Wednesday, 30 December 2015

Mubayiro Uchabvepi?

Mistake yaungaite pabasa ndeye kufunga kuti umwe mushandi akaita sewe ndiye achakupa pay yako & you put your trust in that person. Payday inosvika & ugorwadziwa kuti ko sei asiri kundipa salary yangu, problem ndeyekuti watarisira kubhadharwa nemunhu asiriye, unoriramba basa iri as long usingazive kuti mubayiro wako unobvepi.

Nhasi pane vazhinji varikuchema pabasa raMwari nechikonzero chekuti vakatarisira kubhadharwa nevamwewo vanhu instead of focusing on God. Hebrews 11:6 inotiudza kuti GOD is a rewarder of those that diligently seek him. Avo vanotsvaga Mwari nomoyo wose vane mubayiro wavo wavanopihwa naMwari. Don’t get it twisted ipapa apa, anopa mubayiro ndiMwari & not vanhu, saka manje ukatarisira kupihwa mubayiro nevanhu unenge wairasa nekuti hapana chinouya or unogona kupihwa mubayiro wekuti unorwadziwa kuti shuwa here after all I did, this is what I get. Indava vachitsvinya so. Problem ndeyekuti watarisira mubayiro from the wrong source.

Rega kuparidza evhangeri kuti upiwe mibayiro nevanhu, aiwa ziva kuti mubayiro unobva kuna Mwari. vamwe vakaramwa kuparidza nekuti akashayiwa akamudaira amen after aparidza. Problem ndeyekuti aitsvaga reward yema “amen” kubva kuvanhu instead yekutsvaga mubayiro unobva kuna Mwari. kana uchibata basa raMwari, haizi nyaya yekuda kufadza vanhu asi ndeyekuda kufadza Mwari akakutuma saka don’t be worried pakashaya anokuudza kuti waparidza a powerful sermon, aiwa haizi nyaya yekutsvaga maRewards kuvanhu asi ngatizive kuti reward inobva kuna Mwari.

Vamwe ndivo vanochema kuti “ahhh vanhu vese vandinobatsira havatendi, Bible rinoti tibatsire vanotikumbira rubatsiro but everyone I help doesn’t appreciate, I feel like giving up”. No, don’t give up, ziva kuti kana uchibatsira munhu hauzi kutsvaga kutendwa nemunhu iyeye asi urikurarama shoko rawakapihwa naMwari. reward yako haizi pa “thank you” yaunoudzwa nevanhu but reward yako inobva kuna Mwari. even munhu akarega kukutenda, that should not bother you because you know kuti mubayiro wako urikuuya from GOD. Jesu chaiye akaporesa 10 varume vaive nemaperembudzi but only 1 ndiye akadzoka kuzotenda, the other 9 havana kudzoka. But Jesu haana kuregedza kuporesa vanorwara simply because paita vanhu vasingatende, no he continued with his good works & you should do the same also. (Luke 17:12-19)

There are times that you live a Godly life but panoshaya anoAppreciator zvaunoita, that’s very normal. But that must not discourage you nekuti anofanira kuAppreciator ndiMwari and not vanhu. Saka don’t be worried nezvinotaura or zvisingataurwe nevanhu. Work for a cause and not for an applause.

Nyaya handi yekutsvaga kuombererwa nevanhu kana kupihwa mubhadharo nevanhu in any form but ziva kuti achakupa mubayiro ndiMwari.
Revelation 22;12 Jesu oti “Tarirai, ndiri kukurumidza kuuya! Mubayiro wangu ndinawo, uye ndichapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.
Jesu ndiye ari kuuya neReward, kwete vanhu asi Jesu on His Second coming, saka rega kutarisira reward yemaAmen kana waparidza, rega kutarisira reward yekuombererwa kana waita Bible study, rega kutarisira thank you after helping someone, rega kutarisira a pat on the back for living a Godly life, kana vanhu vachizokutenda that’s good but ngairege kuva aim yako yekuda kufadza vanhu nekuti in doing so, uchagumisira wavakuita zvinofadza vanhu but zvisingafadze Mwari.

Vagaratiya 6:9 Ngatiregei kuneta pakuita zvakanaka, nokuti nenguva yakafanira tichakohwa kana tisingaori mwoyo


No comments:

Post a Comment