Thursday, 28 July 2016

Mharidzo: Ndinoshaiwa munhu



Scripture reading: Johani 5:1-9

Pane mimwe mibvunzo inongoda mhinduro yekuti Yes or No, but vazhinji vanotadza kupindura mibvunzo iyi. They try to explain zvisina kubvunzwa because they feel like kana akangopindura kuti YES kana kuti NO it’s not enough kugutsa munhu amubvunza. “Wakarara pamba here musi weFriday, Yes or No?” instead yekuti munhu ati hongu kana kuti kwete anotanga kuti “problem yakaitika ndeyekuti ndakashaya combi  saka ndakazoenda kumba kwana John”.


Ndiyo tsika dzevazhinji, they try to explain zvisina kubvunzwa. There is a man akazviita muBible, aive achirwara for 38 years then Jesu anosvika paari omubvunza kuti unoda here kupora? This was a simple question yaidawo a simple answer, either kuti Yes ndinoda kupora or No handidi kupora, but  murume uyu anoti “ndinoshaya munhu angandiwisira mudziva kana mvura yobvongodzwa”

Pamhinduro yemurume uyu ndipo patinowana musoro weMharidzo wedu wekuti “Ndinoshaya munhu”

Here is the background of the story, muguta reJerusalem paiva nedziva remvura rainzi muchiHebheru Betsaida. Around this pool pakanga pavete vanhu vazhinji vairwara namapofu, nezvirema, navakawonyana, [vakamirira kubvongodzwa kwemvura. Nokuti mutumwa (an angel) waiburukira mudziva iro neimwe nguva, achibvongodza mvura; zvino uyo waitanga kupinda mumvura yabvongodzwa waiporeswa, kunyange akanga akabatwa nokurwara kupi nokupi. Jesu ndipo paanosvika panzvimbo iyi ndokuona  mumwe munhu, wakanga abatwa nokurwara for 38 years. Jesu wakati aona munhu uyo avete pasi, he knew that he had been in that condition for a long time, ndipo paanomubvunza kuti: Unoda kuporeswa here?. Murwere akamupindura, akati: “Ishe, ndinoshaiwa munhu unondiwisira mudziva, kana mvura ichibvongodzwa; asi ndinoti kana ndoenda. Mumwe wonditangira kupinda.”

This man has a problem yehurwere, but pamusoro peProblem yake aita imwe problem yekusaziva kuti problem yake yekutanga inogadziriswa sei. Im saying, problem yake ndeyekurwara for 38 years and solution yacho its healing but iye aita imwe problem yekushaya munhu anomupusher kuti awire mumvura kana ichinge yabvongodzwa, yet that is not the main problem yekushaya munhu anomuPusher, his main problem haizi yekushaya munhu anomupusher but ndeyekushaya healing. Ukatadza kuziva solution to your problem unogumisira wazvigadzirira mamwe maProblems hobho but uchisiya the main issue, uchisiya the root problem.

paBetsaida apa pataurwa neBible kunzi pakanga paine vanhu vazhinji, KJV rinoti there was a great multitude but ipo paGreat multitude ipapo this man akashaya munhu mumwe chete wekuti amupushire mumvura nechikonzero chekuti great multitude iyi yaivawo yakazara nevarwere, they had their own issues to deal with, vaitodawo kupora. Rega ndikuudze kuti in this life, people have their own issues to deal with, vanhu vane nyaya dzavo dzirikuvanetsa and apa ndipo paunoisa faith mune munhu kuti haa nhingi will help me, iye nhingi wacho ane zvake zvirikutomunetsa. Urikutarisira kupihwa mari naNhingi, very sorry kukuudza kuti munhu wawakathemba iyeye atorine zvikwereti zvinopfuura zvauri kuda kuCover iwewe, you expect kuti the pastor will pray for you, very sorry to tell you kuti pastor vatorine dzavo nyaya dzavari kutambudzika nadzo muPrayer.

Pakazara vanhu paBethsda but kunyangwe pakazara vanhu this man could not find anyone to help him nechikonzero chekuti each one had his own issues to deal with. You can be lonely in a crowd, its very possible. Saka the sooner you remove faith yako muvanhu the better, rega kuisa faith yako muvanhu asi muna Mwari. Psalms 118:8 yobva yati  says It is better to trust in the Lord than put confidence in man

Unoda kupora here, that was the question and murume akati Ndinoshaiwa munhu …..vazhinji ukavabvunza a simple question like unoda basa here instead yekuti yes or no anoti “Ndinoshaiwa munhu wandinoziva anopinza vanhu mabasa” faith yake iri mumunhu anotarisira kuti vanhu vamupe basa but kana zviri zvaMwari haana shuwa kuti vangamupe basa. unoda here kupora “Ndinoshaiwa mupoofita angandinamatire kuti ndipore” faith yake iri munaProphet, haana shuwa kuti God can heal him without the involvement yeumwe munhu. Unoda here kutora drivers license “Ndinoshaiwa munhu wandinoziva kuVID”. Sei uchifunga kuti rubatsiro rwako riri muvanhu and not kuna Mwari. ndinofarira Psalms 121:1-2 iyo inoti  Ndichasimudzira meso angu kumakomo; Kubatsirwa kwangu kuchabvepiko? Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha, Wakaita kudenga napasi.



Handirambe kuti God can work through people kuti vakubatsire paProblem yako but kunyangwe zvakadaro, your faith must not be in people but it must be in God. kana uchiisa faith muvanhu wafanana nemunhu anoenda kumba kwehama yake aine tarisiro kuti achabikirwa tea neTeapot on its own, instead yekutarisira kuti hama yako ndiyo ichabika tea ndiye achakubikira tea. Unogona kuisa faith muTeapot ukadzoka uine nzara nekuti teapot on its own haigone kubika tea, but kana ukaisa tarisiro mune anobika tea then unoipihwa. We as humans we are just like teapots, kana pasina mubiki weTea anova Mwari hapana anomwa tea yacho. Ukaisa faith yako mumunhu as long as pasina Mwari hapana chinobuda.

ndinoshaiwa munhu unondiwisira mudziva, kana mvura ichibvongodzwa. This man aitarisa push kubva kuna someone but push haina kuuya. Instead Jesu anoudza murume uyu kuti “Simuka, Tora nhovo dzako, ufambe”. Shasha yaitarisira push, manje Jesu haana kuuya nepush, instead auuya neshoko, sometimes the help we expect haisi riyo inouya naJesu. handiti urikutarisira kuti sekuru vako vanoshanda kuEconet ndiwo vachakurongera basa, handiti urikutarisa kuti mukoma vari diaspora ndiwo vachakutumira mari, handiti urikutarisira kuti muporofita uye kana adzoka kuNigeria ndiye achakubatsira panyaya dzako, handiti urikutarisira kuti tete ndivo vachakuyananisai nemurume wako, wakatirisa kuti maPoliticians ndiwo achagadzirisa zvanetsa munyika, you are expecting kuti lawyer rako ndiro richagadzirisa nyaya dzirikunetsa, manje rega ndikuudze kuti maitiro aMwari akasiyana nemaitiro edu vanhu. Murume uyu aitarisira push but Jesu haana kuuya nePush, instead akauya neshoko rekuti simuka tora nhovo dzako ufambe.

