Sunday, 22 May 2016

“Gadzirisa Loose Connection”



Scripture readings: 2 Kings 6:1-7; John 8:1-11; Matthew 12:43-45

Pane murume aitema muti achishandisa demo and it so happened kuti demo rakadonha kubva pamupini waro ndokuwira mumvura. Murume ndokuchema kuna Prophet Elisha concerning nyaya yedemo iri, Elisha ndokukonzera kuti paiitike miracle and demo rika floater pamusoro pemvura and it was recovered. (read 2 Kings 6:1-7) Zvakaitika apa zveRecovery yedemo was a clear miracle but kurasika kwaro demo yaisava miracle but yaiva negligence (kushayiwa hanya) or mistake yemuridzi wedemo. Ukaona demo richisvotoka kubva pamupini waro  zvazvinoreva ndezvekuti ranga risina kubata zvakanaka demo iroro, there was a “loose connection”. Kana uchinge wadzoserwa demo, chirega kuzoita mistake or negligence dzekuti unoramba uchishandisa demo iroro usina kugadzirisa connection yedemo nemupini kuti zvirege kusava loose, ukarishandisa rakadaro you are guaranteed kuti richazvomoka futi kechipiri and zvakaitika izvozvo who knows what might happen, rinogona kuzorasika zvamuchose or rinogona kuzvomoka rikatema iwe or umwe munhu pakaita nyaya.

Musoro weshoko urikuti gadzirisa loose connection. Munhu akangwara kana akadonha haasimuke nekuenda but anosimuka otarisa kuti chamudonhedza chii kuitira kuti mangwana arege futi kuzodonha nechinhu chamudonhedza nhasi. Ukabirwa nhasi, you are supposed to take lessons kubva pane zvaitika kuitira kuti mangwana urege futi kuzobirwa using the same method. Learn from your mistakes and the mistakes of others. Loose connection yakonzera kuti uwire muProblem, you are supposed to mend it kuti urege futi kudzokera muSame problem. Proverbs (zvirevo) 26:11 yoti “Sembwa inodzokera kumarutsi ayo, Ndizvo zvakaita benzi rinopamhidza upenzi hwaro”.


Pane mukadzi akabatwa achiita hupombwe, vanhu ndokumutora kwavakuenda naye kuna Jesu, vasvika kuna Jesu vanomuudza kuti mukadzi uyu tamubata achiita hupombwe, zvino Moses wakatirayira pamurairo kuti vanhu vakadai vari supposed kutemwa nematombo vafe, ko imi munoti kudii, Jesu haana kuvapindura  but instead akakotama akatanga kunyora pasi nechigunwe, later on anosimuka oudza vanhu kuti kana paine asati ambotadza pakati penyu ngaatange iye kutema mukadzi uyu and he continues nekunyora pasi. Crowd iyi yaida kutema mukadzi uyu vakatanga kubva one-one, from the oldest to the youngest and Jesu ndokusara ega nomukadzi uyu, Jesu anobvunza mukadzi uyu kuti ko vanhu vanga vachikupomera mhosva varipiko? Hakuna wakutonga here? Iye mukadzi akapindura akati hakuna, Ishe. Jesu akati kwaari “…neniwo handikupi mhosva enda hako usatadza zve” , GO AND SIN NO MORE (John 8:1-11)

Iyi nyaya iyi ndiyo one of the most misquoted stories kana munhu achinge afunga kutyora mitemo yaMwari. people give this story as an example kuti zvekuchengeta mitemo yaMwari hazvina kana basa, inga wani mukadzi uye akabatwa achiita hupombwe akaregererwa naJesu, but ukada kutarisa mashoko okupedzisira aJesu to this woman anobuditsa a very important lesson inogona isingaonekwe nevazhinji. Hongu mukadzi uyu akaregererwa but afterwards Jesu anoti enda asi usazotadzazve, go and sin no more. Jesu haana kupa mukadzi uyu another permission yekuti apinde muchivi, but akabuda pachena akati enda asi usazotadzazve, go and sin no more. Ukada kutarisa one of the definitions ye chinhu chinonzi sin (chivi) tinoiwana pana 1 John 3:4 panonzi “…zvivi ndiko kudarika murairo” kureva kuti sin kutyora mutemo waMwari. By simple interpretation Jesu akapa instruction kune mukadzi uyu kuti enda asi usazotyore zvekare mutemo waMwari, haana kumupa go ahead yekutyora mutemo. Nguva yaMoses waiti ukatyora mirairo yakaita seyehupombwe waitemwa nematambo there and there, asi muzuva ranhasi hautemwe nematambo but musi weJudgement nyaya dzako dzinenge dzakakumirira. Not kuti hupombwe hachisisiri chivi


