Sunday, 14 December 2014

Mharidzo Title: Naaman Series Sub-Title: Wrong Bag (part 1)



Scripture reading: Luke 4:27 & 2 kings 5:1-27

Makanika ane tools box rake rine maSpanner but hazviite kuti kana mota ichinge yafa oenda neBag raDoctor rinenge riine maJekeseni, mapiristi, thermometer nezvakawanda wanda achida kunogadzira mota, hazvishande. Even iye doctor kana pachinge paita murwere waanoda kurapa hazviite kuti aende neToolsbox ramakanika kunorapa munhu.

ese maBag eBasa but rimwe nerimwe rine parinoshanda. Tools box yakanaka kwazvo but ukaenda nayo kunorapa murwere watakura “wrong bag”. Nhasi mharidzo ndaipa title yekuti “wrong bag”, zvichingoreva izvo collections yema”tools” akatakurwa naNaaman achienda nawo kuIsrael achitsvaga kuporeswa. Akatakura zvinhu zvakanaka kwazvo but zvainge zvisingashande kwaari kuenda uko, very good gifts but irrelevant to the problem. Munhu anogona kutsvaga zvinhu zvakawanda wanda mukunamata, very good things but irrelevant, ipapo ndipo patiri kuti WRONG BAG..Bag rawauya naro kuna Mwari harizi riro.

Naaman after anzwa information yekuti dai uri kuSamaria kune muporofita waJehovah Elisha waipora, he quickly goes to his king obva avaudza nhau iyi. Semunhu weArmy haungoende kune imwe nyika usina kusuma vakuru vako. Handizive purpose yake yekuudza mambo wake, maybe he was seeking approval, zvimwe aida advice, zvimwe aida rubatsiro in whatever way. Ndiro rimwe wrong bag rakatakurwa nevana vevanhu muzuva ranhasi, anotora kunamata semaRituals echivanhu zvekuti anoda kutanga aSeeker authority kubva kuvakuru vemusha kuti aite zvaanoda kuita, anoda kutanga asuma vanhu.

Kana afunga kubhabhatidzwa anotanga akumbira permission kubva kuvakuru kuti I can ask for your permission, ndinoda kubhabhatidzwa, kana afunga kutsanya anotanga akumbira permission kune vakuru vaagere nawo kuti ndinokumbirawo kutsanya, and just imagine satan obva agara munhu iyeye wauri kukumbira permission, obvious unorambidzwa. Just imagine dai mambo uyu akagarwa nasatan aigona kurambidza Naaman kuti hapana kwaunoenda how can you want to go and seek help from our enemies.

Wrong bag, kutsvaga approval kubva kuvanhu concerning zvinhu zvaMwari. Of course pane pamwe pekuti munhu you might need approval and poita zvimwe zvisingade approval. Muyenzaniso mwana musikana we15 years needs her parents approval kuti aende kuAll night prayer ega, but kana zvasvika pamwe maIssues like kutendeuka, hazviite kuti akumbire permission kune mubereki, imagine paya panoitwa altar call muChurch kuti vanoda kutendeuka huyai kumberi and the girl first asks for permission kubva kune mubereki, ko mubereki akati hazvite, unopaona sei, wrong bag, kutsvaga advice and approval in wrong areas.

The king of Syria haana kuramba kuti Naaman aende but he actually gave him zvinhu zvekuenda nazvo, akamupa tsamba yekunopa the King of Israel, silver, gold nehembe. Ndiro rimwe wrong bag, akapihwa zvinhu zvakanaka kwazvo, but hazvishande kwavari kuenda uko. Chenjera kutakura wrong bag kana uchiuya kuna Mwari. Izvi zvana gold neSilver izvi zvavakutoita as if iPayment yekuti arapwe nemunhu waMwari. Arikuenda kune muporofita waMwari aine aim yekubhadhara kuti aporeswe, iro ndiro wrong bag. Ucharangarira here pana Matthew 10:8 Jesu achituma vadzidzi vake kunoparidza shoko, kunorapa vanorwara, kudzinga mademon, kumutsa vakafa, he tells them kuti freely you have received, freely you must give. Magamuchira chipo chekuporesa ichi mahara, likewise munoporesawo mahara meaning kuti munhu waMwari doesn’t charge payment for healing. Ukangoona uchibhadhariswa chete, ziva kuti iSuspect munhu iyeye. Zvavakuita as if Mwari ndewe vapfumi chete who can afford to pay for healing, ko varombo vanopora sei ivo vasina mari. Don’t be fooled, GOD is for everyone, whether rich or poor, that’s why vasina kuisa maPrices pazvipo zveMweya.

Naaman haana information iyoyi iyi yekuti kuporeswa its for free, the only price you will have to pay is faith and obedience. Let me tell you kuti the currency inoshanda muKingdom yaMwari is faith (kutenda) and not maUS dollar kana maRands. Haugone kutenga zvipo zvaMwari using money, no matter how powerful that currency can be. There is a man anonzi Simon pana Acts 8:18-20 akaona kuti kubudikidza nekuturikwa mawoko vanhu vaigamuchira Mweya Mutsvene iye ndokuenda kune maApostles and offered them money hanzi ndinoda kuitawo zvamuri kuita izvi zvekuti wese wandinoturika maoko pamusoro pake anobva agamuchira Mweya Mutsvene. Peter akamupindura akati mari yako ngaiparare newe nekuti you thought the gift of GOD could be bought with money . Simon wainge uine wrong bag, zvinoitwa kwasatan zvekutengeserana power ndizvo zvaaida kuita kwaMwari.

Naaman Series Sub-Title: But….No more buts



Scripture reading: Luke 4:27 & 2 kings 5:1-27

Jesu anoti iye pana Luke 4:27 there were many lepers were in Israel in the time of Elisha the prophet; and none of them was cleansed, saving Naaman the Syrian. Kwaive kuine vanhu vazhinnji kwazvo vaiva vaine maperembudzi kuIsrael mumazuva aProphet Elisha but vese ivavo havana kuporeswa kunzwe kweNaaman wekuSyria. Izvi zvinobva zvandipa mubvunzo kuti seiko Mwari vasina kuporesa vamwe vanhu vese vaiva nemaperembudzi vekuIsrael why did GOD choose to heal Naaman instead, izvi zvinotoda kuti tiende kune nyaya yacho yaNaaman so that we consider what happened. There are many lessons dzatinowana kubva pakuporeswa kwaNaaman. & muMharidzo dzinotera tinenge tichiFocuser pane iyo nyaya yaNaaman, hence title yekuti Naaman series.

Naaman anga ari commander weArmy yekuSyria, he was a great man pamberi paMambo wake nekuti kubudikidza naiye Jehovha akapa mambo weSyria kukunda. Aiva murwi ane simba noumhare, a mighty man in valour. CV raNaaman rinotanga zvakanaka kwazvo tichiudzwa nezvehukuru wake, ndiCaptain weArmy wekuti even his king considered him to be great, he had lead his army to victories hongu yatanga zvakanaka introduction yaNaaman but pane rimwe word rinoshandiswa rinobva rachinja the whole story…Bible rinoshandisa word rekuti “BUT” muchishona panoshandiswa “ASI”… ipo pana but ipapo ndipo panobva our sub-title yekuti “BUT……NO MORE BUTS”

ukaona pese panoiswa word chibva waziva kuti nyaya yava kuchinja, usually ukaona paiswa word rekuti but, rinenge riripo to oppose zvambotaurwa pekutanga, word rekuti but rinoshandiswa to draw attention to something which is very important kupfura zvambenge zvataurwa.

Ukaona sentence ratanga neGood news and rozoita “but” kumberi ziva kuti after the word but kurikuuya bad news. Muyenzaniso, ndinogona kuti….ndawana nzvimbo yekuUniversity BUT handina mari yeFees, ndatenga hupfu wekuti tibike sadza BUT hakuna magetsi, ohh fone yacho umufonere mune airtime yakawanda BUT haina battery. maBhazi ekuenda kumusha ariko BUT vakwidza busfare yacho. iri word rekuti But iri rine nyaya.

Taudzwa nezve good news dzaNamaan, BUT, kwabva kwauya word rekuti BUT and after that a sad statement,,hanzi naBible but he was a leper, asi aiva nemaperembudzi…eish..yambotanga zvakanaka nyaya yacho, but yazotaurwa zvinorwadza. Yatanga zvakanaka chapter iyi being told that Naaman was the captain of the army, he was a great man, honourable BUT he was a leper.

Zvinogona kuitika kuti munhu anokuudza nezveLife yake and inotanga yakanaka nyaya yacho, very pleasing, very good, BUT pozoiswa word rekuti BUT and the whole story changes, ndakadzidza kwazvo ndikaita degree rangu with flying colours BUT handishande, a have a good paying job, with company house, company car BUT husiku handirare ndinoshanyirwa nezvinhu zvandisinganzwisise kuhope, ndakachata white wedding, it was the best wedding ever yakabuda even nemuNewspaper, BUT marriage yacho haina mufaro,,,,,yatanga zvakanaka nyaya asi pazoiswa word rekuti BUT, the whole story changed.

Zvinopedzisira kutaurwa zvinosuwisa more than zvatanga kutaurwa, the latter statement has more impact than the former
Naaman semukuru weArmy its obvious kuti anenge akapfeka uniform yakasiyana nemamwe masoja, anenge aine nyembe dzisina vamwe but pasi peUniform apo pane maperembudzi. Nice uniform but the sick is rotting. Pasi peUniform pane nyaya. Chakafukidza maperembudzi iUniform ine nyembe. Nice car but pasi peUniform mukati memoyo munhu haana mufaro, a nice mansion but pasi peUniform marriage yacho haina mufaro, nice university/school but pasi peUniform anzwa nekufoira. Very beautiful but pasi peUniform no marriage, very educated but pasi peUniform hapana basa…Uniform yaNaamana yakanaka hayo but underneath pane maperembudzi.

Usually unogona kuwana zvimwe zvese but poita one area inokushayisa mufaro, you can be a great man like Naaman but kana zvasvika panyaya yeLeprosy hauna mufaro. Vanokuona vari kure vanenge vachiti inga zvavo ine Naaman vanofamba nemaChariots, vane nyembe dzinotyisa, vanotungamira hondo vachihwina, vanoremekedzwa naMambo, but vanhu ivavo they do not know that this man is battling with leprosy, anetsekana nemaperembudzi.

Vanhu vanogona kuyemura hupenyu hwako from afar, but iwewe zvako deep inside wanetseka nechivi, wanetseka nezvinhu zvakasiyana siyana, to the extent that you no longer find joy in anything else because of that single thing chirikukunetsa.

but let me reassure you kuti naJesu, He can change nyaya iyoyo ikangoita a wonderful testimony from start to the end without any buts, Jesus is able to change life yako kusvika pasisina maButs anosuwisa. God healed Naaman zvekuti kana tavakuda kutaura nezvake we will have to remove word riya rekuti but and replace it with something else. Muyenzaniso, before healing yaMwari tinogona kufamba tichiti, Naamman was a captain of the army, who was very great but he was a leper, but kana Mwari vachinge vapindira, there will be no more buts, tinosandura that statement and it becomes, Naaman was a captain of the army who was very great AND God healed him from leprosy…inenge yatosanduka nyaya yacho because paita kupindira kwaMwari.