Isaiah 55:8-9 (NKJV) yobva yati "For My thoughts are not your thoughts, Nor are your ways My ways," says the Lord. For as the heavens are higher than the earth, So are My ways higher than your ways, And My thoughts than your thoughts.

Jesu haana kupushira murume uyu mumvura but akamupa shoko nekuti iro shoko ndiro rine simba kupfuura anything. Nekuti iro shoko ndiro rakaita kuti  nyika ino iveko, Mwari vakasika nyika kubudikidza nekutaura shoko ravo. Mubvunzo wouya kunewe uri muProblem kuti are you feeding pashoko raMwari or wakamirira kuti ubatsirwe nevanhu? Kudai tadzidza kubva pashoko let us put our hope in Jesus Christ, tirege kuvimba nevanhu nekuti hakuna hukama/friendship/ connection yauchaita nevanhu ingapfuure kuva connected naMwari. handina kuti cheka hukama nevanhu but ndati faith yako ngairege kuva muvanhu asi muna Mwari.

Hauna munhu anokuwisira mudziva kana mvura yobvongodzwa, but Jesu unaye here? vamwe vanoti havana munhu anovapushira mumvura and havana futi Jesu wacho. Wabva waita mufakose? Rega kushaya Jesu muhupenyu hwako.




Mharidzo: Rodza demo

Scripture reading: Muparidzi (Ecclesiastes) 10:10

A story is told yevarume 2 vaitema miti. The first one akaita 1 hour achirodza demo rake and apedza ndokuita 1 hour achitema muti, so in total akatora 2 hours achishanda. The 2nd man akaita 3 hours non-stop achitema muti and akazopedza aneta. Vese vaitema miti yakafanana, but the 1st man chakamupa kuti ashandise less energy uye aite nguva shoma its because demo rake rainge rakarodzeka (it was sharp), but mumwe uyu chakaita kuti apedze nguva refu uye ashandise simba rakawanda it was because demo rake rainge rakagomarara.

Muparidzi (Ecclesiastes) 10:10 yobva yati iyo “If the axe is dull, And one does not sharpen the edge, Then he must use more strength; But wisdom brings success” (Kana simbi yagomara, munhu akasairodza, anofanira kunyanya kubata nesimba; asi uchenjeri hunobatsira pakururamisa)

Demo rakagomarara rinorwadza kutema naro, more time and more energy and less results. Vamwe havasati vambotema huni so let me bring it closer home: banga rakagomarara harinyatsocheke chaizvo, razor yakagomarara  hainyatsocheke, any tool inoshanda neSharp edge ikango gomarara chete ziva kuti uchada simba rakawanda kuishandisa, uye zvichakutorerera more time and unogona kutadza kubudirira pakucheka zvauri kuda kucheka

Kune demo rinonzi prayer, iri demo iri kana risiri sharp, kunamata kunokurwadza, you generally take long but woshaya zvawainamatira. Unoita hasha kuti ndirikunamata wani but there is little or no change, chikonzero ndechekuti demo rakagomarara. Kana ndichiti demo rakagomarara I mean pane zvimwe zvinhu zvinofanira kunge zviripo or zvinofanira kuita kuti prayer ipindurwe naMwari in the way you want it and if you ignore zvinhu izvozvo munamato wako unoshaya simba, it becomes like demo rakagomara.

Ukanamata usina faith ziva kuti idemo rakagomarara (Matthew 21:22) Ukanamatira zvinhu zvisiri in line nekuda kwaMwari = demo rakagomarara (1 John 5:14). Ukanamata usingade kusiya zvivi = demo rakagomarara (Isaiah 59:1-2) Ukanamata uchidzokorodza mashoko nhando = demo rakagomarara. (Matthew 6:7). The list goes on and on, read your Bible uone kuti ndezvipi zvinhu  zvinoita kuti munamato wako upindurwe & ndezvipi zvinoita kuti usapindurwe.

Kana demo rePrayer riri sharp it will bring the desired results and kunamata hakukurwadzwe but you actually enjoy talking to God.  musangonakidzwe nekutema, but tangai mambotarisa kuti demo renyu rakapinza here, seat down and sharpen your axe.

Kune demo rinonzi mharidzo, kana rakagomarara unoshaya maResults naro. Unorova damba refu reSermon but zvigotadza kubatsira anyone nekuti demo rakagomarara. You just rushed kunoparidza but hauna kubvira wataura naMwari through prayer, hauna kuverenga Bible rako before preaching, you just rushed kunoparidza. Ko wadii wambogara pasi warodza demo, wadii, wanamata kana kutsanya, wadii wanyatsoita research yako. Sharpen your axe

Bible study ndirimwe demo rinokosha muchiChristu, demo iri rinotema-tema ignorance, demo iri rinosimudza faith yedu, demo iro rinotema tema manyepo asatan. But kana demo iri rakagomarara, haaa munochona pasina chabuda. Unoriverenga Bible from Genesis to Revelation but ugotadza kurinzwisisa nechikonzero chekuti hauna kurodza demo iri mushe.

Kana uchiverenga Bible ngazvive nekunamata mukati so that Mweya Mutsvene akafemera kunyorwa kweBible Akupe kunzwisisa kuti zvauri kuverenga zvinorevei. Rega kuverenga a single verse iri yega and form a conclusion ipapo but verenga the surrounding verses unzwe kuti yanga iri nyaya yei in the first place pazonyorwa verse iyoyo, consider other verses kuti anoti kudii pamusoro peTopic iyoyo. You want God to reveal more to you but zvishoma zvawakakuzivisa haude kuzvirararama. It doesn’t work that way nekuti Luke 16:10 Jesu anoti uyo akatendeka pazvishoma akatendeka zvekare pazvikuru, asi kana usina kururama pazvishoma then even pazvikuru hauna kururama. Tanga wagamuchira shoko raunoziva iroro before you want God to reveal zvimwe zvikuru. Kana demo risiri sharp, haaa rinokurwadza , you will never enjoy reading the Bible.


