisa. I felt guilt ndikasimuka ndichienda kunopusher wheel chair yemurume uyu. Even though ainge asina kundikumbira.

what im I saying? Zvimwe zvinhu zvauri kukumbira kubva kunaMwari. tanga waProver kuti you are faithful, tanga waprover kuti GOD can trust on you, tanga washandisa zvawakapihwa, tanga washandisa power rauinaro kare, so that GOD can give you more.

back in school I had a friend aiti I want to be rich, ndinoda kuti Mwari vandiropafadze nepfuma. Inini I used to ask him kuti o.k. pfuma yacho unoda kuishandisei, unoidi. And he said ndinoda kuzochengeta vanotambura.
and I asked him again kuti right now unavo here vanotambaura vauri kubatsira?
kana uchifuratira bofu remutown uchirinyima  4 rand yawachinjwa muCombi, shuwa ungazogone here kuvapa 3 meals a day vanhu ivavo.
kana uchiomera netudiki diki, obvious zvikuru zvacho hapana paungazope vamwe.

kana uchitadza kubhadara chegumi che$50 pa$500 yaunotambira, shuwa ungagone here kuzobhadara chegumi che$150 pa$1500 salary yauri kuda kuti Mwari vakupe.

kana uchitadza kuparidzira hama dzako chaidzo nemaFriends ako, do you think Mwari vangavimbe newe neVhangeri kuti uparidzire kuChurch kwako or nyika yako.

kana uchitadza kunamatira vaugere nawo pamba penyu, shuwa Mwari vangakupe spiritual power yekuti unamatirwe vatorwa.

Mwari vangavimbe newe here? Can GOD trust you?

kana uri munhu asingavimbike then hapana chinouya kwauri. But ukagona kutendeka, you shall receive more.

Matthew 25: 29Nokuti wose anazvo achapiwa zvimwe, achava nezvakawanda. Ani naani asina, kunyange nezvaanazvo achazvitorerwa

Power of the Word-Simba reShoko. Scripture reading Matthew 8:5-13.

Jesu anopinda muguta reCapernaum and anobva asangana nemuCenturion. (Centurion muSoja wemaRomans anotungamira vanhu 100). Centurion uyu anotanga kukumbira rubatsiro hanzi Ishe, muranda wangu arere kumba, akafa mitezo, uye ari kurwadziwa zvikuru”
Jesu haana kuramba but akabvuma akati  I will come to heal him.
instead yekuti Centurion afare kuti Jesu abvuma kuzoporesa muranda wake, Centurion akatoti aiwa, “Ishe, handina kukodzera kuti imi mupinde mumba mangu. Asi ingotaurai henyu shoko, uye muranda wangu achapora. JUST SPEAK THE WORD ONLY, muranda wangu anopora.

Centurion uyu semuSoja akafunga zvinoitwa kubasa kwavo, akafunga authority iri mukati memaWords, nekuti kuArmy unogona kunzi jump and haubvunzwe kuti why but unobvunza kuti how high, ukanzi run haubvunze kuti why but unobvunza kuti at what speed sir?
ndiwo maPrinciples ekuchisoja, kune imwe discipline yekuti hautenderwe kuda kubvunza zvakawanda but you have to follow orders.

remember this man iko kuArmy kwavo ane vanhu 100 pasi pake, so akatanga kufunga kuti ingawani kubasa kwedu ndinoudza vafana maJuniors kwandiri  ‘Enda,’ achienda; neuyo ndichimuti, ‘Uya,’ achiuya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita izvi,’ achizviita.
kuGraft kwedu tine power rekuti one word chete unoona munhu achiMhanya mhanya kuita saizvozvo.

ko kana ini zvangu maShoko angu aine simba rakadaro what more about Jesus mwanakomana waMwari, mashoko ake ane power rakaita sei. Obvious rakapfura rangu.
so hapana chikonzero chekuti Jesu auye kumba kwangu, but ngaataure shoko bedzi, munhu anopora. The word only is enough.

Jesu akashamiswa nemashoko aGunners, hanzi muIsrael mese handisati ndamboona munhu ane faith seye murume uyu.


Get this, Centurion haana verse yaakataura yazoita kuti Jesu aoone faith yake, but angotaura maPrinciples ekuArmy, ekubasa kwake. Tine mamwe maPrinciples epano pasi anogona kuRepresenter maPrinciples ekudenga. Kana iko kuchisoja tichigona kutaura shoko chete munhu achiterera, obvious Jesu hapana paangatadze kutaura shoko chete hurwere huchimuterera.
kana iwe uchigona kuudza vana vako kuti regedza misakanzwa yauri kuita, chimbofunga shoko raMwari kuti rangatadze kudzivisa satan kuita zvakaipa here.
iwewe kungoudza mwana wako kuti “stop that” unoona achiita kudedera, chimbofunga kuti Mwari kana vakudza satan kuti “stop that” chii chinoitika, obvious satan anotodedera zvakanyanya.
kana paCompany paunoshanda maShoko eMunhu ekuti “come to my office” achikurovesa nehana, funga kuti mashoko aMwari ane power rakaita sei.

kuBattlefield pfuti dzichirira, mashoko ekuti cease-fire unoona pfuti dzichimira kuridzwa. Idzo 2 words idzodzo cease fire. Unoona AK 47 yamira kuridzwa. Ko chimbofunga kuti Jesu akanzi ataure 2 words chete, effect yacho inenge yakamira sei. Kana Commander vachigona kumisa hondo ne2 words chete, funga kuti 2 words dzaMwari dzinomisa hondo dzakakura sei dzemweya?
Shoko raMwari rine simba kupfura mashoko evanhu.

hanzi musauye kumba kwangu nekuti handina kukodzera kuti mupinde mumba mangu but taurai shoko chete anopora muranda wangu.

Centurion paaudzwa kunzi I will come to heal your servant, aigona kubvuma kuti its o.k. munouya but akaona kuti izvi zvekuuya physically izvi zvinonoka,  but tumirai shoko chete, nekuti shoko rinokumuridza. Let me tell kuti dzimwe nzira ungashandise hako, but the quickest way to your answer is via the word of GOD. muShoko raMwari ndimo mune mhinduro chop chop, zvekuda kuturikwa maoko, kutsvaga anointing oil/water, matombo, ndaza machira kana chimwe chinhu zvinogona hazvo kushanda but ukapinda muShoko raMwari ndimo mune direct answer inouya faster faster.

Jesu paachozofamba kuuya kumba kwangu, ndirinhi ipapo, aiwa just speak a word tiri ipo pano. Ndingakukanganisei programme dzenyu.

kune anonzi maBiometric security systems ekuti haufambe nemaKeys kana uchida kuvhura door but unogona kungoshandisa finger print yeChigunwe chako or any other physical feature. Advantage iripo apa ndeye kudai; maKeys unogona kurasa or kubirwa, but finger print haibike, pese pauri unayo and haugone kuirasa. That’s the same neShoko raMwari, shoko raMwari satan haagone kukubira nekuti rinogara mumoyo mako, but chigubhu chemvura satan anogona kungoshandisa mumwe munhu kuti airase mvura iyoyo, oil yawapihwa, unogona kuSechwa muCombi usati watombosvika kumba. But no one can steal the Word of GOD from your heart.

ndinorangaira pandakabirwa fone yandaishandisa kuparidza paFacebook. satan aifunga kuti ahwina but ainge asina, because shoko raMwari riri mumoyo mangu and not paFone yandaishandisa kuPoster. Fone inotsvagwa imwe and vhangeri rinoramba richiparidzwa chete. The devil can not steal the word of GOD from you.

as long as uine Shoko raMwari mukati mako, satan haana door newe.

Jesu aitoda kuenda kumba kwCenturion but iye centurion ndiye akati musauye zvenyu, taurai shoko muranda wangu anopora. Mufundisi vanenge vachiti ohhh regai ndiuye kumba kwenyu kuzobata minamato but iwe ndipo paunoti aiwa, ndipei verse chete munhu waMwari, its enough, zvinhu zvinonaka chete. Mamwe madzimai aunonamata nawo vachiti handei tinobata nhanhatu, iwe unoti aiwa ndiudze Shoko raMwari chete, zvinoita mushe. Centurion akatenda kuti isu kana kuGraft kwedu kana mashoko achiunza maResuts then zvitori paChena kuti Jesu anogona zvinopfura zvekubasa kwedu.




Jesu akabuda pachena akati muIsrael mese handisati ndaona munhu ane faith seine murume uyu. maPriests ese emuIsrael akakundwa faith nemusoja, maDisciples, maPharisees, maSaducces vese vakakundwa faith nemurume uyu. Yet haana kana chigaro chainacho muChurch, he is actually a soldier but ane faith inokunda yemaBishop.
rega nditaure newe ndichiti you might not have any position muChurch but izvozvo ngazvisakutadzise kuva neFaith inopfura kunyangwe yevanoe zvigaro muChurch.
but iyo faith yacho inouya sei, Romans 10:17 inobva yati faith comes by hearing and by hearing the word of GOD. Kutenda kunouya nekunzwa shoko raMwari. Tadzoka zvekare paThe word of GOD, hanzi faith comes by hearing the word of GOD zvichireva kuti you need to have the word of GOD inorder to have faith.

zvatopachena kuti chatuma murume uyu kunotsvaga shoko raJesu, iShoko zvekare raakanzwa or kuverenga. That’s why Bible richiti Mark 4:24-25  “Chenjererai kwazvo zvamunonzwa. Nechiyero chamunoshandisa, muchayererwawo uye kunyange zvakawanda. Ani naani anazvo achapiwa zvimwe; ani naani asina, achatorerwa kunyange nezvaanazvo.”

wainzwa verse: hanzi kane uine zvakawanda, uchapihwa zvimwe but kana usina then uchatorerwa zvauinazvo izvozvo. kana uine shoko mukati mako, it will attract rimwe shoko zvekare. But kana usina, then hapana dhiri.


Jesu anoudza murume uyu kuti “Enda! Zvichaitika sokutenda kwawaita.”  And Muranda wake akabva apora panguva iyoyo. Centurion haazi riye airwara but muranda wake ndiye aiva achirwara, yet ndiye akamhanya mhanya kuti muranda wake apore. Munhu ari kurwara haazi mwana wake, mukadzi, munin’ina or any close relative, havana kana hukama but he is just a servant. Ndiyo inonzi love manje iyi, yekuti hauna hukama nemunhu but unomirira mira kutsvaga Jesu for that person’s sake, unomira mira kutsanya kuti zvinhu zvemutorwa zvifambe. Ndiyo love, chinomupa love iShoko raMwari ragara ririmumoyo mako. You need the word of GOD in your life for love to manifest.

kuArmy kunofa munhu sisi, even kuTraining chaiko unogona kungofa, worse kuHondo. Izvi zvekufa kweVanhu hazvishamise Centurion, zvekuti aigona kungosiya muranda wake achifa and zvaisambo mushamisa semunhu ajaira kuona vamwe vachifa, but haana kudaro, he went kunotsvaga shoko raMwari. Rega kungosiya life yako ichifa wakatarisa, enda unotsvaga shoko, rega kungosiya zvinhu zvichipara uchiti ndiwo hupenyu, tsvaga shoko mhani.

 

Murume uyu aigona kuenda kumaDoctors kuti muranda wangu arwara ndipeiwo mapiritsi, aigona kuenda kuN’anga but akati regai ndiende kuna Jesu ndinopihwa shoko nekuti he understands kuti vamwe vese avo anaChiremba vanogona kuzvitadza izvi but shoko raJesu harirambe kugadzirisa nyaya dzangu. Shoko raMwari rinoita zvaratumwa Jeremiah 1:12 inoti GOD watches over His word to perform it, Mwari vanotarira shoko ravo kuti rite zvavakarituma. Isaiah 55:11 ichibva yati Shoko raMwari haridzokere risina kuzadzisa zvavarituma.

Jesu achiudza Centurion kuti enda hako, muranda wake anobva apora ipapo ipapo, not tomorrow, not the next day, not the following hour but munhu akapora ipapo ipapo.
SPEED of the word, dai Jesu akaita zvekuenda kumba aigona kunokoka but shoko rakaunza healing ipapo ipapo. Zvimwe zviri kunonoka muLife mako inogona iri iNyaya yekuti hauna shoko mukati mako, you don’t have the depth of the Word of GOD.


munhu haararame nechingwa bedzi asi neShoko rinobva kuna Mwari. You need the word of GOD to live. Stop existing and start living and you need the word of GOD in order to live. Pasina shoko hapana hupenyu. Mwari vachida kusika vaingotaura shoko chete, let there light, light rotauya neShoko chete raMwari, just imagine kuti zuva ratinoona iri rakasikwa neShoko but munhu weNyama tikamuti asike light bulb 40 watts zvaro anotanga kumbotsvaga maMachines, maGlass, tumawaya nemakwenjere kwenjere, but zuva iri rakangonzi let there light rikavako.

