Friday, 25 July 2014

Signs of Times (Zviratidzo zvenguva)


Scripture reading: Matthew 24

Watch haizi time but inoratidza time. That’s why uchiona kuti even if watch yako ikafa or kurasa, kunze kunodoka chete. Zuva harirege kudoka nekuti watch yako yafa. So hazvibatsire kuIgnowa watch, nekuti even if you ignore it or kuibvisa battery, It will continue to work. Nyaya iripano haizi yeWatch but its about signs of the times, zviratidzo zvenguva yekudzoka kwaJesu. Zvinhu izvi even if you ignore it, hapana chaunenge wagona nekuti Jesu achangodzoka chete. Just like kudoka kunoita zuva despite the fact yekuti you have ignored your watch. Jesus will return even if we ignore the signs of His coming.

Iri ivhangeri risinganakidze kunzwa iri, but since ririmo muBible hapana zvandingaite but to preach it. ukaona sign yakanzi hump ahead and you ignore it, izvozvo hazviite kuti hump ibve muRoad, kwete the hump will remain in the road and if you don’t reduce your speed chinokuvara imota yako or iwewe ndiwe uchakuvara. Sign iripo pakukubatsira kuti uzive the right action yekutora, so do not ignore it. if you ignore it anokuvara ndiwe, kuIgnowa red robot anoSuffer ndiwe after you are arrested or kuita tsaona. maSigns of the times ekudzoka kwaJesu aripo pakukubatsira kuti uzive the decision to make concerning nyaya yekunamata.  don’t ignore it, zvimwe zvese ungashaye hako interest but kana iri iyi yekuuya kwaJesu you have to know about it nekuti everyone is going to be affected by it, even vakafa chaivo will be affected by Christ’s return.

Mumwe anobva aita mubvunzo kuti nhai kubva mazuva anaPauro paingotaurwa nyaya dzekuti Jesu arikudzoka but up until now Jesu wacho haasagti auya, kubvira kare chaiko zvichinzi Jesu arikudzoka but nanhasi haasati auya, what is happening?

 But rega ndikubatsire ne 2 Peter  3:8 inoti But, beloved, be not ignorant of this one thing, that one day is with the Lord as a thousand years, and a thousand years as one day. (Asi musakanganwa chinhu chimwe chete ichi, hama dzangu, kuti: Kuna Ishe zuva rimwe chete rakaita sechiuru chamakore, uye chiuru chamakore chakaita sezuva rimwe chete). Yatinoti 1000 years yedu, kuna Mwari its like 1 day, so iwewe pauri kuti Jesu ane 2000 years asati adzoka kuna Mwari its just 2days. Next verse yobva yaenderera ichiti Ishe haanonoki kuita zvaakavimbisa, sokunonoka kunonzwisiswa navamwe. Ane mwoyo murefu nemi, haadi kuti ani zvake arasike, asi kuti vose vatendeuke.

Iwe urikuona delay but ivo Mwari varikuedza kutopa munhu wese mukana wekuti atendeuke aponeswe.

Matthew chapter 24 inotanga vadzidzi vachiyemura kunaka kweTemberi vachiudza Jesu kuti tarirai muone zvayakaita. Iye Jesu haana kuti yes shuwa yakanaka but akavaudza kuti “Muri kuona zvinhu izvi zvose here? Ndinokuudzai chokwadi kuti hakuna ibwe richasara pano riri pamusoro perimwe; ose achawisirwa pasi.”

Iyo Temberi nekunaka kwayo kwose unonzwa Jesu achiporofita kuti its going to be destroyed and for sure it happened around AD70. Even though yainge yakanaka kwazvo but it was destroyed. Nhasi tingave nemaStructures akanaka kwazvo, but they shall be destroyed with fire mukuguma kwezvese. Just like how GOD destroyed the world in the days of Noah with the flood,it shall be so again when He destroys this world with fire. (2 Peter 3:10)

Jesu anoti zvino ava paMount of Olives, maDiscples vanomubvunza kuti izvi zvekuparadzwa kweTemberi zvichaitika rinhi and what shall be the sign of your coming & the end of the World. Jesu haana kutanga nekutaura maSigns ekuguma kweNyika but anotanga nekuti take heed no man deceives you, “Chenjerai kuti murege kunyengerwa nomunhu. Iye arikubvunzwa nezve maSigns but haatange kutaura maSigns, anotanga nekupa vanhu warning kuti Chenjerai kuti murege kunyengerwa nomunhu, and this warning is also very  relevant kwatiri nhasi….ngatichenjere  tirege kunyengerwa nomunhu. Bible harina kutiudza kuti munhu upi chaiye but rangoti munhu, meaning anyone can fall into this category, saka pakadaro rega kuvimba nemunhu but vimba naMwari. Munhu anogona kukunyengera but not GOD, hapasi pekuvimba naPastor, Bishop, Prophet, Husband, Wife etc or even inini wacho ndirikuparidza usavimbe neni because im also a human, so ndinokwana mucategory ya”no man” yataurwa. As long as I don’t speak zvinoederana nedzidziso yeBible, please stay away from me, as long munhu achipikisa zvinodzidziswa neBible, usaterere, nekuti deception inyaya yekuti munhu anoita kuti chinhu chechokwadi chiite kunge manyepo or manyepo aite kunge echekwadi or both.

Chenjerai murege kunyengerwa nomunhu, that was the warning. And tiripo ipo paNyaya yekudzoka kwaJesu, kune vamwe vakamboda kunyengera vanhu vachitaura a date richadzoka Jesu, if you remember iya yainzi doomsday theory  Harold Camping aiti nyika ichaguma on May 21, 2011 but iro Bible richiti no one knows that day or, not even the angels of heaven, but my Father only. (Matthew 24:36). Mumwe munhu ndipo paanoda kukudza date rachizvaitika. That’s deception yarehwa naJesu kuti let no man deceive you. Also Ronald Weinland said the same achiti nyika ichaguma on May 27 2012 and many other people vanhu maDates avaka setter.

Jesu obva aenderera mberi achiti For many shall come in my name, saying, I am Christ; and shall deceive many. And icho ichokwadi, we have heard vanhu vanozviti ndivo vana Jesu, not very far but this year muno muZimbabwe in Januray  pane murume akaifmba achizviti ndini Jesu Christu Bulawayo, he made it into the newspapers (check The Chronicle remusi wa 14 January 2014 or read it online http://www.chronicle.co.zw/jesus-flees-angry-mob/ ) and chinorwadza ndechekuti such people vatorine maFollowers atone vanhu vake vanomutenda kuti zvechokwadi uyu ndiye Jesu. And this fulfils shoko iro rati they shall deceive many.  For those who remember pane yainzi ’mudzimu unoyera’ yekuGuruve where there was a girl who claimed to be Jesus. Aya angori mamwe emasigns ekuti zvokwadi, the end is near.

