Monday, 7 October 2013

Kutenda Mwari. Scripture reading Luke 17:11-19

Wakambozviita here zvekuti unotengera munhu airtym wobva wamutumira, achingopedza kuJuicer, he calls you achitenda, maita basa, kuzodii kuzodii, anoramba achingotenda chete achiwanza nyaya kusvika iwewe ndiwe unozomuti aiwa its o.k. chikatai zvenyu mufonero munhu wamanga muchida kufonera.
Then pozoita the other extreme yekuti unotengera munhu airtym but he doesn’t phone back achitenda, ndiwe unotova worried kuti ko nhai asi number dzandatumira dzaramba kuJuicer here, ndiwe unotozo fona kuti raita here card randatumira, ndipo paunonzwa munhu achiti yes raJuicer, maita basa.
dai pasina kuti ndiwe wazomufonera, munhu iyeye haaitenda.
Kutenda zvawaitirwa chinhu chakanaka stereki, one word rekuti “thanks” kana “maita basa” hazvitore kana 10 seconds izvozvo, haurasikirwe nenguva nekuti watenda, it doesn’t take much energy. Mharidzo yedu yanhasi tinoda kubata nyaya yekutenda, zvikuru sei kutenda Mwari nezvaakakuitira. Hongu munhu unogona kuchema kuti nhamo yandiwandira, this and that hazvisi kufamba zvakanaka, but tikada kunyatsorova spiritual audit yekuongorora life yako, you will find kuti une zvinhu zvizhinji zvawakaitirwa naMwari. So many things that GOD did for you, tsaona yavakakuponesa, family yavakakupa, mari yavakakupa, education, hutano, iko kungoverengawo mharidzo so, zvinotoda kutendwa Mwari nekuti aripo mumwe akafa achitsvaga kunzwa Shoko but haana kurinzwa.

Jesu aifamba pakati pemaguta 2, Samaria and Galilee. Kana munhu achifamba along the border semafambiro aJesu aya zvinoreva izvo kuti ku1 side uku kune Samaria and the other side kune Galilee zvichireva izvo kuti both cities vaiva nemukana wakuona Jesu. Rega nditaure chinhu ichi ndichiti the world might not be fair but Jesus is fair, maSide ese mese mune mukana wekumuona, whether muri kuSide kweSamaria or kuGalilee, whether uri muHarare or kuGokwe, whether uri kuCapetown or kuTexas, GOD is fair. Just like pamuchinjikwa zvekare, mbavha dzaiva neEqual chance yekutaura naJesu, imwe mbavha yaiva kuLeft and imwe yaive kuRight. The world might not be fair but Jesus is fair, izvozvo zvinongoda kutendwa Mwari. Tenda Mwari kuti vanotipa mikana yakafanana. Bhaibheri rinoverengwa naProphet kana Bishop, is the same Bible raunoverenga iwe. Mweya Mutsvene aiva naPauro ndiye mumwe chete watiinaye muzuva ranhasi. Izvozvo ngazvikutume kutenda Mwari.

Jesu aripakati pekufamba anopinda mune rimwe guta ratisina kuudzwa zita rawo. Muguta umu he met varume 10 vaiva nemaperembudzi (leprosy). Jesu ndiye akapinda muguta umu, kwete kuti varume vane maperembudzi ndivo vakaenda kuguta raiva naJesu. Jesus came to their point of need. Ngatitendei Jesu ndekuti anosvika paSituation yedu chaipo chaipo kuzogadzirisa, there are times dzekuti kunamata chaiko unokundikana nekuda kwemaProblems anenge akakurerema, asi ngatitendei Jesu anoti huyai kuno makaneta makaremerwa ndichakupai zororo. Ngatitendei Mwari nekuda kwaMweya Mutsvene wavakatipa anova iye the Comforter, munyaradzi.

