Tuesday, 22 December 2015

Aluta Continua (the struggle continues) – Part 2

Scripture reading: Revelation 12:7-9
Aluta continua, hondo ichiri kuenderera mberi, in part 1 takaona kuti hondo pamusoro pezvakaipa izvo zvinobva kuna satan nezvakanaka izvo zvinobva kuna Mwari haina kupera, the battle still continues. Nhasi tirikuda kudzidza pamusoro pemaTactics which we can use to win this war.

Kuti ukunde hondo iyi you need to join the winning side. Ukaverenga Zvakazarurwa 20 vs 10 uchaona kupera kwehondo iyi satan and his team shall be thrown into the lake of fire. maResults ehondo iyi atoriko kare, the devil is going to lose, its like a delayed match, & kana uchiona delayed match don’t expect kuti maResults achachinja, hakuna izvozvo. saka gara waziva side rekuJoiner. Join team Jesus nekuti ndiyo irikuhwina. Iwo mademon they actually know it, that’s why akabvunza Jesu akati mauya here kuzotitambudza iyo nguva isati yakwana, (Matthew 8:29). Meaning to say the demons know that they are going to be destroyed. Gamuchira Jesu nekuti kubudikidza naiye ndiye anotipa kukunda wakaipa. Babatidzwa uye ugamuchire Mweya Mutsvene, nekuti Mweya Mutsvene is the greatest empowerment you need pahondo iyi.

Kana uchinge waJoiner side raMwari kubudikidza nekutenda muna Jesu zvavakuda kuti uchitange kurarama hupenyu hunoenderana nezvinodzidziswa naMwari wacho. You cannot join the army yet usingade to follow orders, hazviite, unodzingwa. Saka kana waJoiner humambo hwaMwari, iva munhu anoterera zvinodiwa naMwari, when soldiers are told to jump they don’t ask why but they ask how high sir, when soldiers are told to run, they don’t ask why but they ask at what speed sir, Your Commander knows what’s best for you that’s why ari Commander, zvaunenge wanzi naMwari siya chibva wasiya, zvawanzi ita chibva waita. Commander wako anoziva zvakakunakira uye zvisina kukunakira so you need to obey Him.

Kana waJoiner team Jesus, let go of zvimwe zvinhu zvinokukanganisa kurwa hondo iyi. 2 Timothy 2:4 yoti Hakuna munhu anoshanda somurwi anozviisa pazvinhu zvoupenyu hwavasiri varwi, anoda kufadza mukuru wake wehondo, (No one in military service gets entangled in matters of everyday life; otherwise he will not please the one who recruited him.)

Kana mafunga zvekufadza Mwari, do away nezvinhu zvinokupiringisa, zvinhu zvakaita seEntertaiment yekunyika, certain friends, certain fashion, anything chinoita kuti utadzekuServer Mwari fully ngachisiiwe. Hebrews 12:1 yoti “ Naizvozvo nesuwo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, NGATIBVISEI ZVOSE ZVINOREMEDZA, nechivi chinongotinamatira nyore, uye ngatimhanyei nokutsungirira, nhangemutange yatakaisirwa. We need to lay down every weight of the world, kwete kuswera takatakura nezvinhu zvisingatibatsire pahondo iyi.

1 Peter 5:8 yoti BE SOBER, BE VIGILANT; because your adversary the devil, as a roaring lion, walks about, seeking whom he may devour” hondo iyi inotoda kuva sober, ukaita zvekudzakwa satan anokubata wakarivara. Haizi nguva yekuda kuSticker neBronco, this is not the time yekumwa cranco, maLagers or any alcohol nekuti paunoSticker ipapo satan anoita make sure kuti anokuparadza.

Kana waJoiner army iyi zvakuda kuti ukoke vamwe, invite others kuti vagamuchire Jesu, preach to them, let the word see the goodness of the Lord through your lifestyle. Jesu akasiya araira pana Matthew 28:19 akati endai naizvozve mudzidzise ndudzi dzose, muchivabhabhatidza muzita raBaba, neroMwanakomana neroMweya Mutsvene. We are supposed to invite others to join team Jesus.

Chi “Lone-ranger” hachishande muhondo iyi, zviya zvekuti unoda kurwa hondo uri wega. Yes I agree kuti nyaya yeruponeso ndeyako iwe munhu wakazvimirira uri wega but that’s not a valid reason yekuti urambe kubata basa raMwari nevamwe. We are soldiers and we need to work together, tinofanira kuita fellowship tichisangana sevatendi tichikurudzirana, nekuti just like in the army vane zvombo zvakasiyana siyana and kusiyana kwezvombo ikoko kunobatsira kuti vabatane and fight as a team than as individuals. Izvo zvekuda kurwa hondo uri wega nekaPistol kako zvine njodzi, wadii wabatana nevamwe so that vanopota vachikupawo zvombo zviri nani, maBullets akapera they can give you mamwe. Hebrews 10:25 yoti “Tisarega kuungana sezvinoita vamwe, asi tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva roswedera”

One of our best weapons muhondo iyi is prayer, we are supposed kuva vanhu vanogara vachitaura naMwari. Ihondo ipi yamunorwa without communicating neBase renyu, you need to communicate neBase renyu muchiudzwa information inokubatsirai and kuti muvaudzewo zvirikunetsa kwamuri. maBullets ave kupera kuno, please tipei mamwe, that’s the communication inodiwa, Mwari ndisimbisei ndave kupera simba, that’s the communication inodiwa, Haikona kurwa hondo iyi usina communication neMukuru wako.1 Thessalonians 5:17 yoti pray without ceasing. On the war front you can go for sometime musina chekudya. likewise hondo yedu iyi inotombodawo kuzvinyima zvekudya (fasting and prayer)

Imwe weapon zvekare is faith (kutenda), prayer on its own its not enough, panoda kuti munhu uve neFaith and Romans 10:17 yoti kutenda kunouya nekunzwa uye nekunza shoko raMwari, you need to feed on the word of GOD inorder for you to grow in faith.

Muhondo yakarwiwa muno muZimbabwe vaipota vachiimba maSongs, this strengthened them, kuBase kumaPungwe vane nziyo dzavaiimba ana Cde Chinx, izvi zvaiBoaster moral yavo. Even us Christian soldiers tine music inotisimudzira and not just any music but music ine maLyrics anoenderana neBible. Haizi music yese yese yatiri supposed kuterera, we must listen to music inoita kuti tiswedere pedyo naMwari. Music which encourages us to go on with this battle when we are weak

Kuhondo vanopfeka uniform, purpose yeUniform is for identification uye protection. Ungade kupfeka mapata-pata instead of majombo, ungade here kufamba usina bhutsu iwo majombo aripo. Muchamhanya nepane matombo ndipo uchaona kukosha kwazvo. Even for us maKristu tine kamupfekero katiri supposed kuita kasingatukise chiChristu but kanoita kuti nyika ione kuti ava vanhu ava they are different from us. Dressing yemuCivilian nemusoja ngaisiyane, dressing yemuChristu neyekunyika ngaisiyane, pfeka zvinoita kuti ziva raMwari rikudzwe. Dress decently not just zvePhysical dressing but also let’s be spiritually dressed sezvinodzidziswa on Ephesians 6:10-17

Hondo dzakanyorwa kubva muBible dzine maLessons akawanda which you can apply muhondo yemweya yatiri iri. Muyenzaniso hondo yeArmy yaitungamirwa naGideon pana Judges inotidzidzisa kuti Mwari vanogona kupa vanhu vake victory despite their few numbers, izvi zvondibatsira kuti ndizive kuti kunamata haizi nyaya yemaNumbers, munogona kuwanda but as long musiri pachokwadi chaMwari there is no salvation for you, munogona kuva vashoma but as long as muina Mwari you are safe, this is just one lesson of the many lessons dzatinowana from that story, and also in each and every battle iri muBible we can draw lessons from it Mweya Mutsvene achitizarurira

Zvakawanda zvinhu zvacho, and I encourage you kuti uverenge bible rako uwane zvizhinji zvaunodzidza from hondo dzirimo muBible. Lessons which you can apply into today’s battle

Mashoko ekuti Aluta Continua, haaperere ipapo but they continue obva anzi Victoria Acerta (or sometimes spelt as Victoria e certa) zvichireva izvo kuti Victory is Certain.


Aluta Continua, Victoria Acerta, (the struggle continues but victory is certain, hondo irikuenderera mberi asi naJesu tinokunda

No comments:

Post a Comment