Jesu anochitanga manje kutaura zvimwe zvichaitika paNyika andingati signs in the natural world. Chekutanga hanzi you shall hear of wars and rumours of wars. Just imagine ihondo ngani dzirikurwiwa right now, Israel nePalestine varikurwa uko,  Somali Civil War, Islamist insurgency in Nigeria ana Boko Haram, Syrian Civil War, poita Central African Republic conflict, totaura futi South Sudanese Civil War, Pro-Russian kuUkraine. And poitawo mamwe maRumours of wars Uprisings hobho anongoitika, wonzwa kuti kuEgypt vazoita noise, kuLibya, ana DRC vazonetsana neM23, anaMatsanga wonzwa kuti varikuda kutanga futi hondo kuMozambique, wonza Alshabab yazotora vanhu hostage muShop mall in Kenya. And many other things zviri related kuHondo.

Nation shall rise against nation and kingdom against kingdom. Pane kumwe kunetsana kunongoitika so kusina kana pfuti mukati, look at what is happening pakati peUSA ne Russia, USA neNorth Korea, even munhu muAfrica pane kakusawirirana between some nations.

Chimwe chiratidzo chakataurwa naJesu inzara (famines/droughts/hunger). Senge kana iri Africa nyaya iyi tisu tinonyotsoiziva kuti haizi yekutamba nayo according to WFP  (World Food Programme yeUnited Nations) 842 million people in the world do not have enough to eat. http://www.wfp.org/hunger/stats  Imo medu muZimbabwe umu, maDroughts mangani atawana especially after 1990, senge kana iri Matabeleland year in year out vanogara vachichema nekuti mvura haisi kunaya  as it used to do.

Earthquakes that’s another sign yakataurwa naJesu kuti kuchava nokudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana-siyana. And if you remember sometime in 2006 or is it 2008 muno muZimbabwe we heard an earth tremor ( a slight earthquake) imo medu munyika and yakasvika kwese kunana Mozambique. Ukaona area inonzi nevacho vakadzidza it’s a stable ground ukaona yavakuShaker then that must mean something. Do you remember the famous Tsunami yekuitika kuIndonesia in 2004, the land below the sea yakaShaker zvekuti mvura yemuSea yaisimuka ichiuya kuDry land and it killed over 230 000 people. Kukura kweEarthquake is measured on a Richter scale inobva pa 1  kusvika ku10. A small earthquake inobva kuna 1 and zvichikwida kusvika kuna 10 which is the strongest earth quake.

Mamwe maEarthquakes akaitika in the past 10 years around the world to mention but only 4 ndeaya.
Off the West Coast of Northern Sumatra on 26 Dec 2004 9.1 paRichter scale
Near the East Coast of Honshu, Japan          11 Mar 2011          9.0 paRichter scale
Offshore Maule, Chile 27 Feb 2010                                 8.8 paRichter scale
Northern Sumatra, Indonesia    28 Mar 2005                  8.6 paRichter scale.
Analysis yeRitcher scale yacho ukada kuitarisa you will see kuti aya haazi maEarthquakes ekutamba nawo, nekuti  6 kusvika pa 6.9 inenge ichinzi strong, 7- 7.9 major and 8-8.9 great

Another sign yakataurwa naJesu is pestilences (zvirwere). Just think about maEpidemics atakamboona, kana tiri isu Zimbabwe we can talk of Cholera pakafa  vanhu vazhinji. Iye zvino tinonzwa kuti kuGuinea and beyond the nation's borders in West Africa kune Ebola virus and At least 1048 infections and 632 deaths have been reported. Totarisawo zvimwe zvirwere zvazara mazuva ano, whether its cancer, HIV/AIDS, hyper tension, diabetes, etc, zvakawanda zvirwere zvacho.

These are just signs. Jesu anobva ati those are the beginning of sorrows. Word rekuti sorrows rakashandiswa was translated from the greek word odin zvichingoreva birth pains. So Jesu arikufananidza zviratidzo zvese izvi nemavambo okurwadziwa kwokubereka. And if you look at that comparison yemaBirth pains, kana zvatotanga pane mukadzi akazvitakura the only solution ndeye kutoenda naye kuchipatara or kuna  nyamukata so that she gives birth. Hapana zvekuPostponer kuti tinozoenda mangwana, even zvikatanga mid night munotomhanya mhanya kutsvaga mota so that muende kuClinic. Likewise maEvents aya ese we can not postpone kudzoka kwaJesu, izvi hatizvikwanise but what we can only do is to be prepared for his 2nd coming.

Let me jump to verse 29 of that same chapter yaMatthew 24, pane zvinhu zviri crucial zvandinoda kubuditsa as I conclude, nyora pasi maDates aya uzoita research yako uzvionere wega. May 19 1780. November 13, 1833.
Jesu akaporofita akati the sun shall be darkened, (zuva richasviba), chakanakira history ndechekuti they record zvinhu pazvinoitika and if you research kana kuGoogler uchaona kuti this happened on 19 May 1780, haizi solar eclipse iyi but it was the actual darkening of the sun which happened in England. another thing pamaSame verse hanzi the moon shall not give its light and stars shall fall from heaven iyi yemaStars on 13 November 1833



When you are driving a car ukaona sign yakanzi hump ahead you reduce your speed, you take the appropriate action, likewise lets us take appropriate action nekuti maSigns tirikumaona anonogodzera kudzoka kwaMessiah, ngatitendeukei tibve muzvivi, believe in Jesus and get baptised by the Holy Ghost and Fire.

Friday, 18 July 2014

Title: Wasunungurwa. (you have been freed)



Scripture reading: Mark 11:1-8

Jesu anotaura iye achiti The Spirit of the Lord is upon me, because he has anointed me to preach the gospel to the poor; he has sent me to heal the broken hearted, TO PREACH DELIVERANCE TO THE CAPTIVES, and recovering of sight to the blind, to set at liberty them that are bruised, Luke 4:18 (KJV).

Nhasi tinoda kubata the statement rekuti  “to preach deliverance to the captives”…(
kuparidza rusununguko kune vakasungwa”. That was one of the mission yaJesu paakararama pano paNyika & it is still His mission. Pana Mark 11:1-8 tinoona Jesu achituma maDisciples ake kunosunungura dhongi rainge rakasungirirwa. Iko kusunungurwa kweDhongi ikoko kunogona kusunungura mumwe munhu. iDhongi zvaro rakasunungurwa but paVhangeri iroro munhu anogona kutosunungurwa kubva pane what ever chakamusunga.

Jesu ari paMount of Olives avakuda kupinda muJeruselam, anotuma 2 vadzidzi vake muGuta mavari kuda kuenda kuti vaende vanosunungura dhongi rakasungwa vauye naro. Journey yekupinda muJerusalem yakatombomiswa up until dhongi rauya. not because Jesu ainge aneta nekufamba but because pane shoko rechiporofita raifanira kuzadziswa.

Zechariah 9:9 yainge yakaporofita kuti the …..King (Jesus) is coming to you….. riding on a donkey…. Haana kungopinda muJerusalema but akatanga atuma vadzidzi kuti vauye neDhongi kuti chiporofitwa chizadziswe. By the same token Jesu haazi kuzongodzoka pano pasi for the 2nd coming,  asi pane chiporofita chinofanira kutanga chazadziswa. Chimwe chiporofita chacho ndechiri pana Matthew 24:14 panonzi And this gospel of the kingdom shall be preached in all the world for a witness unto all nations; and then shall the end come.
kuti kuguma kuuye, panofanira kutanga kwaparidza shoko so that parege kuzova nemumwe anochema achiti Mwari ini handina kuwana mukana wekutendeuka nekuti hapana akandiparidza. Saka regai tiparidze vhangeri as we prepare for the 2nd coming of Christ.