Demo rinonzi fasting rine simba zvikuru nekuti kune mamwe maProblems anonzi naJesu zverudzi urwu hazviende zvoga asi zvinoda kutsanya nekunyengetera. (Matthew 17:21) Asi kunyangwe zvakadaro, unogona kurova 40 days wakatsvanya and woshaya maResults mumwe ongoita 2 days but zvake zvoita, nechikonzero chekuti urikushandisa demo rakagomara and vamwe vane matemo ari sharp. You are ignoring zvinotaura Bible concerning nyaya yeFasting. Uri kutsvanya uchida kuonekwa nevanhu izvo zvakarambwa naJesu pana Matthew 6:16-18. Kutsanya kwako hakuna prayer mukati, wangoregedza chikafu chete but pasina prayer and yabva yaita kunge hunger strike. Iyi yekuti chikafu chausina kudya makuseni, chausina kudya paLunch wakuzochidya chese manheru pamwe chete neSupper iFasting here iyi or wango postponer maMeals ako? Ukaverenga Isaiah 58 unoona vanhu vaiComplainer kuti takatsanya but Mwari havana kuzviona, and panobva papihwa zvikonzero why fasting yavo isina kugamuchirwa naMwari (go and read it). demo rakagomara


Demo rinonzi giving rinobatsira kwazvo but kana muchitora mari dzamapihwa seBribe kumabasa enyu, mari dzamawana nenzira dzechitsotsi and you bring it to the house of God, ziva kuti urikutema nedemo rakagomara nekuti God loves obedience more than sacrifice (1 Samuel 15:22). Mwari Vanoda munhu anoterera more than munhu anotyora mitemo yaMwari trying to give God a sacrifice.

Kuimbira Mwari (music) idemo rakanaka kwazvo, but demo iro rinogona kushaya maResults kana ukaimba zvinhu zvisiri Biblical, maLyrics ako akatadza kutsigirwa neBible, ziva kuti urikutema nedemo rakagomarara, ukaimba uine wrong motive yekuda kuzvitsvagira mbiri than kuti Jesu asimudzirwe, kuimba kuti utsvage mari uchishandisa zita raMwari, ziva kuti urikutema nedemo rakagomarara. And tsika yekuda kutora maStyles ekunyika oiswa pamusic yaMwari ndiwo mamwe akonzera kuti demo rigomarare nekuti Romans 12:2 inoti DO NOT BE CONFORMED TO THIS WORLD, musaenzaniswa nenyika ino.


There are many things zvatinogona kuita muchiChristu chedu, but zvinhu izvi tikazviita tisingatevedzere zvinodzidziswa neBible, uchaona kuti we will not get maResults atiri kuda. Instead yekuti tifarire zvinhu izvi, it becomes a painful experience, rinokurwadza demo racho and you willl use more energy nechikonzero chekuti rakagomarara. Saka seat down and sharpen your axe. Usatedzere vamwe vanomhanya kunotema nematemo akagomarara but  gara pazi urodze demo, vhura Bible unzwe kuti zvauri kuda kuita izvi zvinoitwa sei kuti zvishande..

Muparidzi (Ecclesiastes) 10:10 yobva yati iyo “If the axe is dull, And one does not sharpen the edge, Then he must use more strength; But wisdom brings success”
(Kana simbi yagomara, munhu akasairodza, anofanira kunyanya kubata nesimba; asi uchenjeri hunobatsira pakururamisa)

Wana uchenjeri kubva kubva mushoko raMwari rinova Bible



Mharidzo: Cherima

Scripture reading: Psalms 119:105

Une maChances ekuita tsaona kana uchiDriver manheru than masikati, manheru ndipo paunosanga nemota dzine candle (one head light instead of 2) or isina kana 1 light. manheru vamwe ndipo pavanonyanya kutyora mitemo yepaRoad nekuti anenge achiti hapana arikundiona, even speeding inonyaya muHighway at night nekuti munhu anenge achithemba kuti police yeSpeed trap haipo, there are high chances dzekuti munhu anobatwa nehope achiDriver manheru than masikati. There is great danger mukufamba murima.

Mbavha dzagara dzinoba but ukada kuzvitarisisa maHouse break in, maRobbery nemaCar high jacking anowanzo wanda munguva dzemanheru, thieves take advantage of darkness. Prostitution yagara inoitwa any time of the day but zvinonyanya kuwanda munguva dzemanheru that’s why vakadzi vanotengesa muviri yavo vachipihwa zita rekuti “ladies of the night” nekuti mabasa avo vanowanzo aita manheru, they take advantage of darkness to do their works. Kana varoyi chaivo vanogona kukuroya masikati but maActivities avo anonyanya kuitwa manheru vanhu vakarara, they take advantage of the darkness.

Mabasa mazhinji akaipa anoitwa murima. you are in great danger mukufamba murima than kufambira muLight, nhasi rima ratiri kuda kutaura nezvaro harizi rima riri physical ratajaira but we want to consider spiritual darkness.

Mapisarema (Psalms) 119:105 inoti “Your word is a lamp to my feet And a light to my path”. Munyori arikuti Shoko raMwari ndiwo mwenje wetsoka dzake, nechiedza panzira. Shoko raMwari ririkufananidzwa nechiedza (light). Pane shoko raMwari pane light, and the opposite is true, kana pasina shoko raMwari then pane rima because darkness is the absence of light. There is great danger kurarama uri murima usina shoko raMwari, anything can happen to you.

Kune mbavha inonzi satan inotora advantage kune avo vanofambira murima so that he can attack them, he steals from them nechikonzero chekuti vari easy kubira nekuda kwerima rakavaputira. senge mazuva ano vanhu varikuvharwa mari nevashandiri vasatan who pretend to be men of God nechikonzero chekuti vari murima havana shoko raMwari. Satan anokubira mufaro wako nechikonzero chekuti hauna shoko raMwari. You spend your time worried over zvinhu zvakapihwa solution kare mushoko raMwari.

maChances ako ekurasika kana uchifamba murima they are very high than uchifamba kwakachena, no wonder why munhu achingopinda chero church yaapinda nemhaka yekuti arikufamba murima. (s)he doesn’t know kwaari kuenda nekuti chiyedza chinonzi shoko raMwari hachipo pakumu guider on which church to go to. Jesu oti pana John 12:35 munhu unofamba murima haazivi kwaanoenda.

 Mubvunzo uri kunewe hama yangu kuti kwamunopindira uko is it the word of God rinova Bible rakakutungamira kuti upinde ikoko or its any other thing chisinei neshoko raMwari?

Let us be guided nechiedza cheshoko raMwari tirege kurasika tichifamba murima.

