Tuesday, 22 December 2015

City set on a Hill

Scripture reading: Matthew 5:14

Pane mubvunzo wandakambosangana nawo, at first I took it lightly but nhasi ndanyatsodzamisa ndangariro ndikaona kuti it is a serious issue:

lets says kwaiswa mutemo unoti kuva muChristu imhosva inosungisa & mapurisa obva atanga basa ravo rekusunga vanhu. Toti munhu wese anozviti muChristu osungwa handiti, then mapurisa voita maInvestigations avo zvakanaka kuti vakwanise kuzonyora docket uye kuti nyaya yako iende kuCourt, How many people vanosunungurwa nekuti panenge pashayikwa evidence yekuti maChristu?

ndiri kuti inini nhasi ukasungirwa nyaya yekunzi uri muChristu, mapurisa vanogona here kuwana humbowo hunotaridza kuti uri muChristu zvechokwadi or they will release you vachiti vashaya evidence inotaridza kuti uri muChristu wechokwadi.

Usandipindure (keep the answer in your heart)

Kutaura chokwadi vamwe vanobuditswa mumaCells vachinzi muri kumunyepera uyu haazi muChristu and vamwe havatosungwe nekuti hapana chinotaridza kuti muChristu. Dressing chaiyo inogona kutoita kuti mumwe asunungurwe, Officer in Charge anogona kutopopotera maJuniors ake kuti ndakutii huyai nemaChristu panapa but imi murikundiigira ana sisi vemuNight club ava, can’t you see kuti dressing yavo havazi maChristu, kamani regedzai vanhu vamasunga ava mundiigire maChristu

Shuwa mumwe anotoregedzwa nekuti hapana chinotaridza kuti mutendi nekuti dressing yake chaiyo yakafanana neinopfekwa nenzenza kubhawa.
Mumwe anosiiwa akadaro havamusunge nekuti Bible chairo haana kwete nekuti haana mari yekutenga Bible, aiwa mari anayo but haana hanya neshoko raMwari, phone ane ye$50 yaanoJuicer airtime ye$5 paWeek, but Bible re$15 haana, the closest book to a Bible raanaro is a kaGideon kaakapihwa kuchikoro mahara, kanotangira pana Matthew 14 kachigumira munzira futi, maPage akapera kubvaruka. Police inonyatsoona yega kuti ava bhudhi ava havanei nezveshoko raMwari so he can’t be a Christian, regai timusiye tiende kunosunga vatendi chaivo

language alone inogona kutoita kuti mumwe munhu abviswe chain vachimuti haana mhosva nekuti rough yaanotaura, iko kutuka kwacho, police inomuregedza nekuti vanenge vachiti Jesu haana kubvira adzidzisa vatendi vake kutaura mashoko akadai, he never taught His followers kutaura huyanga hwakadai, muregedzei adzokere kumba, uyu haana mhosva, maChristu chaivo tinovaziva nekupindura zvakanaka even if vakaitwa rough. Uyu mutauriro hwake hauna huMwari

maInvestigations anogona kutobatanidzira nePhone futi, Constable vagodzungudza musoro vachiti tasunga munhu asiriye, muPhone make mune maPictures evanhu vasina kupfeka, music yacho irimo haina kana huMwari, in actual fact inototuka Mwari, whatsapp yake ari busy kuFliter nevasikana vakasiyana siyana, haaa tasunga munhu asiriye, hakuna muChristu akadai, lack of evidence, musiyei aende kumba

even ikaenda kuCourt nyaya yacho, Magistrate vanototsamwa kuti sei muchitiunzira vanhu vasina mhosva, muregedzei aende uyu nekuti panenge pashayikwa evidence yakakwana inotaridza kuti you are a true Christian.

What im a saying? Ndiri kuti kana uri muChristu, pane zvinhu zviri obvious zvekuti nyika ichikutarisa iri supposed kungoona kuti uyu muChristu uyu. Mapfekero ako people are not supposed to doubt kuti uri mutendi, the way you speak, vanhu havafanire kunetsekana but vanotoziva kuti uyu kunyangwe ukamugumburisa anokupindura zvakanaka. Kana pabasa chaipo vega vanotozviona kuti sister ava kana tikatanga kuita makuhwa vanobva vasuduruka, havaite izvozvo, brother ava kana tikada kuita zvemadhiri eBackdoor vanobva vasuduruka, kwete nekuti vakapusa asi vanotya Mwari. chiChristu chiri supposed kungooneka wherever kwauri

Regai ndibva ndajekesa something before mumwe asati andibata nepasipo, handina kuti if you go around uchizvinyepedzera kunge uri muChristu it means kuti wava muChristu, aiwa, ndiri kuti kana uri muChristu, its automatic kuti kwese kwaunoenda zvese zvaunoita zvinobva zvataridza zvega kuti shuwa uri muChristu, you don’t have to force yourself or pretend but zvinogobuda zvega so nekuti Jesu wawakagamuchira ndiye anenge achishanda mauri.

