Monday, 14 October 2013

Magetsi Aenda. Scripture reading Judges 16:15-21

munhu anoshandisa maghetsi anorwadziwa stereki nekuenda kwavo. But kuenda kwemaghetsi kunogona kufadza tsotsi nekuti zvinoita kuti arege kubatwa pakuita mabasa ake akaipa. Maghetsi represents power and paMharidzo ino, maghetsi arikumirira simba raMwari. Kana uri munhu anorarama nekuda kwesimba raMwari, it becomes a painful thing kuzoshaya power iroro but at the same time  tsotsi rinonzi satan rinofara kwazvo kana power raMwari rikabva pauri, because you will now be vulnerable to attacks. Its easier kuti mbavha iende kunoba pamba pasina maghetsi than kuenda pamba pane maghetsi. Imba ine maghetsi inonetsa kuti panenge paine maLights akavheneka, electric fence inogwinya, maAlarm systems, or even maMotion detectors anoona kuti pane muvengi apinda, but once maghetsi aenda, then unenge wapinda ma1 and matsotsi anoita madiro.

nhasi tirikubata nyaya yeMukomana anonzi Samson, murume uyu aiva nesimba raakapihwa naMwari raigara mubvudzi make but nekuda kwekusaterera, power iroro rakaenda and ndipo paakapinzwa busy nema philistines. Maghetsi aSamson akaenda nekuda kweDisobedience, simba raMwari rakakumboredza chenjera kuti rinogona kuyenda nekuda kwekusaterera Mwari wacho vakakupa simba iroro. And just imagine kurwadza kunoita kuenda kweMaghetsi, whether wanga uchiona TV, wanga uchibika, wanga uchiAyina hembe, wanga uchiWelder uri pabasa pako, maghetsi obva angoenda, its so painful. Ko kana kuenda kwePower remidziyo zvichirwadza kudaro, what more kuenda kwePower raMwari pamusoro pako, zvinorwadza sei? Obvious zvinorwadza zvakanyanya.

Samson akapinda muRelationship nemufiristiya ainzi Delilah, iyi ndiyo first mistake yakazokonzera kuti maghetsi  (power) aende. Law yairambidza kuti vana veIsrael vadanane neVamwe vanhu vasiri wekwa Israel but Samson akasarudza kupesana nezvakataura Mwari. The moment yaunotanga kurarama life inopikisana neShoko raMwari ziva kuti ndidzo mviro mviro dzekuti simba raMwari ribve pauri, urasikirwe nehutsvene. Israel ine record yekunetsana nema Philistines and iko kuma Philistines ikoko ndiko kwakaendwa naSamsom kunotsvaga Babe rake Delilah.

maChristu takagara tine record yekurwisana nehumambo hwasatan. It’s a spiritual warfare yagara iripo pakati peChiedza nerima and ipo pakadaro ipapo ndipo paunozoonekwa semuChristu uchienda kunoita maRelations nehumambo hwasatan, ndipo paunoonekwa uchienda kunotsvaga entertainment kuSide kwasatan, ndipo paunoonekwa uchitsvaga rubatsiro kune vanhu vanobata mishonga, ndipo paunotsvaga kunoroora or kuroorwa nemunhu asingazive Mwari. Samson akaCreator a relationship neEnemy and ndipo pakatangira nhamo yese ipapo. Mwana wenyoka inyoka, hazvina mhosva kuti Delilah azora face powder inodhura, ingave black opal or dark and lovely, hazvina mhosva kuti how beautiful she is, rega kunyengedzwa naye nekuti agara muvengi. No matter zvinhu zvekunyika zvingayevedze sei, rega kunyengedzwa nazvo, no matter satan arikuratidza zvinhu zvinoyevedza sei, rega kuita hukama naye.

maPhilistines paakazviziva kuti Samson muvengi wavo arikutambira muArea uye arikudana neDelilah mwana wemuraini, vakagadzira strategy yekushandisa Delilah kudzima Zesa yaSamson. Delilah akagona kushandiswa sePoint of Entry yekuenda kunodzima maghetsi aSamson. maPhilistine vainge vatambudzwa naSamson on many occasions vachiurayiwa nekupisirwa minda yavo nekudaro vaitsvaga kuita revenge against Samson.

Do you know kuti kutendeuka kwawakaita, iko kugamuchira Jesu kwawakaita, iyo minamato yaunoita, iko kudzinga mademon kwaunoita, iko kuparidza kwaunoita, you offended the devil, wakadenha satan zvekutoti satan nehumambo wake varikutsvaga mukana wekuti vaite revenge, and the moment yauchangotambira kuArea yake, uchapinda ma1, the moment yaucha consulter n’anga yake he will take advantage, the moment yauchada kuita madhiri nerimwe tsotsi, satan will take advantage, the moment yauchada kuita maRelations with anyone or anything chekuSide kwasatan, chinhu ichocho or munhu iyeye ndiye achashandiswa nePoint of entry yasatan kuzouya kunodzima kubwinya kwese kuri mauri.



maPhilistines kuti vagone kuAttacker Samson on their own havazvigone but vanotoda kuti paite mumwe munhu ari close kunaSamson anogona kuLeaker information. Satan kuti akuAttacker straight straight zvinomunetsa, so anomirira kuti upinde muchivi, he waits kuti utange watamba nerimwe boys rekuside kwake, he waits kuti utange watsvaga small house so that he can use small house yako to bring you down.

