Monday, 4 November 2013

Parable of the Sower Scripture reading Mark 4:2-9

Jesu aiva netsika yekuTeacher vanhu through maParables but you find kuti akadzidzisa Parable of the sower but haana kuExplainer kuti inorevei. The only people vaakatsanangurira parable iyi where his 12 disciples. Parable yakaudzwa munhu wese but the explanation behind the parable yakaudzwa maDisciples chete. Zvichireva izvo kuti pane imwe Biblical stuff inopihwa munhu wese but only those vanofamba naJesu ndivo vanozobata the actual meaning iripo paStuff iyoyo. Right now even muhedheni kana musatanist anongona kuverenga Bible but akatadza kubata revelation iripo pamusoro peShoko raanoverenga but avo vakagamuchira Jesu ndivo vanogona kubata revelation iripo pamusoro peShoko ravanoverenga.

Ukashaya revelation pamusoro peShoko or the actual meaning, life yako haichinje. Unogona kutoramba kunamata nekuti zvinhu zvacho zvinenge zvisikanzwisisike and it doesn’t make sense. Unorikanda uko Bible rarambwa kunzwisisika. Vamwe vakadzokera kumba vachifunga kuti Jesu anga achiparidza nyaya yekukusha mbeu mumunda but vasingazive kuti there is a revelation behind that parable. So there is need yekuti pava nechizaruko/explanation pamusoro peShoko rega rega kuti munhu ubatsirike, because unogona kufunga kuti verse idzi hadzineyi newe yet it is directed to you.

Mwari vachiti tungamira ndichida kubata iyo nyaya yeParable of the sower in relation to life yedu yemazuva ano and the challenges we face.

Ukazvitarisa the sower (mukushi wembeu) akamwaya mbeu kwese kwese, haana kusarudza area yekumwaya mbeu, kuRoad akakanda, paStony ground, paGood soil and pane minzwa kwese akakanda mbeu. The sower is the preacher, ndivo vaparidzi and maSeeds ndiro shoko raMwari. Mukushi akakanda mbeu yake kwese kwese, zvinoita kunge kusakwana, kuti munhu anokanda mbeu kuRoad, kukanda mbeu kuminzwa, inoita kunge wastage. But the reason it is so, kuitira mangwana kuti road inogona kuComplainer kuti ahh sei musinawo kukanda mbeu pandiri pano, I would have produced results, stony ground inogona kuComplainer kuti sei musina kundipawo mbeu, ndingadai ndakakupai zvibereko. So for fairness sake, mukushi akakanda mbeu to every area.

Ndiyo iriko mazuva ano iyi, shoko raMwari ririkuparidzwa everywhere kuitira kuti musi weJudgement pazoshaiyikwe anofamba achiti aiwa isu vhangeri hatina kurinzwa, kudai takarinzwa tingadai takatendeuka. paRoad pakakandwa mbeu, paRoad nhasi variko vashumiri vari kuparidzwa, paStony ground pakawanawo mbeu, and paminzwa pakawanawo mbeu. Whether iFacebook, whatsapp, twitter, mubhazi, muTrain, wherever you go there is a message of repentance being preached. Ririko vhangeri ririkuparidza kuti parege kuzova nemunhu anoti haana kunzwa shoko.

There are 4 areas dzakawira mbeu and these areas represent 4 maTypes emaChristu/munhu anonzwa shoko wandinoda kubata nezvake.
4 maAreas acho 1-the wayside (kunzira), 2-
Stony ground-murukangarabwe 3- thorns-paminzwa 4 good soil-ivhu rakanaka. So after reading this sermon ask yourself kuti iwewe uri area ipi yakawira mbeu, are you the stony ground or the good soil, are you the way side or the thorns.

Regai tibate area dzacho 1 by 1 ndichitanga neWayside (munzira). We know kuti nzira ndeye kufamba nayo, haazi permanent position yekugara. So the wayside represent type yemuChristu wekuti he/she is always moving spiritually, haana kugadzikana panaMwari. this week anoenda kuChurch, next week anorovha. This week ari kuPrayer next week she is consulting n’anga. Munhu ari undecided zvaanoda chaizvo chaizvo. Instead yekuti ava mukati memumunda, he is on the wayside, kumucheto kwemunda. Mbeu painokandwa in this area, shiri inouya ichinhonga mbeu iyoyo.

shiri represents satan and just after seed ichiwira paWayside, shiri inouya yotora mbeu iyi. Just after the sermon, satan anouya kuzoba shoko iroro mumoyo memunhu. Just after reading the Bible, satan anotora shoko rawaverenga iroro kuti rishaye basa. Note this: shiri haina kuPreventer mbeu kuti isaende paWayside but yakamirira kuti mbeu itange yawira pasi and then it took it. There are times dzekuti satan anokusiya hako uchiparidzirwa but anomirira after sermon kuti atore shoko iroro,.

