Tuesday, 31 May 2016

Mharidzo: The Rich Fugitive



Scripture reading: Genesis 4:16-17

Pablo Escobar wekunyika yeColumbia aiita business rekutengesa cocaine (an illegal drug) and became one of the wealthiest  men in the world. Mugore ra1989, Forbes magazine estimated kuti murume uyu was the 7th richest man pasi pose nemaAssets close to $25 billion, This man was very rich but a fugitive at the same time. Akazopfuurwa nePolice yekunyika yake muna December 1993.

Ndatsvaga muDictionary kuti vara rekuti “fugitive” rinorevei ndikaona kuti zvinoreva A person who is fleeing or escaping from something. Munhu arikutiza kana kunzvenga kubva kune chimwe chinhu. Pablo aitiza mutemo but at same time anga aine mari yake, rich but a fugitive. Nhasi tinoda kudzidza kubva muBible about a person ainge akabudirira but ari a fugitive.

Adam naEve vanoita mwana wavo wekutanga ainzi Cain, and later on vanoita second born yainzi Abel. Yakati yasvika nguva yekuti vana ava vaende kunopa zvibayiro kuna Mwari, chibayiro chaAbel chikagamuchirwa naMwari, but chaCain hachina kugamuchirwa.Cain kwavakutsamwa and in the end akagumisira auraya brother yake Abel. Mwari vanotanga kubvunza Cain pamusoro pemunin’ina wake Abel kuti arikupi, and panotaurwa zvakawanda wanda, tikazoenda paVerse 14 yaGenesis 4 tinonzwa Cain achiudza Mwari kuti ndichava mutizi nemudzungairi panyika,  I shall be a fugitive and a vagabond in the earth.Verse 16 inobva yati Cain akabva pamberi paMwari, akanogara panyika yeNod. Verse 17 yoti Cain akaziva mukadzi wake, akatora mimba akapona Enoch, akavaka guta akatumidza guta zita romwanakomana wake Enoch.


Cain aiva a fugitive (mutizi) sezvaakataura ega paVerse 14, chaari kutiza inhau yeMurder yaaita, auraya brother yake, aita chivi pamberi paMwari. After that he went out of the presence of the Lord, but chazondishamisa iVerse 17 yati he built a city, akavaka guta. Munhu watiri kutaura nezvake uyu is the 1st murderer, ndiye mhondi yekutanga pasi pezuva, but unonzwa Bible richiti akavaka guta akaritumidza zita remwana wake Enoch. Haizi cottage yakavakwa naCain, haizi 6 roomed house, not a mansion but a city. Yet munhu abva muPresence yaMwari.  Hooooo mutadzi anogona kutoita pfuma yake nhai?? yes it can happen uyo kaCain uyo.

Saka hazviite kuti tishandise pfuma as a measurement kuti tione kuti munhu anonamata here, because kune ana Cain vanobudirira to the extent yekuvaka a city but iye ari a fugitive, mutizi. Holiness is not measured in dollars and cents, kubudirira materially hazvireve kuti hukama hwako naMwari huri correct, unogona kubudirira but naMwari musingaonane.

Taita dambudziko muzuva ranhasi rekuti kana tikaita kamari tinobva tafunga kuti hukama hwedu naMwari huri correct, izvo nyamba pamwe pacho tiri ana Cain zvavo, vanobudirira but naMwari vasingaonane. Business renyu rinogona kutoita profit svinu but iwe naMwari musingaonane, it is very possible. Material success haireve hutsvene, regai futi ndibva ndati kuva murombo  hazvireve kuti unonamata stereki, ndati ndipajekese futi ipapa nekuti vamwe vanogona kubva vafara vachiti isu varombo tiri pedyo naMwari. you can be poor materially and be wicked zvekare. Hutsvene hauzi pakushaya kana kuwana mari.

Abraham was rich in cattle, silver and gold (Genesis 13:2) and aiva nehukama hwakanaka naMwari. Job was rich, and akarurama pamberi paMwari (Job 1:1-3). Poitawo rimwe benzi ratinowana pana Luke 12:16-21 rinozivikanwa kunzi rich fool, aiva akapfuma but iye asingakoshese hukama naMwari. poita zvekare mumwe murume ainzi Nabal, he was a rich man, with 3000 sheep and 1000 goats but Bible rinoti he was evil in his doings (1 Samuel 25:2-3). Aya angori maExamples ekutaridza kuti pfuma inogona kuwanikwa nemunhu akaipa or nemunhu akarurama saka it cannot be used to measure hukama hwemunhu naMwari.

Problem yaitika ndeyekuti nhasi kwazara neMoney gospel iro rinopa vanhu pfungwa yekuti kana wakapfuma it means kuti unonamata stereki, izvo nyamba kune ane Cain vakabudirira zvekuvaka guta but naMwari vasisaonane. 1 Timothy 6:5 inotaura nezvevanhu vane murangariro wakaora vakatorerwa zvokwadi vachiti kunamata Mwari ndizvo zvinofumisa. Men of corrupt minds, destitute of the truth, supposing that gain is godliness ndivo vazara mazuva ano.