Vachiona Jesu vakasimudza maVoices avo vakadaidzira “Jesu, Tenzi, tinzwireiwo ngoni!”. Varume ava havana kurebesa request yavo but vakangokumbira kuitirwa ngoni/tsitsi/mercy nekuti vaiziva kuti kana wawana ngoni kubva kuna Mwari, zvinhu zvese zvinonaka. Ukawana ngoni dzaJesu ese aurikuti maProblems anochinja kuita maTestimony, and chinhu chakanaka kutenda Mwari nekuda kweTsitsi dzavo dzavanotipa zuva nezuva. Tsitsi dzaJehovah dzinoshamisa, ndidzo dzinoita kuti iwe neni tione zuva ranhasi, nekudaro ngatitendei, tsitsi idzodzo dzaTenzi wedu Jesu Christu.

Jesu achinzwa request iyi, haana kuvati “receive your healing” but akavaudza kuti, “Endai munozviratidza kuvaPriests.” There are times dzekuti unoExpecter kuudzwa something, une mhinduro yaunotarisira kubva kuna Mwari, but rega ndikuudze kuti kutaura kwaMwari kunogona kuuya neNzira yausingafungire. Kana uine leprosy unogona kutarisira, maStatement ekuti receive your healing, kana kunzi you are healed, waporeswa, but Jesu apa haana kudaro, akataura kuti endai munozvitaridza kumaPriests. Varume 10 ava havana kutsamwa but vakatererera.

Rega nditaure chinhu ichi, maybe une vhangeri rawakamirira kuti riparidzwe, maybe une maDeclarations awakamirira kuti aitwe, but even though zvikasaparidzwa zvinhu izvozvo or pakashayiwa maDeclaration auri kuda, tenda Mwari neiro Shoko ravataura. Dzidza kutenda Jesu neiro shoko ravenge vakuudza zvisinei kuti ndiro rawanga uchitarisira here kana kuti kwete. Murume wepaBethsaida aitarisira kuwana munhu anomuPusher mumvura kana yobvongodzwa, but Jesu haauye kuzoparidza nyaya yePush but anotaura achiti take up thy bed and walk. Munhu akapora. So nyaya yehaizi yemashoko awakatarisira but ndeye iye wacho anotaura maShoko anounza shanduko, whatever GOD says to you, thank Him for that, whatever Jesu zvaanokuudza you need to thank Him nekuti variko vazhinji vanoda kunzwa kutaura kwaMwari but havasi kunzwa, but iwewe zvako watouona mukana iwowo, nekudaro zvinoda kutendwa.

varume 10 ava havana kuramba kuenda kwavaudzwa but vakabvuma. And imo munzira imomo ndipo pavakapora. Ndizvo zvakanakira kufamba muShoko raJesu, ndizvo zvakanakira kufamba muShoko raMwari nekuti in the process yekufamba kudaro ndipo paunowana mhinduro yako. Ngatitendei Mwari nekuda kweMhinduro dzavakatipa pose patinofamba muShoko ravo. Varume ava havana kuporera kumaPirisita kwainge vanzi vaende, but vakaporera munzira vachienda kumaPirisita ikoko. Some answers don’t come nekuti tava kudenga, but anotanga kuoneka tichiri pano pasi. Ndinotenda Mwari wekuti even though vana veIsrael vasati vasvika kuCanaan, munzira umu vanofanopihwa manna, vanofano pihwa nyama. Promised land hamusati masvika but Mwari vanonayisa manna, nekuti muri kufamba muShoko ravo, and izvozvo zvinoda kutendwa.
zvinhu zvingani so far zvawakaitirwa naMwari pano pasi, iko kudenga kwacho usati wasvika? Tenda Mwari hama
One murume paanoona kuti aporeswa, anobva arova U turn achidzoka kuna Jesu neLoud voice anotanga kurumbidza Mwari. Kwekutanga uko with a loud voice vakadanidzira kuti Jesu have mercy on us. Paanopora, anosimudzira zvekare loud voice rake achirumbidza Mwari. Loud voice paRequest yake and Loud voice paThanksgiving yake. Zvinhu 2 izvozvo zvinofanira kuMatcher, kwete kuti unonamata stereki, uchikumbira zvakanyanya, nemisodzi nemisodzi, but kana wapuhwa zvauri kuda, haunamate uchitenda sekukumbira kwaimbosiita. Kutenda kwako ngakusvike paLevel yekuti unobata fasting, kwete kuti unoda kukumbira something but unongoda kungotenda Mwari nezvavakakuitira. Fasting yeThanksgiving chete. Ko handiti pawaikumbira maiita zvekutsanya here? Ko zvakaipei kutsanya zvekare paThanksgiving yako.

rinonyenga rinotenga Pizza, rinozotenga maputi kana radiwa. Rega kudaro kana uri muChristu, kana makambokumbira nyasha with a loud voice, munofanirawo kutenda Mwari with a loud voice. Time yako yemaRequest at least ngaifanane neTime yako yekutenda Mwari, or even thanksgiving ngaipfure maRequests ako.