Nyika yaunoona iyi, yakangosikwa nemashoko, let there be chakati, let there be this, let there be that, zvichitofamba wena. Simba reShoko raMwari. Izvozvo zvinofanira kukupa kuAppreciater kuti shoko raMwari rine simba.

you need the Word of GOD in your life, feed more on it, idya Shoko raMwari kuti ukure paFaith yako.

Who are you? Uri ani?. Scripture reading Acts 19:13-17

Identification inokosha, inoita kuti uzivikanwe kuti iwe ndiwe ani uye unoita nezvei. Ask your self “who im I” “ndiri ani”. Mharidzo ino ine aim yekuti munhu umire panzvimbo, uzive kuti uri ani chaizvo chaizvo, kana usina kumira paIdentity chaiyo yekuva mwana waMwari, muChristu akakwana  then unofanira kufamba uchienda paCorrect identity.

paScripture yedu Acts 19:13-17 paiva nemaJudha vakaona zvaiitwa naPauro zvekudzinga maDemon, vakati rega titedzerewo. Vachibva vaona munhu anga aine demon vachibva vati, “Muzita raJesu, anoparidzwa naPauro, ndinokurayira kuti ubude.”
pamaJudha apa painge paine 7 vanakomana vaSceva, Sceva aiva chief of the priests wemaJudha.
Demon instead rekuti ribude, munhu anga aine demon akabvunza akati “Jesu ndinomuziva, uye ndinoziva nezvaPauro, asi imi ndimi vanaaniko?”  WHO ARE YOU (ndipo pane musoro weMharidzo, who are you) Ipapo munhu akanga ane demon akasvetukira pavari akavakurira vose. Akavarova zvokuti vakamhanya vachibuda mumba vasina kupfeka uye vachibuda ropa .


WHO ARE YOU? NDIWE ANI? Mubvunzo wakabvunzwa vana veSceva ndiwo wandinoda kukubvunza nhasi iwe muverengi.

maJews aya vaisangova maJews chete but ukaverenga Bible rechirungu (KJV) unoona pachinzi VAGABOND Jews, vagabond zvichireva a vagrant munhu asina pake chaipo paanogara. Rega kuva a vagabond Christian, isina payo chaipo, nhasi uri kuN’anga, mangwana uri kuChurch, nhasi uri kuNight Club, mangwana uri kuAll-night prayer, Saturday uri kuSmall house, Sunday uri kuChurch. Vagrant, haana pake chaipo, anoda kukwana kwana kwese kwese.


Who are you? I hope you are not a vagrant, I hope hausi munhu asina kwake chaiko

Rangarira kuti maJudha ndiwo the same people vakati Jesu ngaafe, Jesu ngaaroverwe pamuchinjikwa but they are the same people vanoda kushandisa zita raJesu kudzinga maDemon. Indava futi?
makaurayisa Jesu but munoda kushandisa futi zita raJesu.
even nowdays tine vanhu vanouraya vhangeri raJesu, vanouraya kufamba kweChurch yaJesu but vanoda kushandisa zita raJesu racho to get what they want.
example: munhu anogona kushora zvemaMiracles kana Healing achiti hazvisi zvaJesu ndezvasatani, but later on munhu iyeye anozopinda muPrayer achiti Mwari ndiporeserei sekuru vangu vari kurwara, ndiitireiwo munana.
honaka hama--- lets say miracle yawanga uchishora yaitwa kune imwe Church yaitwa neSimba raJesu handiti but iwewe wafamba uchiudza vanhu kuti ndeya satan. But wakuenda kunaJesu wacho zvekare muPrayer uchiti itai minana.
Zvinofamba sei manje. Wauraya vhangeri raJesu kuseri uko and at the same time wakuda futi to partake in the name of Jesus.

uku maJudha makarovera Jesu but muri kuda futi kushandisa zita raJesu kudzinga maDemon. First things first, munhu anofanirwa kukumbira rerugerero kunaMwari nekuda kwezvinhu zvaakakanganisa. Hongu makurayisa Jesu nekusaziva, but repent, kumbirai ruregereo musati mada kushandisa zita raJesu.
zvichida iwe muverengi une pawakashora simba raJesu nekusaziva, chinhu chakanaka ndechekutanga wakumbira ruregero kuna Mwari kuti ndiitireiwo nyasha Jehovah ndakashora kubata kwenyu nekusaziva.
but aya maJudha vaida kudzinga demon but vasina kutendeuka, mhedzisiro yacho demon harina kuenda and vakarohwa.
chenjera kuzvirovesa nemweya yakaipa nekuda kwekusatedzera protocol dzaJesu sezvakaitwa nevana vaSceva.


kutedzera zvakanaka zvinoitwa nevamwe hazvina kuipa but zvinoda kuti uiite chaizvo chaizvo nekuti ukabata nepasipo unovhiringa. Even kuWrestling wani vanonyora kuti do not try this at home. Ukada kungotedzera iwe usina skill yacho, unotyoka musana.
even mukunamata kutedzera kwakanaka stereki but pane mamwe maAreas anoda kuti uve neRight knowledge or kuva ne Faith inoenderana neSituation iyoyo.
unogona kuda kutedzera mumwe man of GOD wawakanzwa kuti anoConfronter masatanists achiva dzinga mweya yakaipa, but iwe ukada kuzvitedzera usina the appropriate power yeku dealer nevashandiri vasatani, chenjera kuzopinda busy uri iwe. Instead yekuti demon riende ndipo parino kubvunza kuti who are you, umbori ani iwewe.


maJudha akafarira zvaiitwa naPauro vakafunga kutedzera but they did not follow the proper channel. Zvakafanana nekuti unofarira kupfeka camouflage uniform yemaSoja,. But chinodiwa ndechekuti utange watedzera the correct channel kuti upfeke uniform iyoyo.
because chinoitika ndechekuti unogona hako kupfeka uniform yemasoja but iwe usiri musoja and zvigoita kunge zvinodadisa, uchifamba mumaraini vanhu vachiti Gunners mamuka here? Gunners maswera here? Gunners makadii. But one day ukaita mistake yekusangana neMilitary Police, Red beret, ndipo pauchaona kuipa kwazvo.
Vakomana vaye vanogona kuIdentifier musoja wefake vachingokuona so. The way you walk, haircut yako, behaviour yako inotovaudza kuti “batai munhu” batai bogus soldier.
unovaona vachibvunza kuti who are you? ndiwe ani, tione I.D. yako.
unenge wafana nevana vaSceva.

so ndiri kuti kwauri muzvinhu zvaMwari, dzidza kuFollower the proper channels kuti urege kusangana nemaProblems.

handiti demon rinodzingwa richinzi “in the name of Jesus out”  “nezita raJesu buda” but inzwa unzwe zvakaitwa nevarume ava “Muzita raJesu, anoparidzwa naPauro, ndinokurayira kuti ubude.”
matauriro avo anokonzera suspicion, hanzi muzita raJesu anoparidzwa naPauro kwete kuti muzita raJesu anoparidzwa nesu, aiwa hanzi anoparidzwa naPauro.
matauriro avo anofumura ega kuti havazive zvavari, havana kumira pachokwadi.

matauriro ako semuChristu ngaave asina question mark mukati, shuwa ungaite mutauriro wekuti vanhu vari kunyika vakakunzwa vanoto shama nazvo. Kuita muChristu anotaura zvinyadzi, kuimba zvinyadzi, paFacebook kuCommenter zvinyadzi zvega zvega, vanhu unongotuka. Matauriro ako anokubatisa kuti you are not a Christian, unozvibatisa wega nemweya yetsvina kuti you don’t know whom you are and ndiwe unobva waita target yasatan because hauzive zvauri.


pamaJudha aiita izvi paiva neVana 7 vaSceva. Iye Sceva wacho ainge asipo but Bible rataura kuti He was a Chief Priest of the Jews. Kwete ordinary priest chete but chief priest mukuru wemaPirisita. Vana vaChief Priest ndiwo vakarohwa nemunhu aiva neDemon. Ndipo pandaona kuti mweya yetsvina haitye kuti uri mwana wani paNyama, but inotya kuti uri mwana wani paMweya. maDemon haatye zvekuti uri mwana waChief Priest but anotya kana uri mwana waMwari. So ndangoti ndibatsire mumwe munhu anofunga kuti since ari mwana wamufundisi then satan haagone kukushungurudza. Very sorry to tell you this, chakazvarwa naNyama iNyama, chakazvarwa neMweya Mweya. (John 3:6). Mubereki wako akazvara nyama (iwewe) haana kuzvara mweya, so you need to be born again kuti ugone kuva mwana waMwari.

who are you? uri mwana waChief priest here kana kuti uri mwana waMwari?

demon richiedza kudzingwa, harina kuenda, but rakabvunza, Pauro ndinomuziva, Jesu ndinomuziva, but koi imi muri ananai. Who are you?
pane pekuti unogona kunamatira problem kuti iiende but haiende. Inoda kuziva kuti umbori aniko iwewe unoda kundidzinga ini problem

demon rakabvunza, who are you? umbori ani iwewe. Ukaona wakubvunza chitupa nasatani ziva kuti wapinda ma1. Muenzaniso munhu anogona kufamba achizvita muDikaz, muCID, ari muHembe dzake dzekumba. Obva asunga munhu ane mhosva, vari pakati pekutaurirana musungwa obva ati ndiri kukumbirawo kuona ID yenyu vakuru. Apa bogus police iri harina ID, panoita nyaya apa, nyakupara mhosva akangozviziva kuti uri mupurisa weFake, wakuvara. Unorohwa nevanhu. Chikonzero waedza kuzviita mupurisa iwe usiri.
ndiyo yevana vaSceva, vakada kuzvipa office yavasina.

Pauro ndinomuziva, Jesu ndinomuziva, but koi we ndiwe ani? Who are you.
mademon anoziva kuti kana zviri zvaPauro hatirambe kudzingwa, kana zviri zvezita raJesu hatirambe but iwewe wakuda kutijairira manje.
ukatadza kumira paChokwadi, uchiona satan achikuvhiringa



Identity yako semuChristu ngaive yechokwadi.

vana vaSceva havana kupihwa mukana wekupindura, verse 15 mubvunzo, the next verse yato fight. Handiti bhaibheri rinoti hatirwe nenyama neropa asi nemweya yakaipa iri muchadenga. But ana Sceva vakapindana neyavo vega, vakarohwa nekuda kwedemon ravakatadza kudzinga. Ukasamira paIdentity yako yehuChristu chenjera kupindana neFight yako wega isina kana akamboona.

vanhu 7 against munhu 1. Munotanga muchakutsanira, mumwe achiedza kubata gumbo mumwe achiedza kurova musoro, mumwe nekuruma nekumura. But Bible rinoti he overcame them, and prevailed against them akavakurira simba. Vanhu 7 kurohwa nemunhu 1, inoita kunge movie, yekuti main actor anorova vanhu hobho iye ari one. Munhu ane demon ndiye aiva atoita main actor, satan became the main actor. Chenjera kuzopinda nemaProblems anenge emufirimu ekuti uchiudza vanhu vanofunga kuti uri kunyepa. Zvichikonzerwa nekuti hauna kumira paIdentity yako chaiyo yemuChristu. Nechikonzero chekupesana neshoko raMwari.

