Wednesday, 24 September 2014

Operation dzoka kumba series (Part 3 of 5) Mharidzo Title :The Journey back home



Luke 15:18-20


the Prodigal son akatanga kuronga kuti ndichasimuka ndiende kuna baba vangu ndinoti kwavari: Baba, ndakatadzira denga napamberi penyuwo. Akatanga kuronga a journey back home to his father. Haana kuronga kuenda kunotsvaga a better paying job, haana kuronga kuenda kunotsvaga shamwari ingamuchengete, he didn’t think about kuzviuraya. But akaronga kudzokera kuna Baba nekuti he knew kuti kuna Baba ndiko kune solution. Rega ndikuudze kuti maProblems auri kuFacer aya haadi kiya kiya,haadi kuti utsvage kuti ndeupi munhu angakubatsire, hazvidi kuti utsvage mushonga wemakonzo kuti upfuudze hupenyu hwako, but zviri kuda kuti udzoke kuna BABA vako vanova Mwari. Make good decisions dzekudzoka kuna baba like what this young man did.

Akaronga kuti ndinoda kuti kuna Baba ndakatadzira denga napamberi penyu. He wanted to acknowledge his wrong before his father. Ndipo pamwe pane nyaya ipapa apa, kana uchinge wafunga kudzoka kuna Mwari be prepared to acknowledge your sins, be willing kubvuma zvawakatadza. Don’t try to justify yourself before GOD kuti aiwa chakaita kuti ndibe mari inyaya yekuti kumba kwainge kusina hupfu, no, don’t justify your sin but bvuma kuti wakatadza and ask for forgiveness. Prodigal son haana kuronga kuti ndikasvika kumba ndinoda kuJustifier zvandakaita, haana kuronga kuda kunyepera baba vake kuti ndabirwa mari, but he planned kunobvuma kutadza kwake. Kana uchiuya kunaMwari, please do not tell GOD lies because He already knows the truth more than you do.

Rega futi kuda kuita blame game yekuti unobvuma kuti ndakatadza but at the same time you try to shift the blame on someone else. Kuti hongu Mwari ndakakutadzirai pandakarova mukadzi but problem ndeyekuti hama dzake dzinouya dzichitora hupfu everyday. You are trying to shift the blame pane hama dzemukadzi, hazvishande izvozvo. Adam naEve vakaiTryer blame game, after they had sinned they tried to shift the blame.  Adam was asked by GOD kuti wadya here muchero uye, instead yekuti abvume kuti yes ndadya, he started to blame Eve, mukadzi wamakandipa ndiye akonzeresa,,,iye Eve wacho kwakubvunzwa naMwari, instead yekuti abvume kuti hongu ndadya,  she shifted the blame to the serpent, nyoka ndiyo yandifurira. Hapana arikubvuma mhosva but they all shifted the blame to someone. But izvozvo hazvina kutadzisa kuti vapihwe punishment. Don’t try to play the blame game, bvuma kukanganisa kwako.

This young man didn’t try to shift the blame to another person, aigona kungoti ndakafurirwa neshamwari, ndakafurirwa naEx girlfriend, ndakafurirwa naNhingi, but he did not do so. He planned kutora blame yese.

Mukoronga kwake kudzoka kumba he also planned kuti ndinoda kuti kuna Baba Handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu, ndiitei henyu somumwe wavaranda venyu.. this statement ine 3 sides dzandinoda kubata, of which 1 side ndiro rakanaka and the other 2 sides are not so good.

Let me start with the 1st side, Handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu, ndiitei henyu somumwe wavaranda venyu…..this might be a sign of humility, kuzvininipisa pamberi paMwari kuti aiwa I do not deserve to be called your son but make me as one of your hired servants. Chinhu chinokosha kuti kana uchiuuya kunaMwari come with humility, huya nekuzvininipisa rega kuzvikudza,. Nekuti GOD resists the proud but gives grace to the humble (James 4:6). There is a parable yakataurwa naJesu pana Luke 18:9-14,
 2 vanhu vakaenda kunonamata, 1 of them aizvikudza and the other one aizvininipisa. But the one who was humble ndiye akaenda kumba aruramiswa. There is also another parable Jesu paanodzidzisa kuti when you are invited to a wedding, rega kugara panzvimbo yepamusoroso but gara to in the lowest places, nekuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa. (luke 14:7-11). come to the Father with humbleness.

Then kozoita the other 2 sides dzeStatement iri.

number 2, statement iri Handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu, ndiitei henyu somumwe wavaranda venyu….it can be a sign of planned rejection. Mukoma uyu arikuda hake kudzokera kuna baba but already He is planning kurambwa, arikuronga kuti baba vamurambe semwana but vamutore semuranda. Get this right, baba havazi rivo varikuramba mwana but mwana ndiye arikuronga ega kuti baba vamurambe semwana wavo. Kune vanhu vekuti anotanga kuronga rejection ega iye asati auya kuna Mwari, he looks at what he did wrong and anozviudza kuti haaa nekutadza kwandakaita uku Mwari havandiregerere..

I did a lot of bad things zvekuti handifunge kuti Mwari vangabvume kutonditora semwana wavo. Haasati atombopinda paPrayer kuti ataure naMwari, ivo Mwari vacho havana kana communication yavaita naiye but already arikutoronga kuti ndichanorambwa. Kana uinayo mentality iyoyo, please leave it nezita raJesu, rega kuronga kurambwa naMwari. Pfungwa iyoyo haizi yaMwari but ndisatan anoda kuti urege kuuya kunaMwari.