Mwari vakagona kusandura Address yeMurume uye aiva neLegion yemaDemon, ainge ava mugari wekumakuva but after deliverance akadzokera into the city. That woman had spent 12 years aine chirwere chekubuda kweropa but paakabata mupendero wenguo yaJesu, the blood stopped flowing. Razaro vainge vatomuisa muguva kare but Jesu akadanhidzira akati Lazarus come forth and akabuda kubva muguva imomo. Mukadzi uye akabatwa achipfeva, vanhu vainge vatoronga zvekumutemha nematombo kusvika afe, but after Jesu apindira, hakuna kana dombo 1 rakamutema. Kana Jesu achinge apindira, He can remove iwo maBut arikuunza nyaya inosuwisa,,,allow Him to control your life uone kuti zvinoramba zvakadaro here

From But to no more buts

Salt haichavave



Scripture reading: Matthew 5 :13 and Mark 9:50
Matthew 5:13“Imi muri munyu wenyika. Asi kana munyu usisavavi ungavaviswe nei? Hauchabatsiri chinhu, kunze kwokuti uraswe ugotsikwa zvawo navanhu

Mark 9: 50“Munyu wakanaka, asi kana warasa kuvava kwawo, mungauita kuti urungezve here? Ivai nomunyu mukati menyu, uye muve norugare pakati penyu.”

Chinoita kuti salt inzi salt inyaya yekuvava kwayo, haizi nyaya yekuva white nekuti even sugar chaiyo can also be white but inyaya yekuvava kwayo inoita kuti inzi this is salt. Kana ndikapinda muSupermarket and vonditengesera salt but ndasvika kumba ndoona kuti haizi kuvava, ndinodzoka nayo kuShop ndovataurira kuti salt yenyu iyi haizi kuvava, ndipei imwe irinani or ndidzoserei mari yangu. Salt haizi panyaya yeAppearance chete but iri paTaste also

Tikabatanidza maScriptures 2 atiri kufamba nawo nhasi Jesu anoti iye salt is good, munyu wakanaka…imimi (vatendi) you are the salt of the earth, ndimi munyu wenyika, but if the salt has lost its taste, asi kana munyu usisavave, how shall its saltiness be restored?, ungavaviswe nei, it is now good for nothing, Hauchabatsiri chinhu, but to be cast out, and to be trodden under foot of men. , kunze kwokuti uraswe ugotsikwa zvawo navanhu.

First crucial point yandinoda kuti tibate, hanzi salt is good, munyu wakanaka and for sure it is good nekuti pane maPurposes ainoServer muEveryday life yedu. Pane chimwe chikafu chekuti chikatoshaya salt hachichanake, its almost tasteless, Job 6:6 yobva yati Can that which is unsavoury be eaten without salt? (ko chisinganaki chingadyiwa chisina munyu here?)
Saka salt iripo pakuita kuti zvinhu zvive neTaste iri nani ( but rega kuiwanzwa it becomes bad for your health). Salt inoshanda as a preservative kuchengetedza chikafu kuti chirege kuora, for example kana muchida kuomesa nyama munoisa salt, like fish dziya dzinonzi bakayawa (dry fish), purpose yavanoisira salt ndechekuti irege kuora.

Hanzi naJesu muri munyu weNyika, kureva kuti tine maProperties akafanana nSalt atinawo which we must use kuti nyika iite zvakanaka. Ndataura ndikati salt inoPreserver chinhu kuti chirege kuora and likewise isusu maChristu we are supposed kuchengetedza nyika yatigere kuti irege kuora morally. We must preserve the morals of people. Tisu tiri supposed kudzora vanhu kana vavakuda kuita zvakaipa, tisu tiri supposed kuisa peace pakati pevanhu vanonetsana whether at individual level or a national level tiri supposed kushandisa maBiblical principals kuti kuve nePeace. We are supposed to kuPreserver dressing inofadza Mwari, matauriro anofadza Mwari and many other things zvinofadza Mwari because we are the salt of the earth, tisu munyu wenyika. Tiri supposed kuchengetedza hunhu hwevanhu kuti hurege kuora. But manje kana salt ichinge isisavave, kana salt yaLooser chinonzi huSalt hwacho, its now useless.

We are living in the days dzekuti salt haichavave, it’s no longer salty as it must be. Kwazara salt dzezita and appearance only, mumeso mako unonyatsoona kuti this is salt, even packaging yacho inenge yakatonyorwa kunzi salt but handei paTaste apo, its tasteless. Im not talking about salt yemuShop but im talking about salt of the earth anova maChristu. Kwazara maChristu ezita, mumeso mako unonyatsoona kuti uyu muChristu uyu zvichida by uniform yechurch yaakapfeka or Bible raakabata, but handei pakurarama shoko raMwari that’s when you see kuti salt iyi haichavave. Yangova yeDecoration. Instead yekuti tichengetedze hunhu hwenyika as we are supposed to do, tirikungosiya zvakadaro. We have become tasteless salt, kana mutendi akaona mwana wepaNext door achiita zvakaipa, they no longer care kuti amutore aende naye paSide kuti amutsiure because they say haazi mwana wangu, surely salt haisi kuita basa rayo. Christians I now scared kutsiura mumwe munhu anenge achirasika. The salt has become tasteless. Haichachengetedze hunhu as it must do.

Salt ndati inopa chikafu a better taste, likewise the salt of the earth must give people on earth a better taste of life, we must give people hope. Uri muCombi paya ukanzwa vanhu vachichema kuti zvinhu zvaoma, gore rino tinopona here, mabasa ari kunetsa, petrol yakwira, kuPolitics vazoti zvakati, ndipo pauri supposed kuudza vanhu kuti aiwa with GOD do not worry kuti mangwana uchadyei uchapfekai, ndipo pauri supposed to tell people to look forward to the second coming of Jesus uchivauidza kuti gadzirirai hama dzangu Jesu anouya kuzotitora kuti tiende kudenga kusina zvese izvi zvemaProblems atiri kuFacer nhasi, ndiro basa reSalt iroro to give life a better taste, kupa vanhu tariro, but manje if you join them mukuchema chema nekuoma kwezvinhu you are now like tasteless salt, nekuti salt isingavave haigone kusandura taste yechikafu. Inenge irimo mumaVeggie imomo but taste haina kuchinja, unenge urimo muCombi imomo mune vanhu varikuzhamba but hauna kuvachinja maonere avo ehupenyu. Salt iya haichavave.

check your life kuti uri salt inovava here or hapasisina taste,

.

Monday, 13 October 2014

Injury Time

Scripture reading: Luke 13:6-9

Ipapo akavaudza mufananidzo uyu akati, “Mumwe murume akanga ane muti wake womuonde wakanga wakasimwa mumunda wake wemizambiringa, akaenda achindotsvaka muchero kwauri, asi haana chaakawana pauri. Saka akati kumurume akanga achichengeta munda wemizambiringa, ‘Zvino ava makore matatu andanga ndichiuya kuzotsvaka muchero pamuonde uyu uye handisati ndambowana chinhu. Utemere pasi! Seiko uchishandisa ivhu pasina?’ “Akapindura akati, ‘Ishe, chimbouregai henyu kwerimwezve gore, ini ndigoutimbira nokuuyisa mupfudze. Kana ukazobereka muchero gore rinouya, zvakanaka! Kana usina, ipapo mungautema henyu.’”

Ukaona kana pachitambwa bhora vanoti normal time is 90 minutes but kana dzichinge dzakwana, referee anogona kuwedzera some few more minutes dzavanopa zita rekuti injury time or stoppage time and kana makadyiwa you have to make use of that time kuti mudzore maScores muite draw draw kana kuWinner and kana makaLeader you have to try by all means to maintain that lead.


Vamwe nhasi full time yavo yakwana, haana kuriona zuva ranhasi they are now dead. They can no longer be counted amongst the living but iwe neni nhasi tiri vapenyu, GOD has given us mumwe mukana wekuti tirarame, and kudoka kwaro ranhasi kune vamwe vachatorara vavamuMortuary but vambomuka vari vapenyu. That is life, people do die. Hatizive musi nenguva watichasiya rino pasi, but iwo mukana watawana wekuva vapenyu muzuva ranhasi, lets us make the best use of it for the Kingdom of GOD nekuti you never know, pamwe iInjury time yawapihwa naMwari. Zvichida full time yako yakakwana kare yekuti upinde muguva but GOD was merciful to you vakakutendera kuti urarame for some more hours, some more days, some more weeks, some more years saka rega kutambisa nguva iyoyi iyi. Le us redeem the time, because the days are evil.( Ephesians 5:16)

There is a parable yakataurwa naJesu on Luke 13:6-9 inotanga nekunzi A certain an had a fig tree planted in his vineyard, paiva nemumwe murume. This certain man ataurwa neBible uyu represents GOD, and hanzi aiva aiva nemuti wemuonde wainge wakasimwa mumunda wake wemizambiringa….This fig tree hauzi pakati pemamwe maFig trees but hanzi wanga uri mumunda wemizimbiringa. It was planted in the vineyard. Already zvakutobuditsa pachena kuti this tree enjoyed zvinhu zvawanga usiri supposed kuEnjoyer. This tree enjoyed more or less the same treatment yaipihwa mizambiringa.


Kana muchengeti wemunda afunga kudiridza mizambiringa, the fig tree would also benefit, kana afunga kuisa manyowa muVineyard, the fig tree would also benefit, kana afunga kutimbira mizambiringa, the fig tree would also benefit. chese chaitirwa muzambiringa, the fig tree would also benefit nekuda kwekuti wanga uri mukati memizambiringa. This tree enjoyed treatment yanga isingawanikwe neimwe miti yemionde which were planted somewhere else.

Checker life yako kuti zvimwe zvauri kuEnjoyer do you really deserve it kana kuti wakangoitirwa nyasha naMwari. Same class yevanhu vakaita sewe are they enjoying what you are enjoying. rimwe boys rawaifudza naro mombe vakuvara nekuputa chimonera paGrowth point but iwe uri kugara muJoburg with a decent job. Vamwe vakadzidza sewe they are not employed, makaita same program, you have the same qualifications but ivo havana mabasa, iwe urikushanda. Vasikana wavakakura navo they are not yet married, vanetsekana but iwewe wakapinda white wedding and you are enjoying your marriage. Vamwe vakabatwa nechirwere vakafa, but iwe wavane 10 years with that same disease but you are still alive.