Ndinorangarira imwe song yaiimbwa nevanhu veStreet theatre paTV kuma early 2000 vachiti chenjera kunyengwa nerovha murima. Murima unogona kuti I love you kune munhu wekuti kana ukazomuona kwachena unomuramba. Nyaya yangu haizi pamarovha  nekuti we know kuti mabasa arikunetsa but ndinoti chenjera kunyengwa or kunyenga munhu asiriye wawakapihwa naMwari murima. Kana ukashayiwa guidance yeshoko raMwari unenge wakaputirwa nerima zvekuti you end up getting into a relationship nemunhu asina kukufanira, ndipo paya pekuti marriage inozorwadza wavakushaya kuti where did I go wrong, chikonzero ndechekuti wakatsvaga marriage partner murima pasina shoko raMwari.

Murima mune chitsotsi, maChances ekupihwa fake money akawanda murima than pachiedza, vamwe vakaita maBusiness avo murima without following zvinodzidziswa neshoko raMwari and vari kuchema muzuva ranhasi, hongu economy might be a problem but zvako iwewe hazvisi kukonzerwa neEconomy asi zviri kukonzerwa nekuOperator murima, satan arikukupondera murima imomo nemhaka yekuti wakaramba zvinotaura shoko raMwari. Wakaramba nyaya yekubhadhara vashandi zviri just and fair and on time sezvinotaura Bible, wakaramba nhau yechegumi, wakaramba nhau yekupa zvaKesari kuna Kesari, wakaramba zvinhu zvizhinji zvinotaurwa neshoko raMwari about business, you are operating murima, that’s why risirikufamba business

Munhu apfekera hembe murima nemunhu akapfekera muLight zvakatosiyana. Murima hamuna proper dressing. There are people vari murima vasina shoko raMwari and kamupfekero kavo kanotaridza kuti uyu apfekera murima ndava murima hamuna nyadzi. Murima you can dress zvisina hunhu and haumbonyare nazvo nekuti you feel kuti hapana anokuona and iwe pachezvako hausi kuzviona kuti zvawakapfeka hazviite. But vari pachiedza vanopfeka zvinotaridzawo kuti vari pachiyedza.

Murima munhu anogona kungotaura chero zvaafunga nekuti anothemba kuti haasi kuonekwa. Kune vanhu vanotaura mashoko anonyadzisa zvekuti munotonyara kuti ko haanyare seiko munhu uyu. Anogonyara sei iye ari murima, kunyara kwese kwaputirwa nerima. Asi avo vari muchiyedza vane kutaura kwakatwasuka because they know they are surrounded by people who can see them.

Ukafamba murima your chances dzekuita tsaona dziri very high. Vamwe nhasi vakawira mumaProblems avari kuchema nawo because they were walking in darkness. Zvigunhwe zvazvimba nekukika matombo murima. Jesu anoti pana John 11:10 Asi kana munhu achifamba vusiku, unogumburwa, nokuti hakunechiedza maari.

Ukarasa chinhu murima recovery yacho inonetsa. Munhu akarasa dominion mushure mekunyengerwa nasatan in the garden of eden but kana pasina shoko raMwari forget about recovery. Mukadzi akarasa lost coin mumba haana kutanga nekutsvaga coin but akatanga nekubatidza light. (Luke 15:8) Une zvizhinji zvawakarasa iwewe mukati mehupenyu but tanga wabatidza light, go back to the word of GOD first and get guidance panhau dzeRecovery urege kuzoenda kun’anga uchitsvaga recovery yezvakarasika.

Mumwe murume akapinda mumba manheru aine nzara, there was nothing to eat kusara kwemazhanje chete. Akatsemura zhanje rekutanga kwakuona rine makonye, akatsemura rechi 2 akaona futi rine makonye, 3,4,5 mazhanje ane makonye haasi kudyika. Shasha ikati hazvinetse, he switched off the light ndokutanga kudyira mazhanje ake murima. Mubvunzo wangu woti ko kudzima kwaakaita light does it mean kuti mazhanje haasisina makonye? NO hazvireve kudaro, makonye anoramba aripo. Vazhinji varikudzima light, they are closing their Bibles and ignoring what it says but kunyangwe zvakadaro zvinoreva shoko raMwari ndizvo zvinoitika and shoko rawaramba iroro ndiro richakutonga

Jesu oti pana John 12:48 “Unondiramba, asingagamuchiri mashoko angu, unomumwe unomutonga, shoko randakareva ndiro richamutonga nezuva rekupedzisira”

Munogona kutenderana seChurch kuti isu pano hativerenge Bible or moramba mamwe maVerse muchida mamwe but kunyangwe zvakadaro iro shoko ramunoramba ndiro richakutongai on the last day.

Jesu anoti pana John 3:19-21 “Kutongwa ndokuku, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima kupfuvura chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa.  Nokuti mumwe nomumwe, unoita zvakaipa, unovenga chiedza, haavuyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kubudiswa pachena. Asi unoita zvokwadi, unovuya pachiedza, kuti mabasa ake avonekwe, kuti akaitwa munaMwari”

Some people are loving darkness vachiramba chiedza, vachiramba shoko raMwari nekuti rinovafumura mabasa avo akaipa. Asi kana uchita mabasa akanaka munaMwari then shoko raMwari rinova chiyedza unorifarira.

Rega kuva CHERIMA, uchifarira rima asi farira chiedza, kudai tafarira shoko raMwari, let us read it prayerfully, believe it and live by it, rititungamirire munzira dzatinofamba.

Mwari ngavakomborere kuverengwa kweshoko ravo muzita raJesu Christu. (feel free to share with others)


Mharidzo: RUNNING THE RACE

Scripture reading: 1 Corinthians  9:24


Paul achinyora kuna 1 Corinthians 9:24 anoti iye “Do you not know that those who run in a race all run, but one receives the prize? Run in such a way that you may obtain it.”

Muranda waMwari arikutora zvinoitika kumaAthletics as an example yezvinhu zvinoitika pachiChristu. Hanzi vanoita nhangemutange vanomhanya vose, asi mumwe chete ndiye anopihwa mubayiro. Kumhanya munogona kuwanda but hamusi mese munopihwa prize. Tinogona kuva takawanda panhau dzekunamata idzi asi hatizi tose tichaponeswa, kunyangwe Jesu anoti iye pana Matthew 7:21 “havasi vose vanoti kwandiri Ishe Ishe vachapinda muhumambo hwekudenga asi avo vakaita kuda kwaBaba vangu varikudenga”.

Paul anopedzisa verse achiti mhanyai saizvozvo kuti muwane, run in such a way that you may obtain the price.

There are many lessons dzatinogona kutora kubva kumaAthletics which we can apply pachiChristu tikabatsirika. Just like how Apostle Paul applied examples in Athletics to Christianity we can also do the same, Mweya Mutsvene achitibatsira. And maLessons acho ndamaisa under different sub topics and a brief summary pasi pacho.


