Wednesday, 24 September 2014

Operation dzoka kumba series -Introduction (part 1 of 5)



Scripture reading Luke 15:12-13


Parable inotanga Ishe Jesu vachitaura kuti there was a certain man who had 2 sons. Mudiki wacho ndiye akabva ati kuna Baba vake, ndipei mugove wenhaka yangu. Give me the portion of goods that falls to me. Nhaka iyi anga ari supposed kuiwana kana baba vake vachinge vafa but he is already asking for it ivo baba vachiri vapenyu. he is already asking it before the due time. Ndiko kushaya patience uku kwekuti chingwa chemangwana kuseni unoda kugara wachidya manheru anhasi, ko mangwana acho akasvika uchaita sei? If you want to enjoy future benefits today then when the future comes what will you do. mutendi dzidza kuva nePatience yekumirira the appointed time yakaSettwa naBaba. Mamwe maRequest aurikuita muPrayer dai wambomira kusvika nguva yakatarwa naBaba yasvika nekuti zvinhu izvozvo its good kuti uzviwane in the future than ukazviwana nhasi.


Mota yauri kunamatira yakanaka kwazvo but dai wambomira nekuti ukaiwana nekupaparika kwako uku, uchapinda mutsaona. Basa rauri kuda rakanaka but wadii watanga waMature pahuChristu hwako nekuti this job rine miyedzo mizhinji zvekuti ukariwana nhasi, gore haripere usati wava kuJeri. Zvauri kukumbira zvakanaka kwazvo but zvimwe zvacho its not good kuti uzviwane nhasi. Wait for the appointed time in the future. Its true kuti mukomana uyu anga ari supposed kuwana nhaka kubva papfuma yaBaba vake but he was not supposed to get it munguva iyoyo. He was supposed kuzoiwana kana nguva ichinge yakwana apo panofa Baba. Its very true kuti sevana vaMwari pane zvimwe zvinhu zvatiri supposed kuReceiver kubva kuna Baba vedu varikudenga but lets take into consideration nyaya yeTime. Kune zvimwe zvatinofanira kumirara kusvika nguva yacho yakwana so that we can get to those things, nekudaro rega hako kuita pressure. Be patient and wait for GOD’s time.



Rega ndimbobata nyaya yeMaturity, hanzi neBible a man had 2 sons, and the YOUNGER OF THEM SAID…mudiki ndiye akakakuimbira pfuma hatina kunyatsoudzwa age yake but tangoudzwa kuti pa2 vana ndiye aiva mudiki. The original greek word rakazoTranslatwa to young is NEOS zvichireva izvo kuti recently born or young, youthful. No wonder why he made such a request nekuti kana uri mudiki you rarerly think about the future, unongofunga zvanhasi. Mwana mudiki haanei nezveFuture, anongoda zvanhasi.

Given the chance mwana ukamupa $20 womuti sarudza zvaunoda kutenga boots dzekuChikoro or woshandisa hako mari iyoyo kutenga maJiggies, maIcecream nezvinonaka. That’s child anosarudza kudya than to buy shoes for the future. Ndizvo zvitori normal kwaari. He looks for enjoying in the present and does not care about the future.

Ndizvo zvakaita vamwe vachiri padiki pahuChristu, haasati akura munaMwari and so kuti agone kuAnalyser zvekumberi zvinomunetsa. Anongoda zvanhasi chete.  You need to grow up munaMwari, you need to mature as a Christian zvekuti unosvika paLevel yekuti usati wapinda muPrayer to request something unotanga wambonyatso consider the thing you are asking for.


This young man akakumbira nhaka, he asked for material things, he asked for prosperity. Baba havana kuramba, vakamupa. Ndizvo zvinoita Mwari He gives us those things that we ask from Him. But ziva kuti relationship yedu naMwari haizi nyaya yekukubira zvinhu chete, you can get those things but zvinogona kutokanganisa hukama hwako naMwari vakupa. Uchaona hako nyaya yacho as we move naye mukomana uyu. prosperity akaiwana but yakamuendesa kure naBaba. Shuwa you can get the prosperity you want but it can drive you away from our Father who is in heaven.


Baba vakakamura pfuma between his 2 sons & pasati papera mazuva akawanda chikomana chidiki chakaunganidza pfuma yacho and achibva apinda paoad going to a far country. Hona mukomana uyu haana kubva pamba musi waapihwa pfuma but akazoenda after some few days. Ndizvo zvinoita mumwe kana awana something kubva kuna Mwari chaaida, haangoregedze kunamata ipapo, aiwa kuChurch anotombouya, kumaPrayer meetings anotombouya, kuBible study anotombouya but after mazuva mashoma haumumuone futi. Nekuti iye mupfungwa dzake anenge achiti ndichagarireiko pano handiti zvandaida ndakazviwana. Why should I keep on coming to church when I already have the car I was praying for, why should I come to church when I already have the job I was praying for, when I already have the wife I was praying for, when I already have the money I was praying for. Handiuyeko.


