Monday, 4 November 2013

Magetsi Adzoka Scripture reading: Judges 16:21-30

Excitement inoitika kana magetsi achinge adzoka ndinoziva kuti wese mugari wemuZimbabwe anoiziva, especially avo vanoshandisa magetsi in their everyday lives. Hazvinakidze kubika nehuni, hazvinakidze kugara mumba mune candle iwe wakaJuicer magetsi, hazvinakidze kupisa petrol yako muGenerator nekuda kwekuti zesa yaenda. But as soon as magetsi achinge adzoka, a person celebrates nekuti power radzoka.

paMharidzo inonzi Magetsi aenda takabata nyaya yaSamson paanogerwa bvudzi rake mumba maDelilah and was captured by the Philistines nekuti simba rake rainge raenda. Nhasi sermon yedu ine musoro wekuti “Magetsi adzoka” it’s a follow up kune sermon yeMagetsi aenda. Mwari vachindibatsira ndichada kubatsira mumwe munhu aka Backslider zvekuti simba raMwari harichaoneke muLife make, kutaura kwaMwari haachakunzwe, zvinhu zvaaisiita pabasa raMwari haachakwanise kuzviita. Don’t lose hope, you can go back paLevel yawainge uri or even kutopfura just like zvakaita Samson, even though akarasika, he managed to rise again akabata mabasa makuru more than what he ever did.

Samson after abatwa nema Philistines vakamugera bvudzi vakabva vamutushura maziso ake, he lost his sight. Maybe you lost your spiritual eye sight, hauchakwanise kuona zvemunyika yeMweya zvawaisiona kare, you no longer can see Mwari zvaanoda kuti uite, you can no longer get maRevelations muShoko like what you used to do, you can no longer see maVisions, dreams and prophesies zvawaisipihwa naMwari nekuda kuwekuti muvengi akakunganisa after watamba naDelilah, after watadzira Mwari, but rega nditaure ndichiti, there is hope in Jehovah, muna Jesu mune tariro, zvava kwauri kuAccepter situation yauri and it remains like that or to seek restoration kubva kuna Mwari.

Samson achipedza kubviswa maziso he was taken kuGaza kumaraini kwemuvengi ndiko akaiswa muJeri ikoko. The devil can take you to places you don’t like, he can take you to his territory agokuisa muhusungwa ikoko. Unogona kuendeswa kumakuva chaiko kuhope, uchingorota zvinotyisa, unogona kuendeswa kune dzimwe nzvimbo dzinotyisa iwe wakarara but nekuda kwekuti you no longer have simba raMwari you used to have, you can not resist it. Unoita mamwe madzikirira kuhope ekuti wega haugone kumuka but munhu arere padhuze newe ndiye anozokumutsa. You no longer have that power to resist satan, nekuda kwekuti power rakaenda. Samson haachakwanise kuResister maPhillistines like what he used to do, nekuda kwekuti power rakaenda paakagerwa bvudzi.

Vachienda naye kuGaza vanomusunga neChain dzeBrass. Ukauya kuNew testament unoona murume aiva neLegion of demons aisungwa neChain but aidambura. Aiva aine power remademon raimugonesa kudambura chain, but ukadzoka kuno kuOld testament you find Samson achisungwa neChain but haana kugona kudzidambura, ummmmm. Legion wemaDemon aigona kudambura chain, but Samson munhu akadanwa naMwari to destroy the philistines aitadza kudambura chain. So in other words, Samson was now weaker than maDemon. There are times dzekuti you can become spiritually weaker than vashandiri vasatan. Chokwadi here munhu aishandirwa Mwari kuoneswa nhamo nemuroyi, iwewe munhu unonamata Mwari akasika denga nenyika, kushayiswa hope nemunhu anobata juju. Izvozvo must come to an end, nekuti Jesu anotaura iye kuti all power in heaven and in earth has been given unto me (Mt 28:18). So kana iye Jesu watakagamuchira ari iye ane simba rose in heaven and in earth then satan nemaAgents ake ndivo vanofanira kuSuffer rather than kuti muChristu ndiye anoshayiswa rugare newakaipa. Ndiye anoramarama ePowerless life, ana legion vemademon vachidambura chain but anaSamson vachizvitadza.

Kusungwa neChain uku it’s also a way yekuti utadze kushandirwa Mwari. Movement kana uchinge wakasungwa whether maoko kana makumbo inonetsa, you have limited movement. Ndiyo imwe area yakabatwa vatendi nasatan, mumwe akasungwa maoko so that he can no longer give kubasa raMwari or kune vanoshaya, mumwe akasungwa maoko so that haachagone kuvhura Bible rake like what he used to do, mumwe akasungwa maoko so that she can no longer hold the mic achiimba muChoir or achiparidza like what he used to do. Mumwe akasungwa makumbo so that haachagone kufambira vamwe in order to fellowship, or kufamba achienda kuChurch or kunobata basa raMwari. Chain dzakasungiswa Samson kuitira kuti movement inetse, kutiza kunetse, and kuFighter back kunetse. Ask yourself how many times have you tried kutiza zvakaipa but uri kutadza?? Haizi nyaya yekuti wakasungwa spiritually here neChain nasatan kuti urege kutiza. Chain idzodzo dzinofanira kudonha.

