Thursday, 10 July 2014

ZVIKARAMBA TOYEDZA ZVIMWE (part 1)

Scripture reading Genesis 16:1-6 

Kana chinhu chichinge charamba kuita zvaunoda kuti chiite, pane 3 maOptions aunogona kutora number 1-unogona kuyedza futi kushandisa chinhu ichocho hoping kuti zvichaita, number 2 unogona kungosiyana nazvo totally, number 3 unogona kuyedza another method…nhasi uno ndinoda kubata paNumber 3, pekuti kana zvinhu zvaramba kuita zvauri kuda you look for another alternative. Mukunamata pane zvimwe zvinoita kunge zvaramba or zvinotoramba totally, hapana chakaipa to look for another way yekugadzirisa nyaya yako, but mubvunzo ndewekuti another option yako iyi, ndeya Mwari here or haizi, alternative yako iyi inoshandisa nzira dzaMwari here or yasatan.

Zvikaramba toyedza zvimwe.

pana Genesis 15:4-6 tinoona Abram achiita chichemo kuna Mwari hanzi handina mwana, ndiyaniko wandichasiira nhaka yangu, Mwari vanobva vamupa a promise kuti uchaita mwana. But promise iyoyi iyi yekunzi uchaita mwana haina kuzadziswa there and there but zvakatora nguva. Nesu vanhu vanhasi tine maPromises habho atinogona kuverenga from  the Bible akanangana nesu, of which promise yaMwari inotozadziswa chete but pane nyaya iIssue yeTimming, zvinozadziswa nguvai, zvatakavimbiswa naIshe. Kana pakangoita kaDelay so, vamwe vanotanga kudududza vachiti zvaramba.


rega ndipe muyenzaniso weBustop munhu akaona kuti maCombi acho anenge arikunonoka kuuya, munhu anogona kuyedza zvimwe, anogona kufano famba netsoka achienda kune imwe bustop kwaanoziva kuti uku ndinomawana maCombi or anogona kumisa maPrivate. Zvikaramba toyedza zvimwe. Change of decision yake yakonzerwa neDelay yeCombi

toenda paGenesis Chapter 16 verse 1, tosangana nemukadzi waAbram, Sarah ainge asina mwana uye aiva nemurandakadzi ainzi Hagar wekuEgypt. Verse 2 yoti Sarah akati kuna Abram, Mwari vandidzivisa kuti ndirege kuita mwana so iwewe tora Hagar uyu muite vana naye. Abram ndokuterera.

Zvikaramba toyedza zvimwe, mbuya Sarah vaona kuti promise yaMwari yekuti tichaita vana yanonoka, so regai titsvage nzira dzedu dzekukiya-kiya kuti pazvarwe mwana. And mashoko ake anototaridza kuti munhu ainge arasa kutenda kwake, hanzi Mwari vandidzivisa kuti ndirege kuita mwana, the LORD hath restrained me from bearing…in other words, Sarah arikuisa blame pana Mwari kuti Ndimi maita kuti nditadze kuita mwana. Tine vatendi vakadaro vekuti kana zvinhu zvaipa anoBlamer Mwari, before he/she does something chakaipa anotanga aBlamer Mwari so that awane confidence yekuita mabasa ake akaipa, asati aba mari paCompany, anotanga amboBlamer Mwari, hanzi sei vachindisiya ndichitambura. Asati atsvaga girlfriend/boyfriend, anotanga aBlamer Mwari, hanzi sei vakandipa murume,mukadzi asina love.

chese chakaipa chaafunga kuita, anoda kutanga aBlamer Mwari, so that kana avakuita chinhu ichocho he/she feels justified. Anonzwa zvakamurerukira kuita chinhu ichocho but rega ndikuudze hama yangu kuti watinoziva isusu ane tsika yekuBlamer Mwari ndiLucifer (satan). Ndiye wekutanga kuda kupomera Mwari mhosva dzavasina,  that’s another reason why akadzingwa kudenga. Chenjera kutevera matsimba ake, uye chenjera kushandiswa naiye satan pakuBlamer Mwari.

Sarah akada kuBlamer Mwari & looked for another option yekuti aite mwana naAbram but iyo nzira iyoyo yakazounza maProblems pamberi apo. Bible rataura kuti musikana webasa waSarah uyu was an Egyptian. She is foreigner munhu uyu, and ndiye akuda kushandiswa as a source of solution. Rega kuva mutendi anotsvaga maForeign solutions to your problems. Kana ndichiti foreign solutions I mean rega kutsvaga mhinduro dziri outside shoko raMwari, mhinduro dzisiri dzaMwari. Foreign solution ine nyaya, inogona kuunza relief but that relief is temporary, nekuti kune maPermanent problems achauya nechinhu ichocho.