Fight ichitsviriridza. Vana vaSceva vanoona zviri nani kutiza. Hit the road and make dust. Pane pekuti kana chachaya chaizvo munhu anotiza. But munotizeiko, madii kuendera mberi neDeliverance yamanga muchizama kuita.
rega ndiudze mumwe munhu kuti hazvina mhosva kuti wakambovhiringa zvinhu but rega kutiza, rega kusiya kunamata, stand your ground umudze satan kuti tinosvitsvana kumaPena. Handisi kuti vana vaSceva vanofanira kupinda fight but ndiri kuti they must continue kudaidza zita raJesu kusvika demon raenda.
don’t run away, fight a good fight of faith.

vana vaSceva vakatiza mumba vasina kupfeka uye vakakuvara. (naked and wounded). Ndinoda kumbo bata nyaya yekutiza vanhu vasina kupfeka iyi. Ukaverenga pana Mark 14:51-52 pane mukomana aitera Jesu akamonerera jira, (remember munhu ari kutera Jesu uyu) but paaida kubatwa nemasoja, akatiza achisiya jira rake akatiza akashama. mukomana uyu akaona zvirinani kutiza asina kupfeka than kunzi anzi anotera Jesu.
rega kuva mutendi anotera Jesu but kana zvaoma anosarudza kutiza asina kupfeka.
munhu anosarudza kuonekwa achifamba akaHanger babe rake muTown but anonyara kumira panoparidzwa nezvaJesu muSame town imomo.
munhu anosarudza kunyora paFacebook pake about how she enjoyed party yaakaenda but anonyara kunyora aSummary yeMharidzo yaakafarira.
uri kumhanya usina kupfeka, uchitiza Jesu.

kurohwa kwevana vaSceva kwakazivikanwa nemaJews and Greeks vaigara ku Ephesus;
vose vakabatwa nokutya, uye zita raIshe Jesu rakakudzwa nokukudzwa kukuru.
Trouble yakasangana naVana vaSceva yakakonzera kuti zita raJesu rikudzwe.
chenjera kushanda seExample yekuti even vanhu vasinganamate vakakuona or kunzwa nezvenyaya yako vanorohwa neHana vachikudza zita raMwari

bata chinhu ichi, even though riri demon rakarova vanhu ava,  maGreeks havana kukudza zita  rasatan or redemon but vakakudza zita rJesu. This is wonderful, demon ndiro raWinner fight but vanhu vari kuti zita raJesu ngarikudzwe. Remember Jesus was never part of this fight but zita rake ndiri rakakudzwa. No matter the circumstance, zita raJesu ngarikudzwe, Mwari ngaapihwe mbiri.

ndichingopedzisa, ndinoda kuti iwe muverengi umire paChokwadi semuChristu, in whatever you do, you say, you think, mira panaJesu pachokwadi, rega kuva a vagrant asina pake chaipo.
if the devil asks you kuti WHO ARE YOU? you will safely answer.

IM A CHILD OF THE MOST HIGH GOD> ndiri mwana waMwari wekumusoro soro akasika denga neNyika.

Thursday, 5 September 2013

Wake up-Muka Scripture reading Acts 20:7-12

Hwindi weCombi akabatwa neHope aripakati pekuCollector mari, driver kwakubatwawo neHope, combi ichibva yabuda muRoad ikaita accident. Hwindi achibva angoita unconscious kwakuzomukira kuHospital. Achingomuka anga aine confusion ndokubva aburuka pamubhedha paainge ari kwakuenda pane imwe accident victim yainge yakarara pamubhedha uri padhuze, kwakumumutsa “ehhh tsano, ndipiewo mari yeBhazi ndimi mega musati mabhadhara”.
Conductor ainge achiri akarohwa neConfusion nekuti paita accident, he was asleep. He couldn’t not tell whether achiri muCombi or ari muHospital. Kukotsira kune imwe confusion yakunoounza muBrain dzeMunhu, that’s why uchiona kuti unogona kutaura nemunhu akarara but mashoko aanokupindura, unonyatsoona wega kuti munhu uyu haazi kuziva zvaari kutaura.



Kurara hakuna kuipa, we all need to rest, but it becomes a problem kana uchirara zvakapfurikidza. Proverbs 20:13 inototi usade hope kuti uregedze kuzova murombo, love not sleep lest you come to poverty. But I don’t want to preach about kurara kuri Physical but I want to preach about kukotsira pazvinhu zveMweya, kukotsira pazvinhu zvaMwari. Kusatora seriously zvinhu zvaMwari.

1 Thessolonians 5:6 inoti iyo So then we must not sleep as the rest, but must stay alert and sober. Jesu mwanakomana waMwari ndine record yake yekuti He used to sleep paaiva pano paNyika. Ukaverenga Mark 4:38 uchaona kuti Jesu aiva akarara muBoat uku mhepo ichishupa chaizvo. Iyo Bible scripture iri pamusoro apo ichiti we must not sleep, but hepano unonzwa kuti Jesu ainge akarara, so tingati Jesu atyora scripture here, aiwa, zvapachena kuti we must not sleep irikutaurwa neShoko haisi sleeping yepaNyama but iSleeping yepaMweya.

So there is a need yekuti semutendi ugare wakasvinura paMweya nekuti muvengi wako satan anotaimira paunenge wakakotsira pamweya so that he can attack.

paScripture reading yedu  maDisciples vakaungana on a Sunday kuti vadye chidyo sekurairwa kwainge vakaitwa naJesu. Pauro achibva atanga kurova mharidzo yake, the following day  aiva aina journey so akaramba achiparidza so that he can finish zvinhu zvaaida kuparidza or kudzidzisa. He continued achitaura kusvika mid night. Izvozvo zvekuti mufundisi anorebesa sermon yake,  kune vamwe vasingazvifarire, anongoda quick quick sermon, microwave sermon yekuti 30 minutes mharidzo yatopera. But icho chinopa munhu kuti anzwe kubhowekana nekureba kweMharidzo chiiko?? Shuwa munhu anorwadziwa nekureba kunoita mharidzo? Ahh shuwa panotaurwa nezva Mwari, munhu ndipo paanobatwa neHope, but kana achiona maMovie or maSeries, anogona kuedzerwa ari paTV chete.
mharidzo ndiyo inonzi yarebesa but movie haina izvozvo. firimu inonzi yapererei, but sermon inonzi ngaichepere. Hurry hurry, leads to worry worry, reda kuda vhangeri re 2 minutes.
ukaona uri muChristu and uchibhoyekana nekureba kweMharidzo, that’s one sign of spiritual sleeping, you are not taking spiritual matters seriously.

Room yaiitirwa service yaiva nemaLights akawanda but despite kuwanda kwemaLights unoona Eutychus achibatwa neHope. Light represents Shoko raMwari or Presence yaMwari. (1John 1:5). but even though paine presence yaMwari even though shoko razara munyika, unoona muChristu achivarairwa zvake, kukotsira paMweya. Unokotsira Seiko iro vhangeri rakadai kuzara munyika yedu.

Pauro achirova vhangeri, Bible rinoti there was a YOUNG man anonzi Yutiko ainge akagara paWindow. ndaUnderliner word rekuti young kuti tibuditse point ipapa apa, Yutiko represents a young Christian, mutendi wechidiki, kwete pAge or makore aapinda muChurch but ndinoreva munhu mudiki paMweya, watinogona kuti a spiritual baby. Munhu unogona kupedza 20 years uchipinda church kutochena musoro but paMweya uchiri mudiki zvako, nechikonzero chekuti unotsika yekukotsira paMweya, une tsika yekukotsira pazvinhu zvaMwari, you don’t take Christianity seriously. Pakanyorwa verse iyi, Eutychus was a young man, even patinoverenga nhasi pakangonzi young man, hapana kuchinjwa. Unosanduka Seiko iwe uchikotsira paMweya, unokura Seiko iwe uchikotsira panodyiwa zveMweya.

the first mistake ya Yutiko ndeye kugara paWindow, shuwa paWindow here? Ipo paWindow panogarwa here? Hatina verse yatiudza kuti maBench anga akazara so handione chikonzero chekugara paWindow. Problem yeJaya iri ndeyekuti anoda kuti uku arikunzwa Pauro achiparidza, uku anoda kunzwa zvirikuita panze peChurch.

Window position-kuda kuti uku urikuterera Shoko raMwari, uku urikuda kunzwa zvirikuita panze peChurch. urikuda kuverenga Bible uku unoda kuverenga zvemaStars and horoscope. urikuda kuterera Shoko raMwari uku unoda futi kuterera Makuhwa. urikuda kuterera Gospel and uku urikuda kuterera music inotuka Mwari. ipo paWindow ipapo. take a lesson from Yutiko, iyo tsika yekugara paWindow iyi inourayisa. ibva paWindow pawakagara apa, pekuti unoda kuterera zvekwaMwari and at the same time unotererera zvekuNyika.
 

rega kuva muChristu anogara paWindow. Kuti uku unoba kubasa apa kuChurch unonamatira promotion. Zvakangofanana nemaElections anoitwa muNyika. Ukangongoda kuvhotera more than 1 person, vote yako inobva yanzi spolit, kuti apa waisa X apa waisa X apa futi waisa X, hobho hobho ma X paBepa 1. Vote yako inobva yanzi spoilt, haiverengwe. Ndiyo window position iyoyo yekuti uku unoda kumboita zvekunamata and uku unoda kunzwa zvekunze kweChurch you become a spoilt Christian.


paWindow level. Kana munhu akagara paWindow, anenge ari paHigher position than vakagara pamaBench nemaChair. Unenge uchizvinzwa kunge uri pamusoro pemunhu wese, vamwe vese vari kumaLower levels. Window level inoRepresenter futi pride, mweya wekuzvikudza, unoda kuzviisa panzvimbo yako wega, vamwe vese unovaona sevaripasi and vasina kana dhiri. But Bible rinobva rati kuna Matthew 23:12  ani naani anozvikudza achaninipiswa uye ani naani anozvininipisa achakudzwa.
Eutychus akazvikudza nekuda kuzvipa chigaro chepamusoro but akazowira pasi, kudonha from the 3rd floor. Pride, ndiyo imwe sign yekukotsira paMweya, nekuti shuwa dai waiziva kuti zvauri kuita hazvidiwe naJehovah, ungadai wakaburuka paWindow ipapo kare.


ipo paWindow ipapo Eutychus akabatwa neHope.
kana uri mushumiri or muparidzi, rega kuzvidya moyo or kushushikana ukaona munhu achikotsira iwe uchiparidza. Pauro muzodziwa waJehovah akasangana nayo type iyi yevanhu vanorara uchiparidza, and iwe semuzodziwa zvekare unogona kusangana navo vanhu vakadai. muChurch hatifanane kune vamwewo vanonyozera pakunamata, kuneta neta so, but ndinoti kunewe muverengi rega kuva type inokotsira pazvinhu zveMweya.



Dzimwe hope maDemon chaiwo. Have you ever wondered why hope dzichinyanyo kubata when it is exam time but kana iri holiday hadziuye. Why is that hope dzinonyanyo naka when you want to wake up kuti uende kubasa but all night dzanga dzisinganake. Why is that hope dzinoda kubata munhu during a sermon but ukaenda kuMovie hadzikubate. dzimwe hope ndedza satan anoda kuti urarise kusvika wapesena naDestiny yako. Kumwe kotsira pazvinhu zvepaMweya chenjera kuti urikubatsirwa nemweya yetsvina



Eutychus akadonha from the 3rd floor. Tym dzaakauya kuChurch aikwidza maSteps achienda ku3rd kuzonodonha chete. He rose to fall. Ndiyo danger yekukotsira paMweya, unosimuka kuti udonhe because hauna foundation yeShoko inokutsigira. Yutiko akapinda church service kwete kuti apone but kuti afe, Just like Annanias naSapphira, vanofira muChurch nekuda kwekusatya Mwari. Annanias nemukadzi wake vakatadza kutya presence yaMwari and told lies in GOD’s presence vakafira nyaya iyoyo. Yutiko akatadza kutya presence yaMwari muChurch maiva ari and he choose to sleep Shoko richiparidzwa, ndokudonha akafa. Ityawo Mwari hama, tora zvinhu zvaMwari serious,

Yutiko achidonha vanhu vanomunhonga afa. Church service yatovhiringwa nekuda kweRufu rwaYutiko. Kukotsira paMweya kunokonzera kuti ushayise vamwe vatendi mufaro.kuuya kuzofira muChurch here? Kuda kupa vanhu maProblems, instead yekuti church ishandise time iyoyo for listening to Paul’s sermon, vanhu vava busy kubongomora mhere.


Pauro akasvikozviwisira pamusoro paYutiko, bata something about zvakaitwa naPauro ukaverenga 
1 Kings 17:21 uchaona kuti Elijah akaita the same action achinamatira mwana ainge afa. If you read 2 Kings 4:34 Elisha anotora futi the same action achinamatira mwana ainge afa. Ndizvo zvakanakira kuverenga Shoko nekuti unowana knowledge on how to deal with specific situations. Pauro akazviziva kuti same style yakashanda naElijah naElisha, chingatadzise kuti ishande paEutychus chiiko?
handisi kuti kana munhu afa tedzera zvakaita ne3 ava, ah ah do what The Holy Spirits guides you to do.
but ndirikuti kuverenga Bible kunukuzarura pfungwa and gives you wisdom yekuzoDealer nemaSituations.

zita rekuti Eutychus rinoreva kuti Fortunate, kuva nerombo rakanaka, zveshuwa Eutychus is fortunate. Munhu kana achinge afa isu vamwe tinoviga, tinomhanya mhanya kunofambira matsamba eBurial, kuzotenga coffin nemaCabbage. But Mwari havadaro, vakamutsa mukomana uyu, iNyasha dzinoshamisa, dzekuti wanga uchikotsira zvako muChurch ukadonha ukafa but Mwari vanokuitira nyasha dzekuti urarame zvekare.
tiri muNguva yeNyasha hama and let us not abuse it, patakotsira pazvinhu zveMweya pawanda but Mwari varikuramba vachitipa mukana wekuti tigadzirise hunhu hwedu.

