paScripture yedu Acts 19:13-17 paiva nemaJudha vakaona zvaiitwa naPauro zvekudzinga maDemon, vakati rega titedzerewo. Vachibva vaona munhu anga aine demon vachibva vati, “Muzita raJesu, anoparidzwa naPauro, ndinokurayira kuti ubude.”
pamaJudha apa painge paine 7 vanakomana vaSceva, Sceva aiva chief of the priests wemaJudha.
Demon instead rekuti ribude, munhu anga aine demon akabvunza akati “Jesu ndinomuziva, uye ndinoziva nezvaPauro, asi imi ndimi vanaaniko?” WHO ARE YOU (ndipo pane musoro weMharidzo, who are you) Ipapo munhu akanga ane demon akasvetukira pavari akavakurira vose. Akavarova zvokuti vakamhanya vachibuda mumba vasina kupfeka uye vachibuda ropa .
WHO ARE YOU? NDIWE ANI? Mubvunzo wakabvunzwa vana veSceva ndiwo wandinoda kukubvunza nhasi iwe muverengi.
maJews aya vaisangova maJews chete but ukaverenga Bible rechirungu (KJV) unoona pachinzi VAGABOND Jews, vagabond zvichireva a vagrant munhu asina pake chaipo paanogara. Rega kuva a vagabond Christian, isina payo chaipo, nhasi uri kuN’anga, mangwana uri kuChurch, nhasi uri kuNight Club, mangwana uri kuAll-night prayer, Saturday uri kuSmall house, Sunday uri kuChurch. Vagrant, haana pake chaipo, anoda kukwana kwana kwese kwese.
Who are you? I hope you are not a vagrant, I hope hausi munhu asina kwake chaiko
Rangarira kuti maJudha ndiwo the same people vakati Jesu ngaafe, Jesu ngaaroverwe pamuchinjikwa but they are the same people vanoda kushandisa zita raJesu kudzinga maDemon. Indava futi?
makaurayisa Jesu but munoda kushandisa futi zita raJesu.
even nowdays tine vanhu vanouraya vhangeri raJesu, vanouraya kufamba kweChurch yaJesu but vanoda kushandisa zita raJesu racho to get what they want.
example: munhu anogona kushora zvemaMiracles kana Healing achiti hazvisi zvaJesu ndezvasatani, but later on munhu iyeye anozopinda muPrayer achiti Mwari ndiporeserei sekuru vangu vari kurwara, ndiitireiwo munana.
honaka hama--- lets say miracle yawanga uchishora yaitwa kune imwe Church yaitwa neSimba raJesu handiti but iwewe wafamba uchiudza vanhu kuti ndeya satan. But wakuenda kunaJesu wacho zvekare muPrayer uchiti itai minana.
Zvinofamba sei manje. Wauraya vhangeri raJesu kuseri uko and at the same time wakuda futi to partake in the name of Jesus.
uku maJudha makarovera Jesu but muri kuda futi kushandisa zita raJesu kudzinga maDemon. First things first, munhu anofanirwa kukumbira rerugerero kunaMwari nekuda kwezvinhu zvaakakanganisa. Hongu makurayisa Jesu nekusaziva, but repent, kumbirai ruregereo musati mada kushandisa zita raJesu.
zvichida iwe muverengi une pawakashora simba raJesu nekusaziva, chinhu chakanaka ndechekutanga wakumbira ruregero kuna Mwari kuti ndiitireiwo nyasha Jehovah ndakashora kubata kwenyu nekusaziva.
but aya maJudha vaida kudzinga demon but vasina kutendeuka, mhedzisiro yacho demon harina kuenda and vakarohwa.
chenjera kuzvirovesa nemweya yakaipa nekuda kwekusatedzera protocol dzaJesu sezvakaitwa nevana vaSceva.
kutedzera zvakanaka zvinoitwa nevamwe hazvina kuipa but zvinoda kuti uiite chaizvo chaizvo nekuti ukabata nepasipo unovhiringa. Even kuWrestling wani vanonyora kuti do not try this at home. Ukada kungotedzera iwe usina skill yacho, unotyoka musana.
even mukunamata kutedzera kwakanaka stereki but pane mamwe maAreas anoda kuti uve neRight knowledge or kuva ne Faith inoenderana neSituation iyoyo.
unogona kuda kutedzera mumwe man of GOD wawakanzwa kuti anoConfronter masatanists achiva dzinga mweya yakaipa, but iwe ukada kuzvitedzera usina the appropriate power yeku dealer nevashandiri vasatani, chenjera kuzopinda busy uri iwe. Instead yekuti demon riende ndipo parino kubvunza kuti who are you, umbori ani iwewe.