Pabasa paunoshanda vamwe vakapera kudzingwa but iwe wakasara. paAccident vamwe vakafa but iwewe nhasi uri mupenyu.  Mamwe maFig trees are out there haana fertilizer yaanowana, no irrigation, nothing but uyu muFig tree uri kuEnjoyer zvisingawanikwe nemimwe miti. Same type yevanhu vakaita sewe, vakadzidza sewe, who are just like you, vane zvizhinji zvanetsa but iwewe hazvina kukubata. Wakafanana nemuti wemuonde uyu wakadyarwa pakati pemizambiringa. You are enjoying things which others are not enjoying. That’s favour, tenda Mwari shamwari. Hakuna favour inopfura apa, kuti mimwe miti yemionde yakuvara neDraught musango umo but iwewe unoEnjoyer irrigation.

nyaya yatanga zvakanaka kwazvo, tichiona kuti muti wemuonde uyu wairarama under a favour, but tikaramba tichidzika nayo nyaya inosvika panorwadza. Mumwe munhu kana akakutaurira life yako, its start out good but kumberi kwayo inorwadza. He will tell you salary yaanowana, he will tell you mota yaanoDriver, maBenefits anowana, but kumberi kwenyaya ukuudza kuti haanamate, ahh zvinorwadza. She will tell you all about how good her wedding was, she will tell you about the love yaanopihwa nemurume but pamberi pacho ukuudza kuti handinamate. Ahh, anokuudza kupona kwaakait paAccident, vamwe vakafa but kumberi kwacho ukuudz kuti handineyi naMwari, aaah, yanga yatanga zvakanaka testimony but yazoipa nyaya yacho.

It started all good tichiona kuti muonde uyu wanga uri kuEnjoyer maBenefits ekugara pakati pemizambiringa but as we read on, nyaya yacho inosvika paainorwadza, hanzi muridzi wemunda (Mwari) vakauya vachitsvaga muFruits pamuti uyu but havana kana 1 fruit ravakawana. Kana mbishi zvaro, he found nothing. Iwe muti watamboona kuti uri favoured stereki but now we are reading kuti hauna kana fruit one rawaiProducer. Shuwa tambonzwa nezvekupona kwawakaita paCholera yakapedza vamwe but tozonzwa kuti haunamate, you are not thankful for God did for you. Tambounzwa number yevanhu vakadzidza vasina mabasa, vamwe vakadzidza kupfura iwe but you yourself you are working kumberi kwenyaya tokunzwa uchiti haunei nezvaMwari. That’s very painful.

Muridzi wemunda vakashaya not even a single fruit from this tree. Kana Mwari vachitarisa life yako but maFruits avanogona here kutanha, is there anything good that GOD can appreciate about your life, kana kuti hauna kana one chaunoitira Mwari. even prayer yechikafu chaiyo hauna, yet its GOD who gave you the food and the appetite. Chiripo here Mwari chaanoyemura kuti mwama wangu uyu anoita zvakanaka. Its very possible kuti Mwari vayemure zvakanaka zvaunoita, do you remember nyaya yaJob, Mwari vaidada nayo vachiiudza satan kuti have you considered my servant Job, hauna wakarurama saJob. Its very possible ufunge kuti Mwari vanodada newe.

When GOD looks at you is he happy or not.

Semuridzi wemunda he had the  right to look for fruits nekuti honai ka fertilizer arikutenga, he employed a vinedresser to take care of the vineyard, he supplied zvese zvinodiwa, so he has the right yekutsvaga maFruits pamuti uyu. Rega ndikuudze kuti Mwari has a right yekutanha maFruits kubva pauri, he has the right to expect zvinhu zvakanaka kubva kunewe because he invested in you. Oxygen Mwari vakakupa, simba rekuenda kubasa vakakupa, he wakes you up everyday, he gave you good health, He gave you His Son to die for you, He gave you many things. Iwo maziso auri kuverenga nawo this sermon its Him (GOD) who gave you. Nekudaro he has the right yekuExpecter kuti uite zvibereko zvakanaka. Life yauri kurararama iyi ziva kuti ndiMwari vakakupa and that gives Him the right to expect something good from you.

But chinorwadza pamuti uyu, hauna kukwanisa kubuditsa even a single fruit

Muridzi wemunda ndipo paanotanga kutaura nemuchengeti wemunda kuti nhai ndava ne3 years ndichiuya kuzotsvaga maFruits pamuti uyu but handina kana 1 day randakawana any fruit. Utemere pasi! Seiko uchishandisa ivhu pasina?’ Cut it down!  Why should it even waste the soil?

The vineyard owner is not happy kuti for these past 3 years handina kana fruit yandakawana considering all the investment which I did. Nhasi kana Mwari vakatarisa life yako vane chakanaka chavanofara nacho here or he sees you as a barren fig tree. Mwari vane zvakanaka here zvavanoyemura kuti mwana wangu uyu arikuita zvakanaka or hapana kana 1.

This man pronounced judgement on the tree hanzi ngautemerwe pasi, Seiko uchishandisa ivhu pasina. It is wasting the soil. Time up, ngaubviswe muti uyu mumunda mangu.  Kana riri bhora taitura kuti its now full time, referee ridza pito bhora rapera, mapihwa 90 minutes but you have failed to win.

You never know when GOD says time up paLife yauri kurarama. Unogona kungoita heart attack from nowhere ukaswera wafuga rako wega (kufa). Unogona kungoita accident ukafira paSpot mumota mauri umu. Anything can happen, unogona kungorohwa neZESA ukatisiya. Full time inogona kungokwana any time, pito inogona kurira when you least expect it, saka rega hako kushainira Mwari. make use of every second you have and live for the glory of GOD nekuti hauzive panokwanira full time yako.

For 3 years muti uyu hauna kana fruit yawakapa muridzi wemunda. Usually muti unobereka once a year, so we expect kuti for those 3 years dai muti uyu wakabereka ka3 but it did not do so. Year in, year out, no fruit. Muridzi wemunda akamboita patience the 1st year akasiya zvakadaro, the 2nd year akasiya zvakadaro, now it’s the 3rd year haana kana fruit raawana. Osiya zvakadaro here, kwete, this time ati better muti utumwe hawo because it is wasting the ground.

Do you know kuti GOD is longsuffering, vanotombukisiya zvako uchifarisa hoping that one day uchatendeuka but ipo pakadaro ndipo poworamba kunamata and you continue in your old ways of not giving fruits to Him. Inosvika nguva yekuti Mwari vanoti enough is enough, cut the tree down. Muti ngautemwe. Ngaarove pasi munhu uyu, when that time comes uchaita sei.

If it was a case of not producing fruits only, it was better, but it is also wasting the soil. Fertilizer yanga iri supposed kuwanikwa nemizambiringa irikudhonzwa neMuonde uyu, mvura yanga iri supposed kuwanikwa nemaVines its being taken up by this tree and it is casting its shadow upon mizambiringa zvekuti haichakwanise kuwana sunlight yakakwana, yet it fails to produce any fruit. What waste.

Hauzi uri kuWaster maResources aMwari here, are you not wasting his blessings, oxygen hauzi uri kuWaster here nekuti urikungofema free of charge but you don’t want to acknowledge Mwari varikukupa oxygen yacho, food chaiyo uchiita yekurasa but energy yawawana pachikafu ichocho irikuperera pazvinhu zvisina basa zvisingavandudze hukuru hwaMwari, Mwari vachikuropafadza nemari but wasting it on worldly entertainment but uchikanganwa Mwari vakakupa, are you not wasting what GOD gave you. To make matters worse unotoda kukanganisa vamwe vanhu vanoda kunamata Mwari, you discourage people from studying the Bible, from praying, from obeying GOD. you are like a fig tree unoisa mumvuri wavo pamusoro pemizambiringa, and these plants no longer have access to the light, people no longer have access to the word of GOD which is the light, all because of you. Dai watendeuka nguva ichiripo urege kuparara.

The judgement was passed, muti ngautemwe But the vinedresser (who represents Jesus) akaNegotiator akati ‘Ishe, chimbouregai henyu kwerimwezve gore, ini ndigoutimbira nokuuyisamupfudze. Kana ukazobereka muchero gore rinouya, zvakanaka! Kana usina, ipapo mungautema henyu.’”

Full time yanga yakwana, Muridzi wemunda anga ati ngautemwe muti. But Jesu achema chema akati give it some more time, give it another year, tiise fertilizer nekutimbira, kana ukaita maFruits that’s good but kana usina kuzoita maFruits, then ngautemwe hawo…..muti wapinda muInjury time and apa hapazi pekuda kuShiner and to continue with its barrenness nekuti it now has limited time

Just imagine kuti ndiwe muti uyu, wanga uri supposed kunge  wafa paCombi yawakwira, wanga uri supposed kunge wafira kuhope but Jesu akumbira Mwari akati chimupai extra time musikana uyu zvichida angatendeuke akasiya mabasa ake akaipa, chimbomupai imwe nguva mukoma uyu zvichida angatange kunamata. Mupei rimwe zuva muchembere uyu zvichida angarege kubata mishonga, mupei rimwe zuva sekuru ava zvichida vangarega hutsinye hwavo.

You never know, unogona kunge wapihwa injury time and in that short space of time ndipo pachaonekwa kuti muti uyu tousiya wakadaro here or totema hedu. Muchengeti wemunda aPromiser akati ndichautimbira nokuuyisa mupfudze. Muti hauna kungosiwa kuti ubereke pasina any help but urikupihwa assistance. Do you know kuti iko kutendeuka chaiko, Jesus provides assistance, iko kuparidzirwa iko kuno, its assistance yauri kupihwa, ndiJesu arikutimbira nekuisa mupfuudze kuti uite zvibereko,  that little voice kaunonzwa mumoyo mako kachiudza kuti usadaro kana wavakuda kuita zvakaipa, that’s the Holy Spirit arikuda kuti utendeuke. Iko kurarama kwauri kuita nhasi ndiMwari varikutimbira timbira nekuisa mufudze kuti zvimwe ungatendeuke.

hatina kuzoudzwa kuti  muti uyu wakazobereka here or hauna kubereka, we are not told. Meaning the result is open ended, its up to you kuti uone kuti muti uyu uchabereka here or haubereke. The ball is now in your court, and muti wacho its you. Don’t waste time uchiti ndichazoti ndoti, mangwana, next week, next month, next year but today ita zvinofanira kuitwa nekuti you never know how much time you are left with.

John the Baptist paanoona maPharisees nemaSadduces vachiuya anovati Bring forth therefore fruits meet for repentance, berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka (Matthew 3:8) and I make the same appeal to you today kuti bereka zvibereko zvakafanira kutendeuka.

Tendeuka, ugamuchire Jesu, get baptised  and be saved.