That’s why Paul achinyora pa Galatians 2:20 achiti “Ndakarovererwa pamwe chete naKristu uye handichisiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri. Kurarama kwandinako munyama, ndinorarama nokutenda muMwanakomana waMwari, akandida uye akazvipa nokuda kwangu.

Its no longer you who is living but Christ is living in you saka zvinova nyore kuva neCharacter yakafanana naJesu wacho. Evidence yacho inogara yatoonekwa nevanhu
Jesu anodzidzisa pana Matthew 5:14 achiti You are the light of the world. A city that is set on an hill cannot be hid. “Imi muri chiedza chenyika. Guta riri pamusoro pegomo haringavanziki.

Nhai hama dzangu, guta riripamusoro pegomo mungarivige sei, how exactly can you hide it, hapana mahwandisiro, rinotooneka muri kure kuti guta iro. muChristu you are a like a city that is on a hill, hazviite kuti urege kuonekwa kuti uri muChristu, handina kuti famba uchitsvaga kuzivikanwa but ndirikuti if you just live as Christ requires you to do, zvinotooneka zvega kuti uyu muChristu uyu. From afar the world can see.
You are the light of the world, uri chiyedza chenyika, manje kana light rabatidzwa vanhu vangatadze here kuona kuti apo pane light, obvious zvinooneka. The people around you vanotoona vega kuti uye muChristu uyu even if usina kuvaudza, they know you by your character. They know kuti kana dziri nyaya dzehuori, Joze haumuone ipapo. Kana dziri nyaya dzehupombwe, Admire haafarise kusvika to that level, kana zviri zvekupa advice inobva muBible, Spencer ndiyo speciality yake iyoyo. The world can clearly see kuti uyu akasiyana nevamwe vese, there is something special about him

Chinotipa kuti tive maLight hakuzi kugona kwedu asi kuti Jesus who is the light ndiye anorarama matiri, saka light rake iye ndiro rinenge richivhenekera nyika through us. John 1:4 yoti In him was life; and the life was the light of men. Muna Jesu maiva noupenyu, uye upenyu ihwohwo hwaiva chiedza chavanhu. Kureva kuti ukagamuchira hupenyu hunobva kuna Jesu kubudikidza nekutenda maari, that light rinobva ratanga kuraramawo mauri. You cannot produce the light pasina connection neSource yeLight anova Jesu, hazviite. You need to be connected naJesu so that you become a light to the world, so that you become a city set on a hill. That’s why John 15:5 ichibuditsa kuti pasina Jesu you can do nothing, hapana chaunokwanisa kuita.
Saka uchida kuva chiedza chenyika, gamuchira Jesu.

paVerse 15 yaMatthew 5 Jesu oti “Uye vanhu havangatungidzi mwenje vagouisa pasi pedengu. Asi kutoti vanouisa pachigadziko kuti uvhenekere vose vari mumba.

Mwari havana kubatidza mwenje uri mauri kuti uite mu “under cover Christian” muChristu asingazivikanwe kunzi muChristu anoonekwa just like any other person of the world, kwete, Mwari Vakakuitira nyasha dzekuti ugamuchire chiyedza so that uvhenekerewo vamwe kuti vaone kunaka kwaivo Mwari. you are supposed kupa chiyedza kunyika kwete kuhwanda pasi pedengu.
Ndopedzisa neVerse 16 apo Jesu anoti “Nenzira imwe cheteyo, chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga.”

Character yako, matauriro, how you dress, how you relate with others, everything about you zviri supposed kuva chiyedza chekuti vanhu vakaona vanokudza Mwari Baba vari kudenga, vanhu havasi supposed kukudza iwewe (saka don’t try hako to earn credit for yourself) but shoko ririkuti chiyedza chako ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga. Nyika ichikuona, ngaione kunaka kwaMwari, kwete kuti vakakuona they see you like any other person asina kugamuchira Jesu

Let it be clear that uri waJesu, ngaparege kuva nemaDoubts kunzi uri muChristu here kana kuti hauzi .


Jesu aripo pakutibatsira kuti chiyedza ichi chivhenekere nyika, call unto him in prayer, He will answer you.

No comments:

Post a Comment