Scripture reading: Matthew 24:5
I remember joke yaitaurwa pamusoro paThe Late Dr
Zvobgo, zvainzi kumba kwavo vainge vakadzidza kwazvo zvekuti kwainge kwakazara
maDoctors ega ega And ukafona paLandline wobva wati can i please speak to
Doctor Zvobgo, waibvunzwa kunzi upi wacho nekuti pano pamba pakazara ane Dr
Zvobgo vakasiyana siyana
You had to be specific
Even in different areas dzatinorarama zviriko futi.
Kana vanhu vakaita the same name or same title unofanira kunyatso specifier
kuti urikutaura upi chaiye
Urikudiwa naJohn. Munhu anobvunza kuti John upi wacho
nekuti anaJohn varipano vakawanda
Guard adzingwa basa. Munhu anokubvunza kuti guard upi
wacho nekuti pano apa we have ana guard vakawanda. You have to be specific kana
pangoita vanhu vakawanda vane the same name or title
Nhasi musoro wemharidzo is a question. Nhasi mharidzo
irikubvunza kuti “Upi Wacho”. Which one exactly
Nyika yazara nevanhu vanozviti maChristu senge kana
iri Zimbabwe inobva yanzi it’s a Christian nation zvichireva izvo kuti majority
yevanhu vari muno munyika vanotenda munaJesu Christu. Haungaite muChristu
pasina Christu wacho. How can you be a Christian without Christ. Mumwe akabva
ataura akati i am a Christian and pasina Christ I AM NOTHING. Kubisa Christ
from Christian panosara 3 leters i-a-n zvabva zvanzi nemutauri i-a-n wacho
anomirira I Am Nothing, kureva kuti if you take away Christ from a Christian
panosara pasina chinhu. Hazviite kuti uve muChristu pasina Christu wacho
iye Jesu Christu wacho mumwe chete, hakuna mumwe Jesu
Christu kunzi kwaiye watakapihwa naMwari Baba kuti ani nani anotenda maari
arege kufa asi ave nehupenyu husingaperi. Hakuna mumwe Jesu other than uyo
akatifira pamuchinjiokwa akamuka nezuva retatu
Saka kana tichiti tinotenda muna Jesu Christu then
what we believe in is supposed to be the same, zvatinotenda mazviri hazvifanire
kusiyana since tichitenda muna Jesu mumwe chete
But ukazvitarisa maChristu tinotenda muzvinhu
zvakasiyana siyana yet we claim to believe in one Jesus Christ. Pane zvimwe
zvinhu zviri very minor zvekuti tinogona kuita muonero wakasiyana but poita
mamwe maMajor issues ekuti unoona vanhu vachiva nemuonero wakasiyana very
different views. Kureva kuti pane chirikukonzera izvozvo and nhasi ndipo patiri
kuda kubata, nekuti bible rinotiudza pana 1 Corinthians 14:33 kuti For God is
not the author of confusion, but of peace, as in all churches of the saints.
(Nokuti Mwari haazi Mwari wenyonganyonga asi worugare Sezvinoitwa mune dzimwe
kereke dzose dzavatsvene,)
Zvinhu zvaMwari hazvisi zveconfusion kureva kuti kana
paita confusion satan ndiye anenge akonzeresa
Kana Jesu ari mumwe chete ko why zvinotendwa zvacho
zvichisiyana? Chimwe chikonzero inhau yekuti ana christu vanotendwa nevanhu
ndivo vasiyana. Hongu Jesu Christu mumwe chete but satan aripo pakuCreator
vamwe anachristu veFake kuti arasise vanhu. If we read pana Matthew 24:5 Jesu
achiporofita nezvemaEnd time events anotaura achiti “For many shall come in my
name, saying, I am Christ; and shall deceive many”.( Nokuti vazhinji vachauya
muzita rangu vachiti, ‘Ndini Kristu,’ uye vachinyengera vazhinji)
its very true kuti kune vazhinji vakapinda muvanhu
vachinyepa kuti ndivana Christu, but iko kuina Christu mumwe chete but panoita
vamwe vanofamba vachizviedza kunge ndivo Christu. They are counterfeits, varevi
venhema varipo pakuda kurasisa vanhu
But nyaya haigumire ipapo, the devil knows kuti kana
akasimudza an ordinary person ofamba achizviti ndini Jesu, very few people will
buy that. He won’t succeed nekuti vazhinji vane some knowledge inovanzvengesa
pahunyengeri hwakapusa kudaro. Saka satan uses another approach, instead yekuti
atume munyengeri anouya achizviti ndini Christu, he sends someone to preach
umwe christu asiri Christu chaiye. Unoparidzirwa umwe Jesu waunoshaya kuti nhai
ndiye here Jesu wandinoziva wemuBible uyu kana kuti ava mumwe. At the end of
the day mupfungwa dzako munosara mava ne a fake Jesus, a non-existent Christ.
Mundangariro dzevanhu munosara muine ana Christu
vakasiyana siyana, vamwe ndivo vanotenda muna christu anovabhadharisa mari kuti
vapone, vanotenda muna christu anovabhadharisa healing but uyo Christu wepana
matthew 10:8 anoti poresai mahara havamude, vamwe ndivo vanotenda muna christu
anodzidzisa revenge but uyo Christu anovadzidzisa kuregerera havamude. Vamwe
ndivo vanotenda muna christu anovaudza kuti the lack of money is the root of
all evil. Uyo anoti the love of money is the root of all evil havamude.
Dambudziko nderekuti kune ana christu vagadzirwa nedzidziso dziri wrong.
Munhu anenge achitoti ndakagamuchira Jesu but
chinozoshamisa is what that person believes in, ndizvo zvinokupa kuDoubter kuti
ummmm, ndiJesu upi arikutaurwa uyu, ndiJesu weNazareta here or kune mumwe
watisingazive
Saka nhasi mubvunzo uri kuti “Upi wacho”, which one
exactly, buda pachena kuti Christu waunotenda maari ndeupi wacho, is He the
Jesus Christu Muponesi akafa pamuchinjikwa akamuka or ndeumwe christu
wawakagadzira mupfungwa dzako anokubvumidza kuita zvese zvaunoda. Ndeupi
Christu wamunotenda maari,
Vana veIsrael vakambobatsirana naProphet Aaron
vakagadzira mwari wavo wegold, chimhuru chegold ndicho chavainge vave kunamata
pana Exodus 32.
Zvichida vanhu vave nechristu wavo wavakagadzira
nevafundisi vavo ana Aaron, you never know. Chimhuru chegold chekuti
hachikutsiure kana ukaita hupombwe, kana ukaba hachikutsiure, kana ukatuka
hachina zvachinotaura, izvo zvaMwari chaiye anopa mutemo wekuti usabe haadiwe
nevanhu, Mwari anoti usaite hupombwe haadiwe, vanhu vanogadzira wavo mwari
wegold, Christu anotsiura kubudikidza neshoko rake haadiwe, vanhu vanoda wavo
christu asingavatsiure anoti itai zvese zvamunoda
Nyaya yacho inotoda kuti munhu umbozvinzvera kuti
Christu wandiri kutenda maari ndiye here uye kana kuti ndiri kutenda munana
christu veFake vandakagadzira ndega or vandakagadzirirwa nasatan, ndiyo inonzi
naPaul pana 2 Corinthians 13:5 Examine yourselves, whether you be in the faith;
prove your own selves. Know you not your own selves, how that Jesus Christ is
in you, except ye be reprobates?
Zviedzei imi pachenyu muone kana muri pakutenda;
zviedzei pachenyu. Munoziva here kuti Jesu ari mukati menyu, kunze kwokutoti
makakundikana
zvinotoda kuti munhu ugare pasi and consider
zvaunotenda kuti ndizvo here zvinodzidziswa neBible, ukaona uchitenda mune zvinopikisa
dzidziso yeBible ziva kuti suspect,
Ephesians 4:5 yoti One Lord, one faith, one baptism,
ndinoda kuisa emphasis pana ONE FAITH, kutenda kumwe chete. One faith iyi
tinoiwana muBible nekuti Romans 10:17 inoti faith comes by hearing and by
hearing the word of GOD. ngatidzokerei kuBible, ngatidzokerei kushoko raMwari,
totora kutenda kwedu from the Bible, lets study our Bibles prayerfully,
tichitungamirirwa neMweya Mutsvene uye tiine moyo iri willing kuAccepter
zvokwadi yaMwari, tirege kuzvigadzirira vamwe ana christu vasingapindirane
neshoko raMwari, asi tigamuchire Jesus Christu the Only begotten son of GOD uyo
akafira nyika yose kuti ani nani anotenda maari arege kufa asi ave nehupenyu
husingaperi. Only Him can save us and not vamwe vese avo vanogadzirwa nasatan
No comments:
Post a Comment