Mharidzo: Heavenly Amnesty – Part 2
Scripture reading: Mark 11:1-11
18 April nyika yeZimbabwe inoCelebrater rusununguko (independence) but iwo musi iwowo ukapara mhosva unosungwa, ko vanosungireiko vanhu musi weIndependence handiti tirikupembera rusununguko here? hooo kureva kuti kuva neIndependence haisi right yekuti upare mhosva, that’s why uchiona kuti pakawana nyika independence majeri haana kuvharwa, nekuti vaiziva kuti pane imwe type inoda kuvharirwa mujeri even though tiri muIndependence, ukasaUnderstander zvinoreva freedom unogona kupika jeri munyika yakasununguka.
On part 1 takabata nyaya yekuregererwa naMwari & what is really means kuti kuva pasi penyasha haizi right yekutyora mirairo yaMwari. *(Romans 6:14-15)*. Today we continue nenhau iyi basing on the incident yatinowana pana *Mark 11:1-11*
when Jesus was about to enter Jerusalem kuti azadzise shoko rechiporofita rainge rakataurwa kuna *Zechariah 9:9*, anotuma vadzidzi vake kuti “_Endai kumusha wakatarisana nemi; pakarepo kana muchipinda mauri, muchawana mhuru yembongoro yakasungirwa, isina-kumbotaswa nomunhu; muisunugure, mugovuya nayo” _
Even in this time apo Jesu ave kuda kuzadzisa shoko rechiporofita rekudzoka kwake, ane basa raakapa avo vanotenda kwaari. Anoti iye pana *Matthew 28:19* _“Endai naizvozvo mudzidzise marudzi ose, muvabhabhatidze muzita raBaba nero Mwanakomana neroMweya Mutsvene.”_
These disciples are on a mission yekuti vasunungure dhongi rakasungwa. Today mutendi wese ane mission yekusunungura avo vakasungwa nasatan kubudikidza nekuzivisa nyika shoko raMwari nekuti iro shoko raMwari ndiro zvokwadi inosunungura vanhu, as Jesus said, “you shall know the truth and the truth shall make you free.” John 8:32. And the word of GOD is the truth. *(John 17:17)*. saka we are supposed to preach uye kurarama the shoko raMwari kuti vanhu vasunungurwe kubva paGrip yasatan.
Jesu abuda pachena kuti kana muchinge masunungura dhongi iri, huyai naro, they were supposed to bring it to Jesus after vapedza kurisunungura. Deliverance haingoperere paDeliverance but vanhu ivavo vari supposed kuuya kuna Jesu. Unogona kudzingwa mweya yakaipa but zvikagumira ipapo worega kugamuchira Mweya Mutsvene uchaona kuti mweya yakaipa inodzoka futi mauri. Musasunungure dhongi zvogumira ipapo chete, nekuti munhu akamborisunga the 1st time anogona kurisungirira futi and this time anosunga zvine simba nekuti anotyira kuti pangazoite mumwe angaribvise. Kana masunungura dhongi iri huyai naro kwandiri, that was the instruction yakataurwa naJesu, loose him and bring him.
Unogona kubatsirwa from a certain problem ukava neTestimony but let me assure you kuti kana zvikagumira pakubatsirwa chete but worega kugamuchira Jesu, kudenga haupinde. Testimony yekusunungurwa kwamakaita yakanaka stereki, but ngazvirege kugumura ipapo, become a Christian uponeswe. Zita rako rinogona kunyorwa panonyorwa maTestimonies evamwe but rorega kunyorwa kudenga, nechikonzero chekuti wakangotsvaga kusunungurwa chete but hauna kuda kuita hukama naMwari anopa maTestimony. Generation yedu yazara nevanhu vanofarira zvekushandirwa and a very few vanoda kugamuchira Mweya Mutsvene kuti vazvishandire, number yevanhu vanoda kunamatirwa yakawanda kupfuura avo vanoda kunamatira vamwe. Kutsvaga kusunungurwa but kuna Jesu musingade kuuya.
