Wednesday, 24 September 2014

Operation dzoka kumba series (Part 5 of 5) Title: Musadaro Mukoma.




Scripture Reading: Luke 15:25-32.


kana munhu uchinge wadzoka kuna Mwari don’t think kuti the devil will be happy. satan haafare because he knows that he has lost out and he will not fold his hands and relax achikusiya wakadaro nekuti wavakunamata but he will persecute you. 2 Timothy 3:12 yoti and all that desire to live a godly in Christ Jesus shall suffer persecution.

Prodigal son adzoka kumba akagamuchirwa nababa zvakanaka, maCelebrations atanga but his brother was not happy. Party ichiitwa kumba, mukoma waProdigal son ainge ari kumunda and he heard music ichirira vanhu vachifara and he asked mumwe muranda kuti ko noise yandiri kunzwa ndeyeyi, what is that all about, zvikanzi nemuranda, your brother has returned and baba vamuuyarira mhuru nekuti adzoka zvakanaka.

Ipapo ndipo pakatangira nyaya yese, iyo ine mharidzo yandapa a title yekuti “musadaro mukoma”.

Verse 28 haina kuvanza the feelings of this older brother towards munin’ina wake, Bible rinoti he was angry, and would not go in. Mukoma mukuru akatsamwa akaramba kupinda. Arikurwadziwa nekuti sei baba vagamuchira munin’ina wake uyo akaenda kunyika irikure kunoparadza pfuma and on top of that oitirwa party futi.he was angry.

Kune vamwe vanhu vanotsamwa kana akanzwa kuti a wicked person has repented, wakaipa azotendeuka. Havafare. Get this, mukoma uyu haana kubvira abva pamba, he stayed naBaba vake. He represents imwe type yevatendi yekuti haana kubvira aBackslider, he has always been with GOD but at the same time haafare kuona mumwe munhu akamboBackslider achidzoka kuna Mwari. They are so selfish zvekuti vanoda kupona vega. haadi kunzwa testimony yekuti chifeve chiye chakatendeuka, haadi kunzwa kuti mbavha iya yakamubira dvd yavakunamata, haadi kunzwa kuti rapist uya akatendeuka. musadaro mukoma.

Mukoma vakaramba kupinda mumba maiitwa maCelebrations. Kune imwe type yevatendi yekuti kana akanzwa kuti pane mutadzi akatendeuka, haafare and anoramba kupinda mumba maBaba (MuChurch). Anotobheja kuti I will not go into the same church inopindwa naNhingi nekuti mutadzi mukuru, I don’t want to associate with him. Musadaro mukoma.

If we go back kwakatangira parable, we will see kuti Bible rinoti the father divided the goods, vakagovanisa pfuma. Prodigal son akatora  portion yepfuma yake and he went into a far country, kureva iko kuti imwe property yainge yasara belonged to the brother. Zvino charwadza mukomana ndechekuti mufana adzoka apedza kudya pfuma yake  and auya kuzodya my portion of inheritance. Manje hazviite izvozvo. this older brother is selfish, haadi kuti zvinhu zvake zvibatwe batwe nemufana muparadzi.

Don’t be selfish nezvinhu zviri material zvekuti you end up wakusafarira kuti vamwe vatendeuke. Unoita selfish nemaChairs ekugara muchurch chaimo hanzi kana vanhu vakauya vakawanda kuChurch tinoshaya pekugara so ngavasauye. Kuita selfish nemaResources zvekuti haudi kuti vanhu vauye kuna baba, hanzi kana vanhu vakawandisa paChurch, paLunch food haizokwane, saka better varege havo kuuya. Musadaro mukoma, don’t be selfish with what the Father has given you, learn to love and accept those who come back home.