Ndinofarira approach yaPauro, dai ari mumwe mufundisi aitowana sermon ipapo ipapo nekuda kweRufu rwaYutiko “maiwona nyaya yekukotsira isu tichiparidza, munofa, hazviitwe izvi, tiri annonited isusu and hatidi zvemisara pamberi pedu”
but Pauro haana kuJudger Eutychus even though ainge ari wrong, rega kuJudger munhu anokotsira pazvinhu zvaMwari, but mumutse just like zvakaitwa naPauro, tsiura munhu zvine rudo mukati kuti apa uri kurasika than kumushora as if iwe uri clean

Hongu Eutychus akakanganisa nekukotsira kwaakaita but zvange zviri nani kuti afire paChurch than kufira kuBhawa or kumba kwePfambi. Dai akadonha kubva mu3rd floor kuSmall house, handifunge kana pazoitika miracle yekuti amuke, hameno. But at least akadonha ari muChurch, David akataura akati rega hangu ndiwire mumaoko aMwari nekuti vane nyasha zhinji than kuwira mumaoko eVanhu. (1Chronicles 21:13). Kunyika ukadonha ukafa vanhu vanodaidza police kuti ikuendese kuMortuary, but paChurch apo Yutiko achidhonha, Pauro anonamatira kuti munhu amuke.
So ziva area yekuswera, ziva kwekutambira, nekuti dzimwe ukawana chinokuwana uri kuNyika uko uchashaya muChristu anokubatsira. Gara uri mamaoko aMwari kuitira kuti whatever chinokuwana, GOD will be there for you. zvirinani kugara paDoor muimba yaMwari than kuita manager paNight club. (Psalms 84:10 ​​​​​​ ​​​​​​I would rather stand at the entrance to the temple of my God ​​​​​​than live in the tents of the wicked)


 Ronie akaenda kumasowe nemuzukuru wake anonzi Eriya. Zvamunoziva kumasowe munonzi bvisai bhutsu, mukomana ndokubvisa bhutsu kwakuisa mungoro yaEriya. Service ichibva yatanga, Ronie ndokubatwa neHope kwakukotsira. vanhu vakatanga kuimba song iya inonzi “Eriya waenda, waenda neNgoro yemoto….” Ronie akanzwa song iyi ari kuhope ndipo paakamuka akatanga kudeidzira “Heyi udzai Eriya amire, mungoro make mune bhutsu dzangu” waiona nyaya yekukotsira?? Ronie arikufunga kuti Eriya arikuimbwa nezvake muzukuru wake izvo nyamba vanhu varikuimba nezvaEriya=Elijah wemuBhaibheri. rega kutsokira panoparidzwa shoko or vamwe pavanenge vachirumbidza Mwari. iyo yekuda kurara panoitwa zvinhu zvaMwari, Eutychus ndiyo yaakafira. Pauro ari busy kuparidza but Eutychus aitokotsira zvake

Its time to take Christianity seriously, yakwana nguva yakumuka kubva pakukotsira. Muka Yutiko, muka mutendi.


JOURNEY TO NINEVEH (RWENDO RWEKU NINEVEH) Based on Chapter 1 of The Book of Jonah

Mumharidzo ino Nineveh inzvimbo yandingati inoRepresenter somewhere Mwari kwaanoda kuti uende, it represents a position Mwari yaanoda kuti uve uinayo, it represents calling yaunoda kunzi naMwari uzadzise. Munhu wese chiripo Mwari chaakakurongera kuti uite, whether paNyika yeMweya or yepaNyama. Ndiyo yatiri kuti Nineveh nhasi and mharidzo ino ichange ichiFocuser on how to achieve zvinhu izvozvo zvawakarongerwa naMwari.


Jonah was a Prophet, munhu ainzwa kutaura kwaMwari, ipo panotanga Chapter 1 verse 1 panotonzi The Word of The Lord came unto Jonah, Shoko raJehovah rakasvika kuna Jonah but even though Jonah aiva munhu anonzwa kutaura kwaMwari kuti enda Nineveh, tinoona achitiza. Hongu Shoko arinzwa but anoda kutiza akananga kusiriko
ndiProphet vatiri kutaura nezvawo ava, Prophet Jonah, munhu akura pamweya but anotiza Mwari?
variko vanhu vakadaro who are spiritually mature but they are disobedient to the Word of GOD.
anonzwa hake zvinotaura Mwari but haadi kuzviita. Shoko rinoparidzwa anorinzwa but haadi kutedzera zvarinotaura. maSongs eGospel angaimbwe hawo but haadi kutedzera zvinodzidziswa neSong iyoyo. But Shoko kuna James 1:22 rinoti Musangova vanzwi veshoko bedzi, uye nokudaro muchizvinyengera. Itai zvarinoreva.


Zvakangofana naPrescription yaunopihwa naDoctor. Kuverenga prescription hakurape chirwere, but zvinotoda kuti wapedza kuverenga prescription iyoyo woenda kunotenga mushonga uripo, womwa semanyorerwo azvo.
Shoko raMwari is a prescription which takes you to Nineveh, and rega kugumira pakuverenga chete shoko, rega kugumira pakunzwa chete, but kana wapedza kunzwa nekuverenga, ita zvarinotaura. Kana wanzi enda Nineveh, enda ikoko kwete kutiza wakanga Tarshish.

Jonah anosimuka achitiza akanga Tarshish. Bible rinoti he rose up to flee unto Tarshish from the presence of the LORD. Jonah aisatiza chete but aida kutiza from the presence of the Lord, aida kutiza kubva pahuvepo hwaMwari. Kuda kutamba chamuhwande hwande naMwari. But chandinoziva ndechekuti hakuna kwaungagone kutiza uchienda, kwekuti uku kunonzi hakuna presence yaMwari. Ukaverenga Psalms 139:7-8. Psalmist anobvunza kuti ndekupi kwandienda ndibve pamberi penyu, even if ndikakwidza kudenga, muriko, even if ndikawaridza muBhedha wangu kuHell, muriko zvekare.
hapana nzvimbo yaunogona kuenda uchida kuhwanda Mwari.

rega kuita mistake yekuti unoita kut zvinhu pakahwanda uchinzenga vanhu nekuti where ever kwauri, Mwari variko ikoko.
no matter iHide out ipi yaunga ende neBoyfriend/Girlfriend yako ziva kuti Jehovah variko ikoko and He is seeing every move you make.
kunyangwe ukada kuita madhiri paCompany manheru or paWeekend ziva kuti asipo ndiManager wako but Jehovah vanoona.
kunyangwe ukafunga kuenda muchiCorner chakahwanda sei kuti upute fodya yako or kumwa bronco ziva kuti Mwari vanozviona.
even ukada kunyepera vamwe kunge uri paFasting,but uchipota uchidya chikafu zvekubiridzira, ziva kuti GOD is seeing you.
naizvozvo don’t waste your time uchida kutiza wakananga Tarshish instead yekuenda Nineveh. Rega kupedza nguva yako uchiita zvinopesana neShoko. Isaiah 55;11 inoti Shoko raMWARI haridzokere kwavari risina kuzadzisa zvavarituma.
So whatever zvaparidzwa or whatever zvawaverenga, ita seizvozvo, than kuda kutiza.
enda Nineveh than kutizira kuTarshish.

Disobedience is expensive. Kusaterera kunokuinzira mamwe maExpenses akawanda kwazvo. Jonah anowana ship yaienda tarshish, ndokutenga ticket rake rekuenda ikoko. He paid mari yeShip kuti aende kuTarshish (wrong direction) but kuCorrect direction Nineveh akaenda mahara neFish. once wasarudza kusaterera Mwari, once watora direction yausina kunzi naMwari tora, ndipo pauchaona kudhura kwazo, things will start to go wrong. Vana vanotanga kungorwara zvisina tsarukano mari ichiperera kumaDoctors, murume kana mukadzi anenge achingoshupa, kubasa uchinetswa big time apa vachikutambirisa peanuts. Life will prove to be expensive kana usiri  mugwara chairo. But its never too late, pinda muHove muunofamba mahara, pinda munaJESU the way of life, famba neNzira dzaJehovah and life will flow smoothly.

Chinobata ndechekuti Jonah was going to a wrong place but panoita vamwe vanhu vanomupa transport yekurasika, kuProvider transport yekutiza Mwari. Chenjera kuita zvima friends zvinokuProvider maResources ekutiza Mwari. Kuita shamwari dzinokutsvagira chikomba or small house, kuita zvima friends zvinokutengera hwahwa. Kuita zvimaFriends zvinoda kuti urovhe church muchienda kunogocha or kubhora. Kuita maFriends anokutengera hembe dziri indecent dzinoita kuti uve exposed, vachiti iFashion.
chenjera kupihwa transport yekuenda Tarshish iwe uchida kuenda Nineveh.



wakamboona trick inoitwa kana munhu achiita tsika yekusadaira maPhone calls ako. Unomutaimira avarairwa womufonera nePrivate Number. Unoona shasha ichideira ichifunga kuti hameno mumwe arikufona, yet ndiwe zvako waHider number. even Mwari vanozvigona futi, vakaona kuti hauzi kuda kuterera Shoko ravari kusvitsa kwauri, He will just use a private number, unoparidzirwa neumwe mutowo usina akamboona. Bvunza Jonah. Mwari vakamuparidzira neNumber dzaanoziva, vakamutuma neOrdinary way, Enda ku Nineveh unoparidza Shoko . Jonah ndoku ignowa. Mwari vakati hazvinetse izvo, kwakushandisa PRIVATE NUMBER, MWARI ndokutuma mhepo. Jonah 1:4 inoti But the LORD sent out a great wind into the sea. Vanoona vanenge vachingoti imhepo iri yega, its just an ordinary fone call, yet iPrivate number irikushandiswa naMwari yakanangana naJonah nekuti ainge aramba kuterera the 1st call. hama wadiwa, kana shoko rauya kwauri rega kuda kuri ignowa nekuti kana Mwari vazoshandisa havo private number unogona kutadza kuzvifarira. idzo nyadzi dzacho kuti munhu wawanga uchiramba kudaira fone yake ndiye wawazodaira paakufonera nePrivate number. rega kutendeutswa nePrivate number, rega kumirira maProblems kuti akutendeutse, rega kumirira kushaya mari kuti kukutendeutse, rega kumirira hurwere kuti udaire Mwari varikukudeidza, just listen to his call kubudikidza nekugamuchira Shoko ravo.


Boat rakaita kunge richatsemuka neMhepo yainge yatumwa naMwari pamusaka paJonah ainge aramba kuterera shoko. Hapana chinhu chinorwadza sekuti muneBoat renyu zvenyu makananga Tarshish to do business but pouya mumwe munhu zvake ari kutiza Mwari and he causes a storm inoita kuti murasikirwe nemaProducts enyu. Nhaiwe Jonah, why uchida kuti pinza loss because of your disobedience?. if only we knew kuti ndizvo zvichaitika we wouldn’t have given you transport. my brothers and sisters, boat rako iri, life yako iyi, marriage yako iyi, spiritual life yako iyi, business rako iri, dai waiziva kuti pane vamwe vanhu vauri kupinza mukati vachakonzeresa imwe mhepo ichakuitisa loss. before you allow people into your boat, tanga wabvunza Mwari kuti is this not a Jonah, will this person not cause any problems, haishupe here type iyi.

Check your life kuti hausi Jonah here iwewe urikukonzera loss muLife dzeVamwe vanhu.