TRAINING
Race haitangire paRace but inotangira kuTraining. Usain Bolt watinoona achimhanya pa100 meters hazvingotangire muGround but zvinotangira kuTraining, paya patinozomuona achiBreaker record anenge atombopedza nguva ari kuTraining.

Hautange kuzoita muChristu wavakudenga but zvinotangira pano pasi. It is on this earth where we are prepared to stay in the new Jerusalem. Pano pasi ndipo paTraining ground pacho and Jesu paanodzoka kechipiri haasi kuuya kuzochinja maCharacters evanhu but arikuuya kuzotora vanhu vane maCharacters akachinja kare kuti vapinde denga.

Start loving your enemies uchiri pano pasi than kuda kutanga kuzovada wava kudenga otherwise you will miss heaven.  You don’t like kuita zvinotaurwa neshoko raMwari and you expect kunyika idzva yet iro Bible richiti kuna Zvakazarurwa 21:27  Mukati maro (Jerusarema idzva) hamungatongopindi chinhu chinosvibisa, kana chinonyangadza, kana chinenhema. You don’t like prayer uchitaura naMwari but unotarisira kuzopedza eternity uchigara naMwari wausingafarire kutaura naye, chirudzii nhai.Hutsvene ngautangire pano pasi, ndipo paTraining ground pacho.

Training inogona kurwadza kupfuura the actual race but ikashayikwa training iyoyo chances are high kuti race yacho you will not make it. if you can’t spend 10 mins jogging  how can you expect to spend 2 hours uchimhanya marathon. Iwo maTrials atinosangana nawo pano pasi they are prepare us for eternal life.
James 1:12  “Wakaropafadzwa munhu uyo unotsungirira pakuidzwa; nokuti kana atendwa, uchapiwa korona yovupenyu yakapikirwa avo vanomuda.”


DRESSING

Ungaende here kunomhanya 100 meters wakapfeka hovhorosi nemaJombo, kana iyo marathon yacho ungapfeke hovhorosi here, hausi kuona kuti urikuzviomesera here. maProfessional athletes havangopfeke chero zvavada but they have special clothes which they wear kana vachimhanya.

Ephesians (Vaefeso) 6:13-17 inotiudza kuti the armour of God Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti mugone kudzivisa pazuva rakaipa, nokuramba mumire mapedza zvose. Naizvozvo mirai makasunga zvivuno zvenyu nezvokwadi, makapfeka chidzitiro chechifuva chokururama, makasunga patsoka dzenyu kugadzirwa kweEvhangeri yorugare; pamusoro paizvozvi makatora nhovo huru yokutenda, yamungagona kudzima nayo miseve yose yomoto yowakaipa. Torai ngowani yoruponeso, nomunondo woMweya, iro Shoko raMwari;
 

Even our physical dressing yedu ngaive nemusiyano pakati pedu vanhu vanotya Mwari neavo vasingatye Mwari.


LAY OFF WEIGHTS

Mukumhanya race haitakure zvinhu zviri unnecessary nekuti zvinozotiremedza. Woita mutoro wekutakura body yako plus kutakura zvimwe zvinhu futi  here. Even in our Christian race Bible rinoti pana  Vaheburu 12:1 ngatibvisei zvose zvinoremedza nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa, mberi kwedu.

kune zvimwe zvinhu zvingoripo pakutiremedza, im talking of things zvekuti tikada kuDisscuser kuti whether it’s a sin or not tinogona kupedza zuva rese tichiitisana nharo whether it’s a sin or not, but zvinhu izvozvo ukada kuzvitarisa hazvina chazvinokubatsira pachiChristu chako but in fact zvinotokukanganisa. Especially paEntertainment apo, pane imwe music yatiri supposed kusiya, pane mamwe mafirimu atiri supposed kusiya, and beyond entertainment kune zvimwe zvinhu zvisina kana basa zvatiri supposed kusiya nekuti maWeights anotiremedza pakumhanya kwedu.


DON’T JUMP THE GUN

Kana muchimhanya panonzi on your marks… get set…. ready and poridzwa pfuti. But usually kune vamwe vanoita dzungu rekutanga kumhanya pfuti isati yarira, muchirungu vanoti you have jumped the gun and ukaita izvozvo unogona kupihwa warning or you get disqualified.

Tine maChristu who are jumping the gun, havana patience, they can’t wait for GOD, vanoda kutungamira Mwari, like the impatient Sarah anoona as if promise yaMwari yanonoka obva audza Abraham kuti tora Hagar uite naye vana. Like the impatient children of Israel vanoona as if Moses anonoka kudzoka kubva kugomo and they request Aaron kuti avagadzirire chimwari cheFake. Like the impatient Saul anoona as if Samuel anonoka kuuya and he offers sacrifice yainge iri supposed kuitwa naSamuel and not iye Saul. Let’s learn to wait upon the Lord tirege kumhanyira Mwari kumberi.

Isaiah 40:31  asi vanomirira Jehovha vachawana simba idzva; vachabhururuka namapapiro samakondo, vachamhanya vasinganeti, vachafamba vasingaziyi.


RUN IN YOUR TRACK

Kana muchimhanya race munogona kupihwa maLanes ekumhanya uri depending neRace yamuri kumhanya and you are not allowed kubuda muTrack imomo. In this Christian race takapihwa lane rekumhanya naro and lane iroro ndidzo dzaMwari dzatinodzidziswa neBible. Sei uchiti ukamhanya mune rimwe lane wochinja uchipinda mune rimwe lane, nhasi uri kumhanya muLane raJesu, mangwana uri kuLane rasatan, pakunamata uri muLane raMwari, but pakutsvaga mari wopinda muLane rasatan rizere nechitsotsi, pamberi pevanhu uri muLane raJesu, asi behind closed doors uri muLane rasatan, paFacebook wall kana whatsapp status uri muLane raChristu but kuInbox uri munzira yasatan, who are you fooling?

don’t be double minded vana vaMwari, its either uri kwaJesu or uri kwasatan, stick to your track don’t change it, lest you get disqualified.Matthew 6:24 No man can serve two masters…

1 Corinthians 10:21  “Hamunganwiri pamukombe waShe, napamukombe wemweya yakaipa; hamungadyiri patafura yaShe napatafura yemweya yakaipa.”



FOLLOW THE RULES

Pakumhanya pane mitemo yepo inofanirwa kutevedzerwa and you can get disqualified ukatadza kutevera mitemo yacho.

Mwari Vane mitemo yavo and for you to ignore it and expect kuti uwane hupenyu husingaperi hazvishande. Pachapera race, on the judgement day, Jesu ane chimwe chikwata chaachaDisqualifier nechikonzero chekuti vaiita zvakaipa vasingatevedzere mutemo waMwari.
Matthew 7:22-23 Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro, Ishe, Ishe hatina kuporofita muzita renyu here? Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here? Zvino ndichavavudza pachena handina kutongokuzivai, ibvai kwandiri imi vaiti vokusarurama.

