Thursday, 21 November 2013

Title: Let the enemy live Scripture reading: Luke 9:51-56

Ndinotenda Mwari nemukana unu wekuti ndiparidze shoko ravo uye
newewo urinzwe, mbiri kuna Jesu, mbiri kuna Jehovah.

First of all rega nditange nekuDefiner kuti enemy chii, muvengi chii.
Vazhinji vakanzwa kunzi enemy, pane list remazita rinouya mumusoro
make revanhu vaakavenga or vaasingawirirane navo, but inzwa unzwe,
Jesus taught us to love everyone, so the moment yaunoda munhu wese
then hausisina munhu waungati muvengi. As Christians hatipo pakuvenga
vanhu asi kutoti vanhu ndivo vangatotivenge. Hauna munhu waunofanira
kuti muvengi wako but iwo vanhu vemunyika ndivo vangatokuvenge
vachikuti you are their enemy. So enemy zvinongoreva munhu akakuvenga,
iye ndiye akakuvenga and kwete kuti iwewe ndiwe wakamuvenga. You have
no right to hate munhu akasikwa naMwari, you must hate the devil and
his demons and not another human being created by GOD.

PaText yedu, Jesu akafunga zvokuenda kuJerusalem and he sent
maMessengers ake to make maPreparations muGuta reSamaria maaida
kupfura namo. Isusu maChristu we are the messengers of Christ tiripo
pakuparidza vhangeri raJesu and to prepare people for His return.
maMessengers aya vakaenda muSamaria kunoita mission yavainge vapihwa
naJesu, whether kufano tsvaga venue yekuti Jesu azoparidze ari,
whether its telling the people time ichatanga service or any other
tasks dzavaida kuita. But hona manje guta ravakatumwa, Samaria. The
same city ine mukadzi uya wekutaura kuti maJudha namaSamaria
hatidyidzane. Samaria yagara yaiva ine problem nemaJews apa Jesu wacho
was a Jew. So izvozvo zvega zvinokonzera friction.

Iyo scenario yemaSamaria nemaJudha iyi its common muzuva ranhasi. Jesu
haazi riye akavengana nemaSamaria, but mamwewo maJews zvavo vakasiya
record yekuvengana nemaSamaria. Zvichida kudzinza kwenyu or kumusha
kwenyu kune madzitateguru vakavengana kare kare and that “beef” is
still in existence up to now. Pakati peFamily yako and another family.
But rega ndikuudze kuti rega kuda kuInheriter maEnemies. Jesu haana
kuConsider izvozvo zvekuti pane Grudge riripo pakati pemaJews and
maSamaritans that’s why akatumira maDisciples ake kuti vaende kunoita
maPreparations muSamaria imomo. rega kuConsider zvakaitwa kare
nemadzibaba enyu, but go to those people and preach Jesus unto them.

But hona manje pakatangira nyaya yese, vanhu vamuSamaria vakaramba
kugamuchira Jesu nekuti aida kuyenda kuJerusalem. You are just
messengers mauya kuzogadzira nzira yaJesu, but team yekuSamaria
inokuudzai kuti get away, hatidi kukuonai kuno naJesu wenyu. As a
Christian zvinhu zvitori normal kuFacer resistance, ukaona
usingasangane nePersecution ahh, check yourself kuti uri muChristu
here kana kungoti you are a church goer. Jesu chaiye He would face
resistance neNyaya yeVhangeri but iwewe kana resistance yauno facer,
inga munonamata wena, makunamata kupfura Jesu. anaPauro vaitemwa
nematombo because of this gospel, anaPeter vachisungwa, but iwewe zero
opposition. Mumwe mushumiri akataura akati ukaona usingasangane
nasatan hazvireve kuti unonamata stereki but zvinoreva kuti muri
kufamba mese nasatan wacho, how you can meet him face to face when he
is walking by your side.

So muLife yemuChristu unosanga neOpposition, you face maEnemies but
pane nyaya ndepekuti what is it that you do kana wasangana
nevanokupikisa. Vazhinji they wish kuti vavengi vavo vafe, they wish
their enemies would go to hell but handizvo, hatipo pakushuwira
vanotivenga kuti vafe, kuti vawire mumaTroubles.

Rega ndifambe nayo nyaya yacho Mwari vachindibatsire to explain better.

