Tuesday, 22 December 2015

License to sin (Part 2)

Scripture reading: Acts 9:1-5
In part 1 of this sermon takabata nyaya yekuti unogona kupihwa mvumo nevanhu or nemaAuthorities epanyika kuti utadzire Mwari but hazvireve kuti ndiMwari vakubvumidza kuita chivi ichocho. Nhasi tinoda kubata another serious angle to this issue irikurasisa vanhu vazhinji.

Pana Acts 9:1-5 takaona Sauro achienda kumuprista mukuru akandomukumbira matsamba kuti agoenda nawo kumasinagoge okuDhamasiko, kuti kana akawana ani zvake anotenda muna Jesu avasunge agoenda navo kuJerusarema. Sauro aitova ‘munhu wechurch’, aitova mumwe vevaPharisee and mhosva dzaaipara idzi dzekuuraya vatendi aitodziita achiti arikubata basa raMwari. That’s why uchiona kuti akaenda kunokumbira matsamba from a religious authority (High Priest), munhu aitovawo nechigaro munhau dzekunamata.

Ivo vakuru ava vanzi neBible High Priest vanopa Sauro matsamba ekutadzira Mwari. tirikurarama munguva yekaipa kwazvo zvekuti kutorine vakuru mukati memaChurch vanopa vanhu matsamba (kodzero) yekuti vatidzire Mwari. havasi vese vakuru mukati mekunamata vanoshandira Mwari, vamwe they serve the devil knowingly & unknowingly & type iyoyo inotokupa permission yekuti utadzire Mwari.

Hausati wanzwa here kune dzimwe nyika like South Africa kune maPastor anochatisa ngochani, kupa vanhu kodzero yekuti vatadzire Mwari

Sauro aigona kutofara kwazvo kuti zvandiri kuita izvi zviri right nekuti ndapihwa approval naHigh priest, but even though zviine approval yemunhu it remains a sin before GOD. hazvisi zvese zvaunopihwa go ahead nemukuru weChurch zvinoreva kuti zvakanaka pamberi paMwari. Munogona kufara aSauro kuti kereke yenyu inokubvumidzai kuzvambaradza vatendi vaJesu, but iye Mwari achiramba zvinhu izvozvo, munogona kufara sisi kuti kereke yenyu inokubvumidzai kutyora maCommandments aMwari, but ivo Mwari vasingafare nazvo. Saka nyaya haizi yekuti mukuru wechurch ati kudii but consider kuti Mwari vanoti kudii. Remember GOD is above your church leader and the Bible is above any church doctrine.

To make matters worse, Sauro aiita zvinhu izvi achifunga kuti arikuitira Mwari zvakanaka but iye achitokanya. Tinogona kuita zvimwe zvinhu tichifunga kuti zvinofadza Mwari yet vasingazvide. Problem ichibvira pakuti we sought the approval of men, rather than from GOD Himself.

High Priest anogona kutopa Sauro matsamba ekubata mabasa akaipa, licenses to sin. Mukuru wechurch anogona kutokupai matsamba anonzi doctrine anokubvumidzai kutaridza Mwari, and mugofara kwazvo muchiti haaa isu kuChurch kwedu hakuna problem tinobvumidzwa this and that, but iyo this & that yacho ichirambwa naMwari.

Sauro aive nematsamba ekutambudza maChristu he thought he was doing the correct thing and akati oswedera kuDhamasiko ari parwendo rwake, pakarepo chiedza chakabva kudenga chikamupenyera kumativi ose. Akawira pasi akanzwa inzwi richiti kwaari, “Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?” Sauro akabvunza akati, “Ndimi aniko, Ishe?” Iye akapindura akati, “Ndini Jesu wauri kutambudza

my prayer ndeyekuti pandange ndichiparidza kudai, there is someone anzwa Jesu achitaura mumoyo make achibvunza kuti Nhai Sauro Sauro unotambudzireiko, nhai John John unonditambudzireiko, nhai Linda Linda unonditambudzireiko, deep down wonyatsoona kuti nyaya irikutaurwa apa ndeyako. pane zvinhu zvawaibata nekuti wakapihwa approval nevanhu, vangave maAuthorities enyika or vakuru vechurch, vakakupa a license to disobey GOD, a license to enter into sin but you have realised kuti it was wrong.

kana uripo munhu akadaro, Bibe nhasi ririkuti kuna Acts 17:30 Mwari akarega hake kurangarira nguva dzakare dzokusaziva kwakadai, asi zvino anorayira vanhu vose kwose kwose kuti vatendeuke.

You did it nekusaziva, wakatyora mitemo yaMwari because you didn’t know & Mwari vanoregerera nguva idzodzo, but now that you know Mwari Varikuti tendeuka usiye zvakaipa, repent and be baptised for the forgiveness of sins and you will receive the Gift of The Holy Spirit. (Acts 2:38)
Chiregazve kutsvaga approval yevanhu kuti upinde muchivi, kwete, kunyangwe ukapihwa permission yekutadzira Mwari, don’t use it.
Don’t be fooled, there is no license to sin, but there is Power in Jesus to Overcome sin


No comments:

Post a Comment