Mhepo payaishupa, mumwe nemumwe wevarume veBoat akatanga kuchema kuna mwari wake. Varume ava havana kuchema kunaMwari chaiye, Jehovah akasika denga neNyika, but vakachema kunezvi mwari zvavo but mhepo haina kupera. Ohh hakuna mumwe Mwari anesimba rekupenza mhepo dziri muLife yako kunzwe kwaJehovah. There is no other GOD like Jehovah. Kana zvinhu zvaoma, unochema kuna Mwari, hongu varume ava vanoiziva formula iyi but varikuenda kuna Wrong god.

zvandifungisa imwe nyaya, paiva nemurume akaudzwa kuti kuna Mwari anonamatwa but iye aisaziva kuti Mwari wacho ndeupi, so akaona zisimbi rairema akati uyu ndiye mwari uyu rega ndimunamate, ari pakati pekunamata kwakauya imwe monya ichibva yatakura zisimbi iroro, murume uyu kwakushamisika, akati better kunamata monya. Rimwe zuva ndokuzoona monya rakatakurwa neMotorbike, akati better kunamata motorbike. Rimwe zuva kwakuzoona pick-up yainge yakatakura motorbike, akati better kunamata mota iyi.
rimwe zuva kwakuzoona gonyet rainge rakatakura maPick-up hobho, akati better kunamata gonyeti iri. Rimwe zuva kwakuzoona ship yakatakura magonyeti hobho, akati better kunamata ship. Later on ship iya ichibva yakuturwa nedutu guru reMhepo, murume akati better kunamata mhepo, rimwe zuva akazonzwa mufundisi achiparidza nezva Jesu akanyararidza dutu guru reMhepo. Murume uyu ndokufara zvikanzi ndazomuwana manje Mwari uye wandaitsvaga. Mwari anoudza mhepo kuti peace be still, and iyo mhepo ichiterera.


varume veboat vaideidza mwari asiriye asi mhepo haina kupera, siya midzimu, zvikwambo, nezimwe zvimwari nekuti hazvigone kukubatsira.


Varidzi veBoat vakapinda busy kurasa zvinhu muMvura. Vachibata chino nechino vachikanda muMvura but mhepo haina kupera. Instead yekuti vakande Jonah muMvura, they were busy kukanda zvimwe zvinhu. Do you know kuti sometimes in life tinokanda zvimwe zvinhu out of our lives tichifunga kuti ndizvo zvakanzore kuti boat redu rinyure but tichisiya icho chaicho chaicho chakonzera mhepo. Uri busy kuramba mukadzi or murume uchifunga kuti ndiye arikukupa munyama but uchisiya Jonah akarara muBoat umu, uchisiya moyo wako wakaipa. Hongu pane chinhu chiri kufanira kukandwa muMvura but murikunda zvinhu zvirizvo. Urikukanda hama dzako out of your boat, out of your life uchiti ndidzo dzirikukupa munyama but that’s not it, kanda Jonah uyo, muditsa disobedience iri mumoyo mako, buditsa hutsinye huri mumoyo mako, buditsa maEvil thoughts ari mumoyo mako nekuti ndiwo arikukupa munyama, ndiwo arikukonzera mhepo yatambudza boat.


Jonah anowana nguva yekurara iye achitiza Mwari. Vamwe vachikandira zvinhu panze, Jonah ainge akarara zvake and apa ndiye akonzeresa mhepo nekusaterera kwake Tine vanhu vanowana kuzorora nekurara ivo vachitiza Mwari. Ipapa kurara kwaJonah kunoita kuri innocent but ndiye honzeri. Kune imwe type yeVanhu wekuti he looks innocent, anenge akaChiller zvake, muSoftaz, akaRelaxer saJonah but disodince yake ndiyo yakonzera loss mumaBoat evamwe. Hutsotsi hwake ndihwo hwakonzera loss mumaBusinesses evamwe, hupombwe hwake ndiwe wakonzera HIV kune vamwe. Namata kuna Mwari vakutaridze ana Jonah ava.



The Shipmaster anoenda kunaJonah omumutsa and he told him kuti dana kuna Mwari wako tirege kuparara. Get this, munhu akamutsa Jonah is not an ordinary person but he is the Shipmaster, Captain weShip. You are the master of your life, you are the captain of your life and now is the time yekumutsa spiritual life yako yakakotsira
1Thessalonians 5:6-7 ichibva yati So then let us not sleep, as others do, but let us keep awake and be sober. For those who sleep, sleep at night, and those who get drunk, are drunk at night.
Jonah ngaamuke varume, spiritual life yako ngaimuke hama. Haasi nguva yekurara ino.

Va
nhu vanokanda muJenya, they casted lots vachida kuona kuti akanzoresa mhepo iyi ndiyani and mujenya wakawira panaJonah zvichireva izvo kuti Jonah ndiye akakonzera mhepo. Varume ava havasi vaporofita in actual fact vaitonamata zvimwari zviri wrong but vakagona kuziva kuti Jonah ndiye akonzeresa mhepo. Beware, rega kuita zvinhu zvakaipa uchithemba kuti hapana anokubata, vanhu vaunofunga kuti havaone, chenjera kuzoona vachikuConfronter.

Varume veBoat vachiziva kuti Jonah ndiye trouble causer vanobva vatanga kumufaya maQuestions, unoita basa rei, wabva kupi, nyika yako ndeipi, vanhu vekwako ndevanani?
kubvunza maQuestions kunobatsira, zvimwe zvinhu zvausinganzwisise bvunza, rega kuitiswa zvinhu uchinzi ndezve church yedu but usingazvinzwisise, bvunza kuti zvinorevei and zvirimo here muBible?
Jonah paakabvunzwa maQuestions ndipo paakazobuda pachena. The moment yaucha bvunza zvimwe zvinhu zvaurikuitiswa uchinzi iChurch doctrine, ndipo pauchaziva chokwadi kuti this is good or this is evil.

maMariners vakamubvunza Jonah kuti toita sei kuti mhepo ipere, zvikanzi ndikandei muMvura.
ko nhai Jonah unoda kukandwa muMvura, haugone here kujambira wega, sei uchida vanhu vanokukandwa, jamba wega bhururu. Zvandifungisa paBethsaida on John 5, murume aiva aine 38 years hanzi ndinoshaya anondiPusher kuti ndipinde mudziva kana robvongodzwa, aitsvaga push murume uyu. Ndiyo imwe chete yainge yakutsvagwa naJonah, ndipushei ndipinde muMvura. zvepaBethsaida zvinonzwisisika kuti that man was paralyzed, ko iwe Jonah, hauna kuremara but unoda kupushwa.  Kune mamwe maChristu anotoda push chaiyo kuti vapinde pazvinhu zvaMwari, anotoda push kuti atange kunamata, anoda kusandudzirwa mumaChallenges kuti achitange kunamata. Just like Jonah akazotanga kunamata ava mukati meHove, vamwe vanoda kuzonamata ava mukati memaChallenges, rega kudaro. Rega kutsvaga push, hauzi motor isina starter, on your own unofanira kupinda pazvinhu zvaMwari usina anokupusha.

Kune vanhu vane nharo wena. Jonah akaudza varume veBoat kuti ndikandei muMvura so that the storm will stop but vakaita nharo & they tried to row back to the land paVerse ya13. Nhai varume inga Jonah ati ndikandei muMvura but imimi you are stubborn chete, you still want to continue with your journey. Varume nharo hadzishande pamberi paMWARI, if GOD says do this, iwewe chingoterera chete, haikona kuda kuzviita wakangwara because that storm in your life will not stop.
the more yaiyedza kuda kuPusher boat vakananga kuCoast the more yaiwedzera mhepo. Simba ravo rakatadza kuFighter against mhepo, power remunhu repaNyama harigone kurwisina nezvinhu zvepaMweya. That’s why uchiona kuti monya rine maMuscles akasimba rinogona kuroyiwa neChembere yakapera power. Spiritual power is greater than physical power.

varume vakazotanga kuchema kuna Mwari chaiye
Jehovah. Vachingopedza kudaro ndipo pavakazokanda Jonah muMvura. The moment yaunonamata kuna Mwari chaiye nemoyo unorevesa that’s when you will get a revelation on how to deal with the situation yauri kuFacer. Vachipedza kudana kuna Mwari, ndipo pavakagona kukandira Jonah muMvura.


 Jonah akakwira wrong ship yaienda Tarshish instead of Ninevah, but chakaita kuti aende to the correct destination inyaya yekuti he confessed kuti he was the one to blame for the winds. Mhepo yese iyi varume, ndini Jonah ndakonzeresa. Do you know kuti dzimwe mhepo dziri muhupenyu mako idzi hadzipere up until you confess kune vamwe vako zvakaipa zwawakaita. Its high time waudza partner yako maSecrets auri kuhwandisa. Buda pachena uudze ngana kuti mari yake yaakashaya ndiwe wakaitora. Eh amai udzai murume uyu kuti mwana haazi wake. What ever it is you are hiding, buda pachena. Ahhh mufundisi haiite yamuri kutaura iyi. Choose what you want but remember the truth shall set you free (john 8:32) . reurura zvivi zvako kuna Mwari ukumbire ruregereo and surely you shall be forgiven. James 5:16  ichibva yati Confess your offenses to one another, and pray for one another, that you may be healed. The insistent prayer of a righteous person is powerfully effective


Jonah achingokandwa muMvura, mhepo yakabva yaStopper. Mamwe maProblems auri kuFacer achapera the moment yauchakanda mabasa akaipa out of your life and start living the Godly way. Bible rinoti Now the LORD had PREPARED a great fish to swallow up Jonah. Batisisa word rekuti PREPARED, MWARI akagadzirira hove kuti imedze Jonah. Zvichireva kuti even if warasika zvakaita sei, GOD can prepare something to take you to the correct destination. hongu warasika panyaya dzekunamata but call unto GOD, He will prepare a great fish to take you to Nineveh instead of Tarshish, to take you to Paradise instead of Hell. 2 Chronicles 7:14 If my people, which are called by my name, shall humble themselves, and pray, and seek my face, and turn from their wicked ways; then will I hear from heaven, and will forgive their sin, and will heal their land



The Journey to Nineveh is not easy, there are 3 days to spend in the belly of the fish, the journey yekusvika paunoda its not that easy unofanira kupinda mukumedzwa nemaSituations asina kumira mushe, the journey to heaven is not easy, JESU anotaura achiti narrow is the way. But don’t give up, unosvika chete.

Prison Break (Part 2) Scripture Reading Acts 16:23-30

Paul naSilas vakasungwa vakakandwa mujeri, chikonzero chacho vainge vadzinga demon raive riine mumwe musikana. Vakasungirwa deliverance, ngatitiendei Mwari hama, neNyika yedu yeZimbabwe just imagine kuti dai deliverance yaisungisa, dai kudzinga maDemon aisungisa. Vafundisi vaiperera paChikurubi apa. But let us thank GOD kuti munyika yedu haizi mhosva kudzinga mweya yakaipa.

Varume vaviri ava vakatanga varohwa then vachibva vaiswa mujeri. Ini handizive zvakakurova, handizive zvakakusunga, zvichida inhamo, zvichida mweya yemadzinza ndiyo yakakusunga, zvimwe wakarohwa nezvishiri, zvimwe wakasungwa nekurwara, but rega ndikuudze kuti kudenga kuna Mwari vanosungura vakasungwa.

Paul naSilas havana kuiswa muJeri chete but vakaiswa muInner Prison, muchitokisi chomukati. Zvimwe uri mukati kati memaProblems, zvimwe uri pakati pakati peSituation isina kumira mushe, uri paCenter peZvakaoma, uri paHasha sebutton reHarsh (#) rakaSticker. Wakamboona maCombi anenge ari paMushika-shika here, kana ndichiti mushika shika ndinoreva maRank asiri pamutemo, panokwira makombi zvisiri pamutemo. Panogona kuita imwe combi yekuti inenge iri mukati kati medzimwe combi zvekuti kana pakauya Police yemaMboma, driver anoshaya kwekutiza nako because all sides are blocked, unonongonzwa bhero, piiiiiii piiiiiii bvisa potokari yako mhani kuri kuuya porisi uko.
Inner prison, ndiwe unoita wekupedzisira kubuda, vamwe vese vaShamula neGap kare.
ndiyo situation yaiva naPaul naSilas, vainge vari mukati kati.

Havana kuiswa muInner prison chete but vakabva vasungirirwa makumbo pamatanda. Kusungwa makumbo iSign yekusungwa movement. Just like combi inenge iri pamushika-shika, yakakomberedza nemamwe maCombi ichishaya pekubuda napo, yobva yakandirwa maSpikes kuti mavhiri abude mweya, kubatwa movement.
maybe wakabatwa movement nasatan, wakabatwa movement nemweya yakaipa, nemasituations akaoma, kuti ufambe haukwanise, kuti ufambe kuendawo kuChurch haukwanise nekuda kwemaSituations ari kumba, kuti ufambe uende kumusangano weChurch kuoneda vamwe haukwanise, wakasungirirwa makumbo pamatanda, newakaipa kuti uregedze kufambira zvinhu zvaMwari. But rega ndikuudze kuti kudenga kuna Mwari vanosunungura.