Samaria yakaramba kugamuchira Jesu, James naJohn vachiona izvi vakabva
vabvunza Jesu hanzi “Ishe, munoda here kuti tidane moto uburuke kubva
kudenga kuti uvaparadze just like zvakaitwa naElijah?”
Jesu haana kubvuma kuti yes paradzai vavengi ava vanoda kukanganisa
movement yangu. In actual fact Jesu akatotsiura James naJohn vaida
kunaisa moto. Mwari ngavandibatsire nditsiure mumwe munhu anoda kuti
vavengi vake vafe, anoshuwira vamwe vanhu kuti vaparare.

James naJohn vaka qouter incident yemuBible yaElijah.( 2 Kings 1:10;
2Kings 1:12). Elijah akasangana nevavengi and akanayisa moto kubva
kudenga and people perished handiti. So James naJohn (let me call them
J & J) vakada kutedzera zvakaitwa naElijah kuOld testament, instead
yekuti vatedzere zvinodiwa naJesu.
Nguva yaElijah neNguva yaJesu zvakatosiyana, please learn to separate
the 2. Old testament yanga isiri yeFunny, kana munhu achinge anetsa
airara ava muguva, but New Testament its all about love.

J & J vakada kutedzera zvakaitwa naElijah but Jesu haana kuva
bvumidza, if it was o.k. kunayisa moto dai Jesu akavabvumidza but
haana kuvatendera. Taita problem nemaChristu vanoda kutedzera
maIncidents akaitika kuOld testament. Akavarenga nyaya yaHaman
naMordecai and akaifirira stereki zvekuti he prays kuti vavengi vake
vaparare just like zvakaitika kuna Haman. Unotonzwa achiti “Haman
pamatanda ake…..Haman ngaafe”. Yes unogona kutotsvaga scripture
inotsigira prayer yako just like zvakaita J & J vakatsvaga nyaya
yaElijah to support their request kuna Jesu. But even though
vakaSupporter nyaya yavo neScripture, Jesu haana kuvabvumidza. Be very
careful neShoko raMwari, ukashaya Mweya waMwari unogumisira wava
kushandia maVerse emuBible to do evil against your enemies but iye
Jesu achitoramba kuti udaro.

Elisha akasekwa nevana achinzi nyamanza and akadeidza mapere akadya
vana ivavo, so rega kuda kushandisa reference iyoyo kuti uparadze
vanhu vanokupikisa or vanoseka ministry yako. Nguva yaElisha neNguva
yedu zvakatosiyana, maCovenant 2 akasiyana iwawo

I want you to understand this about J & J, maDisciples 2 ava vaitova
neAbility yekunayisa moto, inzwa unzwe maShoko avo “Ishe, munoda here
kuti tidane moto uburuke kubva kudenga kuti uvaparadze?
Kuna Jesu vaingokumbira authority chete, but power yekunayisa moto
vaiva naro. They wanted the go ahead, the green light, yekunzi naJesu
hongu itai. I don’t know your ability, maybe unaro power racho rekuti
right now unogona kuparadza muroyi akaswera arara muMortuary, maybe
unaro  power racho rekuti vanhu vese vakakuvenga vanoswera vava
mapofu, but zvauri kuda kuita izvi wapihwa authority naMwari here,
Jesu akupa here green light kana kuti uri kutumwa nehasha. Kana Mwari
vataura newe shuwa kuti nayisa moto then go ahead, but kana usina
kupihwa authority yacho, please, regedza pfungwa dzako idzodzo.

J & J vachipedza kukumbira authority yekuti vanayise moto, Jesus
turned and rebuked them. Haana kuvapa mvumo yakunayisa moto. Kana
urikukumbira mvumo yekuti muvengi wako aparadzwe, very sorry to tell
you this. Hameno ukayipihwa mvumo yacho. James and John maApostles
chaiwo zvisina kana doubt havana kupihwa go ahead, iwe chimbo tryer
tione ukayipihwa.