Chinorwadza ndechekuti pavarume 10 vakaporeswa mapere mbudzi, 1 chete ndiye akadzoka kunaJesu. 1 out of 10 ndiye ega akadzoka kuzotenda. Jesu haana kuti kana mapora, mozodzoka kuzotenda but akangoti endai munozvitaridza kumaPirisita. But uyu murume uyu akaziva kuti even though tisina kunzi mozodzoka kuzotenda, ini pachezvangu I must go back and Thank Him. Zvimwe zvinhu hazvidi kuti uudzwe kunzi unofanira kutenda, but wega fungawo. Just like example yandapa pakutanga yeAirtym, munhu anogona kukutumira sms ine number dzeCard chete isina kunzi kana raJuicer wozonditenda, but wega on your own unonyatsoona kuti rega ndifone ndichitenda. The same must be done unto GOD, usamirire sermon yakaita seino kuti ufunge kutenda Mwari but wega gara uchitenda zvakanaka zvaunoitirwa.
Mumwe munhu right now ari muHospital akaiswa paOxygen and he is charged for that, iwewe oxygen yacho uri kufema free of charge, hapana kana cent raunobvisa. Unoda kuzotenda Mwari kana zvaiita sei?
Mumwe munhu akazvarwa ari bofu, atorine shungu dzekuti aone, but iwewe une 2 maziso anoshanda zvakanaka zvisingade kana maSpectacles, unoda kuzotenda Mwari kana zvaita sei.
Mumwe munhu apihwa mishonga yese kuti apore, akendeswa kune maSpecialist anogona basa ravo but akangofa, but iwewe wakarwarwa Mwari vakakuporesa, unoda kuzotenda kana zvanyatsoita sei chaizvo.
Kune mumwe munhu anoenda kubasa neTsoka everyday kuti achengete mhuri yake, walking more than 10 km but iwewe unoenda kubasa nemota yako, or unotokwira hako combi wakadekera, unoda kuzotenda Mwari kana zvaita sei.

Tenda Mwari, tenda Mwari, zvinhu zvizhinji zvavakakuitira zvekuti tikada kuzvitaura 1 by 1 hazvipere, thank GOD for those things.

1 out 10, ndiye ega akadzokera kunotenda, vamwe vese havana kudzoka. Let that 1 out 10 persons be you, pavanhu 10 vese vanoitirwa zvakanaka naMwari, 1 anodzoka kuzotenda ngaave iwewe. 90% yese ingarege kutenda Mwari, ingarege kunamata, but iwewe you must be the 10% inodzoka. Vamwe 9 avo vanogona kukutsiura kuti iwe, Jesu atiti tiende kumuPirisita haana kuti tidzoke kwaari, wakuenda kupi, but iwewe unofanira kuzviziva kuti I must go back and thank GOD. Nyika ingakuti siyana nazvo zvekunamata izvi, but on your own you must make a decision yekuti ndinoda kutenda Mwari, ndinoda kuvarumbidza, ndinoda kuvanamata.

Murume uyu aiva muSamaria, and Jesu aiva muJudha, and chifunga kuvengana kwaive pakati pemaJudha nemaSamaria, paiva neBeef rekutoti mukadzi weSamaria anonyima Jesu mvura yemutsime, kwete Bottled water inotongeswa muShop but mvura yemutsimwe ndiyo yakanyimwa Jesu nemukadzi weSamaria. But murume uyu muSamaria uyu haana kuConsider zvese zvakawanda wanda zvemaBeef but akadzoka kuzotenda Jesu. Rega kuConsider zvakawanda wanda, kuti sei Mwari vachipa vamwe mota isu tichichovha mabhasikoro, sei Mwari vachipa vamwe maBasa kumaCompanies anoBhadhara stereki isu tichishanda kune mari shoma, don’t consider zvakawanda wanda, but tenda Mwari neizvozvo zvavakakuitira.

