Thursday, 24 October 2013

WALK WITH WISDOM

WALK WITH WISDOM

Tiri vadiki we had jobs which we admired, tine mabasa ataifarira kuda
kuzoita kana tichange takura, kwete kuti takaenda kuCareer guidance we
you are told nezve basa iroro but because pane munhu wawakaona ane
basa iroro and you admired his/her lifestyle. Uchiti ukaona mota
yaanofamba nayo, you will ask kuti nhai anoita basa rei, woudzwa kuti
ndiManager kuBank, waibva wanzwa kuti iri ndiro graft manje iri,
uchiona doctor akarova lab coat rake reWhite, akaisa mhandi yake
muhuro (stethoscope) waibva washuwira kuti kana ndakura I wana be a
doctor, uchiona maGunners vakarova camouflage yavo, wangoshuwira kuti
dai ndakura ndaitawo muSoja.
Usina kana kudzidziswa or kunzi this is a good job, wega waiti
ukayemura basa remunhu waibva wanzwa kuda kutedzera the same route
yaakatora. Even in adults karipo kaDesire ikako keuti uchitarisa basa
remumwe munhu unonyatsonzwa kuti if only I had this job.  THERE IS AN
ATTRACTION inenge iripo pabasa ipapo inoita kuti ushuwire kuti dai
ndawanawo basa iroro.

today ndichida kuTeacher zvakanyanya about iyo nyaya yekuATTRACTER
someone kuti agamuchire Jesu. The way you live semuChristu, that alone
is enough kuti ugone kuAttracter mummwe munhu kuti ashuwirewo kuita
muChristu. Just like zvinongoitika nemabasa epaNyika zvekuti Doctor
haafambe achiudza vana kuti kana makura you must become doctors, but
ivo vega vachiona zvinoitwa naDoctor, they desire to do the same job
also. Izvozvo zviri possible zvekare pakunamata zvekuti munhu asina
kutendueka achiona character yako, anoshuwirawo kugamuchira Jesu in
order to have behaviour inenge yako.

Main Scripture yandichafamba nayo is  Colossians 4:5, I shall quote
kubva kuKJV zvese nekuNIV, so that you get a better understanding of
the scripture parikubva dzidziso yaNhasi. KJV inoti Walk in wisdom
toward them that are without, redeeming the time. NIV inoti Be wise in
the way you act towards outsiders; make the most of every opportunity.
reShona richiti Muve vakachenjera pamafambiro enyu kuna vari kunze;
mungwarire nguva yenyu.

In this scripture Bible ririkutiudza kuti mufambiro wedu (muraramiro
wedu semaChristu) ngauve wakachenjera kuitira kuti avo vari kunze
(those outside the Kingdom of GOD, avo vasati vatendeuka) vayemure
zvekuti vanoona kunaka kwaMwari. Begin to ask yourself kuti
semuChristu, munhu ari kunyika akakuona chii chaanoyemura zvekuti
he/she wishes kuti dai ndaitawo muChristu just like that person ndiite
zvanoitawo. Or you just live anyhow zvekuti vanhu vasati vatendeuka
vachikuona they feel kuti makafanana, there is no difference between
you and them, iwe unoba, iye anobawo, iwe unoita makuhwa, iye
anoitawo, iwe une small house and iye he does have a small house, so
even if ukazoda kumuudza kuti huya kuChurch kwedu, anotoseka kuti
kunoitei, what do I get nekunamata, nekuti iwewe unoenda kuChurch you
and just like me ndisingaende kuChurch.

The way Jesus lived, vanhu vaiita kumutevera, everywhere He went, they
desired to be with Him, they desired to be like Him. So kana iwe kana
wakagamuchira Jesu,  you must also have that attraction with you.

The moment yaunotanga kurarama life yakafana nemunhu asina kugamuchira
Jesu, you become a stumbling block pakutendeuka kwevamwe vanhu, unenge
wava kushanda as a barrier yekuti munhu kana akafunga kutendeuka and
he looks at your life, anobva ati ahhhh hazvibatsire kunamata, because
ana Spencer vakatendeuka kare ava vachiri kungohura chete, ini nditori
nani handihure so rega zvangu ndirambe ndichirarama life yandiri
kurararama.

Nhai imi vakadzi makaroorwa and mune varume vasinganamate, if your
husband looks at you, chii chaangayemure kuti ahh this is good, ahh
Jesu akanaka regaiwo ndinamate. Or if he looks at you achiona dressing
yako and he compares neDressing yaanoona inoitwa nepfambi dzekuBhawa,
hapana kana musiyano you are one and the same, zvekuti ukamuudza kuti
nhai Daddy tadii taenda tese kuChurch anoramba. Because he compared
zvauri iwewe mukadzi wake and he compared nzenza dzekubhawa and akaona
kuti mapfekero enyu mamwe chete. So anongoona kuti Church haibatsire,
yakatadza kusiyanisa dressing yako neDressing yepfambi, so it becomes
of no advantage kwaari to join the church.


Rough inotaurwa naBar lady kubhawa kwaanoswera is the same rough
inobuda mukanwa mako. At the end of the day he concludes kuti kunamata
hakubatsire, nekuti kunanamata dai kwaibatsira, he expected you to
have changed pa4 years dzese idzo dzawanamata, but you have remained
the same, you have actually got worse. So mumaziso ake murume wako,
church anenge achingoiona seSocial gathering yekuti munopota
muchingoenda once a week, and nothing changes.

How are you living your life zvekuti vanhu vari kunyika vangayemure
kuti ndinodawo kunamata life zvaunoita?

iyo tsika yekuti kana mabva kuChurch and a person asks you kuti kwanga
kurisei iwewe ndipo paunoonekwa uchipindura kuti haaa kwanga
kuchibhowa, what impression are you giving that person, what picture
are you presenting about kunamata to that person. satan ndipo
paanotanga kuzevezera munzeve dzemunhu iyeye, kuti ohhh wazvinzwa
kaaa, kuChurch kunobhohwa, hakuna dhiri, unopedzerwa nguva yako
mahara. That person will compile maStatement ako week in week out
ekuti kuChucrh kuri kubhowa and he compares nekuona TV or kuenda
kuBhora, anonyatsoona kuti, haa better hangu kuenda kunoona Dembare
than kuenda kuChurch.

dai taziva mashoko ekutaura kana tabva kunonamata nekuti if we are not
careful, tichapa munhu maReasons ekuti aregedze kunamata.

and iyo tsika yekutiza church isati yapera, and your neighbour or
friend or mumwe munhu waugere naye okubvunza kuti koo sei makurumidza
kodzoka and you say “haaaa ndatiza ini, hakuna dhiri”. Chii chauri
kudzidzisa munhu iyeye. Urikugadzira a mentality yekuti zvinhu
zvaMwari hazvina basa tinotiza anytime yatafunga.


I remember before I was born again, ndaifara ndikaona munhu anonamata
achiita zvakaipa. Kana kuti ndikaverenga newsapaper inenge iine
headline yekunzi Pastor vakabatwa vaine mukadzi wemunhu. Ndaibva
dzanzwa kufara, kuti yaaah zvekunamata hazvina kana basa izvi nekuti
tese tiri vatadzi, maPastor arikuonekwa nevakadzi vevanhu, ini handina
kana mukadzi wemunhu wandakanyenga so im even better than him. And
ndainzwa kureruka and I would justify kusanamata kwangu. So behaviour
yako semuChristu kana ichinge yakaipa, you give vanhu vari kunyika
chikonzero chekusanamata.

So kana uri muChristu ask yourself kuti vanhu vangani vauri kupa
maReason ekuti vasanamate, how many people are justifying kusanamata
kwavo based on behaviour yako iwewe. Bible rati walk with wisdom to
those who are outside. Mufambiro wako semuChristu ngauve wakanaka
zvekuti nyika ichiona inonzwa kubatikana kuti dai tanamatawo like what
he does than kushora kuti ahhh honai zvinoita maChristu enyu.

Ungati here iwewe nhasi unoonekwa wakamira nemusikana muchibatana
batana kumanheru but mangwana munhu akakuona iyeye you go to him
uchimupa ka Pamphlet keShoko or you invite him kuCrusade? He might not
tell you zvake but nechemumoyo anotoshora kuti ndinouya kunoita
kuCrusade kwenyu, imi muchiswera muchibata mazamu evasikana mumaRoad
umu, chii chamunondidzidzisa kuChurch kwenyu.

Rega ndikuudze chinhu ichi,  vanhu vazhinji vari kunyika vanoda
kutendeuka but satan anoramba achivapa maReasons ekuti varegedze
kutendeuka and iwewe don’t be part of their reasons.
Senge mumaCombi umo mune nyaya, yes I know kuti maHwindi vari rough
but hapasi pese paari wrong and even if ari wrong, you don’t  you have
a right yekumutuka.
shuwa panoitika something muCombi iwewe semuChristu ndiwe unoonekwa
uchitanga kudeidzira mashoko ekutuka conductor. Mangwana conductor
iyeye obva angotiwo rega ndimboenda kuChurch, pamwe mhepo dzinoita
kuti nditukwe nemaPassengers dzinganamatirwe dzikapera, wanikwei kuti
ndiwe Usher paChurch ipapo. Its easier for him kurova u turn
achidzokera hake kuCopacabana because nemashoko awakamuudza they are
enough kumuratidza kuti paChurch penyu ndihwo hunhu hwenyu mese

maChristu we are ambassadors of Christ, tiri maRepresentative Denga,
zvekuti munhu kana achikuona ngaaone kunaka kwaMwari. Monday to Friday
munhu uri busy kuPoster zvinyadzi and commenting nyaya dzeBonde but
when the weekend arrives ndipo paunoonkewa uchiPoster maBible verses.
Do you know kuti there is someone who reads your posts and comments
zvekuti even if ukazoda kumuudza nezvaMwari, haakuterere nekuti
anoziva kuti uri munyengeri, you are double faced, hauna side racho
chairo. Nhasi uri kwasatan mangwana uri kwaMwari.

Maybe you have vabereki vasinganamate, iwewe semwana how are you
behaving towards your parent zvekuti vangayemure kuti Jesu akanaka.
Iro Bible rako richikuudza kuti kudza baba namai vako, but ivo
unoonekwa uchipindura mubereki wako rough. Une zvimwe zvinhu hobho
zvakaipa zvaunoita zvinozivikanwa nemubureki wako zvekuti, even if
ukamuti nhasi lets go to church together anoramba, nekuti character
yako yakamuratidza kuti kuChurch hakubatsire chinhu.

I Challenge you to change, begin to live a life yekuti nyika ichikuona
inoyemura kuti hey, Jesu akanaka, John wataiziva nekuba akaregera .
Sandra wataiziva nekuchinjanisa vakomana akaregedza, uyu wataiziva
nekutuka zvinyadzi, akasanduka, uyu waitiziva nekunyepa, he no longer
does so.
Sandura behaviour yako kusvika paLevel yekuti munhu anoouya kwauri
achibvunza kuti nhai Darlington waiputa mbanje uchimwa bronco, ko
wakasiya chiruudzi, neniwo ndinoda kusiyawo, and you will tell that
person kuti hakuzi kugona kwangu but gamuchira Jesu and zvinopera.
Tsotsi ngarisvike parinoura kwauri richiti nhai Shingi ndinoziva kuti
waiva mbavha like me but ndinoda kusiya, ndozviita sei.
Pfambi dzawaisitamba nadzo ngadziuye kwauri, usina kana shoko
rawaparidza vachiti help us tisaye mabasa akaipa aya just like what
you did.

Life yako semuChristu must be a sermon, mararamiro aunoita ngaave
mharidzo inoparidzira avo vasati vatendeuka kuti Jesu wakanaka,
tendeukai mugamuchire Jesu. The way you dress, the way you talk, your
behaviour, vanhu ngaavaone kunaka kwaMwari pauri. Walk with wisdom,
James 1:5 inoti If any of you lacks wisdom, let him ask God, who gives
generously to all without reproach, and it will be given him.

 After reading this sermon, namata ukumbire Mwari vakupe wisdom
vakupe, njere so that you know muraramiro unofadza Mwari and
unoAttracter vasati vatendeuka kuti vagamuchire Jesu. Gonawo kupfeka
zvakadzikama zvekuti vamwe vakadzi/vasikana vachikuona vanoona
kunakaka kwaMwari.
ndichingopedzisa ne Matthew 5:16 inoti Let your light so shine before
men, that they may see your good works, and glorify your Father which
is in heaven.