Tuesday, 22 December 2015

License to sin (Part 1)

Scripture reading: Acts 9:1-5

Pane zvimwe zvinhu panyika zvatisingakwanise kuita kana tisina license or mapepa anotipa mvumo yekuita zvinhu izvozvo from certain authorities, common example yandingape ndeye kuDriver mota. Mutemo wenyika doesn’t allow you kuti uDrive mota usina matsamba acho anokubvumidza kuDriver mota. Nhau yematsamba anonzi maLicence iyi inhau yakanaka kwazvo but there is a certain angle yaari kushandiswa nawo nasatan to his benefit & to the destruction of the people yandiri kuda kubata nhasi.

Tikaverenga isusu pana Mabasa Avapositori (Acts) 9 verses 1 & 2 inoti “Zvichakadaro Sauro akanga ari mubishi rokutaura zvokuuraya vadzidzi vaShe. Akaenda kumuprista mukuru. akandomukumbira matsamba kuti agoenda nawo kumasinagoge okuDhamasiko, kuti kana akawana ani zvake ari weNzira iyo, vangava varume kana vakadzi, iye aizovabata savasungwa agoenda navo kuJerusarema.”

Apo tirikuona murume anonzi Sauro mazuva ake asati atendeuka, murume uyu aishungurudza vanhu vanotenda muna Jesu, murume uyu aitouraya vanhu (Acts 22:4). But mukuita zvivi zvake izvi Bible ratiudza kuti Sauro akaenda kumuprista mukuru (The High Priest) kuti apihwe matsamba ekuenda nawo kuSinagoge in Damascus kuti akawana any believer waJesu Christu amusunge auye naye kuJerusalem. Murume uyu haana kungopinda muchivi zvedzungu-dzungu but akatotanga atsvaga matsamba anomubatsira kuti apinde muchivi

Nhasi kune vamwe vanototsvaga matsamba ekuti vapinde muchivi, they look for licenses to sin, letters to indulge in sin & satan anofara zvisingaite he is very much willing kuti akupei matsamba iwayo so that munopinda muchivi makadekara.
Sauro akapihwa matsamba ekuti aite mabasa ake erima but ukadzika neChapter yacho ndipo unozoona achisangana naJesu onzi “Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?”. Sauro aitotadzira Mwari nezvaaiita izvi despite the fact yekuti ainge apihwa matsamba ekuti aite mabasa ake akaipa. Kureva kuti matsamba aya haana kukwanisa kubvisa the element of sin.

Musabatwe kumeso hama dzangu, hakuna matsamba aungapihwe nemunhu anogona kuita kuti chivi chirege kuva chivi. Brother kune dzimwe nyika dzekuti munogona kupihwa tsamba iya inonzi marriage certificate iwewe nemumwe murume paRelationship yehungochani, but tsamba iyoyo haireve kuti huchongani hauchisiri chivi, it remains a sin. Unogona kupihwa license yekuvhura strip club umo vasikana vanotamba vachikumura mbatya dzavo pamberi pevarume, but license iroro harireve kuti zvauri kuita zvakanaka pamberi paMwari.

Matsamba akapihwa Sauro nemuHigh Priest haana kuPreventer kuti Jesu atsiure Sauro pamusoro pemabasa akaipa aiibata aya. NO, they didn’t. never for a minute think kuti satan achakupa matsamba anoita kuti chivi chirege kuva chivi never. Chinondibata ndechekuti panyika Sauro anogona kushairwa mhosva yaapara nekuti matsamba anawo anomupa mvumo yekuita zvaari kuita but kunyangwe zvakadaro, pamberi paMwari aiva aine mhosva. Amainini munogona kushairwa mhosva nemaSystems enyika, business renyu ramuri kuita iri nehuipi hwaro munogona kushairwa mhosva nenyika but ipo pamberi paMwari muine mhosva.

You can even go to court ukahwina nyaya uchinzi hauna mhosva but ipo pamberi paMwari uine mhosva. Saka don’t be comforted nematsamba anokushaisa mhosva pane vanhu but achikupa mhosva pamberi paMwari.
Unogona kutoresa peace order against someone kuti nhingi handidi kumoona pamba pangu & for sure igoshanda peace order iyoyo but mubvunzo wangu ndewekuti as a Christian is it proper kutora peace order against anyone? Mubvunzo uyu, handina kuti musatore maPeace order, handina kudaro but ndirikuti zvakanaka here pamberi paMwari izvozvo , ko mamboedza here kushandisa nzira dzinodzidziswa neBible maringe nenyaya yekuyananisana kana muchinge matadzirana.