Satan anokusiya hako uchienda kuChurch but anomirira kana wakudzoka, ndipo paunoona munhu ari muCombi kudzoka kubva kuChurch anotuka hwindi nekuda kwe5 rand, 5 rand here vakomana nevasikana ndiyo inoridzirwa munhu tsamwa and that person arikubva kuChurch kwaaparidzirwa kunzi you must love everyonwe. What is happening? Shiri yatora seed, satan atora shoko rawaparidzirwa mumoyo mako and wasara usisina chinokudzora.

Munhu achibva kuChurch anosvika kumba achipopota zvekuti munoshaya kuti kwakanaka here, munhu achipedza kuverenga Bible, anobuda mumba akananga kuSmall house, akanganwa maVerse ari kumuudza kuti tiza chivi, the reason why zvichidaro inyaya yekuti shiri yauya ikatora mbeu, satan auya akatora shoko rawanzwa, ukasara usisina control.

Ukaona uri munhu wekuti just after church or just after prayer or reading your Bible you go on to sin, you go on kunoita zvinyangadzo, chibva waziva kuti uri paWayside, uri kunzira, uko kunouya kuchidyiwa neShiri. And zvakuda kuti usanduke kubva paArea iyoyo. Train your mind kuti ugare uchirarama shoko rawaparidzirwa, endawo kuChurch neNotebook nePen uchipota uchitora maNotes so that kana wava wega kumba you can go thru zvawanzwa so that you can firmly grasp it. Kana riri dvd/cd reMharidzo, play it again and again kuti unyatsokubate zvirimushoko. meditate on the word of GOD day and night, preach to yourself, wakangogara hako muCombi uri zii, paridza vhangeri nechemumoyo mako, speak scriptures to your life, zviiudze wega kuti this is wrong, this is right. Zvekuti satan paanoda kukubira shoko rawanzwa, he can not do so, nekuti wakaribata zvinesimba.
The 2nd area yakawira mbeu is the stony ground (murukangarabwe) and mbeu dzakakurumidza kumera but nechikonzero chekuti painge pasina ivhu rakawanda root development yainge yakaneta, zuva ndokupisa and the plant died. Aya ndiwo andingati maGospel fanatics, vanofarira vhangeri stereki but anokurumidza kuBackslider. kuChurch haarovhe, all night haarovhe, Bible rake haatadze kuverenga, he likes the gospel stereki but haana midzi dzinoenda kure. Pese panoparidzwa anofara zvisingaite, inenge ingori amen amen, yes, fambai munhu waMwari, ipapo mufundisi, even achipedza kuverenga Mharidzo ino haaregi kuti amen, but handei pakurarama shoko raparidzwa, ndipo pane nyaya.

Bible rabuda pachena kuti mbeu dzakamera nekukurumidza, but even though zvakadaro, the plant yakarohwa nezuva ikafa. paStony ground hapana ivhu rakawanda so plant haigone kuita midzi inodzika pasi stereki and when the sun comes plant inowoma nekuti midzi dzayo hadzina kwekuwana mvura. Uyu iType yemutendi anofarira hake shoko raMwari but haana maRoots anogona kudzika pasi pasi kunotsvaga mvura, haana faith inogona kudzika kuzasi zasi kweChristu in order to find comfort kana zvinhu zvanetsa.

Mbeu iyi yepaStony ground inotombo simuka but after some time kana zuva richinge rapisa, it dies. Vhangeri rinotomboita maResults pane umwe munhu but 2 weeks down the line anodzokera futi muzvinhu zvaainge amborega, anodzokera futi muzvinhu zvaaimbenge asiya. Mbeu iyi yakapiswa nezuva, and zuva represents persecution. So tine imwe type yemaChristu vekuti when they are persecuted by the devil they give up. Nhasi anogona kuparidza shoko but kana satan akasimudza vamwe vanhu vanomupikisa, he then gives up. Kungoita munhu 1 chete anopikisa basa raMwari raanoda kuita, he quits. Pakangoita munhu anomushora kuti voice renyu vasikana iri hariite kuimba muChoir, she easily gives up.

Chikonzero, haana midzi inoenda kure. Kana uri type iyi yekuti nhasi unofarira kubata basa raMwari, unofarira kunzwa shoko but a week down the line you give up. Chiri kuita kuti udaro is that you lack roots which you can go deeper to look for water (solutions) when the sun gets hot. Zvino chitotanga kudzika midzi, grow in faith, and whatever challenge inouya munzira mako rega kutya but ramba wakamira panaJesu, vangashore, vangataure zvavanoda but iwe ramba uchiita zvinodiwa naMwari.
The 3rd area yakawira mbeu was on the thorns, pane minzwa. minzwa ikakura ikavhunga mbeu, it chocked the seed. Minzwa ndiwo maChallenges emunyika, kufunganya kwehupenyu huno, kunyengera kwohupfumi nezvimwe.
main problem iripo paArea apa, is competition, pane makwikwi aripo pakati pembeu and minzwa. Iyo ndiyo type yemutendi wekuti shoko raanonzwa rinogara riri paCompetition nezvinhu zvemunyika. Vhangeri rekuti porno yakaipa, siyanai nayo, arinzwa hake but pane competition yekuti anoda kufadza nyama yake.