Dhongi might have been useless kune vamwe vanhu but kuna Jesu rainge rakakosha nekuti rakaita kuti azadzise shoko rechiporofita. you might be a  useless person kune nyika or mumeso evanhu but ziva kuti pamberi paJesu wakakosha. Dhongi to an ordinary person nderekukendesa kuChigayo nekuita mamwe mabasa but kuna Jesu dhongi rine chiporofita chaifanira kuzadziswa.

Jesu kuratidza huMwari hwake, akanyatsopa maExact details ekune dhongi.. akanyatsoratidza kuti He knows everything  hanzi Endai kumusha wakatarisana nemi; pakarepo kana muchangopinda mauri, muchawana dhongwana rakasungirwa, risina-kumbotaswa nomunhu; murisunungure, mugovuya naro. Kana mukabvunzwa nomunhu kuti, ‘Seiko muchiita izvi?’ muti kwaari, ‘Ishe anomuda uye achamudzosa pano nokukurumidza.’”

He knew kuti muguta umu mune dhongi ririmo,  hakuzi kufembera uko nekuti anyatsotaura kuti muchawana dhongi  rakasungurirwa, uye risina kumbotaswa nemunhu. ainyatsopa maFiner details kuti vadzidzi vazive dhongi chairo rekutora & not any other donkey. He even prophesied kuti muchabvunzwa nemunhu kuti seiko muchiita izvi. He knew every detail. rega ndikuudze chinhu ichi, GOD knows every detail about your life, nevhudzi rako Jehovah vakariverenga. (Luke 12:7) Jesus is concerned about you, thats why akakufira paCalvary. Don’t take that lightly, wakakosha kuna Mwari.

maDisciples havana kunzi endai munotora chero dhongi ramawana but vakanzi endai munotora dhongi rakasungurirwa. ko why Jesu achida dhongi rakasungirirwa, adii kutora madhongi asina kusungirirwa? Why the tied donkey

 Jesu paripo paakataura pana Mark 2:17 achiti “Those who are well don’t need a doctor, but the sick do need one. I didn’t come to call the righteous, but sinners.” Jesu aripo pakusunungura madhongi akasungirirwa, mamwe ayo agara ari free haaneyi nawo. as long uchiFeeler kuti hauna need yekuponeswa naJesu, anokusiya wakadaro, but kana uchizvibvuma kuti uri musungwa, He is there to deliver you. rega kuzvikudza uchifunga kuti you are o.k. and can make it to heaven wega nemabasa ako, you cant, your works can not save you.


muguta mungaite madhongi akasununguka ane independence, but Jesu haasi kuda iwayo, arikuda iro rakasungiriwa. munyika mungaite vamwe vanozviita vakasununguka vasingade ruponeso but Jesu arikuda avo vanoziva kuti havana kururama vanoda kunatswa. He came to call the sinners to repentance, kana uchiziva kuti uri musungwa wechivi then ndiwe type yakavingwa naJesu kuti aisunungure.

Jesu haaziriye akaenda kunosunungura dhongi but akatuma maDisciples 2 kuti vaende kunosunungura dhongi. thats how GOD operates, he sends ordinary men to carry out basa ravo. i know kuti kune vamwe vasingade kutendeuka kunyangwe paparidzwa shoko rakaita sei, anotoda kuti Jesu auye ega kuzomuparidzira, but rega ndikuudze kuti Jesu uyu ane tsika yekuwanzo tumawo vanhu wo zvavo kuti vaparidze vhangeri rinokusungura. But manje kana usingade kuterera vacho vanenge vatumwa hameno kuti unosunungurwa sei?

Jesu anogara audza maDisciples ake zvavachasangana nazvo hanzi Kana munhu akati kwamuri: Munoitireiko izvi? seiko murikusungura dhongi, muudzei kuti  Ishe unorida.  rega ndikuudze chinhu ichi, satan haangosiye vanhu vachisunungurwa vachienda zvakadaro, he always tries to resist, anogona kushandisa vanhu kuti vadzivise kusunungurwa kwemunhu or the he can use his demons kuResister kusunungurwa nemumwe munhu. vanhu havana problem kuona dhongi rakasungirirwa but kana mukada kurisunungura they will ask kuti sei muchiita zvamuri kuita.

“why are doing this kusunungura dhongi?” …mubvunzo wakauya nekuda kwekuti dhongi ravakuda kusunungurwa. resistance inonyaya kuwanda kana nguva yekusunungurwa yasvika, pamba paLot pakaita noise manheru pakauya vatumwa kuzomusunungura from this wicked city, all along hatina kubvira taudzwa kuti akambonetswa nevanhu veSoddom but the night pauya vatumwa vairi kuzomusunungura ndipo panotanga noise yese. (Genesis 19:4-11)

 maDiscples 2 aya vakaenda kwavakanzi vaende & for sure dhongi vakawana riripo, vakarisunungura and people who were around vakabvunza vakati Munoiteiko muchisunungura dhongwana? exactly zvaporofitwa zviya naJesu kuti muchabvunza ndizvo zvaitika. chaporofita chaJesu chinozadziswa chete no matter what.

kune chimwe chiporofita chemanyepo chandingati prophe-trying (kuyedzesera kuporofita) and prophe-lying (kutaura chiporofita chenhema), and profiteering (kuda kuwana pfuma or mbiri kubudikidza nekuporofita) zvese izvi zvinowira pasi asi chiporofita chaJesu chinozadziswa chete. Zvikuru sei munguva yatiri kurarama pane zvizhinji zvakataurwa naJesu kuti zvichaitika and for sure zvimwe zvacho zvakatoitika and some of the things are yet to be fulfilled, nekudaro dont take the word of GOD lightly. shoko raMwari rasiyana neNewspaper rekuti nhasi vanonyora nyaya but mangwana vanofuma vachiti "as a matter of fact..." vachiyedza kugadzirisa nyaya yavakanyora yekunyepa.

vanhu vakabvunza vakati ko ‘Why are you doing this?’ , maDisciples havana kutaura zvakawanda wanda but they simply answered Ishe Vanorida. apa hapadi kuti vadzidzi vabuditse zvitupa zvavo or kutaura nezvePersonal life yavo but parikuda kutaurwa zita raJesu. vaudze vanhu kuti Ishe vanorida. zita rako unogona uchinzi Peter, but kana wasvika pakusunungura dhongi, rega kutiudza kuti hee ndinonzi Peter ndiri mudzidzi waJesu etc etc but chingouudza vanhu kuti Jesu arikuda dhongi iri full stop. seiko mutendi wanhasi uchiti ukabvunzwa  mubvunzo or kana uchiparidza unozoda kuwanza kutaura zvakawanda wanda, wadii kungotaura zvaJesu. zvePersonal life yako hazvigone kusunungura dhongi, but only the name of Jesus.

