Common
sense ndingiati ndiwo mafungiro anotarisiwa kuitwa nemunhu ari Normal
anoReasoner, zvisinei neBible. But Faith, mafungiro ari in line neBible neSimba
raMwari.
most of the times zvinhu 2 izvi zvinorwisana, muenzaniso common sense dzinoti kana munhu ukarova dombo netsvimbo, chinotsemuka itsvimbo, but ukaverenga Exodus 17:6 unoona kuti Moses paanorova dombo netsvimbo, chakatsemuka iDombo, kwete tsvimbo.
common sense inoramba kuti 5 loaves and 2 fish dzinogona kuFeeder vanhu 5000, but faith inoti zvinhu izvozvo zvinokwana as long paina Jesu chete.
common sense dzinorwisina neFaith.
Hebrews 11:6 ichibva yati without faith you can not please GOD, pasina kutenda haugone kufadza Mwari. Common sense, ndiyo wisdom yepasi pano and 1 Corinthians 3:19 inobva yati the wisdom of this world is foolishness with God. For it is written, He taketh the wise in their own craftiness. Nokuti uchenjeri hwenyika ino upenzi pamberi paMwari. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Anobata vakachenjera pamano avo.
So mutendi unofanira kuOperator uchishandisa Faith kuti ugone kufadza Mwari, izvi zveCommon sense izvi hupenzi pamberi paMwari ndokusaka mharidzo ino ine musoro wekuti COMMON SENSE VS FAITH, nekuti ndinoda kupatsanura zvinhu zviviri izvi.
paScripture reading yedu, ndaverengesa Prophesy yakaitwa naElisha mushure mekunge kwaiitika nzara muguta reSamaria. Guta reSamaria rainge rakakombwa naBenHadad mambo weSyria nemasoja ake so vanhu vemuguta umu vaisakwanisa kubuda vachienda kunoTrader nemamwe maguta kana kutsvaga chikafu. I don’t want to spend much time pamaEvents akaitika before prophesy yaElisha but ndinoda kunanga ipo paProphesy yacho.
Elisha anoporofita achiti Hear the word of the LORD: thus says the LORD, Tomorrow nenguva dzino chiyero chimwe choupfu hwakatsetseka chichatengeswa neshekeri rimwe nezviyero zviviri zveBhari neshekeri rimwe paghedhi Samaria.
Elisha achipedza kuporofita izvi, pane mumwe murume aifamba naMambo akabva audza Elisha kuti Kunyangwe Jehovah vakavhura maWindow ekudenga zvingaitike here zvauri kutaura izvi?
Elisha akapindura akati uchazviona nemaziso ako but hauzi kuzozvidya.
statement iri ukari analyser uchiona kuti murume uyu akashora simba raMwari, hanzi kunyangwe Jehovah vakavhura maWindow ekudenga zvingaitike here zvauri kutaura izvi?
in other words ari kutaura kuti Mwari havana simba rekutipa chikafu chawataura, even if vakavhura maWindow edenga hazviite, it cant.

unoziva kuti the moment munhu paanotanga kutaura kuti Mwari havagone chakati nechekuti, munhu iyeye anenge achitoshora Mwari. get this, kune zita raJehovah rekuti El-Shaddai zvichireva izvo kuti The Lord Almighty, Jehovah Samasimba, zvichireva izvo kuti Mwari vane simba rekuita chero chipi chavafunga kuita, kana vakada kuti red sea itsemuke, vanozvinogona, kana vakada kuti dhongi ritaure, zvinoitika, kana vakada kuti Razaro amuke after 4 days after zvinotika.
but neiro simba rakadaro wozonzwa mumwe munhu achiti, even if Mwari vakavhura mawindow edenga, zvawataura hazviitike.
Problem yemurume uyu ndeye kuti akaConsider situation yeSamaria akaConsider mamimiro akaita zvinhu instead yekuConsider simba raMwari. Rega kuConsider mamiriro ezvinhu but tarisa simba raMwari, that’s why Bible richiti do not focus on the seen but on the unseen.
murume achitarisa mamiriro ezvinhu, akafunga kuti vanhu varikudya misoro yemadhongi, vanhu varikudya matoto eshiri, but hepano Elisha ari kuporofita fine flour, ahhh hazviite.
he considered kuti nhai flour inobva kupi imo munyika muine nzara, hapana mvura irikunaya, mumunda zvinhu zvakaoma kare kare, so barley inobva kupi irikutaurwa naElisha, flour inobva mumunda waani.
he considered kukombwa kweguta, kuti guta ratigere rino takakomberedzwa naBenhadad nemasoja ake, so even if tikada kuenda kunotsvaga chikafu, panze apo hapafambike so fine flour yataurwa naElisha inobva kupi.
aka Consider iye Elisha wacho arikuporofita kuti ahh kana iye Elisha watinogara naye muguta munhu angataure zvinhu zvinoitika here, maybe dai ari mutumwa auya kubva kudenga, dai ari angel Gabriel, yahh ndaibvuma, kwete ana Elisha vatakakura tichiona
He considered mamiriro ezvinhu but haana kuConsider simba raMwari. Akanyanyo ongorora maomero akaita nhamo, but haana kuongorora simba raMwari.
ndiro dambudziko reCommon sense, dzinokutuma kuti uongorere mamiriro enhamo but usingatarise simba raMwari.
common sense inokutuma kuti utarise maSigns and symptoms echirwere but usingatirise mavanga aJesu anounza healing.
common sense inokutuma kuti utarise bill rezvikwereti but usingatirise, Bible rinoti Mwari ndiye muridzi weSilver and gold.
common sense inokutuma kutarisa hembe dzakabvaruka dzawakapfeka but isingakutume kunzwa Jesu anoti usafunganye kuti uchapfekei
common sense inokutuma kuti utarise maResults ekuti wakafoira chikoro but isingakutume kutarisa Mwari anosimudza marombe kubva muhuruva
common sense inoda kuti utarise pazvinhu zvinoonekwa but haidi kuti utarise kugona kwaMwari utarise simba raMwari.
murume uyu achitarisa maomere eSituation, izvo zvega zvakamutuma kuDoubter simba raMwari, kuti ahh even if Mwari kana vakazarura maWindow edenga, hazviitike zvamuri kutaura izvi. Doubt inotuma munhu kuramba pfungwa yaMwari, that’s why vazhinji vachizo quitter kunamata. Chinomutuma kuramba kuti handichada kunamata inyaya yekuti munhu anoona sekunge minamato yake isiri kupindurwa. Chiiko chirikuita kuti minamato yake iite kunge isiri kupindurwa, iNyaya yeDoubt, nekuti James 1:6-7 inoti munhu anoDoubter haagone kugamuchira chinhu kubva kuna Mwari. Doubt yacho inobva kupi, inobva pakuti unoda kuMixer common sense neFaith.
its like a see saw, chimuzerere chekuti kune rimwe side kunogara munhu, and kune rimwe side kunogara mumwe munhu One side rakangorema kupfura rimwe then one anoenda mudenga,and mumwe anoramba ari pasi. kuSide uku kune common sense, and the other side kune Faith, common sense ikangohwina chete, ndipo panopinda doubt and prayer yako yavakutoshaya mhinduro.
Faith yako ngaikure kupfura common sense dzinotaurwa neVanhu, faith yako ngaikure kupfura zvinonyorwa nemaNewspapers, kupfura zvinotaurwa paTV, muRadio, mumaCombi, even zvinotaura nevakafunda veNyika ino.
the moment yaunongobvuma common sense yekuti HIV hairapike, shuwawo you wont get your healing. The moment yauno ngotenda kuti chokwadi there are no jobs, shuwa hauriwane basa racho. The moment yaunobvuma kuti course/subject yauri kuita yakaoma, shuwa haupase. Muti unodhonhera kwawakarerekera, kana ukarerekera kuCommon sense ndiko kwaunodhonhera ikoko, kana ukarerekera kuFaith, ndiko kwaunodonhera ikoko.
murume uyu achipedza kutaura zvaakataura, Elisha akabva apindura akati uchazviona nemaziso ako but hauzi kuzozvidya. You shall see it with your own eyes, but you shall not eat of it.
chakaipira doubt ndechekuti, Mwari vanongotaridza zvinhu zvacho but haukwanise kuzviEnjoyer, unozviona kuti zvinhu izvo but haulume. Unonyatsoona vamwe vachipa maTestimonies ekuti Mwari akavaporesa pachirwere chimwe chete chaunoramba kuti hachirapike. Course yaunoti yakaoma, iwe unoita kana 49% vamwe vachirowa mu 80%, wobva watonzi wafoira, but vamwe vako vapasa. Unozviona but haulume.
Zvese zvaunoramba kuti Mwari havagone chakati, GOD will shock you, unozviona zvichitikira kune vamwe but kwako zvichiramba. Ndipo paunozotanga kufambisa manyepo ekuti vanhu vari kushandisa juju, varikushandisa zvikwambo.
Mwari vanenge vachingoda kuti ubate shuwa kuti He is a Powerful GOD.
Chenjera kuti kuReasoner kwako outside shoko raMwari kuchaita kuti uone zvaunoda but wotadza kuzviEnjoyer.
Handisi kuda kuFocuser pane mauiro akaita chikafu chainge chakaporofitwa. nyaya yacho yakareba and Imwe sermon yakazvimirira yega iyoyo. But chikafu chakazouya in accordance neProphesy yaElisha. Murume wekushora shoko raMwari, ndiye akabva anzi naMambo iwewe enda unomira paGhedhi, uchiController vanhu. Asi rangirirai kuti ipo paGhedhi ipapo ndipo pakaporofitwa kunzi pachange pachitengeserwa chikafu. maZimbabweans mazhinji we know zvinoitika paPressure, izvo kana neni I can bear witness nekuti ndakapindana nazvo, kwaO.K. kuchinzi kwabuda hupfu, unenge uripo paPressure, kwaT.M. kuchinzi kwabuda salt unenge uripo zvekare.
so just imagine pressure inoitwa nemunhu ajaira kudya misoro yemadhongi, nematoto, and you tell him kuti paGhedhi apo pane fine flour, and yainge yakaCheaper kupfura price yematoto yamunosidya. Pressure yacho haina kumira mushe.
rimwe rinenge richida kuSearcher zvikwama, mumwe anokutsika mapata-pata, mumwe anokurova negokokora, mumwe achikudhonza. Kana takaiti pressure its an understatement but rega tiiti pakaitika stampede.
it reminds me of something chandinoda kutenda Mwari, July 2000, I was only 10 years old. Ndakaenda kuBhora reZimbabwe neSouth Africa, ini naAmai vangu neBaba and my young brother who was only 2 back then. muGround makatanga noise police ikamwaya maTeargas pakaitika stampede, kuti ndizive kuti ndakakwanisa kubuda muGround sei, I don’t remember clearly, but I remember tichibuda muStadium ndakaona munhu ainge akarara pamaSteps and vanhu vaipfura vachimutsika nekuti kwaingova kumhanya kwega kwega and hapana movement yaioneka paari. Tichibuda muGround takafunga kuti it was just an ordinary stampede but tichisvika kumba paNews dza8, it was reported kuti kwafa vanhu 13. Just imagine 13 people died in the same place I was in. apa ndanga ndiine 10 years chete, but vanhu vakuru kwandiri havana kukwanisa kubuda imomo.
hakuzi kugona kwangu but iNyasha dzaMwari.
ndichidzokera paMharidzo yedu, paGhedhi pakaitika stampede vanhu ndokutsikirira murume uya, wekuDoubter prophesy. Akatsikiriwa akafira ipapo. He died on the spot kana tava kutaura pachi Journalist vanoReporter tsaona.
zvinorwadza sei, kuti vamwe vanenge vachisara vachidya fine flour but iwe waenda. Nguva yeDrought hauna kufa but musi unouya chikafu you die.
Nguva yeZim dollar waishanda zvakanaka but pakangouya US dollar wakabva wadzingwa basa. Mari inotenga yauya but you get fired. Chikonzero, he doubted the Word of GOD.
Chenjera kuti kuDoubter shoko raMwari kuchakuurayisa, vamwe vanosara vachirarama and iwe uchifa neChirwere chawaka doubter kuti Mwari havagone kuchirapa. Mumwe akafira yekuDoubter uyu, let it be a lesson to you also.
simba reCommon sense rikangokunda faith yako the next thing is that you will doubt your prayers, prayer ine doubt mukati, Mwari havaunze mhinduro. And ukashaya mhinduro ndipo pauno pedzisira wakuBackslider uchiramba kunamata.
So increase your faith, Bible rinoti faith comes by hearing and by hearing the word of GOD, kutenda kunouya nekunzwa uye nekunzwa Shoko raMwari.
Terera kuti Mwari vanoti kudii mushoko ravo Bhaibheri, simudza kutenda kwako.
mamwe mashoko ese ehuchenjeri hwevanhu anowira pasi, asi shoko raMwari hariwire pasi. Newspaper rinogona kukunyepera but Mwari havaite mutambiro wakadaro.
chese chakanyorwa nemunhu chinogona kusanduka, but Mwari vanogara nekusingaperi.
Vimba NaJehovah, isa kutenda kwako mavari. And uchaona zvavachakuitira
No comments:
Post a Comment