Nyaya yekuti humbavha wakaipa ainzwa, but there is a competition nemakaro ake ekupfuma. Vhangeri rekuti usarove mukadzi arinzwa hake but there is a competition neshamwari dzake dzinomufurira kuti mukadzi anofanira kurohwa kuti apinde mugwara. The seed and the thorns are competing for sunlight, water and oxygen and chinorohwa ipapo imbeu, nekuti ava ana minzwa vane experience uye vanobaya.

Hama yangu, mufaro wemunyika unofunga kuti ungaupedze here, can you compete with the word ukakunda. Minzwa iyi yagara iripo kare mumunda umu, inokurova neExperience. Joy yese yaunoda yemunyika iyi yagara iriko iwe usati wavako and hapana paunoikunda, the best is to leave it. ibva paminzwa apo.

Paminzwa apa panoRepresenter muChristu anonyanyo kufunganya about life, heee mari dzacho hadzisi kubatana, maSchool fees evana, mari yeRent, maBills emaghetsi, kaSalary kacho dai vawedzera. Too much worrying zvekuti kufunganya ikoko becomes a thorn which will fight against your faith. Nekuti ukada kufunga kuti sure can I get out of this situation unonyatsoona wega kuti umm it cant, zvangu zvanyanya. Kufunganya ndiko kwava munzwa uri kuChocker faith yako.

 Why should you worry about tomorrow, Tarirai shiri dzinobhururuka, hadzidyari kana kukohwa kana kuisa zvokudya mumatura, asi Baba venyu vari kudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamuna kukosha kudzipfuura nokure kwazvo here? “Ko, munofunganyirei pamusoro pezvokupfeka? Tarirai kuti maruva esango anokura sei? Haashandi kana kuruka. Zvino kana Mwari achishongedza saizvozvo

uswa hwesango huripo nhasi uye mangwana huchizokandwa mumoto, haangakushongedzei kupfuura izvi here, imi vokutenda kuduku?

Naizvozvo musafunganya muchiti, ‘Tichadyei?’ kana kuti, ‘Tichanwei?’ kana ‘Tichapfekei?’ Izvi ndizvo zvinoitwa navahedheni, nokuti Baba venyu vari kudenga vanoziva kuti munoda zvinhu izvi. Asi tangai kutsvaka umambo hwake nokururama kwake, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwawo kwamuri. Naizvozvo musafunganya nezvamangwana nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo. Zuva rimwe nerimwe rine nhamo dzaro dzakarikwanira.

Stop worrying.

The 4th area yakawira mbeu the good soil is what we should all aim to be. Mbeu yakawira apa ndiyo yega yakagona kuProducer maResults, imwe yakabereka 30 fold imwe 60 fold and imwe 100 fold. Good soil rakanakira kuti mbeu ine space yekudzika midzi yavyo. Aim to be that Christian wekuti whenever the gospel is sowed in your heart, it can create maRoots anodzika dzika and you can produce results. Uyu ndiye muChristu wekuti anonzwa uye nekuita zvinodiwa neShoko raMwari.

He resists all maChallenges anotambudza vamwe, shiri haina kugona kumubira mbeu yake (satan haana kugona kuba vhangeri raparidzwa), zuva harina kugona kumukanganisa (persecution haana kugona kumubvisa pabasa raMwari), minzwa hayaigona kusvika pane mbeu yake (worrying about life and the love of money haina kumubata). Ramba kubviswa panaMwari netunhu tusina basa rese rese, shuwa kuramba kuenda kuChurch nekuti wakasekwa nanhingi, kuramba kunamata nekuti sugar yakwidzwa ne5 cents, kuramba kunamata nekuti hanzi maProblems aramba kupera, come on mhani. Refuse kudzikisirwa pasi nasatan or any other challenge.

Ndichipedzisa I want you to get this paNyaya yeGood soil, mbeu hadzina kubuditsa maResults akafanana. Imwe yakabuditsa 30 fold, another 60 fold and another 100 fold. Same seed type, same field, same water, same everything but different results. Yes its normal, kuti tinonzwa same vhangeri, same Bible, same GOD, same Spirit but we can produce different results. So don’t try kuda kuita competition kuti vamwe vanopofita, ko ini sei ndisinga porofite, vamwe maChristu vane mota, ko ini sei ndiine bhasikoro. Ah ah, its not a contest, haizi competition. Lazarus murombo naAbraham mupfumi but inga wani there are in the same heaven.

Chikuru is to produce maResults anofadza Mwari than kuda kupinda paCompetition yekuda kukunda mumwe mutendi. Vamwe they produce 30 fold, vamwe 60 fold, and vamwe 100 fold. So dzidza kuAccepter position yawakaiswa naMwari than kuda kupinda paCompetition. And kana uri type inoProducer 100 fold, rega kutarisa vamwe pasi. Humble yourself nekuti hakuzi kugona kwako but inyasha dzaMwari.

sarudzo ndeyako, whether you want to be the wayside, the stony ground, among the thorns or the good soil.

No comments:

Post a Comment