Kuregererwa kwaakaitwa mukadzi uyu yanga isiri green light yekuti go ahead uite hupombwe, not it was not so, aregererwa past yake but now apihwa mukana wekuti atendeuke and live right, now she is supposed kugadzirisa loose connection, aregedze zvekare kuzopinda muchivi. Mabasa Avapositori (Acts) 17:30 yoti “ Naizvozvo Mwari wakarega hake kurangarira nguva dzokusaziva; asi zvino unoraira vanhu vose kwose-kwose kuti vatendevuke”. When a person sins nekusaziva, Mwari vanoregerera but once wavakuziva kuti ichi chivi you are supposed kutendeuka. Ichokwadi akaregererwa mukadzi uyu, but kana ukaita mistake yekudzokera futi kuhupombwe uchiti nekuti Jesu akandiregerera ziva kuti wavakutambira kunonyudza. Vahebhuru (Hebrews) 10:26 yoti “Nokuti kana tichitadza nobwoni (sinning deliberately) , kana tambogamuchira zivo yezvokwadi, hakuchinechibayiro pamusoro pezvivi, (there no longer remains a sacrifice for sin).


Unofunga kuti next time kana akazobatwa achiita hupombwe, vanhu vanodzoka naye here futi kuna Jesu? Iye (Jesu) akambovhiringa programme yavo yekutema mukadzi uyu, haaaa next time havadzoke naye, but vanogara vamutema vari vega pasina Jesu. satan anotoita make sure kuti haudzoke futi kuna Jesu but anogara aDealer newe, that’s  why Jesu akati enda but usazotadzazve, go and sin no more. Saka panotoda kuti amai mugadzirise hunhu hwenyu musiye chivi kuti murege kuwira mumaoko asatan zvekare, the loose connection must be repaired.

Vazhinji takauya kuna Jesu tikaregererwa zvivi, tikabatsirwa pamaSituations akawanda, but mistake yataita ndeyekuti hatisi kuda kugadzirisa loose connection yakakonzera kuti tipinde muchivi in the first place. We take nyasha dzatakaitirwa as any excuse yekuti titadzire Mwari, ndokusaka Pauro achibvunza pana Varoma (Romans) 6:1 kuti “Zvino tichatiyiko? Torambira muzvivi kuti nyasha dziwande here?” pa Chapter 6 verse 15 he asks a similar question obva aisa mhinduro hanzi “Zvino tichatiyiko? Titadze, nokuti hatizi pasi pomurairo here, asi pasi penyasha? Haiswa!”

Hausati wamboona here munhu wekuti anonamatirwa nhasi achidzingwa demon, next week futi onamatirwa, next week futi onamatirwa, week in week out anenge achingodzingwa mademon, chiiko chirikuitika, hapasi pane loose connection here isiri kugadziriswa irikukonzera kuti demo rirambe richizvomoka. Jesu akadzidzisa pana Matthew 12:43-45  kuti mweya wetsvina kana uchinge wadzingwa mumunhu unopota panzvimbo dzisina mvura, uchitsvaka zororo uchirishaiwa. Zvino unoti ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda. Asi uchisvika unoiwana isine-chiro, yakatsvairwa yanatswa. Zvino unoenda ndokutora mimwe mweya minomwe inoupfuvura nokuipa ndokupinda, ndokugaramo. Kupedzisira komunhu uyu kwakaipa kupfuvura kutanga kwake.

