Thursday, 28 July 2016

Mharidzo: RUNNING THE RACE

Scripture reading: 1 Corinthians  9:24


Paul achinyora kuna 1 Corinthians 9:24 anoti iye “Do you not know that those who run in a race all run, but one receives the prize? Run in such a way that you may obtain it.”

Muranda waMwari arikutora zvinoitika kumaAthletics as an example yezvinhu zvinoitika pachiChristu. Hanzi vanoita nhangemutange vanomhanya vose, asi mumwe chete ndiye anopihwa mubayiro. Kumhanya munogona kuwanda but hamusi mese munopihwa prize. Tinogona kuva takawanda panhau dzekunamata idzi asi hatizi tose tichaponeswa, kunyangwe Jesu anoti iye pana Matthew 7:21 “havasi vose vanoti kwandiri Ishe Ishe vachapinda muhumambo hwekudenga asi avo vakaita kuda kwaBaba vangu varikudenga”.

Paul anopedzisa verse achiti mhanyai saizvozvo kuti muwane, run in such a way that you may obtain the price.

There are many lessons dzatinogona kutora kubva kumaAthletics which we can apply pachiChristu tikabatsirika. Just like how Apostle Paul applied examples in Athletics to Christianity we can also do the same, Mweya Mutsvene achitibatsira. And maLessons acho ndamaisa under different sub topics and a brief summary pasi pacho.


TRAINING
Race haitangire paRace but inotangira kuTraining. Usain Bolt watinoona achimhanya pa100 meters hazvingotangire muGround but zvinotangira kuTraining, paya patinozomuona achiBreaker record anenge atombopedza nguva ari kuTraining.

Hautange kuzoita muChristu wavakudenga but zvinotangira pano pasi. It is on this earth where we are prepared to stay in the new Jerusalem. Pano pasi ndipo paTraining ground pacho and Jesu paanodzoka kechipiri haasi kuuya kuzochinja maCharacters evanhu but arikuuya kuzotora vanhu vane maCharacters akachinja kare kuti vapinde denga.

Start loving your enemies uchiri pano pasi than kuda kutanga kuzovada wava kudenga otherwise you will miss heaven.  You don’t like kuita zvinotaurwa neshoko raMwari and you expect kunyika idzva yet iro Bible richiti kuna Zvakazarurwa 21:27  Mukati maro (Jerusarema idzva) hamungatongopindi chinhu chinosvibisa, kana chinonyangadza, kana chinenhema. You don’t like prayer uchitaura naMwari but unotarisira kuzopedza eternity uchigara naMwari wausingafarire kutaura naye, chirudzii nhai.Hutsvene ngautangire pano pasi, ndipo paTraining ground pacho.

Training inogona kurwadza kupfuura the actual race but ikashayikwa training iyoyo chances are high kuti race yacho you will not make it. if you can’t spend 10 mins jogging  how can you expect to spend 2 hours uchimhanya marathon. Iwo maTrials atinosangana nawo pano pasi they are prepare us for eternal life.
James 1:12  “Wakaropafadzwa munhu uyo unotsungirira pakuidzwa; nokuti kana atendwa, uchapiwa korona yovupenyu yakapikirwa avo vanomuda.”


DRESSING

Ungaende here kunomhanya 100 meters wakapfeka hovhorosi nemaJombo, kana iyo marathon yacho ungapfeke hovhorosi here, hausi kuona kuti urikuzviomesera here. maProfessional athletes havangopfeke chero zvavada but they have special clothes which they wear kana vachimhanya.

Ephesians (Vaefeso) 6:13-17 inotiudza kuti the armour of God Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti mugone kudzivisa pazuva rakaipa, nokuramba mumire mapedza zvose. Naizvozvo mirai makasunga zvivuno zvenyu nezvokwadi, makapfeka chidzitiro chechifuva chokururama, makasunga patsoka dzenyu kugadzirwa kweEvhangeri yorugare; pamusoro paizvozvi makatora nhovo huru yokutenda, yamungagona kudzima nayo miseve yose yomoto yowakaipa. Torai ngowani yoruponeso, nomunondo woMweya, iro Shoko raMwari;
 

Even our physical dressing yedu ngaive nemusiyano pakati pedu vanhu vanotya Mwari neavo vasingatye Mwari.


LAY OFF WEIGHTS

Mukumhanya race haitakure zvinhu zviri unnecessary nekuti zvinozotiremedza. Woita mutoro wekutakura body yako plus kutakura zvimwe zvinhu futi  here. Even in our Christian race Bible rinoti pana  Vaheburu 12:1 ngatibvisei zvose zvinoremedza nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa, mberi kwedu.

kune zvimwe zvinhu zvingoripo pakutiremedza, im talking of things zvekuti tikada kuDisscuser kuti whether it’s a sin or not tinogona kupedza zuva rese tichiitisana nharo whether it’s a sin or not, but zvinhu izvozvo ukada kuzvitarisa hazvina chazvinokubatsira pachiChristu chako but in fact zvinotokukanganisa. Especially paEntertainment apo, pane imwe music yatiri supposed kusiya, pane mamwe mafirimu atiri supposed kusiya, and beyond entertainment kune zvimwe zvinhu zvisina kana basa zvatiri supposed kusiya nekuti maWeights anotiremedza pakumhanya kwedu.


DON’T JUMP THE GUN

Kana muchimhanya panonzi on your marks… get set…. ready and poridzwa pfuti. But usually kune vamwe vanoita dzungu rekutanga kumhanya pfuti isati yarira, muchirungu vanoti you have jumped the gun and ukaita izvozvo unogona kupihwa warning or you get disqualified.

