Friday, 18 July 2014

Title: Wasunungurwa. (you have been freed)



Scripture reading: Mark 11:1-8

Jesu anotaura iye achiti The Spirit of the Lord is upon me, because he has anointed me to preach the gospel to the poor; he has sent me to heal the broken hearted, TO PREACH DELIVERANCE TO THE CAPTIVES, and recovering of sight to the blind, to set at liberty them that are bruised, Luke 4:18 (KJV).

Nhasi tinoda kubata the statement rekuti  “to preach deliverance to the captives”…(
kuparidza rusununguko kune vakasungwa”. That was one of the mission yaJesu paakararama pano paNyika & it is still His mission. Pana Mark 11:1-8 tinoona Jesu achituma maDisciples ake kunosunungura dhongi rainge rakasungirirwa. Iko kusunungurwa kweDhongi ikoko kunogona kusunungura mumwe munhu. iDhongi zvaro rakasunungurwa but paVhangeri iroro munhu anogona kutosunungurwa kubva pane what ever chakamusunga.

Jesu ari paMount of Olives avakuda kupinda muJeruselam, anotuma 2 vadzidzi vake muGuta mavari kuda kuenda kuti vaende vanosunungura dhongi rakasungwa vauye naro. Journey yekupinda muJerusalem yakatombomiswa up until dhongi rauya. not because Jesu ainge aneta nekufamba but because pane shoko rechiporofita raifanira kuzadziswa.

Zechariah 9:9 yainge yakaporofita kuti the …..King (Jesus) is coming to you….. riding on a donkey…. Haana kungopinda muJerusalema but akatanga atuma vadzidzi kuti vauye neDhongi kuti chiporofitwa chizadziswe. By the same token Jesu haazi kuzongodzoka pano pasi for the 2nd coming,  asi pane chiporofita chinofanira kutanga chazadziswa. Chimwe chiporofita chacho ndechiri pana Matthew 24:14 panonzi And this gospel of the kingdom shall be preached in all the world for a witness unto all nations; and then shall the end come.
kuti kuguma kuuye, panofanira kutanga kwaparidza shoko so that parege kuzova nemumwe anochema achiti Mwari ini handina kuwana mukana wekutendeuka nekuti hapana akandiparidza. Saka regai tiparidze vhangeri as we prepare for the 2nd coming of Christ.




Dhongi might have been useless kune vamwe vanhu but kuna Jesu rainge rakakosha nekuti rakaita kuti azadzise shoko rechiporofita. you might be a  useless person kune nyika or mumeso evanhu but ziva kuti pamberi paJesu wakakosha. Dhongi to an ordinary person nderekukendesa kuChigayo nekuita mamwe mabasa but kuna Jesu dhongi rine chiporofita chaifanira kuzadziswa.

Jesu kuratidza huMwari hwake, akanyatsopa maExact details ekune dhongi.. akanyatsoratidza kuti He knows everything  hanzi Endai kumusha wakatarisana nemi; pakarepo kana muchangopinda mauri, muchawana dhongwana rakasungirwa, risina-kumbotaswa nomunhu; murisunungure, mugovuya naro. Kana mukabvunzwa nomunhu kuti, ‘Seiko muchiita izvi?’ muti kwaari, ‘Ishe anomuda uye achamudzosa pano nokukurumidza.’”

He knew kuti muguta umu mune dhongi ririmo,  hakuzi kufembera uko nekuti anyatsotaura kuti muchawana dhongi  rakasungurirwa, uye risina kumbotaswa nemunhu. ainyatsopa maFiner details kuti vadzidzi vazive dhongi chairo rekutora & not any other donkey. He even prophesied kuti muchabvunzwa nemunhu kuti seiko muchiita izvi. He knew every detail. rega ndikuudze chinhu ichi, GOD knows every detail about your life, nevhudzi rako Jehovah vakariverenga. (Luke 12:7) Jesus is concerned about you, thats why akakufira paCalvary. Don’t take that lightly, wakakosha kuna Mwari.

maDisciples havana kunzi endai munotora chero dhongi ramawana but vakanzi endai munotora dhongi rakasungurirwa. ko why Jesu achida dhongi rakasungirirwa, adii kutora madhongi asina kusungirirwa? Why the tied donkey

 Jesu paripo paakataura pana Mark 2:17 achiti “Those who are well don’t need a doctor, but the sick do need one. I didn’t come to call the righteous, but sinners.” Jesu aripo pakusunungura madhongi akasungirirwa, mamwe ayo agara ari free haaneyi nawo. as long uchiFeeler kuti hauna need yekuponeswa naJesu, anokusiya wakadaro, but kana uchizvibvuma kuti uri musungwa, He is there to deliver you. rega kuzvikudza uchifunga kuti you are o.k. and can make it to heaven wega nemabasa ako, you cant, your works can not save you.


muguta mungaite madhongi akasununguka ane independence, but Jesu haasi kuda iwayo, arikuda iro rakasungiriwa. munyika mungaite vamwe vanozviita vakasununguka vasingade ruponeso but Jesu arikuda avo vanoziva kuti havana kururama vanoda kunatswa. He came to call the sinners to repentance, kana uchiziva kuti uri musungwa wechivi then ndiwe type yakavingwa naJesu kuti aisunungure.