Sevanhu vari murudo, Samson anenge aine trust muna Delilah zvekuti anogona kumuudza maSecret ake ekuti simba rake rinobva kupi. satan anoda kuti uite trust muzvinhu zvisirizvo kuitira kuti mangwana azive marovero aangakuite, the devil wants you kuti uite trust mumaporofita enhema kuitira kuti mangwana ukanzi ita zvakati haurambe nekuti you trust that person, satan anoda kuti utruste matsotsi ake so that ugone kuvharwa kamari kese kauinako, satan anoda kuti uite trust over pfambi yauinayo so that izogone kukupa chirwere iwe uchingoti haa I trust her, haa I trust him.
Delilah was offered 1,100 pieces of silver, pafunge, Joseph akatengeswa 20 pieces of silver, but pano apa Delilah akanzi ukatipa information yekuti simba raSamson riripai tinokupa 1 100 pieces of silver, vaingoda information chete, kwete kuti vaida kuti Delilah asunge Samson but they offered mari yakawanda kudaro. These guys meant business. And Delilah akati iyo hainetse iyo, ndichaita zvamuri kuda. Bata chinhu ichi, maPhillistines haana kutsvagira Samson musikana but iye Samson ndiye akatsvaga ega and wacho iyeye waakatsvaga ndiye akashandiswa to bring him down. Satan anomirira kuti uite a wrong decision yekupesana naMwari and he will use that choice yawaita against you. Delilah unonyenga wega but ndiye achashandiswa against you.

maPhilistine vakashandisa munhu ari pedyo naSamson kuti vadzime zesa, dai vakaita zvekuuya nemusikana vobva vati Samson takuigira mukadzi, unofunga here kuti aibvuma, no hakuna zvakadaro, tsitsi dzei mukadzi waGuard jeri kukangira musungwa maputi. So maPhilistines vakashandisa Delilah agara ari muRelationship nasamson. The devil uses zvinhu zviri so close to you kuti adzime zesa yako, adzime kunbwinya kwako. A stranger akauya kwauri achiti lets just have a glass a beer unoramba, unonyatsoona kuti ndiyo miyedzo iyi, doro ndakasiya kare, so satan anoshandisa friend yako kuti nhasi chete so sezvo tiri paParty lets just have one-one, haina horror, mozopedzisira madhakwa.

Its easier kuti munhu ari pedyo pedyo newe akuitise chivi than munhu wausingazive. Zviri nyore kuti uite dhiri rekuba neTop friend yako than kuita same dhiri nemumwe munhu wausingasi taure naye. Its easier kuti muite makuhwa neBest friend yako than kuita makuhwa nemunhu wausingasi taure naye. So satan anoda kushandisa vanhu vari so close to you and iwewe be very careful. Itoripo imwe nguva peter paakada kushandiswa nasatan kudzivisa destiny yaJesu but takazonzwa Jesu achiti get behind me satan. So zvinotoda Mweya Mutsvene kuti ugone kuDiscerner kuti ummm apa bhururu wangu avakuda kushandiswa nasatan, apa Delilah anoda kundidzimisira maghetsi angu.

3 times Samson achibvunzwa naDelilah simba rako rinombobva kupi, 3 times achigona kunzvenga. Zvinogona kuitika kuti you can disobey GOD and zvichitofamba ufunge, kekutanga woenda out neSmall house/boyfriend uchinyepera spouse yako kuti tanga tiri kuBusiness meeting and zvichatoshanda, unogona kutoita tsika yekupota uchiba mari yeCompany and uchitonzvenga zvekuti haubatwe, unogona kuvhara vabereki uchivanyepera maSchool fees, nezvimwe zvakawanda wanda and zvichitofaya. 3 times Samson achiTryer kubatwa mumba maDelilah but vachimutadza.

Iyo ye3 times yandifungisa Peter, 3 times achiramba Jesu kusvika jongwe rakukuridza. So unogona kumbochovha kwekanguva uchirarama muhuipi but Mwari vachikusiya wakadaro, mari dzeTithe dzabviswa neChurch uchivhara and Mwari vachiramba vakanyarara but if you keep continuing mumba maDelilah umu, uchaona hako zvichaitika.

