Tuesday, 31 May 2016

Mharidzo: Unknown GOD


Scripture reading Acts 17:16-31

Daniel 11:32 inopera nemashoko andinofarira hanzi “… the people that do KNOW THEIR GOD shall be strong, and do exploits. (…vanhu vanoziva Mwari wavo, vachava nesimba, vachaita mabasa makuru).

Iko kuziva Mwari wako kunoita kuti uve nesimba uye uite mabasa makuru, izvi zvavakutondiudza kuti kusaziva Mwari kunoita kuti munhu ashaye simba uye atadze kuita mabasa makuru muhumambo hwaMwari

Hosea 4:6 Mwari Vobva vati ivo “ Vanhu vangu vaparadzwa nokushaiwa zivo; zvawaramba zivo, neni ndichakurambawo, kuti urege kuva mupirisiti wangu; zvawakanganwa murayiro waMwari wako, neniwo ndichakanganwa vana vako”

Unogona kuva munhu waMwari, unogona kutozviti ndiri muChristu, but kana ukashayiwa zivo inobva kuna Mwari ziva kuti uri muchikwata chanzi neBible vanhu ivavo vaparara nekushayiwa zivo
Nhasi tinoda kudzidza about vamwe vanhu vaifarira zvekunamata kwazvo but ivo vasina zivo. It can happen kuti ipo pano tinogona kufarira zvekunamata kwazvo but isu tisina zivo pamusoro paiye Mwari anonamatwa and kuti anonamatwa sei.


Paul aripa nzvimbo inonzi Areopagus ndipo paanotanga kuparidza, akati Varume veAtene! Ndinoona kuti panzira dzose muri vanhu vechitendero zvikuru, muri vanhu vanonamata. Vanhu ava they were too superstitious mamwe maVersion anoti they were very religious. but chinamato chavo chaiva wrong. Hongu kunamata kuri right but kamunamatiro newacho wavainamata they were wrong. Rega ndibatsire mumwe munhu nhasi ndimuudze kuti kusanamata uye nekunamata zvisirizvo, its all the same, kwese kurasika, pane kamwe kamurasikiro kaunogona kuona kunge kari nani pane kamwe but pamberi paMwari kurasika kurasika chete
Paita vanhu vanonamata apa but vakarasika, regai ndimbodzoka kumashure ndibate background yenyaya.

Paul aiva kuAthens (capital of Greece) ndipo paanoona kuti guta iri was full of idols, & akatambudzika zvikuru achiona kuti guta rakanga rizere nezvifananidzo. Paul aizviva kuti pama 10 commandments dziri pana Exodus 20 Mwari vakaramba iyo nyaya yekuti munhu anopfugamira kana kunamata chiumbwa.

izvi zvekuona vanhu vachinamata maIdols zvakabva zvapusher Paul kuti atange kuparidza vhangeri. Whenever you see vanhu vachirasika, haikona kungotarisa but preach unto them, pray for them, vataridze chiedza. Ezekiel anoudzwa naMwari paChapter 3 kuti I have appointed you to be a watchman over the House of Israel, hanzi if you don’t warn a wicked person kuti atendeuke and that person dies, I will require His blood from you. But kana ukamuudza kuti atendeuke and he does not listen to you, then iwewe hauna mhosva.


ukaona munhu achirarama munzira yakaipa, don’t ignore, but paridzira munhu iyeye. GOD has entrusted you neshoko kuti ubatsire avo varikurasika.
imo mukuparidza kwake ikoko kune mamwe maPhilosophers varume vakachenjera , vakafunda venguva iyoyo, today we can equate them to munhu ane PHD (Doctor of Philosophy). Vakati vachiona Paul vakati What will this babbler say? (“Ko, uyu mutauri wezvisina maturo ari kuedza kuti kudii?”)