maJudha akafarira zvaiitwa naPauro vakafunga kutedzera but they did not follow the proper channel. Zvakafanana nekuti unofarira kupfeka camouflage uniform yemaSoja,. But chinodiwa ndechekuti utange watedzera the correct channel kuti upfeke uniform iyoyo.
because chinoitika ndechekuti unogona hako kupfeka uniform yemasoja but iwe usiri musoja and zvigoita kunge zvinodadisa, uchifamba mumaraini vanhu vachiti Gunners mamuka here? Gunners maswera here? Gunners makadii. But one day ukaita mistake yekusangana neMilitary Police, Red beret, ndipo pauchaona kuipa kwazvo.
Vakomana vaye vanogona kuIdentifier musoja wefake vachingokuona so. The way you walk, haircut yako, behaviour yako inotovaudza kuti “batai munhu” batai bogus soldier.
unovaona vachibvunza kuti who are you? ndiwe ani, tione I.D. yako.
unenge wafana nevana vaSceva.
so ndiri kuti kwauri muzvinhu zvaMwari, dzidza kuFollower the proper channels kuti urege kusangana nemaProblems.
handiti demon rinodzingwa richinzi “in the name of Jesus out” “nezita raJesu buda” but inzwa unzwe zvakaitwa nevarume ava “Muzita raJesu, anoparidzwa naPauro, ndinokurayira kuti ubude.”
matauriro avo anokonzera suspicion, hanzi muzita raJesu anoparidzwa naPauro kwete kuti muzita raJesu anoparidzwa nesu, aiwa hanzi anoparidzwa naPauro.
matauriro avo anofumura ega kuti havazive zvavari, havana kumira pachokwadi.
matauriro ako semuChristu ngaave asina question mark mukati, shuwa ungaite mutauriro wekuti vanhu vari kunyika vakakunzwa vanoto shama nazvo. Kuita muChristu anotaura zvinyadzi, kuimba zvinyadzi, paFacebook kuCommenter zvinyadzi zvega zvega, vanhu unongotuka. Matauriro ako anokubatisa kuti you are not a Christian, unozvibatisa wega nemweya yetsvina kuti you don’t know whom you are and ndiwe unobva waita target yasatan because hauzive zvauri.
pamaJudha aiita izvi paiva neVana 7 vaSceva. Iye Sceva wacho ainge asipo but Bible rataura kuti He was a Chief Priest of the Jews. Kwete ordinary priest chete but chief priest mukuru wemaPirisita. Vana vaChief Priest ndiwo vakarohwa nemunhu aiva neDemon. Ndipo pandaona kuti mweya yetsvina haitye kuti uri mwana wani paNyama, but inotya kuti uri mwana wani paMweya. maDemon haatye zvekuti uri mwana waChief Priest but anotya kana uri mwana waMwari. So ndangoti ndibatsire mumwe munhu anofunga kuti since ari mwana wamufundisi then satan haagone kukushungurudza. Very sorry to tell you this, chakazvarwa naNyama iNyama, chakazvarwa neMweya Mweya. (John 3:6). Mubereki wako akazvara nyama (iwewe) haana kuzvara mweya, so you need to be born again kuti ugone kuva mwana waMwari.
who are you? uri mwana waChief priest here kana kuti uri mwana waMwari?
demon richiedza kudzingwa, harina kuenda, but rakabvunza, Pauro ndinomuziva, Jesu ndinomuziva, but koi imi muri ananai. Who are you?
pane pekuti unogona kunamatira problem kuti iiende but haiende. Inoda kuziva kuti umbori aniko iwewe unoda kundidzinga ini problem
demon rakabvunza, who are you? umbori ani iwewe. Ukaona wakubvunza chitupa nasatani ziva kuti wapinda ma1. Muenzaniso munhu anogona kufamba achizvita muDikaz, muCID, ari muHembe dzake dzekumba. Obva asunga munhu ane mhosva, vari pakati pekutaurirana musungwa obva ati ndiri kukumbirawo kuona ID yenyu vakuru. Apa bogus police iri harina ID, panoita nyaya apa, nyakupara mhosva akangozviziva kuti uri mupurisa weFake, wakuvara. Unorohwa nevanhu. Chikonzero waedza kuzviita mupurisa iwe usiri.
ndiyo yevana vaSceva, vakada kuzvipa office yavasina.