Pane statement yaJesu yaakataura, harimo mumamwe maVersions mazhinji
even muBible reShona harimo statement iri but muKing James version
ririmo hanzi, Ye know not what manner of spirit ye are of. For the Son
of man is not come to destroy men's lives, but to save them.
Rega ndibate the 1st sentence hanzi You do not know what manner of
spirit you are of. Pane 2 maAngles to this statement.
number 1: J & J varikutumwa neumwe mweya usiri waMwari kuti vafunge
zvekunayisa moto. Mubvunzo woti kune iwe muverengi, pese paunoshuwira
kuti muvengi wako afe or atambudzike, hauzi uri kutumwa neumwe mweya
here usiri mweya waMwari here? Hauzi uri kutumwa nemweya yekwasatan
here kuti ushuwire kuparara kwemuvengi wako.
angle 2: Jesu ari kuedza kuudza J & J kuti mweya waMwari wamuinawo
haukubvumidzei kuti munayise moto. Ko iwe Muverengi do you think kuti
The Holy Spirit allows you kuti uparadze vavengi vako?

Ukaverenga kuna John 10:10 unonzwa Jesu achifananidza satan nembavha
inouya kuzoba, kuuraya and to destroy, but iye Jesu akauya so that we
may life and life in abundance. Satan ndiye wekuparadza, but Jesu
ndiye weHupenyu. So ukaona uine tsika yekushuwira kuti vanhu vafe,
then chenjera kuti mweya wakakugara ndewa satan. Nokuti kana uri
wekwaJesu, then you must preach life.

Ezekiel 33:11 inoti the Lord GOD, does not have pleasure in the death
of the wicked, but that the wicked turn from his way and live;
Mwari havatofare kuti munhu akaipa afe asi kuti atendeuke kubva
panzira dzakaipa ararame. so kana iwe uchinamanata Mwari chaiye anonzi
Jehovah then your motives and actions must be in line with the Word of
GOD. Tedzerawo zvinodiwa naMwari, rega kushuwira kuti muvengi wako
aparare but mushuwire kuti atendeuke awane hupenyu husingapere.

The second line yakataurwa naJesu kuna J & J hanzi For the Son of man
is not come to destroy men's lives, but to save them. Mwanakomana
wemunhu haaana kuuya kuzoparadza hupenyu hwevanhu asi kuzovaponesa.
O.k. kana iwewe uchiti wakagamuchira Jesu why is that uri kuita the
opposite nezvakavingwa naJesu wacho. Why is it unoshuwira mumwe munhu
kuti aparare instead yekuti ararame, unoshuwira kuti mumwe munhu
adzingwe basa, ashaye wekuroora or anomuroora, afe ari rombe instead
yekumushuwira zvakanaka. Wakagamuchira Jesu here kana kuti
wakagamuchira barjesus a false prophet ari pana Acts 13:6. Zvichida
wakagamuchira barjesus that’s why uchingofunga kuparadza than kupa
hupenyu.

Exodus 22:18 Thou shalt not suffer a witch to live. Usarega muroyi
achirarama. iVerse inofarirwaa nevazhinji stereki iyoyi iyi. But rega
ndikubatsire kana uri mumwe anofarira verse iyi. Rega ndikubvunze kuti
why is that mazuva ano hatiende kuJerasalem kune muPriest neMombe or
mbudzi kuti tiregererwe zvivi. Obvious uchandiudza kuti Jesu
akaReplacer zveSin offering, ropa raJesu rakaReplacer ropa remakwai.
Kana tava paNyaya dzekuenda neMbudzi kuJerusalem unoramba kuti aiwa
Jesu akazvivharisa izvozvo, but kana takutaura kuti muroyi ngaafe,
ipapo ndipo paunobvuma. Why uchida kusarudza zvimwe zvekuLaw but
uchisiya zvimwe. maVerse anokuBenefiter ndiwo aunoda but mamwe anoita
kuti ubvise mbudzi haudi.
Exodus 21:24 inoti Eye for eye, tooth for tooth, hand for hand, foot
for foot. KuOld testament kwainge kusina zvekunzwirana tsitsi, but
inzwa zvinozotaura Jesu kuNew testament kuna Matthew 5:38-40 “You have
heard that it was said, ‘An eye for an eye and a tooth for a tooth.
But I say to you, do not resist the evildoer. But whoever strikes you
on the right cheek, turn the other to him as well. And if someone
wants to sue you and to take your tunic, give him your coat also.