Ko inga vakamhanya zvinodadisa wani, why are they being disqualified? Vaisaterera shoko raMwari

2 Timothy 2:5 And also if anyone competes in athletics, he is not crowned unless he competes according to the rules


CROSS THE FINISHING LINE

Pakumhanya unoneta nekudaro panodiwa endurance (kutsungirira). Unogona kumhanya 99% of the race uri paNumber 1 and wavakusvika paFinishing line you decided kuti since ndaneta let me quit, Havambokupe medal. Race ngaipere, cross the finishing line. don’t quit along the way.

kune vazhinji vave maRetired general panyaya dzekunamata, unotonzwa achizvikudza kuti isu takanamata kare, but now akasiya, they failed to endure the race. Rega ndikuudze chokwadi, kuti Christianity is not a walk in the park, kune maChallenges along the way anotoda kuti utsungirire.

Ramba wakatendeka kusvika kumagomo, uchawana mubayiro.

Matthew 24:13 Asi unotsungirira kusvikira pakuguma, uchaponeswa

ALL HAVE A CHANCE

Race iyi munhu wese ane mukana wekukunda. Ukaverenga  Ecclesiastes 9:11 inoti "I returned and saw under the sun that-- The race is not to the swift, Nor the battle to the strong, Nor bread to the wise, Nor riches to men of understanding, Nor favor to men of skill; But time and chance happen to them all”

Ndafarira apo panzi TIME AND CHANCE HAPPEN TO THEM ALL.

Munhu wese ane mukana infact Mwari anoda kuti munhu wese aponeswe,
Titus 2:11 yoti “For the grace of God that brings salvation has appeared to all men”. Batisisa panzi ALL MEN. munhu wese anopihwa nyasha dzinotungamirira kuroponeso

2 Peter 3:9 inotiudza kuti Ishe unomoyo murefu kwatiri, nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vasvike pakutendevuka.

1 Timothy 2:4 yoti God desires all men to be saved and to come to the knowledge of the truth.

Mwari anoda kuti vanhu vese vaponeswe but chinorwadza ndechekuti vamwe vacharamba kuponeswa and God will not force them to be saved but He will respect their choice yekuenda kunoparadzwa kudziva remoto.

Haumanikidzwe kupedza race but kana warega hako kuripedza don’t expect kuwana mubayiro unopihwa avo vapedza.

Ndopedzisa ne Hebrews 12:1 inoti Naizvozvo, nesu vo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza nezvivi zvinongotinamatira, NGATIMHANYE NOKUTSUNGIRIRA NHANGEMUTANGE YATAKAISIRWA, MBERI KWEDU



Mharidzo: Heavenly Amnesty (Part 2)

Mharidzo: Heavenly Amnesty – Part 2

Scripture reading: Mark 11:1-11

18 April nyika yeZimbabwe inoCelebrater rusununguko (independence) but iwo musi iwowo ukapara mhosva unosungwa, ko vanosungireiko vanhu musi weIndependence handiti tirikupembera rusununguko here? hooo kureva kuti kuva neIndependence haisi right yekuti upare mhosva, that’s why uchiona kuti pakawana nyika independence majeri haana kuvharwa, nekuti vaiziva kuti pane imwe type inoda kuvharirwa mujeri even though tiri muIndependence, ukasaUnderstander zvinoreva freedom unogona kupika jeri munyika yakasununguka.

On part 1 takabata nyaya yekuregererwa naMwari & what is really means kuti kuva pasi penyasha haizi right yekutyora mirairo yaMwari. *(Romans 6:14-15)*. Today we continue nenhau iyi basing on the incident yatinowana pana *Mark 11:1-11*


when Jesus was about to enter Jerusalem kuti azadzise shoko rechiporofita rainge rakataurwa kuna *Zechariah 9:9*, anotuma vadzidzi vake kuti “_Endai kumusha wakatarisana nemi; pakarepo kana muchipinda mauri, muchawana mhuru yembongoro yakasungirwa, isina-kumbotaswa nomunhu; muisunugure, mugovuya nayo” _


Even in this time apo Jesu ave kuda kuzadzisa shoko rechiporofita rekudzoka kwake, ane basa raakapa avo vanotenda kwaari. Anoti iye pana *Matthew 28:19* _“Endai naizvozvo mudzidzise marudzi ose, muvabhabhatidze muzita raBaba nero Mwanakomana neroMweya Mutsvene.”_

These disciples are on a mission yekuti vasunungure dhongi rakasungwa. Today mutendi wese ane mission yekusunungura avo vakasungwa nasatan kubudikidza nekuzivisa nyika shoko raMwari nekuti iro shoko raMwari ndiro zvokwadi inosunungura vanhu, as Jesus said, “you shall know the truth and the truth shall make you free.” John 8:32.  And the word of GOD is the truth. *(John 17:17)*. saka we are supposed to preach uye kurarama the shoko raMwari kuti vanhu vasunungurwe kubva paGrip yasatan.



Jesu abuda pachena kuti kana muchinge masunungura dhongi iri, huyai naro, they were supposed to bring it to Jesus after vapedza kurisunungura. Deliverance haingoperere paDeliverance but vanhu ivavo vari supposed kuuya kuna Jesu. Unogona kudzingwa mweya yakaipa but zvikagumira ipapo worega kugamuchira Mweya Mutsvene uchaona kuti mweya yakaipa inodzoka futi mauri. Musasunungure dhongi zvogumira ipapo chete, nekuti munhu akamborisunga the 1st time anogona kurisungirira futi and this time anosunga zvine simba nekuti anotyira kuti pangazoite mumwe angaribvise. Kana masunungura dhongi iri huyai naro kwandiri, that was the instruction yakataurwa naJesu, loose him and bring him.

Unogona kubatsirwa from a certain problem ukava neTestimony but let me assure you kuti kana zvikagumira pakubatsirwa chete but worega kugamuchira Jesu, kudenga haupinde. Testimony yekusunungurwa kwamakaita yakanaka stereki, but ngazvirege kugumura ipapo, become a Christian uponeswe. Zita rako rinogona kunyorwa panonyorwa maTestimonies evamwe but rorega kunyorwa kudenga, nechikonzero chekuti wakangotsvaga kusunungurwa chete but hauna kuda kuita hukama naMwari anopa maTestimony. Generation yedu yazara nevanhu vanofarira zvekushandirwa and a very few vanoda kugamuchira Mweya Mutsvene kuti vazvishandire, number yevanhu vanoda kunamatirwa yakawanda kupfuura avo vanoda kunamatira vamwe. Kutsvaga kusunungurwa but kuna Jesu musingade kuuya.