Kune vamwe vakaenda Chipinge, vamwe Malawi, vamwe south Africa, maBusiness avo anetsa kuRunner, vakapihwa a foreign solution yakaita kuti business ravo risimuke but haana kuziva kuti apihwa chikwambo chichapedza dzinza rese, haana kuziva kuti apihwa chikwambo chichaita kuti mwana apenge,haana kuziva kuti apihwa chikwambo chichita kuti mubereki arware. Inenge solution zvayo but ichakuchemedza. Vamwe vakatsvaga maForeign solution ekuda kuBriber kuti zvavo zviite, they paid the bribes zvikafamba but nhasi haachabve kuCourt nyaya yake irikutongwa yekupa chioko muhomwe. Foreign solutions bring temporal relief but they also bring permanent problems. Ndakanzwa umwe aitaura, I don’t know how far true is it,hanzi kana mota ikapera petrol unogona kuisa kaZed mukati and igomuka, but once waisa zed muEngine, mota haichade any other fuel except zed iyoyo. Waunza a foreign solution yakupa temporal relief but yaunza permament problem, wauraya mota.

maSolutions edu vatendi they come from GOD and not any other source.

ana Hagar ava vanoita kunge vanounza relief but ziva kuti waunza permanent problem mumusha. Sarah aona kuti ummmm tamboyedza kumirira Mwari promise yemwana but zvanonoka izvi, Abram murume wangu tora Hagar uyu uite vana naye. Kune vanhu nhasi wekuti kana akaona kunge Mwari vanonoka, anotsvaga imwe nzira yekukiya-kiya kuti zviite, zvikaramba anoyedza zvimwe. Naiye Abram wacho haana kuramba proposal yataurwa naSarah but akabvuma, izvi zvinongoratidza kuti he had also lost hope, ainge arasa tariro about the promise which GOD had made, dai asina kurasa tariro angadai akaramba alternative yaSarah, aingomuudza kuti aiwa, zvawataura hazviite, I will wait upon the Lord.

Chimbofunga uone scenario yacho, Sarah ndiye akatsvigira murume wake mumwe mukadzi, inoita kunge love but haizi love nekuti small house yamaunza iyoyo ichakuparidzirai musha. Bvunza ana mai vari married kuti nhai mungade here kunotsvagira murume wenyu mumwe mukadzi wekuti aite vana naye. Vazhinji havadi, vashoma vacho vanobvuma ndiyo type yaana Sarah, they do it out of desperation, aoona seanonokerwa naMwari so anoti munondiwana ndakufano kiya kiya, zvikaramba ndoyedza zvimwe.

rega kuda kumhanyira Mwari pamberi, waona sewanonokerwa, woti better ndifanoita ndega zvinhu zvacho. Sara anoona kuti izvi zvaMwari zvanonoka, better ndifanoita ndega zvinhu zvacho. Mumwe anoona kuti prayer yaakaita achikumbira mari kuna Mwari yanonoka so ati better ndifanoita ndega, ndifanotsvaga dhiri randingaite even though risingafadze Mwari, whether kutengesa maDrugs or kuba.

mumwe anoona kuti nyaya yeMarriage iyi inenge yanonoka, better ndifanoita ndega dzitsvage murume wemunhu wekudanana naye, nditsvage zvichembere zvinondipa mushonga wekuti John andiroore.
mumwe anoona kuti zvekuwana basa zvinenge zvanetsa better ndiBhadhare maBribe acho kune maHR manager.
mumwe anoona kuti kupora kunenge kwanetsa, better ndiende kune vacho maporofita enhema, vaanonyatsoziva kuti ava varikushandiswa nasatan ndiko kwaanoenda.
kana zvaramba tinoyedza zvimwe,,,,,,,but hokoyo, uchayedza zvimwe nezvasatan ikoko.


Haizi friend yaAbram yakaSuggester kuti bhururu tora Hagar muite vana, haazi Lot mwana wemukoma waAbram akapa that suggestion, haazi mutorwa akapa that suggestion , but ndiSarah, mukadzi wake…a very close person ndiye akauya ne a very dangerous solution. Beware of very close people who can come up with ideas which are dangerous, vanhu varipedyo newe can be used nasatan kuunza agenda asina kumira mushe, funga paye paye satan akashandisa Peter kutaura agenda yake, but Jesu akakurumidza kuzvibata ndipo pakazonzi get behind me satan. (Matthew 16:22-23)

We are talking of Peter, munhu aive pedyo naJesu zvekuti paTransfiguration, vamwe 9 maDisciples vakasiiya kuzasi kwegomo Jesu ndokuuenda naJames, John and Peter (Mark 9:2), pakuenda kunomutsa mwana waJairus, James John and Peter (Mark 5:37), a very close disciple akamboshandiswa saSpokesperson wasatan.
munhu wepedyo pedyo ndiye akafurira Abram kuyedza dzimwe nzira. Someone close to you can suggest kuti hona wayedza iwewe kunamatira mbereko but zvirikuramba wadii waenda kwaSekuru pilangomuti, vanogadzira. Hona urikuwanza chiChristu hauwane basa nazvo izvi, wadii kunyora maQualifications ekunyepa paCV, kana munhu ari close newe akakufirira gara wamuudza chokwadi kuti izvi hazviite.

Kana zvichinge zvaramba rega kuyedza mamwe maAlternatives anopesana nedzidziso yaMwari but kana zvaramba wedzera kunamata, wedzera kutenda kwako and be patient umirire nguva yaMwari. Kana zvikaramba, rambawo uchinamata than to look for imwe nzira isiri yaMwari.

No comments:

Post a Comment