Jesu ndewe rudo, He teaches us to love our enemies and not kuvavenga
or kuvaparadza. So rega kuda kuhwanda neVerse yekuti muroyi ngaafe.
Why is that Jesu akasiya atipa simba rekudzinga maDemon? Sei akatipa
simba rekudzinga mweya yakaipa? He knew kuti munyika umu mune varoyi
varimo, so he gave us power rekudzinga maDemon ehuroyi iwayo and not
to kill the person. Inzwa unzwe hatirwe neNyama neropa asi nemweya
yakaipa iri muchadenga. So gona kuSeperator flesh from the spirit,
nyama kubva kunyama. Nezita raJesu tinodzinga mweya wehuroyi ihwohwo
than kuda kuuraya muroyi iyeye.

what do you prefer kudzinga mweya wehuroyi , or kuuraya muroyi but
mweya wacho wekuroya unoenda kunogara pane mumwe munhu and that new
witch will start to torment you again. Kubva unopedza nyika yese
uchiuraya chete. Jesu achitaura naPeter akagona kuSeperator the flesh
from the spirit ndipo paakataura mashoko ekuti get behind me satan,
but iye achitaura naPeter. Haana kudzinga Peter , but akadzinga satan
kubva pana Peter. That’s how it works, tinodzinga mweya yakaipa kubva
pane vanhu and not kudzinga munhu wacho.

Kana wafunga kushandisa Verse yekuti usarega muroyi achirarama, yes
ishandise but paradza mweya wehuroyi wacho than kuparadza munhu
anoroya. Nyoka ikapinda mumba ikahwanda kuseri kweTV, hatirove TV
nematombo but tinopisa tyre so that nyoka ibude panze tozoitema
nematombo yavapanze.
Muroyi munhu zvake ane mweya yetsvina and ndinofara kuti Jesu akatipa
simba rekudzinga mweya yetsvina iyoyo. Remember shoko rinoti Greater
is He who is in you than him who is in the world. Ari mauri (Jesu)
mukuru kupfura satan nevaroyi vake.

Mumwe zvinobva zvamunetsa kuti nhai munhu waMwari, sei murikutsigira
varoyi, nevavengi vedu vanoda kutiparadza. No im not supporting them
im actually against them but ndiri kuti ngativananatire tidzinge mweya
yakaipa inovaPusher kuita zvakaipa, lets preach to them vatendeuke
vagamuchire Jesu. Romans 12:20 inoti if your enemy is hungry, feed
him; (hapana kunzi munyime chifaku) if he is thirst, give him drink
(hapana kunzi give him poison) for by so doing you will heap burning
coals on his head.

Mwari vaigona kungouraya Pharaoh panotanga Exodus Chapter 1 kuti vana
veIsrael vabude muhuranda but havana kudaro, vakamusiya ari mupenyu.
Vana veIsrael vakabuda muEgypt Pharaoh achiri mupenyu. Mwari
vakaratidza simba ravo kuti vanogona kusimudzira vana vake zvisinei
kuti vari paTight. GOD can raise you up zvisinei kuti muvengi wako
mupenyu. Rega hako kushuwira kuti muvengi wako afe, or kuTryer kuda
kuQuoter maVerse ekuOld covenant uchiti usarega muroyi achirarama. Ah
ah ipo pane muroyi ipapo, Mwari vanogona kukusimudza, ipo pana Pharaoh
ipapo, vana veIsrael vanobuda zvakadaro. And even if Pharaoh akada
kuramba achitevera ivo vana vaBuda kare muharanda, uchaona achifira
muRed sea neArmy yake, who ever anoda kuramba achida kukutevera ivo
Mwari vakusimudza hameno hake.
rega kuva worried nekuti kune vavengi but iwewe chingoziva kuti Mwari
vanogadzira tafura pamberi pevavengi.

Let the enemy live. Muregedze akuvenge and akuitire hutsinye but do
not repay, muratidze rudo munhu iyeye.

 Rega ndipedzise nemashoko aJesu (Matthew 5:43-48)
 “You have heard that it was said, ‘Love your neighbor’ and ‘hate your enemy.’
But I say to you, love your enemy and pray for those who persecute
you, so that you may be like your Father in heaven, since he causes
the sun to rise on the evil and the good, and sends rain on the
righteous and the unrighteous. For if you love those who love you,
what reward do you have? Even the tax collectors do the same, don’t
they? And if you only greet your brothers, what more do you do? Even
the Gentiles do the same, don’t they? So then, be perfect, as your
heavenly Father is perfect.

No comments:

Post a Comment