Jesu haaziriye akaenda kunosunungura dhongi but akatuma maDisciples 2 kuti vaende kunosunungura dhongi. thats how GOD operates, he sends ordinary men to carry out basa ravo. i know kuti kune vamwe vasingade kutendeuka kunyangwe paparidzwa shoko rakaita sei, anotoda kuti Jesu auye ega kuzomuparidzira, but rega ndikuudze kuti Jesu uyu ane tsika yekuwanzo tumawo vanhu wo zvavo kuti vaparidze vhangeri rinokusungura. But manje kana usingade kuterera vacho vanenge vatumwa hameno kuti unosunungurwa sei?

Jesu anogara audza maDisciples ake zvavachasangana nazvo hanzi Kana munhu akati kwamuri: Munoitireiko izvi? seiko murikusungura dhongi, muudzei kuti  Ishe unorida.  rega ndikuudze chinhu ichi, satan haangosiye vanhu vachisunungurwa vachienda zvakadaro, he always tries to resist, anogona kushandisa vanhu kuti vadzivise kusunungurwa kwemunhu or the he can use his demons kuResister kusunungurwa nemumwe munhu. vanhu havana problem kuona dhongi rakasungirirwa but kana mukada kurisunungura they will ask kuti sei muchiita zvamuri kuita.

“why are doing this kusunungura dhongi?” …mubvunzo wakauya nekuda kwekuti dhongi ravakuda kusunungurwa. resistance inonyaya kuwanda kana nguva yekusunungurwa yasvika, pamba paLot pakaita noise manheru pakauya vatumwa kuzomusunungura from this wicked city, all along hatina kubvira taudzwa kuti akambonetswa nevanhu veSoddom but the night pauya vatumwa vairi kuzomusunungura ndipo panotanga noise yese. (Genesis 19:4-11)

 maDiscples 2 aya vakaenda kwavakanzi vaende & for sure dhongi vakawana riripo, vakarisunungura and people who were around vakabvunza vakati Munoiteiko muchisunungura dhongwana? exactly zvaporofitwa zviya naJesu kuti muchabvunza ndizvo zvaitika. chaporofita chaJesu chinozadziswa chete no matter what.

kune chimwe chiporofita chemanyepo chandingati prophe-trying (kuyedzesera kuporofita) and prophe-lying (kutaura chiporofita chenhema), and profiteering (kuda kuwana pfuma or mbiri kubudikidza nekuporofita) zvese izvi zvinowira pasi asi chiporofita chaJesu chinozadziswa chete. Zvikuru sei munguva yatiri kurarama pane zvizhinji zvakataurwa naJesu kuti zvichaitika and for sure zvimwe zvacho zvakatoitika and some of the things are yet to be fulfilled, nekudaro dont take the word of GOD lightly. shoko raMwari rasiyana neNewspaper rekuti nhasi vanonyora nyaya but mangwana vanofuma vachiti "as a matter of fact..." vachiyedza kugadzirisa nyaya yavakanyora yekunyepa.

vanhu vakabvunza vakati ko ‘Why are you doing this?’ , maDisciples havana kutaura zvakawanda wanda but they simply answered Ishe Vanorida. apa hapadi kuti vadzidzi vabuditse zvitupa zvavo or kutaura nezvePersonal life yavo but parikuda kutaurwa zita raJesu. vaudze vanhu kuti Ishe vanorida. zita rako unogona uchinzi Peter, but kana wasvika pakusunungura dhongi, rega kutiudza kuti hee ndinonzi Peter ndiri mudzidzi waJesu etc etc but chingouudza vanhu kuti Jesu arikuda dhongi iri full stop. seiko mutendi wanhasi uchiti ukabvunzwa  mubvunzo or kana uchiparidza unozoda kuwanza kutaura zvakawanda wanda, wadii kungotaura zvaJesu. zvePersonal life yako hazvigone kusunungura dhongi, but only the name of Jesus.

  Vakapindura  sezvakarairwa naJesu; and they were allowed to go with the donkey,. as simple as taht donkey rasunungurwa. iyo nyaya  yekungoti Jesu arikuda dhongi was enough kuti dhongi risunungurwe. nhasi chaita kuti vamwe vatadze kusunungurwa kubva pavakasungurirwa nasatan inyaya yekuti vaparidzi vacho vamwe tinonzvenga nyaya yaJesu, tinoda kusunungura vanhu nekuchenjera kwedu. unoudza munhu nezve kudhura kwemota yako, do you think kuti ivhangeri ringasunungure munhu kubva pachivi. unouudza munhu nezve kukura kwestand yako, do you think zvingasunungure munhu kubva pamademon akamusungwa. udza munhu zvaJesu munhu uyu kuti apone.