Demon rikadzingwa hanzi rinodzoka, kwete kune akaridzinga but rinodzoka mune iye munhu warakabuda maari, it checks kuti muri sei mukati memunhu iyeye and it finds makatsvairwa, makagadzirwa zvakanaka and muri EMPTY. Ipapa apa ndipo pane nyaya, as long as mukati mako muri empty, the devil will repossess you, hanzi rinoenda ronodeidza mamwe mademon 7 ari more wicked than iro pachezvaro. And mweya yakaipa iyi yopinda mumunhu uye and becomes worse than he/she was before.

Problem ndeyekuti pane loose connection isina kugadziriswa, icho chakonzera kuti demon ripinde  in the first place ndicho chichaita futi kuti ridzoke for the second round and that needs to be solved. Hanzi rinowana muri empty, ndiyo problem iyoyo, don’t be empty but be filled with the Holy Spirit, kana wava neMweya waMwari, hakuna mweya wakaipa ungapinde mauri nekuti rima nechiiyedza hazvidyidzane. Loose connection ngaigadzirisiwe, chii chambokonzera kuti demo rizvomoke pamupini, chii chakonzera kuti demon ripinde, haizi music yakaipa here yauri kuterera, haazi maPicture nemavideo ePorno aunoona mufone mako here, haizi nyaya yenzvimbo dzaunoenda kunotandarira here, haizi nyaya yeFornication, hupombwe or any other sin yauri kuita here, loose connection ngaigadziriswe. Siya zvakaipa utsvage kururama kwaChristu Jesu.

Mwari vanobuditsa mumatambudziko, but after wabatsirwa hauna here dzimwe dzauri kutsikisa dzinoita kuti udzokere musame problem. Unogona kuuya woti munhu waMwari pray for me , relationship  yangu nemukomana or musikana wangu haizi kufamba mushe, surely we can pray kuti mudzokerane but as long you continue neFornication iyo yamunoti romance, muchaparadzana futi. Tinogona kunamata kuti murume adzoke kumba, but kana mukasagadzirisa chacho chamboita kuti murume asarare kumba in the 1st place, ziva kuti achadzokera futi kuSmall house kwaambenge ari. Tinogona kunamata kuti mwana adzoke kumba, but kana mukasagadzirisa loose connection yaita kuti mwana atize pamba, anodzokera futi kwaambenge ari.

Muri paSuspension kubasa kwenyu nekuda kwechitsotsi chamuri kuita, we can pray kuti muregererwe mhosva yenyu and mukaregererwa but kana mukaramba muchiita humbavha, next time you are going kujeri. Kuitirwa nyasha naMwari harizi license rekuti uchirarame madiro aGeorgina, kwete, it doesn’t work that way. You can pray for healing ukapora, but after wapora hapana here zvimwe zvauri kuita zvinokonzera futi kuti urware.

Jesu pane paakaporesa murume aiva aine 38 years ari paBethsaida, Shure kwaizvozvo Jesu akamuwana mutembere, akati kwaari: Tarira, waporeswa; usatadza zve, kuti urege kubatwa nechinhu chakaipa chinokunda chichi. (John 5:14 Sin no more, that nothing worse may happen to you) zvimwe zviri worse zvinouya kana ukaita tsika yekudzokera kuchivi. Never play like that. Kana  wabatsirwa naMwari, don’t go back kumadhaka kwawakanyururwa, iko kubhawa kwamunoenda muchiti ndiri kuenda kunoona bhora uku,  madii kusiyana nazvo, hamuna here imwe environment yamungaende kunoonera bhora isiri bhawa, inga makanamata paye to overcome addiction yefodya nedoro, but mavakudzokera into that same area kwazakazara miyedzo yekumwa nekuputa.

There are many things zvatinogona kubata zvinotikonzera kuti tipinde muSame situation iyo Mwari yavakatibuditsa mairi. Handingapedze maExamples ese but iwe pachezvako you know pawakabviswa naMwari, chirega zvekare kuita zviye zvakambokupinza mumatambudziko.

Loose connection inogadzirika kubudikidza naJesu, he has that power raanokupa kuti ugadzirise panoda kugadziriswa, kana chiri chishuwo chako, kwauri ikoko wana nguva yekunamata, you know your situation, you know the kind of help you need, pray, pray, Mwari Vanokunzwa

1 comment:

  1. Amen loose connection ngaigadziriswe sure

    ReplyDelete