Baba ndokubva vaenda kumunda kuti vanyengetedze mukoma kuti vapinde mumba. Look at this., prodigal son uyu watinoti ndiye akaipa, haana kunyengetedzwa nemunhu kuti adzoke kumba but akadzoka ega handiti, but avo mukoma vatinogona kuona sevari right nekuti havana kubvira vabva pamba, ndivo vakutoda kunyengetedzwa naBaba kuti vapinde mumba. That’s bad. Kuti vacho vakaipa ndiwo vanouya kuna Baba zvakanaka vasina shoko ravaparidzirwa but avo vanozviita vanoziva shoko raMwari vanotoda kunyengetedzwa kuti please pindai kani. No wonder why Jesu akataura pane imwe time akati the tax collectors and  the prostitutes go into the kingdom of God before you achireva maPharisees. (Matthew 21:31). Ivo vafarisi ndiyo type yaana  mukoma yanga isingafare kuti Jesu agamuchire vatadzi vanenge vadzoka kuna Baba.

The older brother aitoda kuti Baba vamunyengetedze kuti apinde mumba afarire munin’ina wake. Don’t be a person wekuti unotoda kuti Mwari vakunyengetedze to accept a sinner who has repented. Baba vakutopinda busy kuda kuConvincer mukoma kuti vapinde mumba.but uyu munin’ina kudzoka kwake kumba hakuna kutora any convincing of the father. church inogona kuita 2 weeks revival yekuti maOld believers vabvume kugamuchira vanhu vanouya kunaMwari but poitwa just 1 day yekuti vatadzi vatendeuke vauye kunaMwari. chinofanira kutora nguva yakareba apa ndechekuti vatadzi vatendeuke rather than maOld believers vabvume kugamuchira mutadzi atendeuka. Don’t be a hard nut, wekuti unotoda kuti Mwari vakunyengerere kuti ugamuchire mutadzi  adzoka as if imba yacho ndeyako, as if you hold the keys to heaven. Musadaro mukoma.

Iwe munin’ina zvizive zvekare kuti mumba umo murikufara henyu muchitamba maRecords but panze apo there is an older brother who is protesting your return. Urikupupura hako kupona kwawakaita munyika irikure but outside there are people who are asking Mwari kuti why did you accept this thief, why did you accept this drunkard, this prostitute, why, nekudaro rega hako kubatikana nazvo when people start to question you kuti sei wakadzoka. Rega kunetsekana, people will always ask kuti Seiko wavakuita zvekunamata, they will even laugh kuti aah ana nhingi mavakunamata, ahhh regai tione. Don’t be discouraged. Remember the person aiOpposer kudzoka kwemuni’nina is not a stranger but he is a blood brother, mukoma wake chaiye. Sometimes your
 critics do not come from very far but they can come from within.
Verse 29 inotaridza chikonzero why chaiita kuti mukoma varege kufarira kudzoka kwemunin’ina. Mukomana uyu akapindura baba vake akati, ‘Tarirai! Makore ose aya ndanga ndichikushandirai uye handina kusamboteerera mirayiro yenyu. Asi hamuna kutongondipa chimbudzana kuti ndipemberewo neshamwari dzangu.

The reason why atsamwa inyaya yekuti he has served his father for a long time  and haana kubvira abva pamba but in that period haana kana 1 day raakapihwa chimbudzana chekuti aiite braai nemaFriends ake but uyo mwana muparadzi akapihwa pfuma, he went away and wasted it with friends, adzoka kumba kwakuuyiirwa mhuru on top of that. Hazvina kumufadza.

Mukoma vaidawo kupota vachipihwa zvimbudzana chekuti varove gochi gochi. he also desired pleasure but inyaya yekuti akashayiswa mukana wacho. Zvinogona kuitika kuti mumwe munhu anenge ari muChurch hake but anoshuwirawo prezha seyakaitwa naProdigal son zvekuti type yaana prodigal son painotendeuka haafare. Chichemo chemukoma wachibata here, haazi kuchema kuti pano apo ndinoswera nenzara but arikuchema kuti hamuna kundipa nyama yeBraai. He was more concerned about pleasure and not about day to day issues.