Ruponeso haruwanikwi kuna ani zvake, nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa kuvanhu ratingaponeswa naro.” (Mabasa avapositori 4:12)
Neither is there salvation in any other: for there is none other name under heaven given among men, whereby we must be saved. (Acts 4:12)


dhongi harina kusunungurwa kuti riswere richiwaya waya but rakasunungurwa kuti riende kunotakura Jesu. harina kusunungurwa kuti riiende kunotamba nemamwe madhongi but rakasunungurwa for service. rega kufunga kuti Jesu akauya kuzokusungura kuti urarame madiro but akakusunungura kuti ushande mumunda wemuzambiringa wake (Church). you are called to call others. Ndokusaka Matthew 11:28-29 ichiti “Huyai kwandiri (Kuna Jesu) mose makaneta makaremerwa, zvino ndichakupai zororo.  Torai joko rangu muise pamusoro penyu, mudzidze kwandiri nokuti ndiri munyoro”, …….

nyaya haigumire pakubviswa kwemitoro asi inoenderera mberi pakutakura joko raJesu. Haikona kufarira kusunungurwa but usingade kutedzera zvinodikanwa naJesu. Ingawani nyika chaiyo even if vakawana independence unovaona vachivaka majeri, nhai Jeri nderi chii imi muchiti makasununguka. Kuitira kuti kana pakazowana anoda kufarisa muIndependence imomo anoiswa mujeri. Unoita musungwa munyika ine vamwe vakasununguka.

rega nditaure kune vamwe vanoti vakasunungurwa naJesu, hongu wakasunungurwa but Jesu wacho wakamutakura here or pawakasungurwa wakabva warova pasi. are you carrying Jesus or you are roaming the streets. dhongi kana rasunungurwa ngaritakure Jesu. Kusungurwa haizi licence yekuita madiro, nekuti ukadaro satan anokusunga futi. You become like a person ari muJeri but ari munyika ine independence. Pauro anobvunza kuti toramba tichitadza here kuti nyasha dziwande, kwete. (Romans 6:1). Kusunungurwa naJesu haizi licence yekuraramira muzvivi

rega kukangwanwa pawakabviswa naMwari, dai asiri Jesu uyu ungai nanhasi uchiri wakasungirirwa.

dhongi tinoriziva nekurohwa newaya but this time vanhu havana kuridaro, instead vakatora hembe dzavo vachikanda paDhongi iri uye vachiwadzirwa mashizha nehembe pasi kuti rifambe pamusoro. dhongi rajaira kutsika pamatombo but this time rakawadzirwa pakanaka pekutsika nekuda kwekuti rakatakura Jesu. kana munhu uchinge watakura Jesu zvinhu zvinosanduka, vanhu vaimbokuona seusina basa, vanochinja their attitude towards you nekuti wakatakura Jesu. vanhu vaifarira Jesu but the fact that Jesu wacho ari paDonkey, vanhu havana option but kufarira Jesu zvese neDhongi racho.

Ukaona dhongi richitsika hembe yemunhu, ahhh rinorohwa newaya kana kutemwa nematombo richinzi chidhongi chekwani ichi chinofamba chichitsika Zambia rangu.  But nekuda kwekuti rakatakura Jesu, izvi zvekutuka kuti “pfutseke” nekutema nematombo zvinotombo mira nekuti hatizozive kuti wamuri kuda kutema ndiJesu here kuti iDhongi.
treatment towards dhongi inoshanduka nekuti ratakura Jesu.

takura Jesu muLife mako uune kuti imwe rough yaunoitwa nevanhu yese inopera.

Ukaverenga Verse 3 uchaona kuti dhongi raifanira kudzokera kumba kwaro after rapedza kutakura Jesu. Munhu kana uchinge wasunungurwa naJesu hazvireve kuti unobva watoenda kuDenda there and there, aiwa, but unombodzokera kumba kwako, you go back kubasa kwako kuchikoro kwako. So that uudzewo vamwe nezvekuponeswa kwawakaita naJesu,. So that vanhu vaone kunaka kwaMwari kubudikidza newe. Ndizvo zvakaita Legion, after adzingwa demon, akakumbira kuna Jesu hanzi ndinoda kuenda nemi kwese kwamuchaenda but Jesu haana kuti handei, but akamuti dzokera kumba kwako unouudza vanhu zvakaanaka zvawakaitirwa naMwari.



Jesu akaita hanya nekusunungura dhongi, what more munhu who was created in the image of GOD? surely GOD cares for you, if He cared for the donkey, He also cares for you. Mwari vane hanya nehupenyu hwako. Ungave wakasungwa nenhamo, ungave wakasungwa nehurwere, ungave wakasungwa nezvivi, ungave wakasungwa nemweya yetsvina, ngozi, ungave wakasungwa neFear, whatever chakakusunga ziva kuti Jesu aripo anogona kukusungura. Zvava kwauri kubvuma kusunungurwa naJesu, the first thing kubvuma kuna Mwari kuti you need His help, reurura zvivi zvako nemoyo unorevesa, kumbira ruregereo, kumbira kuti Jesu agare mumoyo mako uve unoponeswa.

John 8:36 If the Son therefore shall make you free, ye shall be free indeed (Naizvozvo kana Mwanakomana achikusunugurai, muchava vakasununguka zvirokwazvo)












No comments:

Post a Comment