Ndiyo danger yekuda kukoshesha prosperity kupfura relationship yako naMwari. Nekuti kana pfuma yacho ukaiwana satan anokupa every reason to forsake your relationship with GOD. Mumwe arikuEncouragwa kunzi namata unowana mota, namata unowana imba, namata unowana muchato, in his mind aim yake yekunamata is to make wealth. Manje kana zvinhu izvozvo azviwana he will just relax and forget about His relationship with GOD. anobva atokangwana zvekunamata nekuti zvaaida akazviwana pamusaka pekuti akaparidzirwa kupfuma panyama more than spiritual things.


Mukomana uyu haana kudzingwa pamba but akabva ega. Wakamboona zvinoita mari, once waiwana programme yako inochinja. All along painge asina pfuma aigara pamba naBaba vake but paakangowana pfuma chete akafunga zvekuenda kunyika  iri kure.kune vamwe vanhu vekuti kana asina mari he is o.k. anogara aripedyo naBaba (Mwari) anoramba achinamata, kuChurch haarovhere, Bible study haarege. But once abata mari, hoooooo, rimwe zuva haauye kuChurch anoda kumboendawo kuBhora kunodya mari, mumwe musi haauye kuAll night prayer, anoda kumboendawo kuMafaro kuti aende kunodya mari. Mumwe musi haiite Bible study but anoda kumboenda kuMovie kunonakidzwa.


Get me right mari haina kuipa but ukawana mari but woshaya Jesu then ndipo painoipa or mari ikakukoshera kupfura Mwari, ndipo pazvinoipa. You are now serving mammon (the god of money). Ndokusaka Jesu akati it is hard for a rich man to enter the Kingdom of GOD than for a camel to go through a needle’s hole (Mt 19:23-24). Be careful nepfuma yauri kukoshesha iyi kupfura hukama wako naMwari.


Mukomana wechidiki uyu akaona kuti pano pamba mari haizi kudyika zvakanaka. Better ndiende kunyika iri kure kwandiine independence. Zvepano pamba hazvisi kuita. Chaari kuendera kunyika iri kure inyaya yeIndependence, akuda kuita zvinhu zvake ega pasina munhu anomuudza kuti na6 unofanira wava mumba, haachade zvemunhu anomuudza kuti muka utsvaire yard, diridza garden, endesa chibage kuchigayo. Arikuona pamba paBaba vake kuti pane maRestrictions anomutadzisa kufara, arikuona kuti panapa I can not host a party for my friends nekuti mudhara haandibvumidze better ndiende kure naBaba uko kwandinokwanisa kuita zvandinoda.


Chakapa vamwe kuBackslider vachienda kure naMwari inyaya yekuti vaiona as if Mwari ari kuvatadzisa kunyatsofara so they decided kusiya zvekunamata kuti vanyatsodye nyika rutivi. Kana afunga zvekuita party, haadaidze vanhu vekuChurh or Mufundisi nekuti anoti vanonditadzisa kufara. He views people of GOD as restricting him/her to enjoy his wealth. Anoona as if Mwari vanomutadzisa kufara mafariro aanoda chaiwo saka the best solution kwaari is to leave zvekunamata achienda kunotsvaga mafaro ekunyika.


I know kuti unogona uri iwe muverengei you feel kuti kugara pedyo naMwari kunokukanganisa kufara, you feel like kunamata kunokuRestricter zvaunoda. But rega ndikuudze chinhu ichi,whatever it is chauri kufunga kuti GOD is restricting you,,,,,chibva waziva kuti chinhu ichocho chakaipa. GOD is to wise, He can not make mistakes. Ukaona Mwari vachikurambidza chimwe chinhu ziva kuti chinhu ichocho chakaipa. GOD is love and kana munhu aine rudo haakusiye uchifamba munzira yaanoziva kuti unoparara maari. Trust GOD and follow His word, rega kuona mutemo yaMwari seinokuomesera kufara kwako but see it as a safeguard for own well being.


The young man went into a far country and wasted his substance with riotous living, foolish living, reckless living. Your know your life better than I do, zvibvunze kwauri ikoko handisi kuita saProdigal son here, Im I not living my life recklessly, hauzi urikuramama uine mentality yakungofara chete uri kure naBaba Vekudenga. Are you not living foolishly in sin, are you living riotously in things which GOD forbade. Hauzi kurarama mumafaro ezvivi here.


If yes rega nditi, nhasi Mwari vakupa umwe mukana wekuti udzoke kwavari, come back home, dzoke kuna Mwari nguva ichiripo, don’t wait for another time or kumirira kuti mafaro atange apera then wozouya kunaMwari. nyika hauipedze, iwe ndiwe unotopera, variko vaifunga kuti vangaapedze mafaro enyika but nhasi they are no longer with us. Wakazviwana zviriko uchazvisiya zviriko. Solomon the richest man ever akamboedza zvekuda kutedza mufaro wenyika but in the end avakunyora the book of Ecclesiastes (Muparidzi) aingoti all is vanity, zvese hazvina maturo, kutandanisana nemhepo.

Come back home, dzoka kuna Baba. No matter what you have done, dzoka utaraure naBaba



Isaiah 1:18 Come now, and let us reason together, saith the LORD: though your sins be as scarlet, they shall be as white as snow; though they be red like crimson, they shall be as wool.

No comments:

Post a Comment