  Vakapindura  sezvakarairwa naJesu; and they were allowed to go with the donkey,. as simple as taht donkey rasunungurwa. iyo nyaya  yekungoti Jesu arikuda dhongi was enough kuti dhongi risunungurwe. nhasi chaita kuti vamwe vatadze kusunungurwa kubva pavakasungurirwa nasatan inyaya yekuti vaparidzi vacho vamwe tinonzvenga nyaya yaJesu, tinoda kusunungura vanhu nekuchenjera kwedu. unoudza munhu nezve kudhura kwemota yako, do you think kuti ivhangeri ringasunungure munhu kubva pachivi. unouudza munhu nezve kukura kwestand yako, do you think zvingasunungure munhu kubva pamademon akamusungwa. udza munhu zvaJesu munhu uyu kuti apone.

Ruponeso haruwanikwi kuna ani zvake, nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa kuvanhu ratingaponeswa naro.” (Mabasa avapositori 4:12)
Neither is there salvation in any other: for there is none other name under heaven given among men, whereby we must be saved. (Acts 4:12)


dhongi harina kusunungurwa kuti riswere richiwaya waya but rakasunungurwa kuti riende kunotakura Jesu. harina kusunungurwa kuti riiende kunotamba nemamwe madhongi but rakasunungurwa for service. rega kufunga kuti Jesu akauya kuzokusungura kuti urarame madiro but akakusunungura kuti ushande mumunda wemuzambiringa wake (Church). you are called to call others. Ndokusaka Matthew 11:28-29 ichiti “Huyai kwandiri (Kuna Jesu) mose makaneta makaremerwa, zvino ndichakupai zororo.  Torai joko rangu muise pamusoro penyu, mudzidze kwandiri nokuti ndiri munyoro”, …….

nyaya haigumire pakubviswa kwemitoro asi inoenderera mberi pakutakura joko raJesu. Haikona kufarira kusunungurwa but usingade kutedzera zvinodikanwa naJesu. Ingawani nyika chaiyo even if vakawana independence unovaona vachivaka majeri, nhai Jeri nderi chii imi muchiti makasununguka. Kuitira kuti kana pakazowana anoda kufarisa muIndependence imomo anoiswa mujeri. Unoita musungwa munyika ine vamwe vakasununguka.

rega nditaure kune vamwe vanoti vakasunungurwa naJesu, hongu wakasunungurwa but Jesu wacho wakamutakura here or pawakasungurwa wakabva warova pasi. are you carrying Jesus or you are roaming the streets. dhongi kana rasunungurwa ngaritakure Jesu. Kusungurwa haizi licence yekuita madiro, nekuti ukadaro satan anokusunga futi. You become like a person ari muJeri but ari munyika ine independence. Pauro anobvunza kuti toramba tichitadza here kuti nyasha dziwande, kwete. (Romans 6:1). Kusunungurwa naJesu haizi licence yekuraramira muzvivi

rega kukangwanwa pawakabviswa naMwari, dai asiri Jesu uyu ungai nanhasi uchiri wakasungirirwa.

dhongi tinoriziva nekurohwa newaya but this time vanhu havana kuridaro, instead vakatora hembe dzavo vachikanda paDhongi iri uye vachiwadzirwa mashizha nehembe pasi kuti rifambe pamusoro. dhongi rajaira kutsika pamatombo but this time rakawadzirwa pakanaka pekutsika nekuda kwekuti rakatakura Jesu. kana munhu uchinge watakura Jesu zvinhu zvinosanduka, vanhu vaimbokuona seusina basa, vanochinja their attitude towards you nekuti wakatakura Jesu. vanhu vaifarira Jesu but the fact that Jesu wacho ari paDonkey, vanhu havana option but kufarira Jesu zvese neDhongi racho.

Ukaona dhongi richitsika hembe yemunhu, ahhh rinorohwa newaya kana kutemwa nematombo richinzi chidhongi chekwani ichi chinofamba chichitsika Zambia rangu.  But nekuda kwekuti rakatakura Jesu, izvi zvekutuka kuti “pfutseke” nekutema nematombo zvinotombo mira nekuti hatizozive kuti wamuri kuda kutema ndiJesu here kuti iDhongi.
treatment towards dhongi inoshanduka nekuti ratakura Jesu.

takura Jesu muLife mako uune kuti imwe rough yaunoitwa nevanhu yese inopera.

Ukaverenga Verse 3 uchaona kuti dhongi raifanira kudzokera kumba kwaro after rapedza kutakura Jesu. Munhu kana uchinge wasunungurwa naJesu hazvireve kuti unobva watoenda kuDenda there and there, aiwa, but unombodzokera kumba kwako, you go back kubasa kwako kuchikoro kwako. So that uudzewo vamwe nezvekuponeswa kwawakaita naJesu,. So that vanhu vaone kunaka kwaMwari kubudikidza newe. Ndizvo zvakaita Legion, after adzingwa demon, akakumbira kuna Jesu hanzi ndinoda kuenda nemi kwese kwamuchaenda but Jesu haana kuti handei, but akamuti dzokera kumba kwako unouudza vanhu zvakaanaka zvawakaitirwa naMwari.



Jesu akaita hanya nekusunungura dhongi, what more munhu who was created in the image of GOD? surely GOD cares for you, if He cared for the donkey, He also cares for you. Mwari vane hanya nehupenyu hwako. Ungave wakasungwa nenhamo, ungave wakasungwa nehurwere, ungave wakasungwa nezvivi, ungave wakasungwa nemweya yetsvina, ngozi, ungave wakasungwa neFear, whatever chakakusunga ziva kuti Jesu aripo anogona kukusungura. Zvava kwauri kubvuma kusunungurwa naJesu, the first thing kubvuma kuna Mwari kuti you need His help, reurura zvivi zvako nemoyo unorevesa, kumbira ruregereo, kumbira kuti Jesu agare mumoyo mako uve unoponeswa.

John 8:36 If the Son therefore shall make you free, ye shall be free indeed (Naizvozvo kana Mwanakomana achikusunugurai, muchava vakasununguka zvirokwazvo)












Friday, 11 July 2014

ZVIKARAMBA TOYEDZA ZVIMWE Part 2- PLAN B



Scripture reading Genesis 16:1-6

Kazhinji munhu anogona kupinda muPrayer aine Plan B. Plan A ndiko kunamata, ndiyo 1st choice yake, anenge achiti let me first pray, anonamata hake but pasi peMoyo anekapfungwa kekuti kana Mwari vakasandipindura nenzira yandiri kuda, I will use plan B. usually Plan b iyi inowanzo shandisa nzira dzinopesana nenzira dzaMwari. Mumwe Plan A yake ndeye kutsanyira healing, kana healing yacho yaramba, anoshandisa Plan B, kukwira bhazi akananga kuChipinge kuna tsikamutanda vaakanzwa vanobatsira. Mumwe anonamatira business kuti rifambe, but kana zvaramba he goes for Plan B yekunotsvaga chikwambo kuSouth Africa.

nhasi tinoda kubata nyaya yePlan B zvayakaipira mukunamata.
Part 1 takagumira paVerse 2 yaGenesis 16, Sara achiSuggester kuna Abram kuti atore Hagar. Tikaenda paNext verse tinoona kuti Sarah haana kugumira pakupa Abram a suggestion but verse inoti akatora Hagar ndokupa Abram. Zvabva paLevel yeSuggestion zvaenda paAction manje...apa ndipo pekuti munhu haachakupe suggestion yekuti hande kuMalawi but avakutokuigira juju yacho yabva kuMalawi