Tine maChristu who are jumping the gun, havana patience, they can’t wait for GOD, vanoda kutungamira Mwari, like the impatient Sarah anoona as if promise yaMwari yanonoka obva audza Abraham kuti tora Hagar uite naye vana. Like the impatient children of Israel vanoona as if Moses anonoka kudzoka kubva kugomo and they request Aaron kuti avagadzirire chimwari cheFake. Like the impatient Saul anoona as if Samuel anonoka kuuya and he offers sacrifice yainge iri supposed kuitwa naSamuel and not iye Saul. Let’s learn to wait upon the Lord tirege kumhanyira Mwari kumberi.

Isaiah 40:31  asi vanomirira Jehovha vachawana simba idzva; vachabhururuka namapapiro samakondo, vachamhanya vasinganeti, vachafamba vasingaziyi.


RUN IN YOUR TRACK

Kana muchimhanya race munogona kupihwa maLanes ekumhanya uri depending neRace yamuri kumhanya and you are not allowed kubuda muTrack imomo. In this Christian race takapihwa lane rekumhanya naro and lane iroro ndidzo dzaMwari dzatinodzidziswa neBible. Sei uchiti ukamhanya mune rimwe lane wochinja uchipinda mune rimwe lane, nhasi uri kumhanya muLane raJesu, mangwana uri kuLane rasatan, pakunamata uri muLane raMwari, but pakutsvaga mari wopinda muLane rasatan rizere nechitsotsi, pamberi pevanhu uri muLane raJesu, asi behind closed doors uri muLane rasatan, paFacebook wall kana whatsapp status uri muLane raChristu but kuInbox uri munzira yasatan, who are you fooling?

don’t be double minded vana vaMwari, its either uri kwaJesu or uri kwasatan, stick to your track don’t change it, lest you get disqualified.Matthew 6:24 No man can serve two masters…

1 Corinthians 10:21  “Hamunganwiri pamukombe waShe, napamukombe wemweya yakaipa; hamungadyiri patafura yaShe napatafura yemweya yakaipa.”



FOLLOW THE RULES

Pakumhanya pane mitemo yepo inofanirwa kutevedzerwa and you can get disqualified ukatadza kutevera mitemo yacho.

Mwari Vane mitemo yavo and for you to ignore it and expect kuti uwane hupenyu husingaperi hazvishande. Pachapera race, on the judgement day, Jesu ane chimwe chikwata chaachaDisqualifier nechikonzero chekuti vaiita zvakaipa vasingatevedzere mutemo waMwari.
Matthew 7:22-23 Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro, Ishe, Ishe hatina kuporofita muzita renyu here? Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here? Zvino ndichavavudza pachena handina kutongokuzivai, ibvai kwandiri imi vaiti vokusarurama.

Ko inga vakamhanya zvinodadisa wani, why are they being disqualified? Vaisaterera shoko raMwari

2 Timothy 2:5 And also if anyone competes in athletics, he is not crowned unless he competes according to the rules


CROSS THE FINISHING LINE

Pakumhanya unoneta nekudaro panodiwa endurance (kutsungirira). Unogona kumhanya 99% of the race uri paNumber 1 and wavakusvika paFinishing line you decided kuti since ndaneta let me quit, Havambokupe medal. Race ngaipere, cross the finishing line. don’t quit along the way.

kune vazhinji vave maRetired general panyaya dzekunamata, unotonzwa achizvikudza kuti isu takanamata kare, but now akasiya, they failed to endure the race. Rega ndikuudze chokwadi, kuti Christianity is not a walk in the park, kune maChallenges along the way anotoda kuti utsungirire.

Ramba wakatendeka kusvika kumagomo, uchawana mubayiro.

Matthew 24:13 Asi unotsungirira kusvikira pakuguma, uchaponeswa

ALL HAVE A CHANCE

Race iyi munhu wese ane mukana wekukunda. Ukaverenga  Ecclesiastes 9:11 inoti "I returned and saw under the sun that-- The race is not to the swift, Nor the battle to the strong, Nor bread to the wise, Nor riches to men of understanding, Nor favor to men of skill; But time and chance happen to them all”

Ndafarira apo panzi TIME AND CHANCE HAPPEN TO THEM ALL.

Munhu wese ane mukana infact Mwari anoda kuti munhu wese aponeswe,
Titus 2:11 yoti “For the grace of God that brings salvation has appeared to all men”. Batisisa panzi ALL MEN. munhu wese anopihwa nyasha dzinotungamirira kuroponeso

2 Peter 3:9 inotiudza kuti Ishe unomoyo murefu kwatiri, nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vasvike pakutendevuka.

1 Timothy 2:4 yoti God desires all men to be saved and to come to the knowledge of the truth.

Mwari anoda kuti vanhu vese vaponeswe but chinorwadza ndechekuti vamwe vacharamba kuponeswa and God will not force them to be saved but He will respect their choice yekuenda kunoparadzwa kudziva remoto.

Haumanikidzwe kupedza race but kana warega hako kuripedza don’t expect kuwana mubayiro unopihwa avo vapedza.

Ndopedzisa ne Hebrews 12:1 inoti Naizvozvo, nesu vo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza nezvivi zvinongotinamatira, NGATIMHANYE NOKUTSUNGIRIRA NHANGEMUTANGE YATAKAISIRWA, MBERI KWEDU



3 comments:

  1. 'Running the race'.l never get tired of reading this sermon.

    ReplyDelete
  2. Continue providing these sermons.They are helpful.

    ReplyDelete
  3. I've read it through & through & l'll continue to do that.

    ReplyDelete