Vadzidzi vakaenda vakanoriwana dhongi iri sezvavainge vaudzwa naJesu and vakarisunungura and brought it to Jesus. Vakakomborerwa vanhu vanoita sezvavatumwa, kune imwe type yekuti mukaituma kunosunungura dhongi, inosunungura for sure but afterwards voriita ravo dhongi racho, haachada kuuya naro kuna Jesu. Kune vanhu varikuparidza shoko in order to draw people to themselves instead of bring people to Christ. Izvi zvakagarwa zvaporofitwa naPauro achiti pana *Acts 20:29-30* _Ini ndinoziva kuti kana ndaenda mapere anoparadza achapinda pakati penyu, asingaregi boka.Vuye, napakati penyu pamene pachamuka varume, vachataura zvinopesanisa, KUTI VATSAUSE VADZIDZI VAVATEVERE. (they have an aim to draw disciples after them instead of drawing them to Jesus). Kana muchinge masunungurwa endeswai kuna Jesu, kwete kune munhu nekuti munhu haana denga raainaro, endai kuna Jesu.
Vamwe ndivo vakasunungurwa naJesu ndokubva vatiza, after his prayers were answered akabva asiyana nezvekunamata. After awana muchato waida chinonzi fasting no longer exist muVoculbrary yake, after awana basa rinobhadhara chegumi haachabvise, kuPrayer band hatichamuone nekuti zvaaida zvakaita. Makasunungurwa ndokurova pasi, shame manhingi
Richisvika ikoko vanhu vakakanda nguwo dzawo pamusoro paro, when you come to Jesus anokupfukedza nguwo itsva dzekururama kwake, He clothes you with his robe of righteousness. *Isaiah 64:6* inoti iyo _”and all our righteousness are as filthy rag”_ kururama kwedu kwakafanana nenguvo ine tsvina. Saka don’t be satisfied nekuzviruramisa, but tsvaga kururama kunobva kuna Jesu. Seek first the Kingdom of GOD and HIS RIGHTEOUSNESS (not your righteousness, but GOD’s righteousness) ndizvo zvinotaura *Matthew 6:33*
Iko kuiswa kwenguwo pamusoro pedhongi kwavakutondiuza imwe nyaya yeDressing kuti kana munhu achinge auya kuna Jesu, kamupfekero kake kekare katori supposed kusiyana nekamupfekero kake kaiyezvino. Musati mauya kuna Jesu maifamba muviri uri panze, but nekuti mauya kuna Jesu that is supposed to change. Ngapaite musiyane pakati pedhongi risina Jesu and dhongi rina Jesu, let there be a clear distinction between dressing yemunhu asina Mweya Mutsvene and a person who is filled with the Holy Spirit.
Afterwards Jesu anogara pamusoro pedhongi iri, he is now the one in charge ndiye ava in control. Ndiwe unoziva life yako, who is control, Jesu aripo here pamusoro pako, is he the One in control or ndi satan, kana Jesu asipo ziva kuti akagumira ndisatan, there is no neutral ground, its either una Jesu or urikupesana naJesu *(Matthew 12:30)*
Hongu wakasunungurwa but Jesu wacho wakamutakura here or pawakasungurwa wakabva warova pasi. are you carrying Jesus or you are roaming the streets. dhongi kana rasunungurwa ngaritakure Jesu. Kusunungurwa haizi licence yekuita madiro, nekuti ukadaro satan anokusunga futi. You become like a person ari muJeri but ari munyika ine independence. Pauro anobvunza kuti toramba tichitadza here kuti nyasha dziwande, kwete. (Romans 6:1). Kusunungurwa naJesu haizi licence yekuraramira muzvivi
rega kukangwanwa pawakabviswa naMwari, dai asiri Jesu uyu ungadai nanhasi uchiri wakasungirirwa.
Jesu akaita hanya nekusunungura dhongi, what more munhu who was created in the image of GOD? surely GOD cares for you, if He cared for the donkey, He also cares for you. Mwari vane hanya nehupenyu hwako. Ungave wakasungwa nezvivi, ungave wakasungwa nehurwere, ungave wakasungwa nenhamo, ungave wakasungwa nemweya yetsvina, ngozi, ungave wakasungwa neFear, whatever chakakusunga ziva kuti Jesu aripo anogona kukusungura. Zvava kwauri kubvuma kusunungurwa naJesu, the first thing kubvuma kuna Mwari kuti you need His help, reurura zvivi zvako nemoyo unorevesa, kumbira ruregereo, kumbira kuti Jesu agare mumoyo mako uve unoponeswa. But kana muchinge masunugurwa huya kuna Jesu, let him control your life, shoko rake ngaritonge hupenyu hwako
If the Son therefore shall make you free, ye shall be free indeed (Naizvozvo kana Mwanakomana achikusunugurai, muchava vakasununguka zvirokwazvo)
No comments:
Post a Comment