The 3rd side of the statement Handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu, ndiitei henyu somumwe wavaranda venyu….inogona kureva kuti mukomana uyu he is ignorant about how His Father would react, haazive kuti baba vake vachamutambira sei. Nekuti dai aiziva zvaaakarongerwa he wouldn’t have planned kutaura mashoko iyaya. Kana uchiuya kuna Baba, ivavo neruzivo concerning programme yavo pamusoro peavo vakarasika and this information unoiwana muBible. GOD is willing to accept avo vakarasika vanouya vachikumbira ruregero, read from the book of Jonah uone kuti Mwari pavaida kuparadza guta iri and the people fasted and prayed, havana kuregererwa here, read about Saul uyo aiuraya vatendi kuti paakatendeuka haana kuregererwa here, read about this parable of prodigal son kuti paakauya kuna Baba haana kuregererwa here. There are many examples in the Bible concerning the lost who came to GOD and were accepted. ziva programme yaMwari urege kumaker maAssumptions. Nekuti imomo mukuita zvekufungidzira uchagumisira wafunga kusadzoka kunaMwari because in your mind you have a wrong impression of how GOD treats those who have sinned but have come to ask for forgiveness.


Mukomana achipedza kuronga izvi akasimuka akananga kuna baba. Haana kugumira paPlanning phase chete but akaenda paImplemenation. Don’t end pakuronga kutendeuka chete but chitozviisa into action. Rega kungogumira pakunyora muDiary mako every year musiwa 1 jan pamaResolutions kuti this year ndinoda kutendeuka but zviise into practise chitotendeuka. Rega kugumira pakuPlanner but pinda paImplementation.

Plan yakanaka stereki but kana ikarega kuiswa into practise hazvibatsire. Take for example une plan yako yekuvaka an 8 roomed house but worega kuvaka imba yacho, kana zuva richinge radoka ungagone here kurara muPlan mako, hazviite unotoda imba chaiyo. Ladies and gentlemen the night is coming and when it comes you can not find  shelter in a plan but you need a real house. Rega kugumira pakuPlanner but pinda paAction yacho yekutendeuka.

Ipo parwendo rekudzoka kunaBaba pane nyaya, nekuti remember mukomana uyu ainge akuvara nenzara and energy is a problem. But akashinga zvakadaro kudzoka kumba. Yes you can feel so weak physically, spiritually, emotionally zvekuti unonzwa zvichirema kuti udzoke kuna Mwari, but find your strength in Christ. It is only in Him you can find power to come to the Father.

Unogona kusangana navamwe muRoad vanokuDiscourager kuti bamnini murikuenda kupi,,,,dzokerai henyu kunguruve uku nekuti nezviya zvawakaita do you think your father will forgive you. be careful of people vanoita kunge vanoda kukuCounsellor but ivo vachida kukukanzura….vanokupa pfungwa yekuti you are already disqualified pamberi paMwari.

Anokuudza kuti shaz newayakaita iyi, Mwari havakuregerere. Siyana nazvo zveChurch izvi. But like Bartimaeus don’t be silenced by such people, ramba uchidanidzira kunaJesu. Unogona kusangana nevamwe vanoita kunge vanoda kukubatsira but in actual fact havasi kuda kuti uende kunaMwari. ndiwe prodigal son wabva kure uko on your way to your father, unogona kusangana nemumwe anokuti corner upinde hako pano ndikupe a better paying job rekuchengeta nguruve but rinobhadhara kupfura kwawainge uri but don’t accept nekuti once wagara ipapo you are delaying kudzokera kuna Baba kune a better life.

 be careful of people who pretend as if they want to help you but are actually giving you the same poison but in a better container. Munguva yekare vaisikupa roga iri mugaba rayo reRoga but this time they are giving you roga in a coca-cola bottle, unofa chete. Don’t be deceived by decorated problems but huya kuna Baba

Pane pekuti wakurava neAddiction yemaDrugs. Mari yaperera kumbanje, kuBronco, histalix, cranco, zed, heroine, cocaine and you decide kuti yakwana nguva yekuti ndidzokere kuna Baba nditendeuke, be careful of people who come to you vachida kukutengera maDrugs nemari yavo. They appear like they are helping you but they are being used by the devil out of ignorance kuti vakubate kuti urege kuuya kunaMwari. be careful of the help you might get as you make your way to the Father, checker kuti help yauri kuwana iyi does it draw you closer to GOD or away. If it draws you away from GOD then reject it.

Asi akati achiri kure, baba vake vakamuona uye vakamunzwira tsitsi; vakamhanyira kumwanakomana wavo, vakamumbundikira uye vakamutsvoda.

Baba vakaona mwana wavo achiri munzira. Once wapinda munzira inonzi Jesu, The Father will see you.

John 14:6 6Jesu akapindura akati, “Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri.

kuti prodigal son asvike kuna Baba akatopinda munzira, kuti isu nhasi tisvike kuna Baba tinofanira kupinda muNzira yataurwa naVerse iyo anova Jesu Christu.

Baba pavakumoona havana kutarisa kuSide but vakamhanya. (John 6:37 hakuna ani naani anouya kuna Jesu anorasirwa kure, Jesus will not cast out anyone who comes to Him.
 The Father expressed his love by hugging his son who could have been smelling like a pig, he kissed his son as a sign of love,. Huya kuna baba, dzoka kumba.



No comments:

Post a Comment