Demo ratoiswa pamidzi yemiti uye muti wose usingabereki zvibereko zvakanaka uchatemwa ugokandwa mumoto. (And now also the axe is laid unto the root of the trees: therefore every tree which bringeth not forth good fruit is hewn down, and cast into the fire. Matthew 3:10)






Wednesday, 24 September 2014

Operation dzoka kumba series (Part 5 of 5) Title: Musadaro Mukoma.




Scripture Reading: Luke 15:25-32.


kana munhu uchinge wadzoka kuna Mwari don’t think kuti the devil will be happy. satan haafare because he knows that he has lost out and he will not fold his hands and relax achikusiya wakadaro nekuti wavakunamata but he will persecute you. 2 Timothy 3:12 yoti and all that desire to live a godly in Christ Jesus shall suffer persecution.

Prodigal son adzoka kumba akagamuchirwa nababa zvakanaka, maCelebrations atanga but his brother was not happy. Party ichiitwa kumba, mukoma waProdigal son ainge ari kumunda and he heard music ichirira vanhu vachifara and he asked mumwe muranda kuti ko noise yandiri kunzwa ndeyeyi, what is that all about, zvikanzi nemuranda, your brother has returned and baba vamuuyarira mhuru nekuti adzoka zvakanaka.

Ipapo ndipo pakatangira nyaya yese, iyo ine mharidzo yandapa a title yekuti “musadaro mukoma”.

Verse 28 haina kuvanza the feelings of this older brother towards munin’ina wake, Bible rinoti he was angry, and would not go in. Mukoma mukuru akatsamwa akaramba kupinda. Arikurwadziwa nekuti sei baba vagamuchira munin’ina wake uyo akaenda kunyika irikure kunoparadza pfuma and on top of that oitirwa party futi.he was angry.

Kune vamwe vanhu vanotsamwa kana akanzwa kuti a wicked person has repented, wakaipa azotendeuka. Havafare. Get this, mukoma uyu haana kubvira abva pamba, he stayed naBaba vake. He represents imwe type yevatendi yekuti haana kubvira aBackslider, he has always been with GOD but at the same time haafare kuona mumwe munhu akamboBackslider achidzoka kuna Mwari. They are so selfish zvekuti vanoda kupona vega. haadi kunzwa testimony yekuti chifeve chiye chakatendeuka, haadi kunzwa kuti mbavha iya yakamubira dvd yavakunamata, haadi kunzwa kuti rapist uya akatendeuka. musadaro mukoma.

Mukoma vakaramba kupinda mumba maiitwa maCelebrations. Kune imwe type yevatendi yekuti kana akanzwa kuti pane mutadzi akatendeuka, haafare and anoramba kupinda mumba maBaba (MuChurch). Anotobheja kuti I will not go into the same church inopindwa naNhingi nekuti mutadzi mukuru, I don’t want to associate with him. Musadaro mukoma.

If we go back kwakatangira parable, we will see kuti Bible rinoti the father divided the goods, vakagovanisa pfuma. Prodigal son akatora  portion yepfuma yake and he went into a far country, kureva iko kuti imwe property yainge yasara belonged to the brother. Zvino charwadza mukomana ndechekuti mufana adzoka apedza kudya pfuma yake  and auya kuzodya my portion of inheritance. Manje hazviite izvozvo. this older brother is selfish, haadi kuti zvinhu zvake zvibatwe batwe nemufana muparadzi.

Don’t be selfish nezvinhu zviri material zvekuti you end up wakusafarira kuti vamwe vatendeuke. Unoita selfish nemaChairs ekugara muchurch chaimo hanzi kana vanhu vakauya vakawanda kuChurch tinoshaya pekugara so ngavasauye. Kuita selfish nemaResources zvekuti haudi kuti vanhu vauye kuna baba, hanzi kana vanhu vakawandisa paChurch, paLunch food haizokwane, saka better varege havo kuuya. Musadaro mukoma, don’t be selfish with what the Father has given you, learn to love and accept those who come back home.



Baba ndokubva vaenda kumunda kuti vanyengetedze mukoma kuti vapinde mumba. Look at this., prodigal son uyu watinoti ndiye akaipa, haana kunyengetedzwa nemunhu kuti adzoke kumba but akadzoka ega handiti, but avo mukoma vatinogona kuona sevari right nekuti havana kubvira vabva pamba, ndivo vakutoda kunyengetedzwa naBaba kuti vapinde mumba. That’s bad. Kuti vacho vakaipa ndiwo vanouya kuna Baba zvakanaka vasina shoko ravaparidzirwa but avo vanozviita vanoziva shoko raMwari vanotoda kunyengetedzwa kuti please pindai kani. No wonder why Jesu akataura pane imwe time akati the tax collectors and  the prostitutes go into the kingdom of God before you achireva maPharisees. (Matthew 21:31). Ivo vafarisi ndiyo type yaana  mukoma yanga isingafare kuti Jesu agamuchire vatadzi vanenge vadzoka kuna Baba.

The older brother aitoda kuti Baba vamunyengetedze kuti apinde mumba afarire munin’ina wake. Don’t be a person wekuti unotoda kuti Mwari vakunyengetedze to accept a sinner who has repented. Baba vakutopinda busy kuda kuConvincer mukoma kuti vapinde mumba.but uyu munin’ina kudzoka kwake kumba hakuna kutora any convincing of the father. church inogona kuita 2 weeks revival yekuti maOld believers vabvume kugamuchira vanhu vanouya kunaMwari but poitwa just 1 day yekuti vatadzi vatendeuke vauye kunaMwari. chinofanira kutora nguva yakareba apa ndechekuti vatadzi vatendeuke rather than maOld believers vabvume kugamuchira mutadzi atendeuka. Don’t be a hard nut, wekuti unotoda kuti Mwari vakunyengerere kuti ugamuchire mutadzi  adzoka as if imba yacho ndeyako, as if you hold the keys to heaven. Musadaro mukoma.

Iwe munin’ina zvizive zvekare kuti mumba umo murikufara henyu muchitamba maRecords but panze apo there is an older brother who is protesting your return. Urikupupura hako kupona kwawakaita munyika irikure but outside there are people who are asking Mwari kuti why did you accept this thief, why did you accept this drunkard, this prostitute, why, nekudaro rega hako kubatikana nazvo when people start to question you kuti sei wakadzoka. Rega kunetsekana, people will always ask kuti Seiko wavakuita zvekunamata, they will even laugh kuti aah ana nhingi mavakunamata, ahhh regai tione. Don’t be discouraged. Remember the person aiOpposer kudzoka kwemuni’nina is not a stranger but he is a blood brother, mukoma wake chaiye. Sometimes your
 critics do not come from very far but they can come from within.
Verse 29 inotaridza chikonzero why chaiita kuti mukoma varege kufarira kudzoka kwemunin’ina. Mukomana uyu akapindura baba vake akati, ‘Tarirai! Makore ose aya ndanga ndichikushandirai uye handina kusamboteerera mirayiro yenyu. Asi hamuna kutongondipa chimbudzana kuti ndipemberewo neshamwari dzangu.

The reason why atsamwa inyaya yekuti he has served his father for a long time  and haana kubvira abva pamba but in that period haana kana 1 day raakapihwa chimbudzana chekuti aiite braai nemaFriends ake but uyo mwana muparadzi akapihwa pfuma, he went away and wasted it with friends, adzoka kumba kwakuuyiirwa mhuru on top of that. Hazvina kumufadza.

Mukoma vaidawo kupota vachipihwa zvimbudzana chekuti varove gochi gochi. he also desired pleasure but inyaya yekuti akashayiswa mukana wacho. Zvinogona kuitika kuti mumwe munhu anenge ari muChurch hake but anoshuwirawo prezha seyakaitwa naProdigal son zvekuti type yaana prodigal son painotendeuka haafare. Chichemo chemukoma wachibata here, haazi kuchema kuti pano apo ndinoswera nenzara but arikuchema kuti hamuna kundipa nyama yeBraai. He was more concerned about pleasure and not about day to day issues.

Mumwe hazvimuitire mushe kana akanzwa kuti mbavha iye payakatendeuka yabva kujeri yakatengerwa imba by a well wisher. Haafare, anotanga kubvunza Mwari kuti nhai I have served you since my youth but ndichiri kuroja ko why iyo mbavha iyo ane 1 year atendeuka sei mamupa imba. Ndava ne10 years ndichikunamatai Mwari but no marriage, ko Seiko icho chifeve chane 6 months chatendeuka but mamupa muchato. Nhai Mwari ndave nenguva refu ndichinamata but ndirikufoira, ndanyora  Olevel many times but ndinoramba ndichawana maD, kana kushaya C zvayo,. But icho chidhakwa icho chakatendeuka last week but machipa maA sei?

Such questions are dangerous, nekuti unenge uchida kuzviedza kunge wakaruruma kupfura munhu wauri kuzviCompeya naye, such questions reveal your self righteousness and selfishness zvisingadiwe naMwari and it will lead you to backslide. Musadaro mukoma.

Verse 30 inzwa unzwe maAccusations akatanga kutaurwa nemukoma, akatanga kuvhura mamwe maFile atanga tisingazive hanzi mwanakomana wenyu uyu,akaparadza pfuma yenyu nezvifeve, mamubayira mhuru yakakodzwa.

hanzi mwanakomana wenyu,,,your son, haana kuti my brother aiwa but your son, kureva kuti haachade kuva nehukama nemunin’ina..he devoured your assets with prostitutes, akaparadza pfuma nezvifeve….is this accusation real or its fake,.,…..ini ndinofunga kuti manyepo because tikadzoka kwakatangira nyaya hapana pakataurwa kunzi akadya mari nezvifeve but pangonzi akaparadza pfuma yake namararamiro akaipa.…iyi yekuti akadya mari nezvifeve hameno kuti the older brother akazvizivira kupi.

nhai mukoma maAccusations amuri kupomera ngana uyu makawana kupi, ,,,,heeee akamboba laptop  kubasa kwaaishanda, heee akambobatwa aine maDrugs,,,,are you sure about  nyaya dzamuri kupomera munhu or makaita dzekunzwa nemakuhwa. And munhu naturally agara ane tsika yekuwedzeredza zvisina kuitika kuti nyaya yacho inakidze. Just consider it  panoitika kaIncident uone kuti nyaya yacho inowedzeredzwa sei and usually munhu asina kubvira aoona zvaitika ndiye anowanzonyepa too much..musadaro mukoma

Baba ndokupindura mwana wavo vakati Mwanangu, iwe uneni nguva dzose, uye zvose zvandinazvo ndezvako. Asi taifanira kupembera uye tifare, nokuti munun’una wako uyu akanga afa asi zvino araramazve; akanga arasika asi awanikwa.’”

This week rapera tichiti dzoka kumba prodigal son but nhasi ndinoti dzoka kumba kune mukoma. Haikona kuramba urikumunda uchiramba kupinda mumba nekuti your brother has returned. Dzokai kumba mukoma. The father has said it all kuti iwe uneni nguva dzose, you are always with me wani.