Munhu haachaite zvekukupa suggestion yekuti ita small house but avakutouya nesmall house yacho and introduces her to you. Hapachaitwe zvekunzi mwana wangu enda unobhadhara bribe kuVid but uwane license but mubereki avakutokuudza kuti ndabhadhara kare mari yeBribe iwe chingoenda unopinda mumaDrum. Suggestion yaGraduater kuenda paAction. And apa pakutoda kuti usimbe, woramba zvaunzwa izvi kuti handidi. But Abram haana kuramba akabvuma. Vazhinji wedu hatisi kukwanisa kuramba just like Abram, but rega ndikudze kuti ukaniswe kuramba miyedzo yakadai, zvinotoda Jesu, nesimba rako wega hauzvikwanise, you need the power of Christ to help you. kune vavazhinji varikuyedza kuda kusiya zvakaipa using their own power but varikukundikana, nesimba rako haubudirire, unotoda Jesu. Ndokusaka Philippians 4:13 ichiti I can do all things through him who strengthens me. Kureva iko kuti anokupa simba rekukunda ndiye Christ Jesu, wega zvinonetsa. Gamuchira Jesu uwane simba rekukunda chivi.

Abram ndokurara naHagar and she became pregnant as per plan. Zvekumirira Mwari vakaona kuti zviri kunonoka vakati better tiite Plan B, rega tiyedze zvimwe zvekushandisa Hagar, Hagar wacho akatoita mimba, ahh Plan B has worked. Rega ndikuudze kuti unogona kuyedza dzimwe nzira dzisiri dzaMwari and you will get the results dzawanga uchida. Plan B isiri yaMwari inogona kukubuditsira zvawanga uchitsvaga chaizvo.

Just do a research, hapana here vakayedza kutora maDrivers licence feya feya nenzira dzaMwari zvikaramba but pakabvisaa chiko muhomwe licence vakariwana. Plan B yakavashandira. Hakuna here vaishaya maMarriages but paakaenda kuN’anga or kumuporofita wenhema akadzoka akachata, variko, plan B yakavashandira. Hakuna here vakaedza kuita business vachinamata but zvakaramba but paakaromba chikwambo, everything zvakatanga kufamba,. Variko vakadaro. Plan B yakavashandira. But nyaya haiperere ipapo, plan B inogona kushanda zvayo but mukufamba kweNguva uchaona kuipa kwayo.

Psalms 37:1-2 yoti ​​​​​​​. ​​​​​​Do not fret when wicked men seem to succeed! ​​​​​​Do not envy evildoers! ​​​​​​​For they will quickly dry up like grass, ​​​​​​and wither away like plants.
Trust in the Lord and do good. Then you will live safely in the land and prosper. Usave neshungu nokuda kwavanhu vakaipa, uye usaitira godo avo vanoita zvakaipa, nokuti souswa vachaoma nokukurumidza somuriwo wakasvibira vachakurumidza kuoma. Vimba naJehovah uite zvakanaka.


Provebrs 14:12 There is a way that seems right to a man, but its end is the way to death.—kune nzira inoita seyakanaka  kumunhu asi kumagumo inotungamirira kurufu. Plan B inoita kunge inoshanda asi magumo ayo haana kunaka

Pekutanga zvinoita kunge zvirikufaya but mukufamba kwenguva uchaona kuipa kwazvo. Chisi hachiere musi wacharimwa, you reap what you sow but you don’t reap on the very first day. Plan B yafamba zvayo but maResults ayo akaipa achabuda nekufamba kwenguva.


Kana zvaramba tinoyedza zvimwe….that mentality haizi right rega kuda kuzotsvaga dzimwe nzira dzisiri dzaMwari. Don’t be double minded, mira panaMwari urege kutsauka paNzira dzake. pamaElections pane zvavanoita zvandinofarira, ukangonda kuVhotera more than one Candidate paBepa rimwe chete, they will say kuti that’s a spoilt vote, vote rako rinoverengwa but hariiswe kune maValid votes, rinoiswa kwaro rega richinzi spoilt. Of course kunamata haazi maElections but we can use that example kudzidza chimwe chinhu, kuti munhu ukada kushandisa nzira dzasatan to get something, nenzira dzaMwari at the same time, then you are like a spoilt voter, hauna kwako  chaiko, you are a spoilt believer. Unoda kuenda pakati nepakati, in between but chinzwa zvinotaura Bible pamusoro pevanhu vanoda kuenda pakati nepakati, in between kuti uku kwasatan ariko uku kwaMwari ariko. Revelations 3:15-16 I know your works, that you are neither cold nor hot. I wish that you were cold or hot. So, because you are lukewarm, and neither hot nor cold, I am going to vomit you out of My mouth.

iyoyo yekushaya side rako chairo inoita kuti Jesu akusvipe.


Hagar paakangobata pamuviri akabva atanga kuvenga Sara. Once you give the devil a ride, he will want to take over the driving. Sara ndiye aita kuti Hagar akwane kwane but Haga wacho avakuvenga Sara. Plan B iya yazoipa zvino, zvaMwari vakaona kunge zvanonoka, vakati better tishandise nzira dzedu, but iyo nzira yavo iyoyo yazovaipira. Nhasi Plan B yako inogona kushanda but mukufamba kweNguva its true colours will come out.

Business rinogona kutofamba chaizvo nemishonga but after sometime uchaona chikwambo chiya chavakukupandukira. Marriage inogona kutofamba nemupfuhwira but ichasvika nguva when that will backfire. Education inogona kutofamba nekuCheater, but after some time uchaona kuipa kwazvo. Unogona kuchengetedza relationship nemukomana/musikana wako muchishandisa fornication (chivi chinoda kuhwandwa nevazhinji vachiti its just being romantic), inogona kutochovha nguva refu relationship yenyu but ichasvika nguva yekuti zvinhu zvichaipa. Whatever chaungade kuita nenzira dzisiri dzaMwari chinogona kutofamba, but maResults acho uchaaona kumberi uko and you will never like it.

Sarai ndipo paanotanga kuBlamer Abram hanzi , “You are responsible for my suffering! I put my slave in your arms, and ever since she saw that she was pregnant, she has treated me with contempt. May the LORD judge between me and you.” 
hezvo Sarai ndiye akauya neIdea yekuti Abram tora Hagar muite vana naye, Abram ndokuterera. But nhasi he is being blamed zvekare. Ko nhai mbuya Sarah hamuzi rimi here makauya neIdea iyoyo.

Ndipo paunoona kuti munhu anosanduka, munhu akambokupa plan B kana zvaipa he will blame you, but ndiye akauya neIdea yacho kwauri. Kana chikwambo chiya chavakuuraya mhuri, that person akakupa idea yeChikwambo will start blaming you kuti imhosva yako wakatadza kutedzera mhiko. Kana wasungwa neNyaya yekupa VID bribe yekuti uwane license, munhu akakupa idea iyoyo will start to blame you kuti ndakakuudza kuti usaite zvakapusa, unobvisa bribe yacho zvine hungwaru mukati, hona wasungwa.