At midnight Paul naSilas vakatanga kurova maPrayers uye vachiimba nziyo kuna Mwari. This is wonderful, wabva kurohwa uchinzi wadzingerei demon, uri mujeri, uri muInner prison, wakasungwa makumbo but unototanga hako kuita praise and worship. Uchiimbira Mwari wako, izvi ndazvifarira.
Paul naSilas vaka understander kuti chakasungwa hauzi muromo but makumbo so let us use iwo muromo usina kusungwa kuti tirumbidze Mwari. newe mutendi, hongu wakasungwa homwe, hongu wakasungwa hutano, hongu wakusungwa graft, but murumo wako hauna kusungwa, nekudaro use that mouth kunamata nekurumbidza Mwari.

just like mbavha yainge iri pamuchinjikwa, yainge yakapinwa, uku maoko ese akaroverwa pamuchinjikwa, uku makumbo akarovererwa but murumo hapana zvawainge wakasungwa nazvo, so he used that mouth kutaura mashoko akanaka kuna Jesu, mundirangarirewo pamunenge masvika muumambo hwenyu and Jesu akamuti don’t worry ndiri kuenda newe kuParadise. Zvimwe zvakasungwa hazvo but mbavha yakagona kushandisa muromo usin kusungwa.

gonawo kutaura zvakanaka even uri pakaoma, gonawo kurumbidza Mwari uri mukati memaProblems imomo. Paul naSilas havana kumirira kuti tichanamata Mwari kana tabuda muJeri but they started worshiping vari mukati imomo, don’t wait for the situation to get any better but tanga kunamata zvakaoma kudaro. Jonah haana kumirira kuti atange abuda mudumbu meHove kuti atange kunamata, but he prayed arimo muHove imomo. 3 days and 3 mights mukati meHove its not easy, mukati mehove munosemesa, munogona kunge muchinhuwa, hamuna chikafu chinodyika but izvozvo hazvina kutadzisa Jonah kunamata. Nhamo ngaisakutadzise kunamata, whatever chauri kuFacer ngachirege kukutadzisa kunamata.

this was at midnight, pakati pemhanheru, vaigona kusarudza havo kurara, but they chose kunamata Mwari. unogona kusarudza kurara vamwe vachinamata, unogona kusarudza kuona movie instead yekuona sermon, unogona kusarudza kuverenga hako novel kana kuenda paInternet but make a choice yekuSpender more time uchinamata.

Varume vaviri ava havana kuda kutsvaga lawyer rekuti rivabuditse mujeri, havana kuda kutsvaga mari yeBail or maMaster keys ekukinura chain but they worshiped GOD. maProblems ako haachade assistance yeVanhu, hazvichade kuchenjera kwako but zvakuda Mwari izvi.

vamwe vasungwa instead of joining in parikuimba, vakasarurdza kungoterera zvavo. Ko nhai imi vamwe vasungwa sei muchida kuterera minato yevamwe? Namatai mumaCells enyu uko than kuterera zvevamwe. That attitude yakaipa stereki, yekuti unoda kuterera maPrayers evamwe kuti vari kunamata vachiti kudi, unoda kuwongorora kuti nhingi arikunamata sei, church yakati vanonamata sei? Mufundisi wavo anonamata sei?
don’t spend your time muchiterera minamato yevamwe, itawo yako.

Paul naSilas vari pakati pekurumbidza, pakangoitika earthquake. Bible rinoti pane 2 or 3 vanhu, Mwari anenege ari pakati pavo, it doesn’t matter Paul naSilas vainge vari two but Mwari vakakonzeresa earthquake kuti as an answer to their prayers. Hazvina basa kuti prayer group yenyu muri 4 chete, GOD can send an earthquake to your rescue, Mwari vanogona kuShaker shaker zvinhu zvakakumberedzai mukabuda muProblem.
Joseph kuOld testament paaive ari mujeri, chakaita kuti abude mujeri imomo iGift yekududzira hope yainge apihwa naMwari. Peter paakasungwa, chakaita kuti abude mujeri was an angel yaingwe yatumwa naMwari. Paul naSilas chakaita kuti vabude muheri iEarthquake yakakonzerwa naMwari. Vese ava vanhu vaMwari but maTestimonies avo akasiyana but they all serve The same GOD. Nyaya haizi yekuti testimony yako ifanane neyemumwe but chingoripo chete kubuda mujeri rakakusunga.


Pakaitika earthquake, Bible rinoti the foundations of the prison were shaken, foundation yakaShaker big time. ndinoda kumbobata nyaya yeFoundation. Kana imba ichivakwa, after plan ichinge yapedzwa, maBuilder vanotanga nekuchera foundation. Foundation ndiyo inozo Provider support yeChivakwa kuti chive chakasimba. Mukada kuvaka imba isina foundation, munenge mafanana nevana varikuita mahumbwe because kana zvaipa structure yenyu inodonha.

jeri iri raiva neFoundation, raiva riine support yakasimba but iyo foundation iyoyo Mwari vakaishaker kubudikidza neEarthquake, whatever chakakusunga, GOD can shake it, kutanga nekuArea yeFoundation, kune midzi dzacho ikoko GOD can shake it, thats why uchiona kuti Jesu paakaomesa muti wemuwonde, hazvina kuperera kumashizha chete but zvakasvika kumidzi, kuRoot chaiko, kuFoundation. Mwari Vane simba rekuparadza foundation yeJeri rakakusunga

Foundation ichipedza kuShaker, maDoors akabva avhurika. Sekuziva kwedu maDoors anokinurwa nemaKeys, ndiyo tsika yeVanhu but apa Mwari akaita maDoors ekuvhura neEarthquake. Ukaona Mwari vachivhura maDoors akakiwa ingori sign yekuti vanhu vanogona havo kuLocker maDoors kuti zvako zvirambe kufamba but GOD can open maDoor iwawo zvisina kana maKey mukati. Door richivhurika muJeri ndirini Paul ndipo pandinotanga kuimba “avhulekile masango” avhurika masuwo, ndirini Silas ndichiona madziro achidonha, ndipo panditanga kuimba “zawa indoga zeJericho” “awa masvingo eJericho, awa awira pasi…”

Mwari vanozarura maDoors emajeri awakavharirwa mukati, GOD has that power, hazvina mhosva kuti vacho vakakiya vakakiya neType yipi yemaLocks, whether mishonga yepasi pemvura, whether iSandawana, chikwambo  it doesn’t matter, GOD can shake those doors open. Problem yese yaunoFacer pano panyika yawakaiswa newakaipa, Mwari vanaro simba rekuvhura maDoors acho ukaswera wabuda.

Simba raMwari harina kugumira pakuvhura maDoors chete but neChain zvekare dzakabva dzasununguka. What a Mighty GOD we serve?
Mwari havana kutsvaga maSpare keys kuti vasunungure chain, but vakashandisa earthquake yavo. GOD can use imwe nzira isina ikamboona, kuti vakubuditse mujeri rakakusunga. Chain dzakasununguka hadzisi dzaPaul naSilas chete Bible rati chain dzemunhu wese, Mwari havasunugure iwe chete but vanosungura neFamily yako, nevese vakakumberedza they will benefit because from your prayers, because of your worship.

Silas naPaul havana kutora advantage kuti maDoor avhurika regai titize they did not do so, vakamirira kubuda zviri official. muChristu haatore advantage kuti abude muProblem but anomirira kubuditswa naMwari zviri official. Usabude muFinancial problem nekutora advantage uchiba mari kubusa, but wait for the official channels, usabude muHealth problem nekuenda kuN’anga but wait or GOD’s time, usabude muMarriage problem nekuCheater, but wait for GOD’s solution.
anaSilas havana kutora advantage yekuvhurika kwemaDoor kuti vatize but vakamirira the official exit. Mukaita Jeri rekutiza, vanhu havazozive kuti was it just a coincidence earthquake yaitika kana kuti zvakonzerwa naMwari. But mukamirira official exit then munhu wese achaziva kuti uku kubata kwaMwari uku.

Mutemo wekuJeri anofanira kurara is the prisoner but guard jeri must remain awake. Guard jeri haafanire kukotsira paBasa, but pandaverenga apo ndaona guard akakotsira, uku anaPaul vakasvinura. One weakeness ine zvinhu zvakakusunga is that zvinopota zvichikotsira, maProblem anoita kunge avanani, there are times yekuti pain inomboita shoma, ipo ipapo you must capitalize on that. Guard jeri achinge akarara, ana Paul naSilas vainamata, maProblems ako even if akaita kunge arara, iwewe you must keep on praying and worshiping, zvekuti guard jeri paanozumuka anoona ko inga maDoors eJeri avhurika, maProblems ako paanomuka zvekare anofanira kuzoshamisika achiona kuti ko inga maDoors avhurwa naJesu kuti munhu abude.

Guard jeri achiona maDoors akavurika he thought kuti vasungwa vatiza and akati better ndizviuraye. Pauro ndiye akazodeidzira with a loud voice kuti aiwa usazvikuvadze, hatina kutiza we are all here. Paul aigona kungosiya guard jeri achizviuraya, aigona kungoti yaa ngachife, icho chiGaurd jeri chatiisa muno mujeri. But NO. Pauro akadzivisa Officer kuti varege kuzviuraya. Rega kushuwira vamwe vanhu zvakaipa, it doesn’t matter kuti ndiye ndiye zvechokwadi  akakonzera maProblems ako but semuChristu, tinoOperator neRudo. Romans 12:20 inoti kana muvengi wako aine nzara, feed him, kana aine nyota, give him drink.
Hatipo pakupa vanotivenga poison kana chefu. But tiripo kuvapa zvokudya kana vaine nzara, zvekumwa kana vaine nyota.

Guard achiona kuti vanhu havana kutiza akabva adeidzira kuti batadzai light. Jesu ndiye light (John 9:5) so ukaona Guard jeri achidaninidzira light of course arikureva rambi but its also a revelation yekuti varume ndipiewo Jesu wamuinaye anoita kuti murege kutiza jeri even though maDoor akavhurika. Inosvika nguva yekuti munhu aisikutambudza anosvika panguva yekuti anouya kwauri mushure mekunge aona love yaunayo achiti purizi tiudze nezvaJesu anoita kuti uiite mabasa akanaka so.

Nyika inofanira kudeidzira kuti maChristu tipeiwo chiedza tione, tipeyiwo shoko, tipeiwo Jesu wamakagamuchira, tipeiwo Mwari wamunonamata, but this can only happen kana uchirarama pachiChristu chaipo.

Guard jeri anobvunza kuti ndoita sei kuti ndiponeswe, what can I do to be saved?
vanhu vaunoona ava vanotodawo kutendeuka, team yese yaunoti they are your enemies, vanotodawo kuponeswa, but vanoshaya anovaparidzira, vanoshaya anovaudza kunaka kwaJesu, vazhinji vakapera kuudza gehena but havana kuudzwa Jesu, havana kuudzwa nezvekunaka kwaMwari but vakaparidzirwa satan chete.

Jesu anoti Let your light so shine before men, that they may see your good works, and glorify your Father which is in heaven (Matthew 5:16) chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga.

Itawo mabasa akanaka ekuti even muvengi achikuona anosarudza kutendeuka.

NdichiConcluder ndinoti kwauri, GOD can break you out of that prison yauri, Mwari vanaro simba rekukubuditsa muJeri rauri, whether imari iri kunetsa, maybe imbereko, its marriage, ibasa ranetsa, hurwere, chikoro, you are backsliding, but zvakuda kuti utende kuti zvokwadi zvinoitika zvakuda kuti unamate nekurumbudza Mwari.


John 8:36 If the Son therefore shall make you free, ye shall be free indeed.
(Saka kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka kwazvo)

Ko zvikafa (muchaita sei?) Scripture reading ACTS 9:36-42

kuNzvimbo yeJoppa kwaive neDisciple yainzi Tabitha, zita rake raireva zvimwe chete nekuti Dorcas. Mukadzi uyu aizivikanwa nekuita zvakanaka uye achibatsira varombo. In those days akatanga kurwara ndokubva afa. Pachirungu kune statement rekuti “as certain as death” zvichireva izvo kuti munhu wagara uchafa chete, its certain, there is no doubt about it, Resurrection ingazoitike zvayo but munhu agara anofa. Tabitha/Dorcas achinge afa, vanhu vakageza body yake kwakumuisa muimba yapamusoro an upper room. Nzvimbo iyi yeJoppa kwaigara Tabitha was close to Lydda about 9 miles apart which is approximately 14,5 kilometres. So at that time Apostle Peter anga ari kuLyyda so pakatumwa varume 2 kwaari kuti Huya faster faster kuno usanonoke.
Peter akaita saizvozvo akauya kuJoppa achibva angonanga Straight muRoom yaiva naDorcas. Chirikadzi dzakakomberedza Peter, dzichichema dzichimuratidza majasi nedzimwe hembe dzakanga dzakasonwa naDorcas when she was still alive. Peter achibva avabuditsa panze, akasara achipfugama achinamata and Dorcas akabva amuka kubva kuvakafa.