Vadzidzi vakaenda vakanoriwana dhongi iri sezvavainge vaudzwa naJesu and vakarisunungura and brought it to Jesus. Vakakomborerwa vanhu vanoita sezvavatumwa, kune imwe type  yekuti mukaituma kunosunungura dhongi, inosunungura for sure but afterwards voriita ravo dhongi racho, haachada kuuya naro kuna Jesu. Kune vanhu varikuparidza shoko in order to draw people to themselves instead of bring people to Christ. Izvi zvakagarwa zvaporofitwa naPauro achiti pana *Acts 20:29-30* _Ini ndinoziva kuti kana ndaenda mapere anoparadza achapinda pakati penyu, asingaregi boka.Vuye, napakati penyu pamene pachamuka varume, vachataura zvinopesanisa, KUTI VATSAUSE VADZIDZI VAVATEVERE. (they have an aim to draw disciples after them instead of drawing them to Jesus). Kana muchinge masunungurwa endeswai kuna Jesu, kwete kune munhu nekuti munhu haana denga raainaro, endai kuna Jesu.

Vamwe ndivo vakasunungurwa naJesu ndokubva vatiza, after his prayers were answered akabva asiyana nezvekunamata. After awana muchato waida  chinonzi fasting no longer exist muVoculbrary yake, after awana basa rinobhadhara chegumi haachabvise, kuPrayer band hatichamuone nekuti zvaaida zvakaita. Makasunungurwa ndokurova pasi, shame manhingi

 Richisvika ikoko vanhu vakakanda nguwo dzawo pamusoro paro, when you come to Jesus anokupfukedza nguwo itsva dzekururama kwake, He clothes you with his robe of righteousness. *Isaiah 64:6* inoti iyo _”and all our righteousness are as filthy rag”_ kururama kwedu kwakafanana nenguvo ine tsvina. Saka don’t be satisfied nekuzviruramisa, but tsvaga kururama kunobva kuna Jesu. Seek first the Kingdom of GOD and HIS RIGHTEOUSNESS (not your righteousness, but GOD’s righteousness) ndizvo zvinotaura *Matthew 6:33*

Iko kuiswa kwenguwo pamusoro pedhongi kwavakutondiuza imwe nyaya yeDressing kuti kana munhu achinge auya kuna Jesu, kamupfekero kake kekare katori supposed kusiyana nekamupfekero kake kaiyezvino. Musati mauya kuna Jesu maifamba muviri uri panze, but nekuti mauya kuna Jesu that is supposed to change. Ngapaite musiyane pakati pedhongi risina Jesu and dhongi rina Jesu, let there be a clear distinction between dressing yemunhu asina Mweya Mutsvene and a person who is filled with the Holy Spirit.

 Afterwards Jesu anogara pamusoro pedhongi iri, he is now the one in charge ndiye ava in control. Ndiwe unoziva life yako, who is control, Jesu aripo here pamusoro pako, is he the One in control or ndi satan, kana Jesu asipo ziva kuti akagumira ndisatan, there is no neutral ground, its either una Jesu or urikupesana naJesu *(Matthew 12:30)*

Hongu wakasunungurwa but Jesu wacho wakamutakura here or pawakasungurwa wakabva warova pasi. are you carrying Jesus or you are roaming the streets. dhongi kana rasunungurwa ngaritakure Jesu. Kusunungurwa haizi licence yekuita madiro, nekuti ukadaro satan anokusunga futi. You become like a person ari muJeri but ari munyika ine independence. Pauro anobvunza kuti toramba tichitadza here kuti nyasha dziwande, kwete. (Romans 6:1). Kusunungurwa naJesu haizi licence yekuraramira muzvivi

rega kukangwanwa pawakabviswa naMwari, dai asiri Jesu uyu ungadai nanhasi uchiri wakasungirirwa.

Jesu akaita hanya nekusunungura dhongi, what more munhu who was created in the image of GOD? surely GOD cares for you, if He cared for the donkey, He also cares for you. Mwari vane hanya nehupenyu hwako. Ungave wakasungwa nezvivi, ungave wakasungwa nehurwere, ungave wakasungwa nenhamo, ungave wakasungwa nemweya yetsvina, ngozi, ungave wakasungwa neFear, whatever chakakusunga ziva kuti Jesu aripo anogona kukusungura. Zvava kwauri kubvuma kusunungurwa naJesu, the first thing kubvuma kuna Mwari kuti you need His help, reurura zvivi zvako nemoyo unorevesa, kumbira ruregereo, kumbira kuti Jesu agare mumoyo mako uve unoponeswa. But kana muchinge masunugurwa huya kuna Jesu, let him control your life, shoko rake ngaritonge hupenyu hwako

If the Son therefore shall make you free, ye shall be free indeed (Naizvozvo kana Mwanakomana achikusunugurai, muchava vakasununguka zvirokwazvo)












Mharidzo: Heavenly Amnesty (Part 1)

Musi wa25 May 2016, President weZimbabwe VaRobert Mugabe vakasunungura vasungwa vanopfuura 2000 kubva mumaJeri pachirongwa chePresidential Amnesty. Amnesty chirongwa chekuti musungwa anobuditswa mujeri asati apedza mutongo wake wese, muyenzaniso, munhu anogona kutongerwa 15 years muJeri, but after serving 10 years obva abuditswa, sentence yake haisati yapera but aregererwa ndiyo inonzi Amnesty.

Newspaper re The Chronicle remusi wa28 May 2016 rakabuditsa nyaya ine musoro wekuti “Pardoned Inmate caught with fake US$1200”. nyaya iyi ndeye mumwe wevamwe vainge vabuditswa mujeri under Presidential amnesty akazosungwa zuva raitevera after awanikwa aine mari yeFake.The same newspaper remusi wa1 June 2016 rakabuditsa nyaya ine headline yakanzi “Pardoned inmate breaks into 6 houses” apo paitaurwa nezvemusungwa akabuditswa mujeri paPresidental amnesty akazosungwa zvekare after apaza mudzimba dzinokwana 6 achiba kudhorobha reKumalo muguta reBulawayo.


Bepanhau iri zvekare remusi wa 4 June 2016 rakabuditsa nyaya yaiva nemusoro wakanzi “Pardoned inmate breaks into phone shop”, nyaya iyi yaive yemumwe munhu akabuditswa mujeri after that akaenda akanopaza akapinda muShop inotengesa maCellphone akaba midziyo inokosha iyo $1 800 mudhorobha reEntumbane. Akasungwa akatongerwa 4 years mujeri.