Nhai mukoma, you are always with GOD wani, iko kurarama kwamuri kuita uku handiti its good who is taking care of you, but nhasi ndipo pamakuDoubter kuti Mwari vanemi here or kwete simply because pane mumwe mutadzi aitirwa something chaunoona as if chiri nani pane zvaunosiitirwa.

If only you knew kuti mufana wako airarama life yakaita sei ari kunyika uko wainzwa tsitsi…wakangonzwa makuhwa ekuti arikudya mari nezvifeve but hauna kuzoudzwa kuti akasvika panguva yenzara yaishuwira kudya makanda eNguruve. Dai waiziva pfumvu yakaoneswa munin’ina wako nasatan you would have celebrated with him. Musadaro mukoma, farai nemuninina wenyu.

There will be more joy in heaven over one sinner who repents than over ninety-nine righteous people who have no need to repent. (Luke 15:7). If there is joy in heaven when one sinner  repents, why don’t you join in the joy and help heaven to celebrate than to be angry.

If there is joy in heaven when one sinner repents why don’t you make a decision to repent today so that heaven will celebrate.




Operation dzoka kumba series: Part 4 of 5 Title: Welcome back



Scripture reading  Luke 15:21-24

Prodigal son achisangana naBaba vake ndipo paanobva ataura mashoko ainge aronga achiri kure, Father, I have sinned against heaven, and in thy sight, and am no more worthy to be called thy son. Baba vacho ndokuti kuvaranda bring the best robe and put it on him, and put a ring on his hand and shoes on his faith.

Mukomana hapana chaakumbira so far but already the father out of his love vane zvinhu zvavakutopa mwana wavo. Ndizvo zvinoitika once munhu asarudza kudzoka kuna Baba (Mwari), pane zvimwe zvinhu zvavanogona kungokupa pasina kana request. kuNyika irikure uko hauzviwane zvinhu izvozvo but once wadzoka kuna Baba unopihwa pasina kana request.

Bring the best robe, Uyai nenguo dzakaisvonaka mumupfekedze, mashoko aBaba aya.. Bhachi raakuda kupfekedzwa iri riripo pakuvharidzira marengenya aainge akapfeka. It covers his nakedness and tatters which he was wearing. Bhachi iri represents kururama kwaJesu Christu kwekuti once wadzoka kuna Baba vanokupfekedza kururama kwaChristu and vachiCover zvitadzo  zvako. Remember in Isaiah 64:6 kunonzi your own righteousness are as filthy rags before the Lord. Kururama kwako kwangofanana nemarengenya pamberi paMwari, but kana uchinge wagamuchira Jesu, GOD will cover you nekururama kwaIye Jesu Christu kusina kana chitema.

Tikaverenga kuna Zecharia 3 vs  tinoona Joshua the high priest akamira pamberi pemutumwa waMwari, and satan standing at his right hand achida kumupikisa. Verse 3 inonyatsotaura kuti Joshua ainge akapfeka nguo dzakasviba. Filthy garments. Mutumwa waMwari ndipo paanobva ati bvisai those filthy garments from Joshua and is told kuti ndichakupfekedza zvimwe. Kana Joshua apfeka nguwo dzisina kusviba kuitira kuti satan arege kuwana chekupomera paari.

Kana wauya kuna Baba kune Bhachi idzva rakakumirira, a robe of Christ’s righteousness. Ukaramba uri kunyika uko unenge wakapfeka bhachi rako rine tsvina yezvitadzo rekuti satan anenge achida kugara achingokupomera chete like  he was trying to do to Joshua. But once you are given another robe, it will cover your own faults. Dzoka kuna Baba, vakupe bhachi rekururamiswa.

The 2nd thing chaakapiwa is a ring. this represents authority. If you read in the Bible kuna Genesis 41:42 Joseph paanogadzwa kuita Prime Minister naPharaoh anobva apihwa ring, that’s a sign of authority, a sign of power, muBook raEsther Haman paaironga kuuraya maJudha ese he was given a ring by the king as a sign yeAuthority kunzi ndakubvumidza kuita zvaunoda kuita, go ahead. (Esther 3:10). Later on when events took a turn, mambo vanotora ring iyoyo and gave it to Mordecai, as a sign yekuti Mordecai ndakupa simba. (Esther 8:2). Ring inoSignifier authority and power.

And ukaona prodigal son apihwa ring naBaba vake, it’s a sign yekuti I have given you power pamusha pano. Rega ndikuudze hama yangu kuti once wauya kuna baba, once wadzoka kuna Mwari, pane imwe authority yaunopihwa, there is power that GOD gives you. Jesus gives you the power to overcome sin, He gives you power over demons, you are given the Power of the Holy Ghost. Luke 10:19 Behold, I give unto you power to tread on serpents and scorpions, and over all the power of the enemy: and nothing shall by any means hurt you.

Iriko (ring) power yaunopihwa kana wadzoka kuna Baba and that power you can not get it kunyika. Huya kuna baba ugamuchire simba raMweya Mutsvene.

the same ring can also represent relationship, ndokusaka uchiona kuti paya panoitwa maEngagement, mukomana anopfekedza musikana wake ring as a sign of promise that he will marry her and as a sign yeRelationship kuti uyu ndewangu uyu tambirai kure matsotsi. When they get married vese vanopfekedzana maRing as an outward sign of their relationship. Iyi ring irikupihwa prodigal son, it’s a sign yeRelationship, baba varikuedza kuda kutsvanangudza kuMwana wavo kuti you are still  my son you are not a servant or  a stranger but you are my son. John 1:12 yobva yati vese vakamugamuchira akavapa simba rekunzi vana vaMwari. Once wagamuchira Jesu you are given the authority to be called a child of GOD. relationship yaEstablishwa iyi. 1 John 3:1 Look at how great a love the Father has given us that we should be called God’s children.

He was also given a new pair of shoes,  kuitira mafambiro ake, kuti arege kufamba asina bhutsu nekuti pasi apo panopisa, pasi apo pane minzwa, pasi apo pane matoto nendove, zvinodawo kuti munhu apfeke shangu so that afambe zviri comfortable. Let me tell kuti kufamba pano pasi (living in this world) pane zvizhinji zviripo zvinotivhiringa, there are many challenges which are in the road of life but when you come to the Father, he will give you shoes to walk with, which can protect you. kana wauya kuna baba vane dzimwe shangu dzavanokuopa kuitira panofumba munyika ine minzwa inobaya you can walk over these thorns.

Baba vanodeidzira kuvaranda kuti huyai nemhuru yakakodzwa muibaye. Ngatidyei tipembere. Hapana kubatwa huku kana mbudzi but a  fattened calf. This can represent provision yeChikafu kubva kuna Baba. Ndokusaka shoko richiti musafunganya kuti muchadyei,,,tarira shiri dzedenga hadzikowe asi Mwari unongodzipa pachena wani. So far prodigal son haana chaaita chinoDeserver kuti aurayirwe mhuru, but the fact that he had returned home it’s a reason enough. Once wadzoka kuna Mwari, he will take care of the bread and butter issues. Psalms 37:25 I have been young, and now am old; yet have I not seen the righteous forsaken, nor his seed begging bread.

Pazvinhu zvese zvaapihwa izvi pane chaakumbira here, hapana but baba vangomupa havo.

Mukomana uyu apihwa zvinhu zvekuti agare pamba, pabate ipapo, the father did not give him imwe pfuma yekuti adzokere kunyika irikure but vamupa zvinhu zvekuti agare pamba. Ndiyo problem inogona kuita mumwe munhu yekuti kana auya kunaBaba anouya aine wrong motive, anouya achida kukumbira pfuma yekuti adzoke kunyika kunofara. Anouya kunonamata kuti Mwari vamuropafadze nemari so that adzokere futi kubhawa. Anouya kunonamata kuti Mwari vamupe mota so that adzokere kuNyika kunovhairira vavengi, anouya kuna baba kuti vamupe mari yekurukwa brazillian so that “maHaters” vamuone…wakauda kuti Mwari vakupe zvinhu zvekuti udzokere futi kunyika kwawakatiza.

James 4:3 yoti When you ask, you do not receive, because you ask with wrong motives, that you may spend what you get on your pleasures. Kukumbira unogona kukumbira hako but kana uine wrong motive yemafaro, GOD does not give you.

Hanzi naBaba For this my son was dead, and is alive again; Nokuti mwanakomana wangu uyu akanga afa, zvino araramazve. mumaRecords aBaba vainge vakaRecorder kuti mwana wangu akafa but when he came back home vakabva vati mwana wangu araramazve. Read through the Bible uone kuti prodigal son paane paakafa here, hapana, ko nhai what is the father saying kuti my son was dead,,,mwana wavo ainge afa….ukaverenga 1 Timothy 5:6 inoti But the one who lives for pleasure is dead even while she lives. This son paaiva ari kunyika iri kure he was living for pleasure, no wonder why he was considered to be dead. Checker life yako, hauzi urikuraramira mafaro chete here, are you not living for the purposes of pleasure. Turn back udzoke kuna baba.


Iwe unenge uchitoti I am alive but kuna Mwari you are dead. Remember paya Jesu paanoudza His disciple kuti let the dead bury their own dead. Rega vakafa vavige vakafa vavo, kureva kuti kune vamwe vanhu vapenyu vanogona kutoita burial yemushakabvu but ivo pachavo they also dead. That’s another sermon on its own,. Rega ndiisirei pano but in conclusion I just want to invite someone anoziva kuti ainge akaenda kure naBaba, ainge achirarama achida kuzvifadza even in ways dzekutadzira Mwari. I invite you kuti udzoke kuna Baba, GOD is willing to accept you back.

Operation dzoka kumba series (Part 3 of 5) Mharidzo Title :The Journey back home



Luke 15:18-20


the Prodigal son akatanga kuronga kuti ndichasimuka ndiende kuna baba vangu ndinoti kwavari: Baba, ndakatadzira denga napamberi penyuwo. Akatanga kuronga a journey back home to his father. Haana kuronga kuenda kunotsvaga a better paying job, haana kuronga kuenda kunotsvaga shamwari ingamuchengete, he didn’t think about kuzviuraya. But akaronga kudzokera kuna Baba nekuti he knew kuti kuna Baba ndiko kune solution. Rega ndikuudze kuti maProblems auri kuFacer aya haadi kiya kiya,haadi kuti utsvage kuti ndeupi munhu angakubatsire, hazvidi kuti utsvage mushonga wemakonzo kuti upfuudze hupenyu hwako, but zviri kuda kuti udzoke kuna BABA vako vanova Mwari. Make good decisions dzekudzoka kuna baba like what this young man did.