Pauro ndinomuziva, Jesu ndinomuziva, but koi we ndiwe ani? Who are you.
mademon anoziva kuti kana zviri zvaPauro hatirambe kudzingwa, kana zviri zvezita raJesu hatirambe but iwewe wakuda kutijairira manje.
ukatadza kumira paChokwadi, uchiona satan achikuvhiringa
Identity
yako semuChristu ngaive yechokwadi.
vana vaSceva havana kupihwa mukana wekupindura, verse 15 mubvunzo, the next verse yato fight. Handiti bhaibheri rinoti hatirwe nenyama neropa asi nemweya yakaipa iri muchadenga. But ana Sceva vakapindana neyavo vega, vakarohwa nekuda kwedemon ravakatadza kudzinga. Ukasamira paIdentity yako yehuChristu chenjera kupindana neFight yako wega isina kana akamboona.
vanhu 7 against munhu 1. Munotanga muchakutsanira, mumwe achiedza kubata gumbo mumwe achiedza kurova musoro, mumwe nekuruma nekumura. But Bible rinoti he overcame them, and prevailed against them akavakurira simba. Vanhu 7 kurohwa nemunhu 1, inoita kunge movie, yekuti main actor anorova vanhu hobho iye ari one. Munhu ane demon ndiye aiva atoita main actor, satan became the main actor. Chenjera kuzopinda nemaProblems anenge emufirimu ekuti uchiudza vanhu vanofunga kuti uri kunyepa. Zvichikonzerwa nekuti hauna kumira paIdentity yako chaiyo yemuChristu. Nechikonzero chekupesana neshoko raMwari.
Fight ichitsviriridza. Vana vaSceva vanoona zviri nani kutiza. Hit the road and make dust. Pane pekuti kana chachaya chaizvo munhu anotiza. But munotizeiko, madii kuendera mberi neDeliverance yamanga muchizama kuita.
rega ndiudze mumwe munhu kuti hazvina mhosva kuti wakambovhiringa zvinhu but rega kutiza, rega kusiya kunamata, stand your ground umudze satan kuti tinosvitsvana kumaPena. Handisi kuti vana vaSceva vanofanira kupinda fight but ndiri kuti they must continue kudaidza zita raJesu kusvika demon raenda.
don’t run away, fight a good fight of faith.
vana vaSceva vakatiza mumba vasina kupfeka uye vakakuvara. (naked and wounded). Ndinoda kumbo bata nyaya yekutiza vanhu vasina kupfeka iyi. Ukaverenga pana Mark 14:51-52 pane mukomana aitera Jesu akamonerera jira, (remember munhu ari kutera Jesu uyu) but paaida kubatwa nemasoja, akatiza achisiya jira rake akatiza akashama. mukomana uyu akaona zvirinani kutiza asina kupfeka than kunzi anzi anotera Jesu.
rega kuva mutendi anotera Jesu but kana zvaoma anosarudza kutiza asina kupfeka.
munhu anosarudza kuonekwa achifamba akaHanger babe rake muTown but anonyara kumira panoparidzwa nezvaJesu muSame town imomo.
munhu anosarudza kunyora paFacebook pake about how she enjoyed party yaakaenda but anonyara kunyora aSummary yeMharidzo yaakafarira.
uri kumhanya usina kupfeka, uchitiza Jesu.
kurohwa kwevana vaSceva kwakazivikanwa nemaJews and Greeks vaigara ku Ephesus; vose vakabatwa nokutya, uye zita raIshe Jesu rakakudzwa nokukudzwa kukuru.
Trouble yakasangana naVana vaSceva yakakonzera kuti zita raJesu rikudzwe.
chenjera kushanda seExample yekuti even vanhu vasinganamate vakakuona or kunzwa nezvenyaya yako vanorohwa neHana vachikudza zita raMwari
bata chinhu ichi, even though riri demon rakarova vanhu ava, maGreeks havana kukudza zita rasatan or redemon but vakakudza zita rJesu. This is wonderful, demon ndiro raWinner fight but vanhu vari kuti zita raJesu ngarikudzwe. Remember Jesus was never part of this fight but zita rake ndiri rakakudzwa. No matter the circumstance, zita raJesu ngarikudzwe, Mwari ngaapihwe mbiri.
ndichingopedzisa, ndinoda kuti iwe muverengi umire paChokwadi semuChristu, in whatever you do, you say, you think, mira panaJesu pachokwadi, rega kuva a vagrant asina pake chaipo.
if the devil asks you kuti WHO ARE YOU? you will safely answer.
IM A CHILD OF THE MOST HIGH GOD> ndiri mwana waMwari wekumusoro soro akasika denga neNyika.

No comments:
Post a Comment