Paul arikutaura nezve shoko raMwari but anonzi ko uyu mutauri wezvisina maturo ari kuedza kuti kudii..vanhu vari kushora Paul haazi maGrade 7 drop outs but these were intellectuals, vanhu vakadzidza zvemhando yepamusoro, vanhu vanonzi nenyika vakachenjera ndivo vakashora Paul. Ndipo panonzi naPauro wacho achinyora kuna 1 Corinthians 1:23 But we preach Christ crucified, unto the Jews a stumbling block, and unto the Greeks foolishness….kumaGreek nyaya dzaJesu hwaiwa hupenzi. Ndosaka vakapa a negative comment nekuti kwavari zvainge zvisina musoro.
Ipo ndichiparidza kudai mumwe anenge achitoona sehupenzi, hanzi idzi dzirikuti chiiko idzi, but rega ndikuudze ndichiti shoko romuchinjikwa vupenzi kunavanoparadzwa; asi kwatiri., isu tinoponeswa, isimba raMwari. (1 Corinthians 1:18)

Even though Paul was mocked, that didn’t stop him from spreading the gospel. Don’t be discouraged by people vanoshora shoko raMwari. Vamwe vakati, “Anenge ari kudzidzisa nezvavamwari vokumwe.” Vakareva izvi nokuti Pauro akanga achiparidza mashoko akanaka ezvaJesu uye nezvokumuka kwavakafa. Varume vakadzidza ava vakatora Paul ndokuenda naye panzvimbo inonzi Areopagus vakati kwaari, “Tinoda kuziva kuti dzidziso itsva iyi yauri kudzidzisa ndeyei? For you bring some strange things to our ears, uye tinoda kuziva kuti zvinorevei.”


even though vainge vakarasika, they became interested kuti vanzwe Shoko raMwari, manje vamwe nhasi vanoti kurasika and they are not willing kunzwa shoko raMwari. How can GOD save you iwe uchiramba shoko ravo umo maunowana dzidziso yacho inoita kuti uponeswe?
Paul achinyora kuna 2 Timothy 3:15 anoti “kuti kubvira pavucheche hwako wakaziva Mashoko Matsvene anogona kukupa vuchenjeri hwunoisa kukuponeswa nokutenda kuri munaKristu Jesu. (the scriptures – Bible – make you wise unto salvation)
funda shoko raMwari kuti uponeseke

when he was invited to preach ndipo paanoti “Varume veAtene! Ndinoona kuti panzira dzose muri vanhu vechitendero zvikuru Nokuti ndakati ndichipfuvura, ndichicherekedza zvamunonamata, ndakawana vo aritari yakanyorwa izvi: KUNAMWARI USINGAZIKANWI. Zvino chamunonamata musingachizivi, ndicho chandinokuparidzirai.
Vanhu vemuguta umu they had ana mwari hobho hobho and for each god aiva aritari chake and on top of that vakaita imwe altar yakanyorqa kuti Kuna Mwari asingazivikanwi, TO THE UNKNOWN GOD

shuwa vanhu veAthens regai vagadzire aritari yainzi to the unknown god. nekuti if they knew about GOD, they wouldn’t have built all these altars, but nekuda kwekuti havazive, they ended up building those altars. Ko iwe muverengi, unonyatsomuziva here Mwari waunonamata uyu, kana uchimuziva zvino unopfugamireiko pamberi pezviumbwa, kana uchimuziva why is that une zvinhu zvaunoita zvakarambwa neshoko rake, imwe behaviour yatinoita inongobuditsa pachena kuti Mwari akasika denga nenyika hatimuzive, kudai waiziva Mwari hawaiswera uchiita zvaunoita, kudai taimuziva taisiya zvose zvakaipa totsvaga kururama.


Do you really know about the GOD whom you are worshipping, wadii wadzidza nezvake kubva muBible, wadii wawana nguva yekunamata uchikumbira kuti Mwari help me to understand your word, help me kuti ndikuzivei more kupfuura zvandinoita, ndibatsirei kuti ndizive kuti munonamatwa sei, kana ukaziva Mwari uchaona kuti haurasike pakunamata kwako, zvataurwa na Daniel 11:32 will apply to you “… the people that do KNOW THEIR GOD shall be strong, and do exploits. (…vanhu vanoziva Mwari wavo, vachava nesimba, vachaita mabasa makuru) and hauzorege kuparara sezvakataurwa naHosea 4 vs 6

No comments:

Post a Comment