Sarai uye apandukira Abram hanzi May GOD judge between me and you. Nhai Sarah ko zvaita sei nhasi, hauzi riwe here wakafurira Abram. You can see kuti munhu anogona kukupa idea yakaipa, not because zvabva mumusoro make but zvabva kuna satan, but kana satan azoenda munhu ndipo paanozoona kuti paye ndakaita mistake. Ndiyo yekwaJudas, anotengesa Jesu mushure mekunge apindwa nasatan, ipapo ainge asingangoone kuipa kwazvo, it was just any other way of making money for him but later on akazoona kuipa kwazvo, kwakuedza kunodzosera mari iye kumaPirisita but vakaramba, that’s when he went on to commit suicide.

nhasi munhu anogona kukupa plan B, but mune ramangwana, anokupandikura. So rega kutambira Plan B kubva kune vanhu as long ichikubvisa pana Mwari, and even you yourself don’t make your own Plan B.

Sara naAbram vavakutonetsana nekuda kweNyaya yaHagar. Marriage yavakusheka iyi nekuda kwekuti vanhu vatadza kumirira nguva yaMwari but instead opted to go for another alternative isiri yaMwari. They wanted to fulfil GOD’s promise, in their own time using their own way.
rega kuda kuzadzisa maPromise aMwari uchishandisa nzira dzako wega uye panguva yako. But mirira time yakatarwa naMwari nenzira dzavo.

Abram ndipo paanoudza Sarah kuti Hagar arimumaoko ako, ita zvaunoda naye. Sara ndokushungurudza Hagar kusvika atiza.

kana zvichinge zvaramba or kunonoka rega kutsvaga imwe nzira yekuwana zvinhu zvawaida, but ramba uchinamata, be patient.


Plan B yaungatoite is to be more prayerful, imwe nzira yaungasarudze is to increase your faith, to fast, plan B yaungatsvage ngaive iri inotenderwa naMwari.

Kana uchinamata paye, bvisa kapfungwa kePlan B isiri yaMwari, don’t be double minded but chingotenda kuti Mwari vachazadzisa zvandakumbira izvi.

Mark 11:24 For this reason I tell you, whatever you pray and ask for, believe that you have received it, and it will be yours..
Naizvozvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunokumbira mukunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, uye zvichava zvenyu

Thursday, 10 July 2014

Ndinotya Loss.



Scripture reading Luke 8:26-39

ruka 8:37 Ipapo vanhu vose vomunyika yeGerasa vakakumbira Jesu kuti abve kwavari, nokuti vakanga vabatwa nokutya. Saka akapinda mugwa akaenda.

Jesu akasvika kunyika yeGerasa uko kwaakatambirwa nemurume aiva aine a legion of demons. Jesu akaraira mademon aya kuti abude mune murume uyu, instead yekuti abude akaita request kuna Jesu hanzi musatirayira kuti tiende kwakadzika asi titenderei tipinde munguruve dzaiva pedyo. Jesu ndokubvuma, mademon aye achibva apinda munguruve, boka renguruve ndokuenda mumvura rikafira imomo. vafudzi venguruve vakabva vaenda muguta kunoudza vanhu zvaitika. vanhu vemuguta umu ndipo pavanouya vokumbira Jesu kuti please ibvai hedu muArea medu, hanzi neBible vagari vemuguta umu vakabatwa nokutya kukuru....they were afraid, iyo fear iyoyo ndiyo yatinoda kuona kuti yanga iri fear yechii yaita kuti vadzinge Jesu muArea mavo.
murume aiva nemademon uyu regai ndingomuti Legion but harizi zita rake but its just quantity yemademon yainge yakagamugara. Legion aive beyond control kuvagari vemuguta umu, vainge vaedza kumusunga neChain but aidambura. they could no longer supress him nekuti yanga iri hondo yeMweya but ivo vaida kushandisa zvinhu zvepaNyama to supress a spiritual problem, vaida kushandisa chain kusunga mweya yetsvina saka havana kuzvigona. but Jesu paanouuya haana kutsvaga chain dzakasimba or imwe method yekusunga Legion but akaraira mweya yetsvina kuti ibude mune murume uyu. ndipo paunoona kuti nzira dzaMwari nenzira dzedu vanhu zvakatosiyana. vanhu vaiwedzera kusunga munhu akasungwa kare nemweya yetsvina, but Jesu akauya kuzosunungura murume uyu kubudikidza nekudzinga mademon aimutambudza. Solution yaMwari yakasiyana nesolution yevanhu.

maDemon akaita chichemo, hanzi please titenderei tipinde munguruve idzo.

Just imagine 2000 nguruve dzakafa at once, o.k. lets get mathematical, tomboti 1 nguruve inoita $100 so kana dziri 2000 nguruve we are talking about $200 000. haizi investment yekutamba nayo, all that money yaparara. kwatiri imari  zhinji but kuna Mwari its nothing, Jesu akatoona zviri nani kuti nguruve dziparare but Legion apona than kuti Legion aparare idzo nguruve dzichiramba dziripo. this is a clear picture yekuti kuponeswa kwemunhu kunokosha kupfura any other thing, whether its money or business. Jesu haana kukumbira permission kuvafudzi venguruve kuti nhai ndinokumbirawo kuisa mademon munguruve dzenyu, aiwa, GOD does not seek permission kune munhu kana afunga kuita zvinhu zvake anongoita nekuti ndiye Nyakusika denga nenyika including idzo nguruve dzamunoti ndedzenyu. maResources eBusiness rauri kuita gara waziva kuti zvine muridzi akazviita kuti zvivepo, Muridzi wazvo ndiMwari.

vafudzi venguruve ndokuenda kunoReporter zvaitika to their bosses and the people in the city. funga kuti ndiwe muridzi weNguruve, & vashandi vako vouya vachikuudza kuti nguruve dzese dzafa nekuti pane murume anonzi Jesu, adzinga mademon ebenzi riya raigara kumakuva, mademon acho ndiwo azopinda munguruve dzikatizira mumvura ndokunyura. how would you feel uri iwe muridzi weNguruve?  kana love yeBusiness rako yakakosha kupfura love for munhu abatsirwa then unorwadziwa kwazvo. But kana uchikoshesa kuponeswa kwemunhu more than business rako, then hazvikurwadze, unototi better, Legion uyu azopora.