Bible reShona randaverenga harina kubuditsa point iyi but 4 maVersions echirungu which I have read abuditsa kuti Samson became a grinder in the prison. Ainge akushandiswa semunhu anotswanya or chigayo imomo muJeri. whether chibage, mapfunde, wheat, hameno zvirimwa zvacho, basa raSamson was to grind zvinhu izvozvo. ndiye anga va chigayo chemaFiristiya. Shuwa here kuita chigayo chino supplier food kumevengi. satan haana tsitsi, he can use you to supply the needs of his kingdom. But that must come to an end, zesa ikangodzoka chete mumwe munhu akabata tambo hameno hake. Power raMwari rikadzoka pauri chete, ivo vashandari vasatan vakakubata hameno havo.

While he was in Jail, the Bible declares that his hair began to grow again, bvudzi rake rakatanga kukura, and imo mubvudzi imomo ndivo yaiva area inosvikira simba raMwari. Ndiyo meter box or chiDevice chiya chine maMCB panosvikira magetsi. Area inosvikira power rako semutendi, is your faith, ndiyo area yacho iyoyo. Hongu bvudzi rainge rakambogerwa but rakatanga kukura zvekare, hongu faith yako yakambogerwa nemaSituations, hongu wakaderera pakutenda kwako nekuda kwezvinhu zvakaitika, but let that faith grow again, iye zvino so, as you read mharidzo ino, let your faith grow again, kutenda kwako ngakusimuke, so that pano pera mharidzo ino, ukangopinda muPrayer and pray for the restoration of power munamato wako must produce maResults instantly.

 Samson hongu vakamutushura maziso, vakamusunga neChain, vakamuisa mujeri, vakamuita chigayo chavo but one mistake yavakaita was to let him live. Vakamusiya ari mupenyu. Nhasi so, you are alive, hongu satan angave akakuita zvakawanda but the fact that you are alive today, ndipo paakairasa ipapo satan. A dying man is not a dead man, he can still live. satan angave akakusiya paPoint yekuti you where dying, but nekuda kwekuti he left you uri mupenyu, you can still recover and fight back. Aiwa Mwari ngavatendwe nekuti havana kutendera kuti Samson aurayiwe even though aimbenge aita misara and was deceived by Delilah. Mwari ngavapihwe mbiri nekuti even though we are sinners, GOD has kept us alive today. And zvino yakwana nguva yekuti tichibude muzvivi.
MaFiristiya they got excited, vakafara kwazvo nekuda kwekuti Samson their biggest enemy was now in their custody. Wakambonzwa here kaStatement kePolice kekunzi “yes we can confirm that the suspect is in custody assisting police with investigations” usaite kutamba neStatement irori iri, kunzwa kunzi nyakupara mhosva ndiye ari kuAssister mapurisa nemaInvestigations. Ndiyo situation yanga iina Samson, he was in custody of the Philistines mumaoko emuvengi. mumwe anobva ati so muri kuti mapurisa ndivo maFiristiya here? Aiwa  handina kudaro, its just an illustration that I have used to drive my point home. hatina kana record yekuti pane munhu 1 wekwaIsrael akauya kuzobatsira Samson, or even just to pay a visit, hapana akauya. Don’t worry about peple neglecting you in time of need, vanhu vangakutize, vangakurasise but kudenga kuna Mwari vasingakurasise.

 maFiristiya vakatanga kupa maSacrifice kune chimwari chavo chinonzi dagon vachitenda kuti imi aDagon makaita basa makatipa muvengi wedu Samson. Rega hako wakaipa aite maSacrifices ake, whether kurasira huku yeBlack, whether kukanda mbiya nemazai pamharadzano, whether kuuraya mbudzi kana mombe as a way yekutenda satan nekuti iwewe they captured you. rega havo vaite, but iwewe ziva kuti kune ropa rakadeuka paCalvary reMwanakomana rinopfura mazai e$1 for 6 angaiswe pamharadzano, ropa raJesu rinopfura ropa remombe ingaurayiwe newakaipa in order to harm you.

maCelebrations akatanga kutsviriridza, maPhilistines vachipembera kuti uyu Samson wekuda kutinetsa uyu he is now our prisoner. But varikukangangwa kuti his hair is growing again, of course mademon angaite bembera kuti you are now their prisoner but they are forgetting kuti your faith is growing again. Rega havo vaite party, vabike doro, vachifara vachiti they have captured you, but iwewe ramba uchisumidza kutenda kwako nekuti nguva yakuda kukwana yekuti ubude muPrison iroro.

paFunction yavo iyo vachifara they called upon Samson hanzi ngaauye atambe, let him provide entertainment for us. Zvinorwadza kuti kuma Philistines ese mashaya here angakupei entertainment but moenda kunosarudza Samson muIsrael kuti akutambirei. Even nowdays muvengi anogona kukushandisa seEntertainment yake but achisiya vanhu vekuside kwake. Unoitwa entertainment yechikwambo, ndiwe unoitwa mukadzi/murume wacho, uchirota wakarara nevanhu vausingazive ukafunga kuti maWet dreams izvo uri kushandisirwa mushonga, wava neSpiritual wife/ spiritual husband. Kuitwa entertainment yemumwe munhu, kushandisirwa “Bluetooth”. That must come to an end nezita raJesu, not tomorrow, but today.