Do you know kuti kune mumwe munhu wekuti mota yake ikafira paRoad, vanhu vanoramba kumupa push zvayo vanhu vekuziva and not strangers because ane hunhu hunosvota. Push chaiyo ye4 meters, munhu anotarisa kuSide kana kupa excuse yekuti ndiri kumhanya all because havadi kubatsira munhu uyu because of his/her behaviour.

ko zvikafa? Muchaita sei,  ndivo mubvunzo. vanhu vachakubatsirai here? Kana kuti vanotarisa kuSide.

Right; vanhu vaigara naDorcas vaigona havo kusarudza kusadaidza Peter after Dorcas afa but havana kudaro, vaigona kuronga burial, but havana kudaro, they choose kunodeidza Peter because they believed kuti GOD can use Peter to bring back Dorcas from the dead. Chatuma vanhu ava kusarudza kudeidza Peter than kuronga burial iNyaya yekuti Dorcas was full of good works sekutaura kwaita Bible aiva nemabasa akanaka and achichengeta varombo. So rufu rwaDorcas iLoss hombe kwazvo nekuti varombo avo vachasara vachichengetwa nani, izvo zvinhu zvaiasona achisara achisona ndiani iye Dorcas afa? So vanhu vakarwadziwa kuti this a great loss, munhu tikamuviga uyu tinosara tichishupika nekuti Tailor wedu aitisonera hembe dzakanaka haasisipo, varombo vemumaraini vanosara vachikuvara neNzara nekuti Dorcas haasisipo, so we need a miracle, regai kuronga zveBurial but mhanyai kuLyyda munodeidza Peter. It doesn’t matter kuti rwendo rwacho i14 kilometers but varume vavaviri ngavaende ikoko zvichida tikatuma vari vana vadiki  they can take a longer time kana kurasika but tumai varume. And varume ava vanotumwa neShoko rekuti muudze Peter kuti do not delay, musanonoke. This shows kuti kumutswa kwaDorcas was so important to people that’s why the sense of urgency.

Let me come to your life iwe muverengi weino mharidzo:


chii chaurikuita muLife mako zvekuti kufa kwako vanhu vanorwadziwa zvekuti vanomhanya mhanya kuti vatsvage miracle yekuti umuke zvekare, or urikurarama life yekuti ukafa vanhu vanochema havo but nechemumoyo vanenge vachiti better anenda nekuti he was useless.

iwe mudzimai: right now kuri kunzi marriage yako yafa, kuri kunzi murume wako ataura kuti haachade nezvako. Do you have mabasa akanaka ekuti even hama dzeMurume dzinomira mira dzichiti hakuna iyoyo isusu muroora wedu tinomuda and hapana kwaari kuenda. Im not talking about support yekuFamily yako but ndirikutaura support yekuFamily yemurume kuti vane chakanaka here chavanozoyemurawo kuti aiwa uyu muroora haande kana kuti vanototora side reMurume kuti shuwa ngaayende mukadzi wako, she is useless, anonyima, ane hutsinye, ane makuhwa, ane huchapa. Ita maBasa akanaka to everyone ekuti kana murume wako akaedza kuda kukuramba, hama dzake dzinotopinda paPrayer chaipo dzekuti GOD please mutsai marriage iyi yavada kuda kuparara.

tine vanhu varikugara kumba kwehama or even kudzimba dzevatorwa: whether uri kugara pamba paTsano, or kwaSekuru, mukoma, hanzvadzi, shamwari itawo mabasa nehunhu hwakanaka hwekuti mangwana kana zvikanzi ibva pano, vanhu vepamba ipapo vanofanirwa kurwadziwa kuti hama yedu haingaende, kwete kuti they feel sorry for you but kuti vanoziva kuti kuenda kwako it’s a loss to that family. Rega kuva munhu wekuti ukanzi wava kubva pamba paugere, vanhu veipapo vanofara kuti better regai zviende nekuti aitishayisa mufaro. Kune tsumo inoti mukwasha muonde haupere kudyiwa, but iyi yamuri kuita pamba pemukwasha munenge mapfurikidza zvinoreva tsumo. You are becoming a liability kune mukwasha, even hanzadzi yenyu chaiyo haana mufaro. Uri kuchengetwa but wato problem. Mota yemukwasha wakauraya, mari dzeFees uri kuwedzera dzako pamusoro, ukatumwa kumaShops change haudzose, maid weBasa uri kudanana naye, uchizora margarine pambambaira, uchiDiluter mazoe neFanta, shuwa kana zvinhu zvaoma, sisi vako chaivo vanatofara kuti uende nekuti havana kana benefit yavari kuwana from you.
Dorcas aibatsira society yake izvozvo zvakakonzera kuti varume 2 vatumwe kunodeidza Peter than kutumwa kunotenga coffin.

imi mune maBusiness: kana business rako rava kuCollapser or rava kufa. Unogona here kuzopinda muPrayer uchiti Jehovah tarisaiwo mabasa akanaka andiita neBusiness ramakandipa. Pandaiwana profit ingawani chegumi ndaibhadhara, chirikadzi nenherera ndaibatsira wani nekuda kweBusiness iri, maChurch projects ndaiendesawo mari because of that business.
vamwe vanhu vanozogonawo here kukubatsira pamunamato even if usina kuvakumbira because vaiona mabasa akanaka akaitwa neBusiness rako. Denga richatira kuchema kweShirikadzi nevarombo vainge vasiwa naDorcas, Mwari vakaona zvakakodzera kuti Dorcas amuke so that she can continue with her good works.
koi we business rako rikafa, Mwari vane reason here yekuti varimutse business iroro.


Shirikadzi dzaigona kuronga burial, vaigona kuenda kunotsvaga maCabbage epaNhamo, but vakati kwete, tsvagai Peter amutse Dorcas. Ko iwe zvinhu zviri muLife mako whether iBusiness, iMarriage, its your education, job etc zvikafa, vanhu vakakupoteredza vanogona here kumhanya mhanya vachida kuti Mwari azvimutse


-vanoenda kuChikoro- zvipo hazvifanane, hatizi tese takapihwa chipo chekugona muchikoro, but manje kana uchiti kuchikoro uri dofo and hauna hunhu, you are disrespectful, une musikanzwa then that becomes a problem. Kuri kunzi ukafoira, vabereki or munhu anokubhadharira school fees vanonzwa sei? Vanogona here kuti rega tibatsire mwana uyu  nekumubhadharira fees adzokoredze or rega ndimutsvagire imwe course yekuita. Or munhu iyeye anoti haiwa rega ndisiye zvife zvakadaro. Remember vanhu vaigona kuviga Dorcas but vakafunga mabasa ake akanaka, and vakaona kuti aiwa rega tideidze Peter. Ko iwe, mubereki wako or muchengeti wako anogona here kufungawo zvakanaka zvawakaita so that they can continue to support you kana kuti vanototi ngaasiye chikoro kana kuti better zvake aende kumusha.

Haungafare here ukaita zvakanaka? Mwari vakabvunza Cain
if you do what is right, you will be fine? (Genesis 4:7)

Itawo zvinhu zvakanaka muLife mako, raramawo life inofadza Mwari nekuti one day you uchada rubatsiro kubva kuVanhu or kuna Mwari and kana waibatawo mabasa akaipa, then chawakadyara ndicho chauchakohwa.


ipo paBasa paunoshanda- kuri kunzi basa rapera right now. Vamwe vako vaunoshanda nawo vanogona here kubata munamato vachiti Mwari please ita kuti mumwe wedu uyu adzoserwe paBasa because hatidi kumushaya pano. Vamwe vako vanogona here kuenda kunaManager vasina kutumwa newe vachikumbira kuti please reconsider munhu wamadzinga basa uyu, dai mamudzosa or uri type yemunhu yekuti maWorkmates ako vanotofara kuti regai aende because pano apa aitobhohwa. nungo too much, kuswera ari paFacebook nguva yebasa, zvikwereti haadzose, ane pamuromo, makuhwa, everything chakaipa.
hongu uri kutambira peanuts pabasa paunoshanda but gonawo kushanda zvakanaka nevamwe, ko inga peanuts dzako ukadzikanga woisa salt unotomwa mvura wani.

Vanhu vaigona kuronga funeral yaDorcas but vakasarudza kuronga kuti amutswe zvekare. Your boss, your workmates, kana zvinhu zvakuomera vanogona kuronga kuti udzingwe basa, but ukaitawo zvakanaka they will stand with you vachiti ramba uripo pabasa. Of course ungatadze hako kudzokera paSame company but vanogona kukutsvagira kune imwe company, if and only if uchiitawo mabasa akanaka.

paHukama- kuri kunzi pane chakaipa chakuwira nhasi, hama dzako dzinogona here kumhanya kuti vakubatsire kana kuti vanoti siyai zvakadaro anoNyaya kuvhaira. Hama dzako vanogona here kukunamatira even if usina kuvakumbira kuti ndinamatireiwo or vanoti tsvatu sviyai zvakadaro.

remember Dorcas kana achinge afa, haagone kutuma vanhu kuti endai munodeidza Peter andimutse but she has to depend on other people. Ichasvika nguva yekuti you will have to depend on other people’s help, ichasvika nguva yekuti wega on your own haugone kuzvibatsira but unenge uchida rubatsiro rwevamwe and zvakuDepender kuti munowirirana sei nevamwe.

Dorcas aizivikanwa nekubatsira varombo, aizivikanwa nemabasa akanaka, izvozvo zvega zvakapa vanhu simba rekutumira shoko kuti Peter ngaauye nekukurumidza. Can the same be done in your life, vanhu vanogona here kuti kana marriage yako ichinge yafa, vanomira mira kuti aiwa hazviite Mwari pindirai or vanoti siyai zvipedzerane mumba imomo
education yako ikafa, vanhu vanogona here kuMhanya mhanya kuti rega timutsvagire mari anyore futi kana kuti vanoti regai zvakadaro, better aende kumusha.
maFinances ako kana akafa, vanhu vanogona here kumhanya mhanya vachikukweretesa mari or even kungokupawo mari isina pay back or vanokusiya wakadaro because une mbiri yesubhadara zvikwereti or kunonoka kudzosa.
mota yako ikanzi yafa, vanhu vanogona here kukupa push yemahara or any help kana kuti vanokusiya vachiti unosivhaira.

itawo zvinhu zvakanaka muLife mako, whether unoitira shamwari or muvengi, itawo zvakanaka kungave kune munhu waunoziva or wausingazive, mutorwa or hama nekuti ndizvo zvinodiwa naMwari.

rega ndipedze nema Scriptures

 Psalms 34:14 Depart from evil, and do good; seek peace, and pursue it.
(Ibva  pane zvakaipa uite zvakanaka; tsvaga runyararo urutevere)

Hebrews 12:14 Follow peace with all men, and holiness, without which no man shall see the Lord:
(
tsvagai runyararo nevanhu vese nehutsvene; pasina izvozvo hapana munhu achaona Ishe)

James 4:17  Anyone, then, who knows the good he ought to do and doesn’t do it, sins.
(Ani naani, zvino, anoziva zvakanaka zvaanofanira kuita uye akasazviita, ari kutadza.)