Manje vagari vemuguta vakarwadziwa nezvakaitika & they asked Jesus to leave their country. vanhu ava havana kufara kuti Legion adzingwa maDemon, aiwa if they were happy they would not have asked Jesus to leave, dai vaifara vasaikumbira kuti Jesu aende but vaitokumbira kuti agare navo. chikonzero chaita kuti varege kufara varikurwadziwa neLoss yeNguruve, 2000 nguruve, thats a great loss to them so vaoona zvakafanirwa kuti vape Jesu peace order yekuti abve muArea mavo.
. Vanhu venyika iyi vakaita maths dzavo vakaona kuti uyu muchinda anonzi Jesu uyu aDestroyer nguruve 2000 pakanguva shoma-shoma yakadai What more tikagara naye 24 hrs muguta redu, tinorasikirwa nezvinhu zvakawanda sei, maBusiness edu anopera kuBroker neMurume uyu. they were afraid of earthly loss, but they were not concerned about heavenly gain.
Kune vamwe vakadzinga Jesu muLife mavo nekuda kwekuti vaitya kuita loss, aitya kuita loss paBusinesss rake, marriage yake, shamwari dzake, appetite yake.
Hongu iyo yekuti Jesu anoponesa vatadzi anoiziva but anotya kuita loss nekuda kwaiye Jesu.
Akaramba Jesu nekuti aitya kuti iri business rangu iri Mwari havaritendere, so zvirinani kuti ndidzinge Jesu ndosara neBusiness rangu pane kuti ndigamuchire Jesu but ndoita loss neBusiness rangu. Iri business rangu iri rekutengesa mbanje Mwari havafare naro, so ndikada kuita zvekunamata I will have to close my business, manje iyoyo haiite, better hangu ndirambe Jesu pane kuti ndiiite loss yeBusiness rangu.
Yekuti Jesu anoponesa anoiziva, but akatya kuti once ndavakunanmta iri basa rangu rehutsotsi iri, iri basa rangu rehupfeve i will have to lose it, ndinotya kuita loss even though ndawana Jesu. Zvirinani ndidzinge Jesu and I remain nebasa rangu but ndichiita mari. zvaJesu anozviziva but anotya kuzvitevedzera nekuti anotya kuita loss. shoko raMwari rinorambidza kuita bonde musati machata  anoriziva but haadi kuritedzera nekuti anotya kuita loss yekurambwa nemukomana/musikana wake.
But rega ndikuudze kuti rega kutarisa loss yauri kuita but tarisa gain yauri kugamuchira. Zvaunowana naJesu zvakawanda kupfura zvaunorasikirwa nazvo.  What you gain is more than what you are losing. You can lose that source of income yakaipa but eternal life yauri kuwana yakakura kupfura loss yawaita.

Type yeDeliverance yakaitwa apa haina kumira mushe yakakonzera kuti Jesu adzingwe muguta. And ukada kuparidza Jesu chaiye vanhu havakufarire, havadaire amen, nekuti vhangeri racho rinoita kunge rinoda kuunza loss kune vanhu but iro richiunza gain. satan akakonzera kuti vanhu vangotarise nyaya yekurasikirwa neNguruve dzavo but haana kuvapa mukana wekuti watarise murume adzingwa demon uyu. don’t just focus on the negative, look at the positive also.

vanhu vemuNyika iyi vakaona zviri nani kuti Jesu aende zvake but iye Legion uyu akasarudza kuti ndinoda kukuteverai. the same Jesus arikunzi buda munyika medu nevamwe is the same Jesus arikunzi i want to follow you nemurume uyu. vanhu vemuNyika varikutya loss, but uyu Legion he knows kuti there is more to gain mukutevera Jesu than the loss yeNguruve iyi. chaita kuti afunge zvekutevera Jesu inyaya yekuti he has experienced the love of Christ.

Part 8. vamwe varikudzinga Jesu nekuda kwekuti vakaomesa moyo yavo. chinoita kuti munhu arambe Jesu or kuramba zvinorehwa neshoko raMwari inyaya yekuti haana kunyatsonzwisisa nyasha dzaakaitirwa naMwari, but type yaLegion vanonzwisisa zvakanyaya nyasha dzavakaitirwa nekuti abatsirwa paProblem yainge yatadzwa nevamwe vese. dai tava nePersonal experience naJesu uyu neNyasha dzaMwari zvekuti vamwe pavanenge vachisarudza kuramba Jesu, iwe unenge uchiti kwete i will follow Him. vamwe vachisarudza kuti maVerse akati neekuti hatimadi nekuti anotipa loss, iwe unenge uchiti, i will follow those verses because i have more to gain than to lose.
 Rega kutya kurasikirwa nezvinhu mari shamwari kana hama nekuda kwekuti wasarudza Jesu. Loss yauingaite is very little as compared to the gain yaunowana.


Mark 10:29-30 Jesu akapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakunomunhu wakasiya imba, kana vanun'una namadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nokuda kwangu nokweevhangeri,  usingazopiwi zvinezana nenguva ino, dzimba navanun'una namadzikoma, nehanzvadzi, nanamai, navana, neminda, nokutambudzwa, noupenyu hwusingaperi munguva inovuya.

(and Jesus answered and said, Verily I say unto you, There is no man that hath left house, or brethren, or sisters, or father, or mother, or wife, or children, or lands, for my sake, and the gospel's, But he shall receive an hundredfold now in this time, houses, and brethren, and sisters, and mothers, and children, and lands, with persecutions; and in the world to come eternal life.)

ZVIKARAMBA TOYEDZA ZVIMWE (part 1)

Scripture reading Genesis 16:1-6 

Kana chinhu chichinge charamba kuita zvaunoda kuti chiite, pane 3 maOptions aunogona kutora number 1-unogona kuyedza futi kushandisa chinhu ichocho hoping kuti zvichaita, number 2 unogona kungosiyana nazvo totally, number 3 unogona kuyedza another method…nhasi uno ndinoda kubata paNumber 3, pekuti kana zvinhu zvaramba kuita zvauri kuda you look for another alternative. Mukunamata pane zvimwe zvinoita kunge zvaramba or zvinotoramba totally, hapana chakaipa to look for another way yekugadzirisa nyaya yako, but mubvunzo ndewekuti another option yako iyi, ndeya Mwari here or haizi, alternative yako iyi inoshandisa nzira dzaMwari here or yasatan.

Zvikaramba toyedza zvimwe.

pana Genesis 15:4-6 tinoona Abram achiita chichemo kuna Mwari hanzi handina mwana, ndiyaniko wandichasiira nhaka yangu, Mwari vanobva vamupa a promise kuti uchaita mwana. But promise iyoyi iyi yekunzi uchaita mwana haina kuzadziswa there and there but zvakatora nguva. Nesu vanhu vanhasi tine maPromises habho atinogona kuverenga from  the Bible akanangana nesu, of which promise yaMwari inotozadziswa chete but pane nyaya iIssue yeTimming, zvinozadziswa nguvai, zvatakavimbiswa naIshe. Kana pakangoita kaDelay so, vamwe vanotanga kudududza vachiti zvaramba.


rega ndipe muyenzaniso weBustop munhu akaona kuti maCombi acho anenge arikunonoka kuuya, munhu anogona kuyedza zvimwe, anogona kufano famba netsoka achienda kune imwe bustop kwaanoziva kuti uku ndinomawana maCombi or anogona kumisa maPrivate. Zvikaramba toyedza zvimwe. Change of decision yake yakonzerwa neDelay yeCombi

toenda paGenesis Chapter 16 verse 1, tosangana nemukadzi waAbram, Sarah ainge asina mwana uye aiva nemurandakadzi ainzi Hagar wekuEgypt. Verse 2 yoti Sarah akati kuna Abram, Mwari vandidzivisa kuti ndirege kuita mwana so iwewe tora Hagar uyu muite vana naye. Abram ndokuterera.