Mutemo wenyika yedu yeZimbabwe munhu ane 18 years ane kodzero yekutora zvinodhaka. Hazvisungise kuti munhu ane 18 years or above adhakwe neAnything chiripamutemo wenyika, even though zvisingasungise, Bible rondiudza kuti drunkards shall not inherit the kingdom of GOD. (1 Corinthians 6:10)

Unogona kutopinda basa rinokupa matsamba ekushungurudza vanhu, kuvarova, kuvatorera zvinhu zvavo and many other evils but mubvunzo wangu ndewekuti Mwari Vanotendera here zvinhu zvauri kuita izvozvo? don’t let your job make you miss heaven. Remember that time vanhu vaidzingwa mabasa with little or no compensation maCompany achihwanda nemutemo, they had the papers to do so so, but Bible rinoti kudii panyaya yekubhadhara vashandi vako, Biblically speaking was it proper to fire a person without giving him/her just & fair compensation?
Poita nyaya yemaRights, vana vavekugona kuDisrepecter mubereki all in the name of children’s rights, vanawo matsamba acho, they have the laws to support them, but iwo mutemo waMwari unoti kudii concerning relationship yemwana nemubereki.

paCarnival muharare 2015 uno, im sure vazhinji makaona maPictures acho aitenderera, vanhu vachifamba vari half naked because they had the approval to do so, but zvinotenderwa naMwari here kuti munhu afambe akadaro
There are many examples dzandinogona kupa about zvinoitika munyika where you are given matsamba anokubvumidza kuita something but chinhu ichocho chisingadiwe naMwari. standard yaMwari is very much higher than standard yenyika, so kana nyika yakupa mvumo yekuita something, don’t rush into celebration but tanga waChecker kuti Mwari vanoti kudii about that same issue.

Mumwe anobva aita mubvunzo kuti saka nhai muparidzi murikuti tirege here kuterera mitemo wenyika, NO, handina kudaro but let me clarify it.
Bible pana Romans 13 rinotidzidzisa kutedzera mitemo yenyika, ndicho chiChristu chaicho. But at the same time kana pakaita mutemo wenyika unodzidzisa kutyora mutemo waMwari, zviri nani kutedzera mutemo waMwari than mutemo wenyika. Ana Peter at one point in time they were faced with a similar problem, whether kutedzera zvinotaura Mwari or zvinotaura vanhu, Peter akati pana Acts 5:29 We ought to obey GOD rather than men (“Tinofanira kuteerera Mwari kukunda vanhu)

Another time pakaiswa mutemo wenyika waimanikidza vanhu kuti vanamate chiumbwa chaNebucadnezzar, but Shadrach, Meshach naAbednego vakasarudza havo kukandirwa mumoto pane kunamata chitombi ichi. Vakasarudza kutyora mutemo wenyika than kutyora mutemo waMwari (Daniel 3)

Pharaoh ane nguva yaakapa maMidwives (nyamukuta) permission yekuti vauraye vanakomana vese as soon as vazvarwa, but maMidwives ava vaitya Mwari uyo anoti usauraye, so vakasarudza kuterera mutemo waMwari than mutemo waPharaoh (Exodus 1:15-20)

Ndiri kuti kupihwa go ahead yekupinda muchivi nenyika hakureve kuti ndiMwari Vakubvumidza kuita chivi. kana mutemo wenyika uchikukonzera kuti utyore mutemo waMwari then tedzera mutemo waMwari. But kana mutemo wenyika usingakukangise kuita zvinoda Mwari then no problem. Mufundisi kana mutemo wenyika yamuri kushanda muri uchikumanikidzai kuchatisa ngochani, don’t follow it but tedzera mutemo waMwari.

In short, usatsvage approval yevanhu kuti utadzire Mwari, men can give you the authority to sin, but a sin will remain a sin

…..to be continued


No comments:

Post a Comment