Samson since he had lost both his eyes, aiva aine kamukomana kaifamba naye kakamubata ruoko. Combination iyi ndiyo inoita manje. Samson hongu he might have the power, but haana maziso so he can not see where he wants to go. Kamukomana aka hakana power but kane sight. So the 2 must work together kuti zvifambe. Just like mukomana aiva aine 5 loaves & 2 fish and the disciples. Mupfana ane chingwa but he doesn’t know what to do with it, maDisciples havana chingwa but they know kuti if they give it to Jesus, everyone anoguta, so there is need to work together (the disciples and the boy) so that the multitude can get food.

don’t be a lone ranger, rega kuda kuita zvinhu wega, itawo prayer partner, tsvagawo Bible study partner, tsvagawo mumwe munhu waunobatsirana naye to grow spiritually. Iwewe unogona kuita 1 gift and shamwari yako iinewo 1 gift, and if you work together, you can all benefit than ukada kuita humbimbi ndoga.

Samson akaudza kamufana kaye kuti nditendere ndiiende kunobata maPillars eBuilding inoyi ndizembere ipapo. maPillars they represent support yeStructure inogara muvengi. And iwe semutendi unofanira kupinda muPrayer and get hold of these pillars, unofanira kupinda muPrayer and speak against mweya yakaipa inoSupporter zvinhu zvasatan, raira mweya yose yakaipa nezita raJesu kuti iparare, let those pillars crumble down nezita raJesu. Declare nezita raJesu muPrayer kuti hakuna chinofanira kusara chaka supporter zvinhu zvasatan muLife mako.

Samson ari pakati pekuEntertainer maFiristiya he called out to the Lord, akadana kuna Mwari “Lord GOD, please remember me. Strengthen me, God, just once more. With one act of vengeance, let me pay back the Philistines for my two eyes. Let it be your prayer kuti Mwari ndirangirirei, hongu ndingave dzakatadza ndaka kukanganisirayi, asi ndinokumbira kuti mundisimbise, strengthen me against mweya yakaipa inofamba siku nesikati, ndipeiwo simba rekukunda miyedzo uye kudzinga mweya yakaipa inoda kutambira pedyo neni.

Samson anobata maPillars aya and pushed them, building yainge yakazara mafiristiya ikaCollapser and they all died. Magetsi ainge adzoka, and tinoziva kuti kana magetsi akadzoka mumwe munhu achinon’ona socket yeZesa then anogwinywa. Who ever akabata life yako achinon’ona non’ona hameno hake, simba raMwari when it comes upon you, pane zvinofanira kuitika. The Bible records kuti Samson at this incident akauraya vanhu vakawanda kupfura vaakambouraya kare. Haggai 2:9 yobva yati The glory of this latter house shall be greater than of the former. Let it be so in your life, kuti level remweya rauchasimudzwa naMwari muzuva ranhasi, let it be higher than zvawakamboita kare.

You used to sing vanhu vachingonakidzwa, but pray that GOD raises you up kusvika paLevel yekuti when you sing vanorwara vanofanira kupora. You used to play the keyboard vanhu vachingonakidzwa, but pray that GOD raises you up zvekuti when you play that keyboard, that guitar, those drums, hosho idzodzo, mademon anofanira kutiza. You used to preach vanhu vachingoti amen amen but life yavo isingasanduke, but pray that when ever you preach, the Holy Spirit can move, vanhu vachitendeuka, varwere vachingopora nePreacing chete, faith yevanhu ichisimudzirwa. You used to pray zvisina maResults anobatika, but allow GOD to raise you up zvekuti when you pray, minana inoitika, hiv inopora, cancer inopora, diabetes inopera.

Pray and receive power from The Holy Ghost, simba raMwari ngaridzoke pamusoro peLife yako. Magetsi epamweya ngaadzoke muLife yako. Even if une simba nekare, pray that you have that power upgraded and revived. Rega ndipedzise neScripture John 14:12-14 “Truly, truly, I say to you, whoever believes in me will also do the works that I do; and greater works than these will he do, because I am going to the Father.

Whatever you ask in my name, this I will do, that the Father may be glorified in the Son. If you ask me anything in my name, I will do it.

No comments:

Post a Comment