Mumwe hazvimuitire mushe kana akanzwa kuti mbavha iye payakatendeuka yabva kujeri yakatengerwa imba by a well wisher. Haafare, anotanga kubvunza Mwari kuti nhai I have served you since my youth but ndichiri kuroja ko why iyo mbavha iyo ane 1 year atendeuka sei mamupa imba. Ndava ne10 years ndichikunamatai Mwari but no marriage, ko Seiko icho chifeve chane 6 months chatendeuka but mamupa muchato. Nhai Mwari ndave nenguva refu ndichinamata but ndirikufoira, ndanyora  Olevel many times but ndinoramba ndichawana maD, kana kushaya C zvayo,. But icho chidhakwa icho chakatendeuka last week but machipa maA sei?

Such questions are dangerous, nekuti unenge uchida kuzviedza kunge wakaruruma kupfura munhu wauri kuzviCompeya naye, such questions reveal your self righteousness and selfishness zvisingadiwe naMwari and it will lead you to backslide. Musadaro mukoma.

Verse 30 inzwa unzwe maAccusations akatanga kutaurwa nemukoma, akatanga kuvhura mamwe maFile atanga tisingazive hanzi mwanakomana wenyu uyu,akaparadza pfuma yenyu nezvifeve, mamubayira mhuru yakakodzwa.

hanzi mwanakomana wenyu,,,your son, haana kuti my brother aiwa but your son, kureva kuti haachade kuva nehukama nemunin’ina..he devoured your assets with prostitutes, akaparadza pfuma nezvifeve….is this accusation real or its fake,.,…..ini ndinofunga kuti manyepo because tikadzoka kwakatangira nyaya hapana pakataurwa kunzi akadya mari nezvifeve but pangonzi akaparadza pfuma yake namararamiro akaipa.…iyi yekuti akadya mari nezvifeve hameno kuti the older brother akazvizivira kupi.

nhai mukoma maAccusations amuri kupomera ngana uyu makawana kupi, ,,,,heeee akamboba laptop  kubasa kwaaishanda, heee akambobatwa aine maDrugs,,,,are you sure about  nyaya dzamuri kupomera munhu or makaita dzekunzwa nemakuhwa. And munhu naturally agara ane tsika yekuwedzeredza zvisina kuitika kuti nyaya yacho inakidze. Just consider it  panoitika kaIncident uone kuti nyaya yacho inowedzeredzwa sei and usually munhu asina kubvira aoona zvaitika ndiye anowanzonyepa too much..musadaro mukoma

Baba ndokupindura mwana wavo vakati Mwanangu, iwe uneni nguva dzose, uye zvose zvandinazvo ndezvako. Asi taifanira kupembera uye tifare, nokuti munun’una wako uyu akanga afa asi zvino araramazve; akanga arasika asi awanikwa.’”

This week rapera tichiti dzoka kumba prodigal son but nhasi ndinoti dzoka kumba kune mukoma. Haikona kuramba urikumunda uchiramba kupinda mumba nekuti your brother has returned. Dzokai kumba mukoma. The father has said it all kuti iwe uneni nguva dzose, you are always with me wani.

Nhai mukoma, you are always with GOD wani, iko kurarama kwamuri kuita uku handiti its good who is taking care of you, but nhasi ndipo pamakuDoubter kuti Mwari vanemi here or kwete simply because pane mumwe mutadzi aitirwa something chaunoona as if chiri nani pane zvaunosiitirwa.

If only you knew kuti mufana wako airarama life yakaita sei ari kunyika uko wainzwa tsitsi…wakangonzwa makuhwa ekuti arikudya mari nezvifeve but hauna kuzoudzwa kuti akasvika panguva yenzara yaishuwira kudya makanda eNguruve. Dai waiziva pfumvu yakaoneswa munin’ina wako nasatan you would have celebrated with him. Musadaro mukoma, farai nemuninina wenyu.

There will be more joy in heaven over one sinner who repents than over ninety-nine righteous people who have no need to repent. (Luke 15:7). If there is joy in heaven when one sinner  repents, why don’t you join in the joy and help heaven to celebrate than to be angry.

If there is joy in heaven when one sinner repents why don’t you make a decision to repent today so that heaven will celebrate.




7 comments: