Scripture reading: Muparidzi (Ecclesiastes) 10:10
A story is told yevarume 2 vaitema miti. The first one akaita 1 hour achirodza demo rake and apedza ndokuita 1 hour achitema muti, so in total akatora 2 hours achishanda. The 2nd man akaita 3 hours non-stop achitema muti and akazopedza aneta. Vese vaitema miti yakafanana, but the 1st man chakamupa kuti ashandise less energy uye aite nguva shoma its because demo rake rainge rakarodzeka (it was sharp), but mumwe uyu chakaita kuti apedze nguva refu uye ashandise simba rakawanda it was because demo rake rainge rakagomarara.
Muparidzi (Ecclesiastes) 10:10 yobva yati iyo “If the axe is dull, And one does not sharpen the edge, Then he must use more strength; But wisdom brings success” (Kana simbi yagomara, munhu akasairodza, anofanira kunyanya kubata nesimba; asi uchenjeri hunobatsira pakururamisa)
Demo rakagomarara rinorwadza kutema naro, more time and more energy and less results. Vamwe havasati vambotema huni so let me bring it closer home: banga rakagomarara harinyatsocheke chaizvo, razor yakagomarara hainyatsocheke, any tool inoshanda neSharp edge ikango gomarara chete ziva kuti uchada simba rakawanda kuishandisa, uye zvichakutorerera more time and unogona kutadza kubudirira pakucheka zvauri kuda kucheka
Kune demo rinonzi prayer, iri demo iri kana risiri sharp, kunamata kunokurwadza, you generally take long but woshaya zvawainamatira. Unoita hasha kuti ndirikunamata wani but there is little or no change, chikonzero ndechekuti demo rakagomarara. Kana ndichiti demo rakagomarara I mean pane zvimwe zvinhu zvinofanira kunge zviripo or zvinofanira kuita kuti prayer ipindurwe naMwari in the way you want it and if you ignore zvinhu izvozvo munamato wako unoshaya simba, it becomes like demo rakagomara.
Ukanamata usina faith ziva kuti idemo rakagomarara (Matthew 21:22) Ukanamatira zvinhu zvisiri in line nekuda kwaMwari = demo rakagomarara (1 John 5:14). Ukanamata usingade kusiya zvivi = demo rakagomarara (Isaiah 59:1-2) Ukanamata uchidzokorodza mashoko nhando = demo rakagomarara. (Matthew 6:7). The list goes on and on, read your Bible uone kuti ndezvipi zvinhu zvinoita kuti munamato wako upindurwe & ndezvipi zvinoita kuti usapindurwe.
Kana demo rePrayer riri sharp it will bring the desired results and kunamata hakukurwadzwe but you actually enjoy talking to God. musangonakidzwe nekutema, but tangai mambotarisa kuti demo renyu rakapinza here, seat down and sharpen your axe.
Kune demo rinonzi mharidzo, kana rakagomarara unoshaya maResults naro. Unorova damba refu reSermon but zvigotadza kubatsira anyone nekuti demo rakagomarara. You just rushed kunoparidza but hauna kubvira wataura naMwari through prayer, hauna kuverenga Bible rako before preaching, you just rushed kunoparidza. Ko wadii wambogara pasi warodza demo, wadii, wanamata kana kutsanya, wadii wanyatsoita research yako. Sharpen your axe
Bible study ndirimwe demo rinokosha muchiChristu, demo iri rinotema-tema ignorance, demo iri rinosimudza faith yedu, demo iro rinotema tema manyepo asatan. But kana demo iri rakagomarara, haaa munochona pasina chabuda. Unoriverenga Bible from Genesis to Revelation but ugotadza kurinzwisisa nechikonzero chekuti hauna kurodza demo iri mushe.
Kana uchiverenga Bible ngazvive nekunamata mukati so that Mweya Mutsvene akafemera kunyorwa kweBible Akupe kunzwisisa kuti zvauri kuverenga zvinorevei. Rega kuverenga a single verse iri yega and form a conclusion ipapo but verenga the surrounding verses unzwe kuti yanga iri nyaya yei in the first place pazonyorwa verse iyoyo, consider other verses kuti anoti kudii pamusoro peTopic iyoyo. You want God to reveal more to you but zvishoma zvawakakuzivisa haude kuzvirararama. It doesn’t work that way nekuti Luke 16:10 Jesu anoti uyo akatendeka pazvishoma akatendeka zvekare pazvikuru, asi kana usina kururama pazvishoma then even pazvikuru hauna kururama. Tanga wagamuchira shoko raunoziva iroro before you want God to reveal zvimwe zvikuru. Kana demo risiri sharp, haaa rinokurwadza , you will never enjoy reading the Bible.