Dangerous Deals. Scripture reading 2 Kings 6:24-29

Benhadad king of Syria akakomberedza Samaria neArmy yake zvekuti hapana aigona kupinda muguta kana kubuda. And at the same time kwakabva kwaita nzara muSamaria imomo. So chikafu chinenge chiri mumba chikapera, ndizvozvo, hapana zvekuti unogona kubuda muguta uchienda kunotenga chimwe. Because guta rainge rakakombwa naBenhadad. Time yakaita nzara muZimbabwe vanhu vaipota vachienda kuSouth Africa, kuBotswana, neMozambique kuti vaHodhe chikafu chekudzoka vachitengesa muno. But paSamaria havana kugona kuita chiCross border nekuti guta iri rainge rakakombwa nemaSoja.


chikafu chichipera muguta vanhu vakapedzisira vakudya misoro yemaDhongi, nematoto eShiri, madororo, matosi. To make matters worse zvinhu izvi vaitoita zvekutenga, matoto eShiri aitotengeswa, neiyo misoro yemadhongi. There are times dzekuti life yako inogona kukombwa nemweya yakaipa, life inogona kukombwa nenhamo, kukombwa nasatan zvekuti unoshaya kwekutizira. Unopedzisira wakubatana nezvimwe zvinhu zvekuti vanhu vanovhunduka, ko zvazviiko zvaari kuti itira. Dzinogona kuita kunge nyambo or nyaya dzekunyepa kuti vanhu vaidya matoto eshiri, but zvakatoita wena and its actually recorded muBible.

mambo weIsrael paaifamba muguta make, akanzwa mukadzi achichema achideidzira, Help, my lord, O king, ndibatsireiwo ishe wangu mambo. Mambo ndokupindura, If the LORD do not help thee, whence shall I help thee? out of the barnfloor, or out of the winepress? Kana Jehovah asingakubatsiri, ini ndingakubatsira neiko? Mambo haasati anzwa kuti what kind of help is required but akamhanya kubuditsa pachena kuti help inobva kunaMwari, hakuna imwe nzira yatingawane rubatsiro except from GOD. Kana Mwari vasingakubatsiri, ungabatsirwe nevanhu sei?

Mambo akabvunza akati iNyaya yeiko yakushungurudzai nhai amai, zvikanzi takawirirana nemukadzi uyu  kuti nhasi tinodya mwana wangu, and tomorrow todyawo mwana wake, ndikati iri bho. So takaBoiliser mwana wangu tichibva tamudya as per agreement. But zuva raitireva ndakamuti bika mwana wako tidye sekuwirirana kwatakaita but ainge ahwandisa mwana wacho. Mambo achinzwa nyaya iyi akabvarura hembe dzake nehasha achibva ipapo. Nyaya iyi haina kuzotongwa yakangopera yakadaro.

pavakadzi 2 apa ndipo pane mharidzo yangu. Vakadzi ava vakaita dhiri ravo but harina kuzofamba sekuwirirana kwavainge vakaita, that’s why musoro weMharidzo ino ndauti “dangerous deals”. Chakatuma vakadzi ava kuita “deal” ravo inzara, nzara haina kumira mushe inogona kukutuma kuita mamwe madhiri asina kumira mushe. And kana ndichiti nzara handireve nzara yedumbu chete but ndinoreva nzara yezvinhu zvakawanda, and kana ndichiti maDhiri I don’t mean madhiri emari chete, but ndinoreva madhiri ezvinhu zvakawanda wanda, ndinotenda kuti Mwari vachanyotsindizarurira ini newe apo tinafamba nemharidzo ino.

Vakadzi ava vakanyatsowirirana zvakanaka kuti nhasi tinodya mwana uyu and mangwana todya mumwe wacho.fine. do you know kuti unogona kutosvika paAgreement neumwe munhu zvakanaka-naka but hazvireve kuti things will move sekuronga kwamakaita. Munogona kutowirana nemudiwa wako kuti babe ini newe relationship yedu tinofanira kudai nekudai, handiti, iwe musikana achitobvumirawo kuti ndizvozvo, but hazvireve kuti things will work out sekuronga kwenyu. Company yako inogona kutosaina agreement kana contract neimwe company kuti tinoda kuzodai nekudai, but hazvireve kuti zvinhu zvichafamba sekuronga kwenyu. unogona kutoita dhiri neNeighbour yako pamusoro pechimwe chinhu, neFriend yako, neWorkmate yako, or even a stranger but hazvireve kuti zvinhu zvinofamba according to plan.

After the deal had been concluded, after vawirirana kudya vana vavo, whether vakasigner maContracts hameno, whether vakaita zvekumakana nezvigunwe zvataisita tiri vadiki, dhiri harina kupotsa musi wekutanga, aiwa. The first day zvinhu zvefamba zvakanaka. Mwana akabikwa bho bho, tuma royco, tuSalt, nezviCurry imomo. Remember kuti vari kubika mwana (munhu), kwete mbudzi, huku, mombe kana imwe mhuka, but varikubika munhu. Ahhh zvakatanga rinhi zvekuti munodya vanhu?
pachishona vanoti chisi hachiyeri musi wacharimwa? Zvichireva kuti mazuva ekutanga zvinhu zvinotofamba zvakanaka but mberi kwazvo ndiko kune nyaya.
inenge mota ine tank rakaboka apa iwe driver hausi kuzviziva, pauri kufungidzira kuti 60 liters dzinokusvitsva kwauri kuda, uchashamisika uchiona dashboard ratsvuka, fuel gauge yanongedzera paEmpty apa iwe hausati wasvika.

Day one hapana kuita problem, mwana akabikwa vanhu vakadya.
Day one padhiri rakaipa shuwa zvinotoflowa zvakanaka.
mazuva ekutanga zvinotofamba mushe neMukomana wako, achiuya vabereki pavanenge vasipo uchimupinza mumba.
maFirst days zvinotofamba mushe, uchibuda pamba mhanheru zvisingazivikanwe nemubereki kuti wakananga kupi.
mazuva ekutanga things will move smoothly muchitora mari muCash box yeCompany, zvinhu zvichibuda neBack door, petrol muchiDrainer mumota dzeCompany.
maFirst days hapana problem, uchiCheater hako murume/mukadzi wako, you are untouchable mazuva ekutanga.
maFirst days unogona kutodhakwa nePocket money yawapihwa nemubereki but mubereki wacho asingazvizive kuti uri kumwa bronco.
But One day is one day, the monkey will miss the branch and catch the leaf. Ucharipotsa chete bazi raunoda kubata, ukapedzisira wabata shisha, unomudonha mumuti umu.


The next day manje ndipo pane nyaya, yainge yakwana nguva yebika, hameno kuti iBreakfast here, lunch or supper. Moto wabatidzwa, or ingave stove, kana kuti vaibika nemaSaw dust, mapanga ekuvhiya arodzwa kare,
amai nhingi….. amai nhingi wooo….. asikana…. Chiuhayi tipedzise dhiri redu.
apa chiri kunzi dhiri iMurder, kuuraya munhu nekumudya zvekare, cannibalism.

uyo mukadzi ainge aine mwana mupenyu, hameno pfungwa yakamubata, zvichida akadzamisa ndangariro akanyatso funga kuti izvi Mwari havafare nazvo, zvichida mweya weSelfishness ndiwo wakumabata, zvichida akabatwa nemweya wekutsotsa. Bible harina kutiburidzitsira kuti chii chakakonzera kuti achinje pfungwa. It shall come a time yekuti paDhiri renyu iri pane imwe pfungwa ichauya. Maybe haana kuchinja mind but kongoti ndizvo zvaagara akaronga kudhara zvekuti wangu mwana handiuraye but I wont say it out because dhiri racho harizofambe pekutanga.

usatambe nemunhu iwe, ipo paunenge uchiti murikuita agreement yenyu, iye munhu anenge achitokurongera horror, hanzi zino irema. Anenge akakupfekera imwe smile achizvinya semunhu ari kutengesa mazino but mumoyo achiridza tsamwa achitaura nechemumoyo achiti mira uone ndinoda kukutamba welcome to Harare, welcome to Joza, welcome to New-york. But iwe nekuda kwekuti haugona kuona zviri mumoyo memunhu, unopinda muDhiri nekusaziva.

unotanga uchanyengerera, huyai kani nemwana tibike, moto ndabatidza kare, ndipo paunonzwa munhu achiti ahhhhh, mwana nda nda nda, ahh ndakamuendesa kwaSekuru vake.

mati kudii mati mwana akaenda kupi? kwaSekuru vake, ko inga wani tine dhiri redu

inosvika time yekuti mumwe wako anotanga kutaura zvekupenga, iwe uchimuudza kuti I have skipped my periods, I think ndine nhumbu, ndipo paunonzwa maNda nda nda, haaa haizi yangu, ita abortion, siya neni.
paunoudza munhu kuti dhiri rakaputika and police iri kuInvestigater, ndipo paunonzwa munhu achiti haa hameno hako, ini ndikasungwa ndinoti ndiwe waiba wega ini handimo munyaya yacho
paunoti murume wangu andidzinga kumba because he has discovered kuti I was cheating, so handina kwekuenda, ndipo paunonzwa shasha ichiti, ahh tsvaga kwekuenda because kuDen hazviite,
MaAuditors paano tanga kuInvestigater kuti mari dzakafamba sei, ndipo paunoona mumwe wako achitiza muNyika and apa evidence yes eis at pointing at you.

mukadzi wekuvharwa mwana ndipo paakatanga kuridza mhere achichema. The moment yaunoziva kuti wakavharwa, ndipo panotangira misodzi. All along maidya muchiisa tuSalt,. Tu Curry netuChilli and zvino nekuti waDiscover kuti you have been conned ndipo pawatanga kuridza mhere. Ari pakati pekuchema ipapo ndipo pakazosvika mambo.



mudikani, ukaramba uri mudhiri rauri iri shuwa uchachema, the biggest mistake yaungaite paDhiri rako ndeukuita dhiri rinopesana neshoko raMwari. The moment yaunoita agreement inopesana neshoko raMwari, that agreement beomes a dangerous deal and pane achachema chete paDhiri renyu.

look at this Mambo haana kutonga nyaya iyi, NO, achipedza kunzwa nyaya iyi akabva abvarura hembe yake and he went away. Kune dzimwe nyaya dzekuti hapana anoitonga, hapana anoiSolver. Remember statement rakataurwa naMambo before he even heard the case, hanzi Kana Jehovah asingakubatsiri, ini ndingakubatsira neiko?. Kana Mwari vasina kukubatsira then hapana angazvigone, kana Sodom ichibvira even fire brigade haigone kudzima moto iwowo nekuti motao uri kunaya kubva kudenga so even mota iyoyo yeFire brigade inonayiwa nemoto ikatsva. If GOD will not help you, how can people help. dzimwe nyaya hadzitongeke, muenzaniso, ukamitiswa nemurume wemunhu, kuti ubvise nhumbu, hazviite GOD is against it, kuti uende paBarika nemurume iyeye, that’s polygamy, vaChristu hatidaro, kuti tinamatire divorce yekuti murume asiye mukadzi wake aroore iwe, hazviite nekuti GOD hates divorce. (Malachi 2:16). Inofa yakaLoader nyaya yacho. haitongeke

Dangerous deals, mwana wako adyiwa, bhururu wako atiza newake mwana, mambo vaenda vasina kutonga nyaya. Zvakafana nekuti unotengesa mbanje and mumwe munhu obva akwereta achiti achabhadara mangwana, 2 weeks usingaone munhu, paunozomuona womubvunza kuti ko blaz ndipeiwo mari yangu, wonzwa munhu achiti get away handina mari yako. Kuti umurove haukwanise, iMonya chairo, wobva wati rega ndimhanye kuPolice ndimusungise, uri munzira you start asking yourself kuti ahhh ndino winner here apa, ahhh handihwine ndinosungwa ndiri ini because kutengesa mbanje imhosva pamutemo. Unorova U turn paGhedhi rePolice. Chenjera kurova U turn muPrayer after wazviona kuti ndiwe wakatanga kuita zvisirizvo.

Makatanga rinhi kubika vana muchidya nhai amai? Zvinodiwa here naMwari izvi.
makatanga rinhi kutora mari yeCompany? Zvinodiwa here naMwari.
makatanga rinhi kurara nevakomana imi musati maroorana, zvinodiwa here naMwari izvi.
Dangerous deals, chenjera kunoshaya kwekumhangara mangwana.

musaite sungano yekuita zvinhu zvinopesana naMwari, musaite an agreement inorwisina neBible.
satan ndiye watinoziva ane tsika yekuda kuita zvinhu zvekupandukira Mwari and ever since paakazvitanga, he is always loosing. The devil is a certified loser. Don’t join him. Huya kuSide kwaMwari.

right now yasvika nguva yekuti ubude muAgreement yese inopesana naMwari.
tell your boyfriend kuti aiwa paya patakawirirana kuti tichange tichibatana batana nekuKissana ndakanganisa, sorry hako, now I know kuti tirikutadzira Mwari, so handichade.
it doesn’t matter kana akakuramba, zvirinani kurambwa nemunhu than kurambwa naMwari.

muudze workmate yako kuti patakatora pakakwana, zvekukweva diesel handichada, zvekutora mari muTill handichade, zvekuOverstater maExpenses paT&S form handichade, zvekubuditsa zvinhu neBackdoor handichade.
Handichade kutadzira Mwari.

tell your boyfriend/girlfriend kuti aiwa muri murume wemunhu baba imi, muri mukadzi wemunhu amai imi, zvekuita hupombwe handichade.

Every dangerous deal must stop. Sokwanele, zvakakwana.