Thursday, 24 October 2013

PALACE VIA PRISON Scripture reading Genesis 39:20-23

Ukanzwa Combi ichinzi Budiriro 4&5 via glen-eagles zvazvinoreva
ndezvekuti combi irikuenda kuBudiriro but inopfura nekunaGlen eagles,
kwete kuti iri kugumira kuGlen eagles but irikungopfurawo neikoko
yakananga Budiriro. So rega kuva worried nekunopfura neCombi but be
more concerned nekwaunoda kuenda. But kana uchironga kusara munzira
ndipo paunogona kuramba kupinda muCombi iyoyo uchiti aiwa haizi
kupfura nekwandiri kuda. Iyo irikuenda naGlen eagles but ini ndinoda
kusara naWillowvale, saka handikwire imomo.

Palace via Prison, Palace imba inogara President and Prison iJeri, so
kana tichiti palace via prison ndinoreva kuti kana uchida kugara life
yekuPalace yepamusoro soro, yechiPresident, unofanira kumbo pfura
nekuJeri. Kwete kuti unogomira mujeri but it’s only part of your
route, kwako kuPalace but bvumawo nekupfura nekujeri. Rega ndifambe
nayo, uchandinzwisisa zvandiri kutaura.

kana wafunga kuenda kuSouth Africa neBhazi zviri pamutemo, bvumawo
kupfura nepaBeitbridge border uchidhindisa passport yako. Of course
panogona kuita maDelays anobhowa but ndipo panoita kuti usvike
kuDubarn kwauri kuda, ukangoda kuenda naLimpopo (border jumper)
tichakuona uchidzoswa manje manje, waonekwa usina mapepa akakwana. So
be prepared kumbopfura nepamutsetse wekuImmigration/Emmigration
paBorder.

Joseph had a dream, akarota achipfugamirwa nemadzikoma but haana
kubvira arota kuti achapinda mujeri neNyaya yaasina kupara. He only
dreamt of greatness but haana kurota Chikurubi, akangorota good life
chete but haana kurota jeri. But iro Jeri iroro rakamubatsira kuti
aende kunozadzisa dream yake. Many people have big dreams muzvinhu
zvaMwari and muLife dzavo. Anoda kuita Pastor, anoda kuparidza,
kunamatira vanorwara, kubatsira nherera, kuita life yakanaka, but
havadi kumbofungawo majeri avanofanira kupfura nawo. Vashoma vanoda
kupfura through persecution kubva kuna satan. Vashoma vanoda
kumbopindana neNguva yakaoma inorder to achieve their dreams.

Chinorwadza ndechekuti Joseph akapindira mujeri nyaya yaasina kupara,
dai akapara mhosva zvechokwadi, taigona kuti mazvokuda mavanga eTatoo,
but kupinda kwake muJeri inyaya yekuti akanyeperwa nyaya naMai
Potiphar. muChristu anosangana neChallenge yekuti satan anokupomera
mhosva yausina kupara and you go down for that matter. paBasa panogona
kushorta mari and zvigonzi ndiwe, muClass chaimo munhu anogona kushaya
textbook rake and zvigonzi ndiwe, munzvimbo yaunogara panogona kufamba
guwa rakaipa pamusoro pako rezvinhu zvausina kuita. satan aripo
pakugadzira nyaya dzeFake kuti iwe uone moto. The devil is the father
of lies, so whatever manyepo angataurwe nevanhu pamusoro pako, its
from the devil. But mubvunzo ndewe kuti Joseph are you willing
kumbopinda muJeri paNyaya dzausina kupara, iwe mutendi unoda here
kumbopika Jeri, kumbo suffer for something you did not do. Jeri
rindari kutaura harizi physical jeri but im talking of maProblems
anokukumberedza zvekuti unoita kunge musungwa.

Joseph akanzi huya urare neni nemukadzi waPotiphar, but iye nekutya
Mwari akaramba izvozvo. mukadzi waPotiphar akatsamwa nazvo and she
created nyaya yemanyepo yekuti Joseph asungwe. Joseph mhosva yake
ndeye kuterera Mwari. Aiziva kuti Mwari haadi kuti ndiite hupombwe so
I will not sleep nemudzimai uyu. but izvozvo zvakazokonzera kuti
apinde jeri. Are you willing kumbotambudzwa nekuda kwekuti unoterera
Mwari? Unozvida here izvozvo kumbo suffer persecution kubva kuna satan
nekuti unoterera Mwari. Stephen akasvika paasarudza hake kutemwa
nematombo nekuti aparidza Jesu and he died. (Acts 7:58).
Ungazvikwanise here kuti nhasi kwaiswa mutemo wekuti wese anoparidza
nezvaJesu tiri kumutema nematombo kusvikira afa, ungagone here kuramba
uchiparidza nezvaJesu. Kana kuti unototya.

Joseph haana kuConsider maConsequences  ekuramba kurara nemukadzi
waPotiphar but akango consider Mwari chete anorambidza hupombwe. So In
whatever you do, rega kuConsider zvingaitwe nasatan or nevanhu nekuda
kwekuti waterera Mwari, but just consider the word of GOD.

Joseph akarota  hope dzakanaka but look at what happened to him,
anopinzwa mujeri nemhosva dzaasina kupara. I know une zvinhu zvakanaka
zvawakanzwa kuti Jesu achakuitira but there comes a time yekuti
unopinda muNguva dzakaoma zvekuti unotanga kufunga kuti maybe Bible
rainyepa. Kana uriwe Joseph unogona kufamba uchitaura kuti hope
dzandakarota aiva manyepo, maybe iNyaya yekuti ma2 in 1 andainge
ndakafuga iko kuchipisa so kana ukanyanyotsva wakarara, unorota hope
dzekunyepa.

Joseph akarota achipfugamirwa izvo nyamba kuJeri kwaari kuenda ndiye
anenge achipfugamira maGuard jeri. Palace via Prison, hongu uchaenda
hako kuPalace but chimbopfura nekujeri, hongu uchagara hako zvakanaka,
but there are challenges along the way. Pauro angaende hake kuDenga
but akatombo pika Jeri nekuda kwekuParidza Jesu. So satan
angakutambudze zvakaita sei, agokushungurudza sei, but keep on serving
GOD kusvika kumagumo kweNyika uchawana korona, pamagumo azvo zvese you
shall be rewarded accordingly.

Joseph akaiswa muJeri in a foreign land, hakuna kana hama yake 1
yaigara muEgypt and hapana kana friend or hama yake yaizviziva kuti
ari mujeri, so igaro ziva kuti hauna visitor ingauye kuzokuona. Food
yemujeri haiite, Vamwe vasungwa vanogona kuigirwa chikafu chekumba
nehama dzavo but iwewe Joseph since usina arikukushanyira unotongodya
zviripo. There are times dzekuti you compare life yako nevamwe vanhu
and unonyatsoona kuti uri pama1, iwe unonamata, ivo kana Mwari havanei
naye, but unenge uchinyatsoona kuti they are enjoying a better life
than yako. But rega ndikuudze kuti its only temporary. Vamwe vasungwa
vanogona havo kuigirwa Pizza vari mujeri iwe uchidya munjonjo muriwo
usina mafuta, but its only temporay. Uchibuda mujeri wakanga palace,
and you shall be greater than team yese iyi including maGuard jeri
futi vachange vari pasi pako. Whatever you are going through, ndinoda
kuti uzive kuti its temporal, Jesu ane eternal life yakanaka
yakakumirira.

Joseph aiva ari mujeri but unonzwa verse 21 ichiti  the LORD was with
Joseph, nhai iye munhu ari mujeri but unonzwa zvichinzi The Lord was
with Joseph. Ko nhai Ishe munosiireiko vana venyu vachipinda
muHusungwa neNyaya dzavasina kupara? Mwari vanenge vachitoziva kuti
Jeri iroro richakubatsira kuti uende to your intended dream. Mwari
vanogona kukusiya uri mumaChallenges but vanenge vachitoziva kuti
maChallenges iwawo they will help you to achieve your destiny. Pauro
anokumbira kunaMwari kuti ndibvisei munzwa uri munyama but Mwari
havana kubisa munzwa, in actual fact vakamuudza kuti my grace is
sufficient for you, nyasha dzangu dzakakukwanira. So Mwari vanogona
kukusiya uchiFacer a big problem, but vanenge vachiziva kuti you shall
come out strong.
kupinda mujeri kwaJoseph hazvireve kuti aienge atizwa naMwari, but
Bible ratobuda pachena kuti The Lord was with Him. So kupinda
mumaProblems hazvireve kuti hauna Mwari, hazvireve kuti Mwari
vakurasa. Rega kuchema kana wapindana nenguva yakaoma.

Joseph ari mujeri even though aienge ari kure nehama neShamwari, even
though aigona kushaya maVisitors, Bible rinoti Mwari vakamupa favour
mumaziso emaGuard Jeri. GOD is able kuCreator favour iwe wakasungwa
nenhamo, GOD is able to create favour muProblem imomo, GOD is able to
create favour muhurovha imomo. GOD is able to create favour muhurwere
imomo, even though Joseph akaisirwa favour mumeso emaGuard jeri,
maGuard haana kuronga prison break, havana kuronga kubuditsa Joseph
neBackdoor. Ndizvo zvinoita Mwari, vanogona kuCreator favour
paSituation, kwete kuti ubude paSituation yacho but for you to prosper
in that situation.

Guard jeri zvinonzi akapa Joseph authority over all other prisoners.
Joseph Ndiye ainge ava Captain wevasungwa and whatever zvaiitwa mujeri
ndiye aiva controller. Rangarira kuti Joseph akarota greatness, but
greatness yacho yakutanga kuManifester muJeri. Tikangoiti iAttachment
yaanga apinda iyi. Anga ari paTraining yebasa rakamumirira panze apo.
Mwari vari kuda kuti Joseph azoiite Captain wemuEgypt so vakatanga
vambomusiya achipinda mujeri to be a Captain over prisoners as part of
his training. Its not easy kuita mutungamiri wevasungwa iwe uri
musungwa, hazvisi nyore, but ukaona wagona izvozvo hapana
chinokutadzisa kutungamira vanhu vari kunze kwejeri. So GOD can give
you a small task yakaoma zvisingaite and but if you are able to carry
it out, then uchapihwa zvikuru. Mwari vanogona kukuita leader weCell
group ine vanhu 10 and ukagona kuiLeader unogona kuzopihwa mukana
wekutungamira congregration ine vanhu vanopfura 1000. So whatever
prison you are in, ramba uchibata basa raMwari zvakanaka.

Handisi kuda kubata nyaya yekubuda kwakaita Joseph muDream, but
ndinoda kungotaura kuti Gift yekuInterpreter hope yaakapihwa naMwari
ndiyo yakaita kuti abude mujeri. Your gift yawakapihwa naMwari gona
kuishandisa kuti ubude muSituation yakaoma yauri. Remember kuti
chakasungwa is the physical body yaJoseph and not his spiritual gifts.
So Joseph akagona kushandisa chipo chake kugadzira testimony
yakamubuditsa mujeri, akagona zvekare kushandisa gift yake
kuzorapanura hope dzaPharaoh and izvozvi zvakazoita kuti aitwe 2nd in
Charge wemuEgypt. Satan haagone kukubira gift yako but anogona
kungokwanisa kusunga physical body yako, anogona kungosunga physical
life yako chete, mari hutano, education, etc but haagone kubata mweya
wako. That’s why Jesu akati don’t be afraid of these of who kill the
body but can not destroy the soul.
rega kutyiswa nasatani nekuda kwanhamo yaanokuonesa.

If you are going through tough times, keep going unobuda chete. There
is light at the end of the tunnel.

No comments:

Post a Comment