Zvikaramba toyedza zvimwe, mbuya Sarah vaona kuti promise yaMwari yekuti tichaita vana yanonoka, so regai titsvage nzira dzedu dzekukiya-kiya kuti pazvarwe mwana. And mashoko ake anototaridza kuti munhu ainge arasa kutenda kwake, hanzi Mwari vandidzivisa kuti ndirege kuita mwana, the LORD hath restrained me from bearing…in other words, Sarah arikuisa blame pana Mwari kuti Ndimi maita kuti nditadze kuita mwana. Tine vatendi vakadaro vekuti kana zvinhu zvaipa anoBlamer Mwari, before he/she does something chakaipa anotanga aBlamer Mwari so that awane confidence yekuita mabasa ake akaipa, asati aba mari paCompany, anotanga amboBlamer Mwari, hanzi sei vachindisiya ndichitambura. Asati atsvaga girlfriend/boyfriend, anotanga aBlamer Mwari, hanzi sei vakandipa murume,mukadzi asina love.

chese chakaipa chaafunga kuita, anoda kutanga aBlamer Mwari, so that kana avakuita chinhu ichocho he/she feels justified. Anonzwa zvakamurerukira kuita chinhu ichocho but rega ndikuudze hama yangu kuti watinoziva isusu ane tsika yekuBlamer Mwari ndiLucifer (satan). Ndiye wekutanga kuda kupomera Mwari mhosva dzavasina,  that’s another reason why akadzingwa kudenga. Chenjera kutevera matsimba ake, uye chenjera kushandiswa naiye satan pakuBlamer Mwari.

Sarah akada kuBlamer Mwari & looked for another option yekuti aite mwana naAbram but iyo nzira iyoyo yakazounza maProblems pamberi apo. Bible rataura kuti musikana webasa waSarah uyu was an Egyptian. She is foreigner munhu uyu, and ndiye akuda kushandiswa as a source of solution. Rega kuva mutendi anotsvaga maForeign solutions to your problems. Kana ndichiti foreign solutions I mean rega kutsvaga mhinduro dziri outside shoko raMwari, mhinduro dzisiri dzaMwari. Foreign solution ine nyaya, inogona kuunza relief but that relief is temporary, nekuti kune maPermanent problems achauya nechinhu ichocho.

Kune vamwe vakaenda Chipinge, vamwe Malawi, vamwe south Africa, maBusiness avo anetsa kuRunner, vakapihwa a foreign solution yakaita kuti business ravo risimuke but haana kuziva kuti apihwa chikwambo chichapedza dzinza rese, haana kuziva kuti apihwa chikwambo chichaita kuti mwana apenge,haana kuziva kuti apihwa chikwambo chichita kuti mubereki arware. Inenge solution zvayo but ichakuchemedza. Vamwe vakatsvaga maForeign solution ekuda kuBriber kuti zvavo zviite, they paid the bribes zvikafamba but nhasi haachabve kuCourt nyaya yake irikutongwa yekupa chioko muhomwe. Foreign solutions bring temporal relief but they also bring permanent problems. Ndakanzwa umwe aitaura, I don’t know how far true is it,hanzi kana mota ikapera petrol unogona kuisa kaZed mukati and igomuka, but once waisa zed muEngine, mota haichade any other fuel except zed iyoyo. Waunza a foreign solution yakupa temporal relief but yaunza permament problem, wauraya mota.

maSolutions edu vatendi they come from GOD and not any other source.

ana Hagar ava vanoita kunge vanounza relief but ziva kuti waunza permanent problem mumusha. Sarah aona kuti ummmm tamboyedza kumirira Mwari promise yemwana but zvanonoka izvi, Abram murume wangu tora Hagar uyu uite vana naye. Kune vanhu nhasi wekuti kana akaona kunge Mwari vanonoka, anotsvaga imwe nzira yekukiya-kiya kuti zviite, zvikaramba anoyedza zvimwe. Naiye Abram wacho haana kuramba proposal yataurwa naSarah but akabvuma, izvi zvinongoratidza kuti he had also lost hope, ainge arasa tariro about the promise which GOD had made, dai asina kurasa tariro angadai akaramba alternative yaSarah, aingomuudza kuti aiwa, zvawataura hazviite, I will wait upon the Lord.

Chimbofunga uone scenario yacho, Sarah ndiye akatsvigira murume wake mumwe mukadzi, inoita kunge love but haizi love nekuti small house yamaunza iyoyo ichakuparidzirai musha. Bvunza ana mai vari married kuti nhai mungade here kunotsvagira murume wenyu mumwe mukadzi wekuti aite vana naye. Vazhinji havadi, vashoma vacho vanobvuma ndiyo type yaana Sarah, they do it out of desperation, aoona seanonokerwa naMwari so anoti munondiwana ndakufano kiya kiya, zvikaramba ndoyedza zvimwe.

rega kuda kumhanyira Mwari pamberi, waona sewanonokerwa, woti better ndifanoita ndega zvinhu zvacho. Sara anoona kuti izvi zvaMwari zvanonoka, better ndifanoita ndega zvinhu zvacho. Mumwe anoona kuti prayer yaakaita achikumbira mari kuna Mwari yanonoka so ati better ndifanoita ndega, ndifanotsvaga dhiri randingaite even though risingafadze Mwari, whether kutengesa maDrugs or kuba.

mumwe anoona kuti nyaya yeMarriage iyi inenge yanonoka, better ndifanoita ndega dzitsvage murume wemunhu wekudanana naye, nditsvage zvichembere zvinondipa mushonga wekuti John andiroore.
mumwe anoona kuti zvekuwana basa zvinenge zvanetsa better ndiBhadhare maBribe acho kune maHR manager.
mumwe anoona kuti kupora kunenge kwanetsa, better ndiende kune vacho maporofita enhema, vaanonyatsoziva kuti ava varikushandiswa nasatan ndiko kwaanoenda.
kana zvaramba tinoyedza zvimwe,,,,,,,but hokoyo, uchayedza zvimwe nezvasatan ikoko.


Haizi friend yaAbram yakaSuggester kuti bhururu tora Hagar muite vana, haazi Lot mwana wemukoma waAbram akapa that suggestion, haazi mutorwa akapa that suggestion , but ndiSarah, mukadzi wake…a very close person ndiye akauya ne a very dangerous solution. Beware of very close people who can come up with ideas which are dangerous, vanhu varipedyo newe can be used nasatan kuunza agenda asina kumira mushe, funga paye paye satan akashandisa Peter kutaura agenda yake, but Jesu akakurumidza kuzvibata ndipo pakazonzi get behind me satan. (Matthew 16:22-23)

We are talking of Peter, munhu aive pedyo naJesu zvekuti paTransfiguration, vamwe 9 maDisciples vakasiiya kuzasi kwegomo Jesu ndokuuenda naJames, John and Peter (Mark 9:2), pakuenda kunomutsa mwana waJairus, James John and Peter (Mark 5:37), a very close disciple akamboshandiswa saSpokesperson wasatan.
munhu wepedyo pedyo ndiye akafurira Abram kuyedza dzimwe nzira. Someone close to you can suggest kuti hona wayedza iwewe kunamatira mbereko but zvirikuramba wadii waenda kwaSekuru pilangomuti, vanogadzira. Hona urikuwanza chiChristu hauwane basa nazvo izvi, wadii kunyora maQualifications ekunyepa paCV, kana munhu ari close newe akakufirira gara wamuudza chokwadi kuti izvi hazviite.

Kana zvichinge zvaramba rega kuyedza mamwe maAlternatives anopesana nedzidziso yaMwari but kana zvaramba wedzera kunamata, wedzera kutenda kwako and be patient umirire nguva yaMwari. Kana zvikaramba, rambawo uchinamata than to look for imwe nzira isiri yaMwari.