One day the baboon will miss the branch and catch the leaf and it will fall. One day chete gava richadambura musungo. Kana uchiziva hako kuti une mabasa akaipa auri kubata, Mwari varikuti siya izvozvo nhasi chaiye. Dzako dzinogona kusaita hadzo 3 times, unogona kudhonza kusvika kuna ku20 times usingabatwe pane zvauri kuita but one day cross, magetsi achakundera. Wadii wasiya zvichakanaka woreurura kuna Mwari kuti vakuregerere.
Problem yaSamson, he was deceived but airamba achidzokera chete kunaDelilah iyeye anomunyengedza. Hameno kuti vanhu takaita sei, zvinhu zvatinoziva kuti zvapedza vanhu ndizvo zvatinoda izvozvo, pane tsumo inobva yati kwadzinorohwa matumbu ndiko kwadzino mhanyira. Dzinotoita zvekumnhaya chaizvo, kwete kufamba but kumhanya chaiko dzakananga kunorohwa matumbu. Changamuka hama, rega kupera nezvekapedza vamwe, don’t be deceived nasatan.

Delilah didn’t give up, nekuti aiziva kuti kune reward ye 1 100 pieces of silver. iTek tek chaiyo, ndihwo hunhu hwasatan, kudenga akarohwa akawira pasi, paCalvary he lost again but haadi kutendeuka anoramba iri take take chaiyo.so iwewe sedunga munhu, rega kuRelaxer uchifunga kuti satan akapedza newe, aiwa even if uri kurarama muzvivi, he wants you kuti uwedzere futi kutadza kusvika wapinda muguva so that you can join him kuGehena. Delilah uyu ane target yaari kuda, satan ane target yekuti number iwande kugehena. And iwe rega kumupa mukana.

Bible rechirungu rinoti And it came to pass, when she pressed him daily with her words, and urged him, so that his soul was vexed unto death. Rega ndibate verse yacho mbichana mbichana, hanzi she pressed him daily, Delilah aiita kuisa pressure every day, pane mimwe miyedzo yekuti unosangana nayo daily, day in day out, unenge wakaita kugarwa bumper, zvekuti unozongoti haiwa rega ndingoite zvinhu zvacho ko ndini ndadii. Samson was pressed with words, nemashoko bedzi bedzi, hapana zvechisimba zvaaka shandisirwa, maWords ega ega, Samson akapedzisira aita give up. So ndichiti you must be filled with the Word of GOD kuitira kuti any other words anobva kuvanhu anoshaya simba, anoshaya pekupinda  nekuti mukati mako hamuna space, makazara shoko raMwari rega rega.
Manje dambudziko raSamson, word ishoma semunhu anoswera kuSmall house, haana nguva yekuMeditator paShoko so ana Delilah kana vakangouya nemamwe mashoko asiri aMwari he can easily give up. Rega kuSpender time yako kune zvimwe zvinhu zvakawanda, but spend most of your time uchiMedidator paShoko raMwari.

Samson akaramba achiiswa pressure so that his soul was vexed unto death (akanetswa kusvika pakufa). Imwe type yemiyedzo iyoyo yekuti unopedzisira wakufunga kuti ndikasaita zvinhu zvacho ndingafe, so better I just do it ndirarame, but Shoko raMwari rinoti do not fear those who can kill your body only but are not able to kill the soul: but rather fear him which is able to destroy both soul and body in hell.( Mt 10:28 ) So whether miyedzo yacho inoita kunge inoda kukuisa muguva, rega kuitedzera, nekuti magetsi ako achaenda. Itya Mwari than kutya vanhu.

Samson finally gave up achibva ataura akati simba rangu riri mubvudzi, kana mukandigera simba rangu rinobva rabuda. Delilah kwakuti sweetie rarai pamakumbo angu, ndokutora razor, veu veu kubvisa rasta iroro. Achipedza kugerwa, maPhilistines akabva auya zvikanzi Samson hona vanhu vaye vauya, Mukomana akati iyo hainetse ndine experience ini yekurova vanhu ava.
ichasvika imwe time yekuti uchada kushandisa kugona kwako or experience yako but iwo magetsi aenda, iro power raenda.

Achingobuda panze vakabva vamubata, kwakumubvisa maziso, haana kuzviziva kuti The Lord had departed from him, haana kuzviziva kuti Mwari vainge vamusiya, haana kuzviziva kuti simba rainge raenda, haana kuzviziva kuti magetsi aenge aenda, and he was taken prisoner nemaPhilistines.

rega ndipedzise ndichataura nemumwe munhu ndichiti, you have been living for too  long in sin, wararama kwenguva yakareba muzvivi and ukaramba uchiita zvauri kuita, The Lord shall depart from you

Mashoko akataurwa na Azariah kuna pana 2 Chronicles 15:1-2 ndiwo anongoda kudzokorodza kune umwe munhu , “Listen to me, Asa and all Judah and Benjamin! The LORD is with you when you are loyal to him. If you seek him, he will respond to you, but if you reject him, he will reject you.

Ukaramba uchirarama muzvivi, magetsi achakuendera, uchasara wava murima and satan agoita zvaanoda newe, but buda mumba maDelilah power richiripo, buda muzvivi magetsi asati aenda. Work whilst it is day, when night comes nobody can work (John 9:4)

No comments:

Post a Comment