Unogona kuchata a white wedding, vanhu vagonakidzwa, but hazvireve kuti hukama naMwari huri correct. Cain chaiye akatowana mudzimai and vakatoita mwana but iye abva pamberi paMwari. Kune vanhu vakatanga maFamilies but ivo vabva pamberi paMwari, but izvozvo ngazvirege kukubata kumeso ukafunga kuti hupenyu hwauri kurarama huri kufadza Mwari. unogona kuba paCompany paunoshanda, ukaita mari ukatadza kubatwa but pfuma yako haireve kuti hukama naMwari huri correct. Unogona kunyepa paCV ukawana basa, but it doesn’t mean your relationship with GOD is right, kudai tarega kushandisa success yepanyama as measurement of righteousness.
Psalms 50:21 Mwari vanoti zvinhu izvi wakazviita, ndikaramba ndinyerere, wakafunga kuti ini ndakafanana newe chose, asi ndichakuraira, ndichirongedzera zvinhu izvi pameso ako. We can do many evils and Mwari voramba vakanyarara zvavo, it doesn’t mean kuti Mwari varikuApprover zvakaipa. no it does not mean so, but Mwari kunyarara kwazvo varikutipa mukana wekuti tindeuke, Varoma 2:4 yoti the kindness of the Lord is intended to lead you to repentance, utendeuke usiye zvakaipa.

Nhasi ndinoda kutaura navanhu vakafanana naCain, anoziva kuti akatiza pamberi paMwari, une nyaya dzako dzausina kugadzirisa pamberi paMwari, une zvivi zvawakaita, even though life yako irikutaridza kubudirira but you know very well kuti you are a fugitive uri mutizi, nhasi shoko ririkuti rega kubatwa kumeso nepfuma uchifunga kuti ndiko kururama but dzoka kunaMwari, reurera zvivi zvako wokumbira ruregerero utendeuke kubva pazvivi. satan anogona  kuita kuti zvinhu zvako zvifambe yet  naMwari musingaonane, because chaanoda satan ndechekuti urege kudzokera kuna Mwari. the devil wants you kuti ufire muzvivi zvako urege kuponeswa, saka he can allow you to be prosperous wokanganwa kutsvaga Jesu.


Handina kuramba kuti GOD can make you prosperous, kwete I never said that but ndirikuti kuva prosperous hazvireve kuti naMwari hukama hwenyu hwakanaka. Unogona kuva prosperous yet being a fugitive mumaRecords aMwari. Ndokusaka Jesu akadzidzisa akati tsvagai humambo hwaMwari chekutanga nekururama kwahwo and zvimwe zvese zvichawedzerwa. (Matthew 6:33) There is a reason why Jesu akati titange kutsvaga humambo hwaMwari, because he knew kuti mukatanga nekuda kutsvaga pfuma munozogona kuRelaxer maiwana muchifunga kuti ndizvo zvese, mokangwana kutsvaga humambo hwaMwari.

Kudenga kurikuzoendwa vana vaMwari, but kana tiri maFugitives, vatizi pamberi paMwari then hakuna denga for us. Hongu takavaka maguta saCain yet tiri mhondi, but ngatirege kufunga kuti maTitle deeds eguta ndiwo achaita kuti tipinde denga. Hongu we have made so many achievements yet living in sin, but maAchievements iwayo handiwo achaita kuti tipinde denga. maBusiness edu arikufamba but naMwari hatizi kuwirirana, minda tirikukohwa pakuru, yet we went out of the presence of the Lord, mota tirikuDriver maLatest, kuchikoro tirikuPasser but tiri maFugitives

Kereke yeRaodhekiya inozviti yakapfuma haishaiwi chinhu but Jesu anoiti uri murombo, une nhamo, uri bofu and you are naked (Zvakazarurwa 3:17). We might consider ourselves rich in our own eyes, but Jesu achitiona anenge achiona kuti we are very poor. Nekudaro ngatitendeukei titsvage kururama kunobva kuna Jesu Christu

1 Timothy 6:17-19 inoti Raira vafumi panyika yazvino, kuti varege kuzvikudza, kana kuvimba nefuma isingagari, asi naMwari, unotipa zvose achiwanza, kuti tifare nazvo; kuti vaite zvakanaka, vave vafumi pamabasa akanaka, vafarire kupa vamwe, nokugovana;  vazvirongedzere nheyo dzakanaka dzenguva inovuya, kuti vabatisise vupenyu chaibwo.

(Command those who are rich in this present age not to be haughty, nor to trust in uncertain riches but in the living God, who gives us richly all things to enjoy.Let them do good, that they be rich in good works, ready to give, willing to share,storing up for themselves a good foundation for the time to come, that they may lay hold on eternal life)

Feel free to share the sermon with others.


1 comment: