Wednesday, 30 December 2015

ZVIRONGO ZVAKABOKA

Scripture reading: Jeremiah 2:13

Jeremiah 2:13 inoti iyo “Nokuti vanhu vangu vakaita zvinhu zviviri zvakaipa. Vakandisiya, ini tsime remvura mhenyu, vakazvivezera zvirongo, zvirongo zvakaputsika, zvisingagoni kuchengeta mvura.”

ndiMwari Varikutaura apa vachiti ivo vanhu vavo vakaita 2 evil things, the first evil thing chavakaita was kusiya ivo Jehovah the fountain of the living waters, and the 2nd thing ndokubva vazvigadzirira zvirongo zvakaputsika zvisingagone kuchengeta mvura, broken cisterns that cannot hold water. The true source yemvura vanhu havachade but vavekugadzira avo maContainers akaboka, anobvinza which can not hold water.

Nyaya irikutaurwa apa ichinzi mvura haizi mvura yatajaira in the ordinary sense H20, aiwa its more than about the natural water. Just like the days of Jeremiah so is it also today, vanhu vakasiya Jehovah tsime remvura mhenyu and vakazvigadzirira zvirongo zvisingachengete mvura zvinobvinza.
Vanhu havachade Mweya Mutsvene, aiwa vave kuda zvinhu zvinonzi zviri anointed but vachiramba the source of the anointing which is the Holy Spirit, ndokusaka uchiona kuti chiri more popular muzuva ranhasi maServices anopihwa vanhu some anointed materials but kana zvikanzi tinoda kuita service yekuti mumwe nemumwe azvinamatire in order to receive Mweya Mutsvene izvozvo hazvidiwe nevanhu.

People have left the fountain of living waters, vave kuda zvirongo zvakaboka zvisingagone kuchengeta mvura. Vanhu vavekuda chigubhu chemafuta chinogona kubiwa but Mweya Mutsvene asingabiwe havachamude, vave kuda anything chinonzi chiri anointed chavanobhadhariswa mari but the gift of GOD (The Holy Spirit) which is for free havadi.

Bible vanhu havachade, vave kuda maMan-made doctrines mamwe acho anotopesana neBible. Salvation (rupeneso) runowanikwa nenyasha kubudikidza nekutenda munaJesu vanhu havachade, they want to depend nemabasa avo kuti ndiwo achavaponesa, izvo zvaJesu people no longer want, they want to depend on their works for salvation
Vhangeri raJesu harichadiwe, pavekudiwa maMotivational speakers who call themselves man & women of GOD vanokuudza zvinotekenyedza nzeve even though zviri zvekunyepa. Mutemo waMwari hauchadiwe, vanhu vavekuda tsika dzechurch nemitemo yevanhu imwe inotopesana nemitemo yaMwari, ndiyo yavakusimudzirwa & mutemo waMwari uchidzikisirwa
Vanhu vakasiya Jehovah tsime remvura mhenyu, vakazvivezera zvirongo, zvirongo zvakaputsika, zvisingagoni kuchengeta mvura.

2 Timoti 4:3-4 yoti “Nokuti nguva ichasvika vanhu pavacharamba kuteerera dzidziso yakarurama. Asi vachida zvinovafadza ivo, vachazviunganidzira vadzidzisi vazhinji kuti vadzidzise zvinodiwa nenzeve dzavo. Vachafuratidza nzeve dzavo kuchokwadi uye vachatsaukira kungano
sarudzo ndeyako kuzvivezera chirongo chisingachengete mvura kana kudzokera kuna Jehovah tsime remvura mhenyu.
Let me be quick to make myself clear, Ini handirambe kuti GOD can use any medium kusvitsa simba rake kuvanhu, even muBible tinoona mumvuri waPeter uchiporesa varwere, tinoona machira achiunzwa paBody yaPaul and afterwards oiswa pane vanorwara and they would recover. GOD can use any medium, BUT chinhu ichocho hachizi richo chine nyaya but nyaya ndiJesu. That anointed material is not supposed to replace nzvimbo yaMwari muLife mako otherwise inenge yatova idolatry.

That anointed item is supposed to draw you towards GOD and not away from GOD, ukaona chichikudhonzera kure naMwari ziva kuti wazvigadzirira chirongo chakaboka. Its very sad kuti vamwe vavekuisa zvinhu izvi above GOD. anotosarudza kubuda mumba asina kutaura naMwari through prayer but haaite mistake yekubuda mumba asina kuzora anointing oil. The oil has replaced his/her prayer life. rubber band yemuruoko haadi kuishaya but week rese rinogona kupera without talking some serious time yekutaura naMwari kana kuverenga shoko raMwari. You are being drawn away from GOD by depending on that thing

Chinondibata panhau yezvirongo izvi is the issue yekuti zvirongo izvi zvakaputsika zvinobvinza, ndizvo zvataura Bible. Kudai zvaikwanisa kuchengetedza mvura yacho it was better but since zvakaboka hazvikwanise kuchengetedza mvura yacho. This shows their weakness.
Zvichitaridzawo maWeaknesses ezvinhu zviri kutendwa nevanhu mazuva ano. Faith yevanhu yabatirira pazvinhu zvizere maWeakness. Why do you trouble yourselves nezvirongo zvakaboka, ko madii kuDepender kuna Jesu the source of living waters.

Johani 4:14 yoti Asi aninani, unomwa mvura yandichamupa ini, haachazovi nenyota nokusingaperi asi mvura, yandichamupa, ichava mukati make tsime remvura, inovhaira kusvika kuvupenyu bwusingaperi
Rangarira that other day pataitaura nyaya yekuti Rachel dzosera Laban chimwari chake, but wakambozvifunga here kuti ko iye Laban anoita chimwari chekuti chinobiwa, a god which can be stolen and he even failed to recover it. (Genesis 31:30-32).
Ndiyo nyaya yezvirongo zvinobvinza. Laban's god could not protect itself against theft and you think it could protect Laban. NEVER.

Check chinhu chauri kuisa faith machiri, hazvisi rizvo here zvimwari zvaLaban zvekuti zvinogona kutobiwa nevanhu. Mwari vanogona kuisa simba ravo pane something but remember kuti satan aripo pakuda kuCreator zvake zveFake to mislead the people. Unogadzirirwa counterfeit, a copy of the original, ugofunga kuti isimba raMwari izvo nyamba ndisatan akugadzirira chirongo chakaboka. Even though that anointed item iri yaMwari you are not supposed to put your faith machiri but uri supposed kuisa faith yako muna Mwari the source of power. Ukafarira tap yemvura kupfuura dam unoita problem, nekuti tap pachezvayo haigone kukupa mvura, zvinotoda the source of the water which is the dam. So dependence yako ngaive kuSource (dam) than kuva paMedium (tap) yashandiswa to deliver zvauri kuda

Psalms 20:7 yoti Vamwe vanovimba neNgoro, vamwe vanovimba namabhiza asi isu ticharangarira zita raJehovah Mwari wedu.
Vamwe vanovimba nezvinhu zviri physical but chinhu chiri physical chakaipira kuti chinogona kukurasisa. That chariot inogona kubva vhiri, inogona kutyoka axle. Horse rinogona kufuma richirwara, rinogona kuminyuka gumbo asi kana vari Mwari hapana pavanorasisa avo vanotenda mavari. He has no point of fault or weakness yekuti unogona kunongedzera kuti apa paita problem like zvingaitike pazvinhu zviri physical.

Some trust in oil, some trust in water, some trust in wrist bands, some trust in stickers, some trust in machira emashavi, some trust in herbs, some trust in salt yematombo, some trust in money, some trust in stones, some trust in midzi but we shall remember the name of our Lord God.

Chinhu chiri physical chinogona kukurasisa but not God.
Chigubhu cheOil unogona kuchibirwa, mvura inogona kuteuka, wrist band unogona kuiMisplacer, salt inogona kushayikwa mushop segore riya, jira rinogona kutsva, sticker rinogona kunamanurwa but Jesus is the same yesterday, today and forever
Im not trying to belittle what people but their trust in, but ndirikuti isa kutenda kwako muna Mwari unoone achiita zvakapfura zvaungaitirwe nechinhu chiri physical. Chinhu chepanyama chinogona kukurasisa but not Mwari
Vamwe vanotya kurara murima, vanoda kurara mune light. Manje nemaendero arikuita magetsi ayo murikupona nei. How about kuisa faith yako muna Jesu the true light than kuDepender pane maGlobe rekuti rinogona kutsva. Why kuzvivezera zvirongo zvinobvinza? The peace you are looking for in your sleep huiwane mumaEnergy saver bulbs but unoiwana muna Life Saver Jesu
John 12:46 Jesu anoti Ini ndakavuya munyika, ndiri chiedza, kuti aninani unotenda kwandiri arege kugara murima.

This message ndeye avo vakazvigadzirira zvirongo zvakatsemuka zvisingagone kuchengeta mvura, vachisiya Jesu the source of the living waters, kana usina kuzvigadzirira zvirongo zvakatsemuka,ko unotsamweiko? kana uri pana Mwari then you have no need to worry, rega hako kupopotera muparidzi but chisiya shoko iri ribatsire vanoda kubatsirwa narwo. Jesus did not come to the righteous but akauuya kuzodeidza vatadzi kuti vatendeuke. If you feel that you are o.k. you don’t need to be saved that’s good for you, but kana uchinzwa kuti shoko iri rakanangana newe I have come to tell you kuti don’t harden your heart, usaomesa moyo wako nekuti mukana uchiripo wekuti udzokere kuna Mwari and be saved



No comments:

Post a Comment