Demo rinonzi fasting rine simba zvikuru nekuti kune mamwe maProblems anonzi naJesu zverudzi urwu hazviende zvoga asi zvinoda kutsanya nekunyengetera. (Matthew 17:21) Asi kunyangwe zvakadaro, unogona kurova 40 days wakatsvanya and woshaya maResults mumwe ongoita 2 days but zvake zvoita, nechikonzero chekuti urikushandisa demo rakagomara and vamwe vane matemo ari sharp. You are ignoring zvinotaura Bible concerning nyaya yeFasting. Uri kutsvanya uchida kuonekwa nevanhu izvo zvakarambwa naJesu pana Matthew 6:16-18. Kutsanya kwako hakuna prayer mukati, wangoregedza chikafu chete but pasina prayer and yabva yaita kunge hunger strike. Iyi yekuti chikafu chausina kudya makuseni, chausina kudya paLunch wakuzochidya chese manheru pamwe chete neSupper iFasting here iyi or wango postponer maMeals ako? Ukaverenga Isaiah 58 unoona vanhu vaiComplainer kuti takatsanya but Mwari havana kuzviona, and panobva papihwa zvikonzero why fasting yavo isina kugamuchirwa naMwari (go and read it). demo rakagomara
Demo rinonzi giving rinobatsira kwazvo but kana muchitora mari dzamapihwa seBribe kumabasa enyu, mari dzamawana nenzira dzechitsotsi and you bring it to the house of God, ziva kuti urikutema nedemo rakagomara nekuti God loves obedience more than sacrifice (1 Samuel 15:22). Mwari Vanoda munhu anoterera more than munhu anotyora mitemo yaMwari trying to give God a sacrifice.
Kuimbira Mwari (music) idemo rakanaka kwazvo, but demo iro rinogona kushaya maResults kana ukaimba zvinhu zvisiri Biblical, maLyrics ako akatadza kutsigirwa neBible, ziva kuti urikutema nedemo rakagomarara, ukaimba uine wrong motive yekuda kuzvitsvagira mbiri than kuti Jesu asimudzirwe, kuimba kuti utsvage mari uchishandisa zita raMwari, ziva kuti urikutema nedemo rakagomarara. And tsika yekuda kutora maStyles ekunyika oiswa pamusic yaMwari ndiwo mamwe akonzera kuti demo rigomarare nekuti Romans 12:2 inoti DO NOT BE CONFORMED TO THIS WORLD, musaenzaniswa nenyika ino.
There are many things zvatinogona kuita muchiChristu chedu, but zvinhu izvi tikazviita tisingatevedzere zvinodzidziswa neBible, uchaona kuti we will not get maResults atiri kuda. Instead yekuti tifarire zvinhu izvi, it becomes a painful experience, rinokurwadza demo racho and you willl use more energy nechikonzero chekuti rakagomarara. Saka seat down and sharpen your axe. Usatedzere vamwe vanomhanya kunotema nematemo akagomarara but gara pazi urodze demo, vhura Bible unzwe kuti zvauri kuda kuita izvi zvinoitwa sei kuti zvishande..
Muparidzi (Ecclesiastes) 10:10 yobva yati iyo “If the axe is dull, And one does not sharpen the edge, Then he must use more strength; But wisdom brings success”
(Kana simbi yagomara, munhu akasairodza, anofanira kunyanya kubata nesimba; asi uchenjeri hunobatsira pakururamisa)
Wana uchenjeri kubva kubva mushoko raMwari rinova Bible
Amen, demo ngarive sharp zvinhu zviendeke Mwari ngavatibatsire
ReplyDeletepowerful Amen
ReplyDeleteAmen...Demo rinofanira kurodzwa
ReplyDeletePowerful
ReplyDeleteIndeed this is an uplifting presentation
ReplyDeleteAmen. Shoko randibata iri
ReplyDeletePowerful word
ReplyDeleteAmen demo ngarirodzwe hama vadikani
ReplyDeleteAmen very powerful
ReplyDeletei connect
ReplyDeleteVery powerful indeed
ReplyDeleteSELLING FULLZ FRESH & GUARANTEED
ReplyDeleteFRESH SPAMMED UPDATED-2024
VERIFIED & LEGIT STUFF
Here we're:
What's App - +1... 727.. 788... 6129
Tele gram - @ killhacks / @ leadsupplier
E mail - cyber.zoneuniverse at g mail dot com
Skype - @ peeterhacks
USA UK CANADA Stuff available in Bulk quantity
Real Scan Docs DL & ID Front Back
Fullz with DL issue & Expiry dates
Business EIN Company Fullz pros
Students Fullz Year Age 2000-2012
SSN DOB DL ADDRESS PHONE email Account & rooting Fullz
SIN DOB ADDRESS MMN Email & Phone Canada Fullz
NIN DOB DL ADDRESS SORT CODE & Account number UK FULLZ
DL|ID Front Back with Selfie & SSN
Young & Old age fullz
EIN Look up
Passport Photos with selfie
UK CANADA RU FR GR AUS DL front Back
CC with CVV & billing address
Dumps with Pins 101 & 202 with Cash out tutorials
SMTP|RDP|C-panels|Web-mailers|Shells|RATS available
Tools & Tutorials available for Ha-cking & Spamming
Guaranteed stuff will be provided
Invalid, bad, used & wrong info will be replaced
Bulk quantity available
Market competitive whole sale prices
Contact fast for fresh stuff
#FullzUSA #FullzCanada #FullzUK #SSNDOBDLFULLZ #EINFULZZ #CCSHOPCVV
#SINFULLZ #NINFULLZ #DUMPSPIN #DLFRONTBACK #FULLZKYC #TOOLSTUTORIALS
What's App - +1... 727.. 788... 6129
Tele gram - @ killhacks / @ leadsupplier
E mail - cyber.zoneuniverse at g mail dot com
Skype - @ peeterhacks
Amen
ReplyDelete