Jesu akabvunza akati handina kuporesa vanhu 10 here, ko vamwe 9 varikupi?
Get this, Jesu haana kuti kana mapora mozodzoka, but pano apa anobvunza kuti ko vamwe 9 sei vasina kudzoka. Zvichireva izvo kuti He was expecting kuti vanhu vese vadzoke, Jesu aitarisira kuti vanhu 10 vese vadzoke, even though ainge asina kuvaudza kuti mozodzoka. Jesus is expecting you to return kuti uzotenda, Mwari vakamirira kuti udzoke kuzotenda zvavakakuitira. Now is the time yekuti Ishe ndadzoka kuzotenda, Mwari ndadzoka kuzotenda zvakanaka zvamakandiitira.

kusatenda kunokonzera kuti next time usabatsirwe zvekare. Even magariro edu vanhu pachedu, do you know kuti kune mumwe anotonzi nhingi handimubatsire futi, ndakamupa chakati nechekuti but haana kana “thank you” yaakabuditsa mukanwa make. Unosvika paPoint yekuti vanhu havadi kukubatsira because haugone kutenda. Just imagine kana Mwari vakasvika paLevel iyoyo yekuti vanoti uyu hapana chandinomupa because haatende zvandinomuitira. Yes Mwari vanogona kuzviita, ukaverenga Hosea 2:8-9 unonzwa kuchinzi Nokuti akanga ASINGAZIVI KUTI NDINI NDAIMUPA zviyo, newaini nemafuta, nokumuwanzira sirivha nendarama, zvavaibatira Baari nazvo. Saka NDICHAMUTORERA zviyo zvangu nenguva yazvo, newaini yangu itsva nenhambo
​​​​​​​ yazvo, ndichabvisa makushe angu neshinda yangu zvaaifanira kufukidza kushama kwake.
      
iyoyi nyaya yekusatenda iyoyo inogona kukukonzera kuti urasikirwe nezvakawanda. After reading this sermon, svika paunonamata kuna Mwari uchingokumbira kuti vakuregerere for failing to give thanks pane zvose zvavakakuitira and chitotanga kuvatenda nekuda kwezvese zvavanokuitira. Let it be a daily prayer yekungotenda Mwari nezvese zvavanokuitira iwe, nevamwe vese vakakupoteredza, tenda Mwari kunyangwe nezvavanoitira vanhu veChurch yaunopinda or even vanhu vasati vaziva  Mwari.

Kunyangwe chikafu chaunodya chaicho, you start by giving thanks, hautange nekudya then wozotenda wapedza. Ipo pakudya usina kutenda ipapo ndipo pakuzorwara nemudumbu kana nezvimwe zvakadaro. Thanksgiving ine zvainounza, ukaverenga John 6:11 uchaona kuti Jesu anobata basket rine 2 fish ne5 loaves and he gave thanks, iyo thanksgiving yakaitwa ipapo yakakonzera a multiplication. Jesu haana kunamatira kuti chikafu chiwande but He simply gave thanks, chikafu ndokuwanda. Imwe increase yauri kuda muLife mako ichauya kana wava kugona kutenda Mwari neizvozvo zvishoma zviripo. Jesu haana kutenda after miracle but akatenda before miracle. Begin to thank GOD nezvishoma zviripo izvozvo


chero mumagariro ako nevamwe vanhu, dzidza kutenda zvavanokuitira.

1 Thessalonians 5:18  in everything give thanks. For this is God’s will for you in Christ Jesus.

4 comments:

  1. Keep preaching. What a powerful message. Aihwa ngatitende Mwari nezvaachatiitira, zvaarikutiitira uye zvaakatiitira. How i wish these message would be on audio.

    ReplyDelete
  2. Amen mashoko anoporesa chikuru kutenda

    ReplyDelete
  3. Ndaporeswa pa messege iyi ndinotendawo imwiwo mafemerwa kunyora mharidzo iyi Mwari ndinomutenda

    ReplyDelete