Akaronga kuti ndinoda kuti kuna Baba ndakatadzira denga napamberi penyu. He wanted to acknowledge his wrong before his father. Ndipo pamwe pane nyaya ipapa apa, kana uchinge wafunga kudzoka kuna Mwari be prepared to acknowledge your sins, be willing kubvuma zvawakatadza. Don’t try to justify yourself before GOD kuti aiwa chakaita kuti ndibe mari inyaya yekuti kumba kwainge kusina hupfu, no, don’t justify your sin but bvuma kuti wakatadza and ask for forgiveness. Prodigal son haana kuronga kuti ndikasvika kumba ndinoda kuJustifier zvandakaita, haana kuronga kuda kunyepera baba vake kuti ndabirwa mari, but he planned kunobvuma kutadza kwake. Kana uchiuya kunaMwari, please do not tell GOD lies because He already knows the truth more than you do.

Rega futi kuda kuita blame game yekuti unobvuma kuti ndakatadza but at the same time you try to shift the blame on someone else. Kuti hongu Mwari ndakakutadzirai pandakarova mukadzi but problem ndeyekuti hama dzake dzinouya dzichitora hupfu everyday. You are trying to shift the blame pane hama dzemukadzi, hazvishande izvozvo. Adam naEve vakaiTryer blame game, after they had sinned they tried to shift the blame.  Adam was asked by GOD kuti wadya here muchero uye, instead yekuti abvume kuti yes ndadya, he started to blame Eve, mukadzi wamakandipa ndiye akonzeresa,,,iye Eve wacho kwakubvunzwa naMwari, instead yekuti abvume kuti hongu ndadya,  she shifted the blame to the serpent, nyoka ndiyo yandifurira. Hapana arikubvuma mhosva but they all shifted the blame to someone. But izvozvo hazvina kutadzisa kuti vapihwe punishment. Don’t try to play the blame game, bvuma kukanganisa kwako.

This young man didn’t try to shift the blame to another person, aigona kungoti ndakafurirwa neshamwari, ndakafurirwa naEx girlfriend, ndakafurirwa naNhingi, but he did not do so. He planned kutora blame yese.

Mukoronga kwake kudzoka kumba he also planned kuti ndinoda kuti kuna Baba Handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu, ndiitei henyu somumwe wavaranda venyu.. this statement ine 3 sides dzandinoda kubata, of which 1 side ndiro rakanaka and the other 2 sides are not so good.

Let me start with the 1st side, Handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu, ndiitei henyu somumwe wavaranda venyu…..this might be a sign of humility, kuzvininipisa pamberi paMwari kuti aiwa I do not deserve to be called your son but make me as one of your hired servants. Chinhu chinokosha kuti kana uchiuuya kunaMwari come with humility, huya nekuzvininipisa rega kuzvikudza,. Nekuti GOD resists the proud but gives grace to the humble (James 4:6). There is a parable yakataurwa naJesu pana Luke 18:9-14,
 2 vanhu vakaenda kunonamata, 1 of them aizvikudza and the other one aizvininipisa. But the one who was humble ndiye akaenda kumba aruramiswa. There is also another parable Jesu paanodzidzisa kuti when you are invited to a wedding, rega kugara panzvimbo yepamusoroso but gara to in the lowest places, nekuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa. (luke 14:7-11). come to the Father with humbleness.

Then kozoita the other 2 sides dzeStatement iri.

number 2, statement iri Handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu, ndiitei henyu somumwe wavaranda venyu….it can be a sign of planned rejection. Mukoma uyu arikuda hake kudzokera kuna baba but already He is planning kurambwa, arikuronga kuti baba vamurambe semwana but vamutore semuranda. Get this right, baba havazi rivo varikuramba mwana but mwana ndiye arikuronga ega kuti baba vamurambe semwana wavo. Kune vanhu vekuti anotanga kuronga rejection ega iye asati auya kuna Mwari, he looks at what he did wrong and anozviudza kuti haaa nekutadza kwandakaita uku Mwari havandiregerere..

I did a lot of bad things zvekuti handifunge kuti Mwari vangabvume kutonditora semwana wavo. Haasati atombopinda paPrayer kuti ataure naMwari, ivo Mwari vacho havana kana communication yavaita naiye but already arikutoronga kuti ndichanorambwa. Kana uinayo mentality iyoyo, please leave it nezita raJesu, rega kuronga kurambwa naMwari. Pfungwa iyoyo haizi yaMwari but ndisatan anoda kuti urege kuuya kunaMwari.

The 3rd side of the statement Handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu, ndiitei henyu somumwe wavaranda venyu….inogona kureva kuti mukomana uyu he is ignorant about how His Father would react, haazive kuti baba vake vachamutambira sei. Nekuti dai aiziva zvaaakarongerwa he wouldn’t have planned kutaura mashoko iyaya. Kana uchiuya kuna Baba, ivavo neruzivo concerning programme yavo pamusoro peavo vakarasika and this information unoiwana muBible. GOD is willing to accept avo vakarasika vanouya vachikumbira ruregero, read from the book of Jonah uone kuti Mwari pavaida kuparadza guta iri and the people fasted and prayed, havana kuregererwa here, read about Saul uyo aiuraya vatendi kuti paakatendeuka haana kuregererwa here, read about this parable of prodigal son kuti paakauya kuna Baba haana kuregererwa here. There are many examples in the Bible concerning the lost who came to GOD and were accepted. ziva programme yaMwari urege kumaker maAssumptions. Nekuti imomo mukuita zvekufungidzira uchagumisira wafunga kusadzoka kunaMwari because in your mind you have a wrong impression of how GOD treats those who have sinned but have come to ask for forgiveness.


Mukomana achipedza kuronga izvi akasimuka akananga kuna baba. Haana kugumira paPlanning phase chete but akaenda paImplemenation. Don’t end pakuronga kutendeuka chete but chitozviisa into action. Rega kungogumira pakunyora muDiary mako every year musiwa 1 jan pamaResolutions kuti this year ndinoda kutendeuka but zviise into practise chitotendeuka. Rega kugumira pakuPlanner but pinda paImplementation.

Plan yakanaka stereki but kana ikarega kuiswa into practise hazvibatsire. Take for example une plan yako yekuvaka an 8 roomed house but worega kuvaka imba yacho, kana zuva richinge radoka ungagone here kurara muPlan mako, hazviite unotoda imba chaiyo. Ladies and gentlemen the night is coming and when it comes you can not find  shelter in a plan but you need a real house. Rega kugumira pakuPlanner but pinda paAction yacho yekutendeuka.

Ipo parwendo rekudzoka kunaBaba pane nyaya, nekuti remember mukomana uyu ainge akuvara nenzara and energy is a problem. But akashinga zvakadaro kudzoka kumba. Yes you can feel so weak physically, spiritually, emotionally zvekuti unonzwa zvichirema kuti udzoke kuna Mwari, but find your strength in Christ. It is only in Him you can find power to come to the Father.

Unogona kusangana navamwe muRoad vanokuDiscourager kuti bamnini murikuenda kupi,,,,dzokerai henyu kunguruve uku nekuti nezviya zvawakaita do you think your father will forgive you. be careful of people vanoita kunge vanoda kukuCounsellor but ivo vachida kukukanzura….vanokupa pfungwa yekuti you are already disqualified pamberi paMwari.

Anokuudza kuti shaz newayakaita iyi, Mwari havakuregerere. Siyana nazvo zveChurch izvi. But like Bartimaeus don’t be silenced by such people, ramba uchidanidzira kunaJesu. Unogona kusangana nevamwe vanoita kunge vanoda kukubatsira but in actual fact havasi kuda kuti uende kunaMwari. ndiwe prodigal son wabva kure uko on your way to your father, unogona kusangana nemumwe anokuti corner upinde hako pano ndikupe a better paying job rekuchengeta nguruve but rinobhadhara kupfura kwawainge uri but don’t accept nekuti once wagara ipapo you are delaying kudzokera kuna Baba kune a better life.

 be careful of people who pretend as if they want to help you but are actually giving you the same poison but in a better container. Munguva yekare vaisikupa roga iri mugaba rayo reRoga but this time they are giving you roga in a coca-cola bottle, unofa chete. Don’t be deceived by decorated problems but huya kuna Baba

Pane pekuti wakurava neAddiction yemaDrugs. Mari yaperera kumbanje, kuBronco, histalix, cranco, zed, heroine, cocaine and you decide kuti yakwana nguva yekuti ndidzokere kuna Baba nditendeuke, be careful of people who come to you vachida kukutengera maDrugs nemari yavo. They appear like they are helping you but they are being used by the devil out of ignorance kuti vakubate kuti urege kuuya kunaMwari. be careful of the help you might get as you make your way to the Father, checker kuti help yauri kuwana iyi does it draw you closer to GOD or away. If it draws you away from GOD then reject it.

Asi akati achiri kure, baba vake vakamuona uye vakamunzwira tsitsi; vakamhanyira kumwanakomana wavo, vakamumbundikira uye vakamutsvoda.

Baba vakaona mwana wavo achiri munzira. Once wapinda munzira inonzi Jesu, The Father will see you.

John 14:6 6Jesu akapindura akati, “Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri.

kuti prodigal son asvike kuna Baba akatopinda munzira, kuti isu nhasi tisvike kuna Baba tinofanira kupinda muNzira yataurwa naVerse iyo anova Jesu Christu.

Baba pavakumoona havana kutarisa kuSide but vakamhanya. (John 6:37 hakuna ani naani anouya kuna Jesu anorasirwa kure, Jesus will not cast out anyone who comes to Him.
 The Father expressed his love by hugging his son who could have been smelling like a pig, he kissed his son as a sign of love,. Huya kuna baba, dzoka kumba.



Operation dzoka kumba (part 2 of 5) Title: Life outside the life giver


Scripture Luke 15:13-17

Prodigal son akaenda kure naBaba and akadya mari yake neshamwari. He didn’t face any problems musi waabva pamba aiwa, akatomboita nguva yakati oh achidya mari and zvichimufayira. Munhu unogona kuenda kure naMwari and life yako igoramba ichitofamba chaizvo. Remember zvakaita Cain, Bible rinoti kuna Genesis 4:16He went out from the presence of The Lord, akabva pamberi paMwari….. next verse yobva yati and he built a city. Akavaka guta akaripa zita remwana wake kuti Enoch. Imagine munhu uyu abva paPresence yaMwari but akwanisa kuenda kunovaka a city, not just a house or a big mansion but a city.

Rega kubatwa kumeso nezvinhu zvepa nyama, Cain anogona kutovaka guta rakanaka kwazvo but iye akabva kare paPresence yaMwari. Prodigal son anogona kurarama life yepamusoro soro kuFar country kwaari ikoko but iye akabva kare kare paPresence yaBaba. Unogona kutopfuma ugoita tunhu twako but iwe wakabva kare kare paPresence yaMwari. Do not mistake gain for holiness (1 Timothy 6:5). Rangarira mashoko aJesu pana Luke 12:15 akati kwavari, “Chenjerai! Muchenjerere marudzi ose okuchiva; upenyu hwomunhu hahuzi pazvizhinji zhinji zvaanazvo.” He then told them, “Watch out and be on guard against all greed because one’s life is not in the abundance of his possessions.”