Ko nhai mapurisa anosungirei vanhu vakaregererwa naPresident? Kana vapara mhosva vanodii kungovasiya vakadaro, handiti vakaregererwa here? why do they re-arrest such persons? Hoooo chakaregererwa imhosva dzekare but kana ukazopara imwe mhosva unosungwa futi, zvisinei kuti wakamboregererwa munguva yekare. Ukasanzwisisa chinonzi kuregererwa unogona kuchiAbuser ukaswera futi wadzokera mujeri, Nhasi ndinoda kutaura nenyaya ye “Heavenly amnesty”, kuregererwa kunoitwa naBaba vedu vari kudenga.


Bible rinoti pana Romans 3:23 “nokuti vose vakatadza vakasasvika pakubwinya kwaMwari.” (For all have sinned and come short of the glory of GOD) tikaenda futi pana Romans 6:23 panonzi “Nokuti mubairo wezvivi ndirwo rufu...” (The wages of sin is death). Nekuda kwezvivi tiri supposed kufa ndiwo mutongo wacho unobata tese but kana munhu akanzwa shoko raJesu nekutenda muna Mwari Baba, munhu iyeye anowana hupenyu husingaperi; anobva murufu woenda muhupenyu. you pass from death to eternal life (John 5:24). But kunyangwe zvakadaro waregererwa zvivi zvako zvakudhara, unogona kudzokera futi kurufu woshaya hupenyu husingaperi, kana ukasaziva zvinoreva kusunungurwa.


Jesu anotisunungura kubva kuzvinhu zvakawanda, anotisunungura kubva kurufu, anotisunungura kubva kuGrip yasatan, kubva kuchivi, anotisunungura kubva kumweya yetsvina, he frees us from fear, ignorance and many other things, but ukasaibata zvakanaka nhau yekusunungurwa iyi unogona futi kudzokera mune chinhu chawaimbenge chakakusunga.

Kuregererwa chivi hakureve kuti wapihwa permission yekuti udzokere zvekare muchivi, kwete it doesn’t work like that. Pana John 8 tinoona mukadzi akabatwa achiita hupombwe, vanhu vakamuunza kuna Jesu vachida kumutema nematambo but nekuda kweNyasha dzaMwari akaregererwa,  her sentence was death, but due to heavenly amnesty she didn’t have to die, but kuregererwa kwake hakureve kuti apihwa go ahead yekuita hupombwe, in actual fact Jesu anomuudza kuti enda asi usazotadzezve, go and sin no more. Iyi nyaya iyi takamboibata paMharidzo yainzi “Gadzirisa loose connection”, let me leave it tiende kune mamwe maVerse.


Matthew 11:28 its a popular verse inofarirwa nevaparidzi especially kuma Crusades, verse iyi inoti  “Huyai kwandiri imi mose makaneta makaremerwa. Ini ndichakuzorodzai” ndiJesu anenge achitaura uyu and for sure Jesu anotura mutoro weavo vakaneta vakaremerwa, but nyaya haigumire ipapo, verse 29 anoenderera mberi oti “Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri nokuti ndiri munyoro. Ndinomoyo unozvininipisa kuti muwane zororo pamweya yenyu.”


Nyaya haiperere pakuturwa mitoro inorema but tiri supposed kutora joko raJesu. Joko (yoke) is an instrument of service, mudziyo webasa, kureva kuti kana tasunungurwa naJesu there is a service we are suppose to give to GOD. hatibviswe mutoro kuti tingogara hedu or kudzokera muchivi but we called for Christian service.

Makasunungurwa kubva kumweya yetsvina, but chenjerai futi mademon iwayo anogona kudzoka kuzokusunga, as long as you continue in your old habits ambokonzera kuti ugamuchire mweya yetsvina pakutanga.

Amnesty inoreva kuti hausisiri under jeri, but haizi license yekuti udzokere futi kunopara mhosva. Pauro anonyora achiti we are no longer under the law but under grace, hamuzi pasi pomurairo asi pasi penyasha. Romans 6:14 Iyo verse iyi ndiyo inobva yabatwa nevazhinji vomhanya nayo as an excuse yekutyora mitemo yaMwari  Kufanana nemusungwa abuditswa mujeri audzwa kunzi hausisiri under your sentence, you are now free, unogona kuenda kunopaza shop but be guaranteed kuti uchadzoka futi mujeri. But enderera mberi paNext verse unzwe kuti Pauro anoti kudii hanzi Romans 6:15  Zvino tichatiyiko? Titadze, nokuti hatizi pasi pomurairo here, asi pasi penyasha? Haiswa! “what then, shall we sin because we are not under the law but under grace? Certainly not!


Galatians 5:13 yoti  Nokuti imi, hama dzangu, makadanirwa kusununguka; asi kusununguka kwenyu ngakurege kuva nzira yenyama, asi batiranai norudo. (For you were called to freedom, brothers. Only do not use your freedom as an opportunity for the flesh, but through love serve one another).


Ishuwa makasunungurwa naJesu, but don’t use that freedom as an opportunity yekutyora mutemo waMwari. Mukafarisa nekuti makasunungurwa, munodzokera futi mukati. The least you can do kana uchinge wabuditswa mujeri is to obey mutemo weuyo akakubuditsa mujeri. Jesu anoti iye if you love me, you shall keep my commandments (John 14:15) Kana muchindida, chengetai mirairo yangu



Allow me to finish using this example, let’s say wabatwa nemhosva yeOverspeeding uchiDriver mota yako, mutemo uchiti unofanira kubhadhara ticket re$20 but iwe hauna mari, wochema-chema kuti officer ndiregererei handichazviite futi and mupurisa obva ati horaiti, rega tidaiso, ticket ndirikuzonyora handisi kurega kunyora, but mari yacho yeticket ndichabhadhara ndini, surely ticket ronyorwa wopihwa iwewe but officer votora personal money yavo voishandisa kubhadhara mhosva yawapara iwewe and wosiiwa hako uchienda. Nyasha dzawaitirwa idzi does it mean wapihwa go ahead yekufamba uchiOverspeeder futi? How does that police officer feel akazonzwa kuti wakaContinuer nekuOverspeeder after iyeye abhadhara mari yake.

tanga tiri vatadzi, vanyangadzi and mutemo unoti mubayiro wechivi rufu, ndiro ticket racho iroro, but Jesu ndiye akabhadhara ticket iri, ndiye akafa on our behalf kuti tirarame, but kutifira kwake hazvireve kuti tapihwa go ahead yekuramba tiri muzvivi, kwete hazvireve kudaro, how does Jesus feel achinzwa kuti uri kuenderera mberi nekutyora mitemo after ambotora nzvimbo yako? Haafare nazvo


Ziva zvinoreva kusunungurwa, urege kuzopara dzimwe mhosva dzichaita kuti udzokere futi pahusungwa