You  can have life outside the life giver (GOD) but that life is temporal. Ukada kurarama hupenyu outside GOD wafanana nehove yabuda muMvura, it doesn’t die ipapo ipapo but rufu rwehove rwatotanga. Its only a matter of time.

One thing chakaipira mari ndechekuti inopera, that’s why even pakutaura kweSlang unonzwa zvichinzi mari yacho yakawanda zvekuti inopera yabiwa, haana kuramba kuti haipere but arikutaura kuti inopera kana ichinge yabiwa meaning there is a  possibility yekuti inopera mari iyi. Manje kana zviri zvemari yeJaya iri haina kupera yabiwa but yakapera yadyiwa. Pfuma inopera but Mwari havapere. Money can suffer the effects of inflation but Mwari vanoramba variko. Imo munyika medu tine vanhu vakaita mari hobho paNguva yeZimdollar but as soon as we changed tichiiuya kumaUS dollar, hupfumi hwakapera kuparara. But Mwari vanoramba variko even if mukachinja curreny. Kune vazhinji vaiva nemaBusiness anotyisa ane mari, whether mabhazi, maCombi, maSupermarket what ever it was but vamwe vavo vakaBroker due to various reasons but GOD has remained GOD at His throne since eternity. Rega kuisa kutenda kwako pane pfuma nekuti inoparara but Mwari vanogara nekusingaperi.

Prodigal son akavimba nepfuma yake to the extent yekuti akaona zvakakodzera kuenda kure naBaba but guess what mari yaithemba nayo yakaenda kunopera yese.dont be fooled wabata kamari and you begin to think kuti you can live outside shoko raMwari, hazviite you wont go any far. No matter how rich you are, no matter how poor you are, you still need GOD. you can not have life outside the Lifegiver who is GOD>

Mari yakati yapera and nzara ichibva yatanga. Nzara haina kutanga achiine mari but yakatanga after mari yapera. Inzara rudzi inomirira kuti mari itange yapera, kune mamwe maProblems akangomirira kuti atange once cash yaunothemba nayo yapera. And mukomana uyu he was used to solving such problems dzenzara nemari manje now he no longer has the money so how is he going to solve this one.

 Nzara yabata nyika iyoyo chete, nekuti Bible rati in that land, kureva kuti kumba kwaBaba vake kwainge kusina nzara. Pane mamwe maProblems anongokubata kana uchirarama kure naMwari. Vari kunaMwari they don’t face such problems. That’s why ukaverenga kunaExodus unoona kuti pane maPlagues ainetsa ma Egyptians but vaIsrael vaigara muGoshen they were not affected yet that piece of land was part of Egypt,. Mwari vaingoda kuratidza a demarcation between His Children and the Egyptians. Kunyika irikure kuna prodigal son munenge muchichema nzara but kunyika kuna baba, maServants varikudya vachisiya.

Nzara yakati yaruma mukomana haana kufunga kudzoka kumba kuna baba but akaenda akandozvitsvakira basa kuno mumwe mugari womunyika imomo. instead yekuti adzokere kuna mudhara, he thought about finding help in that same land yamupedzera mari uye ine nzara. Rega kuoma musoro zvekuti kana matambudziko auya instead yekuti udzokere kuna Mwari you think zvekuita kiya kiya uri kunyika. Hazvishande. Kana bhazi richinge rafa please musatsvage mumwe driver but tsvagai makanika. If the roof is leaking please don’t buy a new mop but mend the leak. Mamwe maProblems haadi kiya kiya yako but anongoda kuti udzoke kuna Baba ukumbire ruregerero kuti Mwari wangu ndakakutadzira. Just mend your relationship naMwari than to look for solutions outside there.

There is no life outside the life giver.

Prodigal son akatsvaga basa and akariwana, inoita kunge solution at first but mukufamba kwenguva then when you will realise kuti paye hapana zvandaikaita. Just like kutsvaga chikorobho chinyowani nekuti marata irikupinza mvura, inogona kuita kunge solution yakanaka kwazvo but mvura paicharamba ichipinda mumba ndipo paunoona kuti pano hapana zvandaita. You might find solutions out there in the world but ziva kuti its only temporal but zvichiazoka zvekare. Mungaende mudzin’anga nemaporofita enhema muchitsvaga kundiso but uchaona kuti its temporal, ichadzoka futi problem iyoyo. Only the Father has lasting solutions, dzoka kuna Baba ndivo vane the correct solution to the problem you are facing.

Munhu uyu aenda kure naBaba but akatowana basa ufunge. Unogona kutowana graft but iwe naMwari musisawirirane saka rega kufunga kuti kuwana basa it’s a sign yekuti hukama hwako naMwari uri right. Uyo kauyo prodigal son he got a job but iko kuna Baba akabva kare.
basa racho manje ndiro rainge risina kumira mushe, aichengeteswa nguruve and yet he was a jew. paJewish custom kungochengeta nguruve was considered to be an abomination, chinyangadzo. And ndiro basa rainge akakubata iroro. Ukaenda kure naMwari unogona kuitiswa zvimwe zvinhu zvekuti wega unonyatsoona kuti izvi hazviite izvi. Satan anokushandisa too bad all in the name of making a living. Unotonyara kutaura pane vanhu kwaunoshanda nekuti zvauri kuita zvacho zvinonyangadza. Shuwa ungaudze vanhu kuti ndinoshanda ndiri paMbare apo tisu tinoita basa rekuSearcher vanhu, hazviite, ungataure here pane vanhu kuti tisu tinoshanda tiri kumaAvenues uko tichitengesa miviri kuti tiite mari. Hazviite. Dzoka kuna baba.

Vamwe vanoti prodigal son aidya chifaku chenguruve but pamaVersions ese eBible andaverenga hapana pakazvakanyorwa, KJV rati he would fain have filled his belly with the husks that the swine did eat, ESV rikati he was longing to be fed with the pods that the pigs ate, reshona rikati akada kugutsa dumbu rake namateko aidyiwa nenguruve. This was just a wish, chaingova chishuwiro but haana kudya. Nzara yacho yainge isina kumira mushe, ukaona munhu akasvika paLevel yekuti anoshuwira kudya menu yeNguruve. Akuda kukwana kwana paDiet yeNguruve, ziva kuti hapasisina kumira mushe.

Environment inoAffecter zvinhu zvaunoshuwira. This young man aiswera neNguruve, no wonder why he wished kudya chikafu chenguruve. Dai aiswera nevanhu maybe he would wish kudya chikafu chavanodya but the fact that he was staying with pigs, his desire was to eat what the pigs eat.  Environment yaunoswera uri can determine zvinhu zvaunoshuwira kuwana. Unoswera wakagara mubhawa uchitamba snooker nekuona bhora, unophedzisira wakushuwirawo kumwa super irikumwiwa nevamwe, unopedzisira wakuda kumwawo cranco yavari kumwa. You spend your time wakagara paBridge neBoys, unopedzisira wakudawo kusvuta mbanje yavari kuputa. You spend your times with your friends who hang around ana sugar daddy, unopedzisirawo wakushuwira kutsvaga dhara rako. You spend your time wakagara nevanhu vanoroga zvakaipa, unopedzisirawo wawakushuwira kuita zvavanoita. Unoswera uchiGoogler maPicture evanhu vasina kusimira, you will end up wakushuwirawo kuFornicator and kuita hupombwe.

Be careful of your environment, mudanga meNguruve maunoswera umo uchapedzisira wakushuwira kuda kuita zvinoitwa nevamwe veimomo.

The most sad part ndeyekuti hapana munhu akamupa chinhu. No one gave him food. At the same time imo muNyika imomo ndimo mune vanhu vaaidya navo mari but iye zvino he is now in want but hapana arikumubatsira. Dindingwe rinonaka richakweva rimwe and kana iro rokweveva roti hande kuLawn, kana rinoComplainer kuti surf irikudhura rega kusvibisa mavara angu. No one helped him, his friends forsake him. Unofunga here kuti nhasi vanhu vauri kufara navo ava muchidya nyika rutivi kana zvaoma chaizvo will they help you. do you think kuti musi wauchaita mimba yausingazive kuti muridzi ndiyani or muridzi aripo hake but arikuramba responsibility do you think your friend vaikufurira will take you into their homes, vokupa chikafu, wotengerwa preparation, wopihwa mari yekuenda kunonyoresa kuMaternity and the like.

Do you think vanhu vaurikufara navo munyika ava kana zvaoma chaizvo will they stand by your side? They won’t help you.  tsvaga maAddicts eFodya uvabvunze kuti nhai munhu akakudzidzisa fodya is he still buying you cigarettes like the first days, anokuudza kuti kwete. Satan anongoshandisa vamwe vanhu kuti vakudzidzise zvakaipa, once wava mazviri they will leave you.

 Rega nditaure nemumwe munhu nhasi wekuti he/she used to enjoy the world neshamwari dzake but zvinhu pazvakaoma vakamuisa ega achitambuira. Don’t lose hope, yes vanhu vakakuramba but huya kuna Baba, huya kuna Mwari. He has a better plan newe than those people who dumped. Munhu anokurasisa but Mwari vanoramba varipo.
Bible roti And when he came to himself, (when he came to his senses), Akati apengenuka mupfungwa dzake……ahhh kureva kuti all along he was operating outside his senses, he was outside himself. Kukumbira pfuma kwese kwaakaita, kurongedza zvinhu akananga to a foreign land, kudya kwese kwaaiita mari, kutsvaga basa rekuchengeta nguruve, he was doing it outside his senses,. But he came back to his senses.

Check your life maDecisions auri kuita aya are you in your senses, pfungwa dzako dzakabhengenuka here nemaDecisions auri kuita nhasi. Kufarisa kwese kwauri kuita uko, are you in your senses. Pray to GOD that you come back to your senses.

When he came back to his senses he said, How many hired servants of my father's have bread enough and to spare, and I perish with hunger! Akati apengenuka mupfungwa dzake, akati, ‘Varanda vababa vangu vazhinji seiko uye vane zvokudya zvavanongosiya, uye zvino ini pano ndoziya zvokusvika pakufa!

He remembered kuti kumba kweBaba veranda chaivo vane chikafu chavari kusiya. Varanda havo but varikudya vachiguta pamba paBaba vangu,my own father is feeding them but inini mwana wavo ndirikufa nenzara…..ipapa apa don’t even blame Baba vake, aiwa, I know kune vanhu vanoda kuBlamer Mwari for the problems they face. But ziva kuti prodigal son ndiye akabva ega pamba haana kudzingwa. Ko iwe muverengi hauzi riwe here wakatiza Mwari wega, wakadzingwa here or wakatiza wega.

Mukomana akafunga kumba and he realised kuti kumba kwaBaba kune zvekudya. Dzokera papfungwa dzako and remember that kuna Mwari kune peace yauri kutsvaga, there is happiness you are looking for, kune zvese zvauri kutsvaga. Dzoka kumba dzoka kuna Mwari.


Isaiah 55:1-2 nhai imi mose mune nyota uyai kumvura zhinji neasina mari uyai mutenge mudye, zvirokwazvo uyai mutenge waini nomukaka musina mari pasina mutengo. munoparadzireiko mari muchitenga zvisiri zvokudya nezvamakabatira muchitenga zvisingagutsi

its cold out there, dzoka kuna Baba

Operation dzoka kumba series -Introduction (part 1 of 5)



Scripture reading Luke 15:12-13


Parable inotanga Ishe Jesu vachitaura kuti there was a certain man who had 2 sons. Mudiki wacho ndiye akabva ati kuna Baba vake, ndipei mugove wenhaka yangu. Give me the portion of goods that falls to me. Nhaka iyi anga ari supposed kuiwana kana baba vake vachinge vafa but he is already asking for it ivo baba vachiri vapenyu. he is already asking it before the due time. Ndiko kushaya patience uku kwekuti chingwa chemangwana kuseni unoda kugara wachidya manheru anhasi, ko mangwana acho akasvika uchaita sei? If you want to enjoy future benefits today then when the future comes what will you do. mutendi dzidza kuva nePatience yekumirira the appointed time yakaSettwa naBaba. Mamwe maRequest aurikuita muPrayer dai wambomira kusvika nguva yakatarwa naBaba yasvika nekuti zvinhu izvozvo its good kuti uzviwane in the future than ukazviwana nhasi.


Mota yauri kunamatira yakanaka kwazvo but dai wambomira nekuti ukaiwana nekupaparika kwako uku, uchapinda mutsaona. Basa rauri kuda rakanaka but wadii watanga waMature pahuChristu hwako nekuti this job rine miyedzo mizhinji zvekuti ukariwana nhasi, gore haripere usati wava kuJeri. Zvauri kukumbira zvakanaka kwazvo but zvimwe zvacho its not good kuti uzviwane nhasi. Wait for the appointed time in the future. Its true kuti mukomana uyu anga ari supposed kuwana nhaka kubva papfuma yaBaba vake but he was not supposed to get it munguva iyoyo. He was supposed kuzoiwana kana nguva ichinge yakwana apo panofa Baba. Its very true kuti sevana vaMwari pane zvimwe zvinhu zvatiri supposed kuReceiver kubva kuna Baba vedu varikudenga but lets take into consideration nyaya yeTime. Kune zvimwe zvatinofanira kumirara kusvika nguva yacho yakwana so that we can get to those things, nekudaro rega hako kuita pressure. Be patient and wait for GOD’s time.



Rega ndimbobata nyaya yeMaturity, hanzi neBible a man had 2 sons, and the YOUNGER OF THEM SAID…mudiki ndiye akakakuimbira pfuma hatina kunyatsoudzwa age yake but tangoudzwa kuti pa2 vana ndiye aiva mudiki. The original greek word rakazoTranslatwa to young is NEOS zvichireva izvo kuti recently born or young, youthful. No wonder why he made such a request nekuti kana uri mudiki you rarerly think about the future, unongofunga zvanhasi. Mwana mudiki haanei nezveFuture, anongoda zvanhasi.

Given the chance mwana ukamupa $20 womuti sarudza zvaunoda kutenga boots dzekuChikoro or woshandisa hako mari iyoyo kutenga maJiggies, maIcecream nezvinonaka. That’s child anosarudza kudya than to buy shoes for the future. Ndizvo zvitori normal kwaari. He looks for enjoying in the present and does not care about the future.

Ndizvo zvakaita vamwe vachiri padiki pahuChristu, haasati akura munaMwari and so kuti agone kuAnalyser zvekumberi zvinomunetsa. Anongoda zvanhasi chete.  You need to grow up munaMwari, you need to mature as a Christian zvekuti unosvika paLevel yekuti usati wapinda muPrayer to request something unotanga wambonyatso consider the thing you are asking for.


This young man akakumbira nhaka, he asked for material things, he asked for prosperity. Baba havana kuramba, vakamupa. Ndizvo zvinoita Mwari He gives us those things that we ask from Him. But ziva kuti relationship yedu naMwari haizi nyaya yekukubira zvinhu chete, you can get those things but zvinogona kutokanganisa hukama hwako naMwari vakupa. Uchaona hako nyaya yacho as we move naye mukomana uyu. prosperity akaiwana but yakamuendesa kure naBaba. Shuwa you can get the prosperity you want but it can drive you away from our Father who is in heaven.


Baba vakakamura pfuma between his 2 sons & pasati papera mazuva akawanda chikomana chidiki chakaunganidza pfuma yacho and achibva apinda paoad going to a far country. Hona mukomana uyu haana kubva pamba musi waapihwa pfuma but akazoenda after some few days. Ndizvo zvinoita mumwe kana awana something kubva kuna Mwari chaaida, haangoregedze kunamata ipapo, aiwa kuChurch anotombouya, kumaPrayer meetings anotombouya, kuBible study anotombouya but after mazuva mashoma haumumuone futi. Nekuti iye mupfungwa dzake anenge achiti ndichagarireiko pano handiti zvandaida ndakazviwana. Why should I keep on coming to church when I already have the car I was praying for, why should I come to church when I already have the job I was praying for, when I already have the wife I was praying for, when I already have the money I was praying for. Handiuyeko.


Ndiyo danger yekuda kukoshesha prosperity kupfura relationship yako naMwari. Nekuti kana pfuma yacho ukaiwana satan anokupa every reason to forsake your relationship with GOD. Mumwe arikuEncouragwa kunzi namata unowana mota, namata unowana imba, namata unowana muchato, in his mind aim yake yekunamata is to make wealth. Manje kana zvinhu izvozvo azviwana he will just relax and forget about His relationship with GOD. anobva atokangwana zvekunamata nekuti zvaaida akazviwana pamusaka pekuti akaparidzirwa kupfuma panyama more than spiritual things.


Mukomana uyu haana kudzingwa pamba but akabva ega. Wakamboona zvinoita mari, once waiwana programme yako inochinja. All along painge asina pfuma aigara pamba naBaba vake but paakangowana pfuma chete akafunga zvekuenda kunyika  iri kure.kune vamwe vanhu vekuti kana asina mari he is o.k. anogara aripedyo naBaba (Mwari) anoramba achinamata, kuChurch haarovhere, Bible study haarege. But once abata mari, hoooooo, rimwe zuva haauye kuChurch anoda kumboendawo kuBhora kunodya mari, mumwe musi haauye kuAll night prayer, anoda kumboendawo kuMafaro kuti aende kunodya mari. Mumwe musi haiite Bible study but anoda kumboenda kuMovie kunonakidzwa.


Get me right mari haina kuipa but ukawana mari but woshaya Jesu then ndipo painoipa or mari ikakukoshera kupfura Mwari, ndipo pazvinoipa. You are now serving mammon (the god of money). Ndokusaka Jesu akati it is hard for a rich man to enter the Kingdom of GOD than for a camel to go through a needle’s hole (Mt 19:23-24). Be careful nepfuma yauri kukoshesha iyi kupfura hukama wako naMwari.


Mukomana wechidiki uyu akaona kuti pano pamba mari haizi kudyika zvakanaka. Better ndiende kunyika iri kure kwandiine independence. Zvepano pamba hazvisi kuita. Chaari kuendera kunyika iri kure inyaya yeIndependence, akuda kuita zvinhu zvake ega pasina munhu anomuudza kuti na6 unofanira wava mumba, haachade zvemunhu anomuudza kuti muka utsvaire yard, diridza garden, endesa chibage kuchigayo. Arikuona pamba paBaba vake kuti pane maRestrictions anomutadzisa kufara, arikuona kuti panapa I can not host a party for my friends nekuti mudhara haandibvumidze better ndiende kure naBaba uko kwandinokwanisa kuita zvandinoda.


Chakapa vamwe kuBackslider vachienda kure naMwari inyaya yekuti vaiona as if Mwari ari kuvatadzisa kunyatsofara so they decided kusiya zvekunamata kuti vanyatsodye nyika rutivi. Kana afunga zvekuita party, haadaidze vanhu vekuChurh or Mufundisi nekuti anoti vanonditadzisa kufara. He views people of GOD as restricting him/her to enjoy his wealth. Anoona as if Mwari vanomutadzisa kufara mafariro aanoda chaiwo saka the best solution kwaari is to leave zvekunamata achienda kunotsvaga mafaro ekunyika.


I know kuti unogona uri iwe muverengei you feel kuti kugara pedyo naMwari kunokukanganisa kufara, you feel like kunamata kunokuRestricter zvaunoda. But rega ndikuudze chinhu ichi,whatever it is chauri kufunga kuti GOD is restricting you,,,,,chibva waziva kuti chinhu ichocho chakaipa. GOD is to wise, He can not make mistakes. Ukaona Mwari vachikurambidza chimwe chinhu ziva kuti chinhu ichocho chakaipa. GOD is love and kana munhu aine rudo haakusiye uchifamba munzira yaanoziva kuti unoparara maari. Trust GOD and follow His word, rega kuona mutemo yaMwari seinokuomesera kufara kwako but see it as a safeguard for own well being.


The young man went into a far country and wasted his substance with riotous living, foolish living, reckless living. Your know your life better than I do, zvibvunze kwauri ikoko handisi kuita saProdigal son here, Im I not living my life recklessly, hauzi urikuramama uine mentality yakungofara chete uri kure naBaba Vekudenga. Are you not living foolishly in sin, are you living riotously in things which GOD forbade. Hauzi kurarama mumafaro ezvivi here.


If yes rega nditi, nhasi Mwari vakupa umwe mukana wekuti udzoke kwavari, come back home, dzoke kuna Mwari nguva ichiripo, don’t wait for another time or kumirira kuti mafaro atange apera then wozouya kunaMwari. nyika hauipedze, iwe ndiwe unotopera, variko vaifunga kuti vangaapedze mafaro enyika but nhasi they are no longer with us. Wakazviwana zviriko uchazvisiya zviriko. Solomon the richest man ever akamboedza zvekuda kutedza mufaro wenyika but in the end avakunyora the book of Ecclesiastes (Muparidzi) aingoti all is vanity, zvese hazvina maturo, kutandanisana nemhepo.

Come back home, dzoka kuna Baba. No matter what you have done, dzoka utaraure naBaba



Isaiah 1:18 Come now, and let us reason together, saith the LORD: though your sins be as scarlet, they shall be